Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
40 Ndakatarisira kuna Jehovha nemwoyo wese,*
Uye akarerekera nzeve yake kwandiri,* akanzwa kuchemera kwangu kubatsirwa.+
2 Akandibudisa mugomba rine mvura ine ruzha,
Mumadhaka anotsvedza.
Uye akaisa tsoka dzangu pamusoro pedombo;
Akasimbisa pandakanga ndakatsika.
Vazhinji vachatarisa vachishamiswa
Uye vachavimba naJehovha.
4 Anofara munhu anovimba naJehovha
Uye asingavimbi nevanhu vasingateereri kana kuti vanhu venhema.
5 Chokwadi makaita zvinhu zvizhinji,
Haiwa Jehovha Mwari wangu,
Mabasa enyu anoshamisa mazhinji uye zvamunofunga nezvedu zvakawanda.+
Hakuna mumwe angaenzaniswa nemi;+
Kudai ndaida kuedza kuarondedzera uye kutaura nezvawo,
Aizondiwandira zvekutadza kuatsanangura!+
Hamuna kukumbira zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvechivi.+
7 Ndakabva ndati: “Onai, ndauya.
Mubhuku makanyorwa nezvangu.+
9 Ndinozivisa mashoko akanaka ekururama muungano yakakura.+
Onai! Handivhari miromo yangu,+
Sezvamunonyatsoziva Jehovha.
10 Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu.
Ndinozivisa kutendeka kwenyu neruponeso rwenyu.
Handivanzi rudo rwenyu rusingachinji uye chokwadi chenyu muungano yakakura.”+
11 Haiwa Jehovha, musarega kundinzwira tsitsi.
Rudo rwenyu rusingachinji uye chokwadi chenyu ngazvigare zvichindichengetedza.+
12 Matambudziko akandikomba akawanda zvekusaverengeka.+
Zvikanganiso zvangu zvakawanda zvekunditadzisa kuona nzira yangu;+
Zvakawanda kupfuura bvudzi remusoro wangu,
Uye ndaora mwoyo.
13 Haiwa Jehovha, ivai nechido chekundiponesa.+
Haiwa Jehovha, kurumidzai kuzondibatsira.+
Dai vaya vanofarira dambudziko rangu
Vakadzokera vachinyara.
15 Dai vaya vari kuti kwandiri: “Tsvatu waro! Tsvatu waro!”
Vakavhundutswa nenyadzi dzavo.
Vaya vanoda mabasa enyu ekuponesa ngavagare vachiti:
“Jehovha ngaakudzwe.”+
17 Asi ini handina simba uye ndiri murombo;
Jehovha ngaafungewo nezvangu.