Mapisarema
Kumutungamiriri; rweJedhutuni.*+ Rwiyo rwaDhavhidhi.
Ndichachengetedza muromo wangu nematomu+
Chero bedzi munhu akaipa ari pamberi pangu.”
2 Ndakava mbeveve uye ndakanyarara;+
Ndakaramba ndakanyarara, ndisingatauri kunyange zvakanaka,
Asi marwadzo angu akanga akanyanya.
3 Mwoyo wangu wakatsva mukati mangu.
Pandaifungisisa,* moto wakaramba uchibvira.
Rurimi rwangu rwakabva rwataura kuti:
4 “Jehovha, ndibatsireiwo kuziva kuti ndichaguma sei,
Uye yerai mazuva angu,+
Kuti ndizive kuti upenyu hwangu hupfupi zvakadii.
5 Chokwadi, makaita kuti mazuva angu angova mashomanana;+
Uye upenyu hwangu hachisi chinhu pamberi penyu.+
Chokwadi munhu wese, kunyange achiita seakachengeteka, anongova mhepowo zvayo inofemwa.+ (Sera)
6 Chokwadi munhu wese anofamba-famba semumvuri.
Anomhanya-mhanya* pasina.
Anounganidza pfuma asi asingazivi kuti ndiani achaidya.+
7 Saka chii chandingatarisira, nhai Jehovha?
Ndimi mega tariro yangu.
8 Ndiponesei pakudarika kwangu kwese.+
Musaita kuti benzi rindizvidze.
10 Bvisai dambudziko ramakaisa pandiri.
Ndapera nekuti ruoko rwenyu ruri kundirova.
11 Munoruramisa munhu nekumuranga kana akanganisa;+
Sechitemamachira,* munoparadza zvinhu zvaanokoshesa.
Chokwadi munhu wese imhepo zvayo inofemwa.+ (Sera)
Musaita semusiri kuona misodzi yangu.
Nekuti ndinongova hangu mutorwa kwamuri,+
Munhu ari kungopfuurawo zvake, sezvakangoita madzitateguru angu ese.+
13 Bvisai pandiri ziso renyu rakatsamwa, kuti ndifarewo
Ndisati ndapfuura uye ndisisipo.”