Rwiyo rwaSoromoni
7 “Tsoka dzako dzakanaka chaizvo dziri mushangu dzako,
Iwe mwanasikana anoremekedzwa!
Zvidya zvako zvakaumbika sezvishongo,
Basa remaoko emhizha.
2 Guvhu rako rakaita sendiro yeraundi.
Waini yakasanganiswa ngairege kushayikwa pariri.
Dumbu rako rakaita semurwi wegorosi,
Wakatenderedzwa nemaruva.
4 Mutsipa wako+ wakaita seshongwe yenyanga dzenzou.+
Mhino yako yakaita seshongwe yekuRebhanoni,
Yakatarisa kuDhamasiko.
Mambo anotorwa mwoyo nekuyerera kwarinoita.
6 Wakanaka chaizvo, uye unofadza,
Iwe musikana anodiwa, kupfuura zvinhu zvese zvinofadza kwazvo!
8 Ndakati, ‘Ndichakwira mumuchindwe
Kuti ndibate mapazi awo ane michero.’
Mazamu ako ngaaite semasumbu emazambiringa,
Kufema kwako ngakunhuhwirire semaapuro,
“Ngaidzike ichitsvedzerera nekuda kwemudiwa wangu,
Ichiyerera zvinyoronyoro pamiromo yevakarara.
12 Ngatimukirei tiende kuminda yemizambiringa,
Tinoona kana mizambiringa yakatungira,
Kana maruva akatumbuka,+
Kana mipomegraneti yava nemaruva.+
Ndichakuratidza kuti ndinokuda sei tiri ikoko.+
13 Mamandireki+ ari kunzwika kunhuhwirira kwawo;
Pamasuo edu pane michero yakasiyana-siyana yakanakisisa.+
Mudiwa wangu, ndakuchengetera
Ichangobva kutemhwa neyakatemhwa kare.