Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
31 Ndakapotera kwamuri, haiwa Jehovha.+
Itai kuti ndisanyadziswa.+
Ndinunurei nekuti makarurama.+
2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri.*
Kurumidzai kundinunura.+
Ivai nzvimbo yangu yekupotera iri pagomo,
Nzvimbo yakasimba inondiponesa.+
3 Nekuti muri ibwe rangu nenhare yangu;+
Muchanditungamirira uye muchandiratidza nzira nekuda kwezita renyu.+
5 Ndinoisa mweya wangu* muruoko rwenyu.+
Makandidzikinura, haiwa Jehovha, Mwari anotaura chokwadi.*+
6 Ndinovenga vaya vakazvipira kuzvidhori zvisingabatsiri, zvisina maturo,
Asi kana ndiri ini, ndinovimba naJehovha.
7 Ndichafara zvikuru nerudo rwenyu rusingachinji,
Nekuti makaona kutambudzika kwangu;+
Munoziva zvinondinetsa mumwoyo mangu.*
9 Ndinzwireiwo nyasha Jehovha, nekuti ndiri kutambudzika.
Kurwadziwa zvakanyanya kwaita kuti maziso angu ashaye simba,+ nemuviri wangu wese.+
Simba rangu riri kupera nemhaka yechivi changu;
Mapfupa angu ari kupera simba.+
Uye ndava kutyiwa nevanhu vekuziva;
Pavanondiona paruzhinji, vanonditiza.+
12 Handisisiri mumwoyo mavo* uye ndakanganwika, sekunge ndakafa;
Ndava kunge mudziyo wakaputsika;
13 Ndakanzwa mashoko akaipa akawanda ari kutaurwa nevanhu;
Ndakakombwa nezvinotyisa.+
14 Asi ini ndinovimba nemi, haiwa Jehovha.+
Ndinoti: “Ndimi Mwari wangu.”+
15 Mazuva angu ari muruoko rwenyu.
Ndinunurei paruoko rwevavengi vangu nepavanhu vari kunditambudza.+
16 Itai kuti chiso chenyu chipenye pamushumiri wenyu.+
Ndiponesei nerudo rwenyu rusingachinji.
17 Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa pandinodana kwamuri.+
18 Miromo yenhema ngaishayiwe chekutaura,+
Miromo inotaura nezvevakarurama ichizvikudza, ichizvitutumadza uye ichizvidza.
19 Kunaka kwenyu kwakakura zvechokwadi!+
Makakuchengetera vaya vanokutyai,+
Uye makakuratidza pamberi pevanhu vese, muchiitira vaya vanopotera kwamuri.+
20 Muchavavanza munzvimbo yenyu yakavanda+
Kuti vasarongerwa zvakaipa nevanhu;
Muchavaviga mutende renyu
21 Jehovha ngaarumbidzwe,
Nekuti akandiratidza rudo rusingachinji+ nenzira inoshamisa muguta rakakombwa.+
22 Kana ndiri ini, ndakatanga kutya ndikati:
“Ndichaparara pamberi penyu.”+
Asi makanzwa kuteterera kwangu pandaichema kwamuri kuti mundibatsire.+