Bhuku Rekutanga raSamueri
21 Gare gare Dhavhidhi akasvika kuNobhu+ kumupristi Ahimereki. Ahimereki akatanga kudedera paakasangana naDhavhidhi, uye akati kwaari: “Nei uri wega usina mumwe munhu?”+ 2 Dhavhidhi akapindura mupristi Ahimereki achiti: “Pane zvandanzi naMambo ndiite, asi ati, ‘Usaita kuti mumwe munhu azive chero chii zvacho pamusoro penyaya yandiri kukutuma uye zvandakurayira.’ Ndarangana nevakomana vangu kuti tisangane pane imwe nzvimbo. 3 Kana muine zvingwa zvishanu, chingondipai, kana kuti ndipei chero chamuinacho.” 4 Asi mupristi wacho akapindura Dhavhidhi achiti: “Handina chingwawo zvacho pano, asi pane chingwa chitsvene,+ chero bedzi vakomana vacho vasina kurara nevakadzi.”*+ 5 Dhavhidhi akapindura mupristi wacho achiti: “Hatina kumborara nevakadzi kungofanana nepamwe pese pandaienda kuhondo.+ Kana miviri yevarume vacho ichimbova mitsvene pavanotumwa zvimwewo zvinhu, nhasi inotova mitsvene kupfuura pamwe pese!” 6 Mupristi wacho akabva amupa chingwa chitsvene,+ nekuti pakanga pasina chimwe chingwa kunze kwechingwa chekuratidza chakanga chabviswa pamberi paJehovha. Pazuva rachakabviswa, chingwa chacho chainge chatsiviwa nechimwe chainge chichangobva kubikwa.
7 Zuva iroro, paiva nemumwe wevaranda vaSauro, uyo akanga anzi ambomira kubva pamberi paJehovha. Ainzi Dhoegi+ muEdhomu,+ uye aiva mukuru wevafudzi vaSauro.
8 Dhavhidhi akabva ati kuna Ahimereki: “Mune pfumo here kana bakatwa pano? Handina kuuya nebakatwa rangu kana zvombo zvangu nekuti zvandatumwa namambo zvanga zvichida kuitwa nekukurumidza.” 9 Mupristi wacho akabva ati: “Bakatwa raGoriyati+ muFiristiya wawakauraya muBani reEraa+ riri pano, rakaputirwa nejira kuseri kweefodhi.*+ Kana uchida kuritora, ritore hako, nekuti ndiro chete riri pano.” Dhavhidhi akati: “Hapana rimwe rakafanana naro. Ndipei iroro.”
10 Zuva iroro Dhavhidhi akasimuka, akaramba achitiza+ Sauro, uye akazosvika kuna Akishi mambo weGati.+ 11 Varanda vaAkishi vakati kwaari: “Uyu haasi Dhavhidhi mambo wenyika yaanogara here? Haasi iye here wavakaimba nezvake vachitamba, vachiti,
‘Sauro akauraya zviuru zvake,
Uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?”+
12 Dhavhidhi akafunga nezvemashoko avo, uye akatanga kutya+ Akishi mambo weGati zvikuru. 13 Saka akanyepedzera kupenga,+ akatanga kuita searasika pfungwa pakati pavo.* Aimara-mara pamasuo egedhi, uye airega masiriri achiyerera pandebvu dzake. 14 Akishi akazoti kuvaranda vake: “Muri kuona kuti munhu uyu ari kupenga! Mauyirei naye kwandiri? 15 Ndapererwa nemapenzi here zvekuti ndingade kuti munhu uyu apengere pamberi pangu? Munhu akadai angapinda mumba mangu here?”