Tsamba Yechipiri kuvaKorinde
13 Aka kava kechitatu ndichiuya kwamuri. “Nyaya dzese dzinofanira kutongwa papiwa uchapupu nevanhu vaviri kana vatatu.”*+ 2 Kunyange zvazvo ndisipo iye zvino, zvinoita sekuti ndiripo kechipiri, uye ndiri kugara ndayambira vaya vakamboita chivi uye vamwe vese, kuti kana ndikauya ikoko handisi kuzovasiya, 3 sezvo muri kutsvaga uchapupu hwekuti Kristu, uyo wamusingaoni semunhu asina simba, asi semunhu ane simba pakati penyu, ari kutaura achishandisa ini. 4 Nekuti iye akarovererwa padanda nekuda kwekusava nesimba, asi mupenyu pamusana pesimba raMwari.+ Ichokwadi kuti isuwo hatina simba pamwe chete naye, asi tichararama pamwe chete+ naye pamusana pesimba raMwari raari kukuratidzai.+
5 Rambai muchizviedza kuti muone kana muri pakutenda; rambai muchizviedza kuti makamira sei.+ Hamuzivi here kuti Jesu Kristu ari pamwe nemi? Kunze kwekunge musingafarirwi naMwari. 6 Ndinovimba zvechokwadi kuti muchazviona kuti tinofarirwa naMwari.
7 Iye zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti pasava nechakaipa chamunoita, kwete kuti isu tizviite sevanhu vanofarirwa nevamwe, asi kuti muite zvakanaka, kunyange isu tingaita sevanhu vasingafarirwi nevamwe. 8 Nekuti hapana chatinogona kuita chinopesana nechokwadi, asi tinongoita chete zvinotsigira chokwadi. 9 Chokwadi tinofara pese patinenge tisina simba asi imi muine simba. Uye tinonyengeterera kuti mururamiswe. 10 Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuzoshandisa zvakanyanya simba randakapiwa naShe,+ kuti ndikuvakei kwete kukuputsai.
11 Hama dzangu regai ndipedzise nekuti rambai muchifara, muchiruramiswa, muchinyaradzwa,+ muchibvumirana pakufunga,+ muchigara muine rugare;+ uye Mwari werudo newerugare+ achava nemi. 12 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. 13 Vatsvene vese vanokukwazisai.
14 Nyasha dzaShe Jesu Kristu nerudo rwaMwari nekuwadzana mumweya mutsvene ngazvive nemi mese.