Bhuku Rechipiri raSamueri
19 Joabhi akaudzwa kuti: “Mambo ari kusvimha misodzi, achichema Absaromu.”+ 2 Saka kukunda kwavakaita zuva iroro kwakachinja kukava kuchema kwevanhu vese, nekuti vakanzwa kuti mambo aichema mwanakomana wake. 3 Vanhu vakadzokera muguta+ chinyararire zuva iroro, sezvinoita vanhu vanenge vachinyara nekuti vatiza kuhondo. 4 Mambo akafukidza chiso chake, akaramba achichema nenzwi guru achiti: “Mwanakomana wangu Absaromu! Absaromu mwanakomana wangu, mwanakomana wangu kani!”+
5 Joabhi akabva apinda mumba maiva namambo akati: “Nhasi manyadzisa varanda venyu vese vakuponesai imi nevanakomana venyu, nevanasikana venyu,+ nemadzimai enyu,+ nevarongo venyu.+ 6 Munoda vaya vanokuvengai muchivenga vaya vanokudai, nekuti maratidza pachena nhasi kuti vakuru vehondo nevaranda venyu hamuna kana basa navo, nekuti ndine chokwadi chekuti kudai Absaromu anga ari mupenyu nhasi asi isu tese tafa, maizofara. 7 Zvino simukai, budai musimbise varanda venyu, nekuti ndinopika naJehovha kuti kana mukasadaro, hapana kana murume achasara nemi usiku hwanhasi. Zvinhu zvichakuipirai kupfuura zvese zvakakuwirai kubvira muchiri mudiki kusvikira iye zvino.” 8 Saka mambo akasimuka akanogara pagedhi reguta, uye vanhu vese vakaudzwa kuti: “Mambo agara pagedhi.” Vanhu vese vakabva vauya pamberi pamambo.
Asi vaIsraeri vakanga vatiza, mumwe nemumwe achienda kumba kwake.+ 9 Vanhu vese vemadzinza ese aIsraeri vakanga vachiitisana nharo vachiti: “Mambo ndiye akatiponesa pavavengi vedu,+ uye akatinunura pavaFiristiya; asi iye zvino atiza munyika pamusana paAbsaromu.+ 10 Absaromu watakazodza kuti atitonge+ afira muhondo.+ Saka nei pasina chamuri kuita kuti mudzose mambo?”
11 Mambo Dhavhidhi akatumira shoko kuvapristi Zadhoki+ naAbhiyatari,+ achiti: “Taurai nevakuru veJudha+ muchiti, ‘Nei muchifanira kuva vekupedzisira kudzosa mambo kumuzinda wake, iro shoko revaIsraeri vese rasvika kuna mambo kumba kwake? 12 Muri hama dzangu; muri pfupa rangu nenyama yangu. Nei muchifanira kuva vekupedzisira kudzosa mambo?’ 13 Muti kuna Amasa,+ ‘Hausi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana iwe ukasava mukuru weuto rangu panzvimbo paJoabhi kubva iye zvino zvichienda mberi.’”+
14 Saka akaita kuti mwoyo yevarume vese veJudha imufarire, uye ivo vakatumira shoko kuna mambo vachiti: “Dzokai, imi nevaranda venyu vese.”
15 Mambo akabva asimuka kuti adzokere, akasvika paJodhani, uye vaJudha vakasvika kuGirigari+ kuti vachingure mambo uye vamuyambutse Jodhani. 16 Shimei+ mwanakomana waGera, muBhenjamini aibva kuBhahurimu, akabva akurumidza kudzika pamwe chete nevarume veJudha kuti anochingura Mambo Dhavhidhi, 17 aine varume 1 000 vekwaBhenjamini. Zibha+ mushandi weimba yaSauro akabva akurumidza kudzikawo kuJodhani mambo asati asvika ikoko, uye aiva nevanakomana vake 15 nevaranda vake 20. 18 Akayambuka* pazambuko racho kuti ayambutse imba yamambo uye kuti aite zvese zvaidiwa namambo. Mambo paakanga ava kuda kuyambuka Jodhani, Shimei mwanakomana waGera akapfugama pamberi pamambo, akadzikisa musoro wake. 19 Akati kuna mambo: “Ishe wangu ngaarege kundipa mhosva, uye musayeuka zvakaipa zvakaitwa nemuranda wenyu+ zuva rakabuda ishe wangu mambo muJerusarema. Mambo ngaarege kuzvichengeta mumwoyo make, 20 nekuti muranda wenyu anonyatsoziva kuti akatadza; saka nhasi ndini ndaita wekutanga paimba yese yaJosefa kuuya kuzochingura ishe wangu mambo.”
21 Abhishai+ mwanakomana waZeruya+ akabva ati: “Shimei haafaniri kuurayirwa izvi here, nekuti akatuka muzodziwa waJehovha?”+ 22 Asi Dhavhidhi akati: “Ko zvinei nemi nhai vanakomana vaZeruya,+ kuti nhasi muite zvinopesana nezvandinoda? Pane munhu anofanira kuurayiwa here pakati paIsraeri nhasi? Handizivi here kuti nhasi ndiri mambo weIsraeri?” 23 Mambo akabva ati kuna Shimei: “Hausi kuzofa.” Uye mambo akaita mhiko kwaari.+
24 Mefibhosheti+ muzukuru waSauro akauyawo kuzochingura mambo. Akanga asina kumbogeza tsoka dzake kana kugera ndebvu dzake* kana kugeza nguo dzake kubvira pazuva rakaenda mambo kusvikira pazuva raakadzoka nerugare. 25 Paakasvika* kuJerusarema kuzochingura mambo, mambo akati kwaari: “Mefibhosheti, wakaregererei kuenda neni?” 26 Iye akati: “Ishe wangu mambo, mushandi wangu+ akandinyengedza. Nekuti muranda wenyu akanga ati, ‘Ndiisire chigaro padhongi rangu kuti ndiritasve, ndiende namambo,’ nekuti muranda wenyu akaremara.+ 27 Asi iye akanyepera muranda wenyu kunashe wangu mambo.+ Zvisinei, ishe wangu mambo akaita sengirozi yaMwari wechokwadi, saka itai chero zvamunoona zvakanaka. 28 Imba yese yababa vangu ingadai yakaurayiwa nashe wangu mambo, asi makatoisa muranda wenyu pane vaya vanodya patafura yenyu.+ Saka ini ndine kodzero yekuramba ndichichema kuna mambo here?”
29 Asi mambo akati kwaari: “Ucharambirei uchingotaura nyaya yacho? Ndasarudza kuti iwe naZibha mugovane munda.”+ 30 Mefibhosheti akabva ati kuna mambo: “Ngaatore hake wese, sezvo ishe wangu mambo adzoka kumba kwake murugare.”
31 Zvino Bhazirai+ muGiriyedhi akadzika kunharaunda yaJodhani achibva kuRogerimu kuti aperekedze mambo kusvika kurwizi. 32 Bhazirai akanga akwegura, ava nemakore 80, uye akapa mambo zvekudya paaigara muMahanaimu,+ nekuti akanga akapfuma chaizvo. 33 Saka mambo akati kuna Bhazirai: “Ngatiyambuke tese, uye ndichakupa zvekudya muJerusarema.”+ 34 Asi Bhazirai akati kuna mambo: “Ndichine mazuva* manganiko andichararama zvekuti ndingaenda namambo kuJerusarema? 35 Iye zvino ndava nemakore 80.+ Ndichagona kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa here? Ini muranda wenyu ndichagona kuravidza zvandinodya nezvandinonwa here? Ndichagona kuteerera inzwi revaimbi vechirume nevechikadzi here?+ Saka nei muranda wenyu achifanira kuwedzera mutoro kuna ishe wangu mambo? 36 Kutoperekedza mambo kusvika paJodhani kwaitwa nemuranda wenyu kwakatokwana. Mambo angadirei kundibhadhara nemubayiro wakadai? 37 Regai muranda wenyu adzokere, uye regai ndifire muguta rangu pedyo nenzvimbo yemakuva yababa vangu naamai vangu.+ Asi hoyu muranda wenyu Kimhamu.+ Ngaayambuke nashe wangu mambo, uye munogona kumuitira zvamunoona kuti zvakanaka.”
38 Saka mambo akati: “Ndichayambuka naKimhamu, uye ndichamuitira zvaunoona kuti ndizvo zvakanaka; ndichakuitira chero chaunondikumbira.” 39 Vanhu vese vakabva vatanga kuyambuka Jodhani, uye mambo paakayambuka akatsvoda Bhazirai,+ akamukomborera; Bhazirai akabva adzokera kumba kwake. 40 Mambo paakayambuka achienda kuGirigari,+ Kimhamu akayambuka naye. Vanhu vese veJudha nehafu yevanhu veIsraeri vakayambutsa mambo.+
41 Varume vese veIsraeri vakabva vauya kuna mambo vakati kwaari: “Nei hama dzedu, ivo varume veJudha, vaita zvekukuverevedzai vakayambutsa mambo Rwizi rwaJodhani neimba yake, nevarume vese vaDhavhidhi?”+ 42 Varume vese veJudha vakapindura varume veIsraeri vachiti: “Nekuti tiri hama dzamambo.+ Nei zvakutsamwisai? Pane chamambo chatambodya here, kana chipo chatapiwa?”
43 Asi varume veIsraeri vakapindura varume veJudha vachiti: “Tiri madzinza 10 muumambo, saka Dhavhidhi ndewedu kukupfuurai. Saka nei matizvidza? Hatisisu taifanira kuva vekutanga kudzosa mambo wedu here?” Asi shoko revarume veJudha rakakunda* shoko revarume veIsraeri.