RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 VaTesaronika 2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 VaTesaronika

      • Ushumiri hwaPauro muTesaronika (1-12)

      • VaTesaronika vanogamuchira shoko raMwari (13-16)

      • Pauro anoshuva kuona vaTesaronika (17-20)

1 VaTesaronika 2:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 17:1, 4

1 VaTesaronika 2:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “tichitambudzika zvikuru.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 16:12, 22-24
  • +Mab 17:1, 2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Akakurukura Navo Achivabatsira Kunzwisisa Magwaro”

    bt chits. 17 ndim. 1-3

    Unogona Kutsungirira Kana Vanhu Vachikutambudza

    lff chidzidzo 59 pfungwa 2

    Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi

    w09 7/15 p. 20 ndim. 4

    Kuita Ushumiri Hwepaimba Neimba Pasinei Nokuti Hwakaoma

    w08 7/15 pp. 8-9

    Ngativei Vaya Vane Kutenda

    w99 12/15 pp. 23-24 ndim. 16-18

    Vakava Vasingatyi

    w99 12/15 p. 25

1 VaTesaronika 2:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 17:3; Jer 11:20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nyaradzwa Nekuziva Kuti Jehovha Anokufarira

    w24.03 p. 30 ndim. 16

1 VaTesaronika 2:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 20:33

1 VaTesaronika 2:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2VaK 11:9; 2VaT 3:8, 10

1 VaTesaronika 2:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shumira Mwari Nepfungwa Inoda

    w00 11/15 p. 22

    Vakuru—Batai Boka raMwari Nounyoro!

    w89 9/15 p. 17 ndim. 8

1 VaTesaronika 2:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya yedu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joh 15:13
  • +Joh 13:35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Ndinofara Kuti Ndakasarudza Basa Rakanaka

    lfs nyaya 20 ndim. 17-21

    Shumira Mwari Nepfungwa Inoda

    w00 11/15 p. 22

1 VaTesaronika 2:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 18:3; 20:34; 2VaK 11:9; 2VaT 3:8, 10

1 VaTesaronika 2:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 20:31
  • +1VaK 4:15

1 VaTesaronika 2:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaE 4:1; VaK 1:10; 1Pe 1:15
  • +Ru 22:28-30
  • +1Pe 5:10

1 VaTesaronika 2:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaT 1:2, 3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Bhaibheri Ishoko Ratakatumirwa naMwari

    lff chidzidzo 5 pfungwa 1-6

1 VaTesaronika 2:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 17:5

1 VaTesaronika 2:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mab 2:22, 23; 7:52
  • +Mt 23:34

1 VaTesaronika 2:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 11:52; Mab 13:49, 50
  • +VaR 1:18

1 VaTesaronika 2:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1VaT 5:23; 2VaT 1:4

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 VaT. 2:1Mab 17:1, 4
1 VaT. 2:2Mab 16:12, 22-24
1 VaT. 2:2Mab 17:1, 2
1 VaT. 2:4Zvi 17:3; Jer 11:20
1 VaT. 2:5Mab 20:33
1 VaT. 2:62VaK 11:9; 2VaT 3:8, 10
1 VaT. 2:8Joh 15:13
1 VaT. 2:8Joh 13:35
1 VaT. 2:9Mab 18:3; 20:34; 2VaK 11:9; 2VaT 3:8, 10
1 VaT. 2:11Mab 20:31
1 VaT. 2:111VaK 4:15
1 VaT. 2:12VaE 4:1; VaK 1:10; 1Pe 1:15
1 VaT. 2:12Ru 22:28-30
1 VaT. 2:121Pe 5:10
1 VaT. 2:131VaT 1:2, 3
1 VaT. 2:14Mab 17:5
1 VaT. 2:15Mab 2:22, 23; 7:52
1 VaT. 2:15Mt 23:34
1 VaT. 2:16Ru 11:52; Mab 13:49, 50
1 VaT. 2:16VaR 1:18
1 VaT. 2:191VaT 5:23; 2VaT 1:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 VaTesaronika 2:1-20

Tsamba Yekutanga kuvaTesaronika

2 Hama, munonyatsoziva kuti kukushanyirai kwatakaita hakuna kushaya zvibereko.+ 2 Nekuti kunyange zvazvo takambotambura pakutanga uye takanyadziswa kuFiripi+ sezvamunoziva, takazvishingisa tichibatsirwa naMwari wedu kuti tikuudzei mashoko akanaka aMwari+ tichipikiswa zvakaoma.* 3 Nekuti zvatinokukurudzirai kuita hazvisi zvekukurasai uye hazvibvi papfungwa dzekusachena kana dzeunyengeri, 4 asi sezvo Mwari akati takakodzera kupiwa basa rekuzivisa mashoko akanaka, tinotaura tisingafadzi vanhu, asi Mwari, uyo anoongorora mwoyo yedu.+

5 Ndingatoti munoziva kuti hatina kumbobvira tashandisa mashoko ekubata kumeso kana kunyepedzera zvatisiri, tiine pfungwa dzemakaro;+ Mwari anotipupurira! 6 Uyewo hatina kumbotsvaga kukudzwa nevanhu, kungava kukudzwa nemi kana vamwewo, kunyange zvazvo sevaapostora vaKristu taigona kukuremedzai tichida kuchengetwa.+ 7 Panzvimbo pekudaro, taiva vanhu vanyoro pakati penyu, saamai vanoyamwisa vanorera vana vavo nerudo. 8 Saka sezvo taikudai zvikuru, takanga tisingadi kungokupai mashoko akanaka aMwari chete, asi taidawo kutokupai upenyu hwedu* pachedu,+ nekuti taikudai chaizvo.+

9 Hama, munonyatsoyeuka kushanda kwataiita tichifondoka. Taishanda siku nesikati, kuti pasava nemumwe wenyu+ watinoremedza achitichengeta pataikuparidzirai mashoko akanaka aMwari. 10 Imi munotipupurira uye Mwari anotipupurirawo kuti takanga takavimbika, takarurama uye tisina mhosva kwamuri imi vatendi. 11 Munonyatsoziva kuti takaramba tichikukurudzirai uye tichikunyaradzai, tichirayira mumwe nemumwe wenyu,+ sezvinoita baba+ kuvana vavo, 12 kuti murambe muchifamba zvakakodzera pamberi paMwari,+ ari kukudanai kuti muuye kuUmambo hwake+ nekubwinya kwake.+

13 Ndokusaka nesuwo tichiramba tichitenda Mwari,+ nekuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi sezvariri chaizvo, seshoko raMwari, iro riri kushandawo mamuri imi vatendi. 14 Nekuti imi hama, makatevedzera ungano dzaMwari dziri pamwe naKristu Jesu dziri kuJudhiya, nekuti matambudziko amakasangana nawo muchitambudzwa nevanhu vemunyika menyu+ ndiwo avakasanganawo nawo vachitambudzwa nevaJudha, 15 avo vakatouraya kunyange naIshe Jesu+ nevaprofita, vakatitambudzawo isu.+ Uyezve, havasi kufadza Mwari, asi vanoita zvinopesana nevanhu vese, 16 pavanoedza kutitadzisa kutaura nevanhu vemamwe marudzi kuti vaponeswe.+ Pavanodaro vanenge vachizadzisa zvivi zvavo. Asi iye zvino hasha dzake dzazouya pavari.+

17 Asi patakanga taparadzaniswa nemi hama kwenguva pfupi chete, (panyama, kwete mumwoyo), chido chakasimba chataiva nacho chakaita kuti tiedze zvese zvataigona kuti tikuonei panyama. 18 Ndokusaka taida kuuya kwamuri; ini Pauro handina kungoedza kuuya kamwe chete asi kaviri, asi Satani akativhiringidza. 19 Nekuti hamusiri imi here tariro yedu kana mufaro kana korona yekupembera pamberi paShe wedu Jesu?+ 20 Chokwadi imi ndimi kukudzwa kwedu nemufaro wedu.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe