Isaya
50 Zvanzi naJehovha:
“Gwaro rekuramba+ amai venyu vandakadzinga riripi?
Kana kuti ndakakutengesai kuna ani pane vandiine chikwereti navo?
Inzwai! Kukanganisa kwenyu+ ndiko kwakaita kuti mutengeswe,
Uye amai venyu vakadzingwa nemhaka yekudarika kwenyu.+
2 Saka nei pakanga pasina aripo pandakauya pano?
Nei pasina akapindura pandakashevedzera?+
Ruoko rwangu rwakapfupika here zvekuti rungatadza kudzikinura,
Kana kuti handina simba rekununura here?+
Hove dzadzo dzinoora nekushaya mvura,
Uye dzinofa nenyota.
4 Changamire Ishe Jehovha akandipa rurimi rwevaya vakadzidziswa,*+
Kuti ndizive mapinduriro* andinofanira kuita munhu akaneta neshoko rakakodzera.*+
Anondimutsa mangwanani ega ega;
Anomutsa nzeve yangu kuti inzwe sezvinoita vaya vakadzidziswa.+
Uye matama angu kune vaya vakaadzura vachiasiya asina chinhu.*
Handina kuhwandisa chiso changu pakuitirwa zvinhu zvinonyadzisa uye pakupfirwa mate.+
7 Asi Changamire Ishe Jehovha achandibatsira.+
Ndokusaka ndisingazonyadziswi.
Ndokusaka ndaita kuti chiso changu chive dombo rakaomarara,+
Uye ndinoziva kuti handizonyadziswi.
8 Iye anonditi ndakarurama ari pedyo.
Ngatisimukei pamwe chete.*
Ndiani ane nyaya yaari kundipomera?
Ngaauye kwandiri.
9 Inzwai! Changamire Ishe Jehovha achandibatsira.
Ndiani achanditi ndine mhosva?
Inzwai! Vese zvavo vachasakara senguo.
Chitemamachira* chichavadya kusvika vapera.
Ndiani akafamba murima gobvu, musina kana chiedza?
Ngaavimbe nezita raJehovha asendamire pana Mwari* wake.
11 “Imi mese vari kubatidza moto,
Muchiita kuti pfarivari dzemoto dziputikire mudenga,
Fambai muchiedza chemoto wenyu,
Pakati pepfarivari dzamabatidza.
Izvi ndizvo zvamuchawana kubva muruoko rwangu:
Mucharara pasi muchirwadziwa kwazvo.