Joshua
23 Mazuva mazhinji pashure pekunge Jehovha apa vaIsraeri zororo+ pavavengi vavo vese vainge vakavapoteredza, Joshua akwegura uye ava nemakore mazhinji,+ 2 Joshua akashevedza vaIsraeri vese,+ vakuru vavo, vakuru vemadzinza avo, vatongi vavo, nevatungamiriri vavo,+ akati kwavari: “Ini ndakwegura; ndava nemakore mazhinji. 3 Makazvionera mega zvese zvakaitwa kumarudzi ese aya naJehovha Mwari wenyu achiitira imi, nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiye akanga achikurwirai.+ 4 Onai, ndakakupai*+ nyika yemarudzi asara kuti ive nhaka yemadzinza enyu,+ nenyika yemarudzi ese andakaparadza,+ kubva kuJodhani kusvika kuGungwa Guru* riri kumavirira. 5 Jehovha Mwari wenyu ndiye akaramba achiadzinga pamberi penyu,+ uye akaadzinga* achiitira imi, mukatora nyika yawo ikava yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu.+
6 “Munofanira kushinga kwazvo kuti muchengete uye muite zvese zvakanyorwa mubhuku reMutemo+ waMozisi nekusambotsauka pauri muchienda kurudyi kana kuruboshwe,+ 7 nekusambodyidzana nemarudzi+ akasara pakati penyu. Hamufaniri kutombotaura mazita avanamwari vawo+ kana kupika nawo, uye hamutombofaniri kuvashumira kana kuvakotamira.+ 8 Asi munofanira kuramba muri pana Jehovha Mwari wenyu,+ sezvamanga muchiita kusvikira nhasi. 9 Jehovha achadzinga marudzi makuru uye ane simba pamberi penyu,+ nekuti hapana murume akambokwanisa kumira pamberi penyu kusvikira nhasi.+ 10 Murume mumwe chete wenyu achadzingirira vanhu vane chiuru,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu ari kukurwirai,+ sezvaakakuvimbisai.+ 11 Saka garai makachenjerera nguva dzese+ kuburikidza nekuda Jehovha Mwari wenyu.+
12 “Asi kana mukangotsauka chete, mobatana nevanhu vasara pamarudzi aya+ vachiri pakati penyu, moroorerana+ navo muchishamwaridzana navo, ivo vachishamwaridzana nemi, 13 chokwadi zivai kuti Jehovha Mwari wenyu haazorambi achikudzingirai marudzi aya.+ Marudzi aya achava chiteyeso nemusungo kwamuri uye tyava ine zvinobaya kumisana yenyu+ uye minzwa mumaziso enyu kusvikira maparara panyika iyi yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
14 “Inzwai! Ndava pedyo nekufa,* uye munonyatsoziva nemwoyo yenyu yese nemweya* yenyu yese kuti pane zvese zvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu hapana kana shoko rimwe chete rakakundikana. Zvese zvakaitika muchizviona. Hapana kana shoko rimwe chete pavimbiso idzodzo rakakundikana.+ 15 Asi sekuzadziswa kwakaitwa zvinhu zvese zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu kwamuri+, Jehovha achakuunziraiwo matambudziko ese aakataura* uye achakuparadzai panyika iyi yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.+ 16 Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakakurayirai kuti muchengete, uye kana mukaenda kunoshumira vamwe vanamwari movakotamira, Jehovha achakutsamwirai kwazvo,+ uye muchakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.”+