Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+ Mutinhimira weAramoti.*
46 Mwari ndiye nzvimbo yedu yekupotera nesimba redu.+
Ndiye rubatsiro runowanika zviri nyore munguva yekutambudzika.+
2 Ndokusaka tisingazotyi, kunyange nyika ichichinja,
Kunyange makomo achizununguka achinyura mukati megungwa,+
3 Kunyange mvura yaro ikaita ruzha ichipupuma,+
Kunyange makomo akazununguka nekuda kwekusagadzikana kwaro. (Sera)
5 Mwari ari muguta racho;+ harigoni kupidigurwa.
Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.+
6 Marudzi aiita mheremhere, uye madzimambo akapidigurwa;
Akakwidza inzwi rake, uye nyika yakanyunguduka.+
8 Uyai muone mabasa aJehovha,
Maitiro aakaita zvinhu zvinokatyamadza panyika.
9 Ari kugumisa hondo munyika yese.+
Anotyora uta uye anotyora-tyora pfumo;
Anopisa ngoro dzehondo* nemoto.
10 “Bvumai uye zivai kuti ndini Mwari.