Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kuchengeta Nziyo Dziri Munzvimbo Yadzo?
“NDINOFUNGA ndokwomuzvarirwo kuda nziyo,” inodaro pwere inonzi Jackie, “nemhaka yokuti dzinogona kuratidzira manzwire aunoita. Rutivi rwakakura zvikuru rwoupenyu hwako apo unenge uri muduku.”
Jackie akarurama. Nepo pwere dzichiratidzika kuva dzinokweverwa zvikurukuru kunziyo, mwero wokufarikanya marimba netsinhirano zvinoratidzika kuva zvomuzvarirwo matiri tose. Uye unofanira bedzi kunzwa marimba anofadza eshiri inoimba kana kuti mutinhimira wakapomhodzeka wamafambiro amasaisai kuti uzive kuti nziyo chipo chorudo chakabva kuMusiki wedu anofara. (1 Timotio 1:11; Jakobho 1:17) Kunyanguvezvo, chipo chinowanzoshandiswa zvisina kururama. Kutaura idi, kana nziyo dzikasachengetwa munzvimbo yadzo, dzinogona kukukuvadza zvikuru kupfuura kubetsera.
Wakapindwa Muropa Nenziyo Here?
Nziyo dzakanaka dzinogona kuva dzakaisvonaka, dzinobetsera. Zvisinei, zvakawandisa kunyange zvezvinhu zvakanaka zvinogona kuva zvakashata kwauri. Chirevo chakachenjera chinonyevera, kuti: “Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, kuti urege kumiswa mwoyo nahwo ukahurutsa.” (Zvirevo 25:16) Uchi hune mavara okurapa anosanozivikanwa. Bva, “hazvina kunaka kudya uchi huzhinji” uye hunogona kukusvota. (Zvirevo 25:27) Chii chiri pfundo racho? Zvinhu zvakanaka zvinofanira kufarikanywa nenzira ine mwero.
Nziyo dzinodzora zvikuru upenyu hwedzimwe pwere, zvisinei. Somuenzaniso, mukadzi muduku anonzi Jodie anobvuma kuti seachiri kuyaruka, iye “zvikurukuru akanga achiteerera nziyo nguva dzose.” Iwe nenzira yakafanana unoedza kuzadza nhambo iri yose yokusvinura nenziyo here? Ipapo chaungapembedza senzwisiso yenziyo chingava chakafanana zvikuru nokupindwa muropa nenziyo.
Imwe pwere inonzi Steve inoyeuka, kuti: “Ndakapinda chikoro nepwere dzaitoteerera nziyo mukirasi.” Zvisinei, iye anobvuma, kuti: “Kuramba vane ma[headphones] eWalkman kanotakurika munzeve dzavo kunokuvadza kufunda kwavo zvomenemene.” Nenzira yakafanana, unozviwana umene uchiridza nziyo dzinodzongonyedza kunyange paunenge uchiita basa rako rinoitirwa kumba here? Uye zvakadiniko nenguva dziya dzakatsaurirwa kufunda Bhaibheri kana kuti kugadzirira misangano yechiKristu? Ko mutinhimira wenziyo yaunofarira zvikuru uri kurira nechapasi here?
Rangarirawo kuti kunoda nguva yako yakawanda sei kuti uvambirane nenziyo dzose dzazvino uno dzinobudiswa. Imari yakawanda zvakadini yaunotambira kana kuti bvumiro iri kupedzerwa zvino pamarekodhi, matepi amakaseti, kana kuti macompact disc? Imwe yemari iyoyo ingagona kushandiswa zviri nani here?
Zvakadiniko noukama hwemhuri? Unobatanidzwa mukurukurirano dzemhuri, kuvapo pazvokudya zvemhuri—kana kuti unogara mukamuri rako uchiteerera nziyo here? Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.”—Zvirevo 18:1.
Kugadziridza Miitiro Yako Yokuteerera
Kana nziyo dziri kutora yakawanda yenguva yako muupenyu hwako hwomunhu oga, ungaita zvakanaka kurangarira mashoko ari pana VaEfeso 5:15, 16, anoti: “Chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.” Ikoku kungabatanidza kuzvigadzira umene miganhu uye kuva ane mwero zvikuru mumiitiro yako yokuteerera. (Enzanisa na 1 Timotio 3:2.) Somuenzaniso, ungatofanira kurega muitiro wokuridza nziyo panguva yaunosvika pamusha. Dzidza kuva nedzimwe nhambo dzokunyarara.
Zvisinei, kuita kudaro kungabetsera mamakisi ako. Nhambo dzokunyarara dzinobetsera kufunda. Zvino, unganzwa kuti kuva nenziyo dzichirira kunokubetsera kuzorora. Asi kuregererei kuedza kufunda pasina nziyo, ndokuona kana kupa ngwariro kwako kuchivandudzika? “Ungakwanisa kuita zvifundo zvako [nenziyo],” anodaro Steve muduku, “asi uchawana zvakawanda kana wakavhara nziyo.”
Uchadawo kutenga nguva, kana kuti kuronga, nguva yokurava nokufunda Bhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri. Jesu Kristu pane dzimwe nguva aitsvaka “nzvimbo iri yoga” yakanyarara, yokunyengetera nokufungisisa. (Marko 1:35, NW) Nzvimbo yako yokufundira yakanyarara nenzira yakafanana uye ine rugare here? Kana isina kudaro, ungave uri kukuvadza kukura kwako kwomudzimu.
Kudzidza Kuzvifungira Umene
Zvichida nharaunda huru zvikurusa yokuitira hanya, kunyange zvakadaro, ndirwo rudzi rwenziyo rwaunoteerera. Steve anokutaura neiyi nzira: “Neiko mitinhimira yose yakanaka ichiperekedzwa namashoko anogumbura zvikurusa?” Munguva dzeBhaibheri, kwaiva nenziyo dzakasimudzira kudhakwa uye uhure. (Pisarema 69:12; Isaya 23:15, 16) Nenzira yakafanana, chiverengero chikuru chenziyo dzakakurumbira dzanhasi chinosimudzira kushandisa zvisina kufanira mirimo, vatano yapamberi peroorano, uye masimba masimba.a
Vaenzani vangaisa dzvinyiriro yakashata pauri yokuti uteerere nziyo dzakadaro. Panewo dzvinyiriro inobva mubhizimisi renziyo iro rimene. Nebetsero yenhepfenyuro neterevhizheni, nziyo dzerock dzazova bhizimisi rine simba, ramamirioni mazhinji amadhora. Nyanzvi dzine simba dzokutengesa dzinohaiwa kuti dzigadziridze—nokudzora—kuda kwako nziyo.
Asi apo unorega vaenzani vako kana kuti nhepfenyuro zvichidzora chaunoteerera, unorasikirwa nesimba rako rokusarudza. Unova muranda asina mufungo. (VaRoma 6:16) Bhaibheri rinotikurudzira kuzvifungira timene. Rinotiudza “kuramba tichiva nechokwadi nezvechinogamuchirika kunaShe.” (VaEfeso 5:10, NW) Zvamazvirokwazvo hatingakariri ungano yechiKristu kunzvera zviuru zvenziyo dzinobudiswa gore rimwe nerimwe ndokugovera ndaza yedzakasarudzwa kuva dzinotenderwa kana kuti dzinorambidzwa. Aiwa, unofanira kurovedza “mano [ako umene] okunzwisisa . . . kusianisa zvakarurama nezvisina kururama.”—VaHebheru 5:14, NW.
Unogona sei kuita kudaro? Eya, rangarira zvikarakadzo zvinotevera:
Nzvera Butiro: Kazhinji kazhinji, kutarira bedzi butiro kana kuti mashoko anosimudzirwa kwakakwana. Mifananidzo yevatano yokusasarura, masimba masimba, kana kuti yamasvikiro zvinofanira kuva nyevero. Nziyo dziri mukati zvimwe dzinorambika nenzira yakafanana. Kana zvichibvira, rava tsinhiro dziri pabutiro.
Nzvera Zviri Mukati: ‘Edza mashoko enziyo’ kupfurikidza nokurangarira misoro namashoko enziyo. (Jobho 12:11) Chii chaari kutaura? Unoda zvomenemene kuteerera kana kuti kudzokorora wadzokororazve iyi mifungo here? Iyi mifungo iri mutsinhirano nemipimo yako uye nenheyo dzechiKristu here?—VaEfeso 5:3-5.
Cherekedza Tapuro: Chii chiri tapuro yose zvayo pauri? Nziyo dzinokombamira kukuodza mwoyo kana kuti kukufadza zvikuru here? Unozviwana umene uchiramba uchifunga mifungo yakashata pashure pokuinzwa here? Mashoko eslang inoshandiswa munziyo ari kutanga kupinda mukurukurirano yako here?—1 VaKorinte 15:33.
Rangarira Vamwe: Vabereki vako vanonzwa sei pamusoro penziyo dzako? Bvunza murangariro wavo. Fungawo nezvamanzwire angaita maKristu biyako pamusoro penziyo dzako. Vamwe vangadzongonyedzwa nadzo here?—VaRoma 15:1, 2.
Kuvandudza Kuda Kwako Nziyo
Kungava kuti unoda kuita chinjo mukuda kwako nziyo. Asi sezvo kuda kuchiwanwa, kunogona kuchinjwa. Mumwe muimbi akakurumbira akati: “Pwere zhinjisa hadzina kutongoonana nechimwe chinhu kunze kwouku kuda nziyo kunosimudzirwa nenyanzvi dzokutengesa.” Mushonga wacho? Usazviganhurira umene kurudzi rumwe chete rwenziyo. Edza kufutunura kuda kwako nziyo.
Chokwadika, uchiri anofanira kuva anosarudza. Asi mukati menzvimbo yomutambo, nziyo dzomutinhimira, uye, hungu, nziyo dzakapomhodzwa, pane nziyo dzakawanda dzakanaka dzaunogona kufarikanya. Kutaura idi, ungatofarikanya nziyo dzakadaro usingazvizivi. Nziyo dzakakurumbira, somuenzaniso, dzingave dzakaita mugariro wakasiana wamamwe mafirimu aunofarira nemifananidzo yeterevhizheni. Funga nezvokufarikanywa kungaitwa nziyo dzakadaro kana ukadzinzwa pasina dzongonyedzo.
Dzimwe pwere dzechiKristu dzakavamba kugadziridza kuda kwadzo nziyo kupfurikidza nokuteerera kumatepi eKingdom Melodies anobudiswa neWatch Tower Society. Marimba iwaya, akarovedzeka kuZvapupu zvaJehovha zvose, anobatanidza mhatsa yemitoo yakanaka yenziyo. Kune zvimiro zvakasiana zvenziyo dzakanaka idzo shamwari dzingarumbidza. “Imwe shamwari yakandidzidzisa kunzwisisa nziyo dzamarimba—kufanana naBeethoven,” anodaro Michelle. “Ndaichimbodzivenga,” iye anobvuma kudaro.
Imwe nzira yokuvandudza nayo ndeyokudzidza kuridza zviridzwa zvamarimba iwe umene. Ikoku hakusati kuchingova kunodenha bedzi nokunogutsa, asi kungakuratidzira kuzvimwe zvimiro zvenziyo kunze kwerock. “Kuridza nziyo kwakaisvonaka zvomenemene,” anodaro Jackie, “nemhaka yokuti une chipo uye uri kuchishandisa.” Nenhamburiko yakati ungatokwanisa kunyange kugovera nhandaro inovaka nokuda kwavamwe.
Nziyo zvirokwazvo chipo chinobva kuna Mwari, asi unofanira kungwarira kusachishandisa zvisina kufanira. Imwe pwere inobvuma, kuti: “Ndine nziyo dzandinoziva kuti ndinofanira kurasa. Asi dzinonzwika zvakanaka kwazvo.” Funga nezvekuvadziko, kunyange zvakadaro, iyo iyi pwere inoita kundangariro nokumwoyo kupfurikidza nokuteerera kune chiri chakashata! Dzivisa musungo iwoyo. Usarega nziyo dzichikushatisa kana kuti kudzora upenyu hwako. Omerera kumipimo yakakwirira yechiKristu munziyo dzako. Nyengeterera nhungamiro yaMwari nebetsero mukusarudza nziyo dzako. Tsvaka shamwari dzine zvitendero zvako.—VaRoma 12:2, 12.
Nziyo dzinogona kukubetsera kuzorora nokusasana. Dzinogona kukubetsera kupedza kunzwa kwokuva asina maturo apo unenge uri woga. Asi apo kunomira, zvinetso zvako zvichiripo. Uye nziyo hadzitsivi shamwari chaidzoidzo. Naizvozvo usabvumira nziyo kuva chinhu chinokosha muupenyu hwako. Dzifarikanye, asi dzichengete dziri munzvimbo yadzo.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona zvinyorwa zvaMukai! zvaFebruary 8 naMarch 8, 1993.
[Mufananidzo uri papeji 11]
Nziyo dziri kudzongonyedza kufunda kwako here?