Ezekieri
25 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, tarisa kuvaAmoni+ uprofite nezvavo.+ 3 Iti pamusoro pevaAmoni, ‘Inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha. Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Zvamakati ‘Tsvatu waro!’ pakasvibiswa nzvimbo yangu tsvene uye pakaparadzwa nyika yeIsraeri, uye pakatapwa imba yaJudha, 4 ndichakuisai mumaoko evanhu Vekumabvazuva. Vachadzika misasa yavo munyika yenyu uye vachadzika matende avo pakati penyu. Vachadya zvamakashanda uye vachanwa mukaka wenyu. 5 Ndichaita kuti Rabha+ ive mafuro engamera uye kuti nyika yevaAmoni ive nzvimbo yekuti makwai azororere; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.”’”
6 “Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Zvamakaombera,+ mukabinha pasi netsoka dzenyu uye mukapembera muchifarira zvakaitika kunyika yeIsraeri muchivatsvinyira zvisingaiti,+ 7 ndichakutambanudzirai ruoko rwangu kuti mupambwe nemarudzi. Ndichakubvisai pakati pemarudzi uye ndichakuparadzai munyika dzacho.+ Ndichakupedzai, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’
8 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Moabhi+ neSeiri+ zvadzakati, “Onai! Imba yaJudha yakaita semamwe marudzi ese,” 9 ndichaita kuti maguta ari pamuganhu weMoabhi arwiswe, ayo anosanganisira maguta akanaka kupfuura mamwe munyika yacho anoti, Bheti-jeshimoti, Bhaari-meyoni, zvichinosvika kuKiriyataimu.+ 10 Ndichapa Moabhi nevaAmoni kuvanhu Vekumabvazuva+ kuti vaAmoni vasayeukwa pakati pemarudzi.+ 11 Ndichaita zvandakatongera vaMoabhi,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’
12 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Edhomu yakatsiva imba yaJudha, ikava nemhosva yakakura;+ 13 saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndichatambanudzirawo Edhomu ruoko rwangu ndoparadza vanhu nezvipfuwo zviri mairi, ndoiita dongo.+ Vachaurayiwa nebakatwa kubva kuTemani kusvika kuDhedhani.+ 14 ‘Ndichatsiva Edhomu ndichishandisa maoko evanhu vangu vaIsraeri.+ Vachaunza kutsamwa kwangu nehasha dzangu paEdhomu kuti vanhu vayo vaone kutsiva kwangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha.”’
15 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Nemhaka yeruvengo rwavo rusingaperi, vaFiristiya vaingoda zvekutsiva uye kuparadza neutsinye.+ 16 Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ndiri kutambanudzira vaFiristiya ruoko rwangu kuti ndivarwise,+ uye ndichaparadza vaKereti+ uye vanhu vakasara vepamhenderekedzo yegungwa.+ 17 Ndichaita mabasa makuru ekuvatsiva, ndichivaranga ndakatsamwa, uye vachaziva kuti ndini Jehovha pandichavatsiva.”’”