Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
49 Inzwai izvi, imi marudzi.
3 Muromo wangu uchataura zveuchenjeri,
Uye zvandinofungisisa mumwoyo wangu+ zvicharatidza kunzwisisa.
4 Ndichanyatsoteerera chirevo;
Ndichatsanangura chirahwe changu nerudimbwa.
5 Nei ndichifanira kutya munguva dzematambudziko,+
Pandinenge ndakakombwa nezvakaipa* zvevaya vari kuedza kundiwisira pasi?
6 Vaya vari kuvimba nepfuma yavo+
Uye vanozvirumbidza pamusoro peupfumi hwavo hwakawanda,+
7 Hapana kana mumwe chete wavo anogona kudzikinura hama yake
Kana kupa Mwari rudzikinuro nekuda kwake,+
8 (Mutengo wekudzikinura upenyu hwavo* unokosha kwazvo
Zvekuti havambofa vakaukwanisa);
10 Anoona kuti kunyange vanhu vakachenjera vanofa;
Benzi uye munhu asingafungi vanoparara pamwe chete,+
Uye vanofanira kusiyira vamwe pfuma yavo.+
11 Chido chavo ndechekuti dzimba dzavo dzigare nekusingaperi,
Matende avo agare kwezvizvarwa nezvizvarwa.
Vakatumidza nzvimbo dzavo mazita avo.
14 Vanoendeswa kuGuva* semakwai ari kunourayiwa.
Rufu ruchavafudza;
Vakarurama vachavatonga+ mangwanani.
16 Usatya mumwe munhu nekuti ava mupfumi,
Kukudzwa kweimba yake kwawedzera,
17 Nekuti paanofa hapana chaanokwanisa kuenda nacho;+
Kukudzwa kwake hakuendi naye.+
18 Nekuti paanenge ari mupenyu anozvirumbidza.*+
(Vanhu vanokukudza paunobudirira.)+
19 Asi anozopedzisira abatana nechizvarwa chemadzitateguru ake.
Havazomboonizve chiedza.