Isaya
30 “Vane nhamo vanakomana vakaoma musoro,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Vanoita zvavo vega, zvandisina kuvaudza,+
Vanobatana nevamwe vanhu,* asi zvisingaitwi nemweya wangu,
Kuti vawedzere chivi pamusoro pechimwe chivi.
2 Vanodzika kuIjipiti+ vasina kundibvunza,*+
Kuti vanodzivirirwa naFarao*
Uye kuti vahwande mumumvuri weIjipiti!
3 Asi kudzivirira kwaFarao kuchaita kuti munyare,
Uye kuhwanda mumumvuri weIjipiti kuchaita kuti muninipiswe.+
5 Vese vachanyadziswa
Nevanhu vasina chavanogona kuvabatsira nacho,
Vasingabatsiri uye vasingayamuri,
Asi vanongoita kuti vanyadziswe uye vazvidzwe.”+
6 Mutongo pamusoro pemhuka dzekumaodzanyemba:
Vanopfuura nemunyika yekutambudzika uye yekuomerwa,
Nyika yeshumba, shumba inoomba,
Nyika yenyoka ine uturu nenyoka yemoto inobhururuka,*
Vakatakura pfuma yavo pamisana yemadhongi
Uye zvinhu zvavo panyundwa dzengamera.
Asi zvinhu izvi hazvizobatsiri vanhu vacho.
7 Nekuti rubatsiro rweIjipiti haruna kana maturo.+
Saka ndakatumidza uyu kuti: “Rahabhi,+ uyo anongogara asina zvaari kuita.”
8 “Chienda uzvinyore pahwendefa pamberi pavo,
Uye zvinyore mubhuku,+
Kuti zvizoshanda pane rimwe zuva
Sechapupu chinoramba chiripo.+
10 Vanoti kuvaoni, ‘Musaona,’
Uye kune vanoratidzwa, ‘Musatiudza zviratidzo zvechokwadi.+
Tiudzei zvinhu zvekubata kumeso;* onai zvinhu zvenhema.+
11 Tsaukai panzira; budai mugwara.
Chiregai kuisa Mutsvene waIsraeri pamberi pedu.’”+
12 Saka zvanzi naiye Mutsvene waIsraeri:
“Sezvo muchiramba shoko iri,+
Uye muchivimba nekubiridzira nekunyengera,
Muchivimba nezvinhu izvi,+
13 Kukanganisa uku kuchava serusvingo rwakatsemuka kwamuri,
Serusvingo rwakareba rwakatsveyamira kunze rwava kuda kudonha.
Ruchangoerekana rwaputsika pakarepo.
14 Ruchaputswa sechirongo chikuru chemuumbi,
Ruchaputswa-putswa zvekuti hapana kana chimedu chichasara pazvidimbu zvarwo
Chekutoresa moto pachoto
Kana kuti chekucheresa mvura yakajenga.”*
15 Nekuti zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, iye Mutsvene waIsraeri:
“Muchaponeswa kana mukadzoka kwandiri uye mukazorora;
Simba renyu richabva pakuramba makadzikama uye pakuvimba neni.”+
Asi makanga musingadi.+
16 Pane kudaro, makati: “Aiwa tichatiza tiri pamabhiza!”
Saka muchatiza.
“Uye tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo!”+
Saka vaya vari kukuteverai vachamhanya kwazvo.+
17 Chiuru chimwe chete chichadedereswa nekutyisidzira kwemunhu mumwe chete;+
Muchatiza kutyisidzira kwevanhu vashanu
Kusvikira vanosara pakati penyu vaita sebango refu riri pamusoro pegomo,
Sebango rechiratidzo riri pachikomo.+
18 Asi Jehovha akamirira nemwoyo murefu* kuti akunzwirei nyasha,+
Uye achasimuka kuti akunzwirei tsitsi.+
Nekuti Jehovha ndiMwari anoita zvakarurama.+
Vanofara vaya vese vari kuramba vachitarisira kwaari.*+
19 Vanhu pavachagara muZiyoni, muJerusarema,+ iwe hauzombochemi.+ Chokwadi iye achakunzwira nyasha paanonzwa uchichemera kubatsirwa; achakupindura paanongonzwa kuchema kwako.+ 20 Kunyange zvazvo kutambudzika kuri iko chingwa chamuchapiwa naJehovha uye kudzvinyirirwa iri iyo mvura yaachakupai,+ Murayiridzi wenyu Mukuru haachazozvivanzizve, uye maziso enyu achaona Murayiridzi wenyu Mukuru.+ 21 Uye nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti, “Iyi ndiyo nzira.+ Fambai nayo,” mungava matsaukira kurudyi kana kuti kuruboshwe.+
22 Uye muchasvibisa sirivha yakaiswa pazvifananidzo zvenyu zvakavezwa uye goridhe rakaiswa pazvifananidzo zvenyu zvesimbi.*+ Muchazvikandira kure sezvinoitwa jira rinoshandiswa nemukadzi ari kumwedzi uye muchati kwazviri, “Ibvai pano!”*+ 23 Uye achapa mvura yekumeresa mbeu yaunodyara muvhu,+ uye zvekudya zvichabva paivhu zvichange zvakawanda uye zvichigutsa.*+ Pazuva iroro zvipfuwo zvako zvichafura mumafuro makuru.+ 24 Uye mombe nemadhongi zvinorima munda zvichadya chikafu chakasanganiswa nekamuti kanonzi soreri, chakaurutswa nefoshoro neforogo. 25 Mumakomo ese marefu nemuzvikomo zvese zvirefu, muchava nehova nemigero yemvura,+ pazuva rekuuraya kukuru, shongwe padzichawa. 26 Chiedza chejenaguru chichaita sechiedza chezuva; uye chiedza chezuva chichawedzerwa kanomwe,+ sechiedza chemazuva manomwe, pazuva iro Jehovha achasunga vanhu vake pavakakuvara*+ uye raacharapa ronda guru rakakonzerwa nekurova kwake.+
27 Onai! Zita raJehovha riri kuuya richibva kure,
Richipisa nekutsamwa kwake uye riine makore matema.
Miromo yake izere nehasha,
Uye rurimi rwake rwakaita semoto unoparadza.+
28 Mweya wake* wakaita serukova runofashamira runosvika mumutsipa chaimo,
Kuti uzunguze marudzi musefa yekuparadza;*
Uye mushaya dzemarudzi muchava nematomu+ anoita kuti arasike.
29 Asi rwiyo rwenyu ruchaita serwuya runoimbwa usiku
Uye mwoyo yenyu ichafara sezvinoita munhu
Anofamba nenyere*
Achienda kugomo raJehovha, kuDombo raIsraeri.+
30 Jehovha achaita kuti inzwi rake guru+ rinzwiwe,
Oita kuti ruoko rwake+ ruoneke parunodzika nekutsamwa kukuru,+
Nerimi remoto unoparadza,+
32 Jehovha pese paacharova vaAsiriya neshamhu yake yekuranga
Pachange pachiridzwa matambureni neudimbwa,+
Paanosimudza ruoko rwake achirwa navo.+
Iye aita kuti bakwa rehuni ridzike uye rifare,
Nemoto nehuni zvakawanda.
Mweya waJehovha wekufema, uyo wakaita serukova rwesarufa,
Uchaitungidza nemoto.