Jehovha—Mwari Wechokwadi Nomupenyu
FARAO weEgipita akataura noruzvidzo norumhuro apo akabvunza, kuti: “Jehovha ndianiko?” (Eksodho 5:2, NW) Sezvaratidzwa munyaya yapfuura, chimiro ichocho chendangariro chakaunza matambudziko norufu pavaEgipita, kubatanidza guva remvura nokuda kwaFarao namauto ake.
MuEgipita yakare, Jehovha Mwari akabvumikisa ukuru hwake pavamwari venhema. Asi kune zvakawanda zvikuru zvinofanira kudzidzwa pamusoro pake. Ndaapi ari mativi ohunhu hwake? Uye chii chaanoda kwatiri?
Zita Rake Nomukurumbira
Apo iye akaraira Farao weEgipita, Mosesi haana kuti: ‘Ishe anotaura zvakadai nezvakadai.’ Farao navamwe vaEgipita vaifunga nezvavamwari vavo venhema vakawanda savanashe. Aiwa, Mosesi akashandisa zita roumwari, Jehovha. Iye amene akanga arinzwa richitaurwa kubva kumusoro apo akanga ari pagwenzi rinopfuta munyika yeMidhiani. Chinyorwa chakafuridzirwa chinoti:
“Mwari akataurawo naMosesi, akati kwaari: ‘Ndini Jehovha. . . . Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsraeri vakasungwa navaEgipita pauranda, ndikarangarira sungano yangu. Naizvozvo muti kuvana vaIsraeri: “Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaEgipita, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru. Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu; imi muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu, iye unokubudisai pamirimo yavaEgipita. Ndichakuisai kunyika [yeKanani], yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe [madzisekuru enyu,] Abrahama, naIsaka, naJakobho; ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.”’”—Eksodho 6:1-8.
Izvozvo ndizvo chaizvo Jehovha akaita. Iye akasunungura vaIsraeri muusungwa hweEgipita ndokuvagonesa kugara nyika yeKanani. Sezvakapikirwa, Mwari akaparira kwose ikoku kuitika. Kwakakodzera sei! Zita rake, Jehovha, rinoreva kuti “Iye Anoparira Kuva.” Bhaibheri rinonongedzera kuna Jehovha namazita okuremekedza akadai sa“Mwari,” “Changamire Ishe,” “Musiki,” “Baba,” “Wamasimba ose,” uye “Wokumusoro-soro.” Bva zita rake Jehovha rinomuzivisa saMwari wechokwadi uyo anoita kuti madonzo ake akaisvonaka aitike nenzira inofambira mberi.—Isaya 42:8.
Kudai taizorava Bhaibheri mumitauro yaro yapakuvamba, taizowana zita raMwari kane zviuru. MuchiHebheru iro rinomirirwa namakonzonendi mana Yod He Waw He (יהוה), anonzi Tetragrammaton, anoraviwa kubva kurudyi kuenda kuruboshwe. Avo vaitaura chiHebheru vaigovera kunzwika kwamavhawero, asi vanhu nhasi havazivi zvechokwadi ayo iwayo akanga ari. Nepo vamwe vachida kuperetera kwokuti Yahweh, chimiro chokuti Jehovha chinozivikanwa navose uye chinozivisa Musiki wedu nenzira yakakodzera.
Kushandiswa kwezita rokuti Jehovha kunosianisawo Mwari naanonzi “Ishe wangu” paPisarema 110:1, apo imwe shanduro inoti: “ISHE [chiHebheru, יהוה] akati kunaShe wangu, Gara kurudyi rwangu kutozosvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.” (King James Version) Ichibvuma kuoneka kwezita raMwari pano murugwaro rwechiHebheru, New World Translation, inorava, kuti: “Kutaura kwaJehovha kunaShe wangu ndouku: ‘Gara kurudyi rwangu kutozosvikira ndaisa vavengi vako sechitsiko chetsoka dzako.’” Mashoko iwayo aJehovha Mwari anonongedzera nenzira youporofita kuna Jesu Kristu, uyo munyori akadana kuti “Ishe wangu.”
Jehovha akazviitira amene zita muzuva raFarao. Kupfurikidza naMosesi, Mwari akaudza mutongi iyeyo aiva nomwoyo wakaoma, kuti: “Nenguva ino ndichatuma madambudziko angu ose pamusoro pomwoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana vakafanana neni panyika dzose. Nokuti dai ndisakadaro, ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika; asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire munyika dzose.”—Eksodho 9:14-16.
Pamusoro pokubuda kwaIsraeri muEgipita nokukundwa kwamadzimambo akati echiKanani, mukadzi Rakabhi weJeriko akaudza tsori mbiri dzechiHebheru, kuti: “Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai [vaIsraeri] nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu. Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Egipita, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJoridhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose. Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo mwoyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchino kutsunga pamwoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.” (Joshua 2:9-11) Hungu, mukurumbira waJehovha wakanga wapararira.
Jehovha Namavara Ake
Wezvamapisarema akataura ichi chishuvo chomwoyo wose: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” (Pisarema 83:18) Sezvo uchangamire hwaJehovha huri hwapose pose, vateveri vakatambudzwa vaJesu vaigona kunyengetera, kuti: “Changamire Ishe, Ndimi makaita denga napasi negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.” (Mabasa 4:24, NW) Uye kunonyaradza sei kuziva kuti Jehovha ndiye “Munzwi womunyengetero”!—Pisarema 65:2, NW.
Vara guru raJehovha rudo. Zvamazvirokwazvo, “Mwari rudo”—kuratidzirwa kumene kweiri vara. (1 Johane 4:8) Uyezve, “kwaari kune uchenjeri nesimba.” Jehovha ane kuchenjera kwose uye ane simba rose, asi haasati achitongoshandisa zvisakafanira simba rake. (Jobho 12:13; 37:23, NW) Tinogonawo kuva nechokwadi chokuti Jehovha nguva dzose achabata nenzira yakarurama nesu, nokuti “kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.” (Pisarema 97:2) Kana tikakanganisa asi tichipfidza, tinogona kuwana nyaradzo mukuziva kuti Jehovha ndi“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Hakushamisi kuti tinogona kuva nomufaro mukubatira Jehovha!—Pisarema 100:1-5.
Mambo Wokudenga Asingaenzaniswi
Mwanakomana waJehovha, Jesu Kristu, akati: “Mwari Mudzimu.” (Johane 4:24, NW) Nokudaro, Jehovha haaoneki nameso avanhu. Kutaura idi, Jehovha akaudza Mosesi, kuti: “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuno munhu ungandiona, akazorarama.” (Eksodho 33:20) Uyu Mambo wokudenga ane mbiri kwazvo zvokuti vanhu havasati vaizokwanisa kutsungirira chinoitika chokumuona.
Kunyange zvazvo Jehovha asingaoneki kumeso edu, pane chipupuriro chakawanda chokuvapo kwake saMwari Wamasimba ose. Zvamazvirokwazvo, “mavara ake asingaoneki anooneka zvakajeka muchisiko chenyika zvichienda mberi, nemhaka yokuti anoonekwa kupfurikidza nezvinhu zvakaitwa, kunyange simba rake risingagumi nokuva Mwari.” (VaRoma 1:20, NW) Pasi—nouswa hwaro, miti, michero, mirivo, uye maruva—rinopupurira kuva Mwari kwaJehovha. Kusafanana navamwari vezvidhori vasina maturo, Jehovha anopa mvura nemwaka inobereka zvibereko. (Mabasa 14:16, 17) Tarira kunyeredzi mudenga rousiku. Hufakazi hwakaisvonaka zvakadini hwokuva Mwari kwaJehovha nemano okuronga!
Jehovha akarongawo zvisikwa zvake zvitsvene, zvakangwara zvomudzimu mudenga. Sesangano rinotsinhirana, izvo zvinoita kuda kwaMwari, sezvinotaura wezvamapisarema, kuti: “Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake; imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, muchiteerera inzwi reshoko rake. Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose; imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.” (Pisarema 103:20, 21) Jehovha akarongawo vanhu vake pasi pano. Rudzi rwaIsraeri rwakanga rwakasanorongwa, uye ndozvakanga zvakaitawo vateveri vapakuvamba voMwanakomana waMwari. Nenzira yakafanana nhasi, Jehovha ane sangano renyika yose reZvapupu zvinoshingaira, zvinozivisa mashoko akanaka okuti Umambo hwake hwava pedyo.—Mateo 24:14.
Jehovha ndiMwari Wechokwadi Nomupenyu
Kuva Mwari kwaJehovha kwakaratidzirwa munzira dzakawanda kwazvo! Iye akanyadzisa vamwari venhema veEgipita ndokupinza vaIsraeri zvakakotsekana muNyika Yakapikirwa. Chisiko chinopa ufakazi hwakawanda hwokuva Mwari kwaJehovha. Uye hapatongorina enzaniso pakati pake navamwari vezvidhori vasina maturo vorudzidziso rwenhema.
Muporofita Jeremia akaratidza musiano mukuru uri pakati paJehovha, Mwari mupenyu, uye zvidhori zvisina upenyu zvakaitwa nomunhu. Musiano iwoyo unosanotaurwa muna Jeremia ganhuro 10. Pakati pezvimwe zvinhu, Jeremia akanyora, kuti: “Jehovha ndiye Mwari wazvokwadi; ndiye Mwari mupenyu naMambo wokusingaperi.” (Jeremia 10:10) Mwari mupenyu nowechokwadi, Jehovha, akasika zvinhu zvose. Iye akanunura vaIsraeri vaitambura muusungwa hweEgipita. Hapana chinhu chisingamubviriri.
Jehovha, “Mambo wokusingaperi,” achapindura munyengetero, unoti: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, somudenga, pasi panowo.” (1 Timotio 1:17; Mateo 6:9, 10, NW) Umambo hwokudenga hwaMesia, hunotova musimba raJesu Kristu, huchakurumidza kurwisana navakaipa ndokuparadza vavengi vose vaJehovha. (Dhanieri 7:13, 14) Umambo ihwohwo huchapinzawo nyika itsva yezvikomborero zvisingagumi nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera.—2 Petro 3:13.
Kune zvakawanda zvikuru zvokudzidza pamusoro paJehovha namadonzo ake. Kuregerereiko kukuita kutsunga kwako kupinza zivo yakadaro ndokuita mutsinhirano nayo? Kana ukaita ikoku, ucharopafadzwa kufarikanya upenyu husingagumi muparadhiso yapasi mukutonga kwoUmambo. Uchararama apo rusuruvaro, marwadzo, uye kunyange rufu zvichange zvapfuura uye zivo yaJehovha ichizadza pasi. (Isaya 11:9; Zvakazarurwa 21:1-4) Iyoyo inogona kuva nguva yako yemberi kana ukatsvaka, kuwana, uye kuita mutsinhirano nemhinduro dzakavakirwa paBhaibheri kumubvunzo wokuti, “Jehovha ndianiko?”
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.