Jobho
37 “Hana yangu inobva yarova
Uye inokwakuka ichibva panzvimbo payo.
2 Nyatsoteererai kutinhira kwenzwi rake
Uye mabhanan’ana anobuda mumuromo make.
8 Mhuka dzesango dzinopinda mumapako adzo,
Uye dzinoramba dziri munzvimbo dzadzinogara.
11 Anoremedza gore nemadonhwe emvura;
Anoita kuti mheni+ yake ipararire nemakore;
12 Zvinotenderera zvichienda kwaanozviti zviende;
Zvinoita zvese zvaanozviudza kuti zviite+ pamusoro penyika yese.*
13 Zvingava zvashandiswa sechirango*+ kana kuti zvichibatsira nyika
Kana kuti zvichiratidza rudo rusingachinji, ndiye anoita kuti zviitike.+
15 Unoziva here kuti Mwari anodzora* sei makore
Uye kuti anoita sei kuti mheni ipenye ichibva mugore rake?
16 Unoziva here kuti makore anorembera sei mumhepo?+
Aya mabasa anoshamisa aiye ane ruzivo rwakakwana.+
17 Unoziva here chinoita kuti zvipfeko zvako zvipise
Paya panodzikama nyika zvichikonzerwa nemhepo inobva kumaodzanyemba?+
19 Tiudze zvatingataura kwaari;
Hatigoni kupindura nekuti tiri murima.
20 Anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here?
Kana kuti pane akambotaura chimwe chinhu zvekuti anofanira kuchiudzwa here?+
21 Havakwanisi kuona kunyange chiedza,*
Kunyange zvazvo chakajeka mudenga,
Kusvikira mhepo yapfuura yobvisa makore ese.
23 Hatikwanisi kunzwisisa Wemasimbaose;+
Ane simba guru,+
Uye haatombotongi zvinopesana nekururama kwake kukuru.+