Kuporeswa Kunoshamisa Kworudzi Rwomunhu Kwava Pedyo
“HATINA kumboona zvakadai.” Zvakadaro zvimwe zvapupu zvakaona kuporeswa kunoshamisa, kwapakarepo kwomunhu akanga akawoma mitezo kwakaitwa naJesu. (Marko 2:12) Jesu akarapawo mapofu, zvimumumu, uye vakaremara, uye vateveri vake vakaita zvakafanana. Jesu akazviita nesimba ripi? Kutenda kwakaita rutivii? Izvi zviitiko zvomuzana rokutanga ramakore zvinoratidzirei pamusoro pokuporesa kunoshamisa nhasi?—Mateo 15:30, 31.
“Kutenda Kwako Kwakuporesa”
Vanoporesa nokutenda vanhasi vanoda kunongedzera kumashoko aJesu kumukadzi akanga achitambura kwamakore 12 nokubuda ropa uyo akauya kwaari kuti arapwe: “Kutenda kwako kwakuporesa.” (Ruka 8:43-48) Kutaura kwaJesu kwakaratidzira here kuti kurapwa kwake kwakanga kuchitsamira pakutenda kwake? Iwoyo wakanga uri muenzaniso wo“kuporesa nokutenda” sezvakunoitwa nhasi here?
Apo tinorava chinyorwa cheBhaibheri nokungwarira, tinoona kuti panhambo zhinjisa Jesu navadzidzi vake havana kuda kuti vanorwara vazivise kutenda kwavo vasati varapwa. Mukadzi ataurwa pamusoro apo akauya uye, asingatauri chinhu kuna Jesu, akabata chinyararire nguo yake necheshure uye “akaporeswa pakarepo.” Pane imwe nhambo, Jesu akaporesa murume akanga ari pakati paavo vakanga vauya kuzomusunga. Akatoporesa munhu akanga asingambozivi kuti Jesu aiva ani.—Ruka 22:50, 51; Johane 5:5-9, 13; 9:24-34.
Ibasai, ipapo, iro kutenda kwakaita? Apo Jesu navadzidzi vake vakanga vari muruwa rweTire neSidhoni, mumwe mukadzi wokuFenikia akauya ndokudanidzira kuti: “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu wakabatwa kwazvo nomweya wakaipa.” Fungidzira kupera mwoyo kwake sezvaaiteterera kuti: “Ishe, dondibatsirai henyu!” Azadzwa netsitsi, Jesu akapindura kuti: “Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe.” Uye mwanasikana wake akaporeswa “kubva panguva iyo.” (Mateo 15:21-28) Nenzira yakajeka, kutenda kwaibatanidzwa, asi kutenda kwaani? Cherekedza kuti kwakanga kuri kutenda kwamai, kwete kwomwana airwara, uko Jesu akarumbidza. Uye kutenda chii? Kupfurikidza nokudana Jesu sa“Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi,” mukadzi wacho akanga ari kubvuma pachena kuti Jesu akanga ari Mesiya akapikirwa. Kwakanga kusiri kutaura kwokutenda Mwari kana kuti kutenda simba romurapi. Apo Jesu akati “kutenda kwako kwakuporesa,” aireva kuti pasina kutenda maari saMesiya, vairwara vangadai vasina kuuya kwaari kuzoporeswa.
Kubva muiyi mienzaniso yomuMagwaro, tinogona kuona kuti kuporesa kwakaitwa naJesu kwakanga kwakasiyana zvikuru nezvinowanzoonwa kana kuti kutaurwa nhasi. Pakanga pasina kuratidzirwa kwemirangariro kwakasimba—kudanidzira, kuimba, kuchema, kufenda, uye zvichingodaro—mumapoka uye kuita upengo kunoshamisa kwaJesu. Mukuwedzera, Jesu haana kutongokundikana kuporesa ndonda nechikonzero chokuti dzakanga dzisina kutenda kana kuti mupiro wadzo wakanga usina kuwanda zvakakwana.
Kurapa Nesimba raMwari
Kuporesa kwaJesu nevadzidzi vake kwakaitika sei? “Simba raShe rokuporesa rakanga rinaye,” rinopindura kudaro Bhaibheri. (Ruka 5:17) Pashure pokumwe kuporesa, inodaro Ruka 9:43, “vose vakashamiswa noukuru hwaMwari.” Nenzira yakafanira, Jesu haana kunangidzira ngwariro kwaari somurapi. Pane imwe nhambo akaudza munhu waakanga asunungura mukunetswa nemadhimoni kuti: “Enda kumba kwako, kuhama dzako, uvaudze zvinhu zvikuru zvawakaitirwa naShe, napawakaitirwa ngoni napo.”—Marko 5:19.
Sezvo Jesu navaapostora vakaporesa nesimba raMwari, kuri nyore kuona chikonzero nei kutenda kweari kurapwa kwakanga kusingadikanwi nguva dzose nokuda kwokuporeswa. Zvisinei, kutenda kwakasimba kwomurapi kwakanga kuchidikanwa. Nokudaro, apo vateveri vaJesu vakanga vasingakwanisi kudzinga rimwe dhimoni raiva nesimba zvikuru, Jesu akavaudza chikonzero chacho: “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku.”—Mateo 17:20.
Donzo Rokurapa Kunoshamisa
Kunyange zvazvo Jesu akaporesa zvikuru mukati moushumiri hwake hwapasi, akanga asiri kuronda zvikurukuru ‘ushumiri hwokuporesa.’ Kuporesa kwake kunoshamisa—kwaasina kutongobhadharisa vanhu kana kuti kukumbira mipiro—kwakanga kuri chinhu chechipiri kuitiro hanya yake huru, iya yoku“paridza Evhangeri youshe.” (Mateo 9:35) Chinyorwa chinotaura kuti pane imwe nhambo “akavagamuchira, akavaudza zvoushe hwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.” (Ruka 9:11) Munhoroondo dzeEvhangeri, Jesu aigarodanwa so“Mudzidzisi” asi haana kutongodanwa kuti “Murapi.”
Nei, ipapo, Jesu akarapa zvinoshamisa? Zvikurukuru kwakanga kuri kutanga kuzivikanwa kwake saMesiya akapikirwa. Apo Johane Mubhabhatidzi akasungwa zvisina kururamisira, akanga achida vimbiso yokuti akanga aita izvo Mwari akanga amutuma kuti aite. Akatumira vadzidzi vake kuna Jesu ndokubvunza kuti: “Ndimi iye wakanga achinzi unouya here, kana tichakatarira mumwe?” Cherekedza izvo Jesu akaudza vadzidzi vaJohane: “Endai, mundoudza Johane zvamunonzwa nezvamunoona; zvokuti, mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatswa, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, navarombo vanoparidzirwa Evhangeri.”—Mateo 11:2-5.
Hungu, idi rokuti Jesu haana bedzi kungoporesa asiwo akaita mamwe mabasa anoshamisa akanyorwa muEvhangeri rakabvumikisa zvakasimba kuzivikanwa kwake so“unouya,” Mesiya akapikirwa. Pakanga pasina kudikanwa kwokuti munhu upi noupi a“karire mumwe akasiyana, NW.”
Kurapa Kunoshamisa Nhasi?
Tinofanira here, ipapo, kukarira Mwari kubvumikisa simba rake nhasi kupfurikidza nokurapa? Aiwa. Nemabasa anoshamisa aakaita nesimba raMwari, Jesu akabvumikisa pasina mibvunzo kuti akanga ari Mesiya akanga apikirwa naMwari kuti aizouya. Mabasa esimba aJesu akanyorwa muBhaibheri kuti vose varave. Hapana kudikanwa kwokuti Mwari abvumikise simba rake kupfurikidza nokudzokorora mabasa akadaro kuchizvarwa chose chavanhu.
Nenzira inofadza, kurapa namamwe mabasa anoshamisa zvakanga zvisinganyatsopwisi. Kunyange zvimwe zvapupu zvakaona zvishamiso zvaJesu hazvina kudavira kuti akanga achitsigirwa naBaba vake vokudenga. “Kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari.” (Johane 12:37) Ndicho chikonzero nei, pashure pokukurukura zvipo zvakasiyana-siyana zvinoshamisa—kuporofita, kutaura nendimi, kuporesa, uye zvichingodaro—izvo Mwari akanga apa mitezo yakasiyana-siyana yeungano yechiKristu yezana rokutanga ramakore, muapostora Pauro akafuridzirwa kuti: “Kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa. Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana; asi kana zvakakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabviswa.”—1 VaKorinte 12:28-31; 13:8-10.
Chokwadika, kuva nokutenda muna Mwari kunokosha nokuda kwegarikano yedu. Zvisinei, kuvakira kutenda kwomunhu pazvipikirwa zvenhema zvokurapa kuchangoita bedzi kuti munhu aodzwe mwoyo. Uyezve, pamusoro penguva yomugumo, Jesu akapa iyi nyevero: “Vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo.” (Mateo 24:24) Kunze kwokunyepedzera kurapa nokunyengera, pangavawo nokuratidzirwa kwesimba ramadhimoni. Somugumisiro, kutaurwa kwezviitiko zvisingatsananguriki hakufaniri kutishamisa, uye izvozvi hazvisi chaizvoizvo hwaro hwokutenda kwechokwadi muna Mwari.
Sezvo nhasi pasina munhu anorapa sezvaiita Jesu, hatibetserwi here? Nyangwe napaduku pose. Chaizvoizvo, vaya vakaporeswa naJesu pakupedzisira vaigona kurwara zvakare. Vose vakakwegura ndokufa. Betsero dzokurapwa dzavakagamuchira dzakava dzechinguvana. Bva, kurapa kunoshamisa kwaJesu kune revo inogara mukuti kwaisanofananidzira zvikomborero zvomunguva yemberi.
Nokudaro, pashure pokunzvera Shoko raMwari, Bhaibheri, Alexandre naBenedita, vambodudzwa, havachatendizve kurapa nokutenda kwazvino uno uye kurapa kunoshandisa midzimu. Panguva imwe cheteyo, vanopwiswa kuti kurapa kwenenji hakusi zvinhu zvomunguva yakapfuura. Nemhaka yei? Kufanana namamiriyoni munyika yose, vanokarira zvikomborero zvokuporesa muUmambo hwaMwari.—Mateo 6:10.
Kurwara Norufu Zvinenge Zvisisipo
Sezvataona pakuvamba, chinangwa chikuru choushumiri hwaJesu chakanga chisiri chokurapa vanorwara nokuita zvimwe zvishamiso. Panzvimbo pezvo, akaita kuti kuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuve basa rake guru. (Mateo 9:35; Ruka 4:43; 8:1) Umambo ihwohwo inzira iyo Mwari acharapa nayo rudzi rwomunhu nenzira inoshamisa ndokubvisa kuvadziko yose iyo chivi nokusakwana zvakaunza pamhuri yavanhu. Achazviita sei uye riini?
Achitaura nezvamazana amakore aiuya, Kristu Jesu akapa muapostora wake Johane chiono chouporofita: “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake!” (Zvakazarurwa 12:10) Ufakazi hwose hunoratidza kuti chibviro cha1914 mushori mukuru waMwari, Satani, akakandirwa pasi kunharaunda yapasi, uye Umambo zvino huri kushanda chaizvoizvo! Jesu akagadzwa saMambo woUmambo hwaMesiya uye zvino agadzirira kuita chinjo huru pasi pano.
Munguva yemberi iri pedyo chaizvo, hurumende yokudenga yaJesu ichatonga nzanga itsva yavanhu yakarurama, kutaura idi “nyika itsva.” (2 Petro 3:13) Mamiriro ezvinhu achava akaita sei panguva iyoyo? Hekuno kufanoratidzwa kune mbiri: “Ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura . . . [Mwari, NW] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo, nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:1, 4)
Unogona kufungidzira zvichave zvakaita upenyu apo kuporeswa kunoshamisa kworudzi rwomunhu kunova kwechokwadi here? “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.” Hungu, Mwari achaita izvo varapi vokutenda vakanga vasingatongogoni kuita. Acha“paradza rufu nokusingaperi.” Zvirokwazvo, “Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:8; 33:24.
[Mufananidzo uri papeji 7]
MuUmambo hwaMwari rudzi rwomunhu rwuchaporeswa nenzira yenenji