Tsamba kuvaEfeso
3 Nechikonzero ichi, ini Pauro, musungwa+ waKristu Jesu nekuda kwenyu, imi vanhu vemamwe marudzi . . . 2 kana zvechokwadi makanzwa nezveutariri+ hwenyasha dzaMwari dzandakapiwa kuti mubatsirwe, 3 kuti ini ndakaziviswa chakavanzika chitsvene* ndichiita zvekuzarurirwa, sezvandambonyora muchidimbu. 4 Saka pamuchaverenga izvi, munogona kuziva kuti ndinonzwisisa zvakadii chakavanzika chitsvene+ pamusoro paKristu. 5 Mune zvimwe zvizvarwa, chakavanzika ichi hachina kuziviswa vanakomana vevanhu sekuzarurwa kwachakaitwa iye zvino nemweya kuvaapostora vake vatsvene nevaprofita,+ 6 chekuti, vachibatanidzwa naKristu Jesu uye kuburikidza nemashoko akanaka, vanhu vemamwe marudzi vanofanira kuva vagari venhaka uye nhengo dzemuviri pamwe chete nesu+ vachibatana nesu muvimbiso yakapiwa. 7 Ndakava mushumiri weizvi maererano nechipo chepachena chenyasha dzaMwari chandakapiwa nekushanda kwesimba rake.+
8 Ndakangonzwirwawo nyasha idzi,+ ini mudiki pavatsvene vese,+ kuti ndizivise mamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isingaenzaniswi yaKristu 9 uye ndinofanira kuita kuti vanhu vese vaone urongwa hwechakavanzika chitsvene+ chava nenguva yakareba chakavanzwa muna Mwari uyo akasika zvinhu zvese. 10 Izvi zvakaitika kuti iye zvino, kuburikidza neungano,+ hurumende dziri kudenga nevane masimba vari munzvimbo dzekudenga vaziviswe nezveuchenjeri hwaMwari hunoratidzwa nenzira zhinji dzakasiyana-siyana.+ 11 Izvi zvinoenderana nechinangwa chake chisingagumi chaakatanga chine chekuita naKristu+ Jesu Ishe wedu, 12 uyo anoita kuti titaure takasununguka sezvatiri kuita uye anoita kuti tisununguke kutaura naMwari+ nechivimbo kuburikidza nekutenda maari. 13 Saka ndinokumbira kuti musadzokera shure nekuda kwematambudziko andiri kusangana nawo pamusana penyu, nekuti iwo anoreva kukudzwa kwenyu.+
14 Nechikonzero ichi ndinopfugamira Baba, 15 avo mhuri dzese dziri kudenga nedziri panyika dzinowana mazita adzo kwavari. 16 Ndinonyengetera kuti maererano neukuru hwekubwinya kwavo vasimbise munhu wamuri nechemukati,+ vachizviita nesimba vachishandisa mweya wavo, 17 uye kuti nekutenda kwenyu, Kristu agare mumwoyo menyu nerudo.+ Dzikai midzi,+ uye simbiswai pafaundesheni,+ 18 kuti imi pamwe chete nevatsvene vese munyatsokwanisa kunzwisisa zvakazara chinonzi kufara nekureba nekukwirira nekudzika, 19 uye kuti muzive rudo rwaKristu,+ urwo runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe nekuzara kwese kunopiwa naMwari.
20 Uya anogona kuita zvinopfuura nekure kure zvese zvatinokumbira kana zvatingafungidzira,+ maererano nesimba rake riri kushanda matiri,+ 21 ngaakudzwe pachishandiswa ungano uye pachishandiswa Kristu Jesu kusvikira kuzvizvarwa zvese nariini nariini. Ameni.