Kuroorana
Tsanangudzo: Kubatanidzwa kwomurume nomukadzi kuti vagare pamwe chete somurume nomudzimai maererano nezvinotaurwa muMagwaro Matsvene. Kuroorana kwakatangwa naMwari. Kunoita kuti murume nomudzimai vave noukama hwepedyo uye vanzwe vakachengeteka nokuti vanenge vachidanana uye nokuti mumwe nomumwe akazvipira kune mumwe. Paakatanga nyaya yokuroorana, Jehovha akaita izvozvo kwete chete kuti murume ave neshamwari yepedyo yaizova mukwanisi wake, asiwo kuti pave nourongwa hwokubereka vamwe vanhu uye zvichiitirwa mumhuri. Pose pazvinenge zvichiita, vari kuroorana vanofanira kunyoresa muchato zviri pamutemo uyo unogamuchirwa neungano yechiKristu.
Zvinokosha chaizvoizvo here kuti vanhu varoorane maererano nezvinodiwa nemutemo?
Tito 3:1: “Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye kuti vateerere hurumende nevanhu vane masimba sevatongi.” (Vanhu pavanoteerera mirayiro iyi, zita romumwe nomumwe pane vari kuroorana harizozvidzwi, uye vana vavo havazozvidzwi sezvinoita vaya vane vabereki vasina kuroorana. Uyewo, kunyoresa muchato kunodzivirira kodzero dzevomumhuri dzine chokuita nepfuma kana mumwe akafa.)
VaH. 13:4: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (Kunyoresa muchato kunokosha chaizvo pakuita kuti kuroorana kuve ‘kunokudzwa.’ Pakutsanangura zvinoreva “ufeve” uye “upombwe,” tinofanira kuyeuka zvinotaurwa pana Tito 3:1, ine mashoko ari pamusoro apa.)
1 Pet. 2:12-15: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka pakati pemamwe marudzi, kuti, pachinhu chavanokupomerai sevanhu vanoita zvakaipa, vakudze Mwari pazuva rokuongorora kwake nokuda kwemabasa enyu akanaka avanoona. Zviisei pasi pechinhu chose chakaitwa nomunhu nokuda kwaShe: angava mambo somukuru kana magavhuna seanotumwa naye kuti arange vanoita zvakaipa uye kuti arumbidze vanoita zvakanaka. Nokuti izvozvo ndizvo zvinoda Mwari, kuti nokuita zvakanaka munyaradze kutaura kwokusaziva kwemapenzi.”
Paiva ne“mitemo” chero ipi yakateverwa here Adhamu naEvha pavakatanga kugara pamwe chete?
Gen. 2:22-24: “Jehovha Mwari akatanga kuumba mukadzi nembabvu yaakanga atora pamunhu [Adhamu], akamuunza kumunhu. Munhu akabva ati: ‘Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu. Uyu achanzi Mukadzi, nokuti uyu akatorwa pamurume.’ Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” (Ona kuti Jehovha Mwari pachake, Changamire Wezvinhu Zvose, ndiye akaita kuti Adhamu naEvha vave pamwe chete. Murume wacho nomukadzi handivo vakasarudza kugara pamwe chete vasina hanya nezvaidiwa naMwari. Onawo kusimbisa kwakaita Mwari kusaguma kwoukama hwacho.)
Gen. 1:28: “Mwari akavakomborera [Adhamu naEvha], Mwari akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.’” (Pano munhu ane Chiremerera chokupedzisira akakomborera kuroorana kwacho, vakapiwa mvumo yokuita zvepabonde uye vakapiwa basa raizoita kuti upenyu hwavo huve nechinangwa.)
Munhu angaita barika here kana mitemo yomunyika yake ichiribvumira?
1 Tim. 3:2, 12: “Mutariri anofanira kuva asina chaanopomerwa, murume ane mudzimai mumwe chete . . . Vashumiri vanoshumira ngavave varume vane mudzimai mumwe chete.” (Varume ava havana kungopiwa basa chete, asi vaivawo mienzaniso yaifanira kutevedzerwa nevamwe muungano yechiKristu.)
1 VaK. 7:2: “Asi, nokuda kwokupararira kwoufeve, murume mumwe nomumwe ngaave nomudzimai wake uye mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake.” (Pano hapabvumiri kuti murume ave nemadzimai akawanda kana kuti mukadzi ave nevarume vakawanda.)
Nei Mwari akabvumira kuti Abrahamu, Jakobho, uye Soromoni vave nevakadzi vanopfuura mumwe chete?
Jehovha handiye akatanga barika. Akapa Adhamu mudzimai mumwe chete. Pave paya, Rameki, muzukuru waKaini, akazvitorera madzimai maviri. (Gen. 4:19) Nokufamba kwenguva, vamwe vakatevera muenzaniso wake, uye vamwe vakatora varandasikana kuti vave varongo. Mwari akabvumira tsika yacho, uye muMutemo waMosesi akatoita kuti pave nemitemo yaibatsira kuti vakadzi vakadaro vabatwe zvakakodzera. Akaita izvi kusvikira pakatangwa ungano yechiKristu, uye panguva iyi akanga ava kuda kuti vashumiri vake vaitezve zvaaida zvaakatanga muEdheni.
Kana ari Abrahamu, akatora Sarai (Sara) kuti ave mudzimai wake. Sarai paakanga ava nemakore anenge 75 akafunga kuti aisazombobereka mwana, saka akakumbira murume wake kuti arare nomushandikadzi wake kuitira kuti ave nemwana wepamutemo achishandisa mushandikadzi wake. Abrahamu akaita saizvozvo, asi zvakaita kuti pave nokusawirirana kukuru mumhuri yacho. (Gen. 16:1-4) Jehovha akazadzika chipikirwa chake kuna Abrahamu nezve“mwana” nokuita kuti Sara pachake ave nepamuviri nenzira inoshamisa. (Gen. 18:9-14) Abrahamu haana kuzova nemumwe mudzimai kusvikira Sara afa.—Gen. 23:2; 25:1.
Jakobho akaita barika pamusana pokunyengedzwa kwaakaita navatezvara vake. Handizvo zvaifungwa naJakobho paakaenda kunotsvaka mudzimai kuPadhani-aramu. Bhaibheri rinotaura zvakati dzamei nezvokukwikwidzana kusingafadzi kwaiitwa nemadzimai ake.—Gen. 29:18–30:24.
Zvinonyatsozivikanwa kuti Soromoni aiva nemadzimai mazhinji pamwe nevarongo. Asi havasi vose vanoziva kuti nezvaakaita, akanga achityora murayiro waJehovha wakanga wataurwa zvakajeka kuti mambo “haafaniri kuzviwanzirawo madzimai, kuti mwoyo wake urege kutsauka.” (Dheut. 17:17) Tinofanira kuonawo kuti, pamusana pokukurudzira kwemadzimai ake okune dzimwe nyika, Soromoni akatanga kunamata vanamwari venhema uye “akatanga kuita zvakaipa pamberi paJehovha . . . Jehovha akatsamwira Soromoni kwazvo.”—1 Madz. 11:1-9.
Kana murume nomudzimai vachitadza kugarisana zvine rugare, kuparadzana kunobvumirwa here?
1 VaK. 7:10-16: “Vanhu vakaroora kana kuroorwa ndinovapa mirayiridzo, kwete ini asi Ishe, kuti mudzimai haafaniri kubva kumurume wake; asi chokwadi kana akabva, ngaarambe asina kuroorwa kana kuti zvimwe ngaadzokerane nomurume wake; uye murume haafaniri kusiya mudzimai wake. Asi kune vamwe ini ndinoti, chokwadi, ini, kwete Ishe [asi, sezvinoratidzwa 1VaK 7 nendima 40, Pauro akatungamirirwa nemudzimu mutsvene]: Kana hama chero ipi zvayo iine mudzimai asingatendi, asi iye achida hake kugara nayo, ngairege kumusiya; uye mukadzi ane murume asingatendi, asi murume wacho achida hake kugara naye, ngaarege kusiya murume wake. Nokuti murume asingatendi anotsveneswa nomudzimai wake, uye mudzimai asingatendi anotsveneswa nehama yacho; dai zvisina kudaro, chokwadi vana venyu vaizova vasina kuchena, asi zvino ivo vatsvene. Asi kana asingatendi akabva, ngaabve hake; hama kana hanzvadzi haisi muuranda mumamiriro ezvinhu akadaro, asi Mwari akakudanirai rugare. Nokuti, iwe mudzimai, unoziva sei kuti hauzoponesi murume wako? Kana kuti, iwe murume, unoziva sei kuti hauzoponesi mudzimai wako?” (Nei mutendi angatsungirira dambudziko oedza nemwoyo wose kuchengetedza imba yavo? Angazviita pamusana pokuremekedza uya akatanga nyaya yokuroorana uye achitarisira kuti mumwe wake asingatendi nokufamba kwenguva angabatsirwa kuti ave mushumiri waMwari wechokwadi.)
Bhaibheri rinotii nezvomunhu anoramba mumwe wake achironga kuroorazve?
Mar. 2:15, 16: “‘Munofanira kuchenjerera mafungiro enyu, uye ngaparege kuva nomunhu anonyengera mudzimai wouduku hwake. Nokuti iye anovenga kurambana,’ Jehovha Mwari waIsraeri adaro.”
Mat. 19:8, 9: “[Jesu] akati kwavari: ‘Mosesi akakubvumirai kuramba madzimai enyu nokuda kwokuoma kwemwoyo yenyu, asi izvozvo hazvina kunge zvakadaro kubvira pakutanga. Ndinoti kwamuri munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve [kurara nemunhu waasina kuroorana naye], akaroora mumwe, iye anoita upombwe.’” (Saka anenge asina chaakanganisa anobvumirwa, asi haamanikidzwi, kuramba mumwe wake anenge aita “ufeve.”)
VaR. 7:2, 3: “Mukadzi akaroorwa akasungwa nomutemo kumurume wake paanenge achiri mupenyu; asi kana murume wake akafa, iye asunungurwa pamutemo womurume wake. Naizvozvo, murume wake paanenge achiri mupenyu, kana iye akava womumwe murume, anganzi imhombwekadzi. Asi kana murume wake akafa, iye asununguka pamutemo wake, zvokuti kana akava womumwe murume anenge asiri mhombwekadzi.”
1 VaK. 6:9-11: “Musatsauswa. Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo, kana varume vanorara nevarume . . . havazogari nhaka youmambo hwaMwari. Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena, asi makatsveneswa, asi makanzi makarurama muzita raShe wedu Jesu Kristu uye nomudzimu waMwari wedu.” (Izvi zvinoratidza kukomba kwenyaya yacho. Mhombwe dzisingapfidzi hadzizovi muUmambo hwaMwari. Asi, vanhu vaimboita upombwe, uye zvichida vakaroorazve zvisina kukodzera, vangakanganwirwa naMwari, vova noukama hwakanaka naye kana vakapfidza zvechokwadi, voratidza kutenda mukukosha kwechibayiro chaJesu chinoyananisira zvivi.)
Kare, nei Mwari akabvumira kuti hanzvadzikomana nehanzvadzisikana varoorane?
Bhaibheri rinoratidza kuti Kaini akaroora imwe yehanzvadzi dzake (Gen. 4:17; 5:4), kana kuti zvimwe mwana wehanzvadzi yake kana kuti mwana womunin’ina wake, uye kuti Abramu akaroora hanzvadzi yake, mwana wababa vake asi naamai vakasiyana. (Gen. 20:12) Asi pave paya, muMutemo wakapiwa pachishandiswa Mosesi, kuroorana kwakadaro kwakarambidzwa zviri pachena. (Revh. 18:9, 11) Hakubvumirwi kuvaKristu mazuva ano. Kuroorana nemunhu ane ukama hwepedyo kunoita kuti pave nemikana inopfuura hafu yokuti vana vave nourema kana zvirwere zvinobva kuvabereki.
Nei kuroorana kwehanzvadzi kwakanga kusina kuipa pakutanga kwoupenyu hwevanhu? Mwari akasika Adhamu naEvha vakakwana uye aiva nechinangwa chokuti vanhu vose vabve kwavari. (Gen. 1:28; 3:20) Zviri pachena kuti kuroorana kwehama dzepedyo, kunyanya muzvizvarwa zvishomanana zvokutanga kwaizoitika. Kunyange pashure pokunge chivi chavapo, paiva nengozi duku chaizvo yourema hwakanyanyisa muvana vemuzvizvarwa izvozvo zvokutanga, nokuti rudzi rwevanhu rwakanga ruchiri pedyo chaizvo nokukwana uko Adhamu naEvha vaiva nako. Kureba kwoupenyu hwevanhu vepanguva iyoyo kunoratidza kuti izvi ndezvechokwadi. (Ona Genesisi 5:3-8; 25:7.) Asi kwapera makore anenge 2 500 pashure pokunge Adhamu atadza, Mwari akarambidza makunakuna. Izvi zvaibatsira kudzivirira vana uye zvaiita kuti tsika dzevashumiri vaJehovha dzine chokuita nenyaya dzepabonde dzive dzakanaka chaizvo kupfuura dzevanhu vakanga vakavapoteredza avo vaiita zvinhu zvose zvakaipa.—Ona Revhitiko 18:2-18.
Chii chingabatsira vakaroorana kuti vanatsiridze ukama hwavo?
(1) Kugara vachidzidza Shoko raMwari pamwe chete uye kunyengeterera kubatsirwa naMwari pakugadzirisa matambudziko.—2 Tim. 3:16, 17; Zvir. 3:5, 6; VaF. 4:6, 7.
(2) Kunzwisisa kuti musoro wemba ndiani. Izvi zvinopa murume basa guru chaizvo. (1 VaK. 11:3; VaEf. 5:25-33; VaK. 3:19) Zvinodawo kuti mudzimai avavarire nemwoyo wose kuita zvaanonzi aite.—VaEf. 5:22-24, 33; VaK. 3:18; 1 Pet. 3:1-6.
(3) Kusaita mesomeso, asi kuomerera pane wawakaroorana naye. (Zvir. 5:15-21; VaH. 13:4) Kuratidza rudo uye kuva nehanya nezvinodiwa nemumwe wako wawakaroorana naye kungakubatsira kudzivirirwa pamuedzo wokuita zvakaipa.—1 VaK. 7:2-5.
(4) Kutaurirana nemutsa, vachifunga zvinodiwa nemumwe wavo; kudzivisa kufufutirwa nehasha, kushusha, uye mashoko okutsoropodza, anorwadza.—VaEf. 4:31, 32; Zvir. 15:1; 20:3; 21:9; 31:26, 28.
(5) Kubishaira uye kuva munhu anovimbwa panyaya yokuona kuti mhuri ine pokugara nezvokupfeka, uye kugadzira zvokudya zvakanaka.—Tito 2:4, 5; Zvir. 31:10-31.
(6) Kushandisa zano reBhaibheri nokuzvininipisa kunyange uchifunga kuti mumwe wako ari kuita zvose zvaanofanira kuita kana kuti haasi kuzviita.—VaR. 14:12; 1 Pet. 3:1, 2.
(7) Kuona kuti uri kuwedzera kuva neunhu hwakanaka pane zvokunamata.—1 Pet. 3:3-6; VaK. 3:12-14; VaG. 5:22, 23.
(8) Kana paine vana, kuratidza kuti munovada, muchivadzidzisa, uye muchivaranga.—Tito 2:4; VaEf. 6:4; Zvir. 13:24; 29:15.