Tsamba Kuna Tito
3 Ramba uchivayeuchidza kuti vazviise pasi uye vateerere hurumende nevanhu vane masimba,+ vave vakagadzirira kuita mabasa ese akanaka, 2 vasataure zvakaipa nezvevamwe vanhu, vasapopotedzane, asi vave vanhu vanonzwisisa,+ vachinyatsoratidza unyoro kuvanhu vese.+ 3 Nekuti nesuwo taimbova vanhu vasina musoro, tisingateereri, tichitsauswa, tiri varanda vekuchiva kwakasiyana-siyana nevemafaro, tichiita zvakaipa uye tiine shanje, tichisemesa, tichivengana.
4 Asi Muponesi wedu, Mwari, paakaratidza pachena mutsa wake+ uye kuda kwaanoita vanhu 5 (kwete nekuti tine mabasa akarurama atakanga taita,+ asi pamusana petsitsi dzake),+ akatiponesa nekutigeza tikava vapenyu+ uye nekuita kuti tive vatsva kuburikidza nemweya mutsvene.+ 6 Akatidururira mweya iwoyo wakawanda achishandisa Jesu Kristu Muponesi wedu,+ 7 kuti pashure pekunge tanzi takarurama kuburikidza nenyasha dzake,+ tive vagari venhaka+ maererano netariro yeupenyu husingaperi.+
8 Mashoko aya ndeechokwadi uye ndinoda kuti urambe uchisimbisa nyaya idzi, kuti vaya vakatenda Mwari varambe vakaisa pfungwa dzavo pakuita zvakanaka. Zvinhu izvi zvakanaka uye zvinobatsira vanhu.
9 Asi siyana nenharo dzisina basa uye nyaya dzemadzinza, kukakavadzana nekupopotedzana pamusoro peMutemo, nekuti hazvina zvazvinobatsira uye hazvina maturo.+ 10 Kana ari munhu anoparadzira dzidziso dzenhema,+ usashamwaridzana naye+ pashure pekunge wamutsiura* kekutanga nekechipiri,+ 11 uchiziva kuti munhu akadaro akatsauka munzira uye ari kutadza, achizvipa ega mhosva.
12 Pandichatuma Atemasi kana Tikiko+ kwauri, ita zvese zvaunogona kuti uuye tionane kuNikoporisi, nekuti ndiko kwandichange ndiri mwaka wese wechando. 13 Ipa Zenasi, uyo anonyatsoziva Mutemo, naAporo, zvese zvavanenge vachida, kuti vasava nechavanoshayiwa parwendo rwavo.+ 14 Asi vanhu vedu ngavadzidzewo kuramba vachiita mabasa akanaka, kuti vakwanise kubatsira kana paine zviri kudiwa nekukurumidza,+ kuti varege kuva vasina zvibereko.+
15 Vese vandiinavo vari kukukwazisa. Ndikwazisirewo vaya vanotida mukutenda.
Nyasha dzaMwari ngadzive nemi mese.