Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
1, 2. (a) Vamwe vanodavirei pamusoro pengwavaira dzinoparirwa nezvinhu zvakadai semheni? (b) Vazhinji vanodavirei pamusoro pavakafa?
MAKORE akasviba kuti ndo-o anoungana. Mupande unongunduma. Madonhwe makuru emvura anorovanya pasi. Mhuri yavanhu vanomwe yakaungana mumusha muduku uye mitezo yacho iri kukarira kuti madzisekuru ayo akafa achaitaviridzira. Kamwe kamwe, nomupande unotyisa, mheni inorova uye musha wacho unobata mwoto. Vaviri bedzi mumhuriyo vanopukunyuka. Vaviri ava zvino “votya kugara mumusha mumwe chetewo sezvavanodavira kuti waroiwa uye kuti mumwe muroyi ari kuedza kuuraya mhuri yose.”
2 Mushumo iwoyo wakabuda muThe Times of Swaziland, January 28, 1977. Mhuri iyi ingave yaisanoziva kuti mheni inoparirwa nokuitika kwamagetsi mumakore. Asi mushumo wacho unoratidzira kuti vaidavirawo kuti muvengi angaita kuti midzimu isingaoneki itungamirire mheni kune imwe nzvimbo, uye vaidavira kuti madzisekuru anogona kupa taviridziro inodikanwa.
3. Vanhu vazhinji vanodavirei kuva zvisakiso zvetsaona, chirwere nezvimwe zvinetso?
3 Zvino tarira muguta romuAfrica nomusha womuuki kana kuti “n’anga.” Pana mai varipo vane mwana wavo anorwara. Paakatanga kuva nemutsarara namanyoka nokukurumidza vakaenda naye kuchipatara chomuguta. Pashure pamavhiki okuenda vaendazve nokushandisa mishonga yakarairwa kuchipatara, mwana achiri kungorwara sekare. Mukupererwa kwavo nezano rose mai vauya kun’anga, vachikarira kurapwa. Havasati vari ivo bedzi varipo. Rimwe jaya rasvika richitsvaka “mushonga” wokupedza zvinetso zvaro zvokuwana basa. Mumwe mutana, ari kugadzirira rwendo rurefu, achangobva kugamuchira “mupingo” wokuenda nawo. Ava vanhu vose, chokwadika, vanoziva nezvoutachiona sezvisakiso zvehosha, derero youkoshi hwemari sechikonzero chourovha, kutyaira wakararadza uye motokari dzisina kunaka sezvikonzero zvetsaona dzomumigwagwa. Asi vanodavirawo kuti aya marushambwa mamwe chetewo angaparirwa kana kuti angapingwa nemidzimu isingaoneki uye kuti n’anga ine simba rinobva kumidzimu iyi isingaoneki.
4, 5. Neiko kurukurirano nemidzimu ichiita rutivi rukuru rwakadaro muupenyu hwavanhu vazhinji mumativi akasiana-siana enyika? Seiko?
4 MuAfrica, zvitsuwa zvizhinji zvePacific, Asia, mativi eSouth America nomune dzimwe nzvimbo mupasi rose, mamirioni avanhu ane zvitendero zvakafanana. Muupenyu hwavo hwose hwezuva nezuva vanoitira hanya pamusoro pechingaitwa nemidzimu yakadaro isingaoneki, nokuda kwavo kana kuti zvimwe murwisano navo. Vanodavira kuti rufu harusati ruri mugumo woupenyu asi kuti ndiko kubviswa kwomudzimu mumuviri. Kwavari, rufu runongovawo zvarwo chinguvana apo mudzimu unoenda kune upenyu hunotevera kana kuti ku“nyika yemidzimu.”
5 Ikoku hakusati kuchingodavirwa bedzi navanhu vari mumisha kana kuti vari munzanga dzendudzi kana kuti pakati pavanhu vasina kudzidza, asiwo pakati pavanhu vazhinji vakadzidza vari mumaguta makuru. Pamwe chete navatendi vamarudzidziso endudzi egamuchidzanwa, mitezo mizhinji yamachechi echiKristudhomu namasekete echiMuslim inodavira kuti zvinoitika zvoupenyu zvinodzorwa kana kuti zvine chokuita nemidzimu isingaoneki. Kana rushambwa rukaitika, zvakadai sechirwere chakakomba kana kuti rufu rwakamwe kamwe mumhuri, vanoshopera kumuuki kana kuti n’anga. Iye angakandira “hakata” kana kuti kushandisa mumwe mutoo wakati kuti somutoo wokuzivisa nawo vabvunzi kana midzimu yamadzisekuru avo yakashatirwa kana kuti kana vabvunzi vari vanyajambwa vechitsinga chakaposwa navavengi. Angavapa zvitumwa zvokushonga kana kuti mishonga yokunwa nokuda kwedziviriro. Kazhinji kazhinji mbudzi, gwai kana kuti huku inourawa kupfupa midzimu isingaoneki.
6. Ndizvimwe zvezvikonzeroi zvokuti vanhu vazhinji vanoshopera kumasvikiro?
6 Zvikonzero zvokuti vanhu mupasi rose vanoshopera kumasvikiro kana kuti kun’anga zvizhinji: kupinga musha nemhuri; kupinga mwana achangobva kuberekwa; kusimikira kana kuti kupinga kupfupfudzika pamuviri; kubata mbavha; kuita shamwari; kuva norubudiriro murudo, mubhizimisi, pakuvhima, mubvunzo kuchikoro uye kunyange mumitambo. Mapoka enhabvu akaripira mari n’anga kuti ivabetsere kuwana rukundo. Pakurasikirwa nebasa, vamwe vanhu vanoshopera kun’anga uye vanopiwa mushonga wokutsutsutira mutsiye dzavo, kana kuti mudzi wokuisa pasi porurimi rwavo pavanenge vachibvunzurudzwa nomushandirwi anotevera anokarirwa. Tsika chaidzo dzinoitwa munharaunda dzinorimwa pakusima zvirimwa kana kuti munhamburiko dzokunaisa mvura. Pakati pamarudzi mazhinji, panofa munhu ndudzi imwe neimwe kana kuti nharaundayo inoita tsika dzayo imene dzakati kuti nemiitiro. Asi ipi kana ipi ingava nhambo yacho, munenge mune chinoitika chiri chose donzo racho nderokupfupa hasha dzemidzimu isingaoneki kana kuti kutetekera betsero yayo. Kunyange zvazvo batano ingasagarova inooneka, tsika nemiitiro mizhinji zvikuru yegamuchidzanwa iri pakuberekwa kwomwana, kudzingiswa, mitambo yokuvamba umhandara, roorano, kuvhima, kupfuya mombe, kuva muridzi wenzvimbo norufu zvinobatanidzwa nomutoo wakananga kana kuti usina kunanga nokunamata midzimu.
7. Mibvunzoi inomuka zvino, uye chii chinoratidza kuti mhinduro dzavanhu dzoga hadzina kukwana?
7 Midzimu isingaoneki ine masimba anopfuura simba rohunhu iriko chaizvoizvo here? Kune ufakazi hunopwisa hunoratidzira kuti iriko. Kana zvakadaro, kutsvaka kukurukura nemidzimu iyeyo isingaoneki kana kuti kukumbira betsero yayo kungava kunotibetsera here kana kuti kunotikuvadza? Yakadaroyo ndiyo midzimu yamadzisekuru akafa here? Hama dzokunyama dzakafa, somuenzaniso, dzingabetsera chaizvoizvo, kudzivirira kana kuti kupangira vapenyu here? Kana kutsvaka betsero yemidzimu isingaoneki kuchibetsera, neiko kuri kuti kazhinji kazhinji zvikuru tinonzwa mishumo youdyire, nyengedzo, utere uye kunyange kuponda pakati paavo vanobatanidzwa zvikuru mukunamata midzimu? Neiko kune pfungwa, miitiro nemirangariro mizhinji zvikuru yakasiana, mizhinji yayo iri inopokanidzana? Tingatendeukira kupi nokuda kwemhinduro dzakarurama?
MAWANIRE ATINGAITA MHINDURO DZAKARURAMA
8. Muunganidzwai wema“tsamba” uyo Musiki akagovera? Neiko?
8 Ipi kana ipi ingava mirangariro yavo pamusoro pamasimba emidzimu, vanhu vazhinjisa vanobvuma kuti panofanira kuva nomumwe munhu ari Manyuko oupenyu hwose, Musiki asingagumi. SoMupi Woupenyu wapakuvamba iye anogona kutaurwa nezvake zvakarurama saBaba mukuru worudzi rwose rwomunhu. Chirangarira, ipapoka, uyu mubvunzo: Kudai iwe waiva baba wemhuri uye uchitofanira kuva kudaro refu navana vako, hausati here waizovanyorera panguva nenguva? Madzibaba akanaka anodaro, achitumira vana vawo mashoko pamusoro pawo amene uye achipa zano rorudo. Rudzi rwomunhu rune mashoko api naapi akadaro anobva kune Musiki waro naBaba here? Mhinduro yacho ndeyokuti, Hungu, pane muunganidzwa we“tsamba” 66 kana kuti manyoro akafuridzirwa ndokugoverwa noMusiki ayo ane mashoko anokosha nezano zvedu tose. Muunganidzwa iwoyo wamanyoro akafuridzirwa ndiwo: Bhaibheri.
9. Chii chinoratidza kuti Bhaibheri harisati riri bhuku redzinza rimwe ripi neripi kana kuti vanhu?
9 Bhaibheri rakanyorwa, navasati vari vanhu vokuEurope, asi navanhu vomuMiddle East, muAsia. Bva nderavanhu vose vari munzvimbo iro yose. Harisati richitsauranisa vanhu pahwaro hwenzvimbo yomugariro wapasi, dzinza kana kuti ruvara, kunyange rwakachenuruka, rutema, rushava, kana kuti rwakachena. Mariri tinowana aya mashoko akafuridzirwa omuapostora Petro, anoti: “Zvamazvirokwazvo ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwuri rwose munhu anomutya achiita kururama anogamuchirika kwaari.”—Mabasa 10:34, 35.
10. Munzirai umo Bhaibheri rakatanhamara, rakasiana chose chose?
10 Pakureva nezvamabhuku ose asingaverengeki akanyorwa, Bhaibheri rinosvika shure kure munhau yomunhu kupfuura mamwe manyoro api naapi ekare, zvarakanyorwa navanhu 40 kutanga naMosesi anenge makore 3 500 akapfuura (muna 1513 P.N.V.). Kunyanguvezvo, mumabhuku 66 ose eBhaibheri mune tsinhirano inoshamisa. Zviuru zvamamirioni amakopi, zvakakwana kana kuti murutivi, zvakaparadzirwa muinopfuura mitauro 1 800. Iidi kuti mune mimwe mitauro Bhaibheri ndiro bedzi bhuku rakatsikirirwa ririko. Nomutoo unokosha zvikuru, ndiro bhuku bedzi pasi pano rinopa nhauro yakajeka yamavambo omunhu, chikonzero nei zvinetso zvake zviripozvi zviriko nechichava nguva yake yemberi. Nomutoo usingapanikirwi, Bhaibheri rakatanhamara.
11. Zita roMusiki rinonzi ani, uye ndaapi ari mamwe amavara ake?
11 Bhaibheri rinotizivisa zita roMusiki wedenga napasi—Jehovha—zita rechiHebheru rinoreva kuti “Iye Anoparira Kuvapo.” Pakureva nezvake Pisarema 83:18 rinoti: “Kuti vanhu vagoziva kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha, imi bedzi ndimi Womukumusorosoro pamusoro papasi rose.” Iye ndiMwari “asingagoni kureva nhema,” anodudzwa muna Tito 1:2. Naizvozvo munogona kuvimba naJehovha. Haarevi nhema, haanyengedzi, haanyepedzeri. Uyewo, Pisarema 86:15 rinoti nezvake: “Asi imi, Haiwa Jehovha, muri Mwari ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere netsitsi dzorudo nouzvokwadi.” Tinogona sei kuva nechokwadi nezvaikoko? Tinogona sei kuva nechivimbo chokuti bhuku rake, Bhaibheri, ibhuku rezvokwadi?
ZVIPOROFITA ZVEBHAIBHERI ZVINOBVUMIKISA KUVA ZVECHOKWADI
12. (a) Chii chinobvumikisa kuti Bhaibheri nderezvokwadi? (b) Ndezvipi zvimwe zvezviporofita zvinoreva nezvaJesu Kristu zvakazadzika mazana amakore pashure pokunge zvanyorwa?
12 Chibvumikiso chechokwadi chokuti Bhaibheri nderechokwadi ndechokuti iro rine mazana ezviporofita izvo zvakazadzika. Uporofita ndihwo kudeya kutaura zvinoitika zvomunguva yemberi. Somuenzaniso, kune zviporofita zhizhinji zvikuru pamusoro poMudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu. Izvo zvose zvakaitwa mazana amakore pamberi pokuberekwa kwake. Bva zvose zvakabvumikisa kuva zvinozadzika. Muporofita Isaya akadeya kutaura kuti Jesu aizoberekwa nemhandara. (Isaya 7:14) Anopfuura makore 700 gare gare ikoku kwakazadzika. (Mateo 1:23) Mika 5:2 yakadeya kutaura kuti aizoberekerwa muBheterehema. Zekaria 11:12 yakadeya kutaura kuti aizotengeswa nezvidimbu 30 zvesirivha. Pisarema 22:16-18 yakadeya kutaura kuti zvanza zvake netsoka zvaizokuvadzwa uye kuti mijenya yaizokandwa nokuda kwezvipfeko zvake. Kunyange kudanidzira kwake kwokurwadziwa padanda rokutambudzira kwakadeya kutaurwa muPisarema 22:1. Zviporofita zvose izvi, nezvimwe zhizhinji, zvakazadzika sokuratidzira kunoita nhauro dzezvapupu zvakaona.—Mateo 2:1-6; 26:14, 15; Johane 20:25; Mateo 27:35, 46.
13. Zviporofitai zvekare zviri kuzadzika nhasi?
13 Ikoku hakusati kuchitipa ufakazi hwakasimba hwokuti Bhaibheri ibhuku rechokwadi here? Zvisinei, mumwe munhu angati, ‘Hungu, asi ikoku kwose kwakaitika nguva refu yakapfuura.’ Chokwadi, asi kunyange nhasi, pamberi pameso edu, zviporofita zvizhinji zveBhaibheri zviri kuzadzika. Chifo cha 1914 takaona hondo hurusa nokuurawa kworudzi rwomunhu kusina kumbozivikanwa nakare kose, pamwe chete neperevedzo dzezvokudya dzakapararira nehosha, kungofanana nezvakarondedzerwa mumutauro wokufananidzira pana Zvakazarurwa 6:1-8. Vatungamiriri venyika vazhinji vanobvuma kuti havazivi mapedzerwe ezvinetso zvisingaverengeki zviri kuwedzera nomutoo wakatsiga pakati porudzi rwomunhu. Izvi zvinhu zvinoparira rutyo rukuru, kungofanana nezvakadeya kuziviswa neBhaibheri, kuti: “Shungu yamarudzi, asingazivi nzira yokubuda nayo . . . vanhu vanopera simba nokuda kworutyo nekarirwo yezvinhu zvinowira papasi rinogarwa.”—Ruka 21:25, 26; ravawo 2 Timotio 3:1-5.a
14. Ko Bhaibheri richatipindurira mibvunzoi muzvokwadi?
14 Ko zvino, Bhaibheri rinotizivisei pamusoro pemidzimu isingaoneki? Iyo ndivanaani uye yakabva kupi? Zvakadiniko nesimba rayo rokutibetsera kana kuti zvimwe kutikuvadza? Uye tinofanira kuiteiko kuti tigokwanisa kufarikanya upenyu hunofadza hune rugare nohwakakotsekana hunodiwa navanhu kwavo vose?
NDIVANAANI VANOGARA MUDUNHU REMIDZIMU?
15, 16. (a) Kune vamwe vanhu vomudzimu kunze kwaJehovha Mwari here? (b) Vanhu vose, vomudzimu kana kuti vohunhu, vane ngava youpenyu hwavo kunaani?
15 Bhaibheri rinoratidzira kuti isu vanhu vanogara pasi pano hatisati tichingova bedzi vanhu vapenyu, vakangwara vari muchisiko chapose pose. Rinowadzanyura kuti, sezvakune dunhu rokunyama rezvisikwa zvinofema mhepo yapasi, zvinonwa mvura yaro uye zvinodya zvokudya zvaro, kunewo dunhu remidzimu, risingatsamiri pagadziriro yapasi nokuda kwoupenyu. Uye rinoratidzira kuti Mukurusa wacho ari mudunhu remidzimu ndiye Musiki iye amene, Jehovha Mwari. Jesu Kristu akati nezvake: “Mwari Mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nezvokwadi.”—Johane 4:24.
16 Kune vanhu vanenge vane mamirioni ane zviuru zvina zvino vanorarama pasi pano. Bhaibheri rinozivisa kuti mudunhu remidzimu, kunze kwoMusiki, mune mamirioni avamwe vanhu vomudzimu vanozivikanwa sengirozi. (Dhanieri 7:9, 10; Zvakazarurwa 5:11) Vamwe vose ivava vakagamuchira upenyu hwavo kune Musiki wedenga napasi uye vakavapo kare kare pamberi pokusikwa kwavanhu vokutanga. Sezvinotaurwa naZvakazarurwa 4:11, kuti: “Imi makafanirwa, Jehovha, kunyange Mwari wedu, kugamuchira mbiri norukudzo nesimba, nokuti imi makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu izvo zvakavapo uye zvakasikwa.” Hakuna vanhu, vohunhu kana kuti vomudzimu, vasina ngava youpenyu hwavo kuna Jehovha Mwari, Musiki.
17. (a) Ndiani akatanga kupandukira Mwari? (b) Ndivamwei vapanduki vakamukumbanira?
17 Nhauro yenhau yeBhaibheri inoratidza kuti pashure pokusikwa kwomwanakomana wokutanga wohunhu nomwanasikana, Adhama naEvha muEdheni, imwe ngirozi ine simba, yasundwa norudado nechinendirini, yakapandukira Mwari. Ichishandisa nyengedzo neudzisiro kuudyire, yakabudirira mukuita kuti vaviri vokutanga vohunhu vaikumbanire mukupandukira kwayo. Zvayakava muvengi waJehovha, Musiki, inonzi Satani, uko muchiHebheru kunoreva kuti “mudzivisi” kana kuti “muvengi.” (Genesi 3:1-13; Zvakazarurwa 12:9) Gare gare akanyengera vamwe vanakomana vokudenga vaMwari kana kuti ngirozi kutevera nzira imwe cheteyo yokupandukira.
18. (a) Zvisikwa izvozvo zvomudzimu zvakapanduka rini? (b) Chii chakazvifurira kusiya basa raJehovha?
18 Muapostora Petro anotaura nezvemidzimu iyoyo yakanga “isingateereri apo shiviriro yaMwari yakanga ichimirira mumazuva aNoa.” (1 Petro 3:19, 20) Nhau yeBhaibheri inoratidzira kuti yevedzo yevatano yakaita rutivi rwayo mune uku kusateerera, ichiparira ava vanakomana vomudzimu kuuya kupasi, vachitora chimiro chohunhu nokudaro vachisiya nzvimbo yavo yakagoverwa mubasa raJehovha. Nezvamazuva aNoa pamberi pamafashamo, tinorava pana Genesi 6:2, kuti: “Ipapo vanakomana vaMwari wechokwadi vakavamba kucherekedza vanasikana vavanhu, kuti vakanga vakanaka kwazvo; uye ivo vakazvitorera ivo vamene vakadzi, ndiko kuti, vose avo vavakasarudza.”
19. Chii chakaitika kungirozi idzodzi dzakapanduka pakasvika Mafashamo?
19 Jehovha Mwari haana kurega ikoku kuchipfuurira munguva isingazivikanwi. Akaunza mafashamo enyika yose yapasi edzimvura pasi pano, achiparadzanya rudzi rwose rwomunhu rwakashata uye achichengeta bedzi vabatiri vake vakatendeka. Nokuda kweichi chikonzero, vanakomana vomudzimu vasingateereri vaitofanira kupfekenura miviri yohunhu, ndiko kuti, kusiya chimiro chohunhu ndokudzokera kudunhu remidzimu. Pashure paikoko vanotaurwa nezvavo samadhemoni kana kuti midzimu yakaipa. Kuratidzira kuti Mwari haana kudzibvumidza kutorazve chimiro chohunhu uye akaita kuti dzirambe dziri mumugariro wakaderera, wakashurikidzwa, Judhasi 6 inoti: “Ngirozi dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yokutanga asi dzakasiya hugaro hwadzo hwakafanira iye [Mwari] akadzichengeta nezvisungo zvisingagumi murima gobvu nokuda kworutongeso rwezuva guru.”
20. (a) Ndiani “mwari” wenyika ino? (b) Simba rake iguru sei?
20 Chifo chenguvayo, uye kupfurikidza netsigiro yemidzimu yakaipa iyi kana kuti madhemoni, Satani ave ari “mwari” wenyika ino namasangano ayo akashata. Ikoku kungakukatyamadzai. Asi ravai henyu Johane 14:30 na 2 VaKorinte 4:4 uye muchawana kuti apo Shoko raMwari rinotaura nezvo“mubati ushe wenyika” kana kuti “mwari wetsika ino yezvinhu” harisati richireva nezvaJehovha Mwari asi nezvaSatani Dhiabhorosi. Muapostora Johane anonyora, kuti: “Nyika yose iri musimba rowakaipa,” uye anorevawo nezvaSatani saano“tsausa pasi rose rinogarwa.”—1 Johane 5:19; Zvakazarurwa 12:9.
21. Neiko zivo yakarurama yeShoko raMwari ichikosha?
21 Bhaibheri, ipapo, rinoratidzira kuti hakusati kuchingova bedzi nemidzimu yakanaka, yakadai sengirozi, asiwo madhemoni kana kuti midzimu yakashata. Kuziva idzi zvokwadi kunokosha zvikuru, nokuti ndiko chikiyinuriso chinokiyinura suo rokunzwisisa wirirano yemidzimu isingaoneki nesu nezvinoitika zvoupenyu hwedu hwezuva nezuva. Ngatichionei kuti zivo yakarurama yeShoko raMwari inotibetsera sei kuwana mhinduro yemibvunzo inokosha inotevera.
KO MASHOKO EMIDZIMU ANOBVA KUPI?
22. Ndichinoitikai chakava nomusikana womuBrazil namashoko anobva munyika yemidzimu?
22 Vanhu vazhinji vari mumativi akasiana-siana apasi vanodavira kuti mashoko angagamuchirwa achibva kunyika yemidzimu. Muenzaniso wavazhinji vanotaura kuti vakanzwa mashoko akadaro ndechinoitika chekamwe kasikana muBrazil. Rimwe zuva kakatanga kunzwa “manzwi.” Kakakumbira masvikiro betsero. Kwamakore pashure paikoko kamwe kamwe kaizoona chinhu chakasviba pamberi pako uye kaizosvikirwa. Kari mumugariro iwowo kaizotaura mishonga yechirwere uye kuita zvinhu kuyamura vanhu vaidenhwa namasimba anopfuura simba romunhu.
23. (a) Vamwe varwere vanoedza sei kurapa zvirwere zvavo? (b) Ivo vanodavira kuti mashoko aya anobva kupi?
23 Kazhinji kazhinji murwere angaenda kusvikiro, n’anga kana kuti wezvokurapa nomudzimu kuti awane chimwe chinhu chokurapa chirwere chake. Svikiro rinomuudza kuenda kumusha ndokudzokera mangwanani. Mukati mousiku murwereyo, muroto, anoudzwa ruri rudzi rwomudzi wokushandisa nokuda kwechirwere chake nokwokuuwana. Kunodavirwa kuti iri shoko rinobva kuhama yokunyama yakafa, zvimwe mbuya vaanenge anoona chaizvoizvo muroto.
24. Vanhu vane mifungoi yakasiana pamusoro pavakafa?
24 Huzhinji hwaavo vanodanira mashoko akadaro vanodavirawo kuti madzisekuru avo akafa mapenyu munyika yemidzimu uye kuti madzisekuru avo anogona kubetsera kana kuti zvimwe kukuvadza avo vanorarama pasi pano. Mitezo yamachechi echiKristudhomu inowanzodavira kuti parufu mweya, wainoti haufi, unoenda kudenga kana kuti zvimwe kuhero, kana kuti, kana vari vaKaturike veRoma, ungaenda kunzvimbo inonzi purgatori usati waenda kudenga. Vamwe vanhu, vorushoma, vanodavira kuti rufu ndiwo mugumo, kuti hakuna upenyu pashure porufu. Zvitendero zvavanhu pamusoro pavakafa zvinopokanidzana chose chose. Kuregerereiko kurangarira, zvino, icho Jehovha Mwari, Mudzimu Wamasimba ose akasika upenyu hwose, anotaura pamusoro paikoku?
KO MWEYA HAUFI HERE?
25. Tinga“ita kuti Mwari awanikwe ari wechokwadi” sei? (Ravaiwo 2 Timotio 3:16.)
25 Ngatitangei kunzvera chitendero chakakurumbira, chakapararira chokuti mweya haufi, chokuti haungatongogoni kufa. Ko ndizvo zvamunodavira here? Upi noupi wedu angava sei nechokwadi? Zvamazvirokwazvo Uyo akasika mweya anofanira kuziva, nokuti anogara mudunhu remidzimu, zvaari Mudzimu Wamasimba ose, Jehovha Mwari. Bhaibheri rinoti: “Mwari ngaawanikwe ari wezvokwadi, kunyange sezvo munhu ari wose angawanikwa ari murevi wenhema.” (VaRoma 3:4) Munodisisa kugamuchira shoko raMwari pane iro ravanhu here? Bhaibheri rinowadzanyurei?
26. (a) Kutaura kwokuti “mweya usingafi” kunowanikwa kazhinji kakadini muBhaibheri? (b) Ndizvimwe zvisikwai, kunze kwavanhu, zvinotaurwa nezvazvo kuva mweya?
26 Kudai maizorava Bhaibheri kubvira pakutanga kusvikira kumugumo mungashamiswa kuwana kuti charinotaura pamusoro pomweya chakasiana zvikuru kwazvo nechinodavirwa navanhu vazhinji zvikuru. Kutanga, mungawana kuti kutaura kwokuti “mweya haufi” hakusati kuchiwanikwa papi napapi muBhaibheri, kwete kunyange kamwe chete. Namamwe mashoko, mungawana munzvimbo dzakasiana-siana kuti hove, shiri nemhuka zvose zvinotaurwa nezvazvo se“mweya.”—Genesi 1:20, 21, 24, 30; Numeri 31:28.
27. Mweya ingaparadzwa here? Ezekieri 18:4, 20 inoratidzira sei ikoku?
27 Zvimwe chinotoshamisa zvikuru, pana Numeri 23:10; Ruka 6:9; Mabasa 3:23 nomune mamwe magwaro mungawana kuti “mweya” unogona ku“paradzwa.” Muuporofita hwaEzekieri, Jehovha Mwari anotaura zvakajeka kuti “mweya unoita chivi—iwo umene uchafa.” (Ezekieri 18:4, 20) Mweya zvaunofa, nomutoo wakajeka hausati uri usingafi.
28. (a) Bhaibheri rinotii pamusoro pokusafa? (b) Chitenderoi chakakurumbira chisingawani tsigiro muBhaibheri?
28 Bhaibheri rinoratidzira zvakajeka kuti kusafa hakusati kuri chimwe chinhu chatinoberekwa nacho, sezvinofungwa navanhu vazhinji zvikuru. Pakati pezvisikwa zvose zvaJehovha Mwari, Jesu Kristu akamutswa anotaurwa nezvake so“mumwe bedzi ane kusafa.” (1 Timotio 6:16) Uye 1 VaKorinte 15:50-54 inoti, setuso yokutendeka kwavo kwaari vamwe vabatiri vaMwari vachawana kusafa. Ikoku kunoreva kuti chitendero chakakurumbira chokuti munhu ari wose anoberekwa ane mweya usingafi hachitongowani tsigiro muShoko raMwari. Ko zvino, mushoko raani, matichaisa chivimbo chedu, mune iro roMusiki here kana kuti mune iro ravanhu? Zvamazvirokwazvo Mudzimu Wamasimba ose, Jehovha Mwari, anofanirwa nechivimbo chedu. Vanhu vangareva nhema, asi Mwari wezvokwadi haarevi nhema.
CHII CHINOITIKA PANOFA VANHU?
29. Inhemai dzokutanga dzakanyorwa, uye ndiani akadzitaura?
29 Chii chinoitika kumadzisekuru edu pavanofa, uye chii chingaitika kwatiri kana tikafa? Rangarirai chakaitika kuna sekuru vedu nambuya vedu vamene vokutanga, vaviri vohunhu vokutanga, Adhama naEvha. Vaiva vakakwana uye vangadai vakararama nokusingaperi kudai vakanga varamba vachiteerera Mwari. Asi Mwari akavanyevera nezvomuuyo wakaipisisa kana vakasateerera, achiti, “Uchafa zvamazvirokwazvo.” (Genesi 2:17) Gare gare, muvengi nomunyengeri mukuru, Satani, akasvika Evha ndokutaura nhema dzokutanga kunyorwa. Munhamburiko dzokumunyengedza ndokutsausa vose vari vaviri Evha nomurume wake Adhama kuna Mwari, Satani akashandisa nyoka somutauriri wake, achiti, “Zvamazvirokwazvo imi hamusati muchizofa.”—Genesi 3:4.
30. Chii chakaitika kuvaviri vokutanga vavanhu parufu?
30 Ndianiko akanga akarurama, Mwari kana kuti Satani? Ko tingagonazve here kuwana Adhama achirarama kune imwe nzvimbo pasi pano? Nyangwe. Kungofanana nezvakataurwa naMwari kuti zvaizoitika, Adhama akafa. (Genesi 5:5) Uye apo vaviri vokutanga vohunhu vakafa, chakaitika chakanga chakafanana nechavakanga vaudzwa naMwari nomutoo wakajeka zvikuru, kuti: “Unodzokera kuvhu, nokuti iwe wakatorwa kwariri. Zvauri guruva nokudaro uchadzokera kuguruva.” (Genesi 3:19) Mwari haana kutaura chinhu pamusoro pokuenda kwavo kudenga kana kuti kuhero kana kuti kunyika yemidzimu.
31. Bhaibheri rinotii pamusoro pomugariro wavakafa?
31 Pamusoro pomugariro wechokwadi wavakafa, Shoko raMwari rinoti: “Kana vari vakafa, havana chinhu chavanotongoziva.” (Muparidzi 9:5) Ko vangagona kuratidzira chidakadaka kana kuti zvimwe ruvengo nokuda kwavapenyu here? Zvakare Bhaibheri rinopindura, kuti: “Rudo rwavo noruvengo rwavo negodo ravo zvatoparara . . . nokuti hamuna basa kana kuruka mazano, kana kuti zivo kana uchenjeri muSheori [Shoko rechiHebheru reguva, nzvimbo inoenda vakafa].” (Muparidzi 9:6, 10) Kusimbisa izvi, Pisarema 146:4 inoti munhu ano“dzokera kuvhu kwake; muzuva irero mifungo yake inoparara.” Uye Pisarema 115:17 inowedzera, kuti: “Vakafa ivo vamene havarumbidzi Jah [Jehovha], kana kuti upi noupi unoburukira murunyararo.”
32. (a) Rufu runoenzanisirwa muBhaibheri nechii? (b) Vakafa vangabetsera kana kuti kukuvadza vapenyu here?
32 Nemhaka yaikoku, muBhaibheri mugariro worufu unowanzofananidzirwa nokurara. Mabasa 13:36 inoti apo Mambo Dhavhidhi akafa iye aka“rara.” VaTesaronika Wokutanga 4:13, 14 inotaura nezvamaKristu akafa sa“avo vakarara.” Jesuwo, akataura nezvaRazaro nenzira imwe cheteyo apo Jesu akaenda kundomumutsa murufu. Akati: “Ini ndinoendako kundomumutsa mukurara.” (Johane 11:11-14; Dhanieri 12:13) Munogona kuona, naizvozvo, nei musati muchidikanirwa kutongotya vakafa, kuedza kupfupa hasha dzavo kana kuti nenzira ipi neipi kuedza kuwana nyasha dzavo. Shoko raMwari rinoratidzira kuti ivo vakafa, havana chavanoziva, vari murunyararo uye havakwanisi kutaura navapenyu kana kuti kuratidzira nhuna ipi neipi kana kuti chiito. Havatongogoni kubetsera kana kuti kukuvadza vapenyu.
RUMUKO
33. (a) Razaro akava nechinoitikai chinoshamisa? (b) Iye akanga ave ari kupi kwamazuva mana?
33 Tapota sanofungai pamusoro pechinoitika ichecho chinoshamisa chaRazaro. Pakasvika Jesu pamusha pake Razaro akanga afa kwamazuva mana. (Johane 11:39) Chitunha chake chakanga chatovamba kuora. Ipapo Jesu akaita chimwe chinhu chisingambogoni kuitwa nen’anga kana kuti wezvokurapa nokutenda. Iye aka“danidzira nenzwi guru, kuti: ‘Razaro, buda!’ Munhu akanga afa akabuda.” (Johane 11:43, 44) Iye akabva kupi? Mu“nyika yemidzimu” here? Aiwa, akabuda muhwiro maakanga arere asingazivi chinhu, akarara murufu, kwamazuva mana.
34. Ndirimwei nenji rakanyorwa muna Marko 5:42, uye vabereki vekasikanako vakanzwa sei pamusoro paikoku?
34 Pane imwe nhambo Jesu akamutsa musikana wamakore 12 okukura murufu. Haiwa mungafungidzira mufaro wavabereki vake apo ikoku kwakaitika! Nhauro iri muna Marko 5:42 inoti “vakava vari savasati vachiri ivo vamene nokuda kwomufarwa mukuru.” Kuona mwanasikana wavo muduku atonhora uye asichina upenyu kwenhambo imwe dzokonokei vomumbundira ari mupenyu uye anayazve kwakanga kuri chinoitika chinoshamisa. Zvamazvirokwazvo ikoku kwakanga kuri nani zvikuru kupfuura kunzwa shoko, zvimwe rinobva kumudikanwi akafa, kupfurikidza nesvikiro kana kuti n’anga.
35. (a) Jesu achaitei pamwero mukuru mukati mokutonga kwake kwamakore ane chiuru orugare? (b) Pauro akasimbisa sei ikoku?
35 Asi pane chifundo chinoshamisa chedu tose pano. Chakaitwa naJesu paaiveri pasi pano mukumutsa vakafa chaingova bedzi ratidzirwo duku yechaachaita pamwero mukuru mukati mokutonga kwake kwamakore ane chiuru orugare, zvino kwava pedyo. Jesu iye amene akati: “Vose avo vari muhwiro hweyeuko vachanzwa inzwi rake ndokubuda.” (Johane 5:28, 29) Ichirondedzera nguva iyeyo inoshamisa, Zvakazarurwa 20:13 inoti: “Zvino gungwa rikabudisa avo vakafa vaiva mariri, uye rufu neHadhesi [guva] zvakabudisa avo vakafa vaiva mazviri, zvino vakatongwa somunhu mumwe nomumwe mukuwirirana namabasa avo.” Muapostora Pauro akati: “Ini ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasina kururama.”—Mabasa 24:15.
36. Chipikirwa chinoshamisa pamusoro porumuko chinoratidzirei pamusoro pomugariro wavakafa?
36 Zvino, tapota hedu pindurai iyi mibvunzo mundangariro yenyu mumene: Ko ichi chipikirwa chakajeka chorumuko hachisati chisingatendere pfungwa yokuti vakafa vapenyu here? Kudai vakafa vaiva vapenyu vachifarikanya havo kuvapo mudenga kana kuti imwe nyika yemidzimu, chii chaizova donzo rorumuko? Paizova pasina dikanwo yarwo. Kunofanira kujeka muShoko raMwari kuti pfungwa yokuti ‘rufu runongovawo zvarwo chinguvana apo mudzimu unoenda kune upenyu hunotevera’ inhema chaidzoidzo. Bhaibheri rinodzidzisa nomutoo wakajeka kuti vakafa vakafa chaizvoizvo, havana chavanoziva, varere kusvikira pakumuka kukuru kunoitwa norumuko munyika itsva yaMwari.
37. Zvino mibvunzoi inofanira kupindurwa?
37 Asi, mungati henyu: ‘Kana ikoku kuri kwechokwadi, tingatsanangura sei zviratidziro namashoko ose ave achigamuchirwa?’ Muzuva redu, vanhu vasingaverengeki mupasi rose vakambova nekurukurirano nemidzimu kupfurikidza namasvikiro, n’anga, maroto nemimwe mitoo. Vakafa zvavasingazivi chinhu uye vasingagoni kukurukura navapenyu, mashoko aya anobva kuna vanaani?
MANYUKO CHAIWOIWO AMASHOKO EMIDZIMU
38. (a) Ndivanaani vanogara munyika yemidzimu? (b) Mwari anotaura sei nesu nhasi?
38 Tadzidza hunhu hwaavo vanogara munyika yemidzimu. Kunze kwoMudzimu Wamasimba ose, Jehovha Mwari, nengirozi dzake dzakatendeka, kune muvengi waMwari, Satani, neboka rake rengirozi dzisina kutendeka kana kuti madhemoni. Taona nzira iyo Mwari akagovera nayo shoko rake nomairi kana kuti kurukurirano nokuda kwedu. Ndiko kupfurikidza neShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri, raakatumira kuna vanhu vakatendeka munguva yakapfuura uye iro rakachengetwa kusvikira zuva rino nokuda kwenhungamiro yedu.
39. (a) Ndiani manyuko echokwadi amashoko anoratidzika kuva anobva kuna vakafa? (b) Ndiani ‘baba venhema’?
39 Ko zvino zvakadini naaya mamwe mashoko? Ko kungava here kwokuti panzvimbo pokubva kumadzisekuru akafa anobva kumuvengi waMwari namadhemoni ake? Ko munofunga here kuti kungaomera ngirozi dzakaipa dzakadaro kutevedzera kana kuti kuedzesera kuva vakafa uye nokudaro ndokunyengedza vanhu? Satani zvaakaedza kunyengedza vaviri vokutanga vohunhu pamusoro porufu, iyi haingavi nzira yokuchenjera here yokuti iye aedze kutsigira dzidziso yake yenhema? Hungu, zvikurukuru patinorangarira kuti Bhaibheri rinoidza Satani kuti “murevi wenhema nababa venhema.”—Johane 8:44.
40. (a) Kutaurai kungawanwa muna 2 VaKorinte 11:14, 15? (b) Mukuwirirana na 1 Timotio 4:1, ndivanaani vanotungamirira nhimbe yenyengedzo?
40 Asi ungati: ‘Ko zvino, neiko mamwe amashoko aya achiratidzika kuva akanaka kana kuti anobetsera, somukuporeswa kwechirwere kupfurikidza nesvikiro kana kuti n’anga?’ Mwari akafuridzira muapostora Pauro kupa mhinduro yakapfava zvikuru yaiwowu, achiti: “Hakuna chinhu chinoshamisa pamusoro paikoku; Satani iye amene anoedzesera kuva ngirozi yechiedza. Naizvozvo chinhu chakareruka kuti vashumiri vake vaedzesere kuva vashumiri vechakanaka.” (2 VaKorinte 11:14, 15, New English Bible) Sezvinooneka, kuti anyengedze nokutsausa vanhu nyore nyore zvikuru, madhemoni anowanzoita rutivi rwokuva anobetsera. Pauro anopa imwezve nyevero yeiyi nhimbe yenyengedzo kupfurikidza nokuti: “Vamwe vachatsauka pakutenda, vachirereudzira ngwariro kukutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzamadhemoni.”—1 Timotio 4:1.
41. Tinofanira kukarirei kudai mashoko emidzimu aibva mumanyuko akanaka?
41 Kudai mashoko aya emidzimu aibva zvomenemene mumanyuko akanaka ose aizova akanaka, haaizova here? Kristu Jesu akati: “Imi vanhu munoita kuti muti uve wakaisvonaka nezvibereko zvawo zvive zvakaisvonaka kana kuti zvimwe munoita kuti muti uve wakashata nezvibereko zvawo zvive zvakashata; nokuti muti unozivikanwa nezvibereko zvawo.” (Mateo 12:33) Marudzii e“zvibereko” atinowanzowana akabatanidzwa neidzi kurukurirano dzemidzimu?
42. (a) Chinoitika chechirikadzi yomuLisbon chinoenzanisira sei dikanwo yokuziva kunobva mashoko emidzimu? (b) Mudzimu Mukuru, Jehovha Mwari, unotyisidzira vanhu here?
42 Rangarira chinoitika cheimwe chirikadzi yomuLisbon, Portugal. Yairava mabhuku anoreva nezvekurukurirano nemidzimu isingaoneki ndokuvamba kunzwa inzwi richiiudza manyorerwe amabhuku muchiFrench. Ikoku kwakaifadza nokudaro yakapfuurira kugamuchira mashoko akadaro. Gare gare, zvisinei, yakavamba kunzwa ruzha runotyisidzira mukamuri rayo pausiku. Padzimwe nguva yaitonzwa sokunge kuti simba risingaoneki rakanga richiedza kuisundira kudzika masitepisi. Chakanga chatanga kuva neratidziro yebetsero zvino chakava manyuko etyisidziro kwairi. Pasina panikiro iwe wakanzwa nezvavanhu vaiva nezvinoitika zvimwe chetezvo, zvichida zvinetso zvakaipisisa, zvokuti vakasvika papfundo rokuva vanopererwa nezano rose nokuda kweyamuro. Asi iyeyo ndiyo nzira iyo Mudzimu Mukuru, Jehovha Mwari, anobata nayo navanhu here? Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari rudo uye kuti iye anoda kuti timude. (1 Johane 4:8) Uye pana 1 Johane 4:18 rinoti tingasvika Jehovha Mwari norusununguko rwokutaura nokutika “murudo hamuna rutyo, asi rudo rwakakwana runotandira rutyo kunze . . . iye uyo unotya haasati akwaniswa murudo.”
43. Jehovha anotidzidzisa kuvei kuvamwe, uye ikoku kunomutsa mubvunzoi?
43 Nemhaka yokuti iye rudo, Mudzimu Mukuru, Musiki wedu, anotifarira zvikuru kwazvo pamwoyo. Anotidzidzisa kuva vasina udyire uye kuratidzira vamwe rudzi rumwe cheterwo rworudo rwaanotiratidzira. Asi chii chatinowanzowana chakabatana naavo vanoshandisa kurukurirano nemidzimu?
KUKARA MARI
44. N’anga kana kuti masvikiro, mukupesana nomudzimu wakaratidzirwa naJesu navadzidzi vake, inoratidzira sei kukara mari?
44 Ko kazhinji kakadini kawakanzwa nezven’anga kana kuti masvikiro achiita mabasa awo kuna vanhu pachena? Jesu akaudza vadzidzi vake kuti, “Imi makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateo 10:7, 8) Ndizvo zvinoitika pakati paavo vanokurukurirana nemidzimu here? Mune imwe nyika iri kumaodzanyemba kweAfrica n’anga kana kuti murapi nokutenda angauya kune mumwe musha ndokusasa muvhenganiswa wamadota, mitombo nemvura kuupoterera wose, zvimwe kutara zvipiyaniso pasuo uye kunyange ku“baya nhomba” mhuri nezvimwe zvomuvhenganiswawo. Ikoku kunoitwa seratidzirwo yetsitsi, pachena here? Aiwa, panzvimbo pezvo, nokuda kwourwu rupingo runofungidzirwa pakukuvadzwa nemidzimu isingaoneki, n’anga ingachaja mari zhinji yakadai seingatambirwa nasamusha mumavhiki matatu kana kuti mana ebasa.
45. N’anga dzinoshandisa mumwe mutooi, mudzimwe nharaunda, kuita mari yakawanda?
45 Mune dzimwe nharaunda, n’anga dzinotora zvimwe zvinhu ndokuita mitoo yakavandika pane izvozvi kuisa zango pazviri. Ipapo nomutoo woune vanosia zvinhu izvi panzira kuti vanhu vagozvinhonga. Avo vanozvinhonga, kazhinji kazhinji vanova vanotya kuti zvino vachatambura kuvadziko nokudaro vanoenda kun’anga nokuda kwebetsero. Asi betsero yacho inofanira kuripirwa, nokudaro n’anga dzinowana mari yadzo. Ko nhai munofunga kuti ikoku ndiyo nzira yakarurama yokuita nayo zvinhu here?
46. Chii chakaitika kuna Pauro muFiripi? Neiko?
46 Kare kare munguva dzeBhaibheri aya makaro mamwe chetewo airatidzirwa navanhu vakabatana nekurukurirano nemidzimu. Achingunoveri muguta reFiripi, muapostora Pauro airamba achinetswa nomumwe murandasikana aisvikirwa ne“dhemoni rokuuka.” Pakupedzisira Pauro akaraira dhemoni racho ku“buda maari” nokudaro dhemoni rakamusiya. Pauro akaita ikoku pachena chaizvoizvo, pasina muripo unokumbirwa kana kuti unotorwa. Asi varidzi vomusikanayo, panzvimbo pokuva vanofara, vakashatirwa ndokuita kuti Pauro apfigirwe mutorongo. Neiko? Bhaibheri rinotizivisa kuti kwakanga kuri nemhaka yokuti ivo vakanga vanguve vachiita “mhindu hurusa” yaibva mumibato yomusikanayo mukuuka.—Mabasa 16:16-24.
UTERE HWEVATANO
47, 48. Miitiroi isina kuchena yakabatana nemidzimu yakashata?
47 Tatodzidza kuti rwakanga rwuri rukwezvo rwevatano rwakatungamirira vamwe vevana vengirozi vaJehovha kusiya basa rake, nomuuyo wokuti vakava vapanduki. Tinowana utere hwevatano hwakabatana nenamatwo yemidzimu isingaoneki nhasi here? Mune dzimwe nzvimbo hakusi kwechienzi kunzwa nezvavakadzi vari muhuvato vanonzwa kuvapo kwomunhu asingaoneki kusvika kupfundo rokuva kwavo vanonyandurwa muvatano sokunge kuti munhu akadaro asingaoneki ari kuvatana navo.
48 Mune mamwe mativi enyika, vakadzi vasingabereki vanowanzoshopera kumidzimu isingaoneki kupfurikidza nesvikiro nokuda kwokuwana mushonga wokusabereka kwavo. Asi padzimwe nguva vanodikanirwa kuvatana ne“n’anga” sorutivi rwo“kurapwa” kwavo.
49. Utere hwevatano hwakaparirei pamberi paMafashamo, uye huri kuparirei nhasi?
49 Munofunga here kuti zvinhu zvakadaro zvinounza zvakanaka kana kuti zvingabetsera kuparira mhuri dzinofara nenzanga dzinofara? Bhaibheri rinoratidzira kuti apo avo vanakomana vomudzimu vakapanduka pamberi paMafashamo ndokupinda muutere hwevatano, ipapo “pasi rakazadzwa nemanikidziro.” (Genesi 6:1-11) Utere hwevatano nhasi hunounzawo kupopotedzana, kurwa uye kunyange kudeurwa kweropa.
KUPONDA NOUTSINYE
50. Jehovha anorangarira sei pamusoro pokuponda?
50 Hapana nomumwe wedu anoda kurashikirwa noupenyu hwake kunoitwa nemhondi. Bhaibheri rinoratidzira kuti Jehovha Mwari iye amene anovenga mhondi. Mumwe weMirairo Gumi yake, unoti: “Iwe hausati uchifanira kuponda.” (Eksodho 20:13) Ko tinowanei pamusoro pokushandisa kurukurirano nemidzimu kana kuti kunamatwa kwamadzisekuru muna ikoku? Rangarirai maidi anotevera:
51-54. Ipai mienzaniso yokuponda inowirirana nekurukurirano nemidzimu.
51 Vapondi vetsika yamarudzidziso nezvibairo zvavanhu hazvitenderwi munyika dzose. Bva, pakati pavanamati vamadzisekuru nen’anga mune dzimwe nyika miitiro iyi youtsinye ichindoveri kupfuurira. MuGhana, somuenzaniso, apo mambo wapamusorosoro anofa anowanzovigwa namadehenya avanyajambwa vavapondi vetsika yorudzidziso vakavandika. Pamisi ichangobva kupfuura iyi muna 1974 vamwe vanhu vaviri vakawanwa vane mhaka yokuponda kwetsika yorudzidziso imomo pamusoro porufu rwamambo mukuru. Kunyange kusingabvumirwi, tsika yacho inopfuurira nokuda kwechitendero, chakavakirwa panhema yorudzidziso, kuti mweya yavanyajambwa inoperekedza mambo kundoshumira zvinoshaikwa zvake mu“nyika yemidzimu.”
52 Pana August 9, 1977, pepanhau romuLiberia, The Liberian Age, raiva nomusoro unoti “Kuuraya Kwomuitiro Worudzidziso—Sezvo Nzvero Inopfuurira ‘Boka Ravane 11’ Rinowanirwa Mhaka Yokuponda.” Rakarondedzera kuti varume 11, kubatanidza navamwe vakuru vapamusorosoro vakawanirwa mhaka yokuuraya kwoutsinye mumwe murume mukuponda kwomuitiro worudzidziso, meso, nzeve, mhuno, manhu norurimi zvomunhuyo zvose zvichiva zvakachekwa pamuviri wake. Mushumowo wakati izvi zvaizobatira sa“mazango” okuyamura vaya vakawanirwa mhaka yokuponda mukusvika nzvimbo dzapamusorosoro.
53 Mushumo wenhau wokuBotswana pana June 8, 1977, unoti: “‘N’anga’ [svikiro] yazivisa nhasi kuti waichimbova wezvamatongerwe enyika weBotswana akanga aipa rudungwe rwavanhu 18 vaaida kuti vaurawe nouroyi.”
54 Rakatoipisisa zvikuru iidi rokuti vanhu vaduku navana vazova vanyajambwa. Mushumo wokuNigeria unoti:
“Namatwo yemari yakapinza vanhu veNigeria mumiitiro yakadai seyechinyakare yokunyerudza vanhu vaduku vokuurayira mututembere tunoyera twokuiitira mari.
“Kunopanikirika kuti n’anga dzakati kuti dzeNigeria dzingagona kushandura misoro yavanhu kuva mari. Asi chisiri kupanikirwa ndechokuti vana vaduku veNigeria vari kunyerudzwa nokuda kweiri donzo.”—Daily Times, December 31, 1976.
55. Nepo vamwe vangakambira kuti kurukurirano nemidzimu ine rutivi rwayo rwa“kanaka,” maidi anoratidzirei?
55 Zvamazvirokwazvo kana imi muri munhu anonzwisisa chiri chakanaka, ipapoka miitiro iri pamusoro apa inofanira kukuzadzai nokunzwa kwokusemburwa uyewo norusuruvaro pakutambura kunoparirwa. Chokwadika, pasina panikiro makanzwa chibvumikiso chichiwanzopiwa chokuti kurukurirano nemidzimu ine rutivi rwayo rwakanaka. N’anga zhinjisa, somuenzaniso, dzingaomerera pakuti dzinoshandisa mazango nezvitumwa noku‘posa zvitsinga’ nokuda bedzi kwamadonzo akanaka. Bva ani naani anodzicherekedza anofanira kubvuma kuti hadziwanzozengurira, kana dzichitongodaro, kushandisa izvi zvinhu zvimwe chetezvo kuunza ngwavaira pavamwe, kazhinji kazhinji mukuripirwa mari kana kuti chipo chakati kuti.
56, 57. (a) Neiko muchifanira kusanorangarira iyi nhau? (b) Tingawana zvokwadi kupi panhau yacho?
56 Nhau iyi inoda kusanofunga kwenyu. Nepo munganzwa zviratidziro, mashoko namaroto anoratidzika kuva akanaka, Shoko rakafuridzirwa raMwari rinotinyevera kuti Satani namadhemoni ake vanoshanda “nebasa riri rose rine simba nezviratidzo nezvishamiso zvenhema uye nenyengedzo iri yose isina kururama nokuda kwaavo vanoparara.”—2 VaTesaronika 2:9, 10.
57 Muchiyeuka izvi zvinhu, rangarirai zvino chinotaurwa neShoko raMwari pamusoro pamasvikiro navaprista vanoshandisa mashiripiti kana kuti n’anga.
CHINORATIDZIRWA NEBHAIBHERI PAMUSORO PAMASVIKIRO NAVAUKI
58. (a) Kurukurirano nemidzimu yakanga yakasanosimbiswa mumarudzii makore ane mazana mazhinji akapfuura? (b) Chii chakanga chiri mugariro muKanani apo vaIsraeri vakakurira nyikayo? (c) Jehovha akanga atopa kuna Israeri murairoi pamusoro pekurukurirano nemidzimu?
58 Bhaibheri rinowadzanyura kuti zviuru zvamakore akapfuura kunamatwa kwemidzimu nokushandiswa kwamashiripiti zvaizivikanwa munyika dzakadai seEgipita, Bhabhironi neKanani. (Eksodho 7:10-12; Dheuteronomio 18:14; Isaya 47:1, 12, 13) Ipapoka, hakusati kuchishamisa kuti apo Jehovha Mwari akasunungura rudzi rwaIsraeri muuranda muEgipita ndokuvasvitsa munyika yeKanani vakawana vanhu vomunzvimbomo ikoko vakabatikana zvikurukuru mukurukurirano nemidzimu. Ko Jehovha Mwari akapa murairoi kuna vabatiri vake? Akavaudza zvakajeka kuti vaifanira kunamata iye oga bedzi. Tinogona kuona chikonzero nei ikoku kwakanga kwakarurama, nokuti iye ndiye Mudzimu Wamasimba ose ari Mupi Woupenyu uye nokuda kweichi chikonzero ndiye bedzi anofanirwa nokunamatwa saMwari wechokwadi wedenga napasi. (Eksodho 20:3-6) Kupa kunamatwa kwake kune mumwe mudzimu wakati kuti usingaoneki kana kuti midzimu kwaizoratidzira ruzvidzo rukurusa kuMusiki. Nokuda kwechikonzero ichecho Mwari akanyevera vaIsraeri, kuti: “Musazvitendeudzira imi mumene kumasvikiro, uye musashopera kuvauki vezvinoitika, kuti mugova vanosvipiswa navo.”—Revhitiko 19:31.
59. Mutemo waJehovha waitii pamusoro pechirango nokuda kwaavo vanokurukurirana nemidzimu?
59 Jehovha Mwari akanyevera vaIsraeri kuti vaizorashikirwa nechisati chichingova bedzi chikomborero chake asiwo noupenyu hwavo kana vakasateerera kurambidza kwake kunamatwa kwakadaro kwemidzimu, achiti: “Kana uri mweya unozvitendeudzira iwo umene kumasvikiro nokuvauki vezvinoitika kuti vagova nesonganirano youtere navo, ini zvamazvirokwazvo ndichanan’anidza mweya iwoyo ndokuugura pakati pavanhu vokwake. Kana ari murume kana kuti mukadzi anobvumikisa kuva ane mudzimu wesvikiro maari kana kuti mudzimu wokuuka, anofanira kuurawa pasina kundikano.”—Revhitiko 20:6, 27.
60, 61. (a) Zvino Jehovha anorangarira sei pamusoro pekurukurirano nemidzimu? (b) Ndidzimwei dzenzira dzainoitwa nadzo munzvimbomo?
60 Gare gare, Mwari akapazve simbiso imwe kuruvengo rwake nokuda kwemiitiro yokusateerera yakabatana nokunamatwa kwemidzimu isingaoneki, yakadai souroyi nokuuka, achitaura nokumuporofita Mosesi, kuti: “Kana iwe wapinda munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako, hausati uchifanira kudzidza kuita mukuwirirana nezvinhu zvinonyangadza zvamarudzi iwayo. Mauri hamusati muchifanira kuwanikwa munhu upi noupi unoita kuti mwanakomana wake kana kuti mwanasikana wake apfuure nomumwoto, munhu upi noupi unoshandisa kuuka, mushandisi wamashiripiti kana kuti muroyi, kana kuti mumwe unotsinga vamwe nechitsinga kana kuti munhu upi noupi unoshopera kusvikiro kana kuti muuki wezvinoitika kana kuti munhu upi noupi unobvunza vakafa. Nokuti munhu ari wose anoita izvi zvinhu ndechimwe chinhu chinonyangadza kuna Jehovha.”—Dheuteronomio 18:9-12.
61 Ko ikoko hakuna kujeka zvikuru here uye hakusati kuchiratidzira zvakajeka here marangarire anoita Mwari Wamasimba ose pamusoro pamasvikiro navauki nokunamata kwavo midzimu isingaoneki? Mukuwirirana neShoko rake rakafuridzirwa, Jehovha Mwari anovenga miitiro yose yakadaro pasinei zvapo nechimiro chainova nacho kana kuti panyikai painowanwa. Uye nokuda kworudo rwake, iye anotigovera idzi nyevero kuti tigorega kutambura kuvadziko ine chokwadi chokuunzwa nemiitiro yakadaro.
62. Jesu navaapostora vakava nezvinoitikai nemidzimu yakashata?
62 Paaiveri pasi pano, Jesu Kristu aishorwa nomuvengi waMwari, Satani, navapanduki vemidzimu vakamukumbanira. Apo Satani akatamburira kuita kuti Jesu aite chimwe chiito chokumunamata mukuripirwa nesimba nembiri, Jesu akapindura, kuti: “Ibva Satani! Nokuti kwakanyorwa [muna Dheuteronomio 5:9; 6:13], kuti, ‘NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndokwaari bedzi kwaunofanira kuitira basa dzvene.’” (Mateo 4:8-10) Panhambo zhinji, iye navaapostora vake nomutoo wakafanana vaidzinga midzimu yakashata kana kuti madhemoni pavanhu vainetswa nawo.—Marko 1:39; 3:14, 15.
63. Chii chichaitika kumaKristu anoshandisa kurukurirano nemidzimu?
63 Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunamata Mudzimu Wamasimba ose, Jehovha Mwari, nokudavira Shoko rake, Bhaibheri. (Johane 4:23, 24; 17:6, 17) Vadzidzi vake vaiva nomurangariro mumwe chetewo wezvekurukurirano nemidzimu nemiitiro yawo kufanana naBaba vavo vokudenga, Jehovha. Afuridzirwa naMwari, muapostora Pauro akanyorera izvi vanamati biyake: “Zvino mabasa enyama anoonekwa, uye ndiwo ufeve, kusachena, mufambiro usingadzorwi, kunamata zvidhori, kushandisa kurukurirano nemidzimu . . . ini ndiri kudeya kukunyeverai . . . kuti avo vanoshandisa zvinhu zvakadai havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.” (VaGaratia 5:19-21) Musiki naManyuko oupenyu hwose haangapi uye haazopi upenyu husingaperi kuvanhu avo, mumhesano neShoko rake, vanopa kunamatwa kuri kwake kumidzimu isingaoneki. Mukuwirirana nechiporofita chiri mubhuku raZvakazarurwa, vanhu vanopfuurira havo nomutoo wokusapfidza kuva pakati pa“avo vanoshandisa kurukurirano nemidzimu” vachaburukira mu“rufu rwechipiri,” runoreva ruparadziko rusingaperi umo musina rumuko.—Zvakazarurwa 21:8; 22:15.
64. (a) Bhaibheri rinorondedzera sei kurukurirano nemidzimu? (Onai VaGaratia 5:19, 20.) (b) Rudzii rwomudzimu rungabvumira vanhu kuupa kuzvipira nebasa?
64 Hungu, Bhaibheri rinoronga kurukurirano nemidzimu serimwe ra“mabasa enyama,” pamwe chete noufeve nokusachena. Taona ufakazi huzhinji hwokuti kurukurirano nemidzimu haina kuchena zvomenemene uye inokuvadza. Inobvisa kunamata kwedu nokuzvipira pane Uyo anofanira kuva nazvo nomutoo wapamaruramiro, Jehovha Mwari. Mudzimu upi noupi usingaoneki, nokuda kweichi chikonzero, ungabvumira hawo vanhu kuupa kuzvipira kwakadaro nebasa haungavi mudzimu wakanaka asi unofanira kuva mudzimu wakashata kana kuti dhemoni. Muapostora Johane akabetserwa nengirozi kunyora rutivi rweBhaibheri. Asi apo Johane akawira pamberi peiyi ngirozi kuita kunamata kwairi, ngirozi yakatendeka yakati: “Unangwarira! Rega kuita ikoko! Ini ndinongovawo zvangu muranda biyako nowehama dzako dzine basa rokupupurira Jesu. Namata Mwari.”—Zvakazarurwa 19:10.
65. Rudzii rwomudzimu rungabatira pamwe nomuuki, mudeyi kutaura kana kuti svikiro?
65 Uye, Shoko raMwari zvarinoratidzira kuti kuva svikiro kana kuti muuki kana kuti mudeyi kutaura kana kuti uyo anokurukura navakafa ndichimwe chinhu chinovenga Mwari, ipapoka kwakajeka kuti mudzimu upi noupi usingaoneki ungabatira pamwe navanhu vakadaro nomutoo wakafanana unofanira kuva mudzimu wakashata kana kuti dhemoni. Mashoko api naapi anogamuchirwa achibva mumanyuko akadaro haangatongobvi kuna Mwari wechokwadi, Mudzimu Wamasimba ose, kana kuti kuva netendero yake.
66. Isaya akaratidzira kuti tinofanira kutendeukira kupi nokuda kwezvokwadi uye kuva netariro yechokwadi nokuda kwenguva yemberi?
66 Ndicho chikonzero nei Mwari, kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, akataura aya mashoko enyevero kuna vaIsraeri: “Uye kana ivo vakati kwamuri imi vanhu: ‘Bvunzai masvikiro kana kuti avo vane mudzimu wokuuka vanotsviriridza navanotaura nezevezeve,’ ko hakusati kuri kuna Mwari wavo uko vanhu vanofanira kubvunza here? Ko kunofanira kuva nokubvunzwa kwavanhu vakafa nokuda kwavanhu vapenyu here?” (Isaya 8:19) Kana tichida kuziva zvokwadi ndokuva netariro yechokwadi yenguva yemberi tinofanira kutendeukira, kusati kuri kuvakafa kana kuti kumasvikiro, asi kuna Mwari mupenyu, Musiki woupenyu hwose.
67. (a) Pauro akatii kune mumwe muroyi? (b) Nderipi riri zano raJehovha pamusoro pebatano nemiitiro isina kuchena yakadaro?
67 Ndicho chikonzero neiwo, avo vanobatikana mumibato yemidzimu vachigaroshora shoko rinowanwa muShoko raMwari. Kare kare muzana rokutanga ramakore, pachitsuwa cheCyprus pakanga pane muroyi uye iye akaedza kudzivisa vamwe kuteerera shoko ramashoko akanaka akaunzwa nomuapostora Pauro. Pauro akati: “O murume azerwe norudzi rwuri rwose rwenyengedzo norudzi rwuri rwose rwouipi, iwe mwanakomana waDhiabhorosi, iwe muvengi wechinhu chiri chose chakarurama, haungaregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaJehovha?” (Mabasa 13:9, 10) Pane kuva pakati paavo vanotsausa kana kuti kumonyanisa nzira dzakarurama dzaMwari, tinofanira kuda kuzvisunungura isu timene chose chose munamato isina kuchena yemidzimu, muitiro unopesana neShoko raMwari. Danidziro inobva kune Mudzimu Wamasimba ose, inoti: “‘Budai pakati pavo, uye zviparadzanisei imi mumene,’ Jehovha anodaro, ‘uye regai kubata chinhu chisina kuchena.’”—2 VaKorinte 6:17.
68. Mubvunzoi unozvipa umene pamusoro pavanhu vave vakabatikana nechimiro chakati kuti chekurukurirano nemidzimu?
68 Zvimwe munozviwana mumene muri mumigariro inoita kuti ikoku kuratidzike kuva kwakaoma zvikuru. Mungava vakafanana navamwe vazhinji vainamata madzisekuru kana kuti chimwe chimiro chekurukurirano nemidzimu upenyu hwenyu hwose. Zvimwe hama dzenyu dzokunyama navanhu vazhinjisa vomunharaunda yokwenyu vachiri kutevera magamuchidzanwa anowirirana neizvi, uye vangave vachiri kurangarira mimwe miti, ruware, nzizi, makomo kana kuti dzimwe nzvimbo senzvimbo dzokuzorora dzemidzimu. Ko zvino, imi mungazvisunungura sei mumene munamato yakadaro yemidzimu isingaoneki ndokuwana nyasha, taviridziro nechikomborero choMudzimu Wamasimba ose, Jehovha Mwari?
KUSUNUNGUKA PASIMBA REMIDZIMU YAKAIPA
69-71. Musikana muduku womuBrazil akasununguka sei pamidzimu yakaipa?
69 Kana midzimu yakaipa yangowana bedzi udzori kana kuti simba pamunhu hakusati kuri nyore kuwana sununguko pairi. Asi, kupfurikidza nebetsero yaJehovha Mwari, kungagona kuitwa uye kwave kuchiitwa navanhu vane zviuru. Muenzaniso mumwe unokurudzira ndouyo womusikana muduku womuBrazil aisvikirwa uye aitaura mishonga nokuda kwavanhu. (Onai ndima 22.) Makore apashure, achingunoveri avete hake humwe usiku, akanzwa simba rakati kuti richimukweva pahuvato hwake. Kunyange zvazvo akanga achingunoveri avete, akabuda kunze uye akananga kumugero uri pedyopo uzere nemvura. Ipapo akagumburwa ndokumuka. Chinoitika ichi chakamuvhiringidza zvikuru uye akaita kuda kwake kwokusununguka paudzori hwemidzimu isingaoneki yaakanga ave achibata nayo. Akaiteiko?
70 Nhano yake yokutanga yakanga iri yokunyengetera kuna Mwari kuti amusunungure. Mangwana acho mumwe munhu akagogodza pasuo rake. Akanzwa “manzwi” emidzimu achimuudza kusazarura suo, kuti “Dhiabhorosi akanga achimumirira.” Asi, nenhamburiko huru, akazarura suoro. Mushanyi akanga asiri Dhiabhorosi asi rakanga riri jaya rakamupa kopi yemagazini yeBhaibheri, Nharireyomurindi. Mukati mayo makanga mune nyaya yaireva pamusoro pesimba remidzimu yakaipa. Akava nechokwadi chokuti iyi yaifanira kuva mhinduro yomunyengetero wake womwoyo wose.
71 Akavamba kufunda Bhaibheri uye kurishandisa kupfurikidza nokuita chinjo muupenyu hwake, kusati kuri kungodzidza bedzi asiwo kuita kuda kwaMwari. Pashoma napashoma akasununguka paudzori hwamadhemoni. Haiwa akafara sei kuwana chifundo chikuru chakadzidziswa naJesu, chinoti: “Imi muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”—Johane 8:32.
72. Chirikadzi yomuLisbon yakaitei kuti igosununguka pamidzimu yakashata?
72 Kwakaitikawo kune chirikadzi yomuLisbon, yadudzwa pakuvamba. (Onai ndima 42.) Apo kurukurirano yake nemidzimu isingaoneki yakavamba kumuparira nhamo huru uye kunyange tyisidziro, muchinguvana pashure pako akasvikwa neZvapupu zvaJehovha ndokuvamba kufunda Bhaibheri nazvo. Akafunda zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pomugariro wechokwadi wavakafa, tariro yorumuko namashoko akanaka ane mbiri oumambo hwaMwari. Paakaziva kuti iye, savamwe vazhinji zvikuru mumativi ose apasi, akanga anyengedzwa namadhemoni, akatenda Mudzimu Wamasimba ose, Jehovha Mwari, ndokugura kurukurirano yose nemidzimu iyeyo inotsausa.
73. Nei mamirioni avanhu asina kubatana nomutoo wakananga nekurukurirano nemidzimu achidikanirwa kuziva zvokwadi pamusoro pako?
73 Hungu, vanhu vazhinji zhinji mupasi rose vakasvinudzirwa meso avo kuzvokwadi inoreva pamusoro penyika yemidzimu. Asi hazvisati zviri zvinoitika zvose zviri zvokunyanyisa zvakadai seizvo zvadudzwa. Mamirioni avanhu vasiri masvikiro uye avo vanotaura kuti ivo pachavo havana kutongonzwa “manzwi” emidzimu isingaoneki zvisinei hazvo vachindoveri vanodikanirwa kuti va“bve murima vaende kuchiedza nokubva pasimba raSatani vaende kuna Mwari.” (Mabasa 26:18) Neiko kudaro? Nemhaka yokuti vanoitira hanya zvikuru upenyu hwavo hwezuva nezuva pamusoro pezvinhu zvakadai setsura manenji, “ziso rouroyi,” zvinoyera, namazango anopinga netsika dzakabatana nokunamatwa kwemidzimu kunze kwaMwari wechokwadi, Musiki wesimba rose wedenga napasi.
74. Vanhu vazhinji vanoda rusununguko kubva mu“mutandiro”i?
74 Somutandiro wedandemutande rinonamatira ndokubata nhunzi kana kuti chimwe chisikwa chinopinda mauri, saizvozvowo kune mutandiro wamagamuchidzanwa emhuri neendudzi netsika dzinobata vanhu vazhinji mukubata kworutyo. Vanotya kuti, kana vakarega kuchengeta magamuchidzanwa aya ose, havazogamuchiri betsero yamadzisekuru akaenda kana kuti ivo vachakuvadzwa nemimwe midzimu isingaoneki. Vanotya kuti havasati vachizobudirira mukuva navana kana kuti vana vavo vachafa, kana kuti mombe dzavo dzicharwara ndokufa, kuti minda yavo haisati ichizobereka zvibereko kana kuti mabhizimisi avo haasati achizobudirira.
75. Vanhu vanoda kutendeukira kuna ani nokuda kwebetsero?
75 Zvokwadi bedzi yeShoko raMwari inogona kuvasunungura. Kupfurikidza nokudzidza chinotaurwa neShoko rake, vangasvika pakunzwisisa kuti kune midzimu isingaoneki inobatira pamwe namasvikiro nen’anga asi kuti simba rayo harisi chinhu parinoenzanisirwa nesimba raMwari wechokwadi. Vanhu vanosvika pakunzwisisa kuti betsero yaMwari ndeyoukoshi hukuru kwazvo kupinda betsero inobva mune mamwe manyuko api naapi vanoziva kuti hakuna kuvadziko ingatyisidzirwa kuunzwa pavari nesvikiro, n’anga ipi neipi kana kuti mudzimu usingaoneki upi noupi ingava inokuvadza sokurashikirwa kwavo netendero nechikomborero chaManyuko mamwe uye oga bedzi oupenyu.—Mateo 10:28.
76. (a) Chii chiri nhano yokutanga mukusununguka mukunamatwa kwemidzimu? (b) Zvino mubvunzoi unomuka?
76 Kuziva pamusoro paMwari wechokwadi namadonzo ake nokuda kweichi chikonzero ndiyo nhano yokutanga yorusununguko pauranda hwakadaro. Kupfurikidza nefundo yeShoko raMwari tinodzidza mugariro wechokwadi wavakafa, kuti ivo vavete murufu, vasingazivi chinhu uye vasingakwanisi kuratidzira rudo kana kuti ruvengo, kana kuti nezvokupa betsero kana kuti kuparira kuvadziko. Tinonzwisisawo hunhu hwaavo vanogara zvomenemene munyika yemidzimu uye kuti vanakomana vazhinji vomudzimu vaMwari vakapanduka. Asi neiko Mwari akabvumira iyi midzimu yakapanduka kupfuurira kuvapo kusvikira zvino?
77. Mukupandukira Mwari, Satani namadhemoni ake vakakokera simba raMwari here?
77 Imhaka yokuti rupanduko rwakanga rwuri kokero kuna Jehovha Mwari. Satani namadhemoni ake havakokeri simba ramasimba ose raMwari, nokuti vanoziva kuti ane simba guru kupfuura zvavari uye ane simba rokuvaparadza. MuBhaibheri pana Jakobho 2:19 tinorava kuti: “Iwe unodavira kuti kuna Mwari mumwe, unodavira here? Unoita zvakanaka zvikuru. Asika madhemoni anodavira uye anodedera.” Anodedera nemhaka yokuti anoziva kuti Jehovha akazivisa donzo rake rokuaparadza. Apo Jesu Kristu, achibatira somumiriri waMwari, akanga odokusunungura vamwe vanhu pasimba ramadhemoni, iwawa akadanidzira zvikuru achibvunza kana iye akanga auya kuzo‘aparadza pamberi penguva yakarurama.’ (Mateo 8:29; Marko 1:24) Nokudaro vanakomana vomudzimu vakapanduka vanoziva kuti havangagoni kukokera nomutoo unobudirira simba raMwari Wamasimba ose.
78. (a) Satani akakokerei? (b) Ndimumwei mubvunzo wakamutswa uye muenzanisoi waikoku unowanwa muBhaibheri?
78 Chakaitwa naSatani chakanga chiri chokukokera ururami hwoubati ushe hwaMwari pazvisikwa Zvake zvose. Mashoko ake kuna Evha anoratidzira kuti anoedza kuparira vanhu kudavira kuti Mwari haasati zvomenemene ari Baba vane rudo vanofarira zvikurusa zvisikwa zvavo pamwoyo. Idi rokuti vaviri vokutanga vohunhu vakakumbanira murupanduko irworwo rakamutsawo mumwe mubvunzo. Mubvunzo iwowo wakanga uri wokuti vamwe vose vezvisikwa zvaMwari vangafurirwa here kana kuti kwete kubva kwaAri ndokuvimba nomumwe munhuwo zvake. Tinogona kuona ikoku mune chinoitika chaJobho mubatiri waMwari. Satani akataura kuti Jobho aizobatira Jehovha Mwari bedzi kudai zvinhu zvaimuitikira zvakanaka asi kuti kudai Jobho aizotambura nguva dzakaoma kana kuti kutsungirira kutambura ipapo aizorega kutenda Mwari ndokubva kwaAri.—Jobho 1:7-12; 2:4, 5.
79. (a) Chii chaizodikanwa kupedza zvizere mibvunzo iyi? (b) Chii chiri kuitika kunguva ina Satani yamusarira?
79 Kupindura iyi kokero ndokugadzikisa iyi mibvunzo zvakajeka uye pasitongorina panikiro zvayo kwaizoda nguva. Naizvozvo, kunyange zvazvo vaviri vokutanga vohunhu vakanga vabvumikisa havo kuva vanopandukira, Jehovha Mwari akavabvumira kupfuurira kurarama kwenguva yakati kuti ndokubereka vana. (Genesi 3:14-19) Akabvumira Satani namadhemoni ake kuedza kubvumikisa rutivi rwavo rwamakakatanwa makuru uye akabvumira vanhu kuti vagoedzwa pamusoro pokuti ivo vangatenda here kana kuti kwete Mwari Wokumusorosoro kana kuti, nokuda kwezvikonzero zvoudyire, vangatsauka here kwaari. Ichokwadi kuti anenge makore 6 000 akapfuura chifo chapakatanga kuitwa kokero muEdheni. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti, kuna Mwari Wokusingagumi, ‘makore ane chiuru akaita sezuva rimwe.’ (2 Petro 3:8) Nokudaro aya makore ane zviuru zvitanhatu akafanana namazuva matanhatu bedzi kwaAri. Shoko raMwari rinoratidzira kuti nguva iri kupera uye kuti Satani zvino ane “kutsamwa kukuru, zvaanoziva kuti iye ane nhambo pfupi yenguva” yasara kusvikira Mwari aita chiito chokugumisa rupanduko.—Pisarema 90:2, 4; Zvakazarurwa 12:12.
NOKUTENDA KUZERE ITAI CHIITO ZVINO
80. Neiko mungagona kuva nechivimbo pamunotendeukira kuna Jehovha nokuda kwebetsero?
80 Nokuda kweshiviriro yaMwari, mwoyo murefu nengoni, mumwe nomumwe wedu ari kupiwa banza rokuratidzira patimire uye uyo watichavimba naye. Kana muchida kusununguka muuranda hwemidzimu isingaoneki nomutandiro wamagamuchidzanwa nemiitiro inopinza vanhu muuranda hwakadaro, ipapoka regai henyu kuzengurira kutendeukira zvino kuna Jehovha nokuda kwebetsero, “Mwari ane ngoni nenyasha . . . azere netsitsi dzorudo nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Mutumwa waMwari, Jesu Kristu, akadzidzisa vateveri vake kunyengetera, kuti: “Tinunurei pane wakaipa.” (Mateo 6:13) Mungavimba kuti Jehovha anonzwa minyengetero inobva pamwoyo wakachena. “Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama, uye nzeve dzake dzakarinzwa pamukumbiro wavo.”—1 Petro 3:12; Zvirevo 15:29.
81. Kuti mugosununguka pakurukurirano nemidzimu, chiitoi chamunofanira kuita? Neiko?
81 Muchiva wapachokwadi, muchatsigirawo mikumbiro yenyu inoitwa kuna Mwari kupfurikidza nokuita mutsinhirano nechamunokumbira. Ko ikoku kunorevei pamusoro pamagamuchidzanwa nemiitiro yakabatana nekurukurirano nemidzimu? Muapostora Pauro akafuridzirwa anonyora, kuti: “Ini handisati ndichida kuti imi mugova vagoverani namadhemoni . . . imi hamungagoverani pa‘tafura yaJehovha’ napatafura yamadhemoni.” (1 VaKorinte 10:20, 21) Tinofanira kusarudza pakati pokunamata Mwari nokunamata madhemoni, sezvo Jehovha Mwari namadhemoni vachivengana. Kana tichida ushamwari hwaJehovha netaviridziro tinofanira kugura batano dzose nesonganirano nekurukurirano nemidzimu muzvimiro zvayo zvizhinji. Ikoko kunobatanidza kurasha midziyo ipi neipi inowirirana nekurukurirano nemidzimu. Midziyo yakadaro ingangobatira bedzi kutiita kuti tirambe tiri nhapwa mumutandiro wesimba ramadhemoni. Kubviswa kana kuti kuparadzwa kwemidziyo yakadaro inhano inokosha yokusununguka pasimba irero.
82. Shoko raMwari rinoratidzira sei kuti hatisati tichifanira kutya chinhu chipi nechipi, chakadai somufananidzo?
82 Panowo, Shoko raMwari nderebetsero huru yokutipa ushingi hwokuita nhano yakadaro. Rinotiratidzira chikonzero nei tisingafaniri kutya midziyo yakadaro, kunyange vamwe vanhu vangairangarira kuva yakaiswa uroyi kana kuti ine simba rakati kuti rechienzi. Kupfurikidza nomuporofita wake Jeremia, Jehovha Mwari akapa aya mashoko ekurudziro: “Regai kupinda munzira dzamarudzi . . . Nokuti mifananidzo yakavezwa yamarudzi iedzesero, iyi haisati iri chimwe chinhu kunze kwedanda rinotemwa mudondo, rinovezwa nembezo yemhizha; inorinatsa nesirivha nendarama, ichiibatanidza nenyundo nezvipikiri kuti irege kumwauka. Iyo haingagoni kutaura kungofanana nechitiwa chiri mumunda wamagaka; inofanira kutakurwa, nokuti haingagoni kufamba. Regai kuitya: iyo haingangoni kukuvadza, uye iyo haina simba rokuita chakanaka.” (Jeremia 10:2-5, New English Bible) Mwana muduku angatya chitiwa chiri kunze mumunda asi vanhu vakuru vanoziva zviri nani zvikuru. Uye Shoko raMwari rinoratidzira kuti, kungofanana nechitiwa chisingagoni kutaura kana kuti kufamba kana kuti kubetsera kana kuti kukuvadza ani naani, ndozvinoitawo mifananidzo inoitwa navanhu ndokuiti inoyera.
83. Bhaibheri rinoratidzira sei kusava nomufungo kwokunamata kwomunhu chinhu chipi nechipi chakaitwa namaoko omunhu?
83 Bhaibheri rinoratidzira kusava nomufungo kuri vanhu vanovimba nezvinhu zvakaitwa namaoko avanhu sokunge kuti zvingava nesimba rakati kuti rinopfuura simba romunhu mazviri. Somuenzaniso, chiporofita chakafuridzirwa chaIsaya chinotiudza nezvomurume anotema muti mukuru mudondo, anotora rutivi rwawo kupfutsa mwoto uye kubika chingwa dzokonokei oshandisa rutivi rumwe kuita mufananidzo ndoku“upfugamira nokunyengetera kwauri achiti: ‘Ndinunurei, nokuti imi muri mwari wangu.’” Jehovha Mwari anotaura nezvavanhu vakadaro, kuti: “Havasati vasvika pakuziva, uyewo havasati vanzwisisa, nokuti meso avo akanamirwa kuti vagorega kuona, mwoyo wavo kuti vagorega kuva nenzwisiso. Uye hakuna munhu anomuyeuchidza kana kuti ane zivo kana kuti ane nzwisiso, achiti: ‘Ini ndakapisa rutivi rwawo mumwoto, uye ini ndakabikawo chingwa pamazimbe awo; ini ndakagocha nyama ndikadya. Asi ini ndingaita chinhu chinonyangadza bedzi norutivi rwasara rwawo here? Ko ini ndimene ndingapfugamira danda rakaoma romuti here?’ Iye anodya marota. . . . Uye iye haasununguri mweya wake, uye haasati achiti: ‘Ko muruoko rwangu rworudyi hamuna nhema here?’”—Isaya 44:14-20.
84. (a) Danda romuti, mucheka kana kuti mutimwi pachawo ungabetsera kana kuti kutikuvadza here? (b) Chii chingatikuvadza chaizvo?
84 Danda rinongova danda chairoiro pasinei zvapo nokuti vanhu vangashanda pariri zvikuru sei. Ndicho chikonzero nei mufananidzo wedanda ungagona kupiswa uye kuparadzwa kungofanana norumwe rutivi rupi norupi rwedanda. Haungagoni kuzvitaviridzira iwo umene mukuva unoparadzwa. Uye kumwe cheteko kunoitikawo kumucheka kana kuti mutimwi kana kuti dongo kana kuti ibwe kana kuti mbeu kana chipi nechipi chingashandiswa navanhu kuita chinhu chokunamatwa kwemidzimu. Zvose zvinogona kuparadzwa nenzira dzakasiana-siana. Kana izvi zvinhu zvisingagoni kuzvitaviridzira izvo zvimene, zvamazvirokwazvo hazvingagoni kutaviridzira vamwe. Asi kuvadziko chaiyo inoitika mukudavira zvinhu zvakadai uye kupfurikidza nako ndokurega midzimu inonyengera, isina kuchena, madhemoni, achitipinza muuranda kuzvinhu zviri zvenhema nezveedzesero. Shoko raMwari rinotiratidzira nzira yokusununguka nayo panhema dzakadaro.
85. Chii chakaitwa namamwe maKristu muEfeso?
85 Bhaibheri rinotiudza nezvavanhu vakanga vane kutenda noushingi hwokuparadza zvinhu zvemidzimu, kunyange zvazvo kwakanga kuri kurasikirwa kukuru kwavari. Pashure pokurondedzera kupupurira pamusoro paMwari wechokwadi kwakaitwa nomuapostora Pauro muguta reEfeso, bhuku reBhaibheri raMabasa rinoti: “Chiverengero chikuru chaavo vaishandisa mashiripiti chakaunganidza mabhuku avo pamwe chete ndokuapisa pamberi pomunhu ari wose. Uye vakaverenga pamwe chete mutengo yao ndokuawana achiita zvidimbu zvine zviuru zvina makumi mashanu zvesirivha.” (19:19) Haiwa fungai henyu nezvokuti yakanga iri mari yakawanda zvakadini! Bva, kuva netendero yaMwari Wamasimba ose nokuva vakasununguka pasimba ramadhemoni kwareva zvakawanda zvikuru kupinda chaimirirwa nemari iyeyo.
86. (a) Chii chakava miuyo yechinoitikacho? (b) Kumwe cheteko kwave kuchiitikawo sei pakati pavanhu vazhinji nhasi?
86 Kuregererei kutarisa musha wenyu wose ndokuzvibvunza imi mumene kana muri kuratidzira kutenda kumwe cheteko uye muchitevera uyu muenzaniso, muchibvisa chinhu chipi nechipi chakabatana nokunamatwa kwemidzimu? Miuyo yechinoitika ichecho muEfeso yakanga ichikurudzira zvikuru: “Nokudaro nenzira ine simba shoko raJehovha rakaramba richikura uye richitekeshera.” (Mabasa 19:20) Kumwe cheteko kwave kuchiitikawo nhasi pakati pezviuru zvavanhu vakabva mukurukurirano nemidzimu vachienda kuna Mwari wechokwadi nokunamatwa kwake. Simba rezvokwadi yeShoko raMwari rakavasundira kukuunganidza pamwe chete mabhuku ose, mazango, zvitumwa, marundarira, mitimwi yo“rupingo,” nguvo nechinhu chiri chose chinowirirana nekurukurirano nemidzimu ndokuzviparadza.
87. Mumwe mukadzi kumaodzanyemba kweAfrica akaitei, uye chii chakava muuyo wacho?
87 Somumwe muenzaniso, mukadzi ari mumaodzanyemba eAfrica akanga ari svikiro akagamuchira betsero yakakarakadzwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha yokufunda Bhaibheri. Pavakarava nhauro yeBhaibheri yadudzwa pakuvamba inorondedzera maparadzire akaita vanhu vane mwoyo yakatendeseka vomuzana rokutanga ramakore mabhuku avo anoreva nezvekurukurirano nemidzimu, mukadziyo akabvunza kana aifanira kuita zvimwe chetezvo. Chapupu chakaratidzira maunzire angaita ikoku tendero yaMwari, nokudaro vakabvumirana pamusi wokuita ikoku. Pakusvika, Chapupu chakawana mukadziyo agadzirira nezvipfeko zvake zvose zvorudzidziso nezvinhu zvemidzimu neparafini. Vakabatidza mwoto ndokupisa zvinhu zvose. Chii chakava muuyo? Mukadzi akawana sununguko pasimba ramadhemoni uye zvino ari kufarikanya iye amene ropafadzo huru yokuyamura vamwe kuisa chivimbo chavo muna Mwari wechokwadi.
88. Mumwe murume muruwa rumwerwo akasununguka sei pakunamata midzimu?
88 Nomutoo wakafanana, mumwe murume ari muruwa rumwe cheterwo akanga avamba kudzidzira kune imwe n’anga ine mukurumbira uye akanga aita fambiro mberi yokukurumidza, achiva mubetseri mukuru kune mudzidzisi wake wezvemidzimu. Mudzimai womudzidzisi, zvisinei, akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Rimwe zuva uyu mubetseri akagara pafundoyo. Magwaro akakurukurwa anoratidzira kuti Mwari anorambidza kunwiwa kana kuti kudyiwa kweropa. (Revhitiko 17:10-14; Dheuteronomio 12:23, 24; Mabasa 15:20, 29) Ikoku kwakaorora murumeyo zvikurukuru. Akanga odo“kukunda” mukosi yake ye“mishonga” namashiripiti uye aiziva kuti kunwa ropa kwakanga kuri rutivi rwechinoitika cho“rukundo.” Ko iye akasarudza kuitei? Akanga achida kufadza Manyuko oupenyu hwose, Jehovha, pane kuedza kuwana tendero yemidzimu isingaoneki inoshora. Nokudaro akarega kudzidzira kurukurirano nemidzimu pakare pakarepo, akapfuurira kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye zvino anofara murusununguko rwake muusungwa hwemidzimu isingaoneki ine udyire.
89. Zviitoi zvinokosha zvinofanira kuitwa kuwana rukundo pamidzimu isingaoneki?
89 Kuti mugosununguka pamidzimu isingaoneki yakadaro, hakusati kuchingova madikanwa bedzi kuti munyengeterere betsero yaJehovha Mwari, asi kuti mu“simbirire mumunyengetero.” (VaRoma 12:12) Shoko raMwari rinoratidzira kuti hakusati kuchingova kunokosha bedzi kurega miitiro yemidzimu asiwo kubvisa midziyo yose ipi neipi yemidzimu ingachengeta batano dzenyu nokunamatwa kwemidzimu isingaoneki. Uye, kana muchizowana rukundo norusununguko rwarunounza, munodikanirwa kushandisa betsero inobva kuna vamwe zvokuti hamusati muchizonangana navavengi vemidzimu muri moga.
KUSONGANIRANA NAVABATIRI VAMWARI WECHOKWADI
90. Nei kuchikosha kusonganirana navanhu vaMwari?
90 Bhaibheri rinotikurudzira kusongana pamwe chete navamwe kuti tigovakwa murudo nomukutenda. (VaHebheru 10:24, 25) Ko mungaita ikoko navanaani? Mitezo yamachechi echiKristudhomu, kunyange zvazvo ichiedzesera kudavira Bhaibheri, inowanzova yakarurama pakati paavo vanotsvaka mabasa amasvikiro nen’anga mumativi akasiana-siana apasi. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinotora nzira yakasiana. Zvinoramba zvakachena zvizere pachinhu chipi nechipi chingatungamirira kukudzorwa nemidzimu isingaoneki inoshora dzidziso dzeShoko raMwari. Zvinofara kubetsera ani naani kufunda Bhaibheri ndokudzidza zvokwadi yaro inosunungura. Uye, mukufanana naJesu navadzidzi vake, zvinoita ikoku pachena. Zvingava zvinofara kukubetserai kuwana mhinduro dzemibvunzo yenyu kupfurikidza nefundo yapachena yakadaro.
91, 92. Kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha kungaunza betseroi?
91 Zvinogarounganawo nokuda kwefundo yeboka yamagwaro akafuridzirwa eShoko raMwari, uye misangano iyi ndeyapachenawo, hapana miripo inotorwa. Kupinda iyi betsero hombe mukurwa hondo inonyorwa pamusoro payo nomuapostora Pauro paanoti: “Isu tine hondo . . . namasimba akaipa emidzimu ari munzvimbo dzokudenga.” Muapostora anopfuurira kutikurudzira tose kuti “shongai chipfeko chakakwana chechifukidziro chesimbi chinobva kuna Mwari,” uye kuti “mirai makatsiga, . . . makasungwa nezvokwadi, uye makashonga chifukidziro chapachifuva chesimbi chokururama, . . . chidzitiro chikuru chokutenda, . . . ngowani yoruponeso nomunondo womudzimu, ndiko kuti, shoko raMwari.”—VaEfeso 6:12-17.
92 Kuziva mashandisirwe eichi chipfeko chakakwana chechifukidziro chesimbi chokumudzimu no“munondo womudzimu” nomutoo unobudirira kungada nguva yakati kuti. Asi songanirano yenyu navamwe vakawana uye vari kuwana rukundo muhondo yavo yokumudzimu ichakubetserai kuita fambiro mberi yakanaka. Zvamunodzidza zvakawanda pamusoro pamadonzo oMusiki weChisiko chapose pose noMubati ushe, Jehovha Mwari, uye muchiona uchenjeri hwemitemo yake nezvinodikanwa zvakarurama, kutenda kwenyu kuchakura. Muchawana tariro inoshamisa youpenyu muparadhiso yapasi, umo vanyoro vapasi vachafarikanya upenyu husingagumi, husitongorina chirwere nokutambura, muumambo hwaMwari hunodzorwa naKristu Jesu. Muchadzidza magonere amungaita kuva pakati paavo vachararama kuona nguva apo Mwari acha“pukuta musodzi uri wose pameso avo.”—Zvakazarurwa 21:4; Pisarema 37:10, 11; Mateo 5:5.
93. Ichinjoi yohunhu inodikanwa?
93 Kuti tigoramba takasununguka paudzori hunoitwa nemidzimu isingaoneki tinodikanirwa kutevera zano reBhaibheri roku“pfekenura hunhu hwekare hunowirirana nenzira yenyu yekare yomufambiro” ndoku“pfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama noruvimbiko rwechokwadi.” (VaEfeso 4:22-24) Nzira yedu yekare yomufambiro ingave yave ichidzorwa, nokusati kuri kuda kwaMwari, asi namagamuchidzanwa netsika dzavanhu vamarudzi vomunharaunda yokwedu. Tinodikanirwa kunzvera mufambiro wedu kuti tigoona kuti tiri kudzivisa zvinhu zvose zvine batano ipi neipi nenhema dzoudhemoni dzokuti vakafa vanogona kubetsera kana kuti kukuvadza vapenyu.—2 VaKorinte 13:5.
PFUURIRAI KURWA KURWA KWAKAISVONAKA KWOKUTENDA
94. Kana tangosununguka bedzi muudhemoni, chii chakunoda kuti tirambe takasununguka?
94 Kana mangosununguka paudhemoni bedzi munofanira kurwa nesimba kuti murambe makasununguka. Jesu akataura kuti bedzi “iye uyo anotsungirira kusvikira kumugumo ndiye uyo achaponeswa.” (Mateo 24:13) Zuva nezuva tinodikanirwa kuramba tichidzivisa nhamburiko dzokutidzorera mumutandiro wegamuchidzanwa nemiitiro youdhemoni ingatibira chikomborero chaMwari.
95. Satani anowanzoshandisa mitooi yokutinetesa?
95 Satani namadhemoni ake vangashandisa mitoo yakasiana-siana mizhinji yokuedza kutinetesa. Vangashandisa hama dzokunyama kana kuti shamwari kupa chishoro. Kazhinji kazhinji kunofanana nokwadeya kutaurwa naJesu, kuti: “Vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yokwake amene.” (Mateo 10:36) Kana muchitsvaka kuramba makasununguka pamiitiro yose youdhemoni kuti mugobvumikisa rudo rwenyu kuna Mwari ndokuva vechokwadi kumirairo yake pasinei zvapo nechingataurwa kana kuti kuitwa navamwe vanhu, rangarirai zvino mishomanene yemiedzo mizhinji inganangana nomunhu.—1 Johane 5:3; VaKorose 2:8.
APO MUMWE MUNHU ANOFA
96, 97. (a) Itsikai yamariro yakasanobatana nokunamatwa kwamadhemoni? (b) Chii chiri murangariro wechiKristu pamusoro pamariro?
96 Mumativi eAfrica, chinhu chenguva dzose kugadzirira ku“pupudza” apo munhu anofa. Hama dzokunyama neshamwari vanoungana pamusha panyakufa kana kuti pa“mba yemhuri.” Panova nokuchema, kuimba, kuridza ngoma, kunwa nokuitwa kwemimwe miitiro mukuwirirana netsika yomunzvimbomo. Mune zvimwe zvinoitika nyakufa, ashambidzwa ndokupfekedzwa zvipfeko zvake zvakanakisisa, ano“vanzarikwa mumugariro” umo shamwari nehama dzokunyama vanoita mudungwe vachipfuura napahuvatohwo kuti vagomuona kokupedzisira asati avigwa.
97 Ndekwomuzvarirwo kusuruvara pashure porufu rweshamwari kana kuti hama yokunyama. Jesu akasuruvara parufu rweshamwari yake Razaro uye kunyange kusvimha misodzi. (Johane 11:33, 35) Zvisinei, misodzi yorusuruvaro chairwoirwo yakasiana zvikuru nokurira nokuchema kunowanzova pamwe chete namariro mazhinji mune dzimwe nyika. Kuchema ndokwomuzvarirwo, kunyange kusvika kupfundo rokurira, pakurasikirwa nomudikanwi. (2 Samueri 1:11, 12) Zvisinei, kuchema nokurira nokuda kworutyo rwokusafadza midzimu isingaoneki, kana kuti nokuda kworutyo rwemimwe mitezo yemhuri, kunopesana neShoko raMwari. Kazhinji kazhinji mashoko anoshandiswa mukurira nokuimba anotaura nyakufa kana kuti mamwe madzisekuru mumunyengetero kana kuti mukumbiro. Zvamazvirokwazvo, kumwe kupupudza kunochengetwa chose chose nokuda kwokutyiwa kwavakafa. Nokudaro nepo kusina hako kusarurama kune munhu anotya Jehovha kupinda mariro, kwakanaka kuyeuka zano ro‘kuzviparadzanisa isu timene nokurega kubata chinhu chisina kuchena.’ (2 VaKorinte 6:17) Tingawana nzira dzokuratidzira nadzo rusuruvaro rwedu ndokupa nyaradzo yechokwadi tisingatori rutivi mumubato upi noupi uri wakabatana nokunamatwa kwemidzimu. Uyewo, vanhu vaJehovha havasati vachifanira kuzvibvumira ivo vamene kukurirwa norusuruvaro, sezvo ivo vane tariro yorumuko. Ndicho chikonzero nei Bhaibheri, richiti: “Zvakare, hama, isu hatisati tichida kuti imi muve vasingazivi pamusoro paavo vavete murufu; kuti imi murege kusuruvara kungofananawo nezvinoita vamwe vasina tariro.”—1 VaTesaronika 4:13.
98. Ndidzimwe tsikai dzingavawo dzinowirirana noudhemoni?
98 Chokwadika, tsika dzakabatana norufu, mariro neganhuriro pahama dzokunyama mhenyu dzinosiana zvikurukuru mukuwirirana nezvitendero namagamuchidzanwa omunzvimbomo. Asi kazhinji kazhinji zvikuru dzinovakirwa pachitendero chokuti vakafa vanogona kucherekedza vapenyu, uye dzinobatanidza miitiro mizhinji inopesana neShoko raMwari. Mubatiri wechokwadi waMwari haangadi kuzvishatsa iye amene neizvi. Mune dzimwe nharaunda muAfrica, gore pashure porufu rwomunhu, mabira chaiwo anotoitwa ‘kudzorera nyakufa mumusha.’ Kunodavirwa kuti parufu mweya hausati uchienda pakarepo ku‘nyika yemidzimu’ asi unopinda mumugariro wokusaita basa kutozosvikira bira ramariro rechipiri raitwa uye kuti panguva ino ungagona kupinda mu‘nyika yemidzimu.’ Mune dzimwe nzvimbo mhuka inowanzouraiwa uye zvinwiwa zvinopiwa pamariro mukubaira madzisekuru akafa. Vateveri vaose ari maviri machechi echiKristudhomu neechiIslam vanotora rutivi mumabira akadaro.
99, 100. (a) Neiko maKristu achifanira kusvinurira panhambo dzakadaro? (b) Jehovha haangagoni kushivirirei?
99 Zvisinei, chinhu chinokosha ndochinotaurwa neShoko raMwari pamusoro pemiitiro yakadaro. Somuenzaniso, pana Pisarema 106:28, 29 inoreva nezvavaIsraeri vakakumbanira mukunamata kwenhema ndokuvamba “kudya zvibairo zvavakafa.” Inoratidzira kuti “ivo vakanga vachiparira kutsamwa” kuna Mwari kupfurikidza namakubata akadaro uye vakatambura kurasikirwa netendero yake. Tatodzidza muBhaibheri kuti apo munhu anofa, Mwari bedzi angaparira munhuyo kuraramazve kupfurikidza norumuko.—Onai ndima 33 kusvikira ku 36.
100 Hungu, rufu, mariro, roorano, mimba, kubereka, kudzingiswa dzose inhambo dzokusvinurira. Shoko raMwari rinonyevera, kuti: “Mukai! ivai vakasvinurira! Muvengi wenyu dhiabhorosi, seshumba inodzvova, anofamba-famba achitsvaka mumwe munhu wokuparadza.” (1 Petro 5:8, New English Bible) Kuri nyore kutera zvikuru mudzvinyiriro ndokushonga ka“mushonga” kakadai sechitumwa. Asi munhu anoda tendero yaMwari achayeuka kuti Jehovha ndiye “Mwari anoraira kuzvipira kwapoga.” (Eksodho 20:4-6) Haasati achishivirira kunamata kwenhema kwakavakirwa panhema uyewo haasati achizokomborera upi noupi wavabatiri vake kana ivo va“singaitiri hanya” pamusoro pemirairo yake.—Zvakazarurwa 3:16.
NGUVA DZECHIRWERE
101. Ingozii ingavapo mu“n’anga”?
101 Munguva dzechirwere vamwe vanhu vakaedza vanachiremba vanoverengeka nezvipatara asi havana kuwana yamuro. Vamwe vangafunga havo kuti vanofanira kutendeukira kune chinonzi “mushonga wen’anga” mune dzimwe nzvimbo, ndiko kuti, betsero yomurapi anorapa. Huzhinji hwe“n’anga” idzi hunoshandisa mitombo nemimwe mirimo, iyo, pachayo imene, ingava isingakuvadzi. Asi ngozi iri muidi rokuti vezvemitombo vakadarovo kana kuti “n’anga” vangabatanidza kurukurirano nemidzimu nokushandisa mitombo nemimwe mishonga. MuBhaibheri, shoko rokuti “kurukurirano nemidzimu” serinowanwa muNew World Translation pana Zvakazarurwa 21:8 rinobva mushoko rechiGiriki rokuti phar·ma·kiʹa, rinoreva chaizvoizvo kuti “nzvimbo inogadzirwa nokutengeswa mishonga.” Ikoku imhaka yokuti munguva dzekare vauki vazhinji namamwe vaiti vekurukurirano nemidzimu vaishandisa mirimo mumabira avaiita.
102. Kurukurirano nemidzimu ingabatana sei no“kurapa” kunokarakadzwa?
102 Varapi vangapinza kurukurirano nemidzimu mukurapa kwavo kupfurikidza nokushandisa chibairo (shiri kana kuti mhuka inogoverwa nomurwere), kupfurikidza nokushandisa mashiripiti, kana kuti kupfurikidza nokuposa chitsinga. Mune imwe nyika iri mumadokero eAfrica, mumwe murume akatungamirirwa kune mukadzi nokuda kwomutombo wokurapa chirwere chezino. Mukumupa mushonga wacho, mukadziyo akamuudza kusautarisa. Paakabvunzwa kuti neiko, akati mushonga wacho u‘ngarasikirwa nesimba rawo’ kana akautarisa. Asi mutombo kana kuti mumwe mushonga ungaziva sei kana ‘uri kutariswa’? Ko zvinhu zvakadai zvine meso here? Nyangwe napaduku pose, nokudaro kwakajeka kuti murapi aidavira kuti masimba emidzimu aizoshanda nomushongawo, chaizvoizvo achiupa masimba amashiripiti.
103. Dzimwe “n’anga” dzinotendeukira kuchii mumuitiro wadzo?
103 Dzimwe “n’anga” dzingatokambira kuti dzinoremekedza mitemo yaMwari pamusoro pekurukurirano nemidzimu, nepo muhuchokwadi dzichitendeukira kumashiripiti mukurapa kwadzo. Dzingashandisa murumiko kana kuti mitombo nokuda kwamadonzo okurapa. Asi, pakubvisa murumiko, dzinobudisa chimwe chinhu, zvimwe dombo kana kuti chimvemve, ibvei dzotaura kuti ichi ndicho chisakiso chechirwere chadzinotaura kuti dzabvisa mumuviri.
104. Chii chingataurwa pamusoro pezvibairo zvakabatana ne“n’anga”?
104 Tatorava chinofungwa naMwari Wamasimba ose nezveavo vanoshandisa mashiripiti nouroyi namarangaririre aanovaita sa“vanonyangadza.” (Dheuteronomio 18:10-12; onai ndima 58 kusvikira ku 61.) “N’anga” dzinowanzoshandisa mitambo, mabira nezvibairo kufadza ‘vamwari.’ Naizvozvo, ipapoka, kudai imwe “n’anga” yaizokukumbirai kuunza huku kana kuti mbudzi nokuda kwokubaira chibairo, ikoko kwaizorevei? Ko mhuka yakadaro yaizobairwa kuna ani zvomenemene? Muapostora Pauro akafuridzirwa, anoti: “Zvinhu zvinobairwa namarudzi iwo anobaira madhemoni, uye kusati kuri kuna Mwari; uye ini handisati ndichida kuti imi mugova vagoverani namadhemoni.”—1 VaKorinte 10:20-22.
105. Kana isu kana kuti vana vedu tisingagoni kurapika pashure pokushandisa mitoo iri yose yakafanira, tinofanira kuitei?
105 Kana takasununguka pauranda hwesimba ramadhemoni, hatigoni kuzvirega timene tichidzorerwa mumutandiro wemiitiro yenhema namagamuchidzanwa ndokurambazve takasununguka. Asi zvakadiniko kana takaedza mutoo uri wose wakafanira wokurapwa chirwere uye tisina kuva nebudiriro? Bhaibheri rinotizivisa, kuti: “Kandira mutwaro wako pana Jehovha iye amene, uye iye amene achakutsigira.” (Pisarema 55:22) Nyengeterai kwaari, kusati kuri kuti mungarapwa nenenji rakati kuti, asi kuti mungava nouchenjeri hwokusarudza kurapwa kwokuchenjera nokwakafanira uye, kupinda zvose, kuti mugoramba mune ugwinyi uye makasimba mumudzimu, muchichengeta kutenda kwakatsiga nechitarisiko chinofadza, pasinei hapo nokuti nhambo yenyu yechirwere ingabvumikisa kuva refu zvakadini kana kuti yakakomba. Mungagonawo kuronzesa vana venyu kuna Jehovha. Ivo vane ngava youpenyu kwaAri. Anogonawo kuvachengeta asika kusati kuri nezvinhu zvakadai so“mushonga worupingo” kana kuti mitimwi, zvibairo, mabira kana kuti mimwe mitambo.
106. Itariroi inotsigira vabatiri vaMwari vanorwara uye vangatofa?
106 Tinoziva kuti vanhu vanokurukura nemidzimu, kubatanidza navarapi ne“n’anga”wo, vanorwara paimwe nguva uye vose vanofa nezvikonzero zvakasiana-siana. Kunyange vabatiri vechokwadi vaMwari navana vavo vanoramba vasitongorina kurukurirano nemidzimu vanofanira kutambura kwenguva yakati kuti kana kuti kunyange kuoneswa nhamo nechirwere chakati kuti chisingarapiki, vane tariro inoshamisa yokuvatsigira. Vanoziva kuti Jehovha Mwari ane nguva yakagadzwa apo iye achabvisa chirwere chose norufu. Avo vanoramba vakatendeka kukuda kwaMwari panguva iyeyo vachakwanisa kuwana gadziriro dzinopa upenyu, dzakafananidzirwa no“rwizi rwemvura youpenyu” rune miti mumativi ine mashizha ari “okurapwa kwamarudzi.” (Zvakazarurwa 22:1, 2) Nokudaro, kunyange zvazvo tinganangana norufu, tingayeuka mashoko aJesu, anoti: “Upi kana upi anoda kuponesa mweya wake ucharashikirwa nawo; asi upi kana upi unorashikirwa nomweya wake nokuda kwangu uchauwana.” (Mateo 16:25) Pane kuedza kuponesa upenyu hwedu nokutendeukira kumiitiro isina kuchena yekurukurirano nemidzimu, tingavimba nesimba raMwari Wamasimba ose tichivimba kuti achatidzorera kubva murufu kupfurikidza norumuko kuupenyu munyika itsva yake yakaisvonaka.
MAROTO
107, 108. (a) Neiko Jehovha asingashandisi maroto kutitungamirira nhasi? (b) Kutsamira pamaroto kune muuyoi wakashata?
107 Muvengi asingaoneki womudzimu, Satani, angashandisawo maroto kutsausa vabatiri vaMwari pakunamata kwakachena. Vanhu vazhinji vanobatanidza ukoshi hukuru pamaroto. Mune zvinoitika zvishomanene vanoratidzika kuva vanodeya kutaura zvinoitika zvinozadzika gare gare. Uye ichokwadi kuti munguva dzekare vashomanene vavabatiri vaMwari, saJosefa mwanakomana anodiwa waJakobho, vakashandiswa kudeya kutaura zvinoitika kupfurikidza namaroto. Zvisinei, tinodikanirwa kuyeuka kuti mumazuva iwayo vakanga vasina manyoro ose eBhaibheri okugovera nhungamiro yakakwana nokuda kwavo. Nhasi tine iwaya. Pamanyoro iwayo tinorava, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari . . . kuti munhu waMwari agova anokwaniswa zvizere, akashongedzerwa zvakakwana nokuda kwebasa riri rose rakanaka.”—2 Timotio 3:16, 17.
108 Shoko raMwari, Bhaibheri, inhungamiro YAKAKWANA yedu mumubato uri wose uri wakanaka. Chifo chaapo Mwari akaita kuti rive rinonyorwa mukukwana kwaro, Shoko irero rakafuridzirwa, uye asati ari maroto, rave riri nzira yaMwari yokutungamirira vabatiri vake vechokwadi, kusvikira chaizvoizvo kuzuva rino. Idika, Shoko rake rinotinyevera pamusoro pamaroto akabatanidzwa nokuuka nenamato yenhema, richiti: “Vauki, nokuda kwavo vamene, vakaona nhema, namaroto asina maturo ndiwo avanoramba vachitaura.” (Zekaria 10:2; Dheuteronomio 13:1-3) Shoko raMwari rakafuridzirwa richatungamirira munzira dzakarurama. Asi avo vanovimba namaroto vane chokwadi chokutungamirirwa munzira dzenhema, kure nenamato yechokwadi.—Jeremia 23:25-27, 32; 27:9, 10.
NGUVA YEMBERI INE MBIRI YAVANAMATI VECHOKWADI
109. Shoko raMwari rinobatira sei nokuda kwechikomborero netaviridzo yenyu?
109 Panzvimbo pokuvimba namaroto, tendeukirai kuzviporofita zvinowanwa muShoko raMwari. Shoko irero harisati richikunyengedzai asi rinokuzivisai zvokwadi pamusoro pokunamatwa kwemidzimu isingaoneki nomugariro chaiwoiwo wavakafa. Kupfurikidza nokukuratidzirai kuti vakafa havana chinhu chavanoziva uye kuti havangagoni kubetsera kana kuti kukuvadza vapenyu, rinokusunungurai parutyo runopinza muuranda. Rinokutaviridzirai kupfurikidza nokufumura madhemoni semidzimu inonyengedza inogona kuedzesera kuva vakafa uye kupfurikidza nako ndokunyengera vanhu vazhinji. Kune rumwe rutivi, apo imi munoshandisa dzidziso dzeBhaibheri muupenyu hwenyu, muchawana kuti dzinounza betsero huru, dzakadai sorugare rwendangariro nomufarwa womwoyo. Uye munogona kuona mazadzikire ari kuita zviporofita zveBhaibheri nomutoo wakarurama nhasi.
110. “Bhabhironi Guru” rinomirirei?
110 Ko zviporofita izvi zvinotizivisei pamusoro penguva yemberi? Zvinodeya kutizivisa kuti muchinguvana kunamata kose kwenhema, kubatanidza kunamatwa kwemidzimu isingaoneki youdyire namagamuchidzanwa ayo emidzimu nemiitiro, zvichaparadzwa chose chose. MuBhaibheri marudzidziso ose enhema enyika yose, kubatanidza namarudzidziso echiKristudhomu, anomirirwa nomukadzi womufananidziro asina kuchena anonzi “Bhabhironi Guru.” Anofananidzirwa soumambo hweguta guru huno“gara pamvura zhinji” uye mvura idzedzo dzino“reva vanhu namapoka namarudzi nendimi.”—Zvakazarurwa 17:1, 5, 15, 18.
111. Neiko Jehovha achinyevera vanhu vake kubuda muBhabhironi Guru?
111 Tinogona kuona maumbire akaita rudzidziso rwenhema rwamarudzi akasiana-siana umambo hunopinza muuranda nokudzvinyirira vanhu mumativi ose apasi kusvikira kuzuva rino chairo. Kuguta irero romufananidziro, Shoko raMwari rinoti: “Marudzi ose akatsauswa nomuitiro wako wemidzimu.” (Zvakazarurwa 18:23) Nemhaka yokuti rudzidziso rwenhema runoshandiswa nemidzimu isingaoneki youdyire kutsausa vanhu nokuvatsausa pakunamata kwechokwadi, Mwari anoruvenga. Pamusoro poumambo hworudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru romufananidziro, Bhaibheri rinoti: “Iro richapiswa chose nomwoto, nokuti Jehovha Mwari, anoritonga, akasimba.” Kunyange zvazvo madhemoni nomubati ushe wao Satani vane simba rinopfuura romunhu, vane utera paanoenzaniswa naJehovha Mwari namauto ake engirozi. Midzimu iyeyo isingaoneki ine udyire haisati ichizotongokwanisa kuponesa avo vanoshandisa miitiro inopesana neShoko raMwari, apo nguva yaMwari yokuparadza umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru inosvika. Ndicho chikonzero nei Mwari achitinyevera, kuti: “Budai mariri, vanhu vangu, kana imi musati muchida kugoverana naro zvivi zvaro.”—Zvakazarurwa 18:4, 8.
112. Ihondoi ichatevera panguva iyeyo? Ndivanaani vachaipukunyuka?
112 Ruparadziko irworwo rworudzidziso rwenhema ruchateverwa nokukurumidza ne“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” Ipapo, somumiriri waMwari, Kristu Jesu akapiwa mbiri achatungamirira mauto akakwirira okudenga engirozi kuzorwisana navavengi vaMwari pasi pano. Nenzira iyeyo Mwari achachenura pasi uipi kungofanana nokuchenura nyore nyore kungaitwa nomukadzi musha wake. (Zvakazarurwa 16:14-16) Ko pachava navapukunyuki here? Bhaibheri rinoti “vakarurama ndivo vachagara mupasi uye vasina chavangapomerwa ndivo vachasiiwa pariri. Kana vari vakaipa, vachagurwa mupasi rimene; uye kana vari vanonyengera, vachadzurwa pariri.” (Zvirevo 2:21, 22) Hungu, “vanyoro ivo vamene vachava varidzi vapasi, uye zvamazvirokwazvo ivo vachawana mufaro mukuru murugare rukurusa.”—Pisarema 37:10, 11, 29; Zvirevo 12:7.
113. Inguva yemberi ine mbiri yakadini iri pamberi pedu?
113 Ko mungafungidzira muchigara papasi rakadzorerwa kuparadhiso yakaisvonaka navanhu vanozvininipisa navane rudo seshamwari dzenyu, musati muri pasi pesangano ripi neripi roudyire, rinodzvinyirira rezvamatongerwe enyika asi muri pasi pehurumende yakakwana neyakarurama here? (Dhanieri 2:44; Isaya 65:17, 21, 22, 25) Ko mungada kurarama munguva yakadaro apo kuda kwaMwari kunoitwa pasi pano sezvakunoitwa kudenga uye umo vanhu vasati vachasitongozodzidzazve hondo here? (2 Petro 3:13; Mateo 6:10; Mika 4:3, 4) Hakuna chirwere, marwadzo kana kuti kutyiwa kworufu kuchavamo! Uye chiizve chimwe, vanhu vamene vave vachiparira kutamburira kukuru zvikuru pasi pano kupfurikidza nekurukurirano nemidzimu, ndiko kuti, Dhiabhorosi namadhemoni ake, vachaparadzwa nokusingaperi! Haiwa ikariro yakadini ine mbiri inopiwa neShoko raMwari: Upenyu husingaperi paparadhiso yapasi murugare, chengeteko nougwinyi!—Zvakazarurwa 21:3, 4; 20:10.
114, 115. Zvino munofanira kuitei?
114 Kana muchida upenyu, ipapoka rambai muchikura muzivo yaMwari Wamasimba ose namadonzo ake. Jesu Kristu mumunyengetero kuna Baba vake vokudenga, akati: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi, neyomumwe wamakatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3.
115 Nhamburiko chaiyoiyo kwamuri, kunyanguvezvo, ichadikanwa. “Irwa kurwa kwakaisvonaka kwokutenda,” anodaro muapostora Pauro. Nedonzoiko? Ro“kubatisisa paupenyu husingaperi.” (1 Timotio 6:12) Hungu, sunungukai pamutandiro unonamatira unounza uranda wemidzimu isingaoneki youdyire. Ipapo pfuurirai ku“shora Dhiabhorosi, uye iye achakutizai. Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:7, 8) Ivai vokutenda kwakatsiga. Uye “Baba venyasha huru naMwari wenyaradzo yose” ngavakupei rukundo nomufaro wokumubatira nokusingaperi munyika itsva yake yakarurama.—2 VaKorinte 1:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Chimwezve chibvumikiso chouchokwadi hweBhaibheri chingawanwa mubhuku rinonzi Bhaibheri iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? na“All Scripture Is Inspired of God and Beneficial.”
[Mufananidzo uri papeji 5]
Achidavira kuti midzimu isingaoneki ingabetsera mwana wake, uyu mukadzi anoshanyira “n’anga”
[Mufananidzo uri papeji 16]
Mifananidzo yakavezwa inomirira midzimu yamadzisekuru akafa inoitwa muchitendero chisina kururama chokuti madzisekuru aya mapenyu munyika yemidzimu
[Mufananidzo uri papeji 17]
Hove, shiri nemhuka zvinonzi “mweya” muBhaibheri, sezviri munhu. Asi hapana nechimwe chazvo chiri chisingafi
[Mufananidzo uri papeji 20]
Mukutonga kwamakore ane chiuru kwaJesu Kristu, vakafa vachadzorerwa kuupenyu
[Mufananidzo uri papeji 30]
Muna Israeri wekare, Mwari akaraira kuti ani naani aikurukurirana nemidzimu aiurawa nokutakwa namabwe
[Mufananidzo uri papeji 34]
Mimwe miti, ruware rukuru, nzizi, mapopomo, makomo kana kuti nzvimbo zvinorangarirwa navamwe vanhu kuva nzvimbo dzokuzorora dzemidzimu isingaoneki
[Mufananidzo uri papeji 37]
Zvitendero zvisina kururama zvinodzivirira vanhu vazhinji mu“mutandiro” worutyo
[Mufananidzo uri papeji 42]
Sechiitwa chisingagoni kufamba, kutaura, kubetsera kana kuti kukuvadza ani naani, ipi kana ipi yemifananidzo inoitwa navanhu haigoniwo
[Mufananidzo uri papeji 43]
Ko chidhori chinoitwa navanhu chine masimba api naapi anopfuura omuzvarirwo here? Ichi chidhori chinoitwa nomuti mumwe chetewo wakabva huni dziri kupiswa nomunhu kubika zvokudya zvake. Chidhori zvachingapiswa nomunhu nyore nyore sezvinongoitawo huni, ko chingagona kuva nesimba ripi neripi rokubetsera kana kuti kukuvadza vanhu here?
[Mufananidzo uri papeji 45]
Zviuru zvavanhu zvakasiya kurukurirano nemidzimu uye zvakaparadza midziyo inowirirana nayo
[Mufananidzo uri papeji 48]
Nokugarosangana kufunda Shoko rakafuridzirwa raMwari, nomutoo unobudirira tingarwisa “masimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzokudenga”
[Mufananidzo uri papeji 61]
Paradhiso yapasi, vanhu vose nemhuka zvichagara murugare rwakakwana, uye hamusati muchizovazve nenzara, rusuruvaro, chirwere kana kuti rufu