CHITSAUKO 10
Zuva Nezuva Unobvunza Here Kuti, “Jehovha Ari Kupi?”
1, 2. (a) VaJudha vomunguva yaJeremiya vakanga vakaita sei mune zvokunamata? (b) VaJudha vaifanira kunge vakaitei kumamiriro avo ezvinhu?
JEREMIYA akanga achisvimha misodzi. Akanga achinetseka nemamiriro ezvinhu evanhu vake uye nezvaakanga anzi naMwari afanotaura nezveramangwana ravo. Aishuva kuti dai musoro wake wakanga wakaita setsime remvura uye maziso ake sechitubu kuitira kuti agone kuramba achichema. Jeremiya aiva nechikonzero chokuchema pamusoro pemamiriro ezvinhu erudzi rwacho. (Jer. 9:1-3; verenga Jeremiya 8:20, 21.) VaJudha vakapfuurira kuramba mutemo waMwari uye havana kuteerera inzwi raJehovha, saka dambudziko raizouya.—Jer. 6:19; 9:13.
2 Zvisinei, vanhu veJudha, avo vaida kunzwa vatungamiriri vavo vechitendero vachitaura kuti zvose zvakanga zvakanaka, vakanga vasinganyatsofariri zvaifungwa naJehovha nezvemaitiro avo. (Jer. 5:31; 6:14) Vakanga vakaita sevarwere vari kutsvaka chiremba anovaudza zvinhu zvinonyaradza asi asina hanya nezviratidzo zvakakomba. Dai wairwara zvakakomba, waisazoda kuongororwa zvakarurama here kuitira kuti ugone kurapwa nenguva? Kana totaura nezvokunamata, vaJudha vomunguva yaJeremiya vaifanira kunge vakatsvaka kuudzwa chokwadi nezvemanamatiro avo. Vaifanira kunge vakabvunza kuti: “Jehovha ari kupi?”—Jer. 2:6, 8.
3. (a) VaJudha vangadai vakapindura sei mubvunzo wokuti, “Jehovha ari kupi?” (b) Ndeipi imwe nzira iyo vaJudha vaizotsvaka nayo Jehovha?
3 Kuti vaJudha vabvunze kuti, “Jehovha ari kupi?” zvaizodai zvakareva kutsvaka kutungamirirwa naMwari pavaida kuita zvisarudzo zvikuru nezviduku. Panguva iyoyo vaJudha havana kudaro. Asi pashure pokunge Jerusarema raparadzwa uye vadzoka vachibva kuBhabhironi, vaifanira ‘kutsvaka Jehovha.’ Nokuita izvozvo, vaizokwanisa kumuwana uye kuziva nzira dzake. (Verenga Jeremiya 29:13, 14.) Vaizozviita sei? Imwe nzira yaiva yokutaura naMwari vachinyengetera nemwoyo wose, vachikumbira kutungamirirwa naye. Ndizvo zvaiitwa naMambo Dhavhidhi. Akakumbira Mwari achiti: “Itai kuti ndizive nzira dzenyu, haiwa Jehovha; ndidzidzisei makwara enyu.” (Pis. 25:4) Ona zvakakumbirwa noMunzwi wemunyengetero achishandisa Jeremiya mugore rechigumi raMambo Zedhekiya. “Shevedzera kwandiri, uye ini ndichakupindura ndobva ndakuzivisa zvinhu zvikuru nezvisinganzwisisiki zvausina kuziva.” (Jer. 33:3) Kana mambo uye rudzi rwakanga rwapanduka vaizoshevedzera kuna Mwari, aizovazivisa zvinhu “zvisinganzwisisiki,” kuparadzwa kweJerusarema uye kudzorerwa kwaro pashure pemakore 70.
4, 5. Vanhu vaMwari vangadai vakatsvaka Jehovha nedzimwe nzira dzipi?
4 Imwe nzira iyo vaJudha vangadai vakatsvaka nayo Jehovha yaiva yokuongorora zvakaitika kare uye kufunga kuti aiita sei nevanhu vake. Saka vangadai vakayeuka kuti ndezvipi zvakanga zvafarirwa naMwari uye ndezvipi zvakanga zvamutsamwisa. Vaiva nezvakanyorwa naMosesi uye zvinyorwa zvinoverengeka zvakafuridzirwa uyewo zvinyorwa zvemadzimambo aIsraeri naJudha. Nokufungisisa izvozvo uye nokuteerera vaprofita vaMwari vechokwadi, vaJudha vomunguva yaJeremiya vaigona kudai vakanzwisisa mhinduro yomubvunzo wokuti, “Jehovha ari kupi?”
5 Nzira yechitatu iyo vaJudha ivavo vangadai vakatsvaka nayo Jehovha yaiva yokudzidza kuburikidza nezvakaitika kwavari uye zvakaitika kune vamwe. Hakusi kuti vaifanira kudzidza zvinhu zvose vachiita zvokuedza nzira dzakasiyana-siyana, asi vangadai vakabatsirwa nokufunga zvavakanga vamboita uye kuti Jehovha aizviona sei. Kudai vakanga vachicherechedza, vangadai vakanzwisisa kuti Mwari aiona sei zvavaiita.—Zvir. 17:10.
6. Ungakurudzirwa sei nomuenzaniso waJobho?
6 Asi ngatimbofunga nezvazvo muzuva redu. Nguva dzose wave uchibvunza here kuti, “Jehovha ari kupi?” paunenge uchiita zvisarudzo? Vamwe vanganzwa sokuti pavaiita zvisarudzo havana kuzvibvunza mubvunzo uyu kakawanda sezvavaifanira kuita. Kana iwe wakadarowo, usaora mwoyo. Kunyange musoro wemhuri Jobho akatambura panyaya iyi. Paaitambudzika, aingozvifunga iye chete. Erihu aitofanira kumuyeuchidza zvinowanzoitwa nevanhu kuti: “Hapana anoti, ‘Mwari, Muiti wangu Mukuru ari kupi?’” (Job. 35:10) Erihu akakurudzira Jobho achiti: ‘Funga nezvemabasa anoshamisa aMwari.’ (Job. 37:14) Jobho aifanira kucherechedza mabasa makuru aJehovha muzvinhu zvakasikwa zvakanga zvakamupoteredza uye mune izvo Mwari aiita nevanhu. Kubva pane zvakaitika kwaari, Jobho akasvika pakunzwisisa nzira dzaJehovha. Pashure pokunge atsungirira muedzo wake uye aona kuti Jehovha akagadzirisa sei nyaya yacho, Jobho akati: “Ndakataura, asi ndakanga ndisinganzwisisi zvinhu zvinondishamisa kwazvo, zvandisingazivi. Ndakanzwa nezvenyu norunyerekupe, asi zvino ziso rangu rinokuonai.”—Job. 42:3, 5.
7. Sezvinoratidzwa papeji 116, tava kuzokurukurei?
7 Muprofita Jeremiya pachake akaramba achitsvaka Jehovha uye akamuwana. Kusiyana nezvaiitwa nevanhu vomunyika yake, kwemakumi emakore ebasa rake rokutendeka, Jeremiya akaramba achibvunza kuti: “Jehovha ari kupi?” Pane zviri kutevera muchitsauko chino, tichaona kubva mumuenzaniso waJeremiya kuti tingatsvaka sei Jehovha tomuwana kuburikidza nomunyengetero, kudzidza uye zvinhu zvinoitika kwatiri.—1 Mak. 28:9.
Zvinorevei kubvunza kuti, “Jehovha ari kupi?” VaJudha vomunguva yaJeremiya vangadai vakabvunza izvozvo munzira dzipi?
JEREMIYA AKATAURA NAJEHOVHA MUMUNYENGETERO
8. Jeremiya akataura naMwari mumunyengetero mumamiriro ezvinhu akaita sei?
8 Kwemakore akawanda paaishumira ari mutauriri waMwari kurudzi rwaJudha, Jeremiya akatsvaka Jehovha kuburikidza neminyengetero yemwoyo wose. Akakumbira Mwari kuti amutsigire paaifanira kuzivisa mashoko akanga asingafarirwi, paaifunga kuti aisazokwanisa kuenderera mberi, uye paainetseka kuti nei zvimwe zvinhu zvaiitika. Mwari akamupindura uye akamurayira zvaaizofanira kuita. Ona mienzaniso mishomanana.
9. (a) Jeremiya akataura sei manzwiro ake pana Jeremiya 15:15, 16, uye Jehovha akaita sei? (b) Nei uchifunga kuti kutaura manzwiro ako mumunyengetero kunokosha?
9 Pane imwe nguva Jeremiya paakanzi azivise mashoko okutsoropodza, akanzwa sokuti munhu wose akanga achimutuka. Saka muprofita wacho akakumbira Mwari kuti amuyeuke. Funga nezvemunyengetero wake uri pana Jeremiya 15:15, 16, paanotaura nezvemanzwiro aakaita nezvemhinduro yaMwari. (Verenga.) Mumunyengetero iwoyo, Jeremiya akabudisa kurwadziwa kwake. Asi paakawana mashoko aMwari ndokuita sokuti akanga aaisa mumukanwa make, akafara zvikuru! Jehovha akamubatsira kunzwisisa ropafadzo yokuva nezita raMwari uye yokuzivisa shoko raMwari. Jeremiya aigona kunyatsoona kuti Jehovha aiva papi panyaya iyi. Tingadzidzei pane izvi?
10. Mwari akaita sei muprofita wacho paakati aisazotaurazve nezita raJehovha?
10 Pane imwe nguva, pashure pokunge mupristi Pashuri mwanakomana waImeri amurova, Jeremiya akati aisazotaurazve nezita raJehovha. Mwari akapindura sei mashoko aJeremiya aibva pasi pemwoyo? (Verenga Jeremiya 20:8, 9.) Bhaibheri haritiudzi kuti Mwari akapindura nokutaura naJeremiya ari kudenga. Asi shoko raMwari rakaita semoto unobvira wakavharirwa mumapfupa ake, uye hapana chaaigona kuita kunze kwekuritaura. Chokwadi, nokutaura nemwoyo wose manzwiro ake pamberi paMwari uye kubvuma kukurudzirwa nezvaaiziva pane zvinodiwa naMwari, Jeremiya akakurudzirwa kuramba achiita kuda kwaMwari.
11, 12. Jeremiya akawana sei mhinduro yemubvunzo wake pamusoro pokuti nei vakaipa vachiita sevanobudirira?
11 Jeremiya ainetseka paaiona vakaipa vachibudirira. (Verenga Jeremiya 12:1, 3.) Kunyange zvazvo akanga asingamboratidzi kusava nechokwadi nokururama kwaJehovha, muprofita wacho akatsvaka mhinduro ‘yokunyunyuta’ kwake. Kutaura kwake asingapotereri kwakajekesa kuti aiva neukama hwakasimba naMwari, hwakaita sehwemwana nababa vake vaanoda. Kwakanga kuri kungoti Jeremiya aisanzwisisa kuti nei vaJudha vakawanda vakanga vachibudirira pasinei nokuti vakanga vakaipa. Jeremiya akawana mhinduro inogutsa here? Jehovha akamuvimbisa kuti aizodzura vakaipa. (Jer. 12:14) Jeremiya paakaona kuitika kwezvaakanga anyengeterera kuna Mwari, chivimbo chake mukururamisira kwaMwari chinofanira kunge chakawedzera. Saka Jeremiya anofanira kunge akawedzera kunyengetera kuna Mwari, achitaura manzwiro ake kuna Baba vake.
12 Kutonga kwaZedhekiya kwava pedyo nokuguma, vaBhabhironi pavaikomba Jerusarema, Jeremiya akataura nezvaJehovha somunhu ‘ane maziso akasvinurira nzira dzose dzevanakomana vevanhu, kuti ape mumwe nomumwe maererano nenzira dzake uye maererano nezvibereko zvezvaakaita.’ (Jer. 32:19) Jeremiya aigona kuona pakanga pamire Jehovha panyaya yokururamisira, kuti zvechokwadi Mwari ari kuona zviri kuitwa nomumwe nomumwe uye ari kunzwa minyengetero yevashumiri vake inobva pamwoyo. Saizvozvowo vaizoona uchapupu hwakawanda hwokuti anopa “mumwe nomumwe maererano nenzira dzake uye maererano nezvibereko zvezvaakaita.”
13. Nei uine chivimbo chokuti kuda kwaMwari kuchaitika?
13 Tingasanzwa setisina chokwadi nokururamisira kwaMwari uye uchenjeri hwokuti ari kuita sei kuda kwake uye kuti achakuita sei munguva yemberi. Kunyange zvakadaro, tinogona kubatsirwa nokufunga zvakaitika kuna Jeremiya uye muminyengetero yedu totaura manzwiro atinoita pamwoyo. Kutaura manzwiro edu saizvozvo kungasimbisa chivimbo chedu muna Jehovha, kuti kuda kwake kuchatoitika chete. Kunyange iye zvino tisinganyatsonzwisisi kuti nei zvinhu zviri kuitika sezvazviri, kana kuti nei kuda kwaMwari kuri kuitika pamwero uyu, tinogona kunyengetera kwaari tichiratidza chivimbo chedu chokuti anoita kuti zvinhu zviitike sezvaanoda. Kuda kwake kuchaitika nenzira uye nemwero zvaanoziva kuti ndizvo zvakanakisisa. Izvi zvichaitika chete; hatina chikonzero chokusava nechokwadi nazvo. Ticharamba tichibvunza kuti, “Jehovha ari kupi?” patinonyengetera tichitsvaka kunzwisisa kuda kwake uye kuona uchapupu hwokuitwa kwekuda kwake.—Job. 36:5-7, 26.
Unowana chivimbo chei pakunyengetera kwakaita Jeremiya achitsvaka Jehovha?
JEREMIYA AKAZADZA MWOYO WAKE NEZIVO
14. Tinoziva sei kuti Jeremiya akaongorora nhoroondo yevanhu vaMwari?
14 Maererano nomubvunzo wokuti, “Jehovha ari kupi?” Jeremiya ainyatsoziva kuti aifanira kuva ‘nezivo pamusoro paJehovha.’ (Jer. 9:24) Anofanira kunge akadzidza nhoroondo yevanhu vaMwari paainyora mabhuku ava kuzivikanwa sa1 na2 Madzimambo. Akataura nezve“bhuku remabasa aSoromoni,” “bhuku remabasa emazuva emadzimambo aIsraeri,” uye “bhuku remabasa emazuva emadzimambo aJudha.” (1 Madz. 11:41; 14:19; 15:7) Nokudaro, akasvika pakunzwisisa zvakanga zvaitwa naJehovha mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Jeremiya aigona kuona kuti ndezvipi zvaifadza Jehovha uye kuti aiona sei zvisarudzo zvevanhu. Aigonawo kuongorora zvinyorwa zvakafuridzirwa zvaivapo panguva iyoyo, zvakadai sezvaMosesi, Joshua, Samueri, Dhavhidhi, uye Soromoni. Hapana mubvunzo kuti aiziva nezvevaprofita vakamutangira uyewo vepanguva yake. Kudzidza kwaiita Jeremiya ari oga kwakamubatsira sei?
15. Jeremiya anofanira kunge akabatsirwa sei nokuongorora uprofita hwaEriya?
15 Jeremiya akanyora nhoroondo pamusoro paJezebheri, mudzimai akaipa waMambo Ahabhi weSamariya. Nhoroondo yake yaisanganisira zvakaziviswa naEriya kuti imbwa dzaizodya Jezebheri muchikamu chomunda chokuJezreeri. (1 Madz. 21:23) Uye maererano nezvakanyorwa naJeremiya, unoziva kuti papera makore 18, Jezebheri akakandwa nepahwindo, akatsikwa-tsikwa nemabhiza aJehu uye akadyiwa nembwa. (2 Madz. 9:31-37) Kuongorora uprofita hwaEriya nokuzadzika kwahwo, kunyange zvose zvine chokuita nahwo, kunofanira kunge kwakasimbisa kutenda kwaiita Jeremiya mushoko raMwari. Kutaura zvazviri, chakaita kuti arambe ari muprofita kwaiva kutenda kwaakawana nokudzidza zvinhu zvakanga zvaitwa naJehovha munguva dzekare.
16, 17. Nei uchifunga kuti Jeremiya aigona kuramba achinyevera madzimambo akaipa omunguva yake?
16 Ngationei mumwe muenzaniso. Unofunga kuti chii chakabatsira Jeremiya kuti arambe achinyevera madzimambo iwayo akanga akaipa akadai saJehoyakimu naZedhekiya pasinei nokuti aitambudzwa? Chikonzero chikuru chaiva chokuti Jehovha akamuita “guta rakavakirirwa, mbiru yesimbi uye masvingo emhangura” kumadzimambo eJudha. (Jer. 1:18, 19) Asi ngatisarerutsa chokwadi chokuti Jeremiya akanga aongorora zvakadzama nezvokutonga kwemadzimambo eJudha neIsraeri akanga amutangira. Akanga anyora nezvokuti Manase akanga “avakira uto rose rokumatenga atari muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha,” akanga apisira mwanakomana wake mumoto, uye ateura ropa rakawanda risina mhosva. (2 Madz. 21:1-7, 16; verenga Jeremiya 15:4.) Asi Jeremiya anofanira kunge akaziva kuti Manase paakazvininipisa uye paakaramba achinyengetera kuna Jehovha, “Iye akabvuma kutetererwa,” uye Jehovha akadzorera mambo wacho panzvimbo yake.—Verenga 2 Makoronike 33:12, 13.
17 Mune zvaakanyora, Jeremiya haana kutaura nezvengoni dzaJehovha kuna Manase. Asi Manase akafa makore 15 chete kana kuti darikei Jeremiya asati atanga basa rake rokuprofita. Nokudaro, muprofita wacho anofanira kunge akanzwa zvakaitika mambo wacho paakapfidza zvakaipa zvake zvaakanga aita. Kuongorora maitiro akaipa aManase uye zvakaguma zvaitika kunofanira kunge kwakabatsira Jeremiya kuti aone kukosha kwokukurudzira madzimambo, akadai saZedhekiya, kuti atsvake ngoni dzaJehovha nomutsa wake worudo. Kunyange mambo aizivikanwa zvikuru nokunamata zvidhori uye kuteura ropa aigona kupfidza okanganwirwa. Kudai waiva mumamiriro ezvinhu aJeremiya, zviitiko zvine chokuita naManase zvaizodai zvakakukurudzira here, zvichikupa chikonzero chokutsungirira paitonga mamwe madzimambo akaipa?
KUDZIDZA KUBVA PANE ZVAKAITIKA
18. Jeremiya anofanira kunge akadzidzei kubva pamuenzaniso waUrija, uye nei uchipindura kudaro?
18 Paaiita basa rake rokuprofita, zvechokwadi Jeremiya akadzidza nokuona kuti vairarama panguva imwe chete naye vaiita sei mune mamwe mamiriro ezvinhu. Mumwe aiva muprofita Urija, uyo akaprofita zvakaipa nezveJerusarema neJudha paitonga Jehoyakimu. Zvisinei, Urija akatizira kuIjipiti pamusana pokutya Mambo Jehoyakimu. Pave paya, mambo wacho akatuma varume kuti vamutore kubva kuIjipiti, uye akabva aita kuti Urija aurayiwe. (Jer. 26:20-23) Unofunga kuti Jeremiya ane zvaakadzidza here kubva pane zvakaitika kuna Urija? Kuramba kwakaita Jeremiya achinyevera vaJudha nezvedambudziko raizovawira—kunyange kuita izvozvo patemberi—kunoratidza kuti anofanira kunge akawana chidzidzo. Jeremiya akaramba akashinga uye Jehovha haana kumusiya. Mwari anofanira kunge akaita kuti Ahikamu, mwanakomana waShafani, adzivirire upenyu hwaJeremiya akanga akashinga.—Jer. 26:24.
19. Jeremiya aigona kuonei pane zvakaitwa naJehovha zvokuramba achitumira vaprofita kuvanhu vake?
19 Jeremiya akadzidzawo kubva pane zvakaitika kwaari zvokushandiswa naJehovha kuti anyevere vanhu vake. Mugore rechina raMambo Jehoyakimu, Jehovha akaudza Jeremiya kuti anyore mashoko ose aakanga ataura kubvira munguva yaJosiya kusvika panguva iyoyo. Chikonzero chipi chakaita kuti Mwari amurayire kuita izvi? Chaiva chokukurudzira vanhu kuti vatendeuke pakuita zvakaipa vokanganwirwa. (Verenga Jeremiya 36:1-3.) Jeremiya, uyo aimuka mangwanani-ngwanani kuti ataure mashoko aMwari okunyevera, akatoteterera vanhu kuti varege zvinhu zvinosemesa zvavaiita. (Jer. 44:4) Hazvisi pachena here kuti Jeremiya anofanira kunge akaziva kubva pane zvakaitika kwaari kuti Mwari akanga atuma vaprofita nemhaka yokuti ainzwira vanhu vake tsitsi? Uye izvozvo hazvaizoita kuti Jeremiya anzwe tsitsi here? (2 Mak. 36:15) Saka unogona kunzwisisa kuti Jeremiya paakapona pakuparadzwa kweJerusarema, aigona kuti: “Hatina kupera nokuda kwemabasa aJehovha omutsa worudo, nokuti ngoni dzake hadzizoperi. Idzo itsva mangwanani mamwe nemamwe.”—Mari. 3:22, 23.
Jeremiya anofanira kunge akabatsirwa sei nokuongorora zvakaitwa naMwari munguva dzekare uye nokufungisisa zvakaitika kwaari uye kune vamwe? Tingadzidzei pane izvi?
ZUVA NEZUVA IWE UNOBVUNZA HERE KUTI, “JEHOVHA ARI KUPI?”
20. Ungatevedzera sei Jeremiya pakutsvaka Jehovha?
20 Pane zvaunosarudza zuva nezuva, unovavarira here kutsvaka kuti kuda kwaMwari ndokupi, unovavarira here kubvunza kuti, “Jehovha ari kupi?” (Jer. 2:6-8) Kusiyana nevaJudha vomunguva yake, Jeremiya aigara achitsvaka kubatsirwa neWemasimbaose kuti aone kuti anofanira kuita zvipi. Kutevedzera Jeremiya pakutsvaka maonero aJehovha zuva nezuva zvechokwadi ndiyo nzira yokuchenjera yokuti mumwe nomumwe wedu atore paanenge achiita chisarudzo.
21. Munyengetero wakadini ungakubatsira muushumiri hwako, zvakadai sepaya mumwe munhu paanoratidza kusava nomutsa?
21 Chisarudzo chacho hachifaniri hacho kuti chive nechokuita nenyaya huru kana kuti kuchinja kunoitika muupenyu. Somuenzaniso, zvakadini nechisarudzo chokubuda muushumiri pazuva raunenge wakaronga? Zvichida unomuka woona kuti mamiriro okunze haana kunaka kuti uite ushumiri. Ndima yakarongwa kuti iitwe uchapupu hwepaimba neimba zuva iroro ingadaro yakashandwa kakawanda. Ungayeuka kuti vamwe vevanhu vacho vakaramba kuti uvaparidzire vachinyepedzera kuva noruremekedzo kana kuti vachiratidza kusava nehanya zvachose. Panguva iyoyo yemangwanani, unganyengetera here uchibvunza kuti, “Jehovha ari kupi?” Kuita kudaro kungakubatsira kuti ufunge nezvokunaka kweshoko rauchaendesa uye kuti unyatsonzwisisa kuti Mwari anoda kuti uzivise shoko iroro. Ungabva wanzwa shoko raJehovha richiita kuti ufare uye upembere, sezvakaitika kuna Jeremiya. (Jer. 15:16, 20) Pave paya paunenge uri muushumiri kana ukasangana nomunhu asina mutsa kana kuti anotyisidzira, unogona zvakare kutaura manzwiro ako mumunyengetero kuna Mwari. Uchadaro here? Usakanganwa kuti anogona kukupa mudzimu mutsvene kuitira kuti upindure zvakakodzera, uye chido chako chokutaura shoko raMwari chichakurira manzwiro okuda kurega.—Ruka 12:11, 12.
22. Nei mimwe minyengetero ingavharidzirwa?
22 Zvakanaka kuziva kuti mimwe minyengetero inogona kudziviswa kana kuti kuvharidzirwa. (Verenga Mariro 3:44.) Jehovha haana kuteerera minyengetero yevaJudha vaipanduka nokuti ‘vaiita kuti nzeve dzavo dzirege kumunzwa’ uye vairamba vasingateereri mutemo. (Zvir. 28:9) Chidzidzo chacho chinofanira kunge chaiva chakajeka kuna Jeremiya, sezvachinofanira kuita kwatiri: Kana munhu akakundikana kuita maererano nezvaanonyengeterera, izvozvo zvingagumbura Mwari uye zvingaita kuti arege kunzwa minyengetero yacho. Zvechokwadi, izvozvo ndizvo zvatinofanira kudzivisa zvachose.
23, 24. (a) Chii chinokosha kana tichizoziva kuda kwaJehovha? (b) Ungaita sei kuti kudzidza uri woga kubatsire zvikuru?
23 Kuwedzera pakunyengetera kuna Jehovha nemwoyo wose kuti atitungamirire, tinofanira kuramba tichidzidza tiri toga, sezvo iri nzira inokosha yokuziva nayo kuda kwaJehovha. Pakuita izvi, isu tiri nani pana Jeremiya. Tine Bhaibheri rakazara. Kufanana naJeremiya uyo akatsvakurudza zvakadzama kuti anyore nhoroondo yake yakafuridzirwa yezvaiitika kare, unogonawo kutsvakurudza muShoko raMwari uye kutsvaka kutungamirirwa naye, uchibvunza kuti, “Jehovha ari kupi?” Nokutsvaka kuziva kuda kwake, unovimba naye uye ‘uchava somuti wakadyarwa pedyo nemvura, unoendesa midzi yawo kurwizi chaiko.’—Verenga Jeremiya 17:5-8.
24 Sezvaunoverenga uye kufungisisa Magwaro Matsvene, edza kuona kuti Jehovha anoda kuti uitei mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Unogona kutsvaka pfungwa dzaunoda kuyeuka uye kushandisa muupenyu hwako. Paunenge uchiverenga nhoroondo dzezvakaitika kare, mirayiro yaMwari, pfungwa dzaMwari, uye kutaura kwokuchenjera kuri muShoko raMwari, funga kuti ndima idzi dzinofanira kukubatsira sei pane zvaunosarudza zuva nezuva. Pakupindura mubvunzo wako wokuti, “Jehovha ari kupi?” anogona kukuzivisa kuburikidza neShoko rake rakanyorwa zvaungaita kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru aungasangana nawo. Chokwadi, muBhaibheri ungaona ‘zvinhu zvisinganzwisisiki zvausina kuziva’ kana kunzwisisa neimwe nzira!—Jer. 33:3.
25, 26. Nei zvakaitika kune vamwe zvichigona kutibatsira?
25 Uyewo, unogona kufunga zvakaitika kwauri uye kune vamwe. Somuenzaniso, ungaona kuti vashomanana vanorega kuvimba naJehovha sezvakaita Urija. (2 Tim. 4:10) Unogona kudzidza kubva pane zvavakaita wodzivisa mugumisiro mumwe chete iwoyo wakaipa. Gara uchiyeuka mutsa worudo waJehovha waanokuratidza, uchiyeukawo kuti Jeremiya akaonga ngoni netsitsi dzaMwari. Pasinei nokuti unenge wapererwa zvakadini, usafunga kuti Wokumusorosoro haana hanya newe. Ane hanya newe, sezvaakangoita kuna Jeremiya.
26 Sezvaunofungisisa kubata kunoita Jehovha nevanhu mazuva ano, uchaona kuti ari kuvatungamirira zuva nezuva munzira dzakasiyana-siyana. Aki, imwe hanzvadzi yechiduku yokuJapan, aifunga kuti akanga asina kukodzera kuva muKristu. Mumwe musi ari muushumiri nomudzimai womutariri wedunhu, Aki akataura manzwiro ake: “Ndinonzwa sokuti Jehovha ava kuda kundisvipa, asi ndakabatirira pamuromo wake, ndichimukumbira kuti andipe imwe nguva.” Mudzimai wemutariri wedunhu akamutarira mumaziso ndokuti: “Handina kumbobvira ndakuona somuKristu anodziya!” Pave paya, Aki akafungisisa mashoko iwayo anopa chivimbo. Chokwadi, pakanga pasina chinhu chaicho chinoratidza kuti Jehovha akambomuona seanodziya. Pashure pacho, Aki akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Nditumei chero kwamunoda. Ndichaita chero zvamunoda kuti ndiite.” Panenge panguva iyoyo, akashanya kune imwe nyika kwaiva neboka duku revanhu vanotaura chiJapanese raida mumwe munhu anotaura mutauro wacho uye aigona kugara achishanda naro. Zvakaitika kuti Aki akanga aberekerwa munyika iyoyo, zvichiita kuti zvive nyore kwaari kuti atamire ikoko kunobatsira. Asi aizogara kupi? Hanzvadzi ine mwanasikana akanga achangotama yakamupa imba yokushandisa. “Zvakanga zvakaita sezvidimbu zvetsoro inonzi jigsaw zvinoenda panzvimbo yazvo chaiyo; Jehovha akanga achindizarurira nzira,” akagumisa achidaro Aki.
27. Nei mubvunzo wokuti, “Jehovha ari kupi?” uchikukurudzira?
27 Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinogona kurondedzera zviitiko apo dzakaona kutungamirira kwaMwari, zvichida padzaiverenga Bhaibheri kana kuti kudzidza dziri dzoga. Izvi zvingave zvakaitikawo kwauri. Izvozvo zvinofanira kusimbisa ukama hwako naJehovha zvoita kuti ugare uchitaura naye nemwoyo wose mumunyengetero. Iva nechivimbo chokuti sezvatinoramba tichibvunza zuva nezuva kuti, “Jehovha ari kupi?” achatiratidza nzira yake.—Isa. 30:21.
Ungawana sei mhinduro yomubvunzo wokuti, “Jehovha ari kupi?” Ungatsvaka kutungamirirwa naye munzira dzipi?