Chitsauko 18
Jehovha Anomutsiridza Simba Revarombo
1. Jehovha akapa kurudziro yei, uye mibvunzoi inomutswa nemashoko ake?
“NOKUTI zvanzi noWakakwirira Uri kumusoro, unogara mukusingaperi, une zita rinonzi Dzvene: Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye noune mweya wakapwanyika unozvininipisa kuti ndiponesezve mweya wounozvininipisa, ndiponesezve mwoyo wowakapwanyika.” (Isaya 57:15) Akanyora kudaro muprofita Isaya muzana remakore rechisere B.C.E. Chii chakanga chichiitika munyika yeJudha chakaita kuti shoko iri rive rinokurudzira kwazvo? Mashoko akafuridzirwa aya anobatsira sei vaKristu nhasi? Kuongorora Chitsauko 57 chaIsaya kuchatibatsira kupindura mibvunzo iyoyo.
“Swederai Pano, Imi Vanakomana”
2. (a) Mashoko echitsauko 57 chaIsaya anenge anoshanda rini? (b) Mamiriro ezvinhu evakarurama akadini muzuva raIsaya?
2 Chikamu chino chouprofita hwaIsaya chinenge chinoshanda muzuva raIsaya pachake. Funga kuti uipi hwazodzika midzi zvakadini zvino: “Wakarurama unoparara, asi hakuna munhu une hanya nazvo; navanoda Mwari vanobviswa, kusina munhu unorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa. Unopinda parugare; vanozorora panhovo dzavo, iye mumwe nomumwe, unofamba pakururama kwake.” (Isaya 57:1, 2) Kana munhu wakarurama akawa hapana ane hanya nazvo. Rufu rukamukurumidzira hapana anombozvitarisa. Hope dzorufu dzinomupa rugare, dzinomusunungura pakutambura kunoparirwa nevasingadi Mwari, uye kumunzvengesa munhamo. Rudzi rwaMwari rwakasanangurwa rwaderera kusvika panonzwisa urombo. Asi avo vanoramba vakavimbika vanofanira kukurudzirwa zvikuru nokuziva kuti Jehovha haangooni zviri kuitika chete asi achavatsigira!
3. Jehovha anotaura sei nechizvarwa chakaipa chenyika yeJudha, uye nei?
3 Jehovha anodana chizvarwa chakaipa chenyika yeJudha achiti: “Asi swederai pano, imi vanakomana vomuroyi, zvibereko zvemhombwe nechifeve.” (Isaya 57:3) Zvakakodzera kuti varondedzerwe zvinonyadzisa kudaro sevanakomana vomuroyi uye zvibereko zvemhombwe nezvechifeve. Vatendeukira kukunamata kwenhema kunosanganisira zviito zvinosemesa zvoupombwe nokuita zvemidzimu pamwe nemiitiro younzenza. Nokudaro, Jehovha anobvunza vatadzi ava kuti: “Munofara pamusoro pa[a]ni? Munoshamisi[ri]ra ani muromo wenyu, nokubudisa rurimi rwenyu? Ko hamuzi vana vokudarika, zvibereko zvenhema, iyemi, munozvimutsa pakati pemiouki, napasi pomuti mumwe nomumwe mutema, imi munobaya vana mumipata, pasi pemikaha yamatombo?”—Isaya 57:4, 5.
4. Vakaipa venyika yeJudha vane mhaka yechii?
4 Vakaipa vomunyika yeJudha vanoita kunamata kwavo kwechihedheni kunotyisa pachena, vachi“fara.” Vanonyomba nokuseka vaprofita vaMwari vakatumwa kuzovaruramisa, vachibudisa ndimi dzavo sechiratidzo chokusanyara, nokusaremekedza. Kunyange zvazvo vari vana vaAbrahamu, nzira dzavo dzokumukira dzinovaita vana vokudarika uye mbeu yenhema. (Isaya 1:4; 30:9; Johani 8:39, 44) Kunze, pakati pemiti mikuru iri musango, vanomutsa kunzwa kwokuda kunamata zvidhori zvavo. Uye kunamata kwoutsinye kwakadini! Chokwadi, vanotouraya kunyange vana vavo pachavo, kufanana nemarudzi ayo nzira dzawo dzinosemesa dzakaita kuti adzingwe munyika yacho naJehovha!—1 Madzimambo 14:23; 2 Madzimambo 16:3, 4; Isaya 1:29.
Kudururira Chinopiwa Chinonwiwa Pamatombo
5, 6. (a) Vagari venyika yeJudha vasarudza kuitei pane kunamata Jehovha? (b) Kunamata zvidhori kwomunyika yeJudha kwakazara nokupararira zvakadini?
5 Ona kuti vagari venyika yeJudha vanyura zvakadini mukunamata zvidhori: “Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo pane mugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira [“chinopiwa chinonwiwa,” NW] zvawakavigira chipo. (Isaya 57:6) VaJudha vanhu vaMwari vesungano, asi pane kumunamata, vanonhonga matombo murwizi voaita vanamwari. Dhavhidhi akazivisa kuti Jehovha akanga ari mugove wake, asi vatadzi ava vakasarudza matombo asina upenyu somugove wavo uye vanoadururira zvinopiwa zvinonwiwa. (Pisarema 16:5; Habhakuki 2:19) Jehovha anganyaradzwa here nokunamata kwenhema kwakadaro kwevanhu vezita rake?
6 Kwose kwose—pasi pemiti mikuru, muhova dzemipata, pazvikomo, mumaguta avo—nyika yeJudha iri kunamata zvifananidzo. Asi Jehovha anozviona zvose, uye achishandisa Isaya, anofumura uori hwayo nokuti: “Wakawadza nhoo dzako pamusoro pegomo rakareba rakakwirira; ndiko kwawakakwira kundobayira zvibayiro. Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivivo.” (Isaya 57:7, 8a) Pamusoro penzvimbo dzakakwirira, nyika yeJudha inoita nhoo yayo yokusachena mumudzimu, uye ipapo inopira zvibayiro kuna vanamwari vokumwe.a Kunyange misha yevanhu ine zvidhori seri kwemikova nepamapango emadhoo.
7. Nyika yeJudha inopinda mukunamata kwounzenza nemafungire akaita sei?
7 Vamwe zvingavashamisa kuti nei nyika yeJudha yanyura zvakadaro mukunamata kusina kuchena. Rimwe simba guru raiimanikidza kusiya Jehovha here? Mhinduro ndeyokuti kwete. Inozviita nokuzvidira, nechido. Jehovha anoti: “Nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhoo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhoo dzavo kwawakadziwana.” (Isaya 57:8b) Nyika yeJudha yakaita sungano navanamwari vayo venhema, uye inoda ukama hwayo husina kuchena navo. Inonyanya kuda tsika dzounzenza—pamwe kusanganisira kushandisa zviratidzo zvokunamata nhengo yepamberi yomunhurume—izvo zvinoratidza kunamatwa kwavanamwari ava!
8. Kunamata zvidhori kwakanyanya kubudirira munyika yeJudha mukutonga kwamambo upi?
8 Kurondedzerwa kwokunamata zvidhori kwounzenza hwakakomba uye kwoutsinye kunokodzera zvatinoziva pamusoro pemadzimambo akaipa mazhinji enyika yeJudha. Somuenzaniso, Manase, akavaka nzvimbo dzakakwirira, akamisira Bhaari atari, uye akaisa atari dzechitendero chenhema muzvivanze zviviri zvetemberi. Akaita kuti vanakomana vake vapinde mumoto, aiita zvemashiripiti, aiita zvokushopera, uye aitsigira tsika dzokuita zvemidzimu. Mambo Manase akaisawo mutemberi yaJehovha chifananidzo chakavezwa chedanda rinoyera raakanga aita.b Akanyengera nyika yeJudha kuita “zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha.” (2 Madzimambo 21:2-9) Vamwe vanofunga kuti Manase akaurayisa Isaya, kunyange zvazvo zita raManase risingaonekwi pana Isaya 1:1.
“Ukatuma Nhume Dzako”
9. Nei nyika yeJudha ichitumira nhume “kure”?
9 Kudarika kwenyika yeJudha kunopfuura kungoshumira vanamwari venhema. Achishandisa Isaya somuromo wake, Jehovha anoti: “Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.” (Isaya 57:9) Umambo hweJudha husina kutendeka hunoenda kuna “Mereki,” (NW) “mambo” muchiHebheru—pamwe mambo wenyika yokumwe—vachimupa zvipo zvinodhura uye zvinofadza, zvinomirirwa nemafuta nezvinozorwa zvinonhuwira. Nyika yeJudha inotumira vamiririri kunzvimbo dziri kure. Nei? Kunyengetedza Mamwe Marudzi kuti aite mibatanidzwa yezvematongerwe enyika nayo. Pashure pokunge yafuratira Jehovha, inovimba nemadzimambo okumwe.
10. (a) Mambo Ahazi anotsvaka sei kubatana namambo weAsiria? (b) Nyika yeJudha ‘inodzikisa zvinhu kusvikira kuSheori’ sei?
10 Muenzaniso mumwe weizvi ndowomumazuva aMambo Ahazi. Achinzwa ava mungozi nokubatana kweIsraeri neSiria, mambo asina kutendeka iyeye wenyika yeJudha anotumira nhume kuna Tigrati-pireseri III weAsiria, achiti: “Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu; uyai mundirwire muruoko rwamambo weSiria, nomuruoko rwamambo waIsraeri unondimukira.” Ahazi anotumira sirivha nendarama sechiokomuhomwe kuna mambo weAsiria, uye mambo wacho anopindura nokurwisa Siria achiiparadza. (2 Madzimambo 16:7-9) Mukubata kwayo neMamwe Marudzi, nyika yeJudha inokotamira mu“sheori yakadzika.” (An American Translation) Nemhaka yokuita kwakadaro, ichafa, kana kuti kuguma kuvapo senyika yakazvimiririra ina mambo.
11. Nyika yeJudha iri kuratidza sei kunzwa kuchengeteka kwenhema?
11 Jehovha anoenderera mberi achitaura nenyika yeJudha achiti: “Wakaneta norwendo rwako rukuru; kunyange zvakadaro hauna kuti: Hazvina maturo; wakawana simba rako richivandudzwa, naizvozvo hauna kupera simba.” (Isaya 57:10) Hungu, rudzi rwacho rwakatambura zvikuru munzira dzarwo dzokuramba kutenda, uye haruoni kusava netariro kwezvaruri kuedza kuita. Kusiyana neizvi runozvinyengedza nokudavira kuti ruri kubudirira nesimba rarwo pacharwo. Runonzwa rwawedzerwa simba uye rune utano hwakanaka. Upenzi hwakadini!
12. Mamiriroi ezvinhu ari muchiKristudhomu akafanana neari munyika yeJudha?
12 Nhasi kune sangano rine mufambiro wakafanana nowenyika yeJudha muzuva raIsaya. ChiKristudhomu chinoshandisa zita raJesu, asi chinotsvaka kubatana nemarudzi uye chakazadza nzvimbo dzacho dzokunamatira nezvidhori. Vateveri vacho vakatomisa zvifananidzo zvokunamata zvidhori mumisha yavo. ChiKristudhomu chakapa vanhu vacho vechiduku sezvibayiro muhondo dzemarudzi. Izvi zvinofanira kuva zvichigumbura Mwari wechokwadi zvakadini, uyo anorayira vaKristu kuti: “Tizai kunamata zvidhori.”! (1 VaKorinde 10:14) Nokuzvibatanidza kwacho mune zvematongerwe enyika, chiKristudhomu ‘chakaita ufeve nemadzimambo enyika.’ (Zvakazarurwa 17:1, 2) Kutaura chokwadi, mutsigiri mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose. Hure rechitendero iri rakamirirwa nei? Ko Jehovha anomboti chii kumumvuri waro, nyika yeJudha isina kutendeka, kunyanya ichimirirwa neguta rayo guru, Jerusarema?
‘Zvawakaunganidza Hazvizokununuri’
13. “Kureva nhema” kupi uko nyika yeJudha inoita, uye inoita sei nokushivirira kwaJehovha?
13 “Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema?” anobvunza kudaro Jehovha. Mubvunzo wakanaka! Nyika yeJudha hairatidzi kuti inotya Jehovha nomwoyo wose. Kudai kusi kudaro, rwaisazova rudzi rwevarevi venhema, vanamati vavamwari venhema. Jehovha anoenderera mberi achiti: “Ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?” (Isaya 57:11) Jehovha aramba anyerere, asingarangi nyika yeJudha nokukurumidza. Nyika yeJudha inozvionga here izvi? Kwete, pane kudaro inotoona kuregerera kwaJehovha sokusava nehanya. Haichatombomutyi.
14, 15. Jehovha anoti chii pamusoro pemabasa enyika yeJudha ne‘zvayakaunganidza’?
14 Zvisinei, nguva yomwoyo murefu waMwari ichaguma. Achitarisa kunguva iyoyo, Jehovha anozivisa kuti: “Ndichaparidza kururama kwako; kana ari mabasa ako, haangakubatsiri. Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose.” (Isaya 57:12, 13a) Jehovha achafumura kurururama kwenhema kwenyika yeJudha. Mabasa ayo ounyengeri haazobatsiri. ‘Zvayakaunganidza,’ murwi wezvidhori zvayo hazvizoinunuri. Panouya njodzi, vanamwari vacho vainovimba navo vachapeperetswa nemhepo ikangovhuvhuta.
15 Mashoko aJehovha anozadzika muna 607 B.C.E. Ndipo apo Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi anoparadza Jerusarema, opisa temberi, otapa vazhinji vevanhu vacho. “Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.”—2 Madzimambo 25:1-21.
16. Chii chakamirira chiKristudhomu ne“Bhabhironi Guru” rose?
16 Saizvozvowo, zvidhori zvakawanda zvechiKristudhomu hazvizochinunuri pazuva rokutsamwa kwaJehovha. (Isaya 2:19-22; 2 VaTesaronika 1:6-10) Pamwe nevamwe vose ve“Bhabhironi Guru”—muzinda wenyika yose wechitendero chenhema—chiKristudhomu chichaparadzwa. Chikara chitsvuku chokufananidzira nenyanga dzacho gumi chi“chariparadza [Bhabhironi Guru] nokuriita mushutu, uye zvichadya mativi aro ane nyama zhinji uye zvichariroromesa nemoto.” (Zvakazarurwa 17:3, 16, 17) Tinofara sei kuti takateerera murayiro wokuti: “Budai mariri, vanhu vangu, kana musingadi kugoverana naro muzvivi zvaro, uye kana musingadi kuwana mamwe ematambudziko aro.” (Zvakazarurwa 18:4, 5) Ngatisambodzokere kwariri kana kuti kunzira dzaro.
“Unovimba Neni, Nyika Ichava Yake”
17. Chipikirwa chei chinoitwa ku‘munhu anovimba naJehovha,’ uye chinoitika rini?
17 Zvisinei, zvakadini nemashoko anotevera ouprofita hwaIsaya? “Asi unovimba neni, nyika ichava yake, uchagara nhaka yegomo rangu dzvene.” (Isaya 57:13b) Iye zvino Jehovha ari kutaura naani? Ari kutarisa zvinopfuura dambudziko riri kuuya uye ari kufanotaura nezvokusunungurwa kwevanhu vake kubva kuBhabhironi uye kudzorerwa kwokunamata kwakachena mugomo rake dzvene, Jerusarema. (Isaya 66:20; Dhanieri 9:16) Izvi zvinofanira kuva zvichikurudzira sei kumuJudha upi noupi anoramba akatendeka! Uyezve, Jehovha anoti: “Zvichanzi: Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisai chigumbuso panzira yavanhu vangu.” (Isaya 57:14) Nguva painosvika yokuti Mwari anunure vanhu vake, nzira ichave yagadzirirwa, mhinganidzo dzose dzabviswa.—2 Makoronike 36:22, 23.
18. Kukwirira kwaJehovha kunorondedzerwa sei, asi anoratidza kuva nehanya sei?
18 Ndipo panguva ino apo muprofita Isaya anorondedzera mashoko ambotaurwa pakutanga okuti: “Nokuti zvanzi noWakakwirira Uri kumusoro, unogara mukusingaperi, une zita rinonzi Dzvene: Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye noune mweya wakapwanyika unozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya wounozvininipisa, ndiponesezve mwoyo wowakapwanyika.” (Isaya 57:15) Chigaro chaJehovha chiri kudenga-denga. Hakuna nzvimbo yakakwirira kupfuura ipapo. Zvinonyaradza sei kuziva kuti ari ikoko anoona zvose—kwete bedzi zvivi zvevakaipa asi mabasa akarurama evanoedza kumushumira! (Pisarema 102:19; 103:6) Uyezve, anonzwa kugomera kwevakadzvinyirirwa uye anomutsiridza mwoyo yevakapwanyika. Mashoko aya anofanira kunge akabaya mwoyo yevaJudha vaipfidza munguva dzekare. Zvechokwadi anobaya mwoyo yedu nhasi.
19. Kutsamwa kwaJehovha kunoguma rini?
19 Anonyaradzawo ndiwo mamwe mashoko aJehovha okuti: “Nokuti handingarwi nokusingaperi, handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yandakaita.” (Isaya 57:16) Hapana nechimwe chezvisikwa zvaMwari chaizorarama kudai kutsamwa kwaJehovha kwanga kusingaperi, kusina mugumo. Zvisinei, zvinofadza kuti kutsamwa kwaMwari ndokwenguva pfupi bedzi. Kana kwapedza chinangwa chakwo kunoguma. Kunzwisisa zviri muMagwaro izvi zvakafuridzirwa kunotibatsira kuonga zvakadzama rudo rwaJehovha kuzvisikwa zvake.
20. (a) Jehovha anobata sei nomutadzi asingapfidzi? (b) Jehovha anonyaradza sei anonzwa urombo?
20 Tinowedzera kunzwisisa, Jehovha zvaanoenderera mberi. Kutanga anoti: “Nokuti ndakanga ndakatsamwa nokuda kwokuipa kwokuchiva kwake, ndikamurova; ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa; akaramba achingotsauka nenzira yakada mwoyo wake.” (Isaya 57:17) Kukanganisa kunoitwa nemhaka yokukara zvechokwadi kunomutsa hasha dzaMwari. Chero bedzi munhu achiramba asingadi kuteerera mutemo mumwoyo, Jehovha anoramba akatsamwa. Asi zvakadini kana munhu asingadi kuteerera mutemo akateerera chirango? Ipapo Jehovha anoratidza nzira iyo rudo rwake netsitsi zvinomuita kuti aite: “Ndakaona nzira dzake, ndichamuporesa, ndichamufambisawo, nokumunyaradzazve iye navanomuchema.” (Isaya 57:18) Apedza kuranga, Jehovha anoporesa anonzwa urombo nokumunyaradza nevanochema naye. Ndicho chikonzero nei muna 537 B.C.E., vaJudha vakakwanisa kudzokera kumusha. Chokwadi, nyika yeJudha haina kuzombovazve umambo hwakazvimiririra hwaitungamirirwa naMambo wedzinza raDhavhidhi. Kunyange zvakadaro, temberi yomuJerusarema yakavakwazve, uye kunamata kwechokwadi kwakadzorerwa.
21. (a) Jehovha akamutsiridza sei mudzimu wevaKristu vakazodzwa muna 1919? (b) Unhu hupi uhwo isu somunhu mumwe nomumwe tinoita zvakanaka kukudziridza?
21 Jehovha, iye “Wakakwirira Uri kumusoro,” akaratidzawo kuva nehanya nevakazodzwa vakanga vasara muna 1919. Nemhaka yokunzwa urombo kwavo, nokuzvininipisa, Mwari mukuru, Jehovha, nomutsa akaona dambudziko ravo ndokuvanunura pakutapwa neBhabhironi. Akabvisa mhinganidzo dzose ndokuvatungamirira kuenda kurusununguko kuitira kuti vamunamate zvakachena. Nokudaro, mashoko aJehovha aakataura nokuna Isaya akazadzika ipapo. Uye seri kwemashoko iwayo kune nheyo dzisingaperi dzinoshanda kumumwe nomumwe wedu. Jehovha anogamuchira kunamata kwevanozvininipisa bedzi. Uye kana mumwe mushumiri waMwari akatadza, anofanira kukurumidza kubvuma chikanganiso chake, kubvuma kutsiurwa, oruramisa nzira dzake. Ngatisambokanganwa kuti Jehovha anoporesa nokunyaradza vanozvininipisa asi “anodzivisa vanozvikudza.”—Jakobho 4:6.
‘Rugare Kune Vari Kure Nevari Pedyo’
22. Jehovha anofanotaura nguva yemberi yorudzii (a) kuvanopfidza? (b) kune vakaipa?
22 Achisiyanisa nguva yemberi yevanopfidza neyevanorambira munzira dzavo dzakaipa, Jehovha anozivisa kuti: “Ndini ndinosika zvibereko zvemiromo; . . . Rugare, rugare kuno uri kure nokuno uri pedyo, ndichamuporesa. Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara. . . . Vakaipa havana rugare.”—Isaya 57:19-21.
23. Chibereko chemiromo chii, uye Jehovha ari “kusika” chibereko ichi munzirai?
23 Zvibereko zvemiromo ndicho chibayiro chokurumbidza chinopiwa Mwari—kuzivisa zita rake pachena. (VaHebheru 13:15) Jehovha ari “kusika” sei kuzivisa pachena ikoko? Kuti munhu ape chibayiro chokurumbidza, anofanira kutanga adzidza nezvaMwari omutenda. Kutenda—chibereko chomudzimu waMwari—kunoita kuti munhu iyeye audze vamwe zvaakanzwa. Nemamwe mashoko, anozivisa pachena. (VaRoma 10:13-15; VaGaratiya 5:22) Tinofanirawo kuyeuka kuti Jehovha chaizvo ndiye anopa vashumiri vake basa rokutaura vachimurumbidza. Uye Jehovha ndiye anosunungura vanhu vake, achiita kuti zvibvire kuti vape zvibayiro zvakadaro zvokurumbidza. (1 Petro 2:9) Nokudaro, Jehovha anogona kunzi anosika chibereko chemiromo ichi.
24. (a) Ndivanaani vanosvika pakuziva rugare rwaMwari, uye nomugumisiro wei? (b) Ndivanaani vasingasviki pakuziva rugare, uye zvinoguma sei nokuda kwavo?
24 Chibereko chemiromo chinofadza sei icho vaJudha vanofanira kunge vachipa sezvavanodzokera kunyika yokumusha kwavo vachirumbidza Jehovha nokuimba! Vanofanira kuve vachifara kuziva rugare rwaMwari, vangave vari “kure”—kure nenyika yeJudha, vachimirira kudzokera—kana kuti “pedyo”—vatova munyika yokumusha kwavo kare. Kusiyana kwazvo neizvi, zvinhu hazvina kudaro kune vakaipa! Vose vanokundikana kuita chimwe chinhu nechirango chaJehovha, vakaipa vacho pasinei nokuti ndiani kana kuti varipi, havana rugare zvachose. Vachiita segungwa risina kugadzikana, vanoramba vachibudisa, kwete zvibereko zvemiromo, asi “matope namarara,” zvose zvisina kuchena.
25. Vazhinji vari kure nevari pedyo vari kusvika sei pakuziva rugare?
25 Nhasiwo, vanamati vaJehovha kwose kwose vanozivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. VaKristu vari kure nevari pedyo munyika dzinopfuura 230 vanopa zvibereko zvemiromo yavo, vachirumbidza Mwari wechokwadi bedzi. Vanorumbidza nokuimba zvinonzwikwa “pamigumo yenyika.” (Isaya 42:10-12) Avo vanonzwa zvavanotaura nokuita chimwe chinhu vari kugamuchira chokwadi cheShoko raMwari, Bhaibheri. Vanhu vakadaro vari kusvika pakuziva rugare, urwo runobva pakushumira “Mwari anopa rugare.”—VaRoma 16:20.
26. (a) Chii chakamirira vakaipa? (b) Chipikirwai chakaisvonaka chinoitwa kuvanyoro uye chii chatinofanira kutsunga kuita?
26 Chokwadi, vakaipa havateereri shoko roUmambo. Zvisinei, nokukurumidza havazobvumirwi kudzongonyedza rugare rwevakarurama. “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo,” Jehovha anopikira kudaro. Avo vanovimba naJehovha vachagara nhaka yenyika nenzira inoshamisa. “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:10, 11, 29) Ipapo pasi redu richava nzvimbo yakanaka zvikuru! Tose zvedu ngatitsungei kusamborasikirwa norugare rwaMwari, kuitira kuti tigone kuimbira Jehovha tichimurumbidza nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Pamwe shoko rokuti “nhoo” rinoreva atari kana kuti nzvimbo yokunamata kwechihedheni. Kuidana kuti nhoo chiyeuchidzo chokuti kunamata kwakadaro uhure hwomudzimu.
b Matanda anoyera anogona kuve aimirira mwarikadzi, uye nhare dzinoyera dzingadaro dzaiva zviratidzo zvokunamata nhengo yepamberi yomunhurume. Zvose zvaishandiswa nevagari venyika yeJudha vasina kutendeka.—2 Madzimambo 18:4; 23:14.
[Mufananidzo uri papeji 263]
Nyika yeJudha inoita kunamata kwounzenza pasi pemiti yose inobereka zvibereko
[Mufananidzo uri papeji 267]
Nyika yeJudha inovaka atari munyika yose
[Mufananidzo uri papeji 275]
“Ndini ndinosika zvibereko zvemiromo”