Isaya
1 Zvakaonekwa naIsaya*+ mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusarema mumazuva aUziya,+ Jotamu,+ Ahazi,+ naHezekiya,+ madzimambo eJudha:+
3 Mukono wemombe unonyatsoziva munhu akautenga,
Uye dhongi rinoziva chidyiro chezvipfuwo chemuridzi waro;
Vanhu vangu havanzwisisi.”
4 Rune nhamo rudzi runotadza,+
Vanhu vakaremerwa nekukanganisa,
Chizvarwa chevarume vakaipa, vana vanoita zvakaipa!
5 Ndepapi pamwe pamucharohwa zvamuri kuwedzera kupanduka?+
Musoro uri kurwadza,
Uye mwoyo une chirwere.+
6 Kubva pasi petsoka kusvika mumusoro, hapana pane utano.
Pane maronda, nemakakuzvuka, nemaronda akavhurika,
7 Nyika yenyu yava dongo.
Maguta enyu akapiswa nemoto.
Vanhu vekune imwe nyika vari kuparadza nyika yenyu pamberi penyu chaipo.+
Yaparara senyika yakundwa nevanhu vekune imwe nyika.+
8 Mwanasikana weZiyoni asiyiwa akaita sedumba riri mumunda wemizambiringa,
Sekaimba kari mumunda wemagaka,
Seguta rakombwa.+
9 Kudai Jehovha wemauto asina kuita kuti pave nevashoma vedu vanopona,
Tingadai takaita seSodhomu,
Uye tingadai takafanana neGomora.+
10 Inzwai shoko raJehovha, imi vatongi vane udzvinyiriri* veSodhomu.+
Teererai mutemo* waMwari wedu, imi vanhu veGomora.+
11 “Zvibayiro zvenyu zvakawanda zvinondibatsirei?”+ anodaro Jehovha.
“Handichadi zvibayiro zvenyu zvinopiswa zvemakondohwe+ nemafuta emhuka dzakakodzwa,+
Uye handifadzwi neropa+ remikono yenyu midiki yemombe+ nemakwayana nembudzi.+
13 Chiregai kuunzazve mipiro yezviyo isina zvainobatsira.
Rusenzi yenyu inondisemesa.+
Kugara kwemwedzi,+ masabata,+ kuronga magungano,+
Ndaneta negungano renyu dzvene ramunoita asi muchiita zvemashiripiti.+
14 Ndakavenga* mitambo yenyu yekugara kwemwedzi nemimwe mitambo yenyu.
Zvava mutoro kwandiri;
Ndaneta nekuzvitakura.
17 Dzidzai kuita zvakanaka, tsvagai kururama,+
Ruramisai anodzvinyirira,
Rwirai kodzero dzenherera,
Uye miririrai chirikadzi.”+
18 “Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu,” anodaro Jehovha.+
“Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri,
Zvichacheneswa sechando;+
Kunyange zvazvo zvakatsvuka semucheka mutsvuku,
Zvichaita semvere dzemakwai.
21 Guta riya rakatendeka+ zvarava pfambi!+
23 Machinda ako akaoma musoro uye ishamwari dzembavha.+
Ese zvawo anoda chiokomuhomwe uye anotoita zvekudzingirira zvipo.+
Havatongi nyaya dzenherera zvakanaka,
Uye nyaya inounzwa nechirikadzi haitombosviki kwavari.+
24 Saka Ishe wechokwadi, iye Jehovha wemauto,
Iye Ane Simba waIsraeri, anoti:
“Zvakwana! Ndichazvibvisira vavengi vangu,
Uye ndichatsiva vavengi vangu.+
25 Ndichakurwisa neruoko rwangu,
Ndichabvisa tsvina* iri pauri sezvinoitwa nesipo,
Uye ndichabvisa zvese zvisina kuchena pauri.+
26 Ndichadzorera vatongi vako sezvazvaiva pakutanga
Uye vanachipangamazano vako sezvazvaiva pakutanga.+
Pashure peizvi uchanzi Guta reKururama, Guta Rakatendeka.+