Isaya
57 Munhu akarurama aparara,
Asi hakuna munhu ane hanya nazvo.
Varume vakavimbika vari kubviswa,*+
Asi hapana ari kuzviona kuti munhu akarurama abviswa
Nemhaka yedambudziko.*
2 Anopinda murugare.
Vanozorora pamibhedha yavo,* vaya vese vanofamba zvakarurama.
4 Muri kuseka ani?
Ndiani wamuri kushamira muromo zvakadaro, muchimubudisira rurimi?
Hamusi vana vanodarika here,
Vana vanonyengera,+
5 Vaya vazere neruchiva pakati pemiti mikuru,+
Pasi pemiti yese yakasvibirira,+
Pasi pemikaha yematombo?
6 Wakasarudza matombo anotsvedzerera emubani.*+
Ndiwo mugove wako.
Unotodururira kwaari mipiro yezvinwiwa uye unopa zvipo.+
Ndingafadzwa* nezvinhu izvi here?
8 Wakaisa chiyeuchidzo chako seri kwesuo negwatidziro.*
Wakandisiya ukazvifukura;
Wakakwira pamusoro ukaita kuti mubhedha wako ukure.
Uye wakaita sungano navo.
Wakatumira nhume dzako kure,
Zvekuti wakadzika kuGuva.*
10 Wakashanda zvakaoma pakutevera nzira dzako zhinji,
Asi hauna kuti, ‘Hazvina tariro!’
Simba rako rakamutsidzirwa.
Ndokusaka usinganeti.
Hauna kundiyeuka.+
Hapana chawakava nehanya nacho.+
Handina here kuramba ndakanyarara ndisingatauri?*+
Saka hauna kunditya.
Zvese zvichatakurwa nemhepo,
Mhepowo zvayo yekufema inobuda mumuromo ichazvipeperetsa,
Asi uya anopotera mandiri achagara nhaka yenyika
Uye achaita kuti gomo rangu dzvene rive rake.+
14 Zvichanzi, ‘Gadzirai, gadzirai mugwagwa! Gadzirai nzira!+
Bvisai zvese zvinopiringisha munzira yevanhu vangu.’”
“Ndinogara munzvimbo tsvene uye yakakwirira,+
Asi ndinogarawo nevaya vakadzvinyirirwa nevanozvininipisa,
Kuti ndisimbaradze vanozvininipisa
Uye ndimutsidzire mwoyo yevari kudzvinyirirwa.+
16 Nekuti handizorambi ndichirwa navo nekusingaperi
Kana kuramba ndakangotsamwa;+
Nekuti simba reupenyu remunhu ringapera nemhaka yangu,+
Kunyange zvisikwa zvinofema zvandakaita.
17 Ndakatsamwira chivi chake chekutsvaga pfuma achibiridzira,+
Saka ndakamurova, uye ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa.
Asi iye akaramba achifamba semupanduki,+ achitevera nzira yemwoyo wake.
18 Ndakaona nzira dzake,
Asi ndichamuporesa+ uye ndichamutungamirira+
Uye ndichaita kuti anyaradzwe zvakare,*+ iye nevanhu vake vari kuchema.”+
19 “Ndiri kusika zvibereko zvemiromo.
Uya ari kure neuya ari pedyo vachapiwa rugare runoramba ruripo,”+ anodaro Jehovha,
“Uye ndichamuporesa.”
20 “Asi vakaipa vakaita segungwa risina kugadzikana risingadzikami,
Uye mvura yaro inoramba ichibudisa masora emugungwa nematope.