Ganhuro 15
Kukudzwa Kwechimiro Chesangano
KUSHANDA kwesangano reZvapupu zvaJehovha kwakava nechinjo dzinokosha kubvira apo Charles Taze Russell navasonganiri vake vakatanga kuvamba kufunda Bhaibheri pamwe chete muna 1870. Apo Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba vakanga vari vashomanene munhamba, vakanga vane zvishomanene zvikuru zveizvo vaiva kunze vairangarira sezvinoratidzira sangano. Bva, nhasi, sezvo vanhu vanocherekedza ungano dzeZvapupu zvaJehovha, kokorodzano dzazvo, uye kuparidza kwazvo mashoko akanaka munyika dzinopfuura 200, vanoshamiswa nokuti sangano racho rinoshanda zvakanaka sei. Rakakura sei?
Vadzidzi veBhaibheri vaifarira zvikuru kunzwisisa kwete bedzi dzidziso yeBhaibheri asiwo mutoo uyo basa raMwari raifanira kuitwa nawo, sezvinoratidzirwa naMagwaro. Vakaziva kuti Bhaibheri harina kutsigira vafundisi vane mazita echiratidzo, vane vanhuwo zvavo avo vaizoparidza kwavari. Hama Russell vakanga vakatsunga kuti kwaisazova neboka ravafundisi pakati pavo.a Kupfurikidza nezvikamu zveNharireyomurindi, varavi vayo vakayeuchidzwa kazhinji kazhinji kuti Jesu akaudza vateveri vake, kuti: “Mutungamiriri wenyu ndimumwe, Kristu,” asi, “Imi mose muri hama.”—Mat. 23:8, 10, NW.
Boka Rapakuvamba raVadzidzi veBhaibheri
Varavi veNharireyomurindi nezvinyorwa zvine chokuita nayo vakakurumidza kuona kuti kuti vafadze Mwari, vaifanira kudimbura batano nechechi ipi neipi yaizvibvumikisa imene kuva isina kutendeka kuna Mwari kupfurikidza nokuisa zvitendero namagamuchidzanwa avanhu pamberi peShoko rake rakanyorwa. (2 VaK. 6:14-18) Asi pashure pokubuda muchechi dzechiKristudhomu, ivo vakaenda kupi?
Mune imwe nyaya ine musoro unoti “Ungano,”b Hama Russell vakaonesa kuti chechi yechokwadi, ungano yechiKristu, haisati iri sangano rine mitezo yakatsigira chitendero chakati chakaitwa nomunhu ndokuita kuti mazita ayo anyorwe mubhuku rechechi rinonyorwa mazita. Panzvimbo pezvo, ivo vakatsanangura kuti, inoumbwa navanhu vaka“pa” (kana kuti, vakatsaurira) nguva yavo, mano, uye upenyu kuna Mwari, uye avo vane kariro pamberi pavo yokugoverana muUmambo hwokudenga naKristu. Ivava, ivo vakadaro, vaKristu vakabatana muzvisungo zvorudo rwechiKristu nokufarirana, vanogamuchira nhungamiro yomudzimu waMwari, uye vanozviisa pasi poumusoro hwaKristu. Hama Russell vakanga vasingafariri kutanga imwe gadziriro yakati, uye ivo vakanga vachirwisana zvakasimba nokubetsera munzira ipi neipi yokuva nemasekete uko kwaiva pakati pevaiti vaKristu.
Panguva imwe cheteyo, ivo vakanzwisisa zvizere kudikanwa kwokuti vabatiri vaShe vaungane pamwe chete, mutsinhirano nezano riri pana VaHebheru 10:23-25. Ivo vakafamba pachavo kuti vashanyire ndokuvaka varavi veNharireyomurindi uye kuvaunganidza pamwe chete navamwe munharaunda mavo vamene avo vaiva nendangariro yakafanana. Pakuvamba muna 1881 ivo vakakumbira kuti avo vakanga vachiita misangano yenguva dzose vazivise hofisi yeWatch Tower pamusoro pokuti iyoyi yakanga ichiitirwa kupi. Ivo vakaona ukoshi hwokuvaita kuti varambe vachionana.
Zvisinei, Hama Russell vakasimbisa kuti vakanga vasati vari kuedza kutanga “sangano rapasi.” Panzvimbo pezvo, ivo vakati, “tinonamatira bedzi kusangano rokudenga iroro—‘rine mazita akanyorwa mudenga.’ (VaH. 12:23; Ruka 10:20.)” Nemhaka yenhau yakaipa yechiKristudhomu, nongedzero ku“sangano rechechi” kazhinji kazhinji yaiyeuchidza munhu nezvekuva nemasekete, kudzora kwavafundisi, uye kuva mutezo pahwaro hwokunamatira kuchitendero chakaumbwa nesangano rorudzidziso. Naizvozvo, pakunongedzera kwavari vamene, Hama Russell vakarangarira kuti shoko rokuti “boka” rakanga riri nani.
Ivo vaisanoziva kuti vaapostora vaKristu vakanga vaumba ungano ndokugadza vakuru mune imwe neimwe. Asi vaidavira kuti Kristu akanga aripo zvakare, kunyange zvazvo akadaro nenzira isingaoneki, uye iye amene pachake akanga achitungamirira kukohwiwa kwokupedzisira kwaavo vaizova vagari venhaka naye. Nemhaka yemamirire ezvinhu, Hama Russell pakutanga vakarangarira kuti mukati menguva yokukohwa gadziriro yavakuru iyo yakanga yavako muungano dzechiKristu dzomuzana rokutanga ramakore yakanga isingadikanwi.
Kunyange zvazvo zvakadaro, sezvo Vadzidzi veBhaibheri vakakura munhamba, Hama Russell vakaziva kuti Ishe akanga achifambisa zvinhu nomutoo wakasiyana nouyo ivo vamene vakanga vakarira. Gadziridzo mumurangariro yakanga ichidikanwa. Asi pahwaroi?
Kugovera Zvinodikanwa Zvapakuvamba Zveboka Rinokura
Nharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 15, 1895, yakatsaurirwa zvinodokuva chose chose kunhau inoti “Nenzira Yakafanira uye Munhevedzano.” Nenzira yakajeka, Hama Russell ipapo vakabvuma, kuti: “Vaapostora vakanga vane zvakawanda zvokutaura kuChechi yapakuvamba pamusoro penhevedzano mumagungano avasande; uye sezviri pachena tave tichiti regeredzei iri zano rokuchenjera, tichirirangarira kuva rohunenge ukoshi huduku, nemhaka yokuti Chechi iri pedyo kwazvo nomugumo wenzira yayo uye kukohwa inguva yokuparadzanisa.” Chii chakavasunda kuva nomurangariro mutsva pazano iroro?
Nyaya iyoyo yakaronga mamirire ezvinhu mana: (1) Kwakanga kuri pachena kuti kukura mumudzimu kwavanhu vamwe navamwe kwaisiyana nekwomumwe nomumwe. Kwaiva nemiedzo, misungo, zvinetso, uye ngozi izvo vasati vari vose vakanga vakagadzirira zvakaenzana kunangana nazvo. Nokudaro, kwakanga kune dikanwo yavatariri vakachenjera navakangwara, varume voruzivo rwokuzviwanira namano, vaifarira zvikuru kutarisira garikano yomudzimu yavose uye vaikwanisa kuvarayiridza muzvokwadi. (2) Kwakanga kwaoneka kuti boka raida kudzivirirwa pa‘mapere akapfeka zvipfeko zvamakwai.’ (Mat. 7:15, KJ) Vaifanira kusimbiswa kupfurikidza nokubetserwa kuwana zivo yakakwana yezvokwadi. (3) Ruzivo rwokuzviwanira rwakanga rwaratidza kuti kudai kwakanga kusina gadziriro yokugadzwa kwavakuru kuti vataviridze boka, vamwe vaizotora nzvimbo iyoyo ndokusvika pakurangarira boka seravo vamene. (4) Pasina gadziriro ine nhevedzano, vanhu vamwe navamwe vakavimbika kuzvokwadi vangawana mabasa avo asingadikanwi nemhaka yepesvedzero yavashomanene vaisabvumirana navo.
Nemhaka yaikoku, Nharireyomurindi yacho yakati: “Hatizenguriri kurumbidza kuChechic dziri munzvimbo iri yose, nhamba dzadzo dzingava dziri huru kana kuti duku, zano raVaapostora, rokuti, mukambani iri yose, vakuru vasarudzwe pakati pavo kuti va‘dyise’ ndoku‘tarisira’ boka.” (Mabasa 14:21-23; 20:17, 28) Ungano dzomunzvimbomo dzakaita iri zano rapaMagwaro rakanaka. Iyi yakanga iri nhano inokosha mukutanga chimiro cheungano chiri mutsinhirano nezvaivako mumazuva avaapostora.
Maererano nenzira yavainzwisisa nayo zvinhu panguva iyoyo, zvisinei, kusarudzwa kwavakuru, uye kwavadhikoni kuti vavabatsire, kwakaitwa nokuvhota kweungano. Gore rimwe nerimwe, kana kuti kakawanda zvikuru kana kwaiva madikanwa, zvikwaniriso zvaavo vangabatira zvairangarirwa, uye kuvhota kwaiitwa. Wakanga uri zvikurukuru muitiro wokusarudza kwevoruzhinji, asi uyo wakanga uchidzorwa neganhuriro dzakarongedzerwa kuita setaviridzo. Vose muungano vakakurudzirwa kusanohwirudzura zvikwaniriso zvomuBhaibheri uye kuratidzira kupfurikidza nokuvhota, kwete murangariro wavo vamene, asi izvo vaidavira kuva kuda kwaShe. Sezvo avo bedzi “vakazvipa zvizere” vakanga vakakodzera kuvhota, kuvhota kwavo vose, apo kwaitungamirirwa neShoko raShe nomudzimu, kwairangarirwa sokunoratidzira kuda kwaShe munhau yacho. Kunyange zvazvo Hama Russell vangave vasina kuve vakaziva chose chose nezvako, kurumbidza kwavo iyi gadziriro zvichida kwakapesvedzerwa kusvikira kutambanuko yakati kwete bedzi nokutsunga kwavo kudzivisa chakafanana chipi nechipi neboka ravafundisi rakakwirira asiwo nomugariro wavo vamene somuduku muCongregational Church.
Apo vhoriyamu yeMillennial Dawn ine musoro unoti The New Creation (yakabudiswa muna 1904) yakakurukurazve muudzame basa ravakuru nomutoo uyo vaifanira kusarudzwa nawo, ngwariro chaiyo yakanangidzirwa kuna Mabasa 14:23. Makonikodhenzi akaunganidzwa naJames Strong naRobert Young akadudzwa sezviremera nokuda kwomurangariro wokuti kutaura kwokuti “vakanga vavagadza kuva vakuru” (KJ) kunofanira kushandurwa kuti “vakanga vavasarudza kuva vakuru kupfurikidza nokusimudza maoko.”d Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinototaura kuti vakuru vaka‘gadzwa nokuvhota.’ (Literal Translation of the Holy Bible raYoung; Emphasised Bible raRotherham) Asi ndiani aifanira kuvhota?
Kugamuchira murangariro wokuti kuvhota kwakanga kuchifanira kuitwa neungano yose zvayo hakuna kuparira nguva dzose migumisiro yaikarirwa. Avo vaivhota vaifanira kuva vanhu vakanga vaka“zvitsaurira zvakazara,” uye vamwe vaisarudzwa vaisvitsa zvirokwazvo zvikwaniriso zvapaMagwaro ndokubatira hama dzavo nenzira yokuzvininipisa. Asi kuvhota kwacho kazhinji kazhinji kwairatidzira chisarudzo chomunhu oga panzvimbo peShoko nomudzimu waMwari. Nokudaro, muHalle, Germany, apo vanhu vakati avo vaifunga kuti vaifanira kuva vakuru vasina kuwana nzvimbo dzavaida, vakaparira kakavadzano yakakomba. MuBarmen, Germany, pakati paavo vakanga vari vaida kusarudzwa muna 1927 pakanga pane varume vaishora basa reSosaiti, uye kwakanga kune kudanidzira kwakati mukati mokusimudzwa kwamaoko panguva yokusarudza. Naizvozvo kwakanga kuri madikanwa kuchinjira kukuvhota zvakavanzika nemapepa.
Shure muna 1916, makore akati izvi zviitiko zvisati zvaitika, Hama Russell, neitiro hanya huru, vakanga vanyora, kuti: “Mamirire ezvinhu anotyisa akatekeshera muMapoka akati apo sarudzo inenge ichifanira kuitwa. Vabatiri veChechi vanoedza kuva vatongi, vadzvinyiriri—pane dzimwe nguva vachitova vanasachigaro vomusangano nevavariro iri pachena yokuona kuti ivo neshamwari dzavo chaidzo vachasarudzwa saVakuru naVadhekoni. . . . Vamwe vanoedza chinyararire kushandisa Boka kupfurikidza nokuva nesarudzo panguva yakati iyo iri yakanaka zvikuru kwavari neshamwari dzavo. Vamwe vanotsvaka kuzadza musangano wacho neshamwari dzavo, vachipinza vaenzi vakaenzana, avo vasina mufungo wokuva venguva dzose mukupinda muBoka, asi vanouya sechiitowo zvacho choushamwari kuti vavhotere mumwe weshamwari dzavo.”
Vaingofanirawo zvavo kudzidza nzira yokuita nayo sarudzo maererano nesarudzo dzevoruzhinji zvakanaka zvikuru here, kana kuti pakanga pane chimwe chinhu chinobva muShoko raMwari icho vakanga vachigere kunzwisisa?
Kuronga Kuita Kuti Mashoko Akanaka Aparidzwe
Panhambo yapakuvamba zvikuru, Hama Russell vakaziva kuti rimwe remabasa anokosha zvikurusa romutezo uri wose weungano yechiKristu rakanga riri basa rokuparidza evhangeri. (1 Pet. 2:9) Nharireyomurindi yakatsanangura kuti kwakanga kusati kuri kuna Jesu oga asi kuvateveri vake vose vakazodzwa nomudzimu uko mashoko ouporofita aIsaya 61:1 (NW), aishanda, ndiko kuti: “Jehovha wakandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka,” kana kuti, sokushandura kunoita King James Version kunokora mashoko kwaJesu ichi chikamu, “Iye akandizodza kuti ndiparidze evhangeri.”—Ruka 4:18.
Pakuvamba sa1881, Nharireyomurindi yaiva nenyaya inoti “Vaparidzi 1 000 Vanodikanwa.” Ikoku kwakanga kuri kukumbira kumutezo uri wose weungano kuti ushandise nguva ipi kana ipi yawaigona (hafu yeawa, awa, kana kuti mbiri, kana kuti nhatu) kugoverana mukuparadzira zvokwadi yeBhaibheri. Varume navakadzi avo vakanga vasina mhuri dzaitsamira pavari uye avo vaigona kupa hafu kana kuti yakawanda yenguva yavo chose chose kubasa raShe vakakurudzirwa kutanga basa savaparidzi veevhangeri macolporteur. Nhamba yacho yaisiyana gore negore, asi pakazosvika 1885 kwakanga kwatova nevanenge 300 avo vakanga vachigoverana muiri basa samacolporteur. Vamwe vakati vakavawo norutivi asi pamwero wakaganhurirwa zvikuru. Zvikarakadzo zvakapiwa kumacolporteur pamusoro penzira yokuita nayo basa ravo. Asi munda wakanga wakakura, uye pakutanga, ivo vainge vatombosarudza ndima yavo vamene ndokutama kubva munharaunda imwe kuenda kune imwe zvikurukuru sezvakwairatidzika kuva kwakanakisisa kwavari. Ipapo apo vaisangana pakokorodzano, ivo vaiita gadziridzo dzaidikwana kuti vatsinhiranise nhamburiko dzavo.
Gore rimwe chetero rakavamba basa roupiyona, Hama Russell vakaita kuti maturakiti akati (kana kuti mabhukwana) adhindwe nokuda kwokuparadzira pachena. Rakanga rakatanhamara pakati paiwaya rakanga riri Food for Thinking Christians, iro rakaparadzirwa kusvikira ku1 200 000 mumwedzi mina yokutanga. Basa rakabatanidzwa mukuronga uku kudhinda nokuparadzira rakaparira kuumbwa kweZion’s Watch Tower Tract Society kuti itarisire udzame hwakanga huri madikanwa. Kuti vadzivise kuvhiringidzwa kwebasa kana vakafa, uye kuti vaite kuti kutarisirwa kwemipiro yaifanira kushandiswa mubasa kuve nyore, Hama Russell vakakumbira kunyoreswa kwapamutemo kweSosaiti, uye ikoku kwakanyorwa pamutemo pana December 15, 1884. Ikoku kwakaita kuti sangano rapamutemo raidikanwa rivepo.
Sezvo kudikanwa kwakavapo, hofisi dzemapazu dzeWatch Tower Society dzakatangwa mune dzimwe nyika. Yokutanga yakanga iri muLondon, England, pana April 23, 1900. Imwe, muElberfeld, Germany, muna 1902. Makore maviri gare gare, pane rumwe rutivi rwapasi, bazu rakarongwa muMelbourne, Australia. Panguva youku kunyora, kune mapazu 99 munyika yose.
Kunyange zvazvo gadziriro dzesangano idzo dzaidikanwa kugovera zvitsama zvamabhuku eBhaibheri dzakanga dzichitanga, pakutanga kwakasiyirwa kuungano kuronga gadziriro dzipi nedzipi dzomunzvimbomo dzokuparadzirwa pachena kwamashoko iwayo. Mutsamba yomusi waMarch 16, 1900, Hama Russell vakataura kuti vairangarira sei nhau yacho. Tsamba iyoyo, iyo yakanyorerwa “Alexander M. Graham, uye Chechi iri kuBoston, Mass.,” yakati: “Sokuziva kwamunoita mose, ivavariro yangu yakasimba kusiyira kambani imwe neimwe yavanhu vaShe kutarisirwa kwezvinhu zvavo vamene, maererano nezvisarudzo zvavo vamene, vachipa zvikarakadzo, kwete nokupingidza, asi nezanowo zvaro.” Ikoku kwaibatanidza kwete bedzi misangano yavo asiwo nzira yavaipfuuridzira nayo ushumiri hwavo hwomumunda. Nokudaro, pashure pokupa hama zano rinoshanda, ivo vakagumisa netsinhiro, yokuti: “Ichi chinongovawo zvacho chikarakadzo.”
Mibato yakati yaida nhungamiro yakananga zvikuru yaibva kuSosaiti. Pamusoro pokuratidzwa kwe“Photo-Drama of Creation,” kwakasiyirwa kuungano imwe neimwe kusarudza kana vakanga vachidisa uye vachikwanisa kurenda horo kana kuti chimwe chivako nokuda kwokuratidza munzvimbomo. Zvisinei, kwakanga kuri madikanwa kutamisa zvokushandisa kuenda kuguta neguta, uye marudungwe aifanira kusvitswa; naizvozvo muna ikoku nhungamiro yechiremera chimwe yakagoverwa neSosaiti. Ungano imwe neimwe yakakurudzirwa kuva neDare Remitambo kuti ritarisire gadziriro dzomunzvimbomo. Asi mutarisiri aitumwa neSosaiti aisanongwaririra udzame kuti ave nechokwadi chokuti chinhu chiri chose chaifamba zvakanaka.
Sezvo gore ra1914 uye ipapo ra1915 akapfuura, vaKristu ivavo vakazodzwa nomudzimu vaimirira nokudisa zadziko yetariro yavo yokudenga. Panguva imwe cheteyo, vakakurudzirwa kuramba vakabatikana mubasa raShe. Kunyange zvazvo vairangarira nguva yavo yasara munyama sepfupi zvikuru, kwakava pachena kuti kuti vapfuuridzire kuparidzwa kwamashoko akanaka nomutoo une nhevedzano, imwe nhungamiro yaidikanwa kupfuura apo vakanga vasvika mazana mashomanene chete. Nokukurumidza pashure pokunge J. F. Rutherford ava purezidhendi wechipiri weWatch Tower Society, nhungamiro iyoyo yakava namativi matsva. Chinyorwa chechiNgezi chaMarch 1, 1917, cheNharireyomurindi chakazivisa kuti, kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi, ndima yose yaifanira kushandwa nemacolporteur uye navashandi vafundisie muungano dzaizogoverwa nehofisi yeSosaiti. Uko kwakanga kune vose vari vaviri vashandi vomunzvimbomo namacolporteur vaigoverana mubasa romumunda rakadaro muguta kana kuti ruwa, ndima yacho yaikamurwa pakati pavo nedare reruwa raigadzwa munzvimbomo. Iyi gadziriro yakabetsera kukuparadzirwa kunoshamisa zvirokwazvo kweThe Finished Mystery mukati memwedzi mishomanene chete muna 1917-18. Yakanga ichikoshawo mukuwana kuparadzirwa kunokurumidza kwamakopi 10 000 000 okufumurwa kune simba kwechiKristudhomu muturakiti raisimbisa nhau inoti “Kuwa kweBhabhironi.”
Nokukurumidza pashure paikoku, mitezo yavashandi vanotarisira veSosaiti yakasungwa, uye pana June 21, 1918, yakatongerwa kugara mutorongo makore 20. Kuparidzwa kwamashoko akanaka kwakasvika pakudokumira. Iyoyi yakanga iri nguva apo yavaizobatanidzwa pakupedzisira naShe mumbiri yokudenga here?
Mwedzi mishomanene gare gare, hondo yakaguma. Gore rakatevera racho vakuru vakuru veSosaiti vakasunungurwa. Vakanga vachiri munyama. Zvakanga zvisati zviri zvavakanga vakarira, asi vakagumisa kuti Mwari anofanira kuva achiri ane basa rokuti vaite pasi pano.
Vakanga vachangobva kubuda mumiedzo yakakomba yokutenda kwavo. Zvisinei, muna 1919, Nharireyomurindi yakavasimbisa nefundo dzapaMagwaro dzinonyandura pamusoro unoti “Vakakomborerwa Vasingatyi.” Idzodzi dzakateverwa nenyaya inoti “Mikana Yebasa.” Asi hama hadzina kufungidzira zviitiko zvikuru musangano izvo zvaizoitika mukati memakumi amakore aizotevera.
Muenzaniso Wakafanira Nokuda Kweboka
Hama Rutherford vakanzwisisa kuti kuti basa ripfuurire kufambira mberi munzira ine nhevedzano neyakabatana, pasinei zvapo nokuti nguva ingava iri pfupi sei, muenzaniso wakafanira nokuda kweboka wakanga uchikosha. Jesu akanga arondedzera vateveri vake samakwai, uye makwai anotevera mufudzi wawo. Chokwadika, Jesu amene ndiye Mufudzi Akaisvonaka, asi iye anoshandisawo varume vakuru, kana kuti vakuru, savafudzi vaduku vavanhu vake. (1 Pet. 5:1-3) Vakuru ivavo vanofanira kuva varume vanotora rutivi ivo vamene mubasa iro Jesu akagovera uye avo vanokurudzira vamwe kuita saizvozvo. Ivo vanofanira kuva zvapachokwadi nomudzimu wokuparidza evhangeri. Panguva yokuparadzirwa kweThe Finished Mystery, zvisinei, vamwe vavakuru vakanga varega; vakati kuti vakanga vatova vanotaura pachena chaizvo mukuodza mwoyo vamwe mukugoverana.
Nhano inokosha zvikuru kukururamisa aya mamirire ezvinhu yakaitwa muna 1919 apo magazini inonzi The Golden Age yakavamba kubudiswa. Iyoyi yaifanira kuva chokushandisa chine simba chokuzivisa Umambo hwaMwari somushonga bedzi unogarisa wezvinetso zvorudzi rwomunhu. Ungano imwe neimwe yaishuva kugoverana muuyu mubato yakakumbirwa kukumbira Sosaiti kuinyora se“sangano rebasa.” Ipapo mutungamiriri, kana kuti mutungamiri webasa sezvaakasvika pakuzivikanwa kudaro, akanga asingafaniri kusarudzwa gore negore, akagadzwa neSosaiti.f Somumiriri womunzvimbomo weSosaiti, iye aifanira kuronga basa, kugovera ndima, uye kukurudzira kutora rutivi kunoitwa neungano mubasa romumunda. Nokudaro, pamwe chete navakuru vakasarudzwa nevoruzhinji navadhikoni, rumwe rudzi rwegadziriro yesangano rwakavamba kushanda, urwo rwakaziva chiremera chokugadzwa kunze kweungano yomunzvimbomo uye urwo rwakapa simbiso huru zvikuru kukuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.g
Mukati mamakore akatevera, basa rokuzivisa Umambo rakasundwa zvikuru, sokunge nesimba risingadzivisiki. Zviitiko zvomuna 1914 uye pashure pacho zvakanga zvaita kuti kuve pachena kuti uporofita hukuru umo Ishe Jesu Kristu akarondedzera mhedziso yetsika yekare hwakanga huri kuzadzikwa. Nebetsero yaikoku, muna 1920, Nharireyomurindi yakaonesa kuti sezvakafanotaurwa pana Mateo 24:14, iyoyi yakanga yava nguva yokuzivisa mashoko akanaka ane chokuita no“mugumo wenhevedzo yekare yezvinhu nokugadzwa kwoumambo hwaMesiya.”h (Mat. 24:3-14) Pashure pokupinda kokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri paCedar Point, Ohio, muna 1922, nhume dzakabva dzine kutaura kwairira munzeve dzadzo: “Zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Basa ravaKristu vechokwadi rakava rinonzwisiswa zvakajeka zvikuru muna 1931 apo zita rokuti Zvapupu zvaJehovha rakagamuchirwa.
Kwakanga kuri pachena kuti Jehovha akanga agovera vabatiri vake basa umo vose zvavo vaigona kugoverana. Kwakanga kune kugamuchira kune mbavarira. Vakawanda vakaita gadziridzo huru muupenyu hwavo kuti vape nguva yavo yakazara kuiri basa. Kunyange pakati paavo vaipa nguva isina kuzara chete, vakati vakanga vachipedzera mazuva akazara mubasa romumunda pakupera kwevhiki. Vachigamuchira kurudziro yaiva muNharireyomurindi neInformant muna 1938 na1939, vakawanda veZvapupu zvaJehovha panguva iyoyo vakaedza nenzira yokutungamirirwa nehana kupa maawa 60 mwedzi mumwe nomumwe kubasa romumunda.
Pakati peZvapupu zvaishingaira izvozvo pakanga pane vabatiri vazhinji vanozvininipisa, vakazvipira vaJehovha avo vakanga vari vakuru muungano. Zvisinei, mudzimwe nzvimbo, mukati mema1920 uye pakuvamba muma1930, kwakanga kunewo kudzivisa kwakati pfungwa yomunhu ari wose achitora rutivi mubasa romumunda. Vakuru vakasarudzwa nevoruzhinji kazhinji kazhinji vakanga vachitaura pachena mukusabvumirana neizvo Nharireyomurindi yakataura pamusoro pebasa rokuparidza kuvanhu vaiva kunze kweungano. Kuramba kuteerera izvo mudzimu waMwari, kupfurikidza naMagwaro Matsvene, waitaura kuungano pamusoro peiyi nhau kwakadzivisa kuyerera kwomudzimu waMwari mumapoka iwayo.—Zvak. 2:5, 7.
Matanho akaitwa muna 1932 kururamisa aya mamirire ezvinhu. Pfundo reitiro hanya huru rakanga risati riri rokuti vakuru vakatanhamara vangagumburwa here kana kuti zvimwe vamwe vaavo vakabatanidzwa neungano vangabuda here. Panzvimbo pezvo, chishuvo chehama chakanga chiri chokufadza Jehovha uye kuita kuda kwake. Nokuda kwechinangwa ichocho, zvinyorwa zvechiNgezi zvaAugust 15 naSeptember 1 zveNharireyomurindi gore iroro zvakasimbisa nhau inoti “Sangano raJehovha.”
Nyaya idzodzo dzakaratidza zvakananga kuti vose vakanga vari chaizvoizvo rutivi rwesangano raJehovha vaizova vachiita basa iro Shoko rake rakataura kuti rinofanira kuitwa mukati menhambo ino yenguva. Nyaya dzacho dzakatsigira murangariro wokuti kuva mukuru kwechiKristu kwakanga kusati kuri basa iro mumwe aigona kusarudzwa kwariri asi wakanga uri mumamirire ezvinhu aiwanwa nokukura mumudzimu. Simbiso chaiyo yakapiwa kumunyengetero waJesu wokuti vateveri vake “vose [vagova] vamwe”—muumwe naMwari naKristu, uye nokudaro vaine chinzwano nomumwe nomumwe mukuita kuda kwaMwari. (Joh. 17:21) Uye nomugumisiroi? Nyaya yechipiri yakapindura kuti “munhu ari wose wavakasarira anofanira kuva chapupu kuzita noumambo zvaJehovha Mwari.” Utarisiri hwakanga husati huchifanira kuiswa kune vapi navapi vaikundikana kana kuti vairamba kuita zvavaigona kuita nenzira ine mufungo kuti vagoverane mukupupura pachena.
Pamhedziso yokufunda idzi nyaya, ungano dzakakumbirwa kuti dziite chisarudzo chinoratidzira kubvumirana kwadzo. Nokudaro kusarudza kweungano kwegore negore varume kuti vave vakuru navadhikoni kwakabviswa. MuBelfast, Northern Ireland, sokune dzimwe nzvimbowo, vamwe vevaichimbova “vakuru vanosarudzwa” vakabva; vamwe vanhu vaigoverana murangariro wavo vakaenda navo. Ikoku kwakaguma nokuderera kwavo asi kusimbiswa kwesangano rose. Avo vakasara vakanga vari vanhu vakanga vachidisa kuita basa rechiKristu rokupupura. Panzvimbo pokuvhotera vakuru, ungano—dzichiri kushandisa mitoo yokusarudza kwevoruzhinji—dzaisarudza dare rebasai raiumbwa navarume vakakura mumudzimu avo vaigoverana nenzira yokushingaira mukupupura pachena. Mitezo yeungano yaivhoterawo sachigaro kuti atungamirire pamisangano yavo pamwe chete nomunyori nomuchengeti wemari. Vose ivava vakanga vari varume vaiva zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha.
Kutarisirwa kweungano zvino kwaronzwa kuvarume vaifarira kwete nzvimbo yomunhu oga asi kuita basa raMwari—kupupura zita rake noUmambo—uye avo vakanga vachigadza muenzaniso wakanaka kupfurikidza nokutora rutivi kwavo vamene mariri, basa racho rakafambira mberi zvakanaka zvikuru. Kunyange zvazvo vakanga vasingazvizivi panguva iyoyo, kwakanga kune zvakawanda zvaifanira kuitwa, uchapupu hwakakura zvikuru kupfuura hwakanga hwatopiwa, kuunganidza uko vakanga vasina kukarira. (Isa. 55:5) Sezviri pachena Jehovha akanga ari kuvagadzirira nokuda kwaro.
Vashomanene vaiva netariro youpenyu husingagumi pasi pano vakanga vari kuvamba kusonganirana navo.j Zvisinei, Bhaibheri rakafanotaura kuunganidzwa kwavazhinji zvikuru (kana kuti, boka guru) vachirangarira kuchengetwa kwavo mudambudziko guru rinouya. (Zvak. 7:9-14) Muna 1935 kuzivikanwa kwaava vazhinji zvikuru kwakajekeswa. Chinjo mukusarudzwa kwavatariri mukati mema1930 yakashongedzera sangano zviri nani kuti ritarisire basa rokuunganidza, kudzidzisa, uye kuvarovedza.
Nokuda kwavazhinjisa veZvapupu zvaJehovha, iri basa rakakudzwa chakanga chiri chiitiko chinofadza. Ushumiri hwazvo hwomumunda hwakava nerevo itsva. Zvisinei, vamwe vakanga vasingadisi kuparidza. Vairega, uye vaiedza kururamisa kusaita basa kwavo kupfurikidza nokutaura kuti hakuna vazhinji zvikuru vaizounganidzwa kutozosvikira pashure peArmagedhoni. Asi voruzhinji vakagamuchira mukana mutsva wokuratidzira ruvimbiko rwavo kuna Jehovha nokuda kwavo vanhu biyavo.
Avo veboka guru vakakodzera sei muchimiro chesangano? Ivo vakaratidzwa basa iro Shoko raMwari rakagovera ku“kapoka kaduku” kavakazodzwa nomudzimu, uye vakashanda nomufaro mutsinhirano negadziriro iyoyo. (Ruka 12:32-44) Ivo vakazivawo kuti, kufanana navakazodzwa nomudzimu, vakanga vane basa rokugoverana mashoko akanaka navamwe. (Zvak. 22:17) Sezvo ivo vaida kuva vadzorwi vapasi voUmambo hwaMwari, Umambo ihwohwo hunofanira kuuya pakutanga muupenyu hwavo, uye vanofanira kuva vanoshingaira mukuudza vamwe pamusoro pahwo. Kuti vakodzere kurondedzera kweBhaibheri avo vaizochengetwa mudambudziko guru kuti vapinde munyika itsva yaMwari, vanofanira kuva vanhu vano“ramba vachidanidzira nenzwi guru, vachiti: ‘Ruponeso runobva kuna Mwari wedu, uyo akagara pachigaro choumambo, uye kuGwayana.’” (Zvak. 7:10, 14, NW) Muna 1937, sezvo vakavamba kukura uye kushingairira kwavo Ishe kwakaoneka, vakakumbirwawo kubetsera kutakura mutoro webasa mukutarisira ungano.
Zvisinei, vakayeuchidzwa kuti sangano nderaJehovha, kwete iro romunhu upi noupi. Kwaisafanira kuva nomusiyano pakati pavakasarira vavakazodzwa nomudzimu naavo veboka guru ramamwe makwai. Vaifanira kushanda pamwe chete sehama nehanzvadzi mubasa raJehovha. Seizvo Jesu akanga ataura kuti, “Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.” (Joh. 10:16) Uchokwadi hwaikoku hwakanga hwava kuva pachena.
Zviitiko zvinoshamisa zvakanga zvaitika musangano munhambo pfupi zvikuru yenguva. Asi kwakanga kune zvakawanda zvaifanira kuitwa kuti zvinhu zveungano zvigoitwa mutsinhirano yakazara nenzira dzaJehovha dzinooneswa muShoko rake rakafuridzirwa here?
Sangano Roubati Ushe hwaMwari
“Ubati Ushe hwaMwari” hunoreva “kutonga kwaMwari.” Ndirwo rwakanga rwuri rudzi rwokutonga urwo rwaitonga ungano here? Vakanga vasinganamati Jehovha bedzi asi kutarirawo kwaari kuti atungamirire zvinhu zvavo zveungano here? Vaitsinhirana zvizere nezvaakataura pamusoro pezvinhu izvozvi muShoko rake rakafuridzirwa here? Nyaya yaiva nemativi maviri yaiti “Sangano” iyo yakaoneka muNharireyomurindi yechiNgezi yaJune 1 na15, 1938, yakataura nenzira yakananga, kuti: “Sangano raJehovha harisati richitongova rokusarudza kunoitwa nevoruzhinji. Jehovha mukurusa, uye hurumende yake kana kuti sangano nderoubati ushe hwaMwari chose chose.” Bva, muungano dzomunzvimbomo dzeZvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, miitiro yokusarudza kwevoruzhinji yakanga ichiri kushandiswa mukusarudza vazhinjisa vaavo vaironzwa kutarisirwa kwemisangano nebasa romumunda. Dzimwe chinjo dzakanga dzakafanira.
Asi Mabasa 14:23 haina kuratidzira kuti vakuru muungano vakanga vachifanira kugadzwa pabasa no‘kusimudzwa kworuoko,’ somukuvhota here? Yokutanga yenyaya idzodzo dzeNharireyomurindi dzaiva nomusoro unoti “Sangano” yakabvuma kuti urwu rugwaro rwakanga rwanzwisiswa nenzira isina kufanira munguva yakapfuura. Kugadza kwakanga kusingaitwi pakati pavaKristu vomuzana rokutanga ramakore kupfurikidza noku‘simudza ruoko’ kwemitezo yose yeungano. Panzvimbo pezvo, kwakaratidzwa kuti, vaapostora naavo vakabvumirwa navo ndivo vai‘simudza maoko avo.’ Ikoku kwaiitwa kwete kupfurikidza nokutora rutivi mukuvhota kweungano asi kupfurikidza nokuisa maoko avo pavanhu vaikwanirisa. Ichochi chakanga chiri chiratidzo chokusimbisa, chetendero, kana kuti chokugadzwa.k Ungano dzechiKristu dzapakuvamba padzimwe nguva dzaiita rumbidzo dzavarume vakakwaniriswa, asi kusarudza kwokupedzisira kana kuti tendero yaipiwa navaapostora, avo vakanga vatumwa zvakananga naKristu, kana kuti naavo vakabvumirwa navaapostora. (Mabasa 6:1-6) Nharireyomurindi yakakwevera ngwariro kuidi rokuti mutsamba bedzi kuvatariri vakavimbika (Timotio naTito) muapostora Pauro, munhungamiro yomudzimu mutsvene, akapa mirayiridzo kuti vagadze vatariri. (1 Tim. 3:1-13; 5:22; Tito 1:5) Hapana neimwe yetsamba dzakafuridzirwa dzakanyorerwa ungano dzaiva nemirayiridzo yakadaro.
Ipapoka, kugadzwa kwazvino uno kubasa muungano kwaifanira kuitwa sei? Kunzvera kweNharireyomurindi sangano roubati ushe hwaMwari kwakaratidza muMagwaro kuti Jehovha akagadza Jesu Kristu “musoro . . . weungano”; kuti apo Kristu saTenzi aizodzoka, iye aizoronza “muranda [wake] wakatendeka, wakangwara” basa pa“veimba yake”; kuti uyu muranda akatendeka uye akachenjera aiumbwa naavo vose vari pasi pano avo vakanga vazodzwa nomudzimu mutsvene kuti vave vadyi venhaka pamwe chete naKristu uye vakanga vachibatira vakabatana munhungamiro yake; uye kuti Kristu aizoshandisa boka iroro romuranda somukoto wake mukugovera kutarisirwa kunodikanwa kweungano. (VaK. 1:18, NW; Mat. 24:45-47; 28:18) Raizova basa reboka romuranda kushandisa nokunyengeterera mirayiridzo inotaurwa nenzira yakajeka muShoko raMwari rakafuridzirwa, richirishandisa kusarudza kuti ndivanaani vaikwanirisa nokuda kwenzvimbo dzebasa.
Sezvo mukoto unooneka waizoshandiswa naKristu ari muranda akatendeka uye akachenjera (uye maidi enhau yomuzuva razvino uno atorangarirwa anoratidza kuti uyu “muranda” anoshandisa Watch Tower Society sesangano rapamutemo), Nharireyomurindi yakatsanangura kuti muitiro woubati ushe hwaMwari waizoda kuti kugadzwa pabasa kuitwe kupfurikidza nouyu mukoto. Kunyange sezvo ungano muzana rokutanga ramakore dzaiziva mutumbi unodzora muJerusarema, naizvozvo nhasi ungano dzaisazobudirira mumudzimu pasina kutarisira kwechiremera chimwe.—Mabasa 15:2-30; 16:4, 5.
Kuchengeta zvinhu zviri mumurangariro wakafanira, zvisinei, kwakaoneswa kuti apo Nharireyomurindi yainongedzera ku“Sosaiti,” ikoku kwaireva, kwete sanganowo zvaro rapamutemo, asi boka ravaKristu vakazodzwa iro rakanga raumba chinhu chapamutemo ichocho ndokuchishandisa. Nokudaro kutaura kwacho kwaimirira muranda akatendeka uye akachenjera noMutumbi wake Unodzora.
Kunyange nyaya dzeNharireyomurindi dzine musoro unoti “Sangano” dzisati dzabudiswa muna 1938, apo ungano muLondon, New York, Chicago, uye Los Angeles dzakanga dzakura kusvikira papfundo rokuti kwakanga kwava kune mufungo kudzikamura kuva mapoka maduku zvikuru, dzakanga dzakumbira kuti Sosaiti igadze vabatiri vadzo vose. Chinyorwa chechiNgezi chaJune 15, 1938, cheNharireyomurindi zvino chakakumbira dzimwe ungano dzose kuti dziite chiito chakafanana. Nechinangwa ichocho, chisarudzo chinotevera chakakarakadzwa, kuti:
“Isu, kambani yavanhu vaMwari takatorwa nokuda kwezita rake, uye zvino pa . . . . . . . . . . . . . . , tinoziva kuti hurumende yaMwari ubati ushe hwaMwari hwakachena uye kuti Kristu Jesu ari patembere uye ari kutarisira nokudzora zvakazara sangano rinooneka raJehovha, pamwe chete nerisingaoneki, uye kuti ‘SOSAITI’ ndiyo mumiriri anooneka waShe pasi pano, uye naizvozvo tinokumbira kuti ‘Sosaiti’ ironge iyi kambani nokuda kwebasa nokugadza vabatiri vakasiyana-siyana vayo, kuti tose zvedu tigoshanda pamwe chete murugare, kururama, tsinhirano nechinzwano chakakwana. Tinobatanidza pano ndaza yamazita avanhu vari muiyi kambani avo kwatiri vanoratidzika kuva vakakura mumudzimu zvizere zvikuru uye avo naizvozvo vanoratidzika kuva vakakodzera zvikurusa kuti vazadze nzvimbo dzakasiyana-siyana dzakasarudzwa nokuda kwebasa.”l
Dzinodokuva ungano dzose dzeZvapupu zvaJehovha dzakabvuma ikoku nokudisa. Vashomanene vaye vakarega vakakurumidza kurega kuva negoverano ipi neipi mukuzivisa Umambo uye nokudaro vakarega kuva Zvapupu zvaJehovha.
Betsero Dzenhungamiro Youbati Ushe hwaMwari
Kuri pachena kuti kudai dzidziso, mipimo yomufambiro, uye miitiro yesangano kana kuti yokupupura zvaigona kusarudzwa pamusoro pazvo munzvimbomo, sangano raizokurumidza kurasikirwa nokuzivikanwa kwaro nechinzwano. Hama dzaigona kukamurwa nenzira iri nyore nemisiyano yenzanga, yetsika, uye yorudzi. Nhungamiro youbati ushe hwaMwari, pane rumwe rutivi, yaizovimbisa kuti betsero dzinobva mufambiro mberi yomudzimu dzaizosvika kuungano dzose munyika yose pasina chidziviso. Nokudaro kwaizova nechinzwano chapachokwadi icho Jesu akanyengeterera kuti chaizotekeshera pakati pavateveri vake vechokwadi, uye basa rokuparidza evhangeri iro iye akarayira kuti raigona kuitwa zvizere.—Johane 17:20-22.
Zvisinei, kwakataurwa navamwe kuti kupfurikidza nokutsigira iyi chinjo yesangano, J. F. Rutherford akanga ari kungoedzawo zvake kuwana udzori hukuru zvikuru paZvapupu uye kuti iye akashandisa uyu mutoo kuti ashandise chiremera chake amene. Ndizvo zvakwakanga kwakaita chaizvoizvo here? Hapana panikiro kuti Hama Rutherford vakanga vari murume wezvitendero zvakasimba. Ivo vaitaura nesimba uye pasina kubvumirana pane zvisina kufanira nokuda kweyavaidavira kuva zvokwadi. Ivo vaigona kuva vanokurumidza zvikuru mukutarisira mamirire ezvinhu apo vaicherekedza kuti vanhu vakanga vachizviitira vamene hanya zvikuru kupfuura zvavakanga vachiita pamusoro pebasa raShe. Asi Hama Rutherford vakanga vachizvininipisa zvapachokwadi pamberi paMwari. Karl Klein, uyo akava mutezo woMutumbi Unodzora muna 1974, gare gare akanyora, kuti: “Minyengetero yaHama Rutherford pakunamata kwamangwanani . . . yaiita kuti ndivade. Kunyange zvazvo vakanga vane inzwi rine simba kwazvo, pakutaura kuna Mwari ivo vainzwika sekakomana kari kutaura kuna baba vako. Ukama hwakaisvonaka zvakadini naJehovha ikoko kwakaratidza!” Hama Rutherford vaipwiswa zvizere pamusoro pokuzivikanwa kwesangano rinooneka raJehovha, uye ivo vaiedza kuva nechokwadi chokuti hakuna munhu kana kuti boka ravanhu raizokwanisa kudzivisa hama munzvimbomo kugamuchira betsero yakazara yezvokudya zvomudzimu nenhungamiro izvo Jehovha akanga achigovera nokuda kwavabatiri Vake.
Kunyange zvazvo Hama Rutherford vakabatira kwamakore 25 sapurezidhendi weWatch Tower Society ndokupa simba ravo rose kukufambisira mberi basa resangano, ivo vakanga vasati vari mutungamiriri weZvapupu zvaJehovha, uye ivo vakanga vasingadi kuva vakadaro. Pakokorodzano muSt. Louis, Missouri, muna 1941, chinguvana vasati vafa, ivo vakataura pamusoro penhau youtungamiriri, vachiti: “Ndinoda kuti vaenzi vapi navapi vari pano vazive zvamunofunga pamusoro pokuti munhu ave mutungamiriri wenyu, kuti varege kuzokanganwa. Nguva iri yose chimwe chinhu chinomuka uye chinotanga kukura, vanotaura kuti pane murume akati mutungamiriri uyo ane vateveri vakawanda. Kana kune munhu upi noupi muava vateereri anofunga kuti ini, uyu murume akamira pano, ndiye mutungamiriri wezvapupu zvaJehovha, itai kuti Hungu.” Mhinduro yacho kwakanga kuri kunyarara kunoorora, kwakadzongonyedzwa bedzi na“Aiwa” akasimba akabva muvanoverengeka vaiva muvateereri. Mukurukuri wacho akapfuurira, kuti: “Kana imi muri pano muchidavira kuti ndinongova chete mumwe wavabatiri vaShe, uye isu tiri kushanda pamwe chete muchinzwano, tichibatira Mwari uye tichibatira Kristu, itai kuti Hungu.” Pamwe chete gungano rakadanidzira “Hungu” akasimba! Mwedzi wakatevera vateereri muEngland vakapindura nenzira imwe cheteyo chaiyoiyo.
Mudzimwe nharaunda betsero dzesangano roubati ushe hwaMwari dzakanzwiwa nokukurumidza. Kune dzimwe nzvimbowo, kwakatora nguva refu zvikuru; avo vasina kubvumikisa kuva vabatiri vakakura mumudzimu, vanozvininipisa pashure penguva yakati vakabviswa, uye vamwe vakagadzwa.
Kunyange zvazvo zvakadaro, sezvo miitiro youbati ushe hwaMwari yakava yakasimba zvizere zvikuru, Zvapupu zvaJehovha zvakafara kuva zvaiwana zvakafanotaurwa pana Isaya 60:17. Achishandisa mashoko okufananidzira kuratidzira mamirire ezvinhu akanatswa aizovapo pakati pavabatiri vaMwari, Jehovha ipapo anoti: “Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yematanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako.” Uku hakusi kurondedzera izvo vanhu vaizoita asi, panzvimbo pezvo, izvo Mwari amene aizoita nebetsero idzo vabatiri vake vaizogamuchira sezvo vaizozviisa pasi pako. Rugare runofanira kutekeshera pakati pavo. Kuda kururama kunofanira kuva simba rinovasunda kubatira.
Ari muBrazil, Maud Yuille, mudzimai womutariri webazu, akanyorera Hama Rutherford, kuti: “Nyaya inoti ‘Sangano’ iri muNharire dzechiNgezi dzaJune 1 na15 [1938] inondisunda kutaura nemashoko mashomanene kwamuri, mune basa rokutendeka iro Jehovha ari kushandisa, kuonga kwangu kuna Jehovha nokuda kwegadziriro inoshamisa iyo akaitira sangano rake rinooneka, sezvinoratidzirwa muNhariredzomurindi mbiri idzodzi. . . . Kuzorodzwa kwakadini kuona mugumo ‘wokuzvitonga kwemisha miduku’, kubatanidza ‘kodzero dzavakadzi’ nomumwe muitiro usati uri wapamagwaro uyo wakaisa vamwe vanhu pasi pemifungo yomunzvimbomo nokusarudza kwomunhu mumwe nomumwe, panzvimbo pa[Jehovha Mwari naJesu Kristu], nomutoo iwoyo kuchiunza ruzvidzo pazita raJehovha. Ndokwechokwadi kuti ‘munguva pfupi [bedzi] yapfuura iyi Sosaiti yakadana vose vari musangano sa“vabatiri”’, bva ndinocherekedza kuti kwamakore akawanda akatangira nguva iyoyo mukunyorerana kwenyu nehama dzenyu makazvibvuma mumene se‘hama yenyu nomubatiri, kupfurikidza nenyasha Dzake’.”
Pamusoro peiyi gadziridzo yesangano, bazu romuBritish Isles rakashuma, kuti: “Tapuro yakanaka yaikoku yakanga ichishamisa zvikuru. Kurondedzera kwokudetemba nekwouporofita kwaikoku muna Isaya ganhuro yemakumi matanhatu kwakazara norunako asi hakukatutsirwi. Munhu ari wose ari muzvokwadi akanga achitaura pamusoro pako. Wakanga uri musoro mukuru wekurukurirano. Pfungwa huru yokusimbiswa yakatekeshera—kugadzirira kupfuuridzira hondo yakasanonangidzirwa. Sezvo kunyanduka kwenyika kwakawedzera, mufaro mukutonga kwoubati ushe hwaMwari wakawanda.”
Vatariri Vanofambira Vanosimbisa Ungano
Kubatana kwesangano kwakasimbiswazve somugumisiro webasa ravatariri vanofambira. Muzana rokutanga ramakore, muapostora Pauro akabatikana nenzira yakatanhamara mumubato wakadaro. Padzimwe nguva, varume vakadai saBharnabhasi, Timotio, uye Tito vakagoveranawo. (Mabasa 15:36; VaF. 2:19, 20; Tito 1:4, 5) Vose vakanga vari vaparidzi veevhangeri vanoshingaira. Mukuwedzera, ivo vakakurudzira ungano kupfurikidza nehurukuro dzavo. Apo nhau dzaimuka idzo dzaigona kutapura chinzwano cheungano, idzodzi dzaiiswa kumutumbi mukuru unodzora. Ipapo, “sezvo vaipfuurira kufamba mumaguta,” avo vakaronzwa basa “vaipa kuavo vaivapo nokuda kwokuchengeta mirayiro iyo yakanga yasarudzwa navaapostora navarume vakuru avo vakanga vari muJerusarema.” Mugumisiro wacho? “Ungano dzakapfuurira kusimbiswa mukutenda nokuwedzera munhamba zuva nezuva.”—Mabasa 15:1–16:5, NW; 2 VaK. 11:28.
Muma1870, Hama Russell vakanga vachitoshanyira mapoka aVadzidzi veBhaibheri—mapoka avanhu vaviri kana kuti vatatu pamwe chete namapoka makuru zvikuru—kuti vavavake mumudzimu. Dzimwe hama shomanene dzakagoverana muma1880. Ipapo, muna 1894, gadziriro dzakaitwa dzokuti Sosaiti iite kuti vakurukuri vakasanokwaniriswa vafambe nguva dzose zvikuru kuti vabetsere Vadzidzi veBhaibheri kukura muzivo nokunzwisisa zvokwadi nokuvaswededza pedyo zvikuru.
Kana kwaibvira, mukurukuri aipedza zuva rimwe kana kuti zvichida mazuva anoverengeka aine boka, achipa hurukuro dzavose imwe kana kuti mbiri uye ipapo kushanyira mapoka maduku zvikuru navanhu vamwe navamwe nokuda kwekurukurirano yezvimwe zvezvinhu zvakadzama zvikuru zveShoko raMwari. Nhamburiko yakaitwa yokuita kuti boka rimwe nerimwe muUnited States neCanada rishanyirwe kaviri pagore, kunyange zvazvo kazhinji nehama yakanga isati iri imwe cheteyo. Mukusarudza ava vakurukuri vanofambira, simbiso yakaiswa paunyoro, kuzvininipisa, uye nzwisiso yakajeka yezvokwadi pamwe chete nokunamatira kwokuvimbika kwairi namano okuidzidzisa nokujekesa. Hwavo hwakanga husati hutongori hushumiri hunobhadharwa. Vaingogoverwa zvokudya nepokugara nehama dzomunzvimbomo, uye kusvikira kutambanuko iri madikanwa, Sosaiti yaivabetsera nendyiko dzokufamba. Vakasvika pakuzivikanwa samapilgrim.
Vakawanda vaava vamiriri vanofambira veSosaiti vaidiwa zvikuru naavo vaibatira. A. H. Macmillan, wokuCanada, anoyeukwa sehama iyo kwairi Shoko raMwari rakabvumikisa kuva “somwoto unopfuta.” (Jer. 20:9) Iye aifanira chete kutaura pamusoro paro, uye akadaro, achitaura kuvateereri kwete bedzi muCanada asiwo mumativi akawanda eUnited States nomudzimwe nyika. William Hersee, mumwe mupilgrim, anoyeukwa zvakanaka nemhaka yengwariro chaiyo yaaipa kuvanhu vaduku. Minyengetero yake yaivawo nokuorora kunogara nemhaka yokuti yairatidzira ukuru hwoumudzimu uhwo hwaiorora mwoyo yavaduku navakuru zvakafanana.
Kufamba kwakanga kusati kuri nyore nokuda kwamapilgrim mumazuva apakuvamba. Kuti abatire boka raiva pedyo neKlamath Falls, Oregon, somuenzaniso, Edward Brenisen aitanga kufamba nechitima, ipapo usiku hwose nechikochikari, uye pakupedzisira nengoro inorwadzisa muviri kupinda mumakomo achienda kupurazi uko vaizova vachisangana. Pakuvamba mumangwanani, zuva rapashure pomusangano wavo, imwe hama yaigovera bhiza rokuti atasve makiromita 100 kuenda kuchiteshi chechitima chaiva pedyosa kuti agogona kuenda kumugove wake unotevera. Hwakanga huri upenyu hwakaoma, asi migumisiro yakanaka yakabva munhamburiko dzamapilgrim. Vanhu vaJehovha vakasimbiswa, vakabatanidzwa mukunzwisisa kwavo Shoko raMwari, uye vakakweverwa pamwe chete zvikuru kunyange zvazvo vakanga vakapararira zvikuru mumamiriro apasi.
Muna 1926, Hama Rutherford vakavamba kushandisa gadziriro idzo dzakachinja basa ramapilgrim kubva pane iro ravakurukuri vanongofambira zvavo kuva iro ravatarisiri vanofambira navasimudziri vebasa romumunda rinoitwa neungano. Kusimbisa mabasa avo matsva, muna 1928 ivo vakadanwa kunzi vatungamiriri vebasa renharaunda. Ivo vaishanda pamwe chete chaizvo nehama dzomunzvimbomo, vachidzipa murayiridzo womunhu oga mubasa romumunda. Panguva ino kwakanga kuchivabvirira kusvika ungano imwe neimwe muUnited States uye mudzimwe nyika dzakati kanenge kamwe pagore, apo vakanga vachiramba vachionanawo navanhu vamwe navamwe namapoka maduku ayo akanga achigere kurongwa nokuda kwebasa.
Mukati mamakore akatevera, basa ravatariri vanofambira rakanatswa zvakasiyana-siyana.a Rakasimbiswa zvikuru muna 1938 apo vabatiri vose muungano vakagadzwa nenzira youbati ushe hwaMwari. Shanyo kuungano panhambo dzenguva dzose mukati mamakore mashomanene akatevera dzakapa mukana wokugovera rovedzo yomunhu oga kune mumwe nomumwe wavabatiri vakagadzwa nebetsero yakawedzerwa mubasa romumunda nokuda kwomunhu ari wose. Muna 1942, vatariri vanofambira vasati vatumwazve kuungano, ivo vakapiwa dzidzo huru; somugumisiro, basa ravo rakaitwa nokufanana kukuru zvikuru. Shanyo dzavo dzakanga dziri pfupi zvikuru (zuva rimwe kusvikira kumatatu, kuchitsamira paukuru hweungano). Mukati menguva iyoyo ivo vainzvera zvinyorwa zveungano, vaisangana navabatiri vose kuti vape zano ripi neripi raidikanwa, vaipa hurukuro imwe kana kuti dzinopfuura kuungano, uye vaitungamirira mubasa romumunda. Muna 1946 shanyo dzacho dzakarebeswa kusvikira kuvhiki imwe nokuda kweungano imwe neimwe.
Iyi gadziriro yeshanyo kuungano yakawedzerwa muna 1938 nebasa romubatiri wenharaunda mubasa idzva. Iye aifukidza nharaunda huru zvikuru, panhambo nenhambo achipedza vhiki imwe neimwe nehama idzo dzakanga dzichifambira muzoni (dunhu) kuti dzishanyire ungano. Mukati meshanyo yake iye aibatira papurogiramu yegungano iro raipindwa neungano dzose muzoni iyoyo.b Iyi gadziriro yakanga iri kurudziro huru kuhama uye yakagovera mukana wenguva dzose nokuda kwokubhapatidzwa kwavadzidzi vatsva.
“Mumwe Munhu Anoda Basa Racho”
Pakati paavo vaigoverana muiri basa kutanga muna 1936 akanga ari John Booth, uyo, muna 1974, akava mutezo woMutumbi Unodzora. Pakubvunzurudzwa somutariri anofambira anobvira, akaudzwa, kuti: “Vakurukuri vanotaura zvakanaka havasati vari chinodikanwa, mumwe munhu chete anoda basa racho uye achatungamirira mariri uye achataura pamusoro pebasa pamisangano.” Hama Booth vakanga vane rudo irworwo rwebasa raJehovha, sezvakaratidzirwa nebasa ravo roupiyona rokushingaira kubvira muna 1928, uye vakanyandura shingairo yokuparidza evhangeri muvamwe kupfurikidza nezvose zviri zviviri muenzaniso namashoko ekurudziro.
Ungano yokutanga yavakashanyira, muna March 1936, yakanga iri muEaston, Pennyslvania. Ivo gare gare vakanyora, kuti: “Ndaiwanzosvika panzvimbo munguva nokuda kwebasa romumunda mumangwanani, kuva nomusangano navabatiri vekambani pakuvamba kwemanheru uye pashure pacho mumwe nekambani yose. Kazhinji kazhinji ndaipedza mazuva maviri chete ndine kambani uye zuva rimwe bedzi ndine boka duku zvikuru, padzimwe nguva kushanyira mapoka matanhatu akadaro pavhiki. Ndaifamba nguva dzose.”
Makore maviri gare gare, muna 1938, ivo vakagoverwa, somubatiri wenharaunda, kuti vatarisire gungano rezoni (zvino rinozivikanwa segungano redunhu) vhiki iri yose. Iwaya akabetsera kusimbisa hama mukati menguva apo chitambudzo chakanga chava kuva chakakomba mune dzimwe nharaunda. Vachiyeuka mazuva iwayo nemabasa avo akasiyana-siyana, Hama Booth vakati: “Vhiki yacho imene [umo ndakanga ndiri chapupu mumhaka yedare yaibatanidza Zvapupu 60 muIndianopolis, Indiana] ndakanga ndiri mukwirirwi mune imwe mhaka muJoliet, Illinois, gweta reimwe hama muimwezve muMadison, Indiana, uye, mukuwedzera, ndaitarisira gungano rezoni kupera kwevhiki kumwe nokumwe.”
Makore maviri pashure pokunge aya magungano ezoni amutsidzirwa muna 1946 (zvino samagungano edunhu), Carey Barber akanga ari pakati paavo vakagoverwa savabatiri veruwa. Iye akanga atova mutezo wemhuri yeBheteri muBrooklyn, New York, kwamakore 25. Ruwa rwake rwokutanga rwaifukidza rutivi rwose rwokumadokero rweUnited States. Pakutanga, kufamba pakati pamagungano kwakanga kuri makiromita anenge 1 600 vhiki imwe neimwe. Sezvo nhamba noukuru zveungano zvakawedzera, madaro iwayo akaderera, uye magungano edunhu mazhinji aiwanzoitwa mukati menharaunda ine guta guru rimwe. Pashure pamakore 29 oruzivo rwokuzviwanira somutariri anofambira, Hama Barber vakakokwa kudzoka kudzimbahwe renyika muna 1977 somutezo woMutumbi Unodzora.
Mukati menguva dzehondo nedzechitambudzo chakakomba, vatariri vanofambira kazhinji kazhinji vaiisa mungozi rusununguko rwavo noupenyu kuti vatarisire garikano yomudzimu yehama dzavo. Mukati menguva yokutapa Belgium kweNazi, André Wozniak akapfuurira kushanyira ungano ndokubetsera kudzigovera mabhuku. Gestapo yaidokumubata asi haina kutongobudirira mukumubata.
MuRhodesia (zvino yave kuzivikanwa seZimbabwe) mukupera kwema1970, vanhu vaigara vachitya, uye kufamba kwakaganhurirwa mukati menhambo yehondo yavagari vemo. Asi vatariri vanofambira veZvapupu zvaJehovha, savafudzi navatariri vane rudo, vakabvumikisa kuva “soutiziro pamhepo” kuhama dzavo. (Isa. 32:2) Vamwe vaifamba kwamazuva musango, vachikwira nokuburuka makomo, vachiyambuka nzizi dzine ngozi, vachirara usiku panze—zvose kuti vasvike ungano dziri dzoga navaparidzi, kuti vavakurudzire kuramba vakasimba mukutenda. Pakati paivava pakanga pana Isaiah Makore, uyo akapona nepaburi retsono apo mabara akarira achipfuura pamusoro pomusoro wake mukati mehondo pakati pavarwi vehurumende na“varwiri vorusununguko.”
Vamwe vatariri vanofambira vakabatira sangano kwamakore akawanda munyika dzakawanda. Mapurezidhendi eWatch Tower Society akafamba kazhinji kazhinji achienda kune dzimwe nyika kuti ape ngwariro kuzvinodikanwa zvesangano uye kuti ataure pakokorodzano. Shanyo dzakadaro dzakaita zvakawanda kuita kuti Zvapupu zvaJehovha kwose kwose zvirambe zvichiziva zvikuru nezvouhama hwazvo hwamarudzi akawanda. Hama Knorr vakaronda zvikuru uyu mubato nguva dzose, vachishanyira bazu rimwe nerimwe nomusha wavafundisi. Sezvo sangano rakakura, nyika yakakamurwa kuva mazoni gumi enyika dzakawanda, uye kuvambira pana January 1, 1956, hama dzakakwaniriswa, munhungamiro yapurezidhendi, dzakatanga kubatsira muiri basa zvokuti raigona kupiwa ngwariro yenguva dzose. Kushanyira mazoni ikoko, zvino kunopfuuridzirwa mberi munhungamiro yeDare Rebasa roMutumbi Unodzora, kunopfuurira kubetsera kuva nechinzwano chomunyika yose uye kufambira mberi kwesangano rose.
Zvimwezve zviitiko zvinokosha zvakabetsera kuva nechimiro chazvino uno chesangano.
Kumwe Kugadziridza Kwoubati Ushe hwaMwari
Pakati peHondo Yenyika II, Joseph F. Rutherford akafa, pana January 8, 1942, uye Nathan H. Knorr akava purezidhendi wechitatu weWatch Tower Society. Sangano rakanga riri mudzvinyiriro huru nemhaka yerambidzo dzaiiswa pamubato waro munyika dzakawanda, masimba masimba enyongori muchimiro chokuvimbika kunyika yako, uye kusungwa kweZvapupu sezvo zvaiparadzira mabhuku eBhaibheri muushumiri hwazvo hwapachena. Chinjo yokutarisira yaizoguma nokuderera kwebasa panguva yakakomba yakadaro here? Hama dzaitarisira nhau dzokudzora dzakatarira kuna Jehovha nokuda kwenhungamiro yake nechikomborero. Mutsinhirano nechishuvo chadzo chenhungamiro youmwari, idzo dzakanzverazve chimiro chimene chesangano kuti dzione kana pakanga pane nharaunda dzipi nedzipi kwaigona kuva nokuwirirana zvikuru nenzira dzaJehovha.
Ipapo, muna 1944, gungano rebasa rakaitwa muPittsburgh, Pennyslvania, pamusoro pomusangano wegore negore weWatch Tower Society. Pana September 30, musangano iwoyo wegore negore usati waitwa, nhevedzano yehurukuro dzinokosha zvikuru dzakapiwa pamusoro peizvo Magwaro anotaura pamusoro pesangano ravabatiri vaJehovha.c Ngwariro yakanangidzirwa paMutumbi Unodzora. Panhambo iyoyo kwakasimbiswa kuti nheyo youbati ushe hwaMwari inofanira kushanda kumasangano ose anoshandiswa neboka romuranda akatendeka uye akachenjera. Kwakatsanangurwa kuti sangano rapamutemo rakanga risina vanhu vose vaMwari “vakazvitsaurira” semitezo. Raingovamirirawo zvaro, richishanda sesangano rapamutemo nokuda kwavo. Zvisinei, sezvo Sosaiti yakanga iri sangano rokubudisa rinoshandiswa kugovera Zvapupu zvaJehovha mabhuku ayo aiva nevhenekero yomudzimu, Mutumbi Unodzora nenzira ine mufungo uye nenzira iri madikanwa wakanga wakasanobatanidzwa navakuru vakuru navatungamiriri veSosaiti iyoyo yapamutemo. Nheyo dzoubati ushe hwaMwari dzakanga dziri kushandiswa zvizere muzvinhu zvaro here?
Chata yeSosaiti yakaratidza gadziriro yavakutsirani umo hwerengedzo imwe neimwe yomupiro we$90 yaiita kuti mupi akodzerwe nokuvhota pamusoro pokusarudzwa kwemitezo yeboka ravatungamiri navakuru vakuru veSosaiti. Zvichida kwairatidzika kuti mipiro yakadaro yaipa ufakazi hwefariro yapachokwadi mubasa resangano. Zvisinei, iyi gadziriro yakapa zvinetso. Hama Knorr, purezidhendi weSosaiti, vakatsanangura, kuti: “Kubva mugadziriro dzechata yeSosaiti, kungaratidzika kuti kuva rutivi rwomutumbi unodzora kwaitsamira pamipiro kuSosaiti yapamutemo. Asi maererano nokuda kwaMwari ikoku kungagona kuva kwakadaro pakati pavanhu vake vechokwadi vakasarudzwa.”
Rakanga riri idi kuti Charles Taze Russell, uyo kwamakore 32 okutanga eSosaiti akanga ari mukurusa mumutumbi unodzora, akanga ari mupi mukurusa mune zvemari, mumuviri, uye mundangariro kuSosaiti. Asi wakanga usati uri mupiro wemari uyo waisarudza kuti Ishe aimushandisa sei. Yakanga iri tsauriro yake yakazara, shingairo yake isinganeti, kutsigira kwake Umambo hwaMwari kwokusabvumirana pane zvisina kufanira, uye ruvimbiko rwake rusingaputsiki nokutendeka izvo zvaimuratidzira mumeso aMwari seakakodzera nokuda kwebasa racho. Pamusoro pesangano roubati ushe hwaMwari, mutemo unoshanda, unoti: “Mwari wakaisa mutezo, mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada.” (1 VaK. 12:18) “Zvisinei,” Hama Knorr vakatsanangura kudaro, “sezvo chata yeSosaiti yakagovera mari inogoveranwa yokuvhota kuti igoverwe kuvapi vemari kubasa reSosaiti, yaida kudzimaidza kana kuti kuvhozhokera iyi nheyo yoUbati Ushe hwaMwari pamusoro pomutumbi unodzora; uye yaidawo kuisa mungozi kana kuti kuparira mhinganidzo nokuda kwawo.”
Nokudaro, pamusangano webhizimisi wevakutsirani vose vanovhota veSosaiti pana October 2, 1944, kwakavhotwa nebvumirano yavose kuti chata yeSosaiti ihwirudzurwe ndokutsinhiraniswa zvikuru nenheyo dzoubati ushe hwaMwari. Kuva mutezo zvino kwaisazova kusina kuganhurirwa pamusoro penhamba asi kwaizova pakati pe300 ne500, vose vavo vaizova varume vanosarudzwa neboka ravatungamiriri, kwete pahwaro hwemipiro yemari, asi nemhaka yokuti vakanga vari Zvapupu zvakakura mumudzimu, zvinoshingaira, zvakatendeka zvaJehovha izvo zvakanga zviri kubatira nguva yakazara mubasa resangano kana kuti vakanga vari vashumiri vanoshingaira veungano dzeZvapupu zvaJehovha. Iyi mitezo yaizovhotera boka ravatungamiriri, uye boka ravatungamiriri ipapo raizosarudza vakuru vakuru varo. Idzi gadziriro itsva dzakatanga kushanda gore rakatevera racho, pana October 1, 1945. Ikoku kwakabvumikisa kuva dziviriro yakadini munhambo apo masangano ane utsinye akawanzoshandisa zvinhu zvebhizimisi kuti adzore masangano ipapo ndokuaumbazve kuti akodzere vavariro dzavo vamene!
Chikomborero chaJehovha paidzi nhano dzokufambira mberi mukuwirirana nenheyo dzoubati ushe hwaMwari chave chichioneka. Pasinei zvapo nedzvinyiriro huru yakaunzwa pasangano mukati meHondo Yenyika II, nhamba yavazivisi voUmambo yakapfuurira kukura. Vasingaregi, vakapfuurira nesimba kupupura pamusoro poUmambo hwaMwari. Kubvira muna 1939 kusvikira kuna 1946, kwakanga kune wedzero inoshamisa ye157 muzana muZvapupu zvaJehovha, uye vakasvika kudzimwe nyika nhanhatu namashoko akanaka. Mukati mamakore 25 akatevera, nhamba yeZvapupu zvinoshingaira yakakura neinodokusvika imwe 800 muzana, uye vakashuma mubato wenguva dzose munyika 86 dzokuwedzera.
Rovedzo Chaiyo Nokuda Kwavatariri
Vacherekedzi vokunze vakakurangarira sokusingadzivisiki kuti apo sangano rinokura zvikuru, mipimo yaro yaizova inoderedzwa. Asi, mukupesana, Bhaibheri rakafanotaura kuti kururama norugare zvaizotekeshera pakati pavabatiri vaJehovha. (Isa. 60:17) Ikoko kwaizoda kudzidziswa Shoko raMwari kwokungwarira nokunopfuurira kwavatariri vakavimbika, nzwisiso yakajeka yemipimo yake yokutonga, uye kushandiswa kwenguva dzose kwemipimo iyoyo. Dzidzo yakadaro yakagoverwa. Kusanofundwa kwezvinodikanwa zvakarurama zvaMwari kwakagoverwa nenzira inofambira mberi muNharireyomurindi, uye aya mashoko akafundwa nenzira ine nhevedzano neungano iri yose yeZvapupu zvaJehovha munyika yose. Asi, mukuwedzera kuna ikoko, vatariri veboka vakapiwa murayiridzo wakawedzerwa zvikuru.
Vatariri vakuru vamapazu eSosaiti vakaunganidzwa nokuda kwerovedzo chaiyo panguva yekokorodzano dzamarudzi akawanda. Kubvira muna 1961 kusvikira kuna 1965, kosi dzechikoro dzakarongwa chaizvo, mwedzi misere kusvikira kugumi muurefu, dzakaitiswa nokuda kwavo muNew York. Kubvira muna 1977 kupinda muna 1980, kwakanga kune imwe nhevedzano yekosi chaidzo dzevhiki shanu nokuda kwavo. Kurovedzwa kwavo kwaibatanidza kufundwa kwendima nendima kwamabhuku ose eBhaibheri pamwe chete nokurangarirwa kune udzame kwesangano nenzira dzokufambisira mberi nadzo kuparidzwa kwamashoko akanaka. Hakuna mapoka ourudzi pakati peZvapupu zvaJehovha. Hazvinei kuti zvinogara kupi, zvinonamatira kumipimo yakakwirira mimwe cheteyo yeBhaibheri uye zvinodavira ndokudzidzisa zvinhu zvimwe chetezvo.
Vatariri veruwa nevedunhu vakapiwawo ngwariro chaiyo. Vakawanda vavo vakapinda Watchtower Bible School of Gilead kana kuti chimwe cheZvikoro zvayo Zvokuwedzera. Panhambo nenhambo, vanounganidzwawo pahofisi dzemapazu dzeSosaiti, kana kuti vanosangana pane dzimwe nzvimbo dzakakodzera, nokuda kwemisangano yamazuva mashomanene kana kuti vhiki imwe.
Muna 1959 imwe gadziriro yakatanhamara yakatanga kushanda. Iyoyi yakanga iri Chikoro Choushumiri hwoUmambo, chinopindwa navatariri vedunhu neveruwa pamwe chete navatariri veungano. Chakavamba sekosi yefundo yomwedzi wakazara. Pashure pokushandiswa kwegore rimwe muUnited States, mashoko ekosi yacho akashandurirwa mumimwe mitauro uye akashandiswa nenzira inofambira mberi kupota nyika yose. Sezvo kwakanga kusingabviri kuti vatariri vose varonge kubva pabasa ravo rokunyika kwemwedzi wakazara, gadziriro yevhiki mbiri dzekosi yacho yakashandiswa kutanga muna 1966.
Ichi chikoro chakanga chisati chiri koreji yavafundisi umo varume vakanga vari kurovedzwa mukugadzirira kugadzwa. Avo vaipinda vakanga vatori vashumiri vakagadzwa. Vakawanda vavo vakanga vave vari vatariri navafudzi veboka kwamakumi amakore. Kosi yavo yefundo wakanga uri mukana wokukurukura muudzame mirayiridzo inobva muShoko raMwari pamusoro pebasa ravo. Simbiso huru yakaiswa paukoshi hwoushumiri hwomumunda nenzira yokuhuita nayo nenzira inobudirira. Nemhaka yemipimo yetsika inochinja munyika, nguva yakati yakapiwawo kukurukurirano yokutsigira mipimo yeBhaibheri yetsika. Iyi kosi yakateverwa munguva dzichangobva kupfuura idzi nemisangano makore maviri kana kuti matatu ari ose, pamwe chete nemisangano inobetsera inoitiswa navatariri vanofambira vakuru vomunzvimbomo kanoverengeka gore rimwe nerimwe. Iyoyi inopa mukana wokupa ngwariro chaiyo kuzvinodikanwa zvazvino. Itaviridzo pakubva kupi nokupi pamipimo yeBhaibheri, uye inobetsera kuva nokutarisirwa kwakafanana kwemamirire muungano dzose.
Zvapupu zvaJehovha zvinofungisisa zano riri pana 1 VaKorinte 1:10, inoti: “Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.” Uku hakusati kuri kuwirirana kunomanikidzirwa; kunobva mukudzidziswa nzira dzaMwari dzakanyorwa muBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvinofarira nzira dzaMwari nechinangwa chake. Kana vapi navapi vakarega kufarira kurarama maererano nemipimo yeBhaibheri, vakasununguka kusiya sangano. Asi kana vapi navapi vakatanga kuparidza zvimwe zvitendero kana kuti kuzvidza tsika dzeBhaibheri, vatariri vanoita chiito kuti vataviridze boka. Sangano rinoshandisa zano reBhaibheri, rinoti: “Mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imi, muvanzvenge.”—VaR. 16:17; 1 VaK. 5:9-13.
Bhaibheri rakafanotaura kuti Mwari aizoparira mamirire ezvinhu akadaro chaizvo kuti avepo pakati pavabatiri vake, umo kururama kwaizotekeshera ndokubereka zvibereko zvine rugare. (Isa. 32:1, 2, 17, 18) Mamirire ezvinhu iwayo anofadza zvikuru vanhu vanoda zviri zvakarurama.
Vangani vavadi vakadaro vokururama vachaunganidzwa mugumo wetsika yekare usati wasvika? Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvichiziva. Asi Jehovha anoziva izvo basa rake richada, uye munguva yake amene nenzira yake amene iye anova nechokwadi chokuti sangano rake rinoshongedzerwa kuritarisira.
Kugadzirira Nokuda Kwokukura Kunokurumidza
Apo nzvero yakanga iri kuitwa mutarisiro yoMutumbi Unodzora mukugadzirirwa kwebhuku renongedzero rinonzi Aid to Bible Understanding, ngwariro yakanangidzirwazve kunzira iyo ungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore yakanga yakarongwa nayo. Fundo yokungwarira yakaitwa yamashoko eBhaibheri akadai so“murume mukuru,” “mutariri,” uye “mushumiri.” Sangano romuzuva razvino uno reZvapupu zvaJehovha raigona kuwirirana zvizere zvikuru nomuenzaniso uyo wakanga wachengetwa muMagwaro senhungamiro here?
Vabatiri vaJehovha vakanga vakatsunga kupfuurira kubvuma kunhungamiro youmwari. Panhevedzano yekokorodzano dzakaitwa muna 1971, ngwariro yakanangidzirwa kugadziriro dzokudzora dzeungano yapakuvamba yechiKristu. Kwakaoneswa kuti kutaura kwokuti pre·sbyʹte·ros (murume mukuru, mukuru), sokunoshandiswa muBhaibheri, kwakanga kusina kuganhurirwa kuvanhu vakwegura, uyewo hakuna kushanda kuvose vari muungano vakanga vakakura mumudzimu. Kwaishandiswa zvikuru mupfungwa yebasa nenongedzero kuvatariri veungano. (Mabasa 11:30; 1 Tim. 5:17; 1 Pet. 5:1-3) Ivava vakagamuchira nzvimbo dzavo kupfurikidza nokugadzwa, mutsinhirano nezvinodikanwa izvo zvakava rutivi rwaMagwaro akafuridzirwa. (Mabasa 14:23; 1 Tim. 3:1-7; Tito 1:5-9) Uko varume vakakwaniriswa vakakwana vakanga vachiwanika, kwakanga kune vanopfuura mukuru mumwe muungano. (Mabasa 20:17; VaF. 1:1) Ivava vakaumba “mutumbi wavarume vakuru,” vose vavo vakanga vane chimiro chimwe chetecho chenzvimbo, uye hapana mumwe wavo akanga ari mutezo wakatanhamara zvikurusa kana kuti une simba muungano. (1 Tim. 4:14, NW) Kubatsira vakuru, kwakatsanangurwa kuti, kwaivawo na“vabatiri vanoshumira” vakagadzwa, maererano nezvinodikanwa zvakaoneswa nomuapostora Pauro.—1 Tim. 3:8-10, 12, 13.
Gadziriro dzakashandiswa nokukurumidza kuita kuti sangano riwirirane zvikuru nouyu muenzaniso weBhaibheri. Idzodzi dzakavamba noMutumbi Unodzora umene. Mitezo yawo yakawedzerwa kupfuura minomwe iyo, semitezo yeboka ravatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, yakanga yave ichibatira somutumbi unodzora weZvapupu zvaJehovha. Hakuna nhamba yakasarudzwa yemitezo yoMutumbi Unodzora yakarongwa. Muna 1971, kwaiva ne11; kwamakore mashomanene, kwakanga kune vakawanda se18; muna 1992, kwakanga kune 12. Vose zvavo varume vakazodzwa naMwari savadyi venhaka pamwe chete naJesu Kristu. Vane 12 vaibatira semitezo yoMutumbi Unodzora muna 1992 panguva iyoyo vakanga vane pakati pavo hwerengedzo yemakore anopfuura 728 ebasa renguva yakazara savashumiri vaJehovha Mwari.
Kwakasarudzwa pana September 6, 1971, kuti kuva sachigaro pamisangano yoMutumbi Unodzora kunofanira kutenderera gore negore maererano nokurongwa kwearufabheti kwemazita emhuri emitezo yawo. Ikoku kwakatanga kushanda chaizvoizvo pana October 1. Mitezo yoMutumbi Unodzora yakaitawo majana, pahwaro hwevhiki nevhiki, mukutungamirira pakunamata kwamangwanani neFundo yeNharireyomurindi nokuda kwemitezo yavashandi vapadzimbahwe.d Iyi gadziriro yakatanga kushanda pana September 13, 1971, apo Frederick W. Franz akatungamirira gadziriro yokunamata kwamangwanani padzimbahwe reSosaiti muBrooklyn, New York.
Mukati megore rakatevera, gadziriro yakaitwa nokuda kwegadziridzo mukutarisirwa kweungano. Kwakanga kusati kuchizovazve nomubatiri weungano mumwe chete anobatsirwa nenhamba yakarongwa yavamwe vabatiri. Varume vakanga vakakwaniriswa muMagwaro vaizogadzwa kuti vabatire savakuru. Vamwe, avo vaisvitsa zvinodikanwa zveBhaibheri, vaigadzwa kuva vabatiri vanoshumira. Ikoku kwakazarura nzira yokuti nhamba huru zvikuru igoverane mumabasa eungano uye nokudaro kuwana ruzivo rwokuzviwanira runokosha. Hapana nomumwe weZvapupu zvaJehovha akanga ane pfungwa ipi neipi panguva iyoyo yokuti nhamba yeungano yaizowedzera ne156 muzana mukati mamakore 21 akatevera, ichisvika hwerengedzo ye69 558 muna 1992. Asi Musoro weungano, Ishe Jesu Kristu, sezviri pachena akanga achiita gadziriro nokuda kwezvaizouya.
Mukuvamba kwema1970, mufungo wokungwarira wakapiwa kukumwe kurongwazve kwoMutumbi Unodzora. Kubvira pakunyoreswa pamutemo kweWatch Tower Society muna 1884, kubudiswa kwamabhuku, kutarisirwa kwebasa rokuparidza evhangeri munyika yose, uye gadziriro dzezvikoro nekokorodzano zvakanga zvave zvichitarisirwa munhungamiro yehofisi yapurezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society. Asi pashure pokunzvera kwokungwarira nekurukurirano youdzame munhambo yemwedzi yakawanda, gadziriro itsva yakagamuchirwa nekubvumiranwa navose pana December 4, 1975. Matare matanhatu oMutumbi Unodzora akaumbwa.
Dare Rasachigaro (rinoumbwa nasachigaro wazvino woMutumbi Unodzora, sachigaro womunguva yakapfuura, uye anotevera mumutsara kuva sachigaro) rinogamuchira mishumo pamusoro pemamirire ezvinhu anoda betsero yokukurumidza, ngwavaira, uye nhimbe dzechitambudzo, uye rinova nechokwadi chokuti iyoyi inotarisirwa nokukurumidza noMutumbi Unodzora. Dare Rokunyora rinotarisira kunyorwa kwezvokudya zvomudzimu, kurekodwa, uye makaseti evhidhiyo nokuda kweZvapupu zvaJehovha uye nokuda kwokuparadzirwa kuvanhu, uye rinotarisira basa rokushandurira mumazana emitauro. Basa reDare Rokudzidzisa kutarisira zvikoro namagungano, uyewo kokorodzano dzoruwa nedzamarudzi akawanda, zvavanhu vaJehovha, pamwe chete nokurayiridzwa kwemhuri yeBheteri nokurongwa kwamashoko anoshandiswa nokuda kwezvinangwa izvozvo. Dare Rebasa rinotarisira nharaunda dzose dzebasa rokuparidza evhangeri, kubatanidza mubato weungano navatariri vanofambira. Kudhindwa, kubudiswa, uye kutumirwa kwamabhuku pamwe chete nokushanda kwemafekitari nokutarisirwa kwezvinhu zvapamutemo nezvebhizimisi zvose zvinotarisirwa neDare Rokubudisa. Uye Dare Ravashandi rinotarisira gadziriro dzorubatsiro rwomunhu oga nerwomudzimu kumitezo yemhuri dzeBheteri uye rine mutoro wokukoka mitezo mitsva kuti ibatire mumhuri dzeBheteri kupota nyika yose.
Matare okuwedzera anobetsera anogoverwa kuti atarisire mafekitari, misha yeBheteri, uye mapurazi zvakabatanidzwa nedzimbahwe renyika. Pamatare iwaya Mutumbi Unodzora unoshandisa zvikuru mano emitezo ye“boka guru.”—Zvak. 7:9, 15, NW.
Gadziridzo dzakaitwawo mukutarisirwa kwamapazu eSosaiti. Kubvira pana February 1, 1976, bazu rimwe nerimwe rave richitarisirwa nedare remitezo mitatu kana kuti inopfuura, zvichitsamira pazvinodikanwa noukuru hwebazu racho. Iyoyi inoshanda munhungamiro yoMutumbi Unodzora mukutarisira basa roUmambo munharaunda yayo.
Muna 1992, rumwe rubatsiro rwakagoverwa Mutumbi Unodzora apo vabetseri vakati, zvikurukuru vanobva pakati peboka guru, vakagoverwa kugoverana mumisangano nebasa ramatare Rokunyora, Rokudzidzisa, Rebasa, Rokubudisa, uye Ravashandi.e
Uku kuparadzirwa kwebasa kwakabvumikisa kuva kunobetsera zvikuru. Pamwe chete negadziridzo dzakatoitwa muungano, kwakabetsera kubvisa munzira mhinganidzo ipi neipi iyo ingabvisa vanhu vamwe navamwe pakunzwisisa kuti Kristu ndiye Musoro weungano. Kwakabvumikisa kuva kunobetsera zvikurusa kuva nehama dzakati dzinorangana pamwe chete pamusoro pezvinhu zvinotapura basa roUmambo. Mukuwedzera, uku kurongazve kwakabvirisa kugovera kutarisirwa kunodikanwa munharaunda dzakawanda umo kwakanga kuchidikanwa nokukurumidza mukati menhambo yakava nokukura kwesangano kwoukuru hukuru zvirokwazvo. Kare kare, Jehovha akafanotaura kupfurikidza nomuporofita Isaya, kuti: “Muduku amene achava chiuru, uye muduku rudzi rune simba. Ini ndimene, Jehovha, ndichakukurumidzisa munguva yako kumene.” (Isa. 60:22, NW) Haana kukukurumidzisa bedzi asi akagoverawo nhungamiro inodikanwa kuti sangano rake rinooneka rigokwanisa kukutarisira.
Fariro huru yeZvapupu zvaJehovha iri mubasa iro Mwari akazvipa kuti zviite mukati meaya mazuva okupedzisira enyika yekare, uye zvakasanorongwa kuti zviriite. Zvapupu zvaJehovha zvinoona ufakazi hwakajeka hwokuti iri sangano harisati riri ravanhu asi nderaMwari uye kuti Mwanakomana waMwari amene, Jesu Kristu, ari kuritungamirira. SaMambo anotonga, Jesu achataviridza vadzorwi vake vakatendeka mudambudziko guru riri kuuya ndokuva nechokwadi chokuti vakarongwa nenzira inobudirira kuti vaite kuda kwaMwari mukati meMireniyumu ichauya.
[Mashoko Omuzasi]
a Muna 1894, Hama Russell vakaronga kuti Zion’s Watch Tower Tract Society itumire hama dzakakwaniriswa savakurukuri. Ivo vaipiwa magwaro akasainwa okuti vashandise mukuzvisuma vamene kumapoka omunzvimbomo. Magwaro iwaya akanga asingapi chiremera chokuparidza uyewo akanga asingaratidziri kuti izvo aiva naro aitaura zvaifanira kugamuchirwa pasina kunzvera kwakafanira nebetsero yeShoko raMwari. Zvisinei, sezvo vamwe vanhu vakakanganisa vavariro yavo, mukati megore Hama Russell vakaita kuti magwaro adzorerwe kwavari. Ivo vakaedza nenzira yokuchenjera kudzivisa chinhu chipi nechipi icho vacherekedzi vangadudzira kuva kunyange chitarisiko cheboka ravafundisi.
b Zion’s Watch Tower, October-November 1881, map. 8-9.
c Padzimwe nguva mapoka omunzvimbomo ainongedzerwa kwaari se“chechi,” mutsinhirano nomutauro unoshandiswa muKing James Version. Iwo aidanwawo kuti kereke, maererano neshoko rinoshandiswa murugwaro rweBhaibheri rwechiGiriki. Kutaura kwokuti “mapoka” kwaishandiswa nenzira yakafanana, nokuti akanga ari chaizvoizvo mapoka avadzidzi vaisangana nguva dzose kuti vafunde. Gare gare, apo akadanwa kuti makambani, ikoku kwakanga kuri kuratidzirwa kwokuziva kwavo kuti vakanga vari muhondo yomudzimu. (Ona Pisarema 68:11, KJ, mumucheto.) Pashure pokubudiswa kweNew World Translation of the Christian Greek Scriptures muna 1950, shoko reBhaibheri romutauro wazvino uno “ungano” rakashandiswa nguva dzose munyika zhinjisa.
d Revo chaiyoyo yeshoko rinoshandiswa murugwaro rweBhaibheri rwechiGiriki (khei·ro·to·neʹo) ndiko “kutambanudza, kumisa, kana kuti kusimudza ruoko,” uye, nokutambanudza, raigonawo kureva “kusarudza kana kuti kusanangura kubasa kupfurikidza nokusimudzwa kwamaoko.”—A Greek and English Lexicon to the New Testament, rakanyorwa naJohn Parkhurst, 1845, p. 673.
e Nokuda kwoudzame, ona Ganhuro 25 “Kuparidza Pachena Napaimba Neimba.”
f Kupfurikidza nomutungamiriri webasa, basa romumunda raavo vakabatanidzwa neungano, kana kuti boka, raifanira kushumwa kuSosaiti vhiki imwe neimwe, kutanga muna 1919.
g Sezvakaratidzwa mumagazini inonzi Organization Method, ungano imwe neimwe yaifanira kusarudza mubatsiri womutungamiriri nomuchengeti wedura. Ivava, pamwe chete nomutungamiriri akagadzwa neSosaiti, vaiumba dare rebasa romunzvimbomo.
h Nharireyomurindi yechiNgezi, yaJuly 1, 1920, map. 195-200.
i Dare rebasa panguva iyoyo raibatanidza mitezo isingapfuuri gumi. Mumwe waiyoyi akanga ari mutungamiriri webasa, uyo akanga asingasarudzwi munzvimbomo asi aigadzwa neSosaiti. Mimwe yaishanda naye kuronga nokupfuudzira basa rouchapupu.
j Kwemakore akati, kubvira muna 1932 zvichienda mberi, ivava vainongedzerwa kwavari savanaJonadhabhi.
k Apo chiito chechiGiriki khei·ro·to·neʹo chinorondedzerwa sechinoreva bedzi ‘kusarudza kupfurikidza nokusimudza ruoko,’ ikoku kunokundikana kucherekedza revo yapashure yeshoko racho. Nokudaro, A Greek-English Lexicon, rakanyorwa naLiddell naScott, rakapepetwa naJones naMcKenzie ndokudhindwazve muna 1968, rinorondedzera shoko racho serinoreva “kusimudza ruoko, nokuda kwechinangwa chokupa kuvhota kwomunhu mugungano . . . II. c. acc. pers. [nokunongedzera munhu], kusarudza, nenzira yakako[dzera] nokusimudzwa kwamaoko . . . b. gare gare, kazhinji kazhinji, kugadza, . . . kugadza kubasa muChechi, [pre·sby·teʹrous] Mab. Av. [Mabasa Avaapostora] 14.23.” Kushandiswa kwapashure ikoko kwakanga kwakapararira mumazuva avaapostora; shoko racho rakashandiswa mupfungwa iyoyo nowezvenhau wechiJudha womuzana rokutanga ramakore Josephus muJewish Antiquities, Bhuku 6, ganhuro 4, ndima 2, uye ganhuro 13, ndima 9. Chimiro chegirama chimene chaMabasa 14:23 muchiGiriki chapakuvamba chinoratidza kuti Pauro naBharnabhasi ndivo vakaita zvakarondedzerwa ipapo.
l Gare gare mugore rimwe chetero, 1938, Organization Instructions, yakabudiswa semagazini yamapeji mana, yakapa humwe udzame. Iyo yakatsanangura kuti ungano yomunzvimbomo yakanga ichifanira kugadza dare kuti rishande nokuda kwaro. Dare iroro raifanira kurangarira hama nebetsero yezvikwaniriso zvinooneswa muMagwaro ndokuita rumbidzo kuSosaiti. Apo vamiriri vanofambira veSosaiti vaishanyira ungano, vairangarira zvikwaniriso zvehama dzomunzvimbomo nokutendeka kwadzo mukutarisira migove yadzo. Rumbidzo dzavo dzairangarirwawo neSosaiti mukugadza kwayo.
a Kubvira muna 1894 kusvikira kuna 1927, vakurukuri vanofambira vaitumwa neSosaiti vaizivikanwa pakutanga savamiriri veTower Tract Society, ipapo samapilgrim. Kubvira muna 1928 kusvikira kuna 1936, nesimbiso yakawedzerwa pabasa romumunda, vakadanwa kunzi vatungamiriri vebasa venharaunda. Kutanga naJuly 1936, kusimbisa ukama hwavo hwakakodzera nehama dzomunzvimbomo, vakazivikanwa savabatiri venharaunda. Kubvira muna 1938 kusvikira kuna 1941, vabatiri vezoni vakagoverwa kushanda nenhamba yakaganhurirwa yeungano pahwaro hwokutenderera, nokudaro vachidzokera kumapoka mamwe chetewo panhambo dzenguva dzose. Pashure pokumbomira kwerinenge gore, iri basa rakamutsidzirwa muna 1942 navaranda kune hama. Muna 1948 shoko rokuti mubatiri wedunhu rakagamuchirwa; zvino, mutariri wedunhu.
Kubvira muna 1938 kusvikira kuna 1941, vabatiri venharaunda, mubasa idzva, vaibatira nguva dzose magungano omunzvimbomo, uko Zvapupu zvaibva munharaunda (zoni) yakaganhurirwa zvaisangana nokuda kwepurogiramu chaiyo. Apo iri basa rakamutsidzirwa muna 1946, ava vatariri vanofambira vaizivikanwa savaranda veruwa; zvino, vatariri veruwa.
b Iyi gadziriro yakatanga kushanda pana October 1, 1938. Kwakanga kune chinetso chinowedzera mukuronga magungano mukati mamakore ehondo, naizvozvo magungano ezoni akamiswa mukupera kwa1941. Zvakare, zvisinei, muna 1946, gadziriro yacho yakamutsidzirwa, uye nhambo apo ungano dzakati dzaisangana pamwe chete nokuda kwomurayiridzo chaiwo dzaidanwa kunzi magungano edunhu.
c Mashoko ehurukuro idzodzi anowanwa muzvinyorwa zvechiNgezi zvaOctober 15 naNovember 1, 1944, zveNharireyomurindi.
d Gare gare, vakasarudza mimwe mitezo yemhuri yeBheteri kugoverana mukutarisira migove iyoyo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 204]
Boka ravafundisi rakanga risina nzvimbo pakati pavo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 205]
Akanga asiri kuedza kugadza “sangano rapasi”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 206]
Vakuru vaisarudzwa sei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 212]
Mutungamiriri aigadzwa neSosaiti
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 213]
Vamwe vakuru vakanga vasingadi kuparidza kunze kweungano
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 214]
Kuderedza mapoka asi kusimbisa sangano
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 218]
Kugadzwa kwaifanira kuitwa sei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 220]
Rutherford akanga ari kungoedza zvake kuwana udzori hukuru zvikuru here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 222]
Kuramba achionana namapoka avanhu vaviri uye vatatu pamwe chete namapoka makuru zvikuru
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 223]
Mabasa matsva avatariri vanofambira
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 234]
Mutumbi Unodzora wakakudzwa une kuva sachigaro kunotenderera
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 235]
Kutarisirwa kunodikanwa mukati menhambo yokukura kunokurumidza
[Bhokisi riri papeji 207]
Neiko Pakava Nechinjo?
Paakabvunzwa pamusoro pokuchinja kwake murangariro pamusoro pokusarudzwa kwavakuru mumapoka akasiyana-siyana avanhu vaShe, C. T. Russell akapindura, kuti:
“Kutanga kwazvose ndinokurumidza kukuvimbisai kuti handina kutongoti handikanganisi. . . . Hatirambi kukura muzivo, uye kuti zvino tinoona munzwisiso yakati siyanei kuda kwaShe pamusoro paVakuru kana kuti vatungamiriri mumapoka maduku akasiyana-siyana avanhu vake. Chikanganiso chedu muchisarudzo chakanga chiri mukukarira zvakanyanyowanda kuhama dzedu dzinodiwa idzo, dzichikurumidza kuuya muZvokwadi, dzakabva dzangova vatungamiriri veidzi kambani duku. Murangariro wakanaka wadzo wataiva nawo zvakanaka wakanga uri, wokuti zivo yeZvokwadi yaizova netapuro inodukupisa zvikuru padziri, ichidziparira kunzwisisa kusakosha kwadzo dzimene, uye kuti chipi kana chipi chadzaiziva uye chadzaikwanisa kupa kuvamwe chakanga chiri savatauriri vaMwari uye nemhaka yokuti dzaishandiswa naye. Kariro dzedu dzakawanda dzakanga dziri dzokuti idzodzi mupfungwa iri yose yeshoko dzaizova mienzaniso kuboka; uye kuti kana nhungamiro yaShe ikapinza mukambani duku hama imwe kana kuti dzinopfuura dzinokwanisa zvakaenzana, kana kuti dzinokwanisa zvikuru, kupa Zvokwadi, kuti mudzimu worudo waizovatungamirira murukudzo kudana, uye nokudaro kubetserana nokukurudzirana kutora rutivi mubasa reChechi, muviri waKristu.
“Tichirangarira ikoku takagumisa kuti mwero mikuru zvikuru yenyasha nezvokwadi zvino inofanira kusvika uye inonzwisiswa navanhu vaShe vakazvitsaurira yaizoita kuti kuve kusiri madikanwa kuti vatevere nzira yakaratidzwa navaapostora muChechi yapakuvamba. Chikanganiso chedu chakanga chiri mukukundikana kuziva kuti gadziriro dzakaratidzwa navaapostora mutarisiro youmwari ihuru kuchinhu chipi nechipi icho vamwe vaigona kuumba, uye kuti Chechi yose zvayo ichafanira kuva nemirayiro yakatangwa navaapostora kutozosvikira, kupfurikidza nokuchinja kwedu murumuko, tichaitwa tose vakazara navakakwana ndokuva musonganiro zvakananga naTenzi.
“Chikanganiso chedu chakatijekera zvishoma nezvishoma sezvatakaona pakati pehama dzinodiwa kusvikira kutambanuko yakati mudzimu wokurwisa, uye kuvazhinji chishuvo chokutungamirira pamisangano sehofisi panzvimbo pebasa, uye kubvisa ndokudzivisa pakukura savatungamiriri dzimwe hama dzamano akaenzana nenzira yomuzvarirwo nedzezivo yakaenzana yeZvokwadi nokukwanisa mukushandisa munondo woMudzimu.”—“Zion’s Watch Tower,” March 15, 1906, p. 90.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 208, 209]
Zvivako Zvaishandiswa neSosaiti Zana Ramakore Rakapfuura Munharaunda yePittsburgh
Bible House, inoratidzwa pano, yakabatira sedzimbahwe kwamakore 19, kubvira muna 1890 kusvikira kuna 1909f
Hama Russell vaiva nefundo yavo muno
Mitezo yemhuri yeBible House iyo yakabatira pano muna 1902
Chivako chacho chaibatanidza iri dhipatimendi rokugadzirira kudhinda nokuronga (kurudyi kumusoro), dhipatimendi rokutumira mabhuku (kurudyi pasi), munochengetwa mabhuku, kamuri dzokugara dzavashandi, uye imba yokunamatira (horo yegungano) iyo yaizogara vanenge 300
[Mashoko Omuzasi]
f * Muna 1879, dzimbahwe rakanga riri pa101 Fifth Avenue, Pittsburgh, Pennsylvania. Hofisi dzakaendeswa ku44 Federal Street, Allegheny (Rutivi rwoKuchamhembe rwePittsburgh), muna 1884; uye gare gare mugore rimwe chetero, ku40 Federal Street. (Muna 1887, iyoyi yakanzi 151 Robinson Street.) Apo nzvimbo huru yakanga ichidikanwa, muna 1889, Hama Russell vakavaka Bible House, inoratidzwa kuruboshwe, pa56-60 Arch Street, Allegheny. (Iyoyi gare gare yakapiwazve nhamba 610-614 Arch Street.) Kwenhambo pfupi muna 1918-19, vakava zvakare nehofisi yavo huru muPittsburgh, pauriri hwechitatu pa119 Federal Street.
[Bhokisi riri papeji 211]
Ibasa Raani?
Nechokumugumo woupenyu hwake hwapasi, Charles Taze Russell akanyora, kuti: “Kazhinji kazhinji zvikuru vanhu vaMwari vanokanganwa kuti Ishe Amene anotungamirira basa Rake. Kazhinji kazhinji zvikuru mufungo wacho ndewokuti, Tichaita basa ndokuita kuti Mwari ashande pamwe chete nesu mubasa redu. Ngatiwane murangariro wakarurama pamusoro penhau yacho, uye kunzwisisa kuti Mwari akaronga uye ari kuita basa guru; uye kuti richabudirira, pasinei zvapo chose chose nesu nenhamburiko yedu; uye kuti iropafadzo huru yakapiwa kuvanhu vaMwari kushanda pamwe chete noMuiti wavo mukuita rongedzero Dzake, zvirongwa Zvake, gadziriro Dzake, munzira Yake. Kurangarira zvinhu nouyu murangariro, minyengetero yedu nokurinda kwedu zvinofanira kuva nokuda kwokuziva nokuita kuda kwaShe, tichigutsikana pasinei zvapo nemamirire ezvinhu atinoona, sezvo ari Mwari wedu anotitungamirira. Iyi ndiyo gadziriro iyo Watch Tower Bible and Tract Society yakatsvaka kuti itevere.”—“Nharireyomurindi” yechiNgezi, May 1, 1915.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 215]
Mibvunzo yeV.D.M.
Mabhii V.D.M. anomirira mashoko echiLatin “Verbi Dei Minister,” kana kuti Mushumiri weShoko raMwari.
Muna 1916 ndaza yemibvunzo pamusoro penhau dzapaMagwaro yakagadzirwa neSosaiti. Avo vaizomirira Sosaiti savakurukuri vaikumbirwa kupindura mumwe nomumwe wemibvunzo yacho vachinyora. Ikoku kwakagonesa Sosaiti kuziva mifungo, mirangariro, uye nzwisiso zveidzi hama pamusoro pezvokwadi huru dzeBhaibheri. Mhinduro dzakanyorwa dzaisanonzverwa neboka rinonzvera muhofisi dzeSosaiti. Avo vaizivikanwa kuva vakakwaniriswa savakurukuri vaifanira kuva negiredhi re85 muzana kana kuti kupfuura.
Gare gare, vakawanda vavakuru, vadhikoni, uye vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakabvunza kana vangagona kuva nendaza yemibvunzo yacho. Pashure penguva yakati, kwakataurwa kuti kwaizova kunobetsera kana kirasi dzikasarudza savamiriri vadzo vanhu bedzi vakanga vakwanirisa seV.D.M.
Apo Sosaiti yaipa dhigirii roMushumiri weShoko raMwari, ikoku kwakanga kusingarevi kuti munhu wacho akanga ari kugadzwa. Raingorevawo zvaro kuti boka rinonzvera muhofisi dzeSosaiti rakanga rahwirudzura kukura mudzidziso kwomunhu wacho, uye kusvikira kutambanuko ine mufungo mukurumbira wake, uye rakagumisa kuti akanga akafanirwa nokudanwa kunzi Mushumiri weShoko raMwari.
Mibvunzo yeV.D.M. iri sezvinotevera:
(1) Nderipi rakanga riri basa rokutanga rokusika raMwari?
(2) Ndeipi iri revo yeshoko rokuti “Logos,” kana richibatanidzwa noMwanakomana waMwari? uye chii chinorehwa nemashoko okuti Baba noMwanakomana?
(3) Chivi chakapinda munyika rini uye sei?
(4) Ndechipi chiri chirango chaMwari nokuda kwechivi pavatadzi? uye ndivanaani vari vatadzi?
(5) Neiko kwakanga kuri madikanwa kuti “Shoko” aitwe nyama? uye Iye aka“piwa muviri wenyama” here?
(6) Munhu Kristu Jesu akanga ari worudzii kubvira paucheche kusvikira kurufu?
(7) Jesu ndeworudzii kubvira parumuko; uye ndohupi huri ukama Hwake hwakafanira naJehovha?
(8) Nderipi riri basa raJesu mukati meiyi Nguva yeEvhangeri—mukati menguva kubvira paPentekosta kutozosvikira zvino?
(9) Chii chakaitirwa nyika yorudzi rwomunhu kusvikira pari zvino naJehovha Mwari? uye chii chakaitwa naJesu?
(10) Ndechipi chiri chinangwa chaMwari pamusoro peChechi apo inenge yapedzwa?
(11) Ndechipi chiri chinangwa chaMwari pamusoro penyika yorudzi rwomunhu?
(12) Ndoupi uchava mugumo wavasingachinji pakupedzisira?
(13) Ndeipi ichava tuso kana kuti zvikomborero zvichauya kunyika yorudzi rwomunhu kupfurikidza nokuteerera Umambo hwaMesiya?
(14) Mutadzi angapinda muukama hunokosha naKristu uye naBaba Vokudenga kupfurikidza nenhanoi?
(15) Pashure pokunge muKristu aberekwa noMudzimu Mutsvene, ndeipi iri nzira yake, inorayirwa muShoko raMwari?
(16) Wakabva muchivi kuti ubatire Mwari mupenyu here?
(17) Wakatsaurira zvakazara upenyu hwako namasimba ako ose namano kunaShe nebasa Rake here?
(18) Wakaratidzira uku kutsaurira kupfurikidza nokunyudzwa mumvura here?
(19) Wakaita Mhiko yeI. B. S. A. [International Bible Students Association] youtsvene hwoupenyu here?
(20) Wakarava zvakakwana uye nokungwarira mavhoriyamu matanhatu eSTUDIES IN THE SCRIPTURES here?
(21) Wakawana nzwisiso huru nebetsero mairi here?
(22) Unodavira kuti une zivo huru neyechigarire yeBhaibheri iyo ichakuita kuti uve anobudirira zvikuru somubatiri waShe muupenyu hwako hwose hwasara here?
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 216, 217]
Zvivako Zvaishandiswa Mukati Mamazuva Apakuvamba muBrooklyn
Musha weBheteri
122-124 Columbia Heights
Kamuri rokudyira muMusha weBheteri
Tabhenakeri
Hofisi, mokuchengetera mabhuku, dhipatimendi rokutumira mabhuku, zvokushandisa kudhinda, uye horo ine zvigaro 800 zvakanga zviri pano, pa17 Hicks Street (zvakashandiswa kubvira muna 1909 kusvikira kuna 1918)
Horo
Fekitari Dzapakuvamba
Mitezo yemhuri yeBheteri yaishanda kufekitari yeMyrtle Avenue muna 1920 (kurudyi)
35 Myrtle Avenue (1920-22)
18 Concord Street (1922-27)
117 Adams Street (1927- )
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 224, 225]
Vatariri Vanofambira Vashomanene Vezviuru Zvakabatira
Canada, 1905-33
England, 1920-32
Finland, 1921-26, 1947-70
United States, 1907-15
Kufamba pakati peungano—
Greenland
Venezuela
Lesotho
Mexico
Peru
Sierra Leone
Dzimba dzinofambwa nadzo muNamibia
Kugoverana neZvapupu zvemo mubasa romumunda muJapan
Musangano navakuru vemo muGermany
Kugovera zano rinoshanda kumapiyona muHawaii
Kurayiridza ungano muFrance
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 229]
Masangano Apamutemo Apakuvamba
Zion’s Watch Tower Tract Society. Yakatanga kuumbwa muna 1881 uye ipapo yakanyoreswa pamutemo munyika yePennsylvania pana December 15, 1884. Muna 1896 zita rayo rakachinjwa kuva Watch Tower Bible and Tract Society. Kubvira muna 1955 yave ichizivikanwa seWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
Peoples Pulpit Association. Yakaumbwa muna 1909 pamusoro pokutamisa kweSosaiti hofisi dzayo huru kuenda kuBrooklyn, New York. Muna 1939 zita racho rakachinjwa kuva Watchtower Bible and Tract Society, Inc. Kubvira muna 1956 yave ichizivikanwa seWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
International Bible Students Association. Yakanyoreswa pamutemo muLondon, England, pana June 30, 1914.
Kuti asvitse zvinodikanwa zvapamutemo, mamwe masangano akaumbwa neZvapupu zvaJehovha munzanga dzakawanda nenyika. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha hazvina kukamurwa kuva masangano enyika kana kuti enharaunda. Izvo uhama hwenyika yose hwakabatana.
[Bhokisi riri papeji 234]
‘Kufanana Nenzanga yechiKristu Yapakuvamba’
Chinyorwa chorudzidziso chinonzi “Interpretation” chakati muna July 1956: “Musangano ravo nebasa rokupupura, ivo [Zvapupu zvaJehovha] vanosvika pedyo seboka ripi neripi nokufanana nenzanga yechiKristu yapakuvamba. . . . Mamwe mapoka mashomanene anoshandisa zvikuru Rugwaro mumashoko avo, ose ari maviri anotaurwa neanonyorwa, sezvavanoita.”
[Mufananidzo uri papeji 210]
Kuti dzigovere kusanotarisira, hofisi dzemapazu dzakatangwa. Yokutanga yakanga iri muLondon, England, muichi chivako
[Mufananidzo uri papeji 221]
J. F. Rutherford muna 1941. Zvapupu zvaiziva kuti iye akanga asati ari mutungamiriri wazvo
[Mufananidzo uri papeji 226]
John Booth, mutariri anofambira muU.S.A. kubvira muna 1936 kusvikira kuna 1941
[Mufananidzo uri papeji 227]
Carey Barber, ane ruwa rwaibatanidza rutivi rukuru rweUnited States
[Mufananidzo uri papeji 228]
Hama Knorr vaishanyira nguva dzose bazu rimwe nerimwe nomusha wavafundisi
[Mufananidzo uri papeji 230]
Vatariri vakuru vamapazu eSosaiti vakaunganidzwa nokuda kwerovedzo chaiyo (New York, 1958)
[Mifananidzo iri papeji 231]
Chikoro Choushumiri hwoUmambo chakagovera murayiridzo unokosha nokuda kwavatariri kupota nyika yose
Chikoro Choushumiri hwoUmambo pamusasa wavapoteri muThailand, muna 1978;muPhilippines, 1966 (kuruboshwe kumusoro)
[Mifananidzo iri papeji 232]
Mirayiridzo yesangano yakabudiswa nenzira inofambira mberi (kutanga muchiNgezi, ipapo mumimwe mitauro) kutsinhiranisa mubato weZvapupu uye kuzivisa vose pamusoro pegadziriro dzakaitwa kuzvibatsira muushumiri hwazvo