Chitsauko 10
Chipikirwa choMuchinda Worugare
1. Vanhu vakaonei kubva munguva yaKaini?
ZVINENGE zviuru zvitanhatu zvemakore zvakapfuura, mwana womunhu wokutanga akaberekwa. Zita rake rainzi Kaini, uye kuberekwa kwake kwaiva chinhu chitsva. Hapana akanga amboona mwana womunhu, vabereki vake, kana ngirozi, kunyange kana iye Musiki. Svava yakanga ichangobva kuberekwa iyi ingagona kudai yakaunza tariro kuvanhu vose vakanga vava nemhosva. Zvaiodza mwoyo sei, kuti akura, akava mhondi! (1 Johani 3:12) Kubva ipapo vanhu vakaona kumwe kuponda kusingaverengeki. Vanhu, nokungoda kwavo kuita zvakaipa, havana rugare pakati pavo kana kuti naMwari.—Genesi 6:5; Isaya 48:22.
2, 3. Itarisiro dzechii dzakavhurwa naJesu Kristu, uye tinofanira kuitei kuti tigamuchire zvikomborero izvozvo?
2 Zvinenge zviuru zvina zvemakore Kaini aberekwa, mumwe mwana akaberekwa. Zita rake rainzi Jesu, uye kuberekwa kwakewo kwaiva chinhu chitsva. Akaberekwa nemhandara, nesimba romudzimu mutsvene—ndiko kuberekwa kwakadaro bedzi kwati kwamboitika. Panguva yaakaberekwa, boka guru rengirozi dzaifara dzakaimba dzichirumbidza Mwari, dzichiti: “Mbiri kumusorosoro kuna Mwari, uye pasi pano rugare pakati pevanhu vaanotendera.” (Ruka 2:13, 14) Akasiyana nokure nokuva mhondi, Jesu akavhura nzira yokuti vanhu vave norugare naMwari uye kuti vawane upenyu husingaperi.—Johani 3:16; 1 VaKorinde 15:55.
3 Isaya akaprofita kuti Jesu aizonzi “Muchinda Worugare.” (Isaya 9:6) Aizopa upenyu hwake nokuda kwevanhu, naizvozvo achiita kuti zvibvire kukanganwirwa zvivi. (Isaya 53:11) Nhasi, rugare naMwari nokukanganwirwa zvivi zvinogona kuwanikwa nokuratidza kutenda muna Jesu Kristu. Asi zvikomborero zvakadaro hazvingoitiki zvoga. (VaKorose 1:21-23) Avo vanozvida vanofanira kudzidza kuteerera Jehovha Mwari. (1 Petro 3:11; enzanisa naVaHebheru 5:8, 9.) Muzuva raIsaya, vaIsraeri nevaJudha vanoita zvakapesana chaizvo.
Kuenda Kumadhimoni
4, 5. Zvinhu zvakamira sei muzuva raIsaya, uye vamwe vanoenda kunaani?
4 Nemhaka yokusateerera kwavo, vanhu vomunguva yaIsaya vari mumamiriro anosiririsa etsika, rima romudzimu chairo. Kunyange umambo hwezasi hwenyika yeJudha, kune temberi yaMwari, hahuna rugare. Somugumisiro wokusatendeseka kwavo, vanhu venyika yeJudha vanotyisidzirwa nevaAsiria vanoda kuvapindira nechisimba, uye nguva dzakaoma dziri mberi. Vanoenda kunaani kuti avabetsere? Zvinosiririsa kuti vazhinji vanoenda kuna Satani, kwete kuna Jehovha. Aiwa, havakumbiri Satani nezita. Asi, saMambo Sauro wekare, vanoita zvemidzimu, vachitsvaka mhinduro dzezvinetso zvavo nokuedza kukurukurirana nevakafa.—1 Samueri 28:1-20.
5 Vamwe vari kutotsigira tsika iyi. Isaya anotaura nezvokuramba kutenda ikoko paanoti: “Zvino kana vachiti kwamuri: Bvunzai masvikiro navauki, vanorira nokuita zevezeve—ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?” (Isaya 8:19) Masvikiro anogona kutsotsa vanhu, “anorira nokuita zevezeve.” Ruzha irworwo, runonzi runoitwa nemidzimu yavanhu vakafa, runogona kuitwa nesvikiro benyu zvichiita sokuti inzwi riri kubva kune mumwe munhu. Zvisinei, dzimwe nguva, madhimoni anogona kupindira zvakananga oita somunhu akafa, sezvakaitika chaizvo apo Sauro akabvunza n’anga yeEndori.—1 Samueri 28:8-19.
6. Nei vaIsraeri vave kuita zvemidzimu vane mhosva zvikuru?
6 Zvose izvi zviri kuitika munyika yeJudha pasinei nokuti Jehovha akarambidza tsika dzokuita zvemidzimu. MuMutemo waMosesi imhaka inorangwa norufu. (Revhitiko 19:31; 20:6, 27; Dheuteronomio 18:9-12) Nei vanhu vari pfuma yaJehovha chaiyo vachidarika zvakadaro? Nemhaka yokuti havachateereri Mutemo waJehovha nezano uye vaka“omeswa nesimba rinonyengera rechivi.” (VaHebheru 3:13) “Mwoyo wavo wakakora samafuta,” uye vakazviparadzanisa naMwari wavo.—Pisarema 119:70.a
7. Vazhinji nhasi vanotevedzera sei vaIsraeri vomuzuva raIsaya, uye chii chichaitika munguva yemberi kuvanhu vakadaro kana vakasapfidza?
7 Pamwe vanofunga kuti, ‘Mutemo waJehovha unobetserei zvino kana tatarisana nokurwiswa nevaAsiria kwava pedyo?’ Vanoda mhinduro yekukurumidza uye iri nyore yedambudziko ravo uye havadi kumirira Jehovha kuti aite kuda kwake. Muzuva reduwo, vazhinji havateereri mutemo waJehovha uye vanotsvaka masvikiro, vanotsvaka zviratidzo zvenyeredzi, uye vanoenda kune mamwe marudzi ezvemidzimu kuti vagadzirise zvinetso zvavo. Zvisinei, kuti vapenyu vatsvake mhinduro kuvakafa hazvina musoro nhasi sezvazvaive zvakangoita kare ikoko. Nguva yemberi yevose vanoita zvinhu zvakadaro vasingapfidzi ichave pamwe “nemhondi nezvifeve . . . nevanonamata zvidhori nevarevi venhema vose.” Hapana tarisiro youpenyu yavanayo.—Zvakazarurwa 21:8.
‘Mutemo’ waMwari ‘neZvipupuriro’
8. “Mutemo” ne“zvipupuriro” zvatinofanira kunge tichienda kwazviri nhasi nokuda kwenhungamiro chii?
8 Mutemo waJehovha unorambidza kuita zvemidzimu, pamwe nemimwe mirayiro yake, hauna kuvanzirwa vanhu munyika yeJudha. Wakanyorwa ukachengetwa. Nhasi Shoko rake rakanyorwa rinowanikwa rakakwana. Bhaibheri harina chete mitemo yaMwari yakaunganidzwa nemirayiro asi rinewo nhoroondo yokubata kwaMwari nevanhu vake. Nhoroondo iyi yokubata kwaJehovha nevanhu inoita chipupuriro, kana kuri uchapupu, ichitidzidzisa nezvounhu hwaJehovha nezvaari. Panzvimbo pokubvunza vakafa, vaIsraeri vanofanira kunge vachienda kunaani kuti avatungamirire? Isaya anopindura kuti: “Ku[“mutemo,” NW] nokuzvipupuriro!” (Isaya 8:20a) Hungu, avo vanoda kunzwisisa zvechokwadi vanofanira kuenda kuShoko raMwari rakanyorwa.
9. Kutora mashoko ari muBhaibheri panguva nenguva kunokosha here kuvatadzi vasingapfidzi?
9 Vamwe vaIsraeri vanotamba nokuita zvemidzimu vangati vanoremekedza Shoko raMwari rakanyorwa. Asi kutaura kwakadaro inhema uye unyengeri. Isaya anoti: “Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.” (Isaya 8:20b) Isaya ari kutaura nezveshoko ripi? Pamwe nezveshoko rokuti: ‘Kumutemo nokuzvipupuriro!’ Zvingadaro kuti vamwe vaIsraeri vakaramba kutenda vanotaura zviri muShoko raMwari, seizvo vakaramba kutenda nhasi nevamwe vangatorawo mashoko muRugwaro. Asi izvi ndezvemuromo chete. Kutora mashoko eRugwaro hakupi “chiedza chamangwanani” kana kuti kunzwisisa kunobva kuna Jehovha, kana kusingaperekedzwi nokuita kuda kwaJehovha nokuramba miitiro isina kuchena.b
“Isati iri Nzara Yezvokudya”
10. Vanhu venyika yeJudha vari kutambura sei nemhaka yokuramba Jehovha?
10 Kusateerera Jehovha kunoguma nokuva murima mupfungwa. (VaEfeso 4:17, 18) Tichitaura nenzira yomudzimu, vanhu venyika yeJudha vava mapofu, zvavasina kunzwisisa. (1 VaKorinde 2:14) Isaya anorondedzera zvavari achiti: “Vachafamba nenyika vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara.” (Isaya 8:21a) Nemhaka yokusatendeka kwenyika yacho—kunyanya munguva yokutonga kwaMambo Ahazi—kupona kwenyika yeJudha soumambo hwakazvimirira kuri mungozi. Nyika yacho yakakomberedzwa nevavengi. Uto reAsiria rinorwisa maguta evaJudha rimwe pashure perimwe. Muvengi wacho anoparadza minda yokurima, achiita kuti zvokudya zvishayikwe. Vazhinji “vakamanikidzwa kwazvo, vane nzara.” Asi rumwe rudzi rwenzara rwuri kun’en’enawo nyika yacho. Pachine makumi emakore akati kuti Amosi akaprofita kuti: “Tarirai, mazuva anouya—ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha—andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amosi 8:11) Nyika yeJudha zvino iri kun’en’enwa nenzara yomudzimu yakadaro!
11. Nyika yeJudha ichadzidza chidzidzo here pachirango chainowana?
11 Nyika yeJudha ichadzidzawo chidzidzo yodzokera kuna Jehovha here? Vanhu vayo vachasiya kuita zvemidzimu nokunamata zvidhori ndokudzokera ‘kumutemo nezvipupuriro’ here? Jehovha anofanoona zvavachaita: “Zvino kana vane nzara, vachava neshungu, vachatuka mambo wavo naMwari wavo, vachitarira kudenga.” (Isaya 8:21b) Hungu, vazhinji vachashora mambo wavo nokuda kwokuvapinza mumamiriro akadai ezvinhu. Vamwe noupenzi vachatoshora Jehovha nokuda kwenhamo dzavo! (Enzanisa naJeremia 44:15-18.) Nhasi, vazhinji vanodarowo, vachishora Mwari nokuda kwenhamo dzinoparirwa nouipi hwavanhu.
12. (a) Kutsauka kwaJudha pana Mwari kwakaparirei? (b) Mibvunzoi inokosha inomutswa?
12 Ko kupa Mwari mhosva kuchaunza rugare kuvagari venyika yeJudha here? Aiwa. Isaya anofanotaura kuti: “Vachatarirawo pasi, asi tarirai, vachaona njodzi nerima, nokusviba kwokumanikidzwa; vachadzingirwa kurima guru.” (Isaya 8:22) Pashure pokutarira mudenga kuti vashore Mwari, vanotarira pasi zvakare, kune tariro yavo zvakare isingabatsiri. Kutsauka kwavo pana Mwari kwatungamirira kunhamo. (Zvirevo 19:3) Zvisinei, zvakadini nezvipikirwa zvaMwari kuna Abrahama, Isaka, naJakobho? (Genesi 22:15-18; 28:14, 15) Jehovha achakundikana here? VaAsiria kana kuti rimwe simba rehondo richagumisa here dzinza roumambo rakapikirwa kuna Judha naDhavhidhi? (Genesi 49:8-10; 2 Samueri 7:11-16) VaIsraeri vachatongerwa kuva murima nokusingaperi here?
Nyika “Inozvidzwa”
13. “Garire[y]a ravahedheni” chii, uye rinosvika sei paku“ninipis[w]a”?
13 Isaya zvino anotaura nezvechimwe chezviitiko zvakaipisisa chinouya pavazukuru vaAbrahama: “Asi iye, waiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima. Panguva yokutanga wakaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNaftari, asi panguva yazvino wakaikudza, kurutivi rwegungwa, mhiri kwa[Jodhani], Garire[y]a ravahedheni.” (Isaya 9:1) Garireya inharaunda iri muumambo hwaIsraeri hwokumusoro. Muuprofita hwaIsaya inobatanidza “nyika yeZebhuruni nenyika yeNaftari” uyewo “kurutivi rwegungwa” mugwagwa wekare waipfuura nepaGungwa reGarireya uchienda kuGungwa reMediterranean. Muzuva raIsaya, nharaunda yacho inonzi “Garire[y]a ravahedheni,” pamwe nemhaka yokuti maguta ayo mazhinji anogarwa nevanhu vasiri vaIsraeri.c Nyika iyi ino“ninipis[w]a” sei? VaAsiria vechihedheni vanoikunda, vanotapa vaIsraeri, ndokuita kuti nharaunda yacho yose igarwe nevahedheni, vasiri vazukuru vaAbrahama. Naizvozvo umambo hwokumusoro hwendudzi gumi hunonyangarika panhau serudzi rwakazvimirira!—2 Madzimambo 17:5, 6, 18, 23, 24.
14. “Rima” renyika yeJudha richava shoma sei pane reumambo hwendudzi gumi?
14 Nyika yeJudhawo iri kumanikidzwa nevaAsiria. Ichanyura mu“rima” zvachose sezvakaita umambo hwendudzi gumi here dzinomirirwa nenyika yeZebhuruni neNaftari? Aiwa. “Panguva yazvino,” Jehovha achaunza zvikomborero kunharaunda yeumambo hwezasi hwenyika yeJudha uye kunyange panyika yaichimbotongwa noumambo hwokumusoro. Sei?
15, 16. (a) I“nguva yazvino” ipi apo mamiriro ezvinhu anochinja nokuda kwe“maruwa eZebhuruni neNaftari”? (b) Nyika yakaninipiswa inosvika sei pakukudzwa?
15 Muapostora Mateu anopindura mubvunzo uyu muchinyorwa chake chakafuridzirwa cheushumiri hwaJesu hwapano pasi. Achirondedzera mazuva okutanga eushumiri ihwohwo, Mateu anoti: “Abva Nazareta, [Jesu] akasvika akagara muKapenaume pedyo negungwa mumaruwa eZebhuruni neNaftari, kuti zvizadzike zvakataurwa nokuna Isaya muprofita, zvichinzi: ‘Haiwa nyika yeZebhuruni nenyika yeNaftari, iri nechomumugwagwa wegungwa, mhiri kweJodhani, Garireya yemamwe marudzi! Vanhu vagere murima vakaona chiedza chikuru, uye kana vari avo vagere munzvimbo yomumvuri worufu, chiedza chakavabudira.’”—Mateu 4:13-16.
16 Hungu, “nguva yazvino” yakafanotaurwa naIsaya inguva youshumiri hwapasi hwaKristu. Upenyu hwaJesu hwapasi pano huzhinji akahupedzera muGarireya. Makanga muri muruwa rweGarireya maakatangira ushumiri hwake ndokutanga kuzivisa kuti: “Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.” (Mateu 4:17) MuGarireya, ndimo maakapa Mharidzo yake yepaGomo ine mukurumbira, maakasarudzira vaapostora vake, maakaita chishamiso chake chokutanga, uye maakaonekwa nevateveri vake vanenge 500 amutswa. (Mateu 5:1–7:27; 28:16-20; Mako 3:13, 14; Johani 2:8-11; 1 VaKorinde 15:6) Nenzira iyi Jesu akazadzika uprofita hwaIsaya nokukudza “nyika yeZebhuruni neNaftari.” Chokwadi, Jesu haana kungoita ushumiri hwake kuvanhu veGarireya chete. Nokuparidza mashoko akanaka munyika yacho yose, Jesu ‘akaita kuti’ rudzi rwose rwaIsraeri ‘rukudzwe,’ kubatanidza Judha.
“Chiedza Chikuru”
17. “Chiedza chikuru” chinopenya sei muGarireya?
17 Zvisinei, zvakadini nokutaura kwaMateu nezve“chiedza chikuru” muGarireya? Aya zvakare akanga ari mashoko akatorwa muuprofita hwaIsaya. Isaya akanyora kuti: “Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza.” (Isaya 9:2) Pakasvika zana rokutanga remakore C.E., chiedza chechokwadi chakanga chavanzwa nenhema dzechihedheni. Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakanga vawedzera dambudziko racho nokuomerera kutsika dzavo dzechitendero idzo vakanga va“ita kuti shoko raMwari rishaye simba” nokuda kwadzo. (Mateu 15:6) Vanozvininipisa vaidzvinyirirwa nokukangaidzwa, vachitevera “vatungamiriri vakapofumara.” (Mateu 23:2-4, 16) Apo Jesu Mesiya akaoneka, maziso evanhu vazhinji vaizvininipisa akavhurwa nenzira inoshamisa. (Johani 1:9, 12) Basa raJesu paakanga ari pano pasi nezvikomborero zvinovapo nemhaka yechibayiro chake zvinonyatsorondedzerwa muuprofita hwaIsaya “sechiedza chikuru.”—Johani 8:12.
18, 19. Vakagamuchira chiedza vaiva nechikonzeroi chokufara?
18 Avo vakagamuchira chiedza chacho vaiva nechikonzero chikuru chokufara. Isaya akaenderera mberi achiti: “Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu, sokufara kwavanhu panguva yokucheka, sokufara kwavanhu kana vachigoverana zvakapambwa.” (Isaya 9:3) Somugumisiro webasa rokuparidza raJesu navateveri vake, vanhu vane mwoyo yakatendeka vakabuda, vachizviratidza kuva vanoda kunamata Jehovha nomudzimu nechokwadi. (Johani 4:24) Pasina makore mana, mapoka nemapoka akagamuchira chiKristu. Zviuru zvitatu zvakabhabhatidzwa pazuva rePendekosti ya33 C.E. Kwapera chinguva, “uwandu hwevarume hwakava vanenge zviuru zvishanu.” (Mabasa 2:41; 4:4) Vadzidzi sezvavakaratidzira chiedza nokushingaira, “vadzidzi vakaramba vachiwedzera zvikuru kwazvo muJerusarema; uye boka guru revapristi rakatanga kuteerera kukutenda.”—Mabasa 6:7.
19 Kufanana neavo vanofara nokukohwa kukuru kana kuti vanofara nokugovana zvapambwa zvinokosha vakunda hondo huru, vadzidzi vaJesu vakafara nokuwedzera. (Mabasa 2:46, 47) Nokufamba kwenguva, Jehovha akaita kuti chiedza chipenye pakati pemamwe marudzi. (Mabasa 14:27) Naizvozvo vanhu vemarudzi ose vakafara kuti vakanga vavhurirwa nzira yokuenda nayo kuna Jehovha.—Mabasa 13:48.
“Sapamazuva avaMidhiani”
20. (a) VaMidhiani vakaratidza kuva vavengi vaIsraeri munzirai, uye Jehovha akagumisa sei kutyisidzira kwavaiita? (b) “Pamazuva avaMidhiani” ari mberi, Jesu achaparadza sei kutyisidzira kunoparirwa nevavengi vevanhu vaMwari?
20 Zvinoitwa nebasa raMesiya ndezvechigarire, sezvatinoona mumashoko aIsaya anotevera: “Nokuti makavhuna joko raivaremedza, netsvimbo yairova mapfudzi avo, neshamhu yavaivamanikidza, sapamazuva avaMidhiani.” (Isaya 9:4) Mazana emakore zuva raIsaya risati rasvika, vaMidhiani vakarangana nevaMoabhi kunyengera vaIsraeri kuti vatadze. (Numeri 25:1-9, 14-18; 31:15, 16) Gare gare, vaMidhiani vakaonesa vaIsraeri ndondo nokurwisa pamwe nokupamba misha yavo neminda kwemakore manomwe. (Vatongi 6:1-6) Asi zvino Jehovha, achishandisa mushumiri wake Gidheoni, akaparadza mauto avaMidhiani. Pashure pe“mazuva avaMidhiani” iwayo, hapana uchapupu hwokuti vanhu vaJehovha vakazombotambudzwazve nevaMidhiani. (Vatongi 6:7-16; 8:28) Munguva yemberi iri pedyo, Jesu Kristu, Gidheoni mukuru, acharova vavengi vevanhu vaJehovha vomuzuva ranhasi zvokuti havamuki. (Zvakazarurwa 17:14; 19:11-21) Ipapo, “sapamazuva avaMidhiani,” kukunda kwakakwana kusingaperi kuchawanikwa, kwete nesimba ravanhu, asi nesimba raJehovha. (Vatongi 7:2-22) Vanhu vaMwari havachafizve vakatambura nejoko roudzvinyiriri!
21. Uprofita hwaIsaya hunoratidzei pamusoro penguva yemberi yehondo?
21 Kuratidzwa kwesimba raMwari hakusi kurumbidzwa kwehondo. Jesu akamutswa ndiye Muchinda Worugare, uye nokuparadza vavengi vake, achaunza rugare rusingaperi. Isaya zvino anotaura nezvezvinhu zvehondo zvichiparadzwa zvachose nemoto kuti: “Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto.” (Isaya 9:5) Kutinhira kunoparirwa nokutsika kweshangu dzevarwi vari kufora hakuchafi kwakanzwikwazve. Zvipfeko zvine ropa zvevarwi vane mwoyo yakaomeswa nehondo hazvichazoonekwizve. Hondo haichazovipozve!—Pisarema 46:9.
“Mupi Wezano Anoshamisa”
22. Jesu anopiwa zita rokutii rouprofita rine mazhinji mubhuku raIsaya?
22 Panguva yokuberekwa kwake kunoshamisa, akaberekwa kuti ave Mesiya akapiwa zita rokuti Jesu, rinoreva kuti “Jehovha Ruponeso.” Asi ane mamwe mazita, mazita ouprofita anoratidza basa rake rinokosha nenzvimbo yake yakakwirira. Rimwe zita rakadaro ndiImanueri, rinoreva kuti “Mwari Anesu.” (Isaya 7:14, NW, mashoko omuzasi) Isaya zvino anorondedzera mamwe mazita ouprofita achiti: “Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava papfudzi rake; zita rake richanzi: [“Mupi Wezano Anoshamisa,” NW] Gota, Mwari une simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.” (Isaya 9:6) Funga nezvezvizhinji zvinoreva mazita ake ouprofita aya.
23, 24. (a) Jesu “Mupi Wezano Anoshamisa” pakudii? (b) Vapi vemazano vechiKristu nhasi vanogona kutevedzera sei muenzaniso waJesu?
23 Mupi wemazano munhu anopa zano, kana pfungwa. Paakanga ari pano pasi Jesu Kristu akapa zano rinoshamisa. MuBhaibheri tinorava kuti “mapoka evanhu akashamiswa nemadzidzisire ake.” (Mateu 7:28) Mupi Wezano akachenjera anonzwira tsitsi, anonzwisisa vanhu zvavari nenzira inoshamisa. Zano rake harisi rokungotsiura kana kuti kuranga chete. Kazhinji, rinenge riri murayiridzo nezano rerudo. Zano raJesu rinoshamisa nemhaka yokuti nguva dzose nderouchenjeri, rakakwana, uye harikundikani. Kana rikateverwa rinowanisa upenyu husingaperi.—Johani 6:68.
24 Zano raJesu harisi rokungochenjerawo hakwo kwepfungwa dzake. Asi anoti: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezveakandituma.” (Johani 7:16) Sezvazvakanga zvakaita kuna Soromoni, Jehovha Mwari ndiye Tsime rouchenjeri hwaJesu. (1 Madzimambo 3:7-14; Mateu 12:42) Muenzaniso waJesu unofanira kukurudzira vadzidzisi nevapi vemazano vari muungano yechiKristu kuti nguva dzose vatore murayiridzo wavo muShoko raMwari.—Zvirevo 21:30.
“Mwari une Simba” na“Baba Vokusingaperi”
25. Zita rokuti “Mwari une Simba” rinotiudzei nezvaJesu wokudenga?
25 Jesuwo ndi“Mwari une simba” na“Baba vokusingaperi.” Izvi hazvirevi kuti anobvuta simba nenzvimbo yaJehovha, uyo ari “Mwari Baba vedu.” (2 VaKorinde 1:2) “Haana [Jesu] kufunga nezvokubvuta, kureva kuti, kuti anofanira kuva akaenzana naMwari.” (VaFiripi 2:6) Anonzi Mwari une Simba, kwete Mwari Wemasimba Ose. Jesu haana kumbozvifunga saMwari Wemasimba Ose, nokuti akataura nezvaBaba vake sa“Mwari wechokwadi bedzi,” ndiko kuti iye Mwari bedzi anofanira kunamatwa. (Johani 17:3; Zvakazarurwa 4:11) MuMagwaro, shoko rokuti “mwari” rinogona kureva “munhu ane simba” kana kuti “munhu akasimba.” (Eksodho 12:12; Pisarema 8:5; 2 VaKorinde 4:4) Jesu asati auya pano pasi, akanga ari “mwari,” “aivapo saMwari.” Amutswa, akadzokera kunzvimbo yakatokwirira mumatenga. (Johani 1:1; VaFiripi 2:6-11) Uyezve, kutaura kwokuti “mwari” kune zvimwe zvakunoreva. Vatongi kuvaIsraeri vainzi “vanamwari”—Jesu pachake akambodarowo kamwe. (Pisarema 82:6; Johani 10:35) Jesu Mutongi waJehovha akagadzwa, “achatonga vapenyu nevakafa.” (2 Timoti 4:1; Johani 5:30) Sezviri pachena, zvakakodzera kuti anzi Mwari une Simba.
26. Nei Jesu achigona kunzi “Baba Vokusingaperi”?
26 Zita rokuremekedza rokuti “Baba Vokusingaperi” rinoreva simba raMambo Mesiya nechiremera chokupa vanhu tarisiro youpenyu husingaperi pano pasi. (Johani 11:25, 26) Nhaka yomubereki wedu wokutanga, Adhamu, yaiva rufu. Jesu, Adhamu wokupedzisira, “akava mudzimu unopa upenyu.” (1 VaKorinde 15:22, 45; VaRoma 5:12, 18) Kungofanana naJesu, Baba Vokusingaperi, vachararama nokusingaperi, naizvozvo vanhu vanoteerera vachanakirwa nezvakanaka zvichauya nokuva kwake Baba nokusingaperi.—VaRoma 6:9.
“Muchinda Worugare”
27, 28. Zvikomboreroi zvinoshamisa zvinouya zvino nemunguva yemberi kuvanhu vo“Muchinda Worugare”?
27 Kunze kweupenyu husingaperi, munhu anodawo rugare, naMwari pamwewo navanhu saiye. Kunyange nhasi, avo vanozviisa pasi pokutonga kwo“Muchinda worugare” vaka‘pfura minondo yavo kuva mapadza namapfumo avo kuva mapanga okuchekerera miti.’ (Isaya 2:2-4) Havareri ruvengo nemhaka yokusawirirana pane zvematongerwe enyika, miganhu, dzinza kana kuti zveupfumi. Vakabatana mukunamata Mwari mumwe bedzi wechokwadi, Jehovha, uye vanoshandira kuti vagarisane norugare nevavakidzani vavo vose vari muungano nevari kunze.—VaGaratiya 6:10; VaEfeso 4:2, 3; 2 Timoti 2:24.
28 Munguva yaMwari yakakodzera, Kristu achaita kuti pasi pano pave norugare rwenyika yose, rwakasimba, rwechigarire. (Mabasa 1:7) “Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi.” (Isaya 9:7a) Mukushandisa chiremera chake soMuchinda Worugare, Jesu haazoshandisi nzira dzoudzvinyiriri. Vanhu vake havazonyimwi rusununguko rwokuzvisarudzira ndokumanikidzwa kuita zvavasingadi. Asi zvose zvaachaita zvichava “nokururamisira nokururama.” Kuchinja kunozorodza sei!
29. Chii chatinofanira kuita kana tichida kuzowana chikomborero chorugare rusingaperi?
29 Achiona zvinoshamisa zvinorehwa nezita raJesu rouprofita, mhedziso yaIsaya yechikamu chino chouprofita hwake inofadza zvechokwadi. Anonyora kuti: “Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.” (Isaya 9:7b) Hungu, Jehovha anoita nokushingaira. Hapana chaanoita nemwoyo miviri. Tinogona kuva nechokwadi chokuti zvose zvaanopikira, achazviita zvakazara. Saka kana pane munhu anoshuva kuzowana rugare rusingagumi, ngaashumire Jehovha nemwoyo wose. Kufanana naJehovha Mwari naJesu, Muchinda Worugare, vashumiri vose vaMwari ngavave “vanoshingairira mabasa akanaka kwazvo.”—Tito 2:14.
[Mashoko Omuzasi]
a Vazhinji vanodavira kuti Pisarema 119 rakanyorwa naHezekia asati ava mambo. Kana zvakadaro, ringangodaro rakanyorwa Isaya achiri kuprofita.
b Mashoko okuti “shoko iri” ari pana Isaya 8:20 angareva shoko rinotaura nezvemidzimu, riri pana Isaya 8:19. Kana zvakadaro, Isaya ari kuti vatsigiri vezvemidzimu munyika yeJudha vacharamba vachikurudzira vamwe kuenda kumasvikiro emidzimu naizvozvo havazobetserwi kunzwisisa naJehovha.
c Vamwe vakataura kuti maguta 20 eGarireya ayo Mambo Soromoni akapa Hirami mambo weTire pamwe aigarwa nevanhu vakanga vasiri vaIsraeri.—1 Madzimambo 9:10-13.
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 122]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Korazini
Bhetisaidha
Kapenaume
Bani reGenesareti
Gungwa reGarireya
Magadhani
Tibheriyasi
Rwizi Jodhani
GADHARA
Gadhara
[Mifananidzo iri papeji 119]
Kuberekwa kwaKaini nekwaJesu kwose kwaive chinhu chitsva. KwaJesu chete ndiko kwakava nemugumisiro unofadza
[Mufananidzo uri papeji 121]
Kuchava nenzara inopfuura nokure nzara yechingwa nenyota yemvura
[Mufananidzo uri papeji 127]
Jesu akanga ari chiedza munyika yacho