19 Zviri nani kuva murombo uchifamba wakaperera+
Pane kuva benzi uchitaura manyepo.+
2 Munhu asina ruzivo haana kunaka,+
Uye munhu anoita zvinhu achikurumidzira ari kutadza.
3 Upenzi hwemunhu ndihwo hunokanganisa nzira yake,
Mwoyo wake wozotsamwira Jehovha.
4 Pfuma inokwezva shamwari dzakawanda,
Asi murombo achasiyiwa kunyange neshamwari yake.+
5 Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,+
Uye munhu anongotaura zvekunyepa chete haazopukunyuki.+
6 Vakawanda vanotsvaga kufarirwa nemunhu anokudzwa,
Uye munhu wese ishamwari yemunhu anopa zvipo.
7 Hama dzese dzemurombo dzinomuvenga;+
Kuzoti shamwari dzake, dzinotomuramba!+
Anodzitevera nezvikumbiro, asi hapana anomupindura.
8 Munhu wese anowana njere anoda upenyu hwake.+
Munhu wese anokoshesa ungwaru achabudirira.+
9 Chapupu chenhema hachizoregi kurangwa,
Uye munhu anongotaura zvekunyepa chete achaparara.+
10 Kana benzi risingakodzeri kurarama zveumbozha,
Mushandi haangambotongi machinda!+
11 Njere dzemunhu dzinodzora kutsamwa kwake,+
Uye zvakanaka kuti angosiya zvakadaro kana atadzirwa.+
12 Hasha dzamambo dzakafanana nekuhon’a kweshumba,+
Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa nemiti.
13 Mwanakomana benzi anounza nhamo pana baba vake,+
Uye mukadzi anogara achipopota akaita sedenga remba risingamiri kudonha mvura.+
14 Imba nepfuma inhaka inobva kumadzibaba,
Asi mudzimai akangwara anobva kuna Jehovha.+
15 Usimbe hunoita kuti munhu anyanye kunzwa hope,
Uye munhu ane usimbe achaziya nenzara.+
16 Munhu anochengeta mirayiro anochengeta upenyu hwake;+
Munhu asina basa nenzira dzake achafa.+
17 Anonzwira tsitsi munhu akaderera anenge achikweretesa Jehovha,+
Uye iye achamuripa zvaanoita.+
18 Rayira mwanakomana wako pachiine tariro,+
Uye usava nemhosva yekufa kwake.+
19 Munhu ane hasha dzakanyanya zvichamuwana;
Kana ukaedza kumununura, uchafanira kuramba uchingozviita.+
20 Teerera zano uye bvuma kurayirwa,+
Kuti uve akachenjera mune ramangwana.+
21 Zvirongwa zviri mumwoyo memunhu zvizhinji,
Asi zano raJehovha ndiro richabudirira.+
22 Chinodiwa pamunhu ndirwo rudo rwake rusingachinji;+
Uye zviri nani kuva murombo pane kuva munhu anonyepa.
23 Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu;+
Munhu anomutya achanyatsodekara, asina chinomuwana.+
24 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro,
Asi haina kana basa nekurudzosa pamuromo wayo.+
25 Rova museki,+ kuti asina ruzivo ave nenjere,+
Uye tsiura anonzwisisa, kuti awedzere ruzivo.+
26 Munhu anoitira baba vake utsinye neanodzinga amai vake
Mwanakomana anonyadzisa uye anoshoresa.+
27 Mwanakomana wangu, kana ukarega kuteerera uchirayirwa,
Ucharasika kubva pamashoko euchenjeri.
28 Chapupu chisingabatsiri chinonyomba kutonga kwakarurama,+
Uye muromo wemunhu akaipa unomedza zvinhu zvakaipa.+
29 Mutongo wakamirira vaseki,+
Uye kurohwa kwakamirira misana yemapenzi.+