Chitsauko 15
Chirevo chaJehovha kuMarudzi
1. Isaya anonyora kuziviswa kwokutonga Asiria kwokutii?
JEHOVHA anogona kushandisa marudzi kuti arange vanhu vake nokuda kwokuipa kwavo. Kunyange zvakadaro, haapembedzi marudzi iwayo nokuda kweutsinye husina chikonzero, rudado rwawo, uye kuvenga kwawo kunamata kwechokwadi. Naizvozvo pachine nguva refu kwazvo anofuridzira Isaya kuti anyore “chirevo chaMwari pamusoro peBhabhironi.” (Isaya 13:1) Zvisinei, Bhabhironi richava ngozi munguva yemberi. Muzuva raIsaya, Asiria iri kudzvinyirira vanhu vaMwari vesungano. Asiria inoparadza umambo hwokumusoro hwaIsraeri uye inoparadza rutivi rukuru rwenyika yeJudha. Asi kukunda kweAsiria kune pakunogumira. Isaya anonyora kuti: “Jehovha wehondo wakapika, achiti: Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvazvichaitika. . . . Kuti ndichavhuna muAsiria munyika yangu, ndichamutsika netsoka dzangu pamakomo angu; nenguva iyo joko rake richabva kwavari, nomutoro wake uchabva pamafudzi avo.” (Isaya 14:24, 25) Isiri nguva refu Isaya ataura uprofita uhwu, kutyisidzira kweAsiria kunopera munyika yeJudha.
2, 3. (a) Munguva dzekare, Jehovha anotambanudzira ruoko rwake kunaani? (b) Zvinorevei kuti Jehovha anotambanudzira “marudzi ose” ruoko rwake?
2 Zvisinei, zvakadini nemamwe marudzi anovenga vanhu vaMwari vesungano? Iwo anofanirawo kutongwa. Isaya anozivisa kuti: “Ndicho chirevo chakatemerwa nyika yose; ndirwo ruoko rwakatambanudzwa pamusoro pamarudzi ose. Nokuti Jehovha wehondo wakatema chirevo, ndiani ungapindurazve? Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani ungarudzosa?” (Isaya 14:26, 27) “Chirevo” chaJehovha chinopfuura zanowo zvaro. Kutsunga kwake kwakasimba, mutemo wake. (Jeremia 49:20, 30) “Ruoko” rwaMwari isimba rake raanoshandisa. Mundima dzokupedzisira dzaIsaya chitsauko 14:29-32 uye muchitsauko 15 kusvika ku19, chirevo chaJehovha chinopiwa Firistia, Moabhi, Dhamasko, Etiopia, uye Ijipiti.
3 Zvisinei, Isaya anotaura kuti ruoko rwaJehovha rwakatambanudzirwa “marudzi ose.” Naizvozvo, kunyange zvazvo uprofita uhwu hwaIsaya huchitanga kuzadzika munguva dzekare, nheyo yacho inoshandawo mu“nguva yokupedzisira” Jehovha paanotambanudzira ruoko rwake umambo hwose hwenyika. (Dhanieri 2:44; 12:9; VaRoma 15:4; Zvakazarurwa 19:11, 19-21) Pachine nguva refu kwazvo, Mwari Wemasimba Ose, Jehovha, anozivisa chirevo chake nechivimbo. Hapana anogona kudzosa ruoko rwake rwakatambanudzwa.—Pisarema 33:11; Isaya 46:10.
“Nyoka Yomoto Inobhururuka” Ichirwa neFiristia
4. Ndeapi mamwe emashoko echirevo chaJehovha kuFiristia?
4 VaFiristia ndivo vanotanga kutaurwa nezvavo. “Negore rokufa kwamambo Ahazi chirevo ichi chakarehwa: Iwe nyika yeFiristia, iwe nyika yose, usafara zvako nokuti shamhu yakanga yakurova yavhunika; nokuti pamudzi wenyoka pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka yomoto inobhururuka.”—Isaya 14:28, 29.
5, 6. (a) Uziya akanga akaita senyoka kuvaFiristia munzirai? (b) Hezekia anoratidza kuva chii kuvaFiristia?
5 Mambo Uziya akanga akasimba zvakakwana kuti atsungirire kutyisidzirwa neFiristia. (2 Makoronike 26:6-8) Kwavari, akanga akaita senyoka, uye tsvimbo yake yairamba ichirova muvakidzani iyeye asina ushamwari. Uziya afa—‘tsvimbo yake yakavhunwa’—Jotamu akatendeka akatonga, asi “vanhu vakaramba vachiita zvakashata.” Tevere, Ahazi akava mambo. Zvinhu zvakachinja, uye vaFiristia vakabudirira kupamba nyika yeJudha nemauto. (2 Makoronike 27:2; 28:17, 18) Zvisinei, iye zvino, zvinhu zviri kuchinja zvekare. Muna 746 B.C.E., Mambo Ahazi anofa uye Hezekia muduku anotora chigaro. Kana vaFiristia vachifunga kuti zvinhu zvicharamba zvakavanakira, vakarasika zvachose. Hezekia anoratidza kuva muvengi akaipa kwazvo. Muzukuru waUziya (“chibereko” chinobva pa“mudzi” wake), Hezekia akaita se“nyoka yomoto inobhururuka”—inoruma nokukurumidza, ichiruma nokukurumidza semheni, uye ichisiya pachipisa, sokunge iri kuisa uturu muvainoruma.
6 Uku kurondedzera kwakakodzera kwazvo mambo mutsva uyu. Hezekia “akakunda vaFiristia kusvikira paGaza nenyika yaro.” (2 Madzimambo 18:8) Maererano nemabhuku emabasa aMambo Seniheribhi weAsiria, vaFiristia vanova vanhu vaHezekia. “Varombo”—umambo hwenyika yeJudha hwakapedzwa simba—hunosvika pakuva hwakachengeteka nokuwana zvinhu zvizhinji, Firistia ichitambura nenzara.—Rava Isaya 14:30, 31.
7. Hezekia anofanira kuzivisa kutenda muchii kunhume dziri muJerusarema?
7 Zvinoratidza sokuti nhume dzirimo munyika yeJudha—pamwe dzichitsvaka wokubatana naye kurwisa Asiria. Dzinofanira kuudzwa kuti chii? “Zvino nhume dzorudzi urwu vachadzipindurei?” Hezekia anofanira kutsvaka kudzivirirwa nokuita mubatanidzwa nenyika dzokumwe here? Aiwa! Anofanira kuudza nhume dzacho kuti: “Jehovha wakavamba Zioni, vanotambudzika vavanhu vake vachavandiramo.” (Isaya 14:32) Mambo anofanira kuvimba naJehovha zvakakwana. Nheyo yeZioni yakasimba. Guta racho richapukunyuka senzvimbo yakachengeteka pangozi ingabva kumuAsiria.—Pisarema 46:1-7.
8. (a) Dzimwe nyika nhasi dzave dzakaita seFiristia pakudii? (b) Sezvaakaita munguva dzekare, Jehovha akaitei kutsigira vanhu vake nhasi?
8 Kufanana neFiristia, mamwe marudzi nhasi anoshora zvinotyisa vanamati vaMwari. Zvapupu zvaJehovha zvechiKristu zvakatenherwa mumajere nomumisasa yevasungwa. Zvakarambidzwa. Zvinoverengeka zvakaurawa. Vavengi vanoramba vachi“unganira upenyu hwowakarurama.” (Pisarema 94:21) Kuvavengi vavo, boka revaKristu iri ringaratidzika se“varombo” ne“vanoshayiwa.” Zvisinei, nokutsigira kwaJehovha, vanofara nezvizhinji zvomudzimu, apo vavengi vavo vanenge vachitambura nenzara. (Isaya 65:13, 14; Amosi 8:11) Jehovha paanotambanudza ruoko rwake achirwa nevaFiristia vomuzuva ranhasi, “varombo” ava vachave vakachengeteka. Kupi? Vakabatana ne“imba yaMwari,” iyo Jesu ari nheyo yakasimba. (VaEfeso 2:19, 20) Uye vachave vakadzivirirwa ne“Jerusarema rokudenga,” Umambo hwaJehovha hwokudenga, huna Jesu Kristu saMambo.—VaHebheru 12:22; Zvakazarurwa 14:1.
Moabhi Inonzi Inyarare
9. Chirevo chinotevera chinoitwa kunaani, uye vanhu ava vakaratidza sei kuva vavengi vevanhu vaMwari?
9 Kumabvazuva kweGungwa Rakafa kune mumwe muvakidzani waIsraeri—Moabhi. Kusiyana nevaFiristia, vaMoabhi vane ukama naIsraeri, sezvo vari vazukuru vemwana womunin’ina waAbrahama Roti. (Genesi 19:37) Pasinei zvapo noukama ihwohwo, Moabhi ine mukurumbira wokuvengana neIsraeri. Somuenzaniso, kare mumazuva aMosesi, mambo weMoabhi akakumbira muprofita Bharami, achitarisira kuti aizotuka vaIsraeri. Izvozvo pazvakakundikana, Moabhi yakashandisa unzenza nokunamata Bhaari kupinza vaIsraeri mumusungo. (Numeri 22:4-6; 25:1-5) Naizvozvo hazvishamisi kuti, Jehovha zvino anofuridzira Isaya kunyora “chirevo pamusoro paMoabhi”!—Isaya 15:1a.
10, 11. Chii chichaitika kuMoabhi?
10 Uprofita hwaIsaya hwakanangana nemaguta akasiyana-siyana nenzvimbo dzeMoabhi, kusanganisira Ari, Kiri (kana kuti Kiri-hareseti), uye Dibhoni. (Isaya 15:1b, 2a) VaMoabhi vachachemera makeke ane magirepi eKiri-hareseti, pamwe chinhu chikuru chinowanikwa muguta racho. (Isaya 16:6, 7) Sibhima neJazeri, anozivikanwa nokuda kwokurima mazambiringa, acharwiswa. (Isaya 16:8-10) Egrati-sheri-shiya, iro rine zita ringagona kureva “Tsiru Remakore Matatu,” richave rakaita semhou duku yakasimba inobowa zvinonzwisa urombo nokurwadziwa. (Isaya 15:5) Uswa hwenyika yacho huchaoma apo “mvura yeDhimoni” inozara neropa nemhaka yokuurawa kwevaMoabhi. “Mvura yeNimrimi ichaparadzwa,” pamwe mupfungwa yokufananidzira kana kuti sezvazviri chaizvo—pamwe nemhaka yokuti mauto evavengi anovhara hova dzawo.—Isaya 15:6-9.
11 VaMoabhi vachazvisunga nemasaga, nguo yokuchema. Vachaveura misoro yavo kuratidza kunzwa urombo nokuchema. Ndebvu dzavo dzicha“veurwa,” zvichiratidza nhamo huru nokunyadziswa. (Isaya 15:2b-4) Isaya pachake, ane chokwadi chokuzadzika kwokutonga uku, anonzwa kushungurudzwa. Setambo dzorudimbwa dziri kubvunda, nechomukati make anonzwa tsitsi nemhaka yeshoko renhamo kuna Moabhi.—Isaya 16:11, 12.
12. Mashoko aIsaya paMoabhi akazadzika sei?
12 Uprofita uhwu huchazadzika rini? Nokukurumidza. “Ndirori shoko rakataurwa naJehovha pamusoro paMoabhi panguva yakare. Asi zvino Jehovha wakataura achiti: Makore matatu asati apfuura, samakore omunhu unobatira mubayiro, kukudzwa kwaMoabhi kuchazvidzwa, pamwe chete navanhu vake vazhinji; vakasara vachava vashoma kwazvo, vasina simba.” (Isaya 16:13, 14) Maererano neizvi, kune uchapupu hwevanochera matongo hwokuti muzana ramakore rechisere B.C.E., Moabhi yakatambura zvakakomba uye nzvimbo dzayo zhinji vanhu vakatapudzika. Tirgati-pirneseri III akataura nezvaSaramanu weMoabhi pakati pevatongi vairipa mutero kwaari. Seniheribhi aigamuchira mutero kubva kuna Kammusunadbi, mambo weMoabhi. Madzimambo eAsiria Esari-hadhoni naAshurbhanipari vakataura nezveMadzimambo eMoabhi Musuri neeKamasharutu sevanhu vavo. Mazana emakore akapfuura, vaMoabhi vakaguma kuvapo sorudzi. Matongo emaguta anofungwa kuva evaMoabhi akawanikwa, asi uchapupu hushomanene hunooneka hwafukunurwa hweachimbova muvengi ane simba waIsraeri uyu.
“Moabhi” Yomuzuva Ranhasi Inotsakatika
13. Isangano ripi nhasi ringafananidzwa neMoabhi?
13 Nhasi kune sangano renyika yose rakafanana neMoabhi yekare. ChiKristudhomu, chikamu chikuru che“Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 17:5) Vose vaMoabhi nevaIsraeri vakabva kuna baba vaAbrahama, Tera. Nenzira yakafanana, chiKristudhomu, kufanana neungano yechiKristu yevaKristu vakazodzwa nhasi, chinoti chakabuda muungano yechiKristu yomuzana rokutanga remakore. (VaGaratiya 6:16) Zvisinei, chiKristudhomu—kufanana neMoabhi—chine uori, chichikurudzira unzenza hwomudzimu nokunamatwa kwevamwari kunze kwaMwari mumwe wechokwadi Jehovha. (Jakobho 4:4; 1 Johani 5:21) Seboka, vatungamiriri vechiKristudhomu vanoshora avo vanoparidza mashoko akanaka oUmambo.—Mateu 24:9, 14.
14. Pasinei zvapo nechirevo chaJehovha ku“Moabhi” yomuzuva ranhasi, itariroi iripo kuvanhu vakazvimiririra vesangano iroro?
14 Moabhi yakazoitwa kuti inyarare pakupedzisira. Ndizvo zvichaitikawo kuchiKristudhomu. Jehovha, achishandisa mumwe akafanana neAsiria muzuva ranhasi achaita kuti chiparadzwe. (Zvakazarurwa 17:16, 17) Zvisinei, kune tariro kuvanhu vari mu“Moabhi” yomuzuva ranhasi iyi. Ari pakati pokuprofitira Moabhi, Isaya anoti: “Chigaro choushe chichamiswa netsitsi; mumwe uchagara pamusoro pacho nezvokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga, achitsvaka kururamisira vanhu, achikurumidza kuita zvakarurama.” (Isaya 16:5) Muna 1914, Jehovha akasimbisa kwazvo chigaro chaJesu, Mutongi mudzinza raMambo Dhavhidhi. Ushe hwaJesu kuratidzwa kwetsitsi dzorudo dzaJehovha uye, mukuzadzika kwesungano yaMwari naMambo Dhavhidhi, huchagara nokusingaperi. (Pisarema 72:2; 85:10, 11; 89:3, 4; Ruka 1:32) Vanyoro vazhinji vakasiya “Moabhi” yomuzuva ranhasi uye vakazviisa pasi paJesu kuitira kuti vawane upenyu. (Zvakazarurwa 18:4) Zvinonyaradza sei kune ivava kuziva kuti Jesu acha‘ratidzira marudzi zvakajeka chiri kururamisira’!—Mateu 12:18; Jeremia 33:15.
Dhamasko Rinova Matongo ari Kuora
15, 16. (a) Matanho api ehasha ayo Dhamasko neIsraeri dzinotorera nyika yeJudha, uye nomugumisiroi kuDhamasko? (b) Ndiani anobatanidzwa muchirevo chinoitirwa Dhamasko? (c) VaKristu vangadzidzei nhasi mumuenzaniso wevaIsraeri?
15 Isaya anotevera kunyora “chirevo pamusoro peDhamasko.” (Rava Isaya 17:1-6) Dhamasko, riri kumusoro kweIsraeri, “musoro weSiria.” (Isaya 7:8) Munguva yokutonga kwaMambo Ahazi wenyika yeJudha, Rezini weDhamasko vakabatana naPeka weIsraeri vanopinda nechisimba munyika yeJudha. Zvisinei, Tigrati-piresi III weAsiria anorwa neDhamasko akumbirwa naAhazi, achirikunda nokutapa vagari vemo vakawanda. Zvadaro, Dhamasko haizorambi ichityisidzira nyika yeJudha.—2 Madzimambo 16:5-9; 2 Makoronike 28:5, 16.
16 Pamwe nemhaka yokubatana kweIsraeri neDhamasko, chirevo chaJehovha kuDhamasko chinosanganisirawo mashoko okutonga umambo hwokumusoro husina kutendeka. (Isaya 17:3) Israeri achaita somunda panguva yokukohwa une zviyo zvishomanene kana kuti somuti wemuorivhi wakazunzwa zvibereko mapazi ose. (Isaya 17:4-6) Muenzaniso unobetsera kufungisisa sei nokuda kweavo vakazvitsaurira kuna Jehovha! Anotarisira kuzvipira kwaari chete uyewo anogamuchira basa dzvene remwoyo wose chete. Uye anovenga avo vanorwa nehama dzavo.—Eksodho 20:5; Isaya 17:10, 11; Mateu 24:48-50.
Kuvimba Zvakazara naJehovha
17, 18. (a) Vamwe muna Israeri vanoita sei nezvirevo zvaJehovha, asi vazhinji vanoita sei? (b) Zviitiko zvomuzuva ranhasi zvakafanana sei nezvomuzuva raHezekia?
17 Isaya zvino anoti: “Nezuva iro vanhu vachatarira Musiki wavo, meso avo achaona Mutsvene waIsraeri. Havangatariri artari, iro basa ramaoko avo; zvakaitwa neminwe yavo havangavi nehanya nazvo, kana iri miti yakatsaurwa kana mifananidzo yezuva.” (Isaya 17:7, 8) Hungu, vamwe muna Israeri vateerera chirevo chaJehovha chenyevero. Somuenzaniso, Hezekia paanokoka vagari venyika yaIsraeri kuti vazobatana nenyika yeJudha kupemberera Paseka, vamwe vaIsraeri vanonzwa vobva vafamba vakananga zasi kunobatana nehama dzavo mukunamata kwakachena. (2 Makoronike 30:1-12) Kunyange zvakadaro, vazhinji vevagari venyika yeIsraeri vanoseka nhume dzakakokwa. Nyika yacho yave nokuramba kutenda kusingabvisiki. Naizvozvo, chirevo chaJehovha kwairi chinozadzika. Asiria inoparadza maguta eIsraeri, nyika yacho inova dongo, mafuro acho haachina chinokuramo.—Rava Isaya 17:9-11.
18 Zvakadini nanhasi? Israeri rwakanga rwuri rudzi rwakaramba kutenda. Naizvozvo, nzira iyo Hezekia akaedza kubetsera nayo vanhu vomurudzi irworwo kudzokera kukunamata kwechokwadi inotiyeuchidza nezvenzira iyo vaKristu vechokwadi nhasi vanoedza kubetsera nayo vanhu vari musangano rakaramba kutenda rechiKristudhomu. Kubva muna 1919, nhume dzaibva kuna “Israeri waMwari” dzakapinda muchiKristudhomu, dzichikoka vanhu kuti vauye kukunamata kwakachena. (VaGaratiya 6:16) Vazhinji vakaramba. Vakawanda vakanyomba nhume dzacho. Zvisinei vamwe vakateerera. Iye zvino vanosvika mamiriyoni, uye vanofara no‘kutarira Mutsvene waIsraeri,’ vachidzidziswa naye. (Isaya 54:13) Vanosiya kunamata paartari dzisiri tsvene—kuzvipira nokuvimba nevamwari vakagadzirwa nevanhu—uye nechido chikuru vanotendeukira kuna Jehovha. (Pisarema 146:3, 4) Kufanana naMika akararama panguva imwe naIsaya, mumwe nomumwe wavo anoti: “Asi kana ndirini ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa.”—Mika 7:7.
19. Ndivanaani avo Jehovha achatuka, uye izvi zvicharevei kwavari?
19 Kusiyana kwakadini neavo vanovimba nevanhu vanofa! Mafungu akabvongodzwa echisimba nenyongano zvinorakasha vanhu muano mazuva okupedzisira. “Gungwa” revanhu vasina kudzikama, vanopandukira rinokonzera kupesana nokumukira. (Isaya 57:20; Zvakazarurwa 8:8, 9; 13:1) Jehovha acha“tuka” boka rine ruzha iri. Umambo hwake hwokudenga huchaparadza masangano ose nevanhu vose vari kunetsa, uye ivava vacha“tizira kure . . . seguruva rinopfungaira pamberi pedutu remhepo.”—Isaya 17:12, 13; Zvakazarurwa 16:14, 16.
20. Pasinei zvapo noku‘birwa’ nemarudzi, vaKristu vechokwadi vane chivimbo chei?
20 Zvinoguma sei? Isaya anoti: “Nenguva yamadekwana, tarirai kuchava nokutyisa; mangwanani kusati kwaedza havachipo. Ndiwo mugove wavanotipambara, nomubayiro wavanotibira.” (Isaya 17:14) Vazhinji vari kubira vanhu vaJehovha, vachivabata nehasha nokusaremekedza. Nemhaka yokuti havasi—uye havadi kuva—vezvitendero zvikuru zvenyika, vaKristu vechokwadi vanoonekwa senyama yemagora nevatsoropodzi vakarerekera divi rimwe nevashori vanonyanyisa. Asi vanhu vaMwari vane chivimbo chokuti “mangwanani” apo matambudziko avo achapera ava pedyo zvikuru.—2 VaTesaronika 1:6-9; 1 Petro 5:6-11.
Etiopia Inounza Chipo Kuna Jehovha
21, 22. Rudzi rwupi runotevera kugamuchira chirevo chokutonga, uye mashoko akafuridzirwa aIsaya anozadzika sei?
21 Panguva dzinenge mbiri, Etiopia, iri zasi kweIjipiti, yakamborwa hondo nenyika yeJudha. (2 Makoronike 12:2, 3; 14:1, 9-15; 16:8) Zvino Isaya anofanotaura kutonga parudzi irworwo achiti: “Haiwa nyika yokuvirira kwamapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeEtiopia!” (Rava Isaya 18:1-6.)a Jehovha anozivisa kuti Etiopia ‘ichagurwa, ichabviswa, nokutemwa.’
22 Munhau dzakaitika dzenyika tinoudzwa kuti nechokunopera kwezana remakore rechisere B.C.E., Etiopia yakakunda Ijipiti ndokuitonga kwemakore anenge 60. Madzimambo eAsiria Esari-hadhoni naAshurbhanipari akazoipindirawo nechisimba. Nokuparadzwa kweThebes naAshurbhanipari, Asiria yakakunda Ijipiti, naizvozvo ichigumisa kutonga kweEtiopia muMupata weNairi. (Onawo Isaya 20:3-6.) Zvakadini nomunguva dzazvino?
23. “Etiopia” yomuzuva ranhasi inoita basa rei, uye nei ichiparadzwa?
23 Muuprofita hwaDhanieri hwe“nguva yokupedzisira,” “mambo wokumusoro” ane hasha anorondedzerwa seanoita kuti Etiopia neRibhia dzi“tevere makwara ake,” kureva kuteerera kutungamirira kwake. (Dhanieri 11:40-43) Etiopia inotaurwawo seiri mumauto ehondo a“Gogi, wenyika yaMagogi.” (Ezekieri 38:2-5, 8) Mauto aGogi, kusanganisira mambo wokumusoro, achaparadzwa paanorwisa rudzi rutsvene rwaJehovha. Naizvozvo, ruoko rwaJehovha ruchatambanudzirwawo “Etiopia” yomuzuva ranhasi nemhaka yokushora kwayo uchangamire hwaJehovha.—Ezekieri 38:21-23; Dhanieri 11:45.
24. Jehovha akagamuchira “zvipo” kubva kumarudzi munzirai?
24 Asi, uprofita hwacho hunotiwo: “Nenguva iyo Jehovha wehondo uchavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose-kwose, . . . kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZioni.” (Isaya 18:7) Kunyange zvazvo marudzi asingaremekedzi uchangamire hwaJehovha, pane dzimwe nguva akaita nenzira inobetsera vanhu vaJehovha. Mune dzimwe nyika zviremera zvakadzika mitemo nokuita zvisarudzo zvedare zvinopa kodzero dzapamutemo kuvanamati vakatendeka vaJehovha. (Mabasa 5:29; Zvakazarurwa 12:15, 16) Uye pane zvimwe zvipo. “Madzimambo achakuvigirai zvipo. . . . Machinda achabuda Egipita; Etiopia ichakurumidza kutambanudza maoko ayo kuna Mwari.” (Pisarema 68:29-31) Nhasi, mamiriyoni eva“Etiopia” vomuzuva ranhasi vanotya Jehovha ari kuuya ne“chipo” chokunamata. (Maraki 1:11) Vari kuitawo basa guru rokuparidza mashoko akanaka oUmambo munyika yose. (Mateu 24:14; Zvakazarurwa 14:6, 7) Chipo chakanaka sei chokupa Jehovha!—VaHebheru 13:15.
Mwoyo weIjipiti Unonyunguduka
25. Mukuzadzika kwaIsaya 19:1-11, chii chinoitika kuIjipiti yekare?
25 Muvakidzani wepedyo wenyika yeJudha ari zasi iIjipiti, yakagara iri muvengi wevanhu vaMwari vesungano. Chitsauko 19 chaIsaya chinorondedzera kunyongana kwakaita zvinhu muIjipiti munguva yaIsaya. Kune hondo yevagari veIjipiti pachavo, “guta rich[i]mukira guta, ushe huch[i]mukira ushe.” (Isaya 19:2, 13, 14) Vanyori venhau dzakaitika vanopa uchapupu hwedzimba dzoumambo dzairwisana dzaitonga nzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika yacho panguva imwe. Uchenjeri husina maturo hweIjipiti, ne‘vamwari vayo vasingabetseri nevanoita mashiripiti,’ havaiponesi pa“ruoko rwamambo une hasha.” (Isaya 19:3, 4) Ijipiti inokundwa neAsiria, Bhabhironi, Persia, Girisi, uye Roma dzakatevedzana. Zviitiko izvi zvose zvinozadzika uprofita hwaIsaya 19:1-11.
26. Mukuzadzika kukuru, vagari vomu“Egipita” yomuzuva ranhasi vanoita sei nemabasa okutonga aJehovha?
26 Zvisinei, muBhaibheri, Ijipiti kazhinji inomirira nyika yaSatani. (Ezekieri 29:3; Joere 3:19; Zvakazarurwa 11:8) Kana zvakadaro, “chirevo pamusoro peEgipita” chaIsaya chine kuzadzika kukuru here? Hungu, zvechokwadi! Mashoko okutanga ouprofita hwacho anofanira kuita kuti munhu wose ade kuziva: “Tarirai, Jehovha wakatasva gore rinomhanya, woswedera Egipita; zvifananidzo zveEgipita zvichadedera pamberi pake, nomwoyo weEgipita uchanyauka mukati mawo.” (Isaya 19:1) Jehovha nokukurumidza achaita chimwe chinhu pasangano raSatani. Panguva iyoyo, vamwari vegadziriro ino yezvinhu vachaonekwa kuti havabetseri. (Pisarema 96:5; 97:7) “Nomwoyo weEgipita uchanyauka” nokutya. Jesu akafanotaura nezvenguva iyoyo: “Kuchava . . . [no]kurwadziwa zvikuru kwemarudzi pasi pano, asingazivi nzira yokubuda nayo nemhaka yokunyanduka kwegungwa nokusagadzikana kwaro, vanhu vachipera simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya pamusoro pepasi rinogarwa.”—Ruka 21:25, 26.
27. Kukamukana kupi kwomukati kwakafanotaurwa nokuda kwe“Egipita,” uye izvi zviri kuzadzika sei nhasi?
27 Nezvenguva inotangira kutonga kwake, Jehovha anotaura nenzira youprofita kuti: “Ndichamutsa mwoyo yavaEgipita vamukire vaEgipita; mumwe nomumwe ucharwa nehama yake, mumwe nomumwe nowakavakirana naye; guta richamukira guta, ushe huchamukira ushe.” (Isaya 19:2) Kubva pakagadzwa umambo hwaMwari muna 1914, “chiratidzo chokuvapo kwa[Jesu]” chakaoneswa norudzi ruchimukira rudzi uye umambo huchimukira umambo. Kuparadzwa kwemarudzi, kupondwa kwemadzinza, uye kunonzi kurovesa dzinza kwakaurayisa mamiriyoni avanhu mumazuva ano okupedzisira. “Marwadzo enhamo” akadaro achangowedzera kuipa mugumo sezvaunoswedera pedyo.—Mateu 24:3, 7, 8.
28. Muzuva rokutonga, chitendero chenhema chichaitei kuti chiponese gadziriro ino yezvinhu?
28 “Mweya weEgipita uchapera mukati mawo; ndichaparadza kufunga kwawo; vachandobvunza zvifananidzo, navane mazango, navauki nen’anga.” (Isaya 19:3) Mosesi paakaenda pamberi paFarao, vapristi veIjipiti vakanyadziswa, vachikundikana kuenzana nesimba raJehovha. (Eksodho 8:18, 19; Mabasa 13:8; 2 Timoti 3:8) Nenzira yakafanana, muzuva rokutonga, chitendero chenhema chichakundikana kuponesa gadziriro ino yezvinhu ine uori. (Enzanisa naIsaya 47:1, 11-13.) Pakupedzisira, Ijipiti yakava pasi pa“mambo une hasha,” Asiria. (Isaya 19:4) Izvi zvinofananidzira nguva yemberi isina tariro yakatarisana negadziriro ino yezvinhu.
29. Zuva raJehovha parinouya, vezvematongerwe enyika vachava vanobetsera here?
29 Zvisinei, zvakadini nevatungamiriri vezvamatongerwe enyika? Vanogona kubetsera here? “Machinda eZoani mapenzi kwazvo; mano amakota akaisvochenjera aFarao ashanduka upenzi.” (Rava Isaya 19:5-11.) Upenzi hwakadini kutarisira kuti vanhu vanopa mazano vachazobetsera chinhu nezuva rokutonga! Kunyange vane zivo yose yenyika, havana uchenjeri hwaMwari. (1 VaKorinde 3:19) Vakaramba Jehovha uye vakaenda kusayenzi inonzi, uzivi, mari, mafaro, uye vamwe vanamwari vokutsiva. Somugumisiro, havana zivo yezvinangwa zvaMwari. Vakanyengerwa uye vakanyongana. Mabasa avo haana maturo. (Rava Isaya 19:12-15.) “Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, vakavhunduka nokubatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?”—Jeremia 8:9.
Chiratidzo Nechapupu Kuna Jehovha
30. ‘Nyika yeJudha ichava chisakiso chokutya kuIjipiti’ munzirai?
30 Zvisinei, kunyange zvazvo vatungamiriri ve“Egipita” vasina simba, “kufanana navakadzi,” kuchine vamwe vanhu vanotsvaka uchenjeri hwaMwari. Vakazodzwa vaJehovha neshamwari dzavo ‘vanozivisa kwose kwose ukuru hwaMwari.’ (Isaya 19:16; 1 Petro 2:9) Vari kuita zvavanogona kunyevera vanhu nezvekuparadzwa kwesangano raSatani kuri kuuya. Achiona zviri mberi kusvika pamamiriro aya ezvinhu, Isaya anoti: “Nyika yaJudha ichava chityiso cheEgipita; mumwe nomumwe unozviudzwa uchatya nokuda kwomutemo waJehovha wehondo, waakatema pamusoro pavo.” (Isaya 19:17) Nhume dzakatendeka dzaJehovha dzinoenda dzichitaurira vanhu chokwadi—kusanganisira kuzivisa matambudziko akafanotaurwa naJehovha. (Zvakazarurwa 8:7-12; 16:2-12) Izvi zvinovhiringidza vatungamiriri vezvechitendero venyika.
31. Zvinoitika sei kuti “rurimi rweKanani” rwutaurwe mumaguta eIjipiti (a) kare? (b) munguva yazvino?
31 Ndoupi uri mugumisiro unoshamisa webasa rokuzivisa iri? “Nezuva iro maguta mashanu achavapo panyika yeEgipita, anotaura rurimi rweKanani, vachipika naJehovha wehondo; mumwe uchaidzwa Guta Rokuparadzwa.” (Isaya 19:18) Kare uprofita uhwu hwakazadzika apo rurimi rwechiHebheru rwakataurwa mumaguta evaIjipiti nevaJudha vakanga vatizira ikoko. (Jeremia 24:1, 8-10; 41:1-3; 42:9–43:7; 44:1) Nhasi, kune vanhu vari mundima ye“Egipita” yomuzuva ranhasi vakadzidza kutaura “mutauro wakachena” wechokwadi cheBhaibheri. (Zefania 3:9) Rimwe remaguta acho mashanu okufananidzira rinonzi “Guta Rokuparadzwa,” zvichiratidza kuti rimwe divi ro“mutauro wakachena” rine chokuita nokufumura noku‘paradza’ sangano raSatani.
32. (a) I“artari” ipi iri pakati penyika yeIjipiti? (b) Vakazodzwa vakaita se“mbiru” pamuganhu weIjipiti sei?
32 Nemhaka yebasa rokuzivisa revanhu vaJehovha, zita rake guru zvechokwadi richazivikanwa mugadziriro ino yezvinhu. “Nezuva iro pakati penyika yeEgipita pachava neartari kuna Jehovha, nembiru pamuganho waro kuna Jehovha.” (Isaya 19:19) Mashoko aya anotaura nezvenzvimbo yevaKristu vakazodzwa, avo vari muukama hwesungano naMwari. (Pisarema 50:5) Se“artari” vari kupa zvibayiro zvavo; se“mbiru nechitsigiso chechokwadi,” vari kupupurira Jehovha. (1 Timoti 3:15; VaRoma 12:1; VaHebheru 13:15, 16) Vari “mukati menyika,” vachiwanikwa—pamwe chete neshamwari dzavo “mamwe makwai”—munyika dzinopfuura 230 nezvitsuwa zvegungwa. Asi “havasi rutivi rwenyika.” (Johani 10:16; 17:15, 16) Vakaita sevamire pamuganhu wenyika ino noUmambo hwaMwari, vakagadzirira kuyambuka muganhu iwoyo kuti vagamuchire mubayiro wavo wokudenga.
33. Vakazodzwa “chiratidzo” ne“chapupu” mu“Egipita” munzirai?
33 Isaya anoenderera mberi achiti: “Zvichava chiratidzo nechapupu chaJehovha wehondo panyika yeEgipita; nokuti vachadanidzira kuna Jehovha nemhaka yavamanikidzi, uchavatumira muponesi nomurwiri, iye uchavaponesa.” (Isaya 19:20) Se“chiratidzo” no“chapupu,” vakazodzwa vanotungamirira mubasa rokuparidza uye vanokwidziridza zita raJehovha mugadziriro ino yezvinhu. (Isaya 8:18; VaHebheru 2:13) Munyika yose kuchema kwevanhu vakadzvinyirirwa kunonzwika, asi nguva zhinji hurumende dzevanhu hadzikwanisi kuvabetsera. Zvisinei, Jehovha achatumira Muponesi Mukuru, Mambo Jesu Kristu, kuzosunungura vanyoro vose. Mazuva ano okupedzisira paanosvika pamugumo wawo pahondo yeAmagedhoni, iye achaunza zororo nezvikomborero zvisingaperi kuvanhu vanotya Mwari.—Pisarema 72:2, 4, 7, 12-14.
34. (a) Jehovha achasvika sei pakuzivikanwa ne“vaEgipita,” uye chibayiro chechii nechipo chavachamupa? (b) Jehovha acharova “Egipita” rini, uye kuporesa kwakadini kuchatevera?
34 Munguva ino, kuda kwaMwari kuti vanhu vose vawane zivo yakarurama uye vaponeswe. (1 Timoti 2:4) Naizvozvo, Isaya anonyora kuti: “Jehovha uchazviratidza kuEgipita, navaEgipita vachaziva Jehovha nezuva iro; zvirokwazvo vachamunamata nezvibayiro nezvipo, vachapikira Jehovha mhiko, nokuzviita. Jehovha ucharova Egipita, achirova nokuporesazve; zvino vachadzokera kuna Jehovha, iye uchanzwa kunyengetera kwavo akavaporesa.” (Isaya 19:21, 22) Vanhu vanobva kumarudzi ose enyika yaSatani, “vaEgipita” somunhu mumwe nomumwe, vanosvika pakuziva Jehovha nokumupa zvibayiro, “chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.” (VaHebheru 13:15) Vanoita mhiko kuna Jehovha nokuzvitsaurira kwavo kwaari, uye vanoripa mhiko yavo nokurarama upenyu hwebasa rokuvimbika. Pashure pe“kurova” kuchaita Jehovha gadziriro ino yezvinhu paAmagedhoni, achashandisa Umambo hwake kuporesa vanhu. Munguva yoKutonga kwaKristu kweMakore Ane Chiuru, vanhu vachakwidziridzwa kusvika pakukwana mumudzimu, mupfungwa, mutsika, uye . . . mumuviri—kuporesa zvechokwadi!—Zvakazarurwa 22:1, 2.
“Vanhu Vangu . . . Ngavaropafadzwe”
35, 36. Mukuzadzika kwaIsaya 19:23-25, kubatana kupi kwakavapo kare pakati peIjipiti, Asiria, neIsraeri?
35 Muprofita anobva aona chimwe chichaitika chinoshamisa: “Nezuva iro nzira huru ichavapo inobva Egipita ichienda Asiria; vaAsiria vachaenda Egipita, navaEgipita vachaenda Asiria; vaEgipita vachanamata pamwe chete navaAsiria. Nezuva iro vaIsraeri vachava rudzi rwechitatu vachitevera Egipita neAsiria, vachava ruropafadzo pakati penyika; nokuti Jehovha wehondo wakavaropafadza achiti: VaEgipita, vanhu vangu navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu, ngavaropafadzwe.” (Isaya 19:23-25) Hungu, rimwe zuva pachava noushamwari pakati peIjipiti neAsiria. Sei?
36 Jehovha paakanunura vanhu vake munguva dzakapfuura kumarudzi, aiita sokunge aivagadzirira migwagwa yokuenda kurusununguko. (Isaya 11:16; 35:8-10; 49:11-13; Jeremia 31:21) Kuzadzika kuduku kwouprofita uhwu kwakaitika pashure pokukundwa kweBhabhironi apo nhapwa dzakabva Asiria neIjipiti, neBhabhironi, dzakadzoswa kuNyika Yakapikirwa. (Isaya 11:11) Asi zvakadini nomunguva dzazvino?
37. Mamiriyoni nhasi anorarama sei sokunge kuti pane mugwagwa mukuru pakati pe“Asiria” ne“Egipita”?
37 Nhasi, vasara vevaIsraeri vomudzimu vakazodzwa “ruropafadzo pakati penyika.” Vanotsigira kunamata kwechokwadi uye vari kuzivisa shoko roUmambo kuvanhu munyika dzose. Dzimwe dzenyika idzi dzakaita seAsiria, dzine mauto akasimba kwazvo ehondo. Dzimwe nyika dzakati sunungukei, pamwe seIjipiti—yaimbova “mambo wezasi” womuuprofita hwaDhanieri. (Dhanieri 11:5, 8) Mamiriyoni evanhu ari kubva munyika dzine mauto akasimba nenyika dzakati sunungukei akagamuchira nzira yokunamata kwechokwadi. Naizvozvo, vanhu vanobva mumarudzi ose vakabatana mu‘kuita basa.’ Hapana kukamukana kwemarudzi pakati paivava. Vanodanana, uye zvinogona kutaurwa zvechokwadi kuti ‘Asiria inopinda muIjipiti uye Ijipiti inopinda muAsiria.’ Zvakaita sokunge kuti kwaive nomugwagwa mukuru unobva kune imwe uchienda kune imwe.—1 Petro 2:17.
38. (a) Israeri “achava rudzi rwechitatu vachitevera Egipita neAsiria” sei? (b) Nei Jehovha achiti “vanhu vangu . . . ngavaropafadzwe”?
38 Israeri, inosvika sei zvino pakuva “rudzi rwechitatu vachitevera Egipita neAsiria”? Pakuvamba kwe“nguva yokupedzisira,” vazhinji vevaishumira Jehovha pano pasi vakanga vari vamwe va“Israeri waMwari.” (Dhanieri 12:9; VaGaratiya 6:16) Kubva kuma1930, boka guru re“mamwe makwai,” rine tariro yepano pasi, rakaonekwa. (Johani 10:16a; Zvakazarurwa 7:9) Vachibuda munyika—dzakafanofananidzirwa neIjipiti neAsiria—vanodirana vachienda kuimba yaJehovha yokunamatira uye vanokoka vamwe kuti vabatane navo. (Isaya 2:2-4) Vanoita basa rimwe chete rokuparidza sezvinoita hama dzavo dzakazodzwa, vanotsungirira miedzo yakafanana, vanoratidza kutendeka kwakafanana nokuvimbika, uye vanodya patafura yomudzimu imwe chete. Zvechokwadi, vakazodzwa ne“mamwe makwai” i“boka rimwe, nomufudzi mumwe.” (Johani 10:16b) Pane mumwe munhu angava nomubvunzo here pakuti Jehovha, achiona kushingaira nokutsungirira kwavo, anofadzwa nebasa ravo? Naizvozvo hazvishamisi kuti anotaura mashoko okukomborera kwavari achiti: “Vanhu vangu . . . ngavaropafadzwe”!
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti mashoko okuti “nyika yokuvirira kwemapapiro” anotaura nezvemhashu dzinopota dzichiita mapute muEtiopia. Vamwe vanoti shoko rechiHebheru rokuti “kuvirira,” tsela·tsalʹ, rakada kufanana pamadanirwo aro nezita rinopiwa mhesvi, tsaltsalya, nevaGalla, vanhu vechiHamite vanogara kuEtiopia yomuzuva ranhasi.
[Mufananidzo uri papeji 191]
Mauto eFiristia achirwisa vavengi vawo (chivezwa cheIjipiti chomuzana ramakore rechi12 B.C.E.)
[Mufananidzo uri papeji 192]
Chivezwa chedombo chemurwi weMoabhi kana kuti mwari (pakati pezana remakore rechi11 nerechi8 B.C.E.)
[Mufananidzo uri papeji 196]
Murwi weSiria akatasva kamera (zana ramakore rechipfumbamwe B.C.E.)
[Mufananidzo uri papeji 198]
“Gungwa” revanhu vanopandukira rinokonzera kupesana nokumukira
[Mufananidzo uri papeji 203]
Vapristi veIjipiti havana kukwanisa kuenzana nesimba raJehovha