Kushumira Nomurindiri
“Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu.”—ISAYA 21:8.
1. Jehovha pachake anopupurira zvipikirwa zvikuru zvipi?
JEHOVHA ndiye Muiti weChinangwa Mukuru. Ngirozi yakapanduka yakava Satani Dhiyabhorosi haina zvainogona kuita kuti ivhiringidze chinangwa Chake chikuru chokutsvenesa zita Rake pachake ndokugadza kutonga kune mbiri kwoUmambo mupasi riri paradhiso. (Mateu 6:9, 10) Mukutonga ikoko, vanhu vachakomborerwa zvechokwadi. Mwari acha“paradza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.” Vanhu vanofara, vakabatana vachava norugare nokubudirira nokusingaperi. (Isaya 25:8; 65:17-25) Jehovha anozvipupurira oga zvipikirwa izvi zvikuru!
2. Vanhu vapi vanopupurira vakamutswa naJehovha?
2 Zvisinei, Musiki Mukuru anewo vanhu vanomupupurira. Munguva dzakatangira chiKristu ‘gore rezvapupu,’ kutanga naAbheri, rakamhanya nhangemutange yokutsungirira, kakawanda rakatarisana nezvinhu zvinonetsa zvakakura. Mienzaniso yaro yakanakisisa inokurudzira vaKristu vakavimbika nhasi. Kristu Jesu ndiye muenzaniso wakanakisisa wechapupu chakashinga. (VaHebheru 11:1–12:2) Somuenzaniso, yeuka uchapupu hwake hwokupedzisira pamberi paPondiyo Pirato. Jesu akazivisa kuti: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:37) Kubva muna 33 C.E. kusvikira kugore rino ra2000 C.E., vaKristu vanoshingaira vatevedzera muenzaniso waJesu uye varamba vachipupurira, vachizivisa “zvinhu zvikuru zvaMwari” vakashinga.—Mabasa 2:11.
Mapoka Ezvitendero zveBhabhironi
3. Satani akashora sei uchapupu hwakapiwa pamusoro paJehovha uye kuda kwake?
3 Muzviuru zvose zvemakore Mhandu huru, Satani Dhiyabhorosi, ave achitsvaka zvakashata kuzvidza uchapupu hwezvapupu zvaMwari. Sa“baba venhema,” iyi “dhiragoni huru . . . , nyoka yepakutanga,” yave ichi“tsausa pasi rose rinogarwa.” Yave isingaregi kurwisa kwayo vaya “vanochengeta mirayiro yaMwari,” kunyanya mumazuva ano okupedzisira.—Johani 8:44; Zvakazarurwa 12:9, 17.
4. Bhabhironi Guru rakavapo sei?
4 Makore anenge 4 000 apfuura, pashure peMafashamo ezuva raNoa, Satani akamutsa Nimirodhi, “mudzimba mukuru pamberi paJehovha.” (Genesi 10:9, 10) Guta guru zvikuru raNimirodhi, Bhabhironi (Bhabheri), rakava nzvimbo yechitendero chaiita zvechidhimoni. Jehovha paakavhiringidza mutauro wevavaki vorusvingo rweBhabheri, vanhu vakapararira pasi rose, uye vakaenda nechitendero chavo chenhema. Nokudaro muBhabhironi ndimo makatangira umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, hunonzi Bhabhironi Guru mubhuku raZvakazarurwa. Bhuku iroro rinofanotaura mugumo wakashata wegadziriro iyi yechitendero yekare.—Zvakazarurwa 17:5; 18:21.
Rudzi rweZvapupu
5. Rudzi rwupi rwakarongwa naJehovha kuva chapupu chake, uye nei akarwubvumira kuenda muutapwa?
5 Makore anenge 500 pashure penguva yaNimirodhi, Jehovha akaronga vazukuru vaAbrahama akatendeka kuva rudzi rwaIsraeri kuti vashumire sechapupu Chake pasi pano. (Isaya 43:10, 12) Vanhu vakawanda verudzi irworwo vakashumira Jehovha vakavimbika. Zvisinei, mumazana emakore akatevera zvinhu zvenhema zvaidavirwa nemarudzi akanga akavakidzana nevaIsraeri zvakavasvibisa, uye vanhu vaJehovha vesungano vakabva kwaari vachindonamata vanamwari venhema. Saka, muna 607 B.C.E., mauto eBhabhironi, aitungamirirwa naMambo Nebhukadhinezari, akaparadza Jerusarema netemberi yaro ndokuenda nevaJudha vakawanda vacho kuutapwa muBhabhironi.
6. Murindiri waJehovha wouprofita akazivisa mashoko api akanaka, uye akaitika rini?
6 Uku kwaiva kubudirira kwakadini kwechitendero chenhema! Zvisinei, kutonga kweBhabhironi kwakagara nguva pfupi. Makore anenge 200 chiitiko ichocho chisati chaitika, Jehovha akarayira kuti: “Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona.” Murindiri uyu aifanira kuzivisa mashoko api? “Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikirwa pasi.” (Isaya 21:6, 9) Zvechokwadiwo, muna 539 B.C.E., chiziviso chacho chouprofita chakaitika. Bhabhironi raiva nesimba rakawa, uye vanhu vaMwari vesungano nokukurumidza vakakwanisa kudzoka kunyika yokumusha kwavo.
7. (a) VaJudha vakadzidzei muchirango chaJehovha? (b) VaJudha vakararama pashure poutapwa vakawira mumisungoi, uye chii chakaguma chaitika?
7 VaJudha vaidzoka vakanga vadzidza chidzidzo kuti varege kunamata mifananidzo uye chitendero chaiita zvemidzimu. Zvisinei, mumakore akatevera, vakawira mune mimwe misungo. Vamwe vakasungwa noruzivo rwechiGiriki. Vamwe vakasvika pakusimbisa tsika dzevanhu kupfuura Shoko raMwari. Vamwezve vakanyengedzwa nourudzi. (Mako 7:13; Mabasa 5:37) Panguva yakazozvarwa Jesu, rudzi rwacho rwakanga rwaregazve kunamata kwakachena. Kunyange vamwe vanhu vechiJudha vakabvuma mashoko akanaka akaparidzwa naJesu, rudzi rwacho rwose rwakamuramba uye nokudaro rwakarambwa naMwari. (Johani 1:9-12; Mabasa 2:36) Israeri akanga asisiri chapupu chaMwari, uye mugore ra70 C.E., Jerusarema netemberi yaro zvakaparadzwazve, nguva ino neuto reRoma.—Mateu 21:43.
8. Ndiani akava chapupu chaJehovha, uye nei kunyevera kwakaita Pauro chapupu ichi kwakaitwa panguva yakakodzera?
8 Panguva iyoyo, “Israeri waMwari” wechiKristu akanga azvarwa, uye iyeye akanga ava kushumira sechapupu chaMwari kumarudzi. (VaGaratiya 6:16) Nokukurumidza zvikuru, Satani akaronga kushatisa rudzi rutsva urwu rwomudzimu. Pakazopera zana remakore rokutanga, kupesvedzera kwemapoka ezvitendero kwakanga kwava kuonekwa muungano. (Zvakazarurwa 2:6, 14, 20) Kunyevera kwaPauro kwakaitwa panguva yakakodzera, kunoti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina maturo maererano netsika dzevanhu, maererano nezvinhu zvepakutanga zvenyika uye kwete maererano naKristu.”—VaKorose 2:8.
9. Sokunyevera kwakanga kwaita Pauro, zvii zvakaita kuti chiKristudhomu chivepo?
9 Pakupedzisira, ruzivo rwechiGiriki, pfungwa dzechitendero cheBhabhironi, uye pave paya “uchenjeri” hwevanhu hwakadai serondedzero yokushanduka-shanduka kwezvinhu nokuongorora Bhaibheri zvakasvibisa chitendero chevakawanda vaiti vaKristu. Zvaiva zvakaita sezvakanga zvafanotaura Pauro kuti: “Ndinoziva kuti kana ndaenda mhumhi dzinodzvinyirira dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati boka nounyoro, uye pakati penyu imi pachamuka varume vachataura zvinhu zvakamonyana kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:29, 30) Somugumisiro wokuramba kutenda uku, chiKristudhomu chakavapo.
10. Zvii zvakaita kuti zvive pachena kuti havasi vanhu vose vakanga vabvuma kunamata kwakasvibiswa kwaiitwa muchiKristudhomu?
10 Vaya vakanga vakazvipira zvechokwadi pakunamata kwakachena vaifanira kuti va“rwire kwazvo kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe chete zvechigarire.” (Judha 3) Kupupurirwa kwokunamata kwakachena uye kwaJehovha kwaizonyangarika panyika here? Aiwa. Nguva yokuparadzwa kwomupanduki Satani nemabasa ake ose zvayakasvika, zvakava pachena kuti havasi vanhu vose vakanga vabvuma kunamata kwevakaramba kutenda kwaiitwa muchiKristudhomu. Zana remakore rechi19 rava kunopera, muPittsburgh, Pennsylvania, U.S.A., boka revadzidzi veBhaibheri vemwoyo wose rakarongwa uye rakava musimboti weboka raMwari rezvapupu zvemazuva ano. VaKristu ava vakataura nezveuchapupu hwomuMagwaro hwokuti mugumo wegadziriro iripo iye zvino wakanga wava pedyo. Maererano nouprofita hweBhaibheri, “kuguma” kwenyika ino kwakavamba muna 1914 uye kwakaratidzwa nokuvamba kwehondo yokutanga yenyika. (Mateu 24:3, 7) Pane uchapupu hwakasimba hwokuti Satani nemapoka ake emadhimoni akadzingwa mudenga zvichitevera gore iroro. Zana remakore rechi20 rakazara nenhamo rakagovera uchapupu hwakajeka hwebasa raSatani uye hwokuzadzika kunoshamisa kwechiratidzo chokuvapo kwaJesu kwoumambo, musimba roUmambo hwokudenga.—Mateu, zvitsauko 24 ne25; Mako, chitsauko 13; Ruka, chitsauko 21; Zvakazarurwa 12:10, 12.
11. Satani akaedza kuitei, asi kuedza kwake kwakakundikana sei?
11 Muna June 1918, Satani akaedza zvakaoma kuparadza vadzidzi veBhaibheri ivavo, avo panguva iyoyo vakanga vachiparidza munyika dzinoverengeka. Akatsvakawo kuparadza sangano ravo repamutemo, Watch Tower Bible and Tract Society. Vaitarisira Sosaiti yacho vakaiswa mujeri, vachipomerwa zvenhema kupandukira zviremera, sezvakanga zvaitwa Jesu muzana remakore rokutanga. (Ruka 23:2) Asi muna 1919, vatarisiri ava vakasunungurwa, zvichivaita kuti vakwanise kupfuurira noushumiri hwavo. Pave paya, vakazonzi havana mhosva zvachose.
“Murindiri” Ari Kunyatsorindira
12. Ndivanaani nhasi vanoumba boka romurindiri raJehovha, kana kuti “murindiri,” uye vave vane mafungiroi?
12 Naizvozvo “nguva yokupedzisira” payakavamba, Jehovha akavazve nomurindiri, achichenjedza vanhu nezvezviitiko zvine chokuita nokuzadzikwa kwezvinangwa Zvake. (Dhanieri 12:4; 2 Timoti 3:1) Kusvikira kuzuva rino, boka romurindiri iroro—vaKristu vakazodzwa, Israeri waMwari—rave richiita maererano nerondedzero yaIsaya yomurindiri wouprofita yokuti: “[“Akanyatsorindira, nokungwarira kukuru,” NW]. Iye akadanidzira seshumba, achiti: Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu.” (Isaya 21:7, 8) Uyu murindiri anonyatsongwarira basa rake!
13. (a) Murindiri waJehovha akazivisa mashoko api? (b) Zvinganzi Bhabhironi Guru rawa sei?
13 Murindiri uyu akaonei? Zvakare, murindiri waJehovha, boka rake rezvapupu, akazivisa kuti: “Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikirwa pasi [naJehovha].” (Isaya 21:9) Panguva ino, zvichitevera Hondo Yenyika I, iBhabhironi Guru, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, rinorigwa panzvimbo yaro yechiremera. (Jeremia 50:1-3; Zvakazarurwa 14:8) Hazvishamisi! Hondo Huru, sokudanwa kwayaiitwa panguva iyoyo, yakatanga muchiKristudhomu, umo vafundisi kumativi ose vakakuchidzira moto wacho nokukurudzira majaya avo akanakisisa kuenda kuhondo. Kunyadzisa kwazvinoita! Muna 1919, Bhabhironi Guru rakanga risingagoni kudzivisa Vadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha, kuti zvisapukunyuke mumamiriro avo ezvinhu okusaita basa nokutanga basa romunyika yose rokupupurira richiri kuenderera mberi. (Mateu 24:14) Izvozvo zvakaratidza kuwa kweBhabhironi Guru, kungofanana nokusunungurwa kwaIsraeri muzana remakore rechitanhatu B.C.E. kwakaratidza kuwa kweBhabhironi rekare.
14. Imagazini ipi yakashandiswa zvakanyanya neboka raJehovha romurindiri, uye Jehovha akakomborera sei kushandiswa kwayo?
14 Boka romurindiri nguva dzose rave richiita basa raro nokushingaira nechido chakasimba chokuita zvakarurama. Muna July 1879, Vadzidzi veBhaibheri vakavamba kubudisa magazini ino, panguva iyoyo yaizivikanwa seZion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence. Magazini yoga yoga kubva muna 1879 kusvikira pana December 15, 1938, yaiva nemashoko aiti “‘Watchman, What of the Night?’ (Murindiri, Zvakadini Nousiku?) pabutiro rayo repamberi.—Isaya 21:11.”a Nokutendeka, kwemakore 120 Nharireyomurindi yakatarira zvinoitika zvenyika nezvazvinoreva zvouprofita. (2 Timoti 3:1-5, 13) Boka raMwari romurindiri neshamwari dzaro dze“mamwe makwai” rakashandisa magazini ino mukuparidzira vanhu zvakasimba kuti kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha noUmambo hwaKristu kwava pedyo. (Johani 10:16) Chapupu ichi chakakomborerwa naJehovha here? Zvakanaka, kubva pamagazini yayo yokutanga yemakopi 6 000 muna 1879, Nharireyomurindi yawedzera kusvika pakuparadzirwa kwemakopi 22 000 000 mumitauro 132—121 yayo ichibudiswa panguva imwe chete. Zvakakodzera sei kuti magazini yechitendero inonyanya kuparadzirwa pasi pano inofanira kuva iya inorumbidza zita raMwari wechokwadi, Jehovha!
Kuchenesa Kunoenderera Mberi
15. Kuchenesa kupi kunoenderera mberi kwakavamba kunyange 1914 asati asvika?
15 Kwemakore anenge 40 kusvikira kutonga kwokudenga kwaKristu kwavamba muna 1914, Vadzidzi veBhaibheri vaiva vasunungurwa mune dzakawanda dzedzidziso dzisiri dzomuBhaibheri dzechiKristudhomu, dzakadai sokubhabhatidzwa kwevacheche, kusafa kwemweya womunhu, purigatori, kutambudzwa muhero yemoto, uye Mwari woUtatu. Asi zvakatora nguva yakawedzerwa kubvisa pfungwa dzose dzisina kururama. Somuenzaniso, muma1920 Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vaipfeka pini yaiva nomuchinjikwa nekorona, uye vaipemberera Krisimasi nemamwe mazororo echihedheni. Zvisinei, kuti kunamata kuchene, zvisaririra zvose zvokunamata zvidhori zvinofanira kuraswa. Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, rinofanira kuva ndiro roga hwaro hwokutenda kwechiKristu nenzira youpenyu. (Isaya 8:19, 20; VaRoma 15:4) Hazvina kururama kuwedzera kuShoko raMwari kana kubvisa chinhu chipi nechipi mariri.—Dheuteronomio 4:2; Zvakazarurwa 22:18, 19.
16, 17. (a) Boka romurindiri raiva nepfungwa ipi isina kururama kwemakumi emakore? (b) Ndokupi kuri kutsanangurwa kwakarurama kwe“atari” uye “mbiru” zviri mu“Ijipiti”?
16 Muenzaniso mumwe uchasimbisa kukosha kunoita nheyo iyi. Muna 1886 apo C. T. Russell akabudisa bhuku rakazodanwa kuti The Divine Plan of the Ages, vhoriyamu iyi yaiva nechati inobatanidza mazera evanhu nePiramidhi Huru yeEgypt [Great Pyramid of Egypt]. Zvaifungwa kuti chinhu ichi chairangaridza Farao Khufu ndicho chaiva mbiru inotaurwa nezvayo pana Isaya 19:19, 20 kuti: “Nezuva iro pakati penyika yeIjipiti pachava neartari kuna Jehovha, nembiru pamuganho waro kuna Jehovha. Zvichava chiratidzo nechapupu chaJehovha wehondo panyika yeIjipiti.” Piramidhi yacho yaiva nechii chokuita neBhaibheri? Zvakanaka, somuenzaniso, kureba kwakanga kwakaita mumwe mokupinda namo muPiramidhi Huru kwainzi kwairatidza nguva yokutanga kwe“kutambudzika kukuru” kwaMateu 24:21, sokunzwisiswa kwazvaiita panguva iyoyo. Vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakabatikana kuyera zvinhu zvakasiyana-siyana zvepiramidhi yacho kuti vazive nhau dzakadai sezuva ravaizoenda kudenga!
17 Rainzi Bhaibheri muDombo iri rakaremekedzwa kwemakumi emakore, kusvikira magazini dzeNharireyomurindi dzaNovember 15 naDecember 1, 1928, dzajekesa kuti Jehovha akanga asingadi chirangaridzo chedombo chakavakwa nanafarao vechihedheni uye chine zviratidzo zvemadhimoni zvokuongorora nyeredzi kuti asimbise uchapupu hunopiwa muBhaibheri. Asi, uprofita hwaIsaya hwakaoneka kuva hunoshanda nenzira yomudzimu. Sepana Zvakazarurwa 11:8, “Ijipiti” inofananidzira nyika yaSatani. “Atari kuna Jehovha” inotiyeuchidza nezvezvibayiro zvinoitwa nevaKristu vakazodzwa pavanenge vari vagari vechinguvana munyika ino. (VaRoma 12:1; VaHebheru 13:15, 16) “Mbiru pamuganho [weIjipiti]” inoreva ungano yevaKristu vakazodzwa, iri “mbiru nechitsigiso chechokwadi” uye inomira sechapupu mu“Ijipiti,” nyika yavava kuda kusiya.—1 Timoti 3:15.
18. (a) Jehovha akapfuurira sei kujekesa nhau nokuda kwevadzidzi veBhaibheri vemwoyo wose? (b) Kana muKristu aona kujekesa kwomuMagwaro kwakaoma kunzwisisa, anofanira kuva nemafungiroi okuchenjera?
18 Makore zvaanopfuura, Jehovha anopfuurira kutipa kumwe kujekeswa kwechokwadi, kusanganisira kunzwisiswa kwakajeka zvikuru kweshoko rake rouprofita. (Zvirevo 4:18) Mumakore achangobva kupfuura, takakurudzirwa kutarirazve nokunzwisisa kwakadzama—pakati pezvimwe zvose—chizvarwa chisingazopfuuri mugumo usati wasvika, mufananidzo wemakwai nembudzi, chinhu chinosemesa uye pachichamira panzvimbo tsvene, sungano itsva, kushandurwa chitarisiko, uye chakaratidzwa chetemberi chebhuku raEzekieri. Dzimwe nguva zvingava zvakaoma kunzwisisa kutsanangura kunofambirana nenguva kwakadaro, asi zvikonzero zvazvo zvinojeka munguva yakafanira. Kana muKristu asinganzwisisi zvakakwana kutsanangurwa kutsva kworugwaro, anoita zvakanaka kutevedzera nokuzvininipisa mashoko omuprofita Mika okuti: “Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.”—Mika 7:7.
19. Vakazodzwa vasara neshamwari dzavo dzemamwe makwai vakaratidza sei kushinga kwakafanana nokweshumba mumazuva ano okupedzisira?
19 Yeuka kuti murindiri “akadanidzira seshumba, achiti: Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu.” (Isaya 21:8) Vakazodzwa vasara varatidza kushinga kwakafanana nokweshumba pakufumura chitendero chenhema nokuratidza vanhu nzira inoenda kurusununguko. (Zvakazarurwa 18:2-5) So“muranda akatendeka, akangwara,” vakagovera maBhaibheri, magazini, uye mamwe mabhuku mumitauro yakawanda—“zvokudya . . . panguva yakafanira.” (Mateu 24:45) Vari kutungamira pakuunganidza “boka guru . . . [ku]bva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” Ivavawo vanocheneswa neropa raJesu rinodzikinura uye vanozviratidza kuva vane mwoyo yakaita seyeshumba mukuitira Mwari “basa dzvene masikati nousiku.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, 15) Zvii zvave zviri zvibereko zveboka duku rakapukunyuka reZvapupu zvakazodzwa zvaJehovha neshamwari dzazvo, boka guru mugore rino rapfuura? Nyaya yedu inotevera ichataura.
[Mashoko Omuzasi]
a Kubva pana January 1, 1939, akachinjwa kuva “‘They shall know that I am Jehovah.’ (Vachaziva kuti Ndini Jehovha)—Ezekieri 35:15.”
Unoyeuka Here?
• Jehovha akamutsa zvapupu zvipi mumakore ose aya?
• Bhabhironi Guru rakabvepi?
• Nei Jehovha akabvumira kuti Jerusarema, guta guru rerudzi rwake rwezvapupu, riparadzwe muna 607 B.C.E.? muna 70 C.E.?
• Boka raJehovha romurindiri neshamwari dzaro rakaratidza mudzimu upi?
[Mufananidzo uri papeji 7]
“Ishe, ndimire nguva dzose . . . pashongwe yokurinda”
[Mifananidzo iri papeji 10]
Boka raJehovha romurindiri rinonyatsongwarira basa raro