CHITSAUKO 3
“Uvaudze Shoko Iri”
1. (a) Jesu naJeremiya vakanga vakafanana pakudii? (b) Nei tichifanira kutevedzera Jeremiya muushumiri hwedu?
JESU KRISTU ndiye muenzaniso mukuru watinotevedzera pakuparidza mashoko akanaka. Zvisinei, zvinokosha kuziva kuti vanhu vomuzana remakore rokutanga vakaona Jesu dzimwe nguva vakafunga nezvemuprofita Jeremiya. (Mat. 16:13, 14) Sezvakangoita Jesu, Jeremiya akarayirwa naMwari kuti aparidze. Somuenzaniso, pane imwe nguva Mwari akamuudza kuti: “Uvaudze shoko iri rokuti, ‘Zvanzi naJehovha . . . ’” (Jer. 13:12, 13; Joh. 12:49) Uye Jeremiya paaiita ushumiri hwake akaratidza unhu hwakafanana nehwaJesu.
2. Zvinofanira kuitwa nevanhu mazuva ano zvakafanana pakudii nezvaifanira kuitwa nevaJudha vomunguva yaJeremiya?
2 Zvisinei, zvimwe Zvapupu zvingati: ‘Basa redu rokuparidza rakasiyana neraJeremiya. Aiva mutauriri waMwari kurudzi rwakanga rwakazvitsaurira kuna Mwari, asi vakawanda vatinoparidzira havazivi Jehovha.’ Ichocho ichokwadi. Asi pakazosvika nguva yaJeremiya, vaJudha vakawanda vakanga ‘vasisina kuchenjera’ uye vakanga vasiya Mwari wechokwadi. (Verenga Jeremiya 5:20-22.) Vaifanira kuchinja kuti vanamate Jehovha zvinogamuchirika. Saizvozvowo, mazuva ano vanhu vanofanira kudzidza kutya Jehovha votevera kunamata kwechokwadi kunyange vachizviti vaKristu kana kuti kwete. Ngationei kuti tingashumira sei Mwari wechokwadi tobatsira vanhu nokutevedzera Jeremiya.
‘JEHOVHA AKAGUNZVA MUROMO WANGU’
3. Jehovha akaitei kuna Jeremiya paakatanga basa rake, uye muprofita wacho akanzwa sei neizvozvo?
3 Yeuka kuti paakatanga kuprofita, Jeremiya akanzwa mashoko aya: “Unofanira kuenda kuna vose vandichakutuma kwavari; uye unofanira kutaura zvose zvandichakurayira. Usatya zviso zvavo, nokuti ‘Ini ndinewe kuti ndikununure,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Jer. 1:7, 8) Mwari akabva aita chimwe chinhu chakanga chisingatarisirwi naJeremiya. Jeremiya anotiudza kuti: “Jehovha akatambanudza ruoko rwake, akaita kuti rugunzve muromo wangu. Jehovha akabva ati kwandiri: ‘Tarira ndaisa mashoko angu mumuromo mako. Ona, nhasi ndakugadza.’” (Jer. 1:9, 10) Kubva ipapo Jeremiya aiziva kuti aitaura achimiririra Mwari Wemasimbaose.a Achitsigirwa naMwari zvizere, Jeremiya akawedzera kushingairira basa dzvene.—Isa. 6:5-8.
4. Ndeipi mienzaniso yokushingaira zvikuru pakuparidza yaungataura nezvayo?
4 Jehovha haagunzvi chero ani zvake wevashumiri vake mazuva ano. Asi, kuburikidza nomudzimu wake, anoita kuti vave nechido chakasimba chokuparidza mashoko akanaka. Vakawanda vavo vanoshingaira zvikuru. Funga nezvaMaruja wokuSpain. Kwemakore anopfuura 40, maoko ake nemakumbo zvave zvakaremara zvisingashandi. Kuparidza paimba neimba kwakamuomera, saka anotsvaka dzimwe nzira dzokuti aite ushumiri. Imwe nzira ndeyokunyora tsamba. Maruja anotaura mashoko acho, mwanasikana wake achinyora. Pamushandirapamwe wavakaita kwemwedzi, Maruja ne“munyori” wake vakatumira tsamba dzinopfuura 150, vachiisa turakiti muhamvuropu imwe neimwe. Basa ravo rakaita kuti mashoko akanaka asvike mudzimba dzakawanda munharaunda yaiva pedyo. Maruja akaudza mwanasikana wake kuti, “Kana imwe yetsamba dzedu ikasvika mumaoko emunhu ane mwoyo wakarurama, Jehovha achatikomborera nechidzidzo cheBhaibheri.” Mumwe mukuru womuungano yavo akanyora kuti, “Ndinotenda Jehovha pamusana pehanzvadzi dzakaita saMaruja, dzinodzidzisa vamwe kukoshesa zvinhu zvinokosha zvechokwadi.”
5. (a) Jeremiya akaramba sei achishingaira pasinei nokuti vanhu vaisakendenga? (b) Ungaita sei kuti urambe uchishingaira pakuparidza mashoko akanaka?
5 Munguva yaJeremiya, vakawanda vaigara muJerusarema ‘havana kufarira’ chokwadi chaMwari. Muprofita wacho akarega kuparidza here nokuti vakawanda zvikuru vakanga vasingakendengi pamusoro pemashoko ake? Kwete! Jeremiya akati: “Ndazara nehasha dzaJehovha. Ndaneta nokuramba ndakanyarara.” (Jer. 6:10, 11) Ungaita sei kuti urambe uchishingaira zvakadaro? Imwe nzira ndeyokufungisisa ropafadzo isingaenzaniswi yaunayo yokumiririra Mwari wechokwadi. Unoziva kuti vanhu vakakurumbira munyika ino vakazvidza zita raMwari wechokwadi. Fungawo nezvokunyengerwa kwakaitwa vanhu vari mundima yenyu nevatungamiriri vezvitendero, sezvakaitwa nevapristi vemunguva yaJeremiya. (Verenga Jeremiya 2:8, 26, 27.) Kusiyana neizvozvo, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari aunozivisa chaizvoizvo kuratidzwa kwenyasha dzaMwari kuvanhu. (Mari. 3:31, 32) Kufungisisa chokwadi chakadaro kunogona kukubatsira kuramba uchishingaira pakuzivisa mashoko akanaka uye uchibatsira vanhu vakaita semakwai.
6. Jeremiya akasangana nematambudziko api anoodza mwoyo?
6 Zvichida ungabvuma kuti kuramba uchishingaira muushumiri hwechiKristu hakusi nyore nguva dzose. Paaishumira Jehovha, Jeremiya akasanganawo nematambudziko makuru aisanganisira vaprofita venhema. Unogona kuverenga chimwe chiitiko muchitsauko 28 chaJeremiya. Vakawanda vevanhu vacho havana kuteerera mashoko ake, uye dzimwe nguva ainzwa ari zindoga. (Jer. 6:16, 17; 15:17) Uyewo dzimwe nguva aifanira kutarisana nevavengi vaida kumuuraya.—Jer. 26:11.
Nei ungavimba naJehovha kuti akubatsire kukurira matambudziko paunoparidza mashoko akanaka?
“MAKANDINYENGEDZA, HAIWA JEHOVHA”
7, 8. Mwari ‘akanyengedza’ Jeremiya munzira ipi inobatsira?
7 Pane imwe nguva Jeremiya paainyombwa uye kutsvinyirwa zuva nezuva, akataura manzwiro ake kuna Mwari. Unofunga kuti ungati Jehovha aka“nyengedza” muprofita wake akatendeka mupfungwa ipi, sezvinotaurwa pana Jeremiya 20:7, 8?—Verenga.
8 Mwari ‘akanyengedza’ muprofita wake mupfungwa yakanaka inobatsira. Jeremiya akafunga kuti kushorwa kwacho kwakanga kwakakura zvokuti ari ega akanga asingachakwanisi kuita basa raakanga apiwa naMwari. Asi akariita achitsigirwa uye achibatsirwa neWemasimbaose. Nokudaro, ungati Jehovha akamukurira, achiratidza kuti akasimba zvikuru kudarika Jeremiya uye mafungiro ake semunhu. Munhu waMwari uyu paakafunga kuti akanga asvika paanogumira uye kuti ainge asingachakwanisi kuenderera mberi, Jehovha akamunyengetedza zvokuti Jeremiya akaita sokunge kuti ‘anyengedzwa.’ Mwari akaratidza kuti aikwanisa kukurira kusava nesimba kwemuprofita wacho. Jeremiya akakwanisa kuramba achiparidza kunyange vanhu pavaisakendenga, vachimuramba uye vachimuitira zvechisimba.
9. Nei ungawana ushingi kubva mumashoko aJeremiya 20:11?
9 Jehovha akaratidza kuti akanga akaita “somunhu ane simba anotyisa kwazvo” aiva naJeremiya achimutsigira. (Jer. 20:11) Uye Mwari anogona kukusimbisawo kuti urambe uchishingairira kunamata kwechokwadi uye uchienderera mberi pasinei nematambudziko makuru. Ungafunga nezvazvo sekutaurwa kwazvinoitwa neimwe shanduro—Jehovha achava “murwi ane simba” akamira padivi pako.—Contemporary English Version.
10. Wakatsunga kuitei paunopikiswa?
10 Muapostora Pauro akasimbisa pfungwa iyoyo paaikurudzira vaKristu vaipikiswa. Akanyora kuti: “Ingozvibatai nenzira yakakodzera mashoko akanaka pamusoro paKristu, kuti . . . ndinzwe . . . kuti makamira makasimba mumafungiro mamwe chete, nomweya mumwe chete muchibishairira kutenda kwemashoko akanaka muri pamwe chete, musingambotyiswi nevanopikisana nemi.” (VaF. 1:27, 28) Unogona uye unofanira kuvimba naMwari Wemasimbaose sezvaunoita ushumiri hwako, sezvakaita Jeremiya nevaKristu vomuzana remakore rokutanga. Kana vamwe vanhu vakakunyomba kana kukutsoropodza, yeuka kuti Jehovha anewe uye anogona kukuzadza nesimba. Akaita izvozvo kuna Jeremiya uye akaita izvozvo kuhama dzako dzakawanda; saka anogona kukuitirawo izvozvo. Teterera kwaari kuti akubatsire, uye iva nechivimbo chokuti achapindura kunyengetera kwako. Mwari paanokupa simba rokukurira zvipingamupinyi, uine ushingi panzvimbo pokutya, iwewo ungaona kuti ‘wanyengedzwa.’ Chokwadi, unogona kuita zvinopfuura nokure zvawaifunga kuti unokwanisa.—Verenga Mabasa 4:29-31.
11, 12. (a) Zvii zvaungaita kuti utaure nevanhu vakawanda muushumiri hwako? (b) Mufananidzo uri papeji 39 unoratidza kuti ndezvipi zvaungaita kwaunogara?
11 Zvatinoverenga nezvebasa raJeremiya zvinogona kutibatsira munzira dzakasiyana-siyana kuti tive vashumiri vemashoko akanaka vanobudirira. Pashure pokushumira somuprofita waJehovha kwemakore anopfuura 20, aikwanisa kutaura kuti: “Ndakaramba ndichitaura nemi, ndichifumomuka ndichitaura, asi hamuna kuteerera.” (Jer. 25:3) Chokwadi aikurumidza kutanga basa rake pane kunonoka. Tingadzidza chimwe chinhu chinobatsira mumuenzaniso wake here? Muungano dzakawanda mune vaparidzi vanofumobata jongwe muromo kuti vanotaura nevanhu pazviteshi zvemabhazi nezvitima. Mumaruwa, Zvapupu zvakawanda zvinoshandisa maawa emangwanani kuti zvishanyire varimi nevamwe vanenge vachiita basa panguva iyoyo. Ungafunga here nezvedzimwe nzira dzaungashandisa chidzidzo ichi kubva kuushumiri hwaJeremiya hwaakaita nokutendeka? Zvakadini nokukurumidza kumuka kuti uvepo panotanga musangano wakarongwa webasa romumunda?
12 Uyewo kuparidza paimba neimba masikati nemanheru kazhinji kunoita kuti pave nemigumisiro yakanaka munzvimbo dzakawanda. Vamwe vaparidzi vanotoparidzira usiku, vachishanyira vashandi vepanotengeswa mafuta emotokari, vemaresitorendi, uye mamwe mabhizimisi anovhura maawa 24 pazuva. Unogona here kugadzirisa purogiramu yako kuitira kuti uparidzire panguva yaunokwanisa kuwana vanhu vari pamba kana pane imwe nzvimbo?
Nei uine chivimbo chokuti Jehovha ari kukutsigira sezvaunozivisa mashoko ake?
13, 14. (a) Muenzaniso waJeremiya unei chokuita nokudzokera kunoona vatinenge tavimbisa? (b) Chii chinoratidza kuti unofanira kuva akavimbika pakudzokerazve kune vaunenge wavimbisa?
13 Pane dzimwe nguva, Jehovha akarayira Jeremiya kuti azivise mashoko ouprofita akamira pamagedhi etemberi kana kuti eJerusarema. (Jer. 7:2; 17:19, 20) Nokuzivisa mashoko akadaro pamagedhi, Jeremiya akaita kuti vanhu vakawanda vanzwe shoko raJehovha. Uye sezvo vakawanda, vaisanganisira varume vaiva vakakurumbira muguta, vatengesi, uye vaiva nemabhizimisi vaigara vachishandisa gedhi racho, anogona kunge akataura kune vamwe vanhu kakawanda achiedza kuvabatsira kuti vanzwisise zvavakanga vambonzwa. Apa tingadzidzei nezvokudzokera kune vaya vakaratidza kufarira?
14 Jeremiya aiziva kuti basa rake rokuva muprofita waMwari raiponesa upenyu hwevanhu. Pane imwe nguva paakanga asingakwanisi kuita zvaakanga arayirwa naMwari zvokutaura nevanhu, akatuma shamwari yake Bharuki kuti aite basa racho. (Verenga Jeremiya 36:5-8.) Tingatevedzera sei Jeremiya panyaya iyi? Patinoudza saimba kuti tichadzoka, tinoita zvatinenge tavimbisa here? Kana tisingakwanisi kudzokerazve kana kuti kunoitisa chidzidzo cheBhaibheri sezvatinenge tavimbisa, tinoronga kuti mumwe aende here? Jesu akati: “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu.” (Mat. 5:37) Zvinokosha kuti tiite maererano nezvatinenge tavimbisa, nokuti tinomiririra Mwari wechokwadi uye akarongeka.—1 VaK. 14:33, 40.
15, 16. (a) Vakawanda vakatevedzera sei muenzaniso waJeremiya pakuwedzera ushumiri hwavo? (b) Unodzidzei pane zvakaitika kuChile, zvinoratidzwa papeji 40?
15 Jeremiya akakurudzira vaJudha vaiva muBhabhironi nokuvanyorera tsamba nezve‘shoko rakanaka’ raJehovha rokuti vaizodzorerwa kunyika yavo. (Jer. 29:1-4, 10) Mazuva ano, ‘shoko rakanaka’ rezvichaitwa naJehovha nokukurumidza rinogonawo kunyatsoparadzirwa pachishandiswa tsamba kana runhare. Unogona here kushandisa nzira idzodzo kuti ubatsire hama dzako kana kuti vamwe vanhu vari munzvimbo dziri kure kana kuti vakakuomera kuonana navo?
16 Nokutevedzera muenzaniso waJeremiya wokunyatsoita ushumiri hwake, vaparidzi voUmambo mazuva ano vanowanzobudirira mubasa ravo. Chimwe Chapupu chokuChile chakataura nomumwe mukadzi aibuda muchiteshi chezvitima zvepasi pevhu. Akafara zvikuru kunzwa mashoko emuBhaibheri uye akabvuma kuti vazokurukura nezveBhaibheri kumba kwake. Zvisinei, Chapupu chacho hachina kunyora kero yomukadzi wacho. Pashure pokuziva kuti zvinokosha kuita kuti mudzimai wacho arambe achifarira chokwadi, hanzvadzi yedu yakanyengetera kuna Jehovha kuti aibatsire. Zuva rakatevera, akadzokera kuchiteshi chacho panguva yakafanana. Akasangana nomukadzi wacho zvakare. Panguva ino, akava nechokwadi chokunyora kero yomukadzi wacho uye akazomushanyira kumba kwake kuti amubatsire kunzwisisa Magwaro. Nokukurumidza Mwari achatonga nyika yaSatani. Asi pane tariro nokuda kwevaya vanopfidza votenda mashoko akanaka. (Verenga Mariro 3:31-33.) Naizvozvo, ngatiratidzei chokwadi ichocho nokushanda nesimba mundima yedu.
“ZVICHIDA VACHATEERERA VOTENDEUKA, MUMWE NOMUMWE”
17. Mundima yenyu, ungatevedzera sei zvaiitwa naJeremiya?
17 Jehovha aisada kuti vanhu vafe. Anenge makore gumi Jerusarema risati raparadzwa, akashandisa Jeremiya kuti ataure nezvetariro nokuda kwevaya vaiva muutapwa muBhabhironi. Tinoverenga kuti: “Ndichadzitarira zvakanaka, uye ndichadzidzosa kunyika ino. Ndichadzivaka, uye handizodziputsi; ndichadzidyara, uye handizodzidzuri.” Kuvanhu vakadaro Jeremiya aigona kuti: “Kune tariro nokuda kwenguva yako yemberi.” (Jer. 24:6; 26:3; 31:17) Jeremiya akaona vanhu semaonerwo avanoitwa naMwari. Akaita ushumiri hwake aine hanya zvechokwadi, achitaura zvaikurudzirwa naJehovha zvokuti: “Ndapota, mumwe nomumwe ngaatendeuke panzira yake yakaipa, itai kuti mabasa enyu ave akanaka.” (Jer. 35:15) Ungafunga here nezvedzimwe nzira dzokuratidza kuti une hanya zvikuru nevanhu vari mundima yenyu?
18, 19. (a) Mafungiro api atinofanira kuramba sezvatinoparidza mashoko akanaka? (b) Tinofanira kuva nemafungiro api aiva naJeremiya?
18 Kuda vanhu kwaiita Jeremiya hakuna kumboderera. Pakaparadzwa Jerusarema, akaramba achivanzwira tsitsi. (Verenga Mariro 2:11.) VaJudha vakazvipinza vega munataisireva. Zvisinei, Jeremiya haana kuti, ‘Tsvatu waro.’ Asi akasuruvara zvikuru pamusana pezvakanga zvavawira. Saizvozvowo, ushumiri hwedu hahufaniri kungoitwa zvachero, tichingoti ibasa ratinofanira kuita. Zvatinoita pakuparidza zvinofanira kuratidza madiro atinoita Mwari wedu anoshamisa uyewo vanhu, vakasikwa nemufananidzo wake.
19 Hapana ropafadzo kana chinzvimbo munyika ino chingapfuura kupupura tichimiririra Mwari wechokwadi. Jeremiya akanzwa saizvozvo, akanyora kuti: “Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; uye kwandiri shoko renyu rinova kupembera nomufaro uye kufara kwomwoyo wangu; nokuti ndanga ndichishevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha.” (Jer. 15:16) Sezvatinoparidza mashoko akanaka, vamwe vakawanda vangasvika pakuziva uye kuda Uya akavapa upenyu. Tinoita izvozvo kana tikashumira nokushingaira uye nerudo sezvakaitwa naJeremiya.
Uchifunga zvaiitwa naJeremiya, ndedzipi dzimwe nzira dzokuparadzira ‘shoko rakanaka’ raJehovha dzaungaedza munguva yemberi?
a Sezvakaitika pano, Jehovha aiwanzotuma ngirozi kuti dziite sokuti Ndiye ainge achitaura.—Vat. 13:15, 22; VaG. 3:19.