Vakuru—Batai Boka raMwari Nounyoro!
“Takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake.”—1 VATESARONIKA 2:7.
1. Neiko Chapupu chakavimbika chiri chose chaJehovha chichigona kunzwa chakachengeteka?
JEHOVHA ndiye Mufudzi Mukuru. Iye anoita gadziriro dzakawanda nokuda kwavabatiri vake vakafanana namakwai uye anovatungamirira ku“nzira dzokururama” nokuda kwezita rake dzvene. Nokudaro, avo vanoita kuda kwake havasati vachidikanirwa kutya chinhu chakashata uye vanogona kutarira kuna Mwari wavo anonzwira tsitsi nokuda kwenyaradzo. Zvamazvirokwazvo, Chapupu chiri chose chakavimbika chaJehovha chine chikonzero chakanaka chokunzwa chakachengeteka mutarisiro yorudo yaMwari.—Pisarema 23:1-4.
2. Somufananidzo wembiri yaMwari, mavarai anoratidzira Jesu Kristu?
2 Jesu Kristu “chadzera chokubwinya kwake [kwaMwari], nomufananidzo wake chaiye.” (VaHebheru 1:1-4) Naizvozvo Jesu, Mufudzi Akaisvonaka, anoratidzirawo rudo netsitsi. (Johane 10:14, 15) Somuenzaniso, pane imwe nhambo, “akawana vazhinjizhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakafanana namakwai asino mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvizhinji.”—Marko 6:34.
3. (a) Kufanana naJehovha Mwari naJesu Kristu, vafudzi vaduku vechiKristu vanofanira kuratidzira mavarai? (b) Izanoi nenyevero rakapa muapostora Pauro vatariri?
3 MaKristu ose anofanira ‘kutevedzera Mwari ndokupfuurira kufamba murudo seizvo Kristu akavada.’ (VaEfeso 5:1, 2) Naizvozvo anofanira kuva ane rudo naane tsitsi. Zvikurukuru ikoku kunofanira kuva kwechokwadi nezvavafudzi vaduku veboka raMwari. Muapostora Pauro akati: “Zvingwarirei mumene neboka rose, ramakagadzwa pakati paro nomudzimu mutsvene kuva vatariri, kufudza ungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakomana wake. Ini ndinoziva kuti pashure pokuenda kwangu mapere anodzvinyirira achapinda pakati penyu uye haasati achizobata boka nounyoro, uye pakati penyu mumene pachamuka varume vachitaura zvinhu zvakamonyaniswa kuti vagotsausa vadzidzi vavatevere ivo.”—Mabasa 20:28-30, NW.
4. (a) Pashure penguva yakati, chii chakaitika mukuwirirana nenyevero yaPauro iri pana Mabasa 20:29, 30? (b) Mibvunzoi zvino yakafanirwa nerangariro?
4 Pashure penguva yakati, “mapere anodzvinyirira” akawa pakutenda akaoneka uye “haana kubata boka nounyoro.” Asi tinofara sei kuti vakuru vari pakati peZvapupu zvaJehovha havashandisi udzvinyiriri hwakadaro! Bva, rudziiko rwokubatwa vatendi biyedu vanokarira kugamuchira kuava vatariri vakagadzwa nomudzimu? Uye vakagadzwa vakadaro vanogona sei kuratidza rudo runyoro nokuda kwamakwai aJehovha?
Kusadzvinyirira Boka
5. (a) Vatungamiriri venyika kazhinji kazhinji vanobata sei vadzorwi vavo? (b) Jesu akaratidza sei kuti udzvinyiriri hahuna nzvimbo pakati pavateveri vake?
5 Isu tinogona kukarira nenzira yakarurama vakuru vechiKristu kutibata nenzira ine tsitsi. Ivo havana kufanana navatongi venyika, avo kazhinji kazhinji vanodzvinyirira vadzorwi vavo. Somuenzaniso, kunoshumwa kuti mambo weFrank Charlemagne (uyo akatonga 768-814 N.V.) “akamanikidzira vaSaxon, netyisidziro yorufu, kugamuchira rubhapatidzo, akashurikidzira kuzvirango zvakakomba zvikurusa vapunzi veRendi, uye munzvimbo iri yose akatsiva nyengetedzo nesimba.” (The History of the Christian Church, rakanyorwa naWilliam Jones) Udzvinyiriri hahuna nzvimbo pakati pavateveri vaJesu, nokuti iye akati: “Imi munoziva kuti vatongi vavahedheni vanovadzvinyirira, uye varume vavo vakuru vanovanetsa. Hakufaniri kuva kwakadaro pakati penyu, asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mubatiri wenyu, uye ani naani anoda kuva nenzvimbo yokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, kungofanana noMwanakomana woMunhu akavinga kwete kuzoshumirwa, asi kushumira vamwe vanhu, uye kupa upenyu hwake kuti adzikinure vamwe vazhinji.”—Mateo 20:25-28, An American Translation.
6. (a) Pamusoro pavakuru, zvinhui zvikuru zvinotanhamara? (b) Ungano ine chikonzero chokukarira chii kuvakuru, uye ava varume vanofanira kuzvirangarira vamene sei?
6 Murume wechiKristu uyo ari ‘kusvasvavirira nzvimbo yomutariri anoshuva basa rakaisvonaka.’ (1 Timotio 3:1) Patinorangarira ikoku nezano raJesu richangobva kududzwa, izvi zvinhu zvikuru zvinotanhamara: (1) Vakuru vechiKristu havafaniri kunetsa vamwe; (2) avo vane mutoro pakati pavateveri vaJesu vanofanira kuva varanda vavo, kwete vanatenzi vavo; uye (3) varume vanosvasvavirira nzvimbo yomutariri vanofanira kuirangarira se“basa rakaisvonaka,” kwete senzvimbo yakasimudzirwa. (Zvirevo 25:27; 1 VaKorinte 1:31) Shoko rokuti “mukuru” harisimudziri murume upi noupi pamusoro pavamwe vanamati vaJehovha. Panzvimbo pezvo, ungano ine chikonzero chokukarira varume vose kuva varume vakakura mumudzimu, vane ruzivo rwokuzviwanira, uye vanozvininipisa avo vanotungamirira mubasa rinoyera. Zvamazvirokwazvo, vakuru vanofanira kuzvirangarira vamene savaranda vanozvininipisa vaJehovha Mwari, Jesu Kristu, uye maKristu biyavo.—VaRoma 12:11; VaGaratia 5:13; VaKorose 3:24.
7. (a) Vakuru vanofanira kushandisa sei 2 VaKorinte 1:24 mukubata navamwe? (b) Chii chinofanira kuita vakuru pamusoro pemiraidzo inogamuchirwa ichibva kuMutumbi Unodzora?
7 Kubatira vamwe nokuzvininipisa nenzira yomuzvarirwo kunodzora mukuru pakuedza ku“[va]dzora.” Uye kwakanaka sei kuti vatariri vedu varatidzire chimiro chakafanana neicho chaPauro! Iye akaudza maKristu apaKorinte, kuti: ‘Isu hatisi vanatenzi pakutenda kwenyu, asi tiri vashandi biyenyu nokuda kwomufaro wenyu.’ (2 VaKorinte 1:24) Naizvozvo, avo vanoshandisa utariri hworudo havaremedzi vatendi biyavo nemirau yavanhu isiri madikanwa. Panzvimbo pezvo, vatariri vari pakati peZvapupu zvaJehovha vanodzorwa nenheyo dzapaMagwaro uye vanopa basa romutsa, rinobetsera. Ivo vanoratidza rudo rukuru nokuda kweboka raMwari kupfurikidza nokukurumidza kushandisa miraidzo inogamuchirwa ichibva kuMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha.—Mabasa, ganhuro 15.
8. Chimiroi chaiva naPauro kuvatendi biyake, uye ichochi chinofanira kutapura sei vakuru vomuzana ramakore rechi 20?
8 Nemhaka yokuti Pauro aiva norudo runyoro nokuda kweboka raMwari, iye aigona kuudza maKristu aiva paTesaronika, kuti: “Takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.” (1 VaTesaronika 2:7, 8) Pauro akaita sezvinoita mureri anovaraidza mwana, uyo anoda vana vake zvikuru kwazvo zvokuti anoisa fariro dzavo pamberi pedzake amene uye ane rudo runyoro nokuda kwavo. Ikoku kunofanira kusunda sei vakuru vomuzana ramakore rechi 20 kubata boka raMwari nounyoro!
Manyuko Enyaradzo Nezorodzo
9. Migariroi yavanhu vomuzuva razvino vaJehovha yakadeya kutaurwa pana Isaya 32:1, 2?
9 Achinongedzera kuzuva rino rokutonga kwoUmambo kunoitwa naJesu Kristu, muporofita Isaya akadeya kutaura kuti mambo aizo“tonga nokuda kwokururama kumene” uye “machinda” aizotonga “nokuda kweruramisiro imene.” Nokudaro, vakuru vari musangano roubati ushe hwaMwari romuzuva razvino vari kutarisira fariro dzoUmambo hwokudenga hwakagadzwa—basa rouchinda zvamazvirokwazvo! Kuava varume vane mitoro kunoshanda mamwe mashoko ouporofita aIsaya: “Munhu mumwe nomumwe uchava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.”—Isaya 32:1, 2.
10. Mukuru mumwe nomumwe ari pakati peZvapupu zvaJehovha anofanira kuva manyuko echii?
10 Kusafanana navatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vanodzvinyirira, vakuru vari pakati peZvapupu zvaJehovha manyuko enyaradzo nezorodzo. Semitumbi yavarume vakuru, ivo vanosimudzira rugare, runyararo, uye chengeteko pakati pavanhu vaJehovha. Somunhu mumwe nomumwe, mukuru mumwe nomumwe anogona kugovera kuuyu mugariro wakaisvonaka kupfurikidza nokubata boka raMwari nounyoro.
Neruramisiro Nokururama
11. (a) Mugariroi waiva pakati pamaKristu omuzana rokutanga ramakore wakatekeshera muzhinjisa dzeungano dzeZvapupu zvaJehovha nhasi? (b) Vatariri vane mutoroi kuungano, uye nei?
11 Kunyange zvazvo zvinetso zvaimuka muungano dzechiKristu dzomuzana rokutanga ramakore, mugariro wadzo wose wakanga uri uya worugare, chinzwano, uye mufaro. (1 VaKorinte 1:10-12; 3:5-9; VaEfeso 1:2; Jakobho 2:1-9; 3:2-12; 4:11, 12; 1 Johane 1:3, 4) Mugariro womudzimu wakaisvonaka uripowo mudzakawanda zvikurusa dzeungano dzeZvapupu zvaJehovha nhasi nemhaka yechikomborero chaMwari, utungamiriri hwaKristu, uye basa rokutendeka ravatariri vakagadzwa. Kuva nechokwadi chorugare, chinzwano, uye mufaro zveungano, ava varume vanotsvaka betsero youmwari uye vanovavarira nokushingaira kuchengeta sangano raMwari rakachena mutsika nomumudzimu. (Isaya 52:11) Sangano risina kuchena haringatongogoni kuva rine rugare nerinofara, uye iro zvirokwazvo harisati raizova netendero yaMwari nechikomborero. Iye “une meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa,” zvokushivirira chakaipa. (Habhakuki 1:13) Pakati pezvimwe zvinhu, ipapoka, vakuru vanokarirwa kutarisira nhau dzokutonga nomutoo wakarurama, wapaMagwaro. Asi ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvokuyeuka pakutarisira mhaka dzakadaro?
12. Kunyange zvazvo vakuru vasingadikanirwi kuongorora zvinhu zvomunhu oga zvisingapunzi mitemo yeBhaibheri kana kuti nheyo, chii chinofanira kuitwa nemhaka yaVaGaratia 6:1?
12 Kutanga, mumhaka dzinobatanidza misiano yomunhu oga, kungava kunobvirira vanhu vamwe navamwe kugadzikisa zvinhu vari voga. (Mateo 18:15-17) Sezvo vakuru vasiri ‘vanatenzi pakutenda kwedu,’ ivo havakarirwi kuongorora nhau dzomunhu oga chose chose dzisingabatanidzi kupunzwa kwakakomba kwemitemo yeBhaibheri kana kuti nheyo. Nenzira yomuzvarirwo, kana pano ufakazi hwokuti mumwe munhu aita “nhano yakaipa asati aziva nezvayo,” avo vane zvikwaniriso zvomudzimu vanofanira “kuedza kugadziridza munhu akadaro nomudzimu wounyoro.”—VaGaratia 6:1, NW.
13. Magwaro anoratidza sei kuti vakuru vanofanira kuita chimwe chinhu bedzi paufakazi hwechakaipa, kwete runyerekupe?
13 Vakuru vanofanira kubatira “nokuda kweruramisiro imene,” nguva dzose vachiva vasina rusaruro. Naizvozvo ivo vanofanira kuita chimwe chinhu pamusoro poufakazi hwechakaipa, kwete runyerekupe chete. Pauro akapa zano, kuti: “Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.” (1 Timotio 5:19) Mukuwirirana nomupimo waJehovha, muna Israeri wakare munhu aipomerwa mhaka inourayisa aifanira kuurawa ‘pamiromo yezvapupu zviviri kana kuti zvitatu, kwete chimwe.’ Uyezve, mupomerwi sezviri pachena aiva nebanza rokutarisana navapomeri vake, uye kana ufakazi hwakanga hwakakwana, ‘ruoko rwezvapupu kutanga kwazvose rwaifanira kuva paari kuti rumuuraye.’—Dheuteronomio 17:6, 7.
14. (a) Chii icho Dhiotrefe akaedza kuita nenzira yakaipa? (b) Chii chinokarira Mwari kuvakuru pakutarisira nhau dzokutonga?
14 Kunofanira kuva nohwaro hwakanaka hwapaMagwaro hwechiito chokutonga. Tinofara sei kuti vatariri veungano havana kufanana navanaDhiotrefe vanodada vomuzana rokutanga ramakore N.V.! Iye akaedza zvakaipa “kukandira kunze kweungano” avo vaida kugamuchira hama dzinofambira nomutsa. Muapostora Johane haana kurangarira ikoku namamwe mabasa akaipa zvakareruka asi akanyevera, achiti: “Kana ndikauya, ndichayeuka mabasa ake.” (3 Johane 9, 10, NW) Nokudaro, dare rinotonga romuzuva razvino rinofanira kuva nechokwadi chokuti pane hwaro hweBhaibheri hwechiito chipi nechipi chokudzinga chavanoita.a Chokwadika, Mwari anokarira vakuru vechiKristu kuva vakarurama mukubata navamwe. Zvamazvirokwazvo, avo vanotarisira zvinhu zvesangano rapasi raJehovha vanofanira kuva “varume vanokwanisa, vanotya Mwari, varume vakavimbika.”—Eksodho 18:21, NW.
15. Ibasai rinofanira kuita munyengetero pakutonga?
15 Dare rokutonga rechiKristu riri rose rinofanira kutsvaka betsero yaJehovha mumunyengetero wapachokwadi. Musangano nehama kana kuti hanzvadzi yakapomerwa chakaipa chakakomba unofanira kuzarurwa nomunyengetero. Kutaura idi, kungava kwakafanira kunyengetera panguva ipi neipi mukati mekurukurirano apo kudikanwa chaiko kwebetsero yaMwari kunomuka.—Jakobho 5:13-18.
16. Vakuru vanofanira kutarisira kutonga nomutooi, uye nei?
16 Vakuru vanoziva kuti mutendi biyavo akapomerwa chakaipa i“gwai” riri muboka raMwari uye rinofanira kubatwa nounyoro. (Enzanisa naEzekieri 34:7-14.) Makwai chaiwoiwo anoda ngwariro nyoro, nokuti iwo zvisikwa zvinotya zvakatsamira pamufudzi wazvo nokuda kwedziviriro. Naizvozvo, zvakadiniko nezvamakwai okufananidzira ari muungano yomunzvimbomo? Iwo nenzira isingapanikirwi anonzwa akakotsekana mutarisiro yoMufudzi Mukuru, Jehovha Mwari, uye Mufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu. Asi vafudzi vaduku veboka vanofanira kuita nenzira dzinogovera kurugare rwomukati nepfungwa yechengeteko yavabatiri vakafanana namakwai vaJehovha. Kana iwe uri mufudzi muduku wechiKristu, ipapoka, ko hama dzako nehanzvadzi vanonzwa vakachengeteka uye vane runyararo mutarisiro yako here? Chokwadi, vakuru vanofanira kutsigira zvakasimba mitemo nenheyo zveBhaibheri. Asi ivo vanodikanirwa paMagwaro kubata namakwai nenzira yorudo nokutonga nomutoo wakaterama, une nhevedzano, womutsa, uye wokurangarira.
17. Mapfundoi apaMagwaro anofanira kurangarira vakuru, zvikurukuru mukati mokutonga?
17 Zvatisina kukwana, “tose tinogumburwa kazhinji” muchatinotaura. (Jakobho 3:2, NW) Mumwe nomumwe wedu anoda ngoni dzaMwari ne“chibairo chokuyananisira” chaKristu. (1 Johane 1:8-2:2, NW; Pisarema 130:3) Naizvozvo mufudzi muduku wechiKristu anofanira kuva nomurangariro wokuzvininipisa wake amene. Iye anofanira kuyeukawo mashoko aJesu, anoti: “Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirewo saizvozvo.” (Ruka 6:31) Iri zano rinofanira kushandiswa zvikuru mukati mokutonga. Varume vakakwaniriswa mumudzimu vanofanira kuedza kugadziridza muKristu akatadza ‘nomudzimu wounyoro, sezvo ivo mumwe nomumwe vachizvingwarira vamene, kutyira kuti ivowo vangaedzwa.’—VaGaratia 6:1; 1 VaKorinte 10:12.
18. (a) Chii chingavapo kana vakuru vakabata vamwe nehasha mukati mokutonga? (b) Nemhaka yaMarko 9:42, vakuru namamwe maKristu vanofanira kudzivisa kuitei?
18 Kana vakuru vakabata vamwe nehasha mukati mokutonga, ikoku kungabvumikisa kuva kunokuvadza kuvanhu vakadaro. Asi kunyange kana kuvadziko yendangariro kana kuti yomuviri isina kuvapo, kungagona kuva nekuvadziko yomudzimu yakakomba, uye zvikwaniriso zvavatariri zvingagonawo kupanikirwa. (Enzanisa naJakobho 2:13.) Nokudaro, mukati mokutonga uye padzimwe nguva dzose, vakuru vanofanira kuva nomutsa uye vanofanira kudzivisa kugumbura vamwe. Chokwadika, maKristu ose anofanira kushandisa ngwariro muna ikoku, nokuti Jesu akati: “Ani naani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.” (Marko 9:42) Huyo yaigona kuva huru kwazvo zvokuti simba remhuka raiwanzodikanwa kuitenderedza, uye hakuna munhu aikandirwa mugungwa nouremu hwakadaro mumutsipa make aigona kupukunyuka. Zvirokwazvo, ipapoka, mukuru anofanira kungwarira kusaparira kugumbuka kungagona kuguma nekuvadziko yomudzimu isingagumi kwaari amene nomunhu upi noupi anonzarwozvo kugumburwa.—VaFiripi 1:9-11.
Pfuurira Kuratidza Rudo Runyoro
19. Izanoi rakapa Petro vakuru biyake, uye kuita chimwe chinhu nenzira yakafanira kwariri kune chokuitai pakariro dzavo?
19 Muapostora Petro akaratidza kuti vatariri biyake vaifanira kufudza sei boka paakanyora, kuti: “Fudzai boka raMwari riri mutarisiro yenyu, musati muchiita negombedzero, asi nokudisa; uyewo musati muchiita nokuda kworudo rwemhindu yokusatendeseka, asi nomwoyo unodisa; uyewo musati muchiita savanodzvinyirira avo vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka. Uye apo mufudzi mukuru anoratidzirwa, imi muchagamuchira korona isingasvavi yembiri.” (1 Petro 5:2-4, NW) Kupfurikidza bedzi nokushandisa zano rakadaro uye kupfurikidza nokuratidzira rudo runyoro nokuda kweboka raMwari vatariri vakazodzwa vanogona kuwana tuso yavo yokudenga sezvisikwa zvisingafi zvomudzimu uye vakuru vane tariro dzapasi vanogona kugamuchira upenyu husingagumi muParadhiso yapasi pose iri kuuya.
20. (a) Vafudzi vaduku vechiKristu vanofanira kubata sei navatendi biyavo? (b) Unonzwa sei pamusoro pebasa romuenzaniso netarisiro nyoro yavakuru vane rudo?
20 Vose vari vaviri Jehovha Mwari naJesu Kristu Vafudzi vane rudo, vanonzwira tsitsi. Naizvozvo nepo vafudzi vaduku vechiKristu vachitsigira zvakasimba mipimo youmwari, ivo vanofanira kuratidza rudo nengoni mukubata navatendi biyavo vakafanana namakwai. Zvirokwazvo, Zvapupu zvaJehovha zvose zvakavimbika zvinoonga zvikuru basa romuenzaniso ravakuru vakadaro vanozvibaira avo vanochengeta chavakaronzeswa ndokubata boka raMwari nounyoro. Kuonga ikoko, pamwe chete noruremekedzo rwakafanira, zvinogona kuratidzwa kupfurikidza nokuteerera avo vanotungamirira pakati pedu.
[Mashoko Omuzasi]
a Munhu anogona kukwirira chisarudzo chokumudzinga kana iye achidavira kuti chikanganiso chakakomba muchisarudzo chakaitwa.
Ndoupi Uri Mufungo Wako?
◻ Jesu Kristu akaratidza sei kuti kudzvinyirira hakuna nzvimbo pakati pavateveri vake?
◻ Chii chinofanira kuita vakuru apo miraidzo inogamuchirwa ichibva kuMutumbi Unodzora?
◻ Mukuwirirana naIsaya 32:1, 2, vakuru vanofanira kuva manyuko echii?
◻ Magwaro anoratidza sei kuti vakuru vanofanira kusaita chimwe chinhu pamarunyerekupe chete?
◻ Vafudzi vaduku vechiKristu vanofanira kubata sei boka?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Munyengetero wapachokwadi unokosha apo dare rinotonga rinosangana nomutendi biyavo