Tevedzera Jehovha—Shandisa Ruramisiro Nokururama
“Ndini Jehovha, unoita unyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi.”—JEREMIA 9:24.
1. Ikariroi inoshamisa iyo Jehovha akapa?
JEHOVHA akapikira kuti zuva raizouya apo munhu ari wose aizomuziva. Kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, akati: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” (Isaya 11:9) Iyoyo ikariro inoshamisa zvakadini!
2. Kuziva Jehovha kunobatanidzei? Neiko?
2 Kunyange zvakadaro, kuziva Jehovha kunorevei? Jehovha akazivisa Jeremia chaikosha zvikurusa: “Kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita unyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi.” (Jeremia 9:24) Nokudaro, kuziva Jehovha kunobatanidza kuziva nzira yaanoshandisa nayo ruramisiro nokururama. Ipapo kana tikashandisa mavara iwayo, achatifarira. Tinogona sei kuita kudaro? MuShoko rake, Bhaibheri, Jehovha akachengetedza chinyorwa chokubata kwake navanhu vasina kukwana mumazera ose. Kupfurikidza nokurifunda, tinogona kusvika pakuziva nzira yaJehovha yeruramisiro nokururama nokudaro ndokumutevedzera.—VaRoma 15:4.
Akarurama Nepo Achinzwira Ngoni
3, 4. Neiko Jehovha akanga akarurama mukuparadza Sodhoma neGomora?
3 Rutongeso rwaMwari paSodhoma neGomora muenzaniso wakaisvonaka unoratidza mativi anoverengeka eruramisiro yaJehovha. Jehovha haana kungoita chirango chiri madikanwa bedzi asi akagoverawo ruponeso vakafanirwa narwo. Kuparadzwa kwamaguta iwayo kwakaruramiswa chaizvoizvo here? Abrahama, uyo sezviri pachena akanga achiziva zvakaganhurirwa ukuru hwouipi hweSodhoma, haana kufunga kudaro pakutanga. Jehovha akavimbisa Abrahama kuti kana vanhu vakarurama gumi bedzi vaigona kuwanika, aizoponesa guta iroro. Nenzira yakajeka, ruramisiro yaJehovha haikurumidzi kana kuti haisi isina tsitsi.—Genesi 18:20-32.
4 Nzvero yakaitwa nengirozi mbiri yakagovera ufakazi hwakajeka hwokushata kwetsika dzeSodhoma. Apo varume veguta, “vaduku navakuru,” vakaziva kuti varume vaviri vakanga vauya kuzogara pamusha waRoti, vakarwisa imba yake nevavariro yokubata chibharo kwegen’a kwoungochani. Ushati hwavo zvechokwadi hwakanga hwadzika kusvika kumwero wakaderera! Pasina mubvunzo, rutongeso rwaJehovha paguta racho rwakanga rwakarurama.—Genesi 19:1-5, 24, 25.
5. Mwari akanunura sei Roti nemhuri yake muSodhoma?
5 Pashure pokududza kuparadzwa kweSodhoma neGomora somuenzaniso unonyevera, muapostora Petro akanyora kuti: “Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari.” (2 Petro 2:6-9) Ruramisiro yaizodai isina kuitwa kudai Roti akarurama nemhuri yake vakaparadzwa pamwe chete navanhu vasingadi Mwari veSodhoma. Nokudaro, ngirozi dzaJehovha dzakanyevera Roti pamusoro poruparadziko rwakanga rwuchiuya. Apo Roti akanonoka, ngirozi “nengoni dzaJehovha” dzakamubata ruoko, mudzimai wake, uye vanasikana vake ndokuvabudisa kunze kweguta. (Genesi 19:12-16, NW) Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha acharatidza kuitira hanya kwakafanana vakarurama mukuparadzwa kuri kuuya kwegadziriro ino yakashata.
6. Neiko tichifanira kusanyanyova vanoitira hanya pamusoro pokuparadzwa kuri kuuya kwegadziriro yakaipa yezvinhu?
6 Kunyange zvazvo mugumo wegadziriro ino yezvinhu uchava nguva yo“kuita ruramisiro,” hapana chikonzero chokuti tinyanyova vanoitira hanya. (Ruka 21:22, NW) Rutongeso rwuchaitwa naMwari paArmagedhoni ruchabvumikisa kuva “rwakarurama kwazvo.” (Pisarema 19:9) Seizvo Abrahama akaziva, isu vanhu tinogona kuva nechivimbo chakazara mururamisiro yaJehovha, iyo iri pamwero wakakwirira kupfuura wedu. Abrahama akabvunza kuti: “Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” (Genesi 18:25; enzanisa naJobho 34:10.) Kana kuti seizvo Isaya nenzira yakafanira akataura kuti, “ndiani wakamurayira [Jehovha] nokumudzidzisa nzira yokururamisira?”—Isaya 40:14.
Chiito Chakarurama Chokuponesa Rudzi Rwomunhu
7. Ibatanoi iripo pakati peruramisiro yaMwari netsitsi dzake?
7 Ruramisiro yaMwari hairatidzwi munzira yaanoranga nayo vaiti vezvakaipa bedzi. Jehovha anozvirondedzera sa“Mwari wakarurama noMuponesi.” (Isaya 45:21) Sezvinooneka, pane batano yapedyo pakati pokururama kwaMwari, kana kuti ruramisiro, uye chishuvo chake chokuponesa rudzi rwomunhu mutapuro dzechivi. Ichitsinhira parugwaro urwu, The International Standard Bible Encyclopedia, Chinyorwa cha1982, chinoonesa kuti “ruramisiro yaMwari inotsvaka chaizvoizvo kuratidza ngoni Dzake nokuita ruponeso Rwake.” Hakusi kuti ruramisiro yaMwari inofanira kupfaviswa netsitsi asika, panzvimbo pezvo, kuti tsitsi kuratidzwa kweruramisiro yaMwari. Gadziriro yaMwari yorudzikinuro rwokuponeswa kworudzi rwomunhu muenzaniso wakatanhamara zvikurusa wourwu rutivi rweruramisiro yaMwari.
8, 9. (a) Chii chaibatanidzwa murondedzero yokuti, “chimwe chiito chokururama”? Neiko? (b) Jehovha anotikumbirei?
8 Mutengo worudzikinuro umene—upenyu hunokosha hwoMwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari, Jesu Kristu—wakanga wakakwirira nokuti mitemo yaJehovha ndeyechisiko chose, uye iye amene anoichengeta. (Mateo 20:28) Upenyu hwakakwana, uhwo hwaAdhama, hwakanga hwarasika, nokudaro upenyu hwakakwana hwaidikanwa kudzikinura upenyu hwavana vaAdhama. (VaRoma 5:19-21) Muapostora Pauro anorondedzera upenyu hwokutendeseka hwaJesu, kubatanidza kubhadharwa kworudzikinuro, se“chiito chimwe chokururama.” (VaRoma 5:18, NW, mashoko omuzasi) Neiko kwakadaro? Nokuti mukurangarira kwaJehovha, kudzikinura rudzi rwomunhu kwaiva chinhu chakanaka nechakarurama chokuita, kunyange zvazvo chaifanira kuitwa pamutengo mukuru kwaari amene. Vana vaAdhama vakanga vakafanana ne“rutsanga rwakapwanyika,” urwo Mwari asina kushuva kupwanya, kana kuti kufanana ne“mwenje unopwititika,” uyo asina kuda kudzima. (Mateo 12:20) Mwari aiva nechivimbo chokuti varume navakadzi vakawanda vakatendeka vaizomuka pakati pavana vaAdhama.—Enzanisa naMateo 25:34.
9 Tinofanira kudavidza sei kuichi chiito chikurusa chorudo neruramisiro? Chimwe chezvinhu Jehovha anotikumbira ku“it[a] zvakarurama.” (Mika 6:8) Tinogona sei kuita izvozvi?
Tsvaka Ruramisiro, Ronda Kururama
10. (a) Ndeipi imwe nzira yatinoshandisa nayo ruramisiro? (b) Tinogona sei kutanga kutsvaka kururama kwaMwari?
10 Kutanga kwezvose, tinofanira kuwirirana nemitemo yetsika yaMwari. Nokuti mitemo yaMwari yakanaka uye yakarurama, tinoshandisa ruramisiro apo tinorarama mutsinhirano nayo. Ndizvo izvo Jehovha anokarira vanhu vake. “Dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira,” Jehovha akaudza vaIsraeri kudaro. (Isaya 1:17) Jesu akapa zano rakafanana kuvateereri vake muMharidzo yapaGomo, apo akavarayiridza ku‘tanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari.’ (Mateo 6:33) Pauro akakurudzira Timotio ku“tever[a] kururama.” (1 Timotio 6:11) Apo tinorarama mutsinhirano nemitemo yaMwari yomufambiro ndokupfeka unhu hutsva, tiri kuronda ruramisiro yechokwadi nokururama. (VaEfeso 4:23, 24) Namamwe mashoko, tinotsvaka ruramisiro kupfurikidza nokuita zvinhu nenzira yaMwari.
11. Neiko tichifanira kurwisa udzori hwechivi uye sei?
11 Sezvatinoziva zvikuru, hakusi nyore nguva dzose kuti vanhu vasina kukwana vaite chiri chakanaka nechakarurama. (VaRoma 7:14-20) Pauro akakurudzira vaKristu veRoma kurwisa kudzora kwechivi, kuti vagone kupa miviri yavo yakatsaurirwa kuna Mwari se“nhumbi dzokururama,” dzaizova dzinobetsera kuna Mwari mukuita chinangwa chake. (VaRoma 6:12-14) Nenzira yakafanana, kupfurikidza nokufunda nokushandisa Shoko raMwari nguva dzose, tinogona kupinza “kurayira kwaShe” ndo‘kurangwa mukururama.’—VaEfeso 6:4; 2 Timotio 3:16, 17.
12. Chii chatinofanira kudzivisa kana tichizobata vamwe nenzira yatinoda kuti Jehovha atibate nayo?
12 Chechipiri, tinoshandisa ruramisiro apo tinobata vamwe nenzira yatinoda kuti Jehovha atibate nayo. Kuri nyore kuva nemitemo miviri—wetsitsi nokuda kwedu asi wakasimba nokuda kwavamwe. Tinozvipembedza nyore nyore nokuda kwezvikanganiso zvedu pachedu, nepo tichikurumidza kutsoropodza kukundikana kwavamwe, uko kungasanova kusingakoshi kuchienzaniswa nokwedu pachedu. Jesu anobvunza nenzira yakananga kuti: “Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako?” (Mateo 7:1-3) Hatifaniri kumbokanganwa kuti hapana nomumwe wedu angagona kumira kudai Jehovha aifanira kunzvera mhosho dzedu. (Pisarema 130:3, 4) Kana ruramisiro yaJehovha ichimubvumira kufuratira utera hwehama dzedu, ndisu vanaani kuti tivatonge zvakaipa?—VaRoma 14:4, 10.
13. Neiko munhu akarurama achinzwa achisungirwa kuparidza mashoko akanaka oUmambo?
13 Chechitatu, tinoratidza ruramisiro yaMwari apo tinogoverana nokushingaira mubasa rokuparidza. “Munhu wakafanirwa usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita,” Jehovha anotipa zano kudaro. (Zvirevo 3:27) Kwaisazova kwarurama kuchengeta zivo inopa upenyu iyo Mwari akatipa norupo kwazvo. Chokwadi, vanhu vakawanda vangaramba shoko redu, asi chero bedzi Mwari achipfuurira kupa tsitsi kwavari, tinofanira kudisa kuramba tichivapa mukana wo“kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Uye kufanana naJesu, tinofara apo tinokwanisa kubatsira mumwe munhu kutendeukira kururamisiro nokururama. (Ruka 15:7) Zvino inguva yakanaka yokuti ti‘dyare mbeu mukururama.’—Hosea 10:12.
“Machinda Achabata Achiruramisira”
14. Ibasai iro vakuru vanoita rine chokuita neruramisiro?
14 Tose zvedu tinofanira kufamba munzira yakarurama, asi vakuru vari muungano yechiKristu vane basa chairo munhau iyi. Kutonga kwomuchinda kwaJesu kuno‘tsigirwa nokururamisira nokururama.’ Nenzira inowirirana, ruramisiro yaMwari ndichinodikanwa chavakuru. (Isaya 9:7) Vanorangarira chinorondedzerwa nenzira youporofita pana Isaya 32:1 kuti: “Tarirai, mambo uchabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira.” Savatariri vakagadzwa nomudzimu, kana kuti ‘vatariri vaMwari,’ vakuru vanofanira kuita zvinhu nenzira yaMwari.—Tito 1:7.
15, 16. (a) Vakuru vanotevedzera sei mufudzi akatendeka womumuenzaniso waJesu? (b) Vakuru vanonzwa sei pamusoro paavo vakarasika mumudzimu?
15 Jesu akaratidza kuti ruramisiro yaMwari yainzwira ngoni, yaiva netsitsi, uye yaiva nemufungo. Kupfuura zvose, akaedza kubatsira avo vaiva nezvinetso uye “kuzotsvaka nokuponesa chakarashika.” (Ruka 19:10) Kufanana nomufudzi womumuenzaniso waJesu akatsvaka asinganeti kusvikira awana gwai rakarasika, vakuru vanotsvaka avo vakarasika mumudzimu ndokuedza kuvatungamirira kudzoka muboka.—Mateo 18:12, 13.
16 Panzvimbo pokupa mhosva avo vangave vakaita zvivi zvakakomba, vakuru vanotsvaka kuporesa ndokutungamirira kurupfidzo kana ikoko kuchibvira. Vanofara apo vanogona kubatsira mumwe munhu akarasika. Kunovasuruvarisa, zvisinei, apo muiti wechakaipa anokundikana kupfidza. Ipapo mitemo yaMwari yakarurama inoda kuti vadzinge asingapfidzi. Kunyange panguva iyoyo, kufanana naBaba vomwanakomana anopambadza, vanokarira kuti rimwe zuva mutadzi wacho ‘achafunga zvakanaka.’ (Ruka 15:17, 18) Nokudaro, vakuru vanotanga kushanyira vakadzingwa vakati kuti vavayeuchidze madzokerero avanogona kuita musangano raJehovha.a
17. Ivavariroi iyo vakuru vanova nayo apo vanotonga mhosva yechakaipa, uye ivarai richavabatsira kuwana vavariro iyoyo?
17 Vakuru zvikurukuru vanofanira kutevedzera ruramisiro yaJehovha apo vanotonga mhosva dzechakaipa. Vatadzi “vakaswedera” kuna Jesu nokuti vakanzwa kuti aizovanzwisisa ndokuvabatsira. (Ruka 15:1; Mateo 9:12, 13) Chokwadika, Jesu haana kufuratira chakaipa. Imwe nguva yezvokudya yaakapedza naJesu yakasunda Zakeo, mupambi aiva nomukurumbira wakaipa kupfidza ndokugadzirisa zvinhu nokuda kwokutambura kwose uko akanga aunza pavamwe. (Ruka 19:8-10) Vakuru nhasi vane vavariro yakafanana pakutonga kwavo—kutungamirira mutadzi kurupfidzo. Kana vachisvikika seizvo Jesu akanga akaita, vatadzi vakawanda vachakuwana kuri nyore kutsvaka batsiro yavo.
18. Chii chichagonesa vakuru kuva vakafanana ne“utiziro pamhepo”?
18 Mwoyo unoziva uchabatsira vakuru kushandisa kururamisira kwaMwari, uko kusina hasha uyewo kune tsitsi. Nenzira inofadza, Ezra akagadzirira mwoyo wake, kwete bedzi ndangariro yake, kuti adzidzise vaIsraeri ruramisiro. (Ezra 7:10) Mwoyo unonzwisisa uchagonesa vakuru kushandisa nheyo dzaMagwaro dzakakodzera uye kurangarira mamiriro ezvinhu omunhu mumwe nomumwe. Apo Jesu akaporesa mukadzi aiyerera ropa, akaratidza kuti ruramisiro yaJehovha inoreva kunzwisisa revo pamwe chete neshoko romutemo. (Ruka 8:43-48) Vakuru vanoshandisa ruramisiro nengoni vangafananidzwa no“utiziro pamhepo” nokuda kwaavo vakarohwa noutera hwavo pachavo kana kuti negadziriro ino yakaipa yezvinhu yatinorarama mairi.—Isaya 32:2.
19. Imwe hanzvadzi yakadavidza sei pakushandiswa kweruramisiro yaMwari?
19 Imwe hanzvadzi yakanga yaita chivi chakakomba yakasvika pakunzwisisa ruramisiro yaMwari zvakananga. “Nenzira yakajeka, ndaitya kuenda kuvakuru,” inobvuma kudaro. “Asi vakandibata nengoni nechiremera. Vakuru vakanga vakafanana navanababa panzvimbo pavatongi vakaoma. Vakandibatsira kunzwisisa kuti Jehovha aisazondiramba kana ndikasarudza kugadziridza nzira dzangu. Ndakadzidza zvakananga nzira yaanotiranga nayo saBaba vane rudo. Ndakakwanisa kuzarura mwoyo wangu kuna Jehovha, nechivimbo chokuti aizonzwa mukumbiro wangu. Ndichitarira shure, ndinogona kutaura zvechokwadi kuti musangano iwoyo navakuru makore manomwe apfuura waiva chikomborero chinobva kuna Jehovha. Chibvirocho, ukama hwangu naye hwave hwakasimba zvikuru.”
Chengeta Ruramisiro Uite Zvakarurama
20. Ndedzipi dziri betsero dzokunzwisisa nokushandisa ruramisiro nokururama?
20 Tinoonga kuti, ruramisiro yaMwari inoreva zvakawanda kupfuura kupa munhu wose chakaafanirwa nacho. Ruramisiro yaJehovha yakamusunda kupa upenyu husingaperi kuavo vanoshandisa kutenda. (Pisarema 103:10; VaRoma 5:15, 18) Mwari anotibata neiyi nzira nokuti ruramisiro yake inorangarira mamiriro edu ezvinhu, uye inotsvaka kuponesa panzvimbo pokupa mhosva. Zvechokwadi, nzwisiso iri nani youkuru hweruramisiro yaJehovha inotiswededza pedyo naye. Uye sezvatinovavarira kutevedzera urwu rutivi rweunhu hwake, upenyu hwedu neuhwo hwavamwe huchakomborerwa zvikuru. Kuronda kwedu ruramisiro hakuzoitiki kusingacherechedzwi naBaba vedu vokudenga. Jehovha anotipikira kuti: “Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodokusvika, kururama kwangu kworatidzwa. Wakaropafadzwa munhu unoita izvozvi.”—Isaya 56:1, 2.
[Mashoko Omuzasi]
Unoyeuka Here?
◻ Kuparadzwa kweSodhoma neGomora kunotidzidzisei pamusoro peruramisiro yaJehovha?
◻ Neiko rudzikinuro rwuri kuratidzwa kwakatanhamara kweruramisiro yaMwari norudo?
◻ Tinogona kushandisa ruramisiro munzirai nhatu?
◻ Vakuru vanogona kutevedzera ruramisiro yaMwari munzirai chaiyo?
[Mifananidzo iri papeji 15]
Kupfurikidza nomubato wedu wokuparidza, tinoratidza ruramisiro yaMwari
[Mufananidzo uri papeji 16]
Apo vakuru vanoratidza ruramisiro yaMwari, avo vane zvinetso vanokuwana kuri nyore kutsvaka betsero yavo