Kugoverana Nyaradzo Iyo Jehovha Anogovera
“Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosongana nesu pamatambudziko, saizvozvowo pakunyaradzwa.”—2 VAKORINTE 1:7.
1, 2. Chii chave chiri chinoitika chavazhinji vakava vaKristu nhasi?
VARAVI vazhinji vazvino veNharireyomurindi vakakura vasina zivo yechokwadi chaMwari. Zvichida ikoko ndokwechokwadi nezvako. Kana kwakadaro, yeuka manzwire awakaita sezvo maziso ako ekunzwisisa akavamba kuzaruka. Somuenzaniso, apo wakatanga kunzwisisa kuti vakafa havasi kutambura asi kuti havazivi chinhu, hauna kunyaradzwa here? Uye apo wakaziva nezvetariro yavakafa, kuti mabhiriyoni achamutsirwa kuupenyu munyika itsva yaMwari, hauna kunyaradzwa here?—Muparidzi 9:5, 10; Johane 5:28, 29.
2 Zvakadini nechipikirwa chaMwari chokugumisa uipi nokushandura pasi rino kuva paradhiso? Apo wakadzidza nezvaikoku, hakuna kukunyaradza ndokukuzadza nekariro yokudisa here? Wakanzwa sei apo wakatanga kuziva nezvebviro yokusatongofa asi yokupukunyuka kupinda muParadhiso iyoyo yapasi inouya? Pasina mubvunzo wakafadzwa. Hungu, wakanga wava mugamuchiri weshoko raMwari rinonyaradza riri kuparidzwa zvino munyika yose neZvapupu zvaJehovha.—Pisarema 37:9-11, 29; Johane 11:26; Zvakazarurwa 21:3-5.
3. Nei avo vanogoverana shoko raMwari renyaradzo nevamwe vachitamburawo dambudziko?
3 Zvisinei, apo wakaedza kugoverana shoko reBhaibheri nevamwe, wakasvikawo pakuziva kuti “havazi vose vanotenda.” (2 VaTesaronika 3:2) Zvichida vamwe vedzaichimbova shamwari dzako vakakunyomba nokuda kwokuratidzira kutenda zvipikirwa zveBhaibheri. Ungave wakatotambura chitambudzo nokuda kwokupfuurira kufunda Bhaibheri pamwe chete neZvapupu zvaJehovha. Chishoro chacho chingava chakakomba sezvawakavamba kuita chinjo kuti upinze upenyu hwako mutsinhirano nenheyo dzeBhaibheri. Wakavamba kuva nedambudziko iro Satani nenyika yake vanounza pane vose vanogamuchira nyaradzo yaMwari.
4. Vachangobva kufarira vangaita chimwe chinhu padambudziko munzirai dzakasiyana-siyana?
4 Nenzira inosuruvarisa, sezvo Jesu akafanotaura, dambudziko rinoparira vamwe kugumburwa ndokurega kusangana kwavo neungano yechiKristu. (Mateo 13:5, 6, 20, 21) Vamwe vanotsungirira dambudziko kupfurikidza nokuchengeta ndangariro dzavo dzakanangidzirwa pazvipikirwa zvinonyaradza izvo vari kudzidza. Pakupedzisira vanotsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa savadzidzi veMwanakomana wake, Jesu Kristu. (Mateo 28:19, 20; Marko 8:34) Chokwadika, dambudziko harigumi muKristu angobhabhatidzwa bedzi. Somuenzaniso, kuramba wakachena kunogona kuva kurwa kwakaoma kumunhu ave ane mamiriro ezvinhu akare ounzenza. Vamwe vanofanira kurwisana nechishoro chenguva dzose chinobva kumitezo yemhuri isingatendi. Ripi neripi ringava dambudziko racho, vose vanotevera nokutendeka upenyu hwekuzvitsaurira kuna Mwari vanogona kuva nechokwadi chechimwe chinhu. Munzira yomunhu oga zvikuru, vachava nenyaradzo yaMwari nebetsero.
“Mwari Wokunyaradza Kwose”
5. Pamwe chete nemiedzo mizhinji iyo Pauro akatambura, akavawo nechii?
5 Munhu aionga zvikuru nyaradzo iyo Mwari anogovera akanga ari muapostora Pauro. Pashure penguva yaitambudza zvikuru muAsia uye Makedhonia, akava nenyaradzo huru pakunzwa kuti ungano yeKorinte yakanga yaita zvakanaka kutsamba yake yetsiuro. Ikoku kwakamusunda kuvanyorera tsamba yechipiri, iyo ine kutaura kunotevera kwokurumbidza: “Mwari ngaaongwe, ivo Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinte 1:3, 4.
6. Chii chatinodzidza mumashoko aPauro anowanwa pana 2 VaKorinte 1:3, 4?
6 Aya mashoko akafuridzirwa anotaura zvizhinji. Ngatianzverei. Apo Pauro anotaura kurumbidza kana kuti kutenda Mwari kana kuti kuita chikumbiro kwaari mutsamba dzake, tinowanzowana kuti anobatanidzawo kuonga kukuru Jesu, Musoro weungano yechiKristu. (VaRoma 1:8; 7:25; VaEfeso 1:3; VaHebheru 13:20, 21) Nokudaro, Pauro anonangidzira uku kutaura kwokurumbidza kuna “Baba vaShe wedu Jesu Kristu.” Ipapo, kekutanga mumanyoro ake, anoshandisa zita rechiGiriki rinoshandurwa kuti “ngoni.” Zita iri rinobva mushoko rinoshandiswa kutaura rusuruvaro pakutambura kwemumwe. Nokudaro Pauro anorondedzera mirangariro yaMwari yeunyoro nokuda kweupi neupi wevabatiri Vake vakatendeka avo vaitambura dambudziko—mirangariro minyoro iyo inosunda Mwari kuvaitira chiito nenzira yengoni. Pakupedzisira, Pauro akatarira kuna Jehovha semanyuko eiri vara rinodikanwa kupfurikidza nokumuti “Baba vengoni.”
7. Nei kuchigona kutaurwa kuti Jehovha ndi“Mwari wekunyaradza kwose”?
7 “Ngoni” dzaMwari dzinoguma nenyaradzo kune uyo ari kutambura dambudziko. Naizvozvo Pauro anopfuurira kurondedzera Jehovha sa“Mwari wekunyaradza kwose.” Nokudaro, nyaradzo ipi neipi yatingava nayo inobva kumutsa wevatendi biyedu, tinogona kutarira kuna Jehovha semanyuko acho. Hakuna nyaradzo chaiyoiyo, inogara isingabvi kuna Mwari. Uyezve, ndiye akasika munhu mumufananidzo wake, nokudaro achitigonesa kuva vanyaradzi. Uye ndiwo mudzimu mutsvene waMwari unosunda vabatiri vake kuratidza ngoni kuavo vanoda nyaradzo.
Vakarovedzwa Kuva Vanyaradzi
8. Kunyange zvazvo Mwari asiri manyuko emiedzo yedu, itapuroi inobetsera iyo kutsungirira kwedu dambudziko kunogona kuva nayo patiri?
8 Nepo Jehovha Mwari achibvumidza miedzo yakasiyana-siyana iyo inouya pavabatiri vake vakatendeka, haasitongori manyuko emiedzo yakadaro. (Jakobho 1:13) Zvisinei, nyaradzo yaanogovera apo tinotsungirira dambudziko inogona kutirovedza kuva vanoziva zvikuru zvinodikanwa zvevamwe. Nemugumisiroi? “Kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari.” (2 VaKorinte 1:4) Nokudaro Jehovha anotirovedza kuva vagoverani vanobudirira venyaradzo yake nevatendi biyedu uye nevaya vatinosangana navo muushumiri hwedu sezvatinotevedzera Kristu uye kuti ti“nyaradze vose vanochema.”—Isaya 61:2; Mateo 5:4.
9. (a) Chii chichatibetsera kutsungirira kutambura? (b) Vamwe vanonyaradzwa sei apo tinotsungirira dambudziko nokutendeka?
9 Pauro akatsungirira kutambura kwake kuzhinji nemhaka yenyaradzo huru yaakagamuchira kuna Mwari kupfurikidza naKristu. (2 VaKorinte 1:5) Isuwo tinogona kuwana nyaradzo huru kupfurikidza nokufungisisa zvipikirwa zvaMwari zvinokosha, kupfurikidza nokunyengeterera tsigiro yemudzimu mutsvene wake, uye kupfurikidza nokuwana mhinduro dzaMwari kuminyengetero yedu. Nokudaro tichasimbiswa kuti tipfuurire kutsigira uchangamire hwaJehovha nokubvumikisa Dhiyabhorosi kuva murevi wenhema. (Jobho 2:4; Zvirevo 27:11) Kana tatsungirira nokutendeka chimiro chipi nechipi chechitambudzo, tinofanira, kufanana naPauro, kupa rumbidzo yose kuna Jehovha, ane nyaradzo inogonesa vaKristu kuramba vakatendeka mumuedzo. Kutsungirira kwevaKristu vakatendeka kunonyaradza uhama, kuchiita kuti vamwe vatsunge ku“tsungirira pamatambudziko iwayo.”—2 VaKorinte 1:6.
10, 11. (a) Zvimwei zvinhu zvakaparira kutambura kuungano yeKorinte yakare? (b) Pauro akanyaradza sei ungano yeKorinte, uye itariroi yaakataura?
10 VaKorinte vaiva nemugove wavo wekutambura uko kunouya pavaKristu vose vechokwadi. Mukuwedzera, vaida zano rokudzinga chifeve chisingapfidzi. (1 VaKorinte 5:1, 2, 11, 13) Kukundikana kuita chiito ichi nokugumisa gakava nemapoka kwakanga kwaunza ruzvidzo paungano. Asi pakupedzisira vakashandisa zano raPauro ndokuratidzira rupfidzo rwapachokwadi. Nokudaro, akavarumbidza noushamwari uye akataura kuti kuita kwavo chimwe chinhu kwakaisvonaka kutsamba yake kwakanga kwamunyaradza. (2 VaKorinte 7:8, 10, 11, 13) Sezviri pachena, akadzingwa wacho akanga apfidzawo. Naizvozvo Pauro akavapa zano roku‘mukanganwira ndokumunyaradza, kuti nenzira yakati munhu akadaro asakurirwe nekusuruvara kwake kwakanyanyisa.’—2 VaKorinte 2:7.
11 Tsamba yechipiri yaPauro zvirokwazvo inofanira kuve yakanyaradza ungano yeKorinte. Uye iyoyi ndiyo yakanga iri imwe yevavariro dzake. Akatsanangura, kuti: “Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosongana nesu pamatambudziko, saizvozvowo pakunyaradzwa.” (2 VaKorinte 1:7) Pamugumo wetsamba yake, Pauro akakurudzira, kuti: “Munyaradzwe, . . . Mwari worudo norugare uchava nemi.”—2 VaKorinte 13:11.
12. VaKristu vose vanodei?
12 Chidzidzo chinokosha zvakadini chatinogona kudzidza muna ikoku! Mitezo yose yeungano yechiKristu inoda “kugoverana nyaradzo, NW” iyo Mwari anogovera kupfurikidza neShoko rake, mudzimu mutsvene wake, uye sangano rake rapasi. Kunyange vakadzingwa vangave vachida nyaradzo kana vakapfidza ndokururamisa nzira yavo yakaipa. Nokudaro, “muranda wakatendeka, wakangwara” akatanga gadziriro ine ngoni yokuvabatsira. Kamwe pagore vakuru vaviri vangashanyira vakadzingwa vakati. Ava vangave vasisiri kuratidza chimiro chendangariro chokupandukira kana kuti kubatanidzwa muchivi chakakomba uye vangada betsero yokuita matanho ari madikanwa kuti vadzorerwe.—Mateo 24:45; Ezekieri 34:16.
Dambudziko raPauro muAsia
13, 14. (a) Pauro akarondedzera sei nguva yedambudziko rakakomba raakava naro muAsia? (b) Chiitikoi icho Pauro angave airangarira?
13 Rudzi rwokutambura urwo ungano yeKorinte yakanga yava narwo kusvikira panguva ino rwaisagona kuenzaniswa nematambudziko mazhinji ayo Pauro aifanira kutsungirira. Nokudaro, aigona kuvayeuchidza, kuti: “Nokuti hatidi, hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvo-kwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasha mwoyo tichiti hatingararami; asi pamwoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari unomutsa vakafa; iye wakatisunungura parufu rukuru rwakadai, uye uchatisunungurazve; iye watinotenda kuti ucharamba achitisunungura.”—2 VaKorinte 1:8-10.
14 Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinodavira kuti Pauro akanga achinongedzera kuchimurenga chomuEfeso, icho chaigona kunge chakauraya Pauro pamwe chete neshamwari dzake mbiri dzaaifamba nadzo dzeMakedhonia, Gayo naAristarko. VaKristu vaviri ava vakapinzwa nechisimba mune imwe imba yemitambo yakanga yakazadzwa nenyongori iyo ya“kadanidzira, [i]chiti: “Dhiana [mwarikadzi] wavaEfeso mukuru!” Pakupedzisira, mumwe mukuru mukuru weguta akabudirira mukunyaradza boka racho. Iyi tyisidziro kuupenyu hwaGayo naAristarko inofanira kuva yakatambudza Pauro zvikuru. Kutaura idi, aida kupindamo ndokurangarira nenyongori yacho yainyanyisa, asi akadziviswa kuisa upenyu hwake mungozi nenzira iyoyi.—Mabasa 19:26-41.
15. Mumiriroi wezvinhu wakakomba ungarondedzerwa pana 1 VaKorinte 15:32?
15 Zvisinei, Pauro angave akanga achirondedzera mumiriro wezvinhu wakakomba zvikuru kupfuura chiitiko chichangobva kududzwa. Mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte, Pauro akabvunza, kuti: “Kana ndakarwa nezvikara paEfeso somunhu zvaindibatsireiko?” (1 VaKorinte 15:32) Ikoku kungareva kuti upenyu hwaPauro hwakatyisidzirwa kwete bedzi nevanhu voumhuka asi nezvikara chaizvoizvo munhandare yeEfeso. Matsotsi padzimwe nguva airangwa kupfurikidza nokumanikidzwa kurwa nezvikara mapoka aidisa kuteurwa kweropa akatarira. Kana Pauro aireva kuti akanga atarisana nezvikara chaizvoizvo, panguva yokupedzisira anofanira kuve akaponeswa zvinoshamisa parufu rwoutsinye, kungofanana naDhanieri akaponeswa mumukanwa weshumba chaidzoidzo.—Dhanieri 6:22.
Mienzaniso Yomuzuva Razvino Uno
16. (a) Nei vazhinji veZvapupu zvaJehovha vachigona kunzwisisa matambudziko mazhinji akatamburwa naPauro? (b) Tinogona kuva nechokwadi chei pamusoro peavo vakafa nemhaka yekutenda kwavo? (c) Itapuroi yakanaka yakavapo apo vaKristu vakapukunyuka rufu nepaburi retsono?
16 VaKristu vazhinji vomuzuva razvino vanogona kunongedzera kumatambudziko akatamburwa naPauro. (2 VaKorinte 11:23-27) Nhasiwo, vaKristu vave va“karemerwa kwazvo-kwazvo kukunda simba [ravo],” uye vazhinji vakatarisana nemamiriro ezvinhu umo ‘vakanga vasina chokwadi neupenyu hwavo.’ (2 VaKorinte 1:8) Vamwe vakaurawa nemhondi dzinoponda vazhinji nevatambudzi vane utsinye. Tinogona kuva nechokwadi chokuti simba raMwari rinonyaradza rakavagonesa kutsungirira uye kuti vakafa nemwoyo nendangariro zvakanangidzirwa zvakasimba pakuzadzikwa kwetariro yavo, iyoyo ingave tariro yokudenga kana kuti yapasi. (1 VaKorinte 10:13; VaFiripi 4:13; Zvakazarurwa 2:10) Muzvimwe zviitiko, Jehovha akaronga zvinhu, uye hama dzedu dzakanunurwa murufu. Hapana mubvunzo vaya vakanunurwa zvakadaro vakava nechivimbo chakawedzerwa muna “Mwari unomutsa vakafa.” (2 VaKorinte 1:9) Pashure paikoko, vaigona kutaura nekupwiswa kukuru zvikuru sezvavaigoverana shoko raMwari rinonyaradza nevamwe.—Mateo 24:14.
17-19. Ndizvakaitikai zvinoratidza kuti hama dzedu muRwanda dzakava vagoverani munyaradzo yaMwari?
17 Munguva pfupi yapfuura hama dzedu dzinodiwa muRwanda dzakava nechiitiko chakafanana nechiya chaPauro neshamwari dzake. Vazhinji vakarasikirwa neupenyu hwavo, asi nhamburiko dzaSatani dzakakundikana kuparadza kutenda kwavo. Panzvimbo pezvo, hama dzedu munyika iyi dzakawana nyaradzo yaMwari munzira zhinji dzomunhu oga. Mukati mekuparadza rudzi kwevaTutsi nevaHutu vanogara muRwanda, kwaiva nevaHutu vakaisa upenyu hwavo mungozi kuti vadzivirire vaTutsi uye vaTutsi vakadzivirira vaHutu. Vamwe vakaurawa nevanyanyisi nokuda kwekudzivirira vatendi biyavo. Somuenzaniso, chimwe Chapupu chechiHutu chainzi Gahizi chakaurawa pashure pekuvanza imwe hanzvadzi yechiTutsi inonzi Chantal. Murume waChantal wechiTutsi, Jean, akavanzwa mune imwe nzvimbo neimwe hanzvadzi yechiHutu inonzi Charlotte. Kwemazuva 40 Jean neimwe hama yechiTutsi vakaramba vakahwanda muchimini hombe, vachingobuda bedzi kwenhambo pfupi mukati meusiku. Nguva yose iyi, Charlotte aivagovera zvokudya nedziviriro, kunyange zvazvo aigara pedyo nekamba yemauto echiHutu. Papeji ino, unogona kuona mufananidzo waJean naChantal vakabatanidzwazve, avo vanoonga kuti vanamati biyavo vechiHutu ‘vakaisa mungozi mitsipa yavo’ nokuda kwavo, kungofanana neizvo Priska naAkwira vakaitira muapostora Pauro.—VaRoma 16:3, 4.
18 Chimwe Chapupu chechiHutu, Rwakabubu, chakarumbidzwa nepepanhau reIntaremara nokuda kwokudzivirira vatendi biyake vechiTutsi.a Rakati: “Kuna Rwakabubuwo, mumwe weZvapupu zvaJehovha, uyo akapfuurira kuvanza vanhu pano nepapo pakati pehama dzake (ndizvo izvo vatendi vanodanidzana). Aipota achipedzera zuva rose kuvatakurira mvura yokunwa kunyange zvazvo achirwara neasima. Asi Mwari akamusimbisa nenzira yechienzi.”
19 Rangarirawo, vamwe varoorani vaifarira vechiHutu vanonzi Nicodeme naAthanasie. Kuparadza rudzi kusati kwavamba, ava varoorani vakanga vachifunda Bhaibheri nechimwe Chapupu chechiTutsi chinonzi Alphonse. Vachiisa upenyu hwavo mungozi, vakavanza Alphonse mumusha wavo. Gare gare vakaziva kuti imba yacho yakanga isiri nzvimbo yakakotsekana nemhaka yekuti vavakidzani vavo vechiHutu vaiziva nezveshamwari yavo yechiTutsi. Naizvozvo, Nicodeme naAthanasie vakavanza Alphonse mugomba raiva muruvanze rwavo. Ichi chakanga chiri chiito chakanaka nemhaka yokuti vavakidzani vakavamba kuuya vachitsvaka Alphonse rinodokuva zuva riri rose. Akarara mugomba iri kwemazuva 28, Alphonse aifungisisa nhoroondo dzeBhaibheri dzakadai seimwe pamusoro paRakabhi, uyo akavanza vaIsraeri vaviri padenga reimba yake muJeriko. (Joshua 6:17) Nhasi Alphonse anopfuuridzira basa rake muRwanda somuparidzi wemashoko akanaka, achionga kuti vadzidzi vake veBhaibheri vechiHutu vakapa upenyu hwavo mungozi nokuda kwake. Uye zvakadini naNicodeme naAthanasie? Zvino Zvapupu zvakabhabhatidzwa zvaJehovha uye vanoitisa fundo dzeBhaibheri dzinopfuurira 20 vanhu vanofarira.
20. Jehovha akanyaradza hama dzedu muRwanda munzirai, asi ndichinodikanwai chinopfuurira icho vazhinji vavo vanacho?
20 Panguva yakatanga kuparadzwa kwemarudzi muRwanda, kwakanga kune vazivisi 2 500 vemashoko akanaka munyika yacho. Kunyange zvazvo mazana akarasikirwa neupenyu hwawo kana kuti akamanikidzwa kutiza nyika yacho, nhamba yeZvapupu yakawedzera kusvikira kuvanopfuura 3 000. Ichocho chibvumikiso chokuti Mwari zvirokwazvo akanyaradza hama dzedu. Zvakadini nenherera zhinji nechirikadzi dziri pakati peZvapupu zvaJehovha? Nenzira yomuzvarirwo, ivava vachiri kutambura dambudziko uye vanoda nyaradzo inopfuuridzirwa. (Jakobho 1:27) Misodzi yavo ichapukutwa chose chose bedzi apo rumuko runoitika munyika itsva yaMwari. Kunyange zvakadaro, nemhaka yekushumira kwehama dzavo uye nemhaka yekuti vanamati va“Mwari wekunyaradza kwose,” vanokwanisa kugonana noupenyu.
21. (a) Ndekupizve uko hama dzedu dzave dzichida zvikuru nyaradzo yaMwari, uye ndeipi iri imwe nzira iyo tose zvedu tinogona kubetsera? (Ona bhokisi “Nyaradzo Mukati Mamakore Mana Ehondo.”) (b) Kuda kwedu nyaradzo kuchagutswa rini chose chose?
21 Mune dzimwe nzvimbo zhinji, dzakadai seEritrea, Singapore, uye yaichimbova Yugoslavia, hama dzedu dzinopfuurira kubatira Jehovha nokutendeka pasinei zvapo nedambudziko. Ngatibetserei hama dzakadaro kupfurikidza nokuita zvikumbiro zvenguva dzose kuti vagamuchire nyaradzo. (2 VaKorinte 1:11) Uye ngatitsungirirei nokutendeka kusvikira kunguva iyo Mwari kupfurikidza naJesu Kristu “uchapisika misodzi yose pameso [edu]” mupfungwa yakazara zvikurusa. Ipapo tichawana kusvikira kumwero wakakwana nyaradzo iyo Jehovha achagovera munyika yake itsva yekururama.—Zvakazarurwa 7:17; 21:4; 2 Petro 3:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Nharireyomurindi, January 1, 1995, peji 26, yakarondedzera chakaitika chemwanasikana waRwakabubu, Deborah, ane munyengetero wakaorora boka revarwi vechiHutu ndokuponesa mhuri pakupondwa.
Unoziva Here?
◻ Nei Jehovha achinzi “Mwari wekunyaradza kwose”?
◻ Tinofanira kurangarira sei matambudziko?
◻ Tinogona kugoverana nyaradzo nani?
◻ Kuda kwedu nyaradzo kuchagutswa sei chose chose?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Jean naChantal, kunyange zvazvo vari Zvapupu zvechiTutsi, vakavanzwa munzvimbo dzakasiyana neZvapupu zvechiHutu mukati mekuparadza rudzi muRwanda
[Mufananidzo uri papeji 17]
Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kugoverana shoko raMwari rinonyaradza nevavakidzani vazvo muRwanda