Fudzai Boka raMwari Nokudisa
“Fudzai boka raMwari riri mutarisiro yenyu, kwete nokumanikidzwa, asi nokudisa.”—1 PETRO 5:2, NW.
1. Neiko tichifanira kukarira vakuru vechiKristu ku‘fudza boka raMwari nokudisa’?
JEHOVHA anofudza vanhu vake nokudisa. (Pisarema 23:1-4) “Mufudzi wakanaka,” Jesu Kristu, akapa upenyu hwake hwakakwana hwohunhu nokudisa nokuda kwavanhu vakafanana namakwai. (Johane 10:11-15) Nokudaro, muapostora Petro akapa zano vakuru vechiKristu ‘kufudza boka raMwari nokudisa.’—1 Petro 5:2.
2. Mibvunzoi yakafanirwa nerangariro pamusoro pemibato yokufudza yavakuru vechiKristu?
2 Kudisa chiratidzo chavabatiri vaMwari. (Pisarema 110:3) Asi chinopfuura kudisa kwomurume wechiKristu chinodikanwa nokuda kwokugadzwa somutariri, kana kuti mufudzi muduku. Ndivanaani vanokwanirisa kuva vafudzi vakadaro? Kufudza kwavo kunobatanidzei? Kunoitwa sei zvakanakisisa?
Kutarisira Imba
3. Neiko kuchigona kutaurwa kuti nzira iyo murume wechiKristu anotarisira nayo mhuri yake inopesvedzera kana achikwanirisa kuva mufudzi muungano?
3 Murume asati agona kugadzwa kuva ne“basa romutariri,” anofanira kusvitsa zvinodikanwa zvapaMagwaro. (1 Timotio 3:1-7; Tito 1:5-9) Kutanga, muapostora Pauro akataura kuti mutariri anofanira kuva “unobata imba yake zvakanaka, una vana vanozviisa pasi nomugarire wose unokudzwa.” Pane chikonzero chakanaka nokuda kwaikoku, nokuti Pauro akati: “(Kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta seiko kereke yaMwari?)” (1 Timotio 3:4, 5) Pakugadza varume vakuru muungano dzaiva pachitsuwa cheKrete, Tito akaudzwa kutsvaka “munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, una vana vanotenda, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri.” (Tito 1:6) Hungu, nzira iyo murume wechiKristu anotarisira nayo mhuri yake inofanira kurangarirwa mukusarudza kana achikwanirisa kutakura mutoro unorema zvikuru wokufudza ungano.
4. Mukuwedzera kukuva nefundo yeBhaibheri yenguva dzose nomunyengetero, vabereki vechiKristu vanoratidza sei rudo nokuda kwemhuri dzavo?
4 Varume vanotarisira dzimba dzavo nomutoo wakaisvonaka vanoita zvinopfuura kunyengetera nokufunda Bhaibheri nemhuri dzavo pahwaro hwenguva dzose. Vakagadzirira nguva dzose kubetsera vadiwa vavo. Nokuda kwaavo vanova vabereki, ikoku kunotanga zuva rinozvarwa mwana. Vabereki vechiKristu vanoziva kuti kana vakaomerera zvikuru kumuitiro woumwari, muduku wavo achakurumidza zvikuru kukodzera murudungwe rwavo rwemibato yechiKristu muupenyu hwezuva nezuva. Kuti baba wechiKristu anosanotarisira sei muiyi migariro kunotapura zvikwaniriso zvake somukuru.—VaEfeso 5:15, 16; VaFiripi 3:16.
5. Baba wechiKristu anogona sei kurera vana vake “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha”?
5 Mukutarisira imba yake, baba wechiKristu anongwarira anoteerera zano raPauro, rokuti: “Musatsamwisa vana venyu; asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4, NW) Fundo yeBhaibheri yenguva dzose nemhuri, vose vari vaviri mudzimai navana, inopa mabanza akaisvonaka omurairidzo worudo. Vana nokudaro vanogamuchira “chirango,” kana kuti murairidzo unoruramisa. “Kutungamirira ndangariro” uko kunoitika ipapo kunobetsera mwana mumwe nomumwe kusvika pakuziva murangariro waJehovha wezvinhu. (Dheuteronomio 4:9; 6:6, 7; Zvirevo 3:11; 22:6) Mumugariro wakasununguka wouku kuva pamwe chete kwomudzimu, baba anoitira hanya anosanoteerera sezvo vana vake vanotaura. Mibvunzo yomutsa inotungamirira inoshandiswa kuwana mashoko okutendeseka kwavari pamusoro pefunganyo dzavo nezvimiro zvendangariro. Baba haasati achifunga kuti anoziva zvose zviri kuitika mundangariro dzavo duku. Zvamazvirokwazvo, “unopindura asati anzwa, zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa,” inodaro Zvirevo 18:13. Nhasi, vabereki vazhinjisa vanowana kuti migariro inotarisana navana vavo inosiana zvikuru neiyo ivo vamene vakawana pavaiva vaduku. Somuuyo, baba achaedza kudzidza mugariro noudzame zvechinetso asati ataura kuti chinofanira kubatwa sei.—Enzanisa naJakobho 1:19.
6. Neiko baba wechiKristu achifanira kunzvera Shoko raMwari pakubetsera mhuri yake?
6 Chii chinoitika pashure pokunge zvinetso, funganyo, uye zvimiro zvendangariro zvavana vomunhu zvazivikanwa? Baba anotarisira nomutoo wakaisvonaka anonzvera Magwaro, ayo a“nobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama.” Anodzidzisa vana vake nzira yokushandisa nayo nhungamiro dzeBhaibheri dzakafuridzirwa. Neiyi nzira, avo vari vaduku mumakore vanova “vakakwaniriswa zvizere, vakashongedzerwa zvakakwana nokuda kwebasa riri rose rakanaka.”—2 Timotio 3:16, 17, NW; Pisarema 78:1-4.
7. Muenzanisoi uyo madzibaba echiKristu anofanira kugadza pamusoro pomunyengetero?
7 Pwere dzoumwari dzinotarisana nenguva dzakaoma pamusoro pevokuchikoro biyadzo venyika. Naizvozvo madzibaba echiKristu anogona sei kubvisa rutyo rwavana vavo? Imwe nzira kupfurikidza nokunyengetera nguva dzose navo uye nokuda kwavo. Apo ava vanhu vaduku vanotarisana nemigariro inotambudza, sezvingabvira vachatevedzera rutsamiro rwavabereki vavo pana Mwari. Mumwe musikana ane makore 13 okukura, akabvunzurudzwa asati abhapatidzwa mukuratidzira kuzvitsauria kwake kuna Mwari, akarondedzera kuti akanga awana kunyombwa nokubatwa zvisina kufanira nevokuchikoro biyake. Apo akadzivirira chitendero chake chakavakirwa paBhaibheri muutsvene hweropa, vamwe vasikana vakamurova uye vakamupfira mate. (Mabasa 15:28, 29) Akadzorera here? Aiwa. “Ndakaramba ndichinyengetera kuna Jehovha kuti andibetsere kuramba ndakaterama,” akatsanangura kudaro. “Ndakayeukawo izvo vabereki vangu vakanga vandidzidzisa mufundo yedu yemhuri pamusoro pokudikanwa kwokuzvichengeta timene tichizvidzora muzvakaipa.”—2 Timotio 2:24.
8. Mukuru asina vana anogona sei kutungamirira imba yake nomutoo wakaisvonaka?
8 Mukuru asina vana angaitawo gadziriro dzakakwana dzomudzimu nedzokunyama nokuda kwaavo vari mumba make. Ikoku kunobatanidza mukwanyina wake weroorano uye zvichida hama dzokunyama dzechiKristu dzinotsamira paari dziri kugara mumusha make. (1 Timotio 5:8) Kutungamirira kudaro nomutoo wakaisvonaka ndichimwe chezvinodikanwa izvo zvinofanira kusvitswa nomurume anogadzwa kutakura mutoro somukuru weungano. Ipapoka, varume vakuru vakagadzwa vanofanira kurangarira sei mitoro yavo yakaropafadzwa muungano?
Tungamirira “Nokushingaira”
9. Chimiroi chendangariro icho vakuru vechiKristu vanofanira kuva nacho kumigove yavo yebasa?
9 Muzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose, muapostora Pauro akabatira somutariri muimba yaMwari, ungano yechiKristu muumusoro hwaKristu. (VaEfeso 3:2, 7; 4:15) Pauro akarairawo vatendi biyake muRoma, kuti: “Tine zvipo zvakasiana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiporofite zvakaenzana nokutenda kwedu; kana kuri kushumira, ngazvionekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu; kana kuri kuraira, pakuraira kwedu; unopa, ngaape nomwoyo wose; uri mukuru, ngaabate nokushingaira; unoitira ngoni, ngaaite nomufaro.”—VaRoma 12:6-8.
10. Mukutarisira boka raMwari, muenzanisoi uyo Pauro akagadza nokuda kwavakuru nhasi?
10 Pauro akayeuchidza vaTesaronika, kuti: “Sababa vanoita navana vavo, tichikurairai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye unokudanirai kuushe hwake nokubwinya kwake.” (1 VaTesaronika 1:1; 2:11, 12) Kuraira kwakanga kwapiwa nenzira yakadaro younyoro, yorudo zvokuti Pauro aigona kunyora, kuti: “Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.” (1 VaTesaronika 2:7, 8) Mutsinhirano nomuenzaniso waPauro woubaba, varume vakuru vakavimbika vane itiro hanya huru nokuda kwavose vari muungano.
11. Vakuru vakagadzwa vanogona sei kuratidza kudisa?
11 Unyoro, pamwe chete nokudisa, zvinofanira kuratidzira tarisiro yorudo iyo vafudzi vedu vakatendeka vechiKristu vanoshandisa. Mutoo wavo unotaura zvizhinji. Petro anopa zano vakuru kufudza boka raMwari “kwete nokumanikidza” kana kuti “nokuda kworudo rwemhindu yokusatendeseka.” (1 Petro 5:2, NW) Papfundo rino, nyanzvi William Barclay akataura shoko rokuchenjedza, achinyora kuti: “Pane nzira yokugamuchira nayo nzvimbo uye yokuita nayo basa sokunge kuti ibasa rakakomba nerisingafadzi, sokunge kuti rinonetesa, sokunge mutoro unofanira kurambwa. Kunobvira zvikuru kuti munhu akumbirwe kuita chimwe chinhu, uye kuti achiite, asi kuchiita nenzira yakadaro isina nyasha zvokuti chiito chose chinoipiswa. . . . Asi [Petro] anotaura kuti muKristu ari wose anofanira kuva nechido nenzira yokudedera kuita basa rakadaro sezvaanogona, kunyange zvazvo achiziva zvizere kuti haafanirwi nokuriita zvikuru sei.”
Vafudzi Vanodisa
12. Vakuru vechiKristu vanogona sei kuratidzira kudisa?
12 “Fudzai boka raMwari riri mutarisiro yenyu, . . . nokudisa,” Petro anokurudzirawo kudaro. Mutariri wechiKristu anotarisira makwai anoita kudaro nokudisa, nokuda kwake amene, munhungamiro yoMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu. Kubatira nokudisa kunorevawo kuti mufudzi wechiKristu anozviisa pasi pechiremera chaJehovha, ‘mufudzi nomutariri wemweya yedu.’ (1 Petro 2:25) Mufudzi muduku wechiKristu anoratidzira nokudisa ruremekedzo nokuda kwegadziriro youbati ushe hwaMwari. Anoita kudaro apo anotungamirira avo vanotsvaka zano kuShoko raMwari, Bhaibheri. Kunyange zvazvo ruzivo rwokuzviwanira ruchabetsera mukuru kuvaka dura rezano rakavakirwa paBhaibheri, ikoku hakurevi kuti achava nomushonga wapaMagwaro kuchinetso chiri chose nokukurumidza. Kunyange apo anenge achiziva mhinduro kumubvunzo, angakuwana kuri kuchenjera pamwe chete nomubvunzi kunzvera Watch Tower Publications Index kana kuti index dzakafanana. Nokudaro anodzidzisa munzira mbiri: Anoratidzira kuwana kunoitwa mashoko anobetsera uye nenzira yokuzvininipisa anoratidza ruremekedzo nokuda kwaJehovha kupfurikidza nokutungamirira ngwariro kuicho sangano raMwari rakaburitsa.
13. Inhanoi dzinogona kuitwa navakuru kubetsera kupa zano rakanaka?
13 Mukuru anogona kuitei kana pasina chakaburitswa mumabhuku eSosaiti pachinetso chakananga chiripo? Pasina panikiro, achanyengetera nokuda kwenzwisiso uye achatsvaka nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda kunhau yacho. Angakuwanawo kuchibetsera kukarakadza kuti munhu anotsvaka betsero arangarire muenzaniso waJesu. Mukuru angabvunza, kuti: “Kudai Jesu, Mudzidzisi Mukuru, aiva mumugariro wako, unofunga kuti aizoitei?” (1 VaKorinte 2:16) Kurangarira kwakadaro kungabetsera mubvunzi kuita chisarudzo chokuchenjera. Asi kwaizova kusachenjera sei kuti mukuru ape mufungowo zvawo womunhu oga sokunge izano rakanaka rapaMagwaro! Panzvimbo pezvo, vakuru vanogona kukurukura zvinetso zvakaoma nomumwe nomumwe. Vangatoendesa nhau dzinokosha nokuda kwokukurukura pamusangano womutumbi wavakuru. (Zvirevo 11:14) Zvisarudzo zvichavapo zvichagonesa vose zvavo kutaura nebvumirano.—1 VaKorinte 1:10.
Unyoro Hunokosha
14, 15. Chii chinodikanwa kuvakuru pakugadziridza muKristu ‘akaita chikanganiso asingazivi’?
14 Mukuru wechiKristu anofanira kuratidzira unyoro pakudzidzisa vamwe, zvikurukuru pakuvapa zano. “Hama,” Pauro anopa zano, “kunyange zvazvo munhu akaita chikanganiso asati azviziva, imi mune zvikwaniriso zvomudzimu edzai kugadziridza munhu wakadaro nomudzimu wounyoro.” (VaGaratia 6:1, NW) Nenzira inofadza, shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “kugadziridza” rine chokuita neshoko rokuvhiya raishandiswa kurondedzera kugadziridzwa kwepfupa kudzivisa urema hwoupenyu hwose. Munyori weduramashoko W. E. Vine anowiriranisa ikoku nokudzorerwa “kunonoitwa naavo vari vomudzimu, kwomunhu uyo akaita chivi, akadaro achiva somutezo wakashodogoka womuviri womudzimu.” Dzimwe shanduro dzakasiana ndi, “kudzorera kunzvimbo yakafanira; kupinza muwirirano yakafanira.”
15 Kugadziridza kufunga kwomunhu amene hakusi nyore, uye kunogona kuva kwakaoma zvikuru kupinza mifungo yomunhu anokanganisa muwirirano yakafanira. Asi betsero inopiwa nomudzimu wounyoro sezvingabvira inogamuchirwa nokuonga. Somuuyo, vakuru vechiKristu vanofanira kuteerera zano raPauro, rokuti: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.” (VaKorose 3:12) Vakuru vanofanira kuitei apo munhu anoda kugadziridzwa anenge ane chimiro chendangariro chakaipa? Vanofanira “kuronda . . . unyoro.”—1 Timotio 6:11, NW.
Kufudza Nokungwarira
16, 17. Ingozii idzo vakuru vanofanira kudzivisa pakupa vamwe zano?
16 Kune zvakawanda kuzano raPauro riri pana VaGaratia 6:1. Anokurudzira varume vakakwaniriswa mumudzimu, kuti: “Edzai kugadziridza [munhu anokanganisa] nomudzimu wounyoro, sezvo imi mumwe nomumwe muchiramba muchizvingwarira mumene, kutyira kuti imiwo mungaedzwa.” Miuyo yakakomba zvakadini inogona kuvapo kana zano rakadaro rikasateererwa! Yasundwa nemishumo yomufundisi weAnglican akawanikwa ane mhaka yokuita upombwe navaviri vanogara muruwa, The Times yeLondon yakataura kuti ikoku “mugariro unopfuurira: murume anopa zano, sezviri pachena roubaba kana kuti rouhama achiva nyajambwa kumiedzo yokuvimbwa.” Munyori wenyaya dzepepanhau ipapo akanongedzera kukutaura kwaDr. Peter Rutter kwokuti “zvinoitika zvokushandisa zvisakafanira pakati pavanoda betsero navanopa zano vavo vechirume—vanachiremba, magweta, vaprista uye vashandirwi—zvakanga zvava, munzanga yedu yakasununguka mune zvevatano denda, risingabvumwi, rinokuvadza nerinonyadzisa.”
17 Hatifaniri kufunga kuti vanhu vaJehovha havatapurwi nemiedzo yakadaro. Mumwe mukuru anoremekedzwa uyo akanga abatira kwamakore nenzira yokutendeka akava anobatanidzwa muutere nemhaka yokuti akaita shanyo dzokufudza pahanzvadzi yakaroorwa apo yaiva yoga. Kunyange zvazvo yakapfidza, hama yacho yakarasikirwa neropafadzo dzayo dzose dzebasa. (1 VaKorinte 10:12) Ipapoka, varume vakuru vakagadzwa vanogona sei kuita shanyo dzokufudza nenzira yakadaro zvokuti havasati vachizowira mumuedzo? Vanogona sei kuronga nokuda kwomwero wakati wokuvandika, nokuda kwomunyengetero, uye nokuda kwebanza rokunzvera Shoko raMwari nezvinyorwa zvechiKristu?
18. (a) Kushandisa nheyo youmusoro kunogona sei kubetsera vakuru kudzivisa migariro inobvumiranisa pane zvisina kufanira? (b) Igadziriroi dzinogona kuitwa nokuda kwokuita shanyo yokufudza pahanzvadzi?
18 Chimwe chinhu chokuti vakuru varangarire inheyo youmusoro. (1 VaKorinte 11:3) Kana munhu muduku achitsvaka nhungamiro, edza kubatanidza vabereki vake mukurukurirano apo kunenge kwakakodzera. Apo hanzvadzi yakaroorwa inokumbira betsero yomudzimu, unogona kuronga kuti murume wayo avepo mukati meshanyo yacho here? Zvakadini kana ikoku kusingabviri kana kuti iye asiri mutendi uyo ave achimubata zvisina kufanira munzira yakati? Ipapo ita gadziriro dzimwe chetedzo dzawaizoita apo shanyo yokufudza inoitwa pahanzvadzi isina kuroorwa. Kwaizova kuchenjera kuti hama mbiri dzakakwaniriswa mumudzimu dzishanyire hanzvadzi yacho pamwe chete. Kana ikoku kusina kukodzera, zvichida nguva yakakodzera inogona kusarudzwa kuti hama mbiri dzive nekurukurirano naye paHoro yoUmambo, zvikurukuru mukamuri rinobvumira kuvandika. Nedzimwe hama nehanzvadzi dziripo muhoro, kunyange zvazvo dzisiri mumugariro wokuona nokunzwa kurukurirano yacho, sezvingabvira chisakiso chipi nechipi chokugumbuka chaizodziviswa.—VaFiripi 1:9, 10.
19. Kufudza makwai aMwari nokudisa kunounza miuyoi yakanaka, uye ndokunaani kwatinotaura kuonga nokuda kwavafudzi vanoda?
19 Kufudza makwai aMwari nokudisa kunounza miuyo yakanaka—boka rakasimba mumudzimu, rinosanotungamirirwa. Kufanana nomuapostora Pauro, vakuru vechiKristu vomuzuva razvino uno vane itiro hanya huru nokuda kwavatendi biyavo. (2 VaKorinte 11:28) Unorema zvikuru mutoro wokufudza vanhu vaMwari muidzi nguva dzinotambudza. Naizvozvo, tinoonga zvirokwazvo nokuda kwebasa rakaisvonaka riri kuitwa nehama dzedu dzinobatira savakuru. (1 Timotio 5:17) Nokuda kwokutikomborera ne“zvipo muvarume” vanofudza nokudisa, tinopa rumbidzo kuMupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana,” Mufudzi wedu ano rudo wokudenga, Jehovha.—VaEfeso 4:8; Jakobho 1:17.
Waizopindura Sei?
◻ Murume anogona sei kutarisira imba yake nomutoo wakaisvonaka?
◻ Mavarai anofanira kuratidzira kutarisira kunoitwa navakuru vechiKristu?
◻ Vakuru vangaratidza sei kuzvininipisa nounyoro mukupa zano?
◻ Chii chinobetsera kuita kuti kugadziridza kwomudzimu kushande?
◻ Vakuru vanogona sei kudzivisa migariro inobvumiranisa pane zvisina kufanira pakufudza boka?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Mukuru wechiKristu anofanira kutungamirira imba yake nomutoo wakaisvonaka
[Mufananidzo uri papeji 21]
Kufudza kwechiKristu kunofanira kuitwa nounyoro nouchenjeri