Farai muna Jehovha!
“Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai.”—VAFIRIPI 4:4.
1. Neiko tingashamisika neicho Pauro akareva apo akataura kuti vaKristu vanofanira kufara nguva dzose?
MAZUVA ano, zvikonzero zvokufara zvingaratidzika kuva zvishomanene uye zvishoma zvikuru. Vanhu veguruva, kunyange vaKristu vechokwadi, vanosangana nemigariro inoparira rusuruvaro—kushaikwa kwamabasa, utano hwakaipa, rufu rwavadiwa, zvinetso zvounhu, kana kuti chishoro chinobva kumitezo yemhuri isingadaviri kana kuti dzaichimbova shamwari. Naizvozvo tinofanira kunzwisisa sei zano raPauro, “Farai . . . nguva dzose”? Mukurangarira migariro isingafadzi neinotambudza tose zvedu tinofanira kurwisana nayo, ikoku kunombobvira here? Kurukurirano yamashoko akapoteredza yaaya mashoko ichabetsera kujekesa nhau yacho.
Farai—Neiko uye Seiko?
2, 3. Chii chiri ukoshi hwomufaro, sezvakaratidzirwa muzvinoitika zvaJesu navaIsraeri vakare?
2 “Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai.” Ikoku kungatiyeuchidza nezvamashoko akanangidzirwa kuvaIsraeri mazana amakore 24 apfuura, okuti: “Mufaro waJehovha isimba renyu,” kana kuti mukuwirirana neshanduro yaMoffat: “Kufara muna Asingagumi isimba renyu.” (Nehemia 8:10) Mufaro unogovera simba uye wakafanana nenhare umo munhu anogona kupinda nokuda kwenyaradzo nedziviriro. Mufaro waikosha mukubetsera kunyange munhu akakwana Jesu kutsungirira. “Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.” (VaHebheru 12:2) Nenzira yakajeka, kuva anokwanisa kufara mukutarisana nezvitambudzo kunokosha nokuda kworuponeso.
3 Vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vakanga varayirwa, kuti: “Unofanira kufarira zvose zvakanaka, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako, iwe, naveimba yako, nomuRevhi, nomutorwa uri pakati pako.” Migumisiro yokukundikana kubatira Jehovha nokufara yaizova yakakomba. “Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa . . . nokuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomwoyo unofara, nokuda kwokuwanda kwezvose.”—Dheuteronomio 26:11; 28:45-47.
4. Neiko tingakundikana kufara?
4 Kuri madikanwa, naizvozvo, kuti vakasarira vakazodzwa vanhasi neshamwari dzavo “mamwe makwai” vafare! (Johane 10:16) Pauro, kupfurikidza nokudzokorora zano rake, “ndichapamhidzazve,” akasimbisa ukoshi hwokufara pamusoro pezvakanaka zvose izvo Jehovha akatiitira. Tinodaro here? Kana kuti tinobatikana kwazvo mumuitiro wezuva riri rose woupenyu zvokuti pane dzimwe nguva tinorasikirwa nechiono chezvikonzero zvedu zvakawanda zvokufara? Zvinetso zvinowedzera zvikuru kwazvo zvokuti zvinodzikatidza chiono chedu choUmambo nezvikomborero zvahwo here? Tinobvumira zvimwe zvinhu—kusateerera mitemo yaMwari, kufuratira nheyo dzoumwari, kana kuti kuregeredza mabasa echiKristu—kutibira mufaro wedu here?
5. Neiko munhu asina mufungo achikuwana kwakaoma kufara?
5 “Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe uri pedyo.” (VaFiripi 4:5) Munhu asina mufungo anoshaya dzikamo. Iye angakundikana kutarisira utano hwake zvakafanira, nenzira isiri madikanwa achiisa muviri wake kudzvinyiriro isina kufanira kana kuti funganyo. Zvichida iye haana kudzidza kugamuchira miganhu yake uye kurarama nenzira inowirirana. Iye angaisa nharidzano dzake pakakwirira zvikuru uye ipapo kuedza kudzisvika pasinei zvapo nomugumisiro wacho. Kana kuti angashandisa miganhu yake sepembedzo yokuderera kana kuti kushingaira zvishoma. Achishaya dzikamo achiva asina mufungo, iye achakuwana kwakaoma kufara.
6. (a) VaKristu biyedu vanofanira kuonei matiri, uye ndirini bedzi ikoku kuchava kwakadaro? (b) Mashoko aPauro ari pana 2 VaKorinte 1:24 naVaRoma 14:4 anotibetsera sei kuva vane mufungo?
6 Kunyange kana vashori vakatirangarira savanyanyisi, vaKristu biyedu vanofanira nguva dzose kukwanisa kuona semienzaniso kuva kwedu nomufungo. Uye vachadaro kana takadzikama uye tisingakariri kukwana kwatiri timene kana kuti zvimwe kuvamwe. Kupfuura zvose, tinofanira kurega kuisa mitoro inorema pavamwe inopfuura iyo Shoko raMwari rinorayira. Muapostora Pauro akati: “Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare.” (2 VaKorinte 1:24) Seaichimbova muFarise, Pauro aisanoziva kuti mirau yerumano yakavanzarikwa ndokuiswa naavo vaiva nechiremera inodzvinyirira mufaro, nepo zvikarakadzo zvinobetsera zvakapiwa navashandi biyake zvinouwedzera. Idi rokuti “Ishe uri pedyo” rinofanira kuyeuchidza munhu ane mufungo kuti hatifaniri ‘kutonga muranda womumba womumwe. Iye anomira kana kuti kuwa kuna tenzi wake amene.’—VaRoma 14:4.
7, 8. Neiko vaKristu vachifanira kukarira kuva nezvinetso, asi kunovabvirira sei kuramba vachifara?
7 “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga.” (VaFiripi 4:6) Isu nhasi tiri kutambura “nguva dzokutambudzika” Pauro akanyora nezvadzo. (2 Timotio 3:1-5) Naizvozvo vaKristu vanofanira kukarira kutarisana nezvinetso. Mashoko aPauro “farai . . . nguva dzose” haabvisi bviro yokuti muKristu akavimbika angava nenguva dzapanhambo nenhambo dzokushaya tariro kana kuti kuodzwa mwoyo. Muchinoitika chaPauro amene, iye akabvuma zvapachokwadi, kuti: “Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasha mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa.” (2 VaKorinte 4:8, 9) Mufaro womuKristu, zvisinei, unoderedza uye pakupedzisira unokunda nhambo dzechinguvana dzefunganyo nenhamo. Unopa simba riri madikanwa kuramba achifambira mberi, asingatongorasikirwi nechiono chezvikonzero zvakawanda zvokufara.
8 Apo zvinetso zvinomuka, chipi kana chipi chiri rudzi rwazvo, muKristu anofara anokumbira nokuzvininipisa betsero yaJehovha kupfurikidza nomunyengetero. Haasati achitera kufunganyo yakanyanyisa. Pashure pokuita icho iye amene anogona nenzira ine mufungo kuita kupedza chinetso, anosiyira mugumisiro mumaoko aJehovha mutsinhirano nekokero, yokuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye achakusimbisa.” Munguva iyeyo, muKristu wacho anopfuurira kuonga Jehovha nokuda kworunako Rwake rwose.—Pisarema 55:22; onawo Mateo 6:25-34.
9. Zivo yezvokwadi inopa sei rugare rwendangariro, uye mugumisiroi wakanaka iyoyi inova nawo pane muKristu?
9 “Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:7) Zivo yezvokwadi yeBhaibheri inosunungura ndangariro yomuKristu paunhema uye inomubetsera kutanga mitoo yokufunga yakanaka. (2 Timotio 1:13) Iye nokudaro anobetserwa kudzivisa mufambiro wakaipa kana kuti usina kuchenjera uyo ungagona kupinza mungozi ukama hworugare navamwe. Panzvimbo pokuvhiringidzwa nokusaruramisira nouipi, iye anoisa chivimbo chake muna Jehovha kuti apedze zvinetso zvorudzi rwomunhu kupfurikidza noUmambo. Rugare rwakadaro rwendangariro runotaviridza mwoyo wake, runochengeta vavariro dzake dzakachena, uye runotungamirira kufunga kwake munzira yokururama. Vavariro dzakachena nokufunga kwakaruramawo, zvinogovera zvikonzero zvisingaverengeki zvokufara, pasinei zvapo nezvinetso nedzvinyiriro zvinoparirwa nenyika yakanyongana.
10. Mufaro wechokwadi unogona kuwanwa bedzi kupfurikidza nokutaura kana kuti kufunga pamusoro pechii?
10 “Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.” (VaFiripi 4:8) MuKristu haawani mufaro mukutaura kana kuti kufunga pamusoro pezvinhu zvakashata. Ikoku kunoerekana kwabvisa yakawanda yevaraidzo nyika inogovera. Hapana anogona kuchengeta mufaro wechiKristu kana akazadza ndangariro nomwoyo zvake nenhema, kunemera kwoupenzi, nhau dzisina kururama, dzoutere, dzisina kuchena, dzokuvenga, uye dzinonyangadza. Kuchitaurwa zvakajeka, hapana anogona kuwana mufaro wechokwadi kupfurikidza nokuzadza ndangariro nomwoyo zvake netsvina. Munyika yaSatani yakashata, kunovaka sei kuziva kuti vaKristu vane zvinhu zvakanaka zvakawanda kwazvo zvokufunga nezvazvo ndokukurukura!
Zvikonzero Zvisingaverengeki Zvokufara
11. (a) Chii chisingatongofaniri kurerutswa, uye nemhaka yei? (b) Kupinda kokorodzano yamarudzi ose kwakava nomugumisiroi paimwe nhume nomudzimai wayo?
11 Pakutaura nezvezvikonzero zvokufara, ngatirege kukanganwa uhama hwedu hwamarudzi ose. (1 Petro 2:17) Nepo mapoka amarudzi namadzinza enyika achiratidzira kuvengana kukuru, vanhu vaMwari vanoswedera pedyo nomumwe nomumwe murudo. Chinzwano chavo chinooneka zvikurukuru pakokorodzano dzamarudzi ose. Nezveimwe yakaitwa muna 1993 muKiev, Ukraine, imwe nhume yakabva kuUnited States yakanyora, kuti: “Misodzi yokufara, maziso anofara, kumbundirana kwenguva dzose kwakafanana nokwemhuri, uye kukwazisana kwaitumirwa mhiri kwenhandare yokutambira namapoka aivheyesa maamburera ane mavara uye hengechepfu zvakataura zvakajeka nezvechinzwano choubati ushe hwaMwari. Mwoyo yedu inopfachuka norudado neizvo Jehovha akaita nomutoo wenenji muuhama hwenyika yose. Ikoku kwakatapura mudzimai wangu neni zvikuru uye kwakawedzera revo itsva kukutenda kwedu.”
12. Isaya 60:22 iri kuzadzikwa sei pamberi pamaziso edu pamene?
12 Kunosimbisa sei kutenda kuvaKristu nhasi kuona uporofita hweBhaibheri huchizadzikwa pamberi pamaziso avo pamene! Rangarira, somuenzaniso, mashoko aIsaya 60:22: “Muduku uchava churu, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” Pakuzvarwa kwoUmambo muna 1914, 5 100 bedzi—muduku—vakanga vachiparidza nokushingaira. Asi mukati mamakore mashanu apfuura, ukuru hwouhama hwenyika yose hwave huchiwedzera pamwero weavhareji yeZvapupu zvichangobva kubhapatidzwa 5 628 vhiki imwe neimwe! Muna 1993, chiverengero chapamusoro chavashumiri vanoshingaira 4 709 889 chakasvikwa. Chimbofungidzira zvako! Ikoku kunoreva kuti “muduku” wa 1914 chaizvoizvo ave pedyo nokuva “churu”!
13. (a) Chii chave chichiitika kubvira muna 1914? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta sei nheyo yamashoko aPauro ari pana 2 VaKorinte 9:7?
13 Kubvira muna 1914 Mambo woUmesia akabuda achikurira pakati pavavengi vake. Kutonga kwake kwave kuchitsigirwa navateveri vavanhu vanodisa vanopa nguva, simba, uye mari kuti vapfuuridzire basa rokuparidza romunyika yose pamwe chete nenhimbe yamarudzi ose yokuvaka. (Pisarema 110:2, 3) Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuti mipiro yemari iri kuitwa kuona iyi mibato ichisvika kumugumo, kunyange zvazvo mari isingambowanzodudzwi pamisangano yazvo.a (Enzanisa na 1 Makoronike 29:9.) VaKristu vechokwadi havafaniri kusundwa kuti vape; vanokurangarira kuva ropafadzo kutsigira Mambo wavo kutambanuko iyo migariro yavo inobvumidza, mumwe nomumwe “sezvaakafunga pamwoyo, arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa.”—2 VaKorinte 9:7.
14. Mugariroi pakati pavanhu vaMwari wazova pachena kubvira muna 1919, uchivapa chikonzeroi chokufara?
14 Dzorerwo yakadeya kutaurwa yokunamata kwechokwadi pakati pavanhu vaMwari yakaguma nokuitwa kweparadhiso yomudzimu. Kubvira muna 1919 yakatambanudza miganhu yayo nenzira inofambira mberi. (Pisarema 14:7; Isaya 52:9, 10) Mugumisiro wacho? VaKristu vechokwadi vanowana “mufaro nokufarisisa.” (Isaya 51:11) Zvibereko zvakanaka zvinovapo somugumisiro ufakazi hweizvo mudzimu mutsvene waMwari unokwanisa kuita kupfurikidza navanhu vasina kukwana. Mbiri yose norukudzo zvinoenda kuna Jehovha, asi iropafadzoi huru zvikuru ingagona kuvapo kupfuura kuva mushandi pamwe naMwari? (1 VaKorinte 3:9) Jehovha ane simba zvakakwana zvokuparira matombo, kana kukava madikanwa, kudanidzira shoko rezvokwadi. Kunyanguvezvo, akaona kwakakodzera kutendeukira kune uyu mutoo asi, panzvimbo pezvo, kusunda zvisikwa zvinodisa zvakaitwa neguruva kuita kuda kwake.—Ruka 19:40.
15. (a) Ndizvinoitikai zvazvino uno zvatinotevera nefariro? (b) Ndikuchinoitikai kwatinotarira mberi nokufara?
15 Vakazara norutyo, vabatiri vaJehovha zvino vanotarira zvinoitika zvenyika sezvo izvozvi zvine chokuita nouporofita hwakatanhamara hweBhaibheri. Marudzi ari kuedza zvakaoma—asi pasina maturo—kuwana rugare rwakagadzikana. Zvinoitika zviri kuamanikidza kukumbira sangano reChibatanwa chaMarudzi kuita chimwe chinhu munzvimbo dzinonetsa dzenyika. (Zvakazarurwa 13:15-17) Munguva ino, vanhu vaMwari vava kutotarisa mberi nekariro huru kuchimwe chezvinoitika zvinofadza zvikurusa chati chamboitika, chiri kuswedera pedyo zvikuru zuva nezuva. “Ngatifarei, tifarisise, timukudze; nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira.”—Zvakazarurwa 19:7.
Kuparidza—Mutorokana kuti Mufaro Here?
16. Ratidzira kuti kukundikana kushandisa zvaakadzidza kungagona sei kubira muKristu mufaro wake.
16 “Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.” (VaFiripi 4:9) Kupfurikidza nokushandisa zvavakadzidza, vaKristu vanogona kukarira kugamuchira chikomborero chaMwari. Chimwe chezvinhu zvinokosha zvikurusa zvavakadzidza kudikanwa kwokuparidza mashoko akanaka kuna vamwe. Zvamazvirokwazvo, ndiani angagona kufarikanya rugare rwendangariro kana kuti kuva anofara kana akanyima mashoko vanhu vane mwoyo yakatendeseka vane upenyu hunotsamira pakuanzwa?—Ezekieri 3:17-21; 1 VaKorinte 9:16; 1 Timotio 4:16.
17. Neiko mubato wedu wokuparidza uchifanira kuva manyuko omufaro nguva dzose?
17 Mufaro wakadini kuwana vanhu vakafanana namakwai vanodisa kudzidza pamusoro paJehovha! Zvamazvirokwazvo, avo vanobatira nevavariro yakarurama vachawana nguva dzose basa roUmambo kuva manyuko omufaro. Ikoku imhaka yokuti chikonzero chikuru chokuva Chapupu chaJehovha kurumbidza zita Rake uye kutsigira nzvimbo Yake saChangamire Mutongi. (1 Makoronike 16:31) Munhu anoziva iri idi achafara kunyange apo vanhu vanoramba nokusachenjera mashoko akanaka iye anounza. Iye anoziva kuti kuparidzira vasingadaviri rimwe zuva kuchasvika kumugumo; kurumbidza zita raJehovha kuchapfuurira nokusingaperi.
18. Chii chinosunda muKristu kuita kuda kwaJehovha?
18 Rudzidziso rwechokwadi runosunda avo vanorushandisa kuita zvinhu zvinodikanwa naJehovha, kwete nemhaka yokuti vanofanira, asi nemhaka yokuti vanoda. (Pisarema 40:8; Johane 4:34) Vanhu vakawanda vanowana ikoku kwakaoma kunzwisisa. Mumwe mudzimai akamboudza Chapupu chaimushanyira, kuti: “Munoziva, ndinofanira kukurumbidzai. Zvamazvirokwazvo handisati ndaizotongoenda paimba neimba ndichiparidza pamusoro porudzidziso rwangu sezvamuri kuita.” Nokunyemwerera Chapupu chacho chakapindura, kuti: “Ndinogona kunzwisisa manzwire amunoita. Ndisati ndava mumwe weZvapupu zvaJehovha, mungadai musina kugona kundiita kuti ndiende kuna vamwe vanhu kuti nditaure pamusoro porudzidziso. Asi zvino ndinoda.” Mudzimai wacho akafunga kwechinguvana uye ipapo ndokugumisa, kuti: “Sezviri pachena rudzidziso rwenyu rune chimwe chinhu chokupa icho rwangu rusina. Zvichida ndinofanira kunzvera.”
19. Neiko zvino iri nguva yokufara sezvisakamboitika nakare kose?
19 Rugwaro rwegore rwa 1994, rwakaratidzirwa zvakatanhamara muHoro dzedu dzoUmambo, runotiyeuchidza nguva dzose, kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose.” (Zvirevo 3:5) Kungava nechikonzero chikuru zvikuru chokufara kupfuura kukwanisa kuisa chivimbo chedu muna Jehovha here, nhare yedu matinogona kupotera? Pisarema 64:10 inotsanangura, kuti: “Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye.” Ino haisi nguva yokuzununguka kana kuti kurega. Mwedzi mumwe nomumwe unopfuura unotiswededza pedyo zvikuru nechinhu chaicho icho vabatiri vaJehovha vakashuva kuona kubvira pamazuva aAbheri. Zvino ndiyo nguva yokuvimba naJehovha nomwoyo wedu wose, tichiziva kuti hatina kutongova nezvikonzero zvakawanda kwazvo zvakadai zvokufara!
[Mashoko Omuzasi]
a Pakokorodzano uye kamwe chete pamwedzi muungano, sitatimendi pfupi inoraviwa ichiratidzira chitsama chomupiro wokuzvidira wakagamuchirwa pamwe chete nendyiko dzakawanwa. Panhambo nenhambo tsamba dzinotumirwa dzinozivisa mipiro yakadaro kuti iri kushandiswa sei. Munhu ari wose nokudaro anoyeuchidzwa nezvomugariro wemari webasa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko, mukuwirirana naNehemia 8:10, tichifanira kufara?
◻ Dheuteronomio 26:11 ne Deut. 28:45-47 dzinoratidza sei ukoshi hwokufara?
◻ VaFiripi 4:4-9 inogona sei kutibetsera kufara nguva dzose?
◻ Rugwaro rwegore rwa 1994 runotipa chikonzeroi chokufara?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Zvapupu zvechiRussia nezvechiGerman zvinofara kuva rutivi rwouhama hwamarudzi ose
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kugoverana zvokwadi navamwe chisakiso chokufara