Vimba naJehovha!
“Vimba naJehovha nomwoyo wako wose.”—ZVIREVO 3:5.
1. Zvirevo 3:5 yakaorora sei mumwe murume muduku, uye nomuuyoi wenguva refu?
MUMWE mufundisi wenguva refu anonyora, kuti: “‘VIMBA NASHE NOMWOYO WAKO WOSE; UYE USASENDAMA PAKUNZWISISA KWAKO UMENE.’ Mashoko iwayo anobva muBhaibheri, akaiswa mufuremu uye akarembera pamadziro mumusha wandaishanyira, akabata ngwariro yangu. Kworutivi rwose rwakasara rwezuva iroro ndakafungisisa pamusoro pawo. Ndingagona here, ndakazvibvunza ndimene, kuvimba naMwari nomwoyo wangu wose?” Munhu uyu panguva iyeyo akanga ane makore 21 ezera. Pamakore 90 ezera uye achiri kubatira nenzira yokutendeka somukuru muPerth, Australia, anogona kurangarira upenyu hwakapfumiswa nechibereko chokuvimba kwomwoyo wose naJehovha, kubatanidza makore 26 akakomba okutanga minda mitsva yavafundisi muCeylon (zvino Sri lanka), Burma (zvino Myanmar), Malaya, Thailand, India, uye Pakistan.a
2. Chivimboi icho Zvirevo 3:5 inofanira kuvaka matiri?
2 “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose”—aya mashoko aZvirevo 3:5, sezvaanoshandurwa neNew World Translation, anofanira kusunda tose zvedu kupfuurira kupa upenyu hwedu nomwoyo wose kuna Jehovha, tine chivimbo chokuti anogona kusimbisa kutenda kwedu, kunyange kusvika kupfundo rokukurira mhinganidzo dzakafanana namakomo. (Mateo 17:20) Zvino ngatinzverei Zvirevo 3:5 mumashoko ayo akapoteredza.
Murairidzo Woubaba
3. (a) Ikurudziroi inofanira kuwanwa mumaganhuro okutanga mapfumbamwe aZvirevo? (b) Neiko tichifanira kusanopa ngwariro kuna Zvirevo 3:1, 2?
3 Maganhuro mapfumbamwe okutanga ebhuku reBhaibheri raZvirevo ane murairidzo woubaba, zano rokuchenjera rinobva kuna Jehovha nokuda kwavose vanokarira kufarikanya humwanakomana mumatenga kana kuti “kusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari” muparadhiso yapasi. (VaRoma 8:18-21, 23) Pano pane zano rokuchenjera ringashandiswa navabereki mukurera vanakomana navanasikana. Rakatanhamara izano raZvirevo ganhuro 3, rinovamba nenyevero, yokuti: “Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu.” Sezvo mazuva okupedzisira enyika yakaipa yaSatani anoenda kumugumo wawo, ngatisanopei ngwariro nguva dzose kuzviyeuchidzo zvaJehovha. Nzira yacho ingave yakaratidzika kuva refu, asi chipikirwa kuna vose vanotsungirira ndechokuti “zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare”—upenyu husingagumi mutsika itsva yaJehovha.—Zvirevo 3:1, 2.
4, 5. (a) Hukamai hunofadza hunorondedzerwa pana Johane 5:19, 20? (b) Zano riri pana Dheuteronomio 11:18-21 rinoshanda sei kuburukira kuzuva redu?
4 Ukama hunofadza pakati pababa nomwanakomana hunogona kuva hunokosha zvikurusa. Musiki wedu, Jehovha Mwari, akakuronga kuti kuve kwakadaro. Kristu Jesu akati nezveukama hwake amene hwapedyo naJehovha: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachichiita, nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene.” (Johane 5:19, 20) Jehovha akaronga kuti kuva pedyo kwakafanana kunofanira kuvapo pakati pake amene nevose vemhuri yake pasi pano, pamwe chete napakati pamadzibaba ohunhu navana vavo.
5 Ukama hwemhuri hwokuvimba hwakakurudzirwa muna Israeri wakare. Jehovha akapa zano madzibaba imomo, kuti: “Munofanira kuchengeta mashoko angu awa mumwoyo menyu nomumweya yenyu; munofanira kuasungira pamaoko enyu, chive chiratidzo, uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso enyu. Uye munofanira kuadzidzisa vana venyu, muchitaurirana pamusoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana uchifamba panzira, kana uchivata pasi, uye kana uchimuka; unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako; kuti mazuva ako awedzerwe, namazuva avana venyu, panyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha kuti uchavapa iyo, aite samazuva okudenga pamusoro penyika.” (Dheuteronomio 11:18-21) Shoko rakafuridzirwa roMuraidzi wedu Mukuru, Jehovha Mwari, rinogona zvamazvirokwazvo kubatira kusanomubatanidza navabereki navana vavo, pamwe chete navamwe vose vanomubatira muungano yechiKristu.—Isaya 30:20, 21.
6. Tingawana sei nyasha naMwari nomunhu?
6 Zano roubaba rokuchenjera ravanhu vaMwari, vakuru navaduku, rinopfuurira mundima 3 ne 4 yaZvirevo ganhuro 3: “Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; uzvisungire pamutsipa wako; uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka pamberi paMwari navanhu.” Jehovha Mwari amene anoita zvakaisvonaka mukuratidzira mutsa worudo nouzvokwadi. Seizvo Pisarema 25:10 rinotaura, “nzira dzose dzaJehovha ndedzeunyoro nezvokwadi.” Mukutevedzera Jehovha, tinofanira kukoshesa aya mavara nesimba rawo rinodzivirira, tichiakoshesa sezvataizoita chuma chomuhuro chinokosha ndokuanyora zvisingadzimiki pamwoyo wedu. Nesimba, ipapo, tinogona kunyengetera, kuti: “Jehovha, . . . unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu zvichandichengeta nguva dzose.”—Pisarema 40:11.
Kuvimba Kunogarisa
7. Jehovha akaratidza kuvimbika kwake munzirai?
7 Kuvimba kunorondedzerwa neWebster’s Ninth New Collegiate Dictionary se“ruvimbiko rune chokwadi pahunhu, mano, simba, kana kuti zvokwadi yomumwe munhu kana kuti chimwe chinhu.” Vara raJehovha rakasimbiswa zvikuru mumutsa wake worudo. Uye tinogona kuva nechivimbo chakakwana mumano ake okuita zvaakapikira, nokuti zita rake rimene, Jehovha, rinomuzivisa soMurongi mukuru. (Eksodho 3:14; 6:2-8) SoMusiki, ndiye Manyuko esimba noumhare hukuru. (Isaya 40:26, 29) Ndiye zvokwadi inotaurwa somunhu, nokuti “Mwari haagoni kureva nhema.” (VaHebheru 6:18) Nokudaro, tinokurudzirwa kuisa chivimbo chakakwana muna Jehovha, Mwari wedu, Manyuko makuru ezvokwadi yose, ane simba rose rokudzivirira vanhu vake vanovimba uye kusvitsa madonzo ake ose makuru kubudiriro ine mbiri.—Pisarema 91:1, 2; Isaya 55:8-11.
8, 9. Neiko chivimbo chichishaika nenzira inosuruvarisa munyika, uye vanhu vaJehovha vanogovera sei musiano?
8 Munyika yakashata yakatipoteredza, chivimbo chinoshaikwa nomutoo unosuruvarisa. Panzvimbo pezvo, tinowana makaro noushati munzvimbo iri yose. Butiro rapamberi rechinyorwa chaMay 1993 chemagazini inonzi World Press Review rakashongedzwa namashoko, anoti: “KUKURA KWOUSHATI—Mari Inowanwa Nemitoo Yakashata Munhevedzo Yenyika Itsva. Basa roushati rinotambanuka kubva kuBrazil kuenda kuGermany, kubva kuUnited States kuenda kuArgentina, kubva kuSpain kuenda kuPeru, kubva kuItaly kuenda kuMexico, kubva kuVatican kuenda kuRussia.” Sezvayakavakirwa paruvengo, makaro, uye kusavimba, inonzi tsika yenyika itsva yomunhu haiwani chinhu kunze kwenhamo dzinowedzera nokuda kwerudzi rwomunhu.
9 Mukupesana namarudzi ezvamatongerwe enyika, Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuva “rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo.” Izvo zvoga zvinogona kutaura zvechokwadi kuti, “Tinovimba naMwari.” Mumwe nomumwe wazvo anogona kudanidzira nomufaro, kuti: “Muna Mwari ndicharumbidza shoko rake; . . . Ndakavimba naMwari, handingatyi.”—Pisarema 33:12; 56:4, 11.
10. Chii chakasimbisa maKristu maduku akawanda kuchengeta perero?
10 Mune imwe nyika yeAsia umo zviuru zveZvapupu zviduku zvakatambura kurohwa kwakakomba nokuiswa mutorongo, kuvimba naJehovha kwakagonesa voruzhinji zvikuru kutsungirira. Humwe usiku mutorongo, Chapupu chiduku chakanga chatambura kutambura kwakaipa chakanzwa kuti chaisagona kutsungirirazve. Asi imwe pwere yakauya pachivande kwachiri murima. Yakaita kazevezeve, kuti: “Usatera; ndakabvumirana pane zvisina kufanira uye handina kuva norugare rupi norupi rwendangariro chifo chenguva iyeyo.” Pwere yokutanga yakamutsiridza chisarudzo chayo chokumira yakatsiga. Tinogona kuva nechivimbo chakakwana muna Jehovha chokuti achatibetsera kukurira nhamburiko ipi neipi uye iri yose inoitwa naSatani yokuparadza perero yedu.—Jeremia 7:3-7; 17:1-8; 38:6-13, 15-17.
11. Tinonyandurwa sei kuvimba naJehovha?
11 Murairo wokutanga unorava murutivi, kuti: “Ida [Jehovha, NW] wako, nomwoyo wako wose.” (Marko 12:30) Sezvatinofungisisa Shoko raMwari, zvokwadi dzakaisvonaka dzatiri kudzidza dzinonyura zvikuru mumwoyo wedu zvokuti tinosundwa kushandisa zvedu zvose mubasa raMwari wedu anoshamisa, Changamire Ishe Jehovha. Tinonyandurwa kuvimba zvakawana noruponeso rwake nomwoyo wakazara nokumuonga—nokuda kwezvose zvaakatidzidzisa, zvaakatiitira, uye zvaachatiitira.—Isaya 12:2.
12. Mumakore apfuura, maKristu akawanda akaratidza sei chivimbo chawo muna Jehovha?
12 Ichi chivimbo chinogona kusakurirwa mumakore. Chimwe Chapupu chaJehovha chinozvininipisa icho chakabatira nokutendeka kwaanopfuura makore 50 padzimbahwe reBrooklyn reWatch Tower Society, achivamba muna April 1927, chakanyora, kuti: “Pakupera kwomwedzi iwoyo ndakagamuchira mvumiro ye$32,50 yakapfigirwa muemvuropo nekadhi rakaisvonaka raitanhamarisa rugwaro rweBhaibheri rwuri pana Zvirevo 3:5, 6 . . . Pakanga pane chikonzero chiri chose chokuvimba naJehovha, nokuti padzimbahwe ndakakurumidza kusvika pakunzwisisa kuti Jehovha akanga ane ‘muranda akatendeka naakachenjera’ aitarisira nokutendeka fariro dzose dzoUmambo pano pasi pano.—Mateo 24:45-47.”b Mwoyo wouyu muKristu wakaiswa, kwete parudo rwemari, asi pakuwana “pfuma isingaperi kudenga.” Nenzira yakafanana pazuva rino, zviuru zvinobatira pamisha yeBheteri yeWatch Tower Society kupota pasi zvinodaro murudzi rwakati rwemhiko yapamutemo yourombo. Zvinovimba naJehovha kugovera zvinodikanwa zvazvo zvezuva riri rose.—Ruka 12:29-31, 33, 34.
Tsamira Pana Jehovha
13, 14. (a) Ndokupi bedzi uko zano roukuru ringawanwa? (b) Chii chinofanira kudziviswa kuti tigopukunyuka chitambudzo?
13 Baba vedu vokudenga vanotiraira, kuti: “Urege kusendama panjere dzako.” (Zvirevo 3:5) Vapi vezano venyika navanoziva kushanda kwendangariro havatongogoni kukarira kusvika uchenjeri nenzwisiso izvo Jehovha anoratidzira. “Njere dzake hadziperi.” (Pisarema 147:5) Panzvimbo pokutsamira pauchenjeri hwavanhu vakatanhamara venyika kana kuti pamirangariro yedu timene yokusaziva, ngatitarire kuna Jehovha, Shoko rake, uye vakuru vari muungano yechiKristu nokuda kwezano roukuru.—Pisarema 55:22; 1 VaKorinte 2:5.
14 Uchenjeri hwohunhu kana kuti rudado rwenzvimbo harwuna kwarwunotisvitsa muzuva riri kusvika nokukurumidza romuedzo wakakomba. (Isaya 29:14; 1 VaKorinte 2:14) MuJapan mukati meHondo yeNyika II, mumwe mufudzi anokwanisa asi anodada wavanhu vaMwari akasarudza kusendama panzwisiso yake amene. Mudzvinyiriro akava muwi pakutenda, uye vazhinjisa veboka vakaregawo kuita basa muchitambudzo. Imwe hanzvadzi yakavimbika yechiJapan, iyo yakapukunyuka noushingi kubatwa kunotyisa muzvitokisi zvinosemesa zvetorongo, yakatsinhira, kuti: “Avo vakaramba vakatendeka vakanga vasina mano chaiwo uye vakanga vasina kutanhamara. Zvirokwazvo tose zvedu tinofanira nguva dzose kuvimba naJehovha nomwoyo wedu wose.”c
15. Ivarai roumwari rinokosha kana tichizofadza Jehovha?
15 Kuvimba naJehovha, panzvimbo penzwisiso yedu timene, kunobatanidza unyoro. Rinokosha sei iri vara nokuda kwavose vanoda kufadza Jehovha! Chokwadi, kunyange Mwari wedu, kunyange zvazvo ari Changamire Ishe wechisiko chapose anoratidzira unyoro mukubata kwake nechisiko chake chakangwara. Tinogona kuva vanoonga nokuda kwaikoko. “Iye unozvidukupisa kuti aone zviri kudenga napasi? Unosimudza murombo abve muguruva.” (Pisarema 113:6, 7) Mungozi dzake huru, anotikanganwira utera hwedu pahwaro hwechipo chake chikurusa kurudzi rwomunhu, chibairo chinokosha chorudzikinuro choMwanakomana wake anodiwa, Kristu Jesu. Tinofanira kuva vanoonga sei nokuda kwouyu mutsa usakafanirwa!
16. Hama dzingasvasvavirira sei ropafadzo muungano?
16 Jesu amene anotiyeuchidza, kuti: “Ani naani unozvikudza uchaninipiswa, naani nani unozvininipisa, uchakudzwa.” (Mateo 23:12) Mukuzvininipisa, hama dzakabhapatidzwa dzinofanira kusvasvavirira mitoro muungano yechiKristu. Bva, vatariri vanofanira kurangarira kugadzwa kwavo, kwete senzvimbo youtanhamari, asi sebanza rokuita basa, nokuzvininipisa, nokuonga, nokudisa, sezvakaita Jesu, uyo akati: “Baba vangu vachabata kusvikira zvino, neni ndinobatawo.”—Johane 5:17; 1 Petro 5:2, 3.
17. Isu tose tinofanira kuonga chii, kuchitungamirira kumubatoi?
17 Nguva dzose ngationgei nokuzvininipisa uye nomunyengetero kuti hatisati tichasirizve guruva mukuona kwaJehovha. Tinogona kuva vanofara sei, ipapo, kuti “ngoni dzaJehovha dziripo nokusingaperiperi kuna vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo”. (Pisarema 103:14, 17) Naizvozvo tose zvedu tinofanira kuva vadzidzi vanodisa veShoko raMwari. Nguva inopedzerwa mufundo yomunhu oga neyemhuri, uye mumisangano yeungano, inofanira kuva pakati pamaawa edu anokosha zvikurusa vhiki rimwe nerimwe. Neiyi nzira tinovaka “kuziva Mutsvene.” Ikoko “ndidzo njere.”—Zvirevo 9:10.
“Panzira Dzako Dzose . . .”
18, 19. Tingashandisa sei Zvirevo 3:6 muupenyu hwedu, uye nomuuyoi?
18 Ichitinongedzera kuna Jehovha, Manyuko oumwari enzwisiso, Zvirevo 3:6 inotevera, kuti: “Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Kucherechedza Jehovha kunobatanidza kuramba uri pedyo naye mumunyengetero. Kupi kana kupi kwatingave uye pasinei zvapo nomugariro ungamuka, tinokurumidza kusvika kwaari mumunyengetero. Sezvatinoita mabasa edu ezuva nezuva, sezvatinogadzirira nokuda kwebasa romumunda, sezvatinoenda paimba neimba tichizivisa Umambo hwake, munyengetero wedu wenguva dzose unogona kuva wokuti achakomborera mubato wedu. Nokudaro, tinogona kuva neropafadzo inokosha nomufaro zvo‘kufamba naMwari,’ tine chivimbo chokuti acha‘ruramisa nzira dzedu,’ sezvaakaitira Enoki anotya Mwari, Noa, uye vaIsraeri vakatendeka, vakadai saJoshua naDhanieri.—Genesi 5:22; 6:9; Dheuteronomio 8:6; Joshua 22:5; Dhanieri 6:23; onawo Jakobho 4:8, 10.
19 Apo tinozivisa mikumbiro yedu kuna Jehovha, tinogona kuva nechivimbo chokuti ‘rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo yedu namasimba edu endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.’ (VaFiripi 4:7) Urwu rugare rwaMwari, rwunoratidzirwa muchitarisiko chechiso chinofara, rwunogona kurumbidza shoko redu kuna vanasaimba avo tinosangana navo mubasa redu rokuparidzira. (VaKorose 4:5, 6) Rwunogonawo kukurudzira avo vangave vachitambudzwa nedzvinyiriro kana kuti kusaruramisira zvinozivikanwa kwazvo munyika yanhasi, sezvinoratidza nhauro inotevera.d
20, 21. (a) Mukati mokutyisidzira kweNazi, perero yeZvapupu zvaJehovha yakakurudzira sei vamwe? (b) Chisarudzoi icho inzwi raJehovha rinofanira kumutsa matiri?
20 Max Liebster, muJudha wokunyama nerinoratidzika kuva nenji akapukunyuka Ngwavaira, akarondedzera rwendo rwake kumusasa weNazi wokuurayira naaya mashoko: “Takapfigirwa mumatiroko ayo akashandurwa kuva zvitokisi zviduku zvakawanda zvavanhu vaviri. Ndabanhirwa mune chimwe chawo, ndakatarisana nomusungwa aiva nemaziso airatidzira kuterama. Akanga arimo nemhaka yokuremekedza kwake mutemo waMwari, achisarudza torongo norufu runobvira panzvimbo pokudeura ropa ravamwe vanhu. Akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vana vake vakanga vatorwa kwaari, uye mudzimai wake akanga aurawa. Akanga achikarira kuurawawo. Rwendo rwamazuva 14 rwakaunza mhinduro kuminyengetero yangu, nokuti makanga muri mukati mourwu rwendo rwumene rwokurufu umo ndakawana tariro youpenyu husingaperi.”
21 Pashure pokutambura “danga reshumba” reAuschwitz, sezvayakaridana, uye yabhapatidzwa, iyi hama yakaroora mumwe weZvapupu zvaJehovha uyo iye amene akanga aiswa mutorongo uye anababa vakanga vatambura mumusasa wechibharo kuDachau. Apo baba vake vakanga vari ikoko, akanzwa kuti mudzimai wake nomwanasikana muduku vakanga vasungwawo. Akarondedzera kuita kwake: “Ndakazvidya mwoyo zvikuru. Ipapo rimwe zuva ndiri mumutsetse wokugeza, ndakanzwa inzwi rainokora mashoko Zvirevo 3:5, 6 . . . Rakaita maungira senzwi riri kuburuka richibva kumatenga. Ndizvo zvandakanga ndichingoda bedzi kuti ndiwanezve dzikamo yangu.” Zvomenemene, inzwi racho rakanga riri riya romumwe musungwa ainokora mashoko urwu rugwaro, asi chinoitika chacho chinosimbisa kuti isimbai iro Shoko raMwari rinogona kushandisa patiri. (VaHebheru 4:12) Inzwi raJehovha ngaritaure nesimba kwatiri nhasi kupfurikidza namashoko erugwaro rwedu rwegore rwa 1994: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose”!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Kuvimba naJehovha Nomwoyo Wangu Wose,” yakataurwa naClaude S. Goodman, Nharireyomurindi yechiNgezi December 15, 1973, mapeji 760-5.
b Ona nyaya inoti “Ndakatsunga Kurumbidza Jehovha,” yakataurwa naHarry Peterson, Nharireyomurindi yechiNgezi, July 15, 1968, mapeji 437-40.
c Ona nyaya inoti “Jehovha Haasiyi Vabatiri Vake,” yakataurwa naMatsue Ishii, Nharireyomurindi May 1, 1988, mapeji 21-5.
d Onawo nyaya inoti “Kununurwa! Kuzvibvumikisa Timene Kuva Vanoonga,” yakataurwa naMax Liebster, Nharireyomurindi yechiNgezi, October 1, 1978, mapeji 20-4.
Mukupeta
◻ Rudzii rwezano rinopiwa muna Zvirevo?
◻ Chivimbo muna Jehovha chinotibetsera sei?
◻ Chii chinobatanidzwa mukutsamira pana Jehovha?
◻ Nei tichifanira kucherechedza Jehovha munzira dzedu dzose?
◻ Jehovha anoruramisa sei nzira dzedu?
[Mifananidzo iri papeji 15]
Shoko rinofadza roUmambo rinofadza kuvanhu vane mwoyo wakatendeseka