Jehovha Anokanganwira Zvikuru
“Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, . . . nokuti uchakanganwira zvikuru.”—ISAYA 55:7.
1. Vagamuchiri vekanganwiro yaJehovha vanokomborerwa nechii zvino?
JEHOVHA anokanganwira vatadzi vanopfidza uye zvino anovagonesa kufarikanya rugare rwendangariro muparadhiso yomudzimu. Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti vanosvitsa izvi zvinodikanwa: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo. Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye uchamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti uchakanganwira zvikuru.”—Isaya 55:6, 7.
2. (a) Chii chinorehwa no‘kutsvaka Jehovha’ noku‘dzokera kwaari,’ sezvinodudzwa pana Isaya 55:6, 7? (b) Neiko nhapwa dzechiJudha muBhabhironi dzaifanira kudzokera kuna Jehovha, uye chii chakaitika kune vamwe vadzo?
2 Kuti a“tsvake Jehovha” ndokudana kwaari nokugamuchirwa, munhu akaipa anofanira kusiya nzira yake yakaipa nomufungo upi noupi wokukuvadza vamwe. Dikanwo yokuti a“dzokere kuna Jehovha” inoratidzira kuti mutadzi akasiya Mwari, uyo aichimbova noukama hwapedyo naye. Izvozvo ndizvo zvakwakanga kwakaita navagari vaJudha, vane kusatendeka kuna Mwari kwakatungamirira pakupedzisira kuutapwa muBhabhironi. Nhapwa dzechiJudha dzaifanira kudzokera kuna Jehovha kupfurikidza nokupfidza zviito zvakaipa izvo zvakanga zvaguma noutapwa hwadzo hweBhabhironi nokuitwa dongo kwakadeya kutaurwa kwamakore 70 kwenyika yokumusha kwadzo. Muna 537 P.N.V., nyika iyoyo yakagarwazve navakasarira vanotya Mwari vavaJudha vakasunungurwa muBhabhironi nomurairo wehurumende. (Ezra 1:1-8; Dhanieri 9:1-4) Miuyo yokudzorerwa ikoko yakanga yakaisvonaka kwazvo zvokuti nyika yaJudha yakaenzaniswa neParadhiso yeEdheni.—Ezekieri 36:33-36.
3. Vakasarira vaIsraeri womudzimu vakava sei nechinoitika chakafanana neicho chenhapwa dzinotya Mwari idzo dzakadzokera kuJudha?
3 VaIsraeri vomudzimu vakava nechinoitika chakafanana neicho chavaJudha vanotya Mwari avo vakadzokera kuJudha pashure poutapwa hweBhabhironi. (VaGaratia 6:16) Vakasarira vaIsaeri womudzimu vakachinja nzira yavo nemifungo yavo pashure chaipo peHondo yeNyika I. Gore ra 1919 rakaratidzira mugumo woutapwa hwavo munyasha dzakazara dzaMwari munzvimbo yeBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Nemhaka yokuti vakapfidza zvivi zvaibatanidza kutya munhu uye kusaita basa mubasa raJehovha, iye akavasunungura muBhabhironi Guru, akavadzorera kumugariro wavo womudzimu wakarurama, uye akatangazve kuvashandisa kuparidzira shoko roUmambo. Paradhiso yomudzimu yakakura pakati pavanhu vaMwari chifo chenguva iyoyo, kukukudzwa kwezita rake dzvene. (Isaya 55:8-13) Mumufananidzo wakare nomufananidzo wazvino uno, ipapoka, tine ufakazi hwakajeka hwokuti zvikomborero zvinotevera kanganwiro youmwari uye kuti Jehovha zvamazvirokwazvo anokanganwira zvikuru vanhu vanopfidza.
4. Rutyoi urwo vabatiri vakati vaJehovha vanarwo?
4 Vabatiri vaJehovha vomuzuva razvino naizvozvo vanogona kuvimba nekanganwiro yake. Bva, vamwe vavo vakaora mwoyo pamusoro pezvikanganiso zvomunguva yakapfuura, uye mirangariro yemhaka inodokuvakurira. Havazvirangariri vamene kuva vakafanirwa nokugara muparadhiso yomudzimu. Kutaura idi, vamwe vanotya kuti vakaita chivi chisingakanganwirwi uye havasati vachizotongogamuchira kanganwiro yaJehovha. Ikoko kungabvira here?
Zvimwe Zvivi Hazvikanganwirwi
5. Neiko kuchigona kutaurwa kuti zvimwe zvivi hazvikanganwirwi?
5 Zvimwe zvivi hazvikanganwirwi. Jesu Kristu akati: “Vanhu vachakanganwirwa zvivi zvavo nokumhura, asi kumhura [mudzimu, NW] havangakukanganwirwi.” (Mateo 12:31) Naizvozvo, ipapoka, kumhura mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, hakusati kuchizokanganwirwa. Muapostora Pauro akanongedzera kuchivi chakadaro apo akanyora, kuti: “Nokuti kana vari ivo vakambovhenekerwa, . . . kana vakazotsauka, hazvibviri kuvavandudzazve kuti vatendeuke, nokuti [vanorovera Mwanakomana waMwari patsva nokuda kwavo vamene, NW] vachimunyadzisa pachena.”—VaHebheru 6:4-6.
6. Chii chinozivisa kana chivi chichikanganwirwa kana kuti kwete?
6 Mwari bedzi ndiye anoziva kana munhu akaita chivi chisingakanganwirwi. Zvisinei, Pauro akajekesa iyi nhau paakanyora, kuti: “Kana tichitadza nobwoni, kana tambogamuchira zivo yezvokwadi, hakuchine chibairo pamusoro pezvivi, asi kungomirira tichitya kutongeswa.” (VaHebheru 10:26, 27) Munhu ane maune anoita namambune, kana kuti “anoita zvaanoda nenzira yokusindimara uye kazhinji kazhinji nenzira yechisimbwa.” (Webster’s New Collegiate Dictionary) Munhu upi noupi anopfuurira namaune uye nenzira yokusindimara kuita chivi pashure pokunge aziva zvokwadi haasati achikanganwirwa. Nokudaro, hachisati chiri chivi chimene zvikuru asi mugariro womwoyo, mwero wamaune unobatanidzwa, uyo unotapura kana chivi chacho chichikanganwirwa kana kuti kwete. Pane rumwe rutivi, sezvingabvira chii chingaitika apo muKristu anotadza anovhiringidzwa zvikuru pamusoro pechakaipa chake? Itiro hanya yake huru zvimwe inoratidzira kuti haana, kutaura idi, kuita chivi chisingakanganwirwi.
Zvivi Zvavo Zvakanga Zvisingakanganwirwi
7. Neiko tichigona kutaura kuti vamwe vavashori vorudzidziso vaJesu vakaita chivi chisingakanganwirwi?
7 Vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vakati avo vakashora Jesu vakaita chivi chamaune, uye nokudaro chisingakanganwirwi. Kunyange zvazvo vakaona kushanda kwomudzimu mutsvene waMwari kupfurikidza naJesu sezvaaiita zvakanaka ndokuita manenji, vafundisi ivavo vakati simba rake nderaBheerzebhuri, kana kuti Satani Dhiabhorosi. Vakatadza vachiziva zvizere kushanda kusingarambiki kwomudzimu waMwari. Nokudaro, vakaita chivi chisingakanganwirwi, nokuti Jesu akati: “Unotaura shoko rakaipa ku[mudzimu mutsvene, NW], haangakanganwirwi, kana panguva ino, kana kune inouya.”—Mateo 12:22-32.
8. Neiko chivi chaJudhasi Iskarioti chakanga chisingakanganwirwi?
8 Chivi chaJudhasi Iskarioti chakanga chisingakanganwirwiwo. Kutengesa kwake Jesu kwakanga kuri mugumo wamaune, wamambune wenzira younyengeri nokusatendeseka. Somuenzaniso, apo Judhasi akaona Maria achizodza Jesu namafuta anodhura, iye akabvunza, kuti: “Mafuta aya akagereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu, akapiwa varombo?” Muapostora Johane akawedzera, kuti: “[Judhasi] haana kureva izvozvo kuti wakarangarira varombo, asi nokuti waiva mbavha; waigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.” Nokukurumidza pashure paikoko, Judhasi akatengesa Jesu nokuda kwezvidimbu 30 zvesirivha. (Johane 12:1-6; Mateo 26:6-16) Chokwadi, Judhasi akanzwa urombo ndokuzviuraya. (Mateo 27:1-5) Asi haana kukanganwirwa, sezvo nzira yake youne, youdyire nguva dzose nechiito chake chokunyengera zvakaratidzira kutadzira kwake mudzimu mutsvene. Kwakakodzera sei kuti Jesu aifanira kudana Judhasi kuti “mwanakomana wokurashwa”!—Johane 17:12; Marko 3:29; 14:21.
Zvivi Zvavo Zvakakanganwirwa
9. Neiko Mwari akakanganwira zvivi zvaDhavhidhi zvine chokuita naBhati-shebha?
9 Zvivi zvamaune zvakasiana zvikuru nezvikanganiso zvaavo vanokanganwirwa naMwari. Rangarira Mambo Dhavhidhi waIsraeri somuenzaniso. Iye akaita upombwe naBhati-shebha, mudzimai waUria, uye gare gare akaita kuti Joabhi aronge rufu rwaUria muhondo. (2 Samueri 11:1-27) Neiko Mwari akaratidza Dhavhidhi ngoni? Zvikurukuru nemhaka yesungano yoUmambo asiwo nemhaka yokuva ane ngoni kwaDhavhidhi amene norupfidzo rwake rwapachokwadi.—1 Samueri 24:4-7; 2 Samueri 7:12; 12:13.
10. Kunyange zvazvo Petro akatadza zvakakomba, neiko Mwari akamukanganwira?
10 Rangarirawo muapostora Petro. Iye akatadza zvakakomba kupfurikidza nokuramba arambazve Jesu. Neiko Mwari akakanganwira Petro? Kusafanana naJudhasi Iskarioti, Petro akanga ave ari akatendeseka mubasa raMwari naKristu. Ichi chivi chomuapostora chakanga chiri nemhaka youtera hwenyama, uye iye akapfidza zvirokwazvo ndoku“chema zvikuru.”—Mateo 26:69-75.
11. Ungarondedzera sei “rupfidzo,” uye munhu anofanira kuitei kana achipfidza zvirokwazvo?
11 Mienzaniso yapfuura inoratidza kuti kunyange munhu anotadza zvakakomba anogona kuwana kanganwiro yaJehovha Mwari. Asi chimiroi chendangariro chinodikanwa kuti akanganwirwe? Rupfidzo rwechokwadi runokosha kana muKristu anotadza achizokanganwirwa naMwari. Kupfidza kunoreva “kubva muchivi nemhaka yokuzvidemba nokuda kwokutadza kwomunguva yakapfuura” kana kuti “kunzwa urombo kana kuti kuzvidemba nokuda kweizvo mumwe aita kana kuti kurega kuita.” (Webster’s Third New International Dictionary) Munhu anopfidza zvirokwazvo angaratidza kunzwa urombo pamusoro poruzvidzo rupi norupi, rusuruvaro, kana kuti zvinetso izvo chivi chake chakanga chaunza pazita raJehovha nesangano. Mutadzi anopfidza angaberekawo zvibereko zvinowirirana, achiita mabasa akafanira rupfidzo. (Mateo 3:8; Mabasa 26:20) Somuenzaniso, kana akanga akorovhera mumwe munhu, iye angaita nhano dzine mufungo kuti aripe rasikirwo yacho. (Ruka 19:8) MuKristu anopfidza akadaro ane zvikonzero zvakanaka zvapaMagwaro zvokuva nechivimbo chokuti Jehovha achakanganwira zvikuru. Ndezvipiko izvozvi?
Zvikonzero Zvechivimbo Mukanganwiro yaMwari
12. Pisarema 25:11 rinoratidzira kuti munhu anopfidza anogona kunyengeterera kanganwiro pahwaro hwei?
12 Mutadzi anopfidza anogona kunyengeterera kanganwiro nechivimbo pahwaro hwezita raJehovha. Dhavhidhi akakumbira, kuti: “Nokuda kwezita renyu, Jehovha, kanganwirai zvakaipa zvangu, nokuti zvikuru.” (Pisarema 25:11) Munyengetero wakadaro, wakabatanidzwa norupfidzo nokuda kworuzvidzo rupi norupi urwo mutadzi akaunza pazita raMwari, unofanirawo kuita sechidziviso kuchivi chakakomba munguva yemberi.
13. Munyengetero unoita basai mukanganwiro youmwari?
13 Jehovha Mwari anopindura minyengetero yomwoyo wose yavabatiri vake vanotadza asi vanopfidza. Somuenzaniso, Jehovha haana kufuratira Dhavhidhi, uyo akanyengetera zvichibva pamwoyo pashure pokuziva ukuru hwezvivi zvake zvine chokuita naBhati-shebha. Kutaura idi, mashoko aDhavhidhi ari muPisarema 51 anoratidzira mirangariro yakawanda yomutetereri. Iye akakumbira, kuti: “Ndinzwirei tsitsi, Mwari, nokuda kwounyoro hwenyu; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Ndisukei zvakaipa zvangu chose, ndinatsei chivi changu. Zvibairo zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.”—Pisarema 51:1, 2, 17.
14. Magwaro anogovera sei vimbiso yokuti Mwari anokanganwira avo vanoshandisa kutenda muchibairo chorudzikinuro chaJesu?
14 Mwari anokanganwira avo vanoshandisa kutenda muchibairo chorudzikinuro chaJesu. Pauro akanyora, kuti: “Uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu.” (VaEfeso 1:7) Nerevo yakafanana, muapostora Johane akanyora, kuti: “Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tine Murevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu wakarurama; ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.”—1 Johane 2:1, 2.
15. Kuti apfuurire kufarikanya ngoni dzaMwari, mutadzi anopfidza anofanira kuitei?
15 Ngoni dzaJehovha dzinopa mutadzi anopfidza hwaro hwechivimbo chokuti iye anogona kukanganwirwa. Nehemia akati: “Imi muri Mwari anokanganwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru.” (Nehemia 9:17; enzanisa naEksodho 34:6, 7.) Chokwadika, kuti apfuurire kufarikanya ngoni dzoumwari, mutadzi anofanira kuvavarira kuchengeta mutemo waMwari. Wezvamapisarema akati, “unyoro hwenyu ngahuuye kwandiri, kuti ndirarame; nokuti murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Ngoni dzenyu izhinji, Jehovha; ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga.”—Pisarema 119:77, 156.
16. Inyaradzoi iri muidi rokuti Jehovha anorangarira mugariro wedu wokutadza?
16 Idi rokuti Jehovha anorangarira mugariro wedu wokutadza rinopawo mutadzi anopfidza nyaradzo nechikonzero chokunyengetera nechivimbo chokuti Mwari achamukanganwira. (Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Wezvamapisarema Dhavhidhi akapa vimbiso inonyaradza apo akazivisa, kuti: “Haana [Jehovha Mwari] kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubairo sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kune vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo wakabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:10-14) Hungu, Baba vedu vokudenga vanotova nengoni zvikuru uye vanonzwira urombo kupfuura mubereki wohunhu.
17. Chinyorwa chakapfuura chebasa rokutendeka romumwe kuna Mwari chine chokuitai nekanganwiro?
17 Mutadzi anopfidza anogona kunyengeterera kanganwiro nechivimbo chokuti Jehovha haasati achizofuratira chinyorwa chake chomunguva yakapfuura chebasa rokutendeka. Nehemia akanga asiri kuteterera kanganwirwo yechivi chake, asi iye akati: “Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.” (Nehemia 13:31) MuKristu anopfidza anogona kuwana nyaradzo mumashoko, anoti: “Mwari haasati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaHebheru 6:10.
Betsero Inobva Kuvarume Vakuru
18. Chii chinofanira kuitwa kana chivi chomuKristu chakamuita anorwara mumudzimu?
18 Zvakadiniko kana muKristu achirangarira kuti haakodzeri kuramba ari muparadhiso yomudzimu kana kuti haakwanisi kunyengetera nemhaka yokuti chivi chake chakamuita anorwara mumudzimu? “Ngaadane vakuru [veungano, NW], ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita ra[Jehovha, NW],” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. “Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa unorwara, [Jehovha, NW] uchamumutsa; kana akaita zvivi, uchazvikanganwirwa.” Hungu, vakuru veungano vanogona kunyengetera nenzira inobudirira nomutendi biyavo anopfidza uye nokuda kwake mukariro dzokumudzorera kuutano hwakanaka hwomudzimu.—Jakobho 5:14-16.
19. Kana munhu akadzingwa, chii chaanofanira kuita kuti akanganwirwe ndokudzorerwa?
19 Kunyange kana dare rinotonga rikadzinga mutadzi asingapfidzi, haana hake kuita chivi chisingakanganwirwi. Kuti akanganwirwe ndokudzorerwa, zvisinei, anofanira kuteerera nenzira yokuzvininipisa mitemo yaMwari, kubereka zvibereko zvakafanira rupfidzo, uye kukumbira kuvakuru nokuda kwokudzorerwa. Pashure pokunge chimwe chifeve chadzingwa muungano muKorinte yakare, Pauro akanyora, kuti: “Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai. Naizvozvo zviri nani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu huru. Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.”—2 VaKorinte 2:6-8; 1 VaKorinte 5:1-13.
Mwari Anopa Simba
20, 21. Chii chingabetsera munhu ari kutambura funganyo sezvinobvira pamusoro pokuva akaita chivi chisingakanganwirwi?
20 Kana zvinhu zvakadai soutano husina kunaka kana kuti nhamo zviri kuparira funganyo pamusoro pokuva akaita chivi chisingakanganwirwi, kuwana kuzorora kwakakwana nokurara zvingava zvinobetsera. Zvikurukuru, zvisinei, unofanira kuyeuka mashoko aPetro, anoti: “Kandirai pamusoro pake [Mwari] kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye anokuchengetai.” Uye usatongorega Satani achikuodza mwoyo, nokuti Petro akawedzera, kuti: “Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika. Zvino Mwari wenyasha dzose . . . uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai.”—1 Petro 5:6-10.
21 Naizvozvo kana une urombo asi wave uchitya kuti une mhaka yechivi chisingakanganwirwi, yeuka kuti nzira dzaMwari ndedzokuchenjera, dzakarurama, uye ndedzorudo. Naizvozvo, nyengetera kwaari mukutenda. Ramba uchidya zvokudya zvomudzimu izvo iye anogovera kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Songanira navatendi biyako uye goverana muushumiri hwechiKristu nguva dzose. Ikoku kuchasimbisa kutenda kwako ndokukusunungura murutyo rwupi norwupi rwokuti Mwari angave asina kukanganwira chivi chako.
22. Chii chatichatevera kurangarira?
22 Vagari vomuparadhiso yomudzimu vanogona kuwana nyaradzo mukuziva kuti Jehovha anokanganwira zvikuru. Bva, upenyu hwavo hahusati huri husina miedzo nhasi. Zvichida vanoodzwa mwoyo nemhaka yokuti mudiwa afa kana kuti shamwari inodiwa iri kurwara zvakakomba. Sezvatichaona, muiyi nemimwe migariro, Jehovha anobetsera uye anotungamirira vanhu vake kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Chibvumikisoi chiripo chokuti Jehovha ‘anokanganwira zvikuru’?
◻ Hakuna kanganwiro nokuda kwechivi chipi?
◻ Zvivi zvomunhu zvinokanganwirwa mumigariroi?
◻ Neiko vatadzi vanopfidza vachigona kuva nechivimbo mukanganwiro yaMwari?
◻ Ibetseroi inowanika kuvatadzi vanopfidza?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Unoziva chikonzero nei Dhavhidhi naPetro vakakanganwirwa asi Judhasi Iskarioti asina here?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Betsero inopiwa navakuru veungano inogona kuita zvakawanda kubetsera muKristu mumudzimu