“Muve Vatsvene Pamufambire Wenyu Wose”
“Saiye mutsvene wakakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”—1 PETRO 1:15, 16.
1. Nei Petro akakurudzira vaKristu kuva vatsvene?
NEI muapostora Petro akapa zano riri pamusoro apa? Nemhaka yekuti akaona kudikanwa kwemuKristu mumwe nemumwe kurinda mifungo yake nezviito kuitira kuti zvirambe zvichiwirirana neutsvene hwaJehovha. Nokudaro, akatangira mashoko ari pamusoro apa kupfurikidza nokuti: “Zvisungei zviuno zvendangariro dzenyu, musvinure . . . savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambire wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu.”—1 Petro 1:13, 14.
2. Nei zvishuvo zvedu zvakanga zvisati zviri zvitsvene tisati tadzidza zvokwadi?
2 Zvishuvo zvedu zvekare zvakanga zvisati zviri zvitsvene. Nei? Nemhaka yekuti vazhinji vedu taitevera chiito chenyika tisati tagamuchira zvokwadi yechiKristu. Petro aiziva ikoku apo akanyora zviri pachena kuti: “Nguva yakapfuura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira.” Chokwadika, Petro haana kududza zviito zvisati zviri zvitsvene zvenyika yedu yazvino uno, sezvo yakanga isingazivikanwi panguva iyoyo.—1 Petro 4:3, 4.
3, 4. (a) Tinogona sei kurwisa zvishuvo zvakashata? (b) VaKristu vanofanira kuva vasina mirangariro here? Tsanangura.
3 Wacherekedza here kuti zvishuvo izvozvi ndezviya zvinofadza nyama, pfungwa, uye mirangariro? Apo tinobvumira izvozvi kudzora, ipapo mifungo yedu nezviito zvinova nyore nyore zvikuru zvisati zviri zvitsvene. Ikoku kunoratidzira kudikanwa kwekurega simba rokurangarira richidzora zviito zvedu. Pauro akakutaura neiyi nzira: “Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata [nesimba renyu rekurangarira, NW].”—VaRoma 12:1, 2.
4 Kuti tipe kuna Mwari chibayiro chitsvene, tinofanira kurega simba rekurangarira, kwete mirangariro, richidzora. Vangani vakapinzwa muunzenza nemhaka yekuti vakabvumira mirangariro yavo kudzora mufambire wavo! Ikoko hakurevi kuti mirangariro yedu inofanira kudzvinyirirwa; nezvisizvo, tingagona sei kuratidza mufaro mubasa raJehovha? Zvisinei, kana tichida kubereka chibereko chomudzimu panzvimbo pemabasa enyama, ipapo tinofanira kuchinjira ndangariro dzedu kumafungire aKristu.—VaGaratia 5:22, 23; VaFiripi 2:5.
Upenyu Hutsvene, Mubayiro Mutsvene
5. Nei Petro akanga achiziva kudikanwa kweutsvene?
5 Nei Petro akanga achingwarira kwazvo kudikanwa kweutsvene hwechiKristu? Nemhaka yokuti ainyatsoziva nezvemubayiro mutsvene wakanga wabhadharwa kudzikinura rudzi rwomunhu rwunoteerera. Akanyora, kuti: “Muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinoora, nesirivha kana ndarama, pamufambire wenyu usina maturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu; asi neropa raKristu, seregwayana risina charingapomerwa, risinoruvara.” (1 Petro 1:18, 19) Hungu, Manyuko eutsvene, Jehovha Mwari, akanga atuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, “Mutsvene,” kupasi kuti abhadhare rudzikinuro rwaizobvumira vanhu kuva neukama hwakanaka naMwari.—Johane 3:16; 6:69; Eksodho 28:36; Mateo 20:28.
6. (a) Nei kusiri nyore kuti tironde mufambire mutsvene? (b) Chii chinogona kutibetsera kuchengeta mufambire wedu uri mutsvene?
6 Zvisinei, tinofanira kuziva kuti hakusi nyore kurarama upenyu hutsvene tiri pakati penyika yaSatani yakashata. Anoteyera misungo yavaKristu vechokwadi, avo vari kuedza kupukunyuka mutsika yake yezvinhu. (VaEfeso 6:12; 1 Timotio 6:9, 10) Dzvinyiriro dzebasa rekunyika, dzechishoro chemhuri, dzekunyombwa kuchikoro, uye dzedzvinyiriro yevaenzani zvinoita kuti umudzimu hwakasimba hukoshe kuti munhu achengete utsvene. Ikoko kunosimbisa basa rinokosha refundo yedu yemunhu oga uye kuvapo kwedu nguva dzose pamisangano yechiKristu. Pauro akapa zano Timotio, kuti: “Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo rwuri muna Kristu Jesu.” (2 Timotio 1:13) Tinonzwa mashoko iwayo akanaka paHoro yedu yoUmambo uye mukufunda kwedu Bhaibheri kwomunhu oga. Anogona kutibetsera kuva vatsvene mumufambiro wedu zuva nezuva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.
Mufambiro Mutsvene Mumhuri
7. Utsvene hunofanira kutapura sei upenyu hwedu hwemhuri?
7 Apo Petro akanokora mashoko Revhitiko 11:44, akashandisa shoko rechiGiriki haʹgi·os, iro rinoreva “chakaparadzaniswa nechivi uye naizvozvo chakatsaurirwa kuna Mwari, chinoyera.” (An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine) Ikoku kunofanira kutitapura sei muupenyu hwedu hwemhuri hwechiKristu? Kunofanira kureva zvirokwazvo kuti upenyu hwedu hwemhuri hunofanira kuve hwakavakirwa parudo, nokuti “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Rudo rwekuzvinyima zvimwe zvinhu mafuta anonatsa ukama pakati pevakwanyina uye pakati pevabereki nevana.—1 VaKorinte 13:4-8; VaEfeso 5:28, 29, 33; 6:4; VaKorose 3:18, 21.
8, 9. (a) Mumiriroi wezvinhu pane dzimwe nguva unovapo mumusha wechiKristu? (b) Izanoi rakanaka iro Bhaibheri rinopa panhau iyi?
8 Tingafunga kuti kuratidzira rudo rwakadaro kungava kunoerekana kwaitika mumhuri yechiKristu. Bva, kunofanira kubvumwa kuti rudo nguva dzose harutonge kusvikira kumwero warunofanira kuita mune mimwe misha yechiKristu. Rungaratidzika kuva runoita saizvozvo paHoro yoUmambo, asi utsvene hwedu hungaderere nyore nyore sei mumusha. Ipapo tingakanganwa kamwe kamwe kuti mudzimai achiri hanzvadzi yedu yechiKristu kana kuti murume achiri hama imwe cheteyo (uye zvichida mubatiri anoshumira kana kuti mukuru) yairatidzika kuva inoremekedzwa paHoro yoUmambo. Tingashatirwa, uye nharo huru dzinogona kutanga. Mipimo miviri ingagona kutopinda muupenyu hwedu. Hausati huchiri ukama hwemurume nemudzimai hwakafanana nohwaKristu asi chete murume nemukadzi vanokakavara. Vanokanganwa kuti panofanira kuva nemhoteredzo tsvene mumusha. Zvichida vanovamba kunzwika sevanhu venyika. Tsinhiro yakashata, yakakasharara inogona ipapo kubuda mumuromo nyore nyore sei!—Zvirevo 12:18; enzanisa naMabasa 15:37-39.
9 Zvisinei, Pauro anopa zano, kuti: “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora [chiGiriki, loʹgos sa·prosʹ, “kutaura kunosvibisa,” naizvozvo kusati kuri kutsvene], asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.” Uye ikoko kunonongedzera kuvanzwi vose vari mumusha, kubatanidza vana.—VaEfeso 4:29; Jakobho 3:8-10.
10. Zano pamusoro peutsvene rinoshanda sei kuvana?
10 Zvino iyi nhungamiro pamusoro peutsvene inoshanda zvakaenzana kuvana vari mumhuri yechiKristu. Kuri nyore sei kuti vadzoke kumusha vachibva kuchikoro ndokutanga kutevedzera kutaura kwokupandukira uye kwokusaremekedza kwevaenzani vavo vekunyika! Vana, musakwezverwe kuzvimiro zvendangariro zvakaratidzwa nevakomana vasina tsika avo vakanyomba muporofita waJehovha uye vane vakafanana navo vanotaura zvakashata, zvinonyomba nhasi. (2 Madzimambo 2:23, 24) Kutaura kwenyu hakufaniri kusvibiswa nemutauro wakashata womumugwagwa wevanhu vane usimbe zvikuru kana kuti vasingaitiri hanya zvokusagona kushandisa mashoko akanaka. SavaKristu, kutaura kwedu kunofanira kuva kutsvene, kunofadza, kunovaka, kune mutsa, uye “kwakarungwa nomunyu.” Kunofanira kutiratidzira savakasiyana nevamwe vanhu.—VaKorose 3:8-10; 4:6.
Utsvene Nemitezo Isingatendi Yemhuri Yedu
11. Nei kuva mutsvene kusati kuchireva kuzviruramisa?
11 Nepo tichiedza nokungwarira kushandisa utsvene, hatifaniri kuratidzika kuva vakakwirira uye vanozviruramisa, zvikurukuru pakubatana nemitezo yemhuri isingatendi. Mufambiro wedu wemutsa wechiKristu unofanira kuvabetsera kuona kuti takasiyana nenzira inobetsera, kuti tinoziva kuratidza rudo netsitsi, kunyange sezvakaita muSamaria akanaka wemuenzaniso waJesu.—Ruka 10:30-37.
12. Vakwanyina vechiKristu vanogona kuita sei kuti zvokwadi ive inofadza zvikuru kuvakwanyina vavo?
12 Petro akasimbisa ukoshi hwechimiro chendangariro chakafanira kumitezo isingatendi yemhuri yedu apo akanyorera vadzimai vechiKristu, kuti: “Saizvozvo, imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasina shoko rinorehwa, kana vachiona mufambire wenyu, wakachena pamwe chete nokutya Mwari.” Mudzimai wechiKristu (kana kuti murume) anogona kuita kuti zvokwadi ifadze zvikuru kumukwanyina asingatendi kana mufambire wake uri wakachena, wokurangarira, uye wokuremekedza. Ikoku kunoreva kuti panofanira kuva nekuchinjika murudungwe rweUbati Ushe hwaMwari kuitira kuti mukwanyina asingatendi asazvidzwe kana kuti kufuratirwa.a—1 Petro 3:1, 2.
13. Vakuru navabatiri vanoshumira pane dzimwe nguva vanobetsera sei varume vasingatendi kunzwisisa zvokwadi?
13 Vakuru navabatiri vanoshumira vanogona pane dzimwe nguva kubetsera kupfurikidza nokuziva murume asingatendi kupfurikidza nokuva neushamwari. Nenzira iyi angaona kuti Zvapupu vanhu vane mufungo, vane tsika vane mhatsa huru yezvavanofarira, kubatanidza nhau dzisiri Bhaibheri. Mune chimwe chiitiko, mumwe mukuru akafarira mubato wokuzvifadza wemumwe murume wekuredza. Kwakanga kwakakwana kukurira mhinganidzo. Murume iyeye pakupedzisira akava hama yakabhapatidzwa. Mune chimwe chiitiko, mumwe murume asingatendi aifarira shiri dzerudzi rwecanary. Vakuru havana kuora mwoyo. Mumwe wavo akafunda nhau yacho kuitira kuti nguva inotevera paaizosangana nemurume wacho, aizogona kutanga kurukurirano pamusoro penhau yaifarirwa zvikuru nemurume wacho! Kuva mutsvene, naizvozvo, hakurevi kuva asingachinjiki kana kuti ane ndangariro dzinoda chinhu chimwe.—1 VaKorinte 9:20-23.
Tinogona Sei Kuva Vatsvene Muungano?
14. (a) Ndeupi uri mumwe wemitoo yaSatani yekunetesa ungano? (b) Tinogona sei kudzivisa musungo waSatani?
14 Satani Dhiyabhorosi mucheri, nokuti zita rechiGiriki rokuti Dhiyabhorosi, di·aʹbo·los, rinoreva “mupomeri” kana kuti “mucheri.” Kuchera humwe hweunyanzvi hwake, uye anoedza kukushandisa muungano. Mutoo wake waanofarira zvikuru iguhwa. Tinozvibvumira timene kuva mafuza ake muuyu mufambiro usati uri mutsvene here? Ikoko kungagona kuva kwakadaro sei? Kupfurikidza nokurivamba, kupfurikidza nokuridzokorora, kana kuti kupfurikidza nokuriteerera. Chirevo chakachenjera chinoti: “Munhu wakatsauka unokusha kukakavara; mucheri unoparadzanisa shamwari dzinodana.” (Zvirevo 16:28) Mushonga weguhwa nekuchera chii? Tinofanira kuva nechokwadi chokuti kutaura kwedu nguva dzose kunovaka uye kwakavakirwa parudo. Kana tikatsvaka zvakanaka panzvimbo pezvakashata zvinofungidzirwa zvehama dzedu, kurukurirano yedu nguva dzose ichava inofadza uye yomudzimu. Yeuka kuti kutsoropodza kuri nyore. Uye munhu anoita makuhwa kwauri pamusoro pevamwe angaitawo makuhwa kuvamwe pamusoro pako!—1 Timotio 5:13; Tito 2:3.
15. Mavarai akafanana neaKristu achabetsera kuchengeta vose vari muungano vari vatsvene?
15 Kuti tichengete ungano yakachena, tose zvedu tinofanira kuva nendangariro yaKristu, uye tinoziva kuti vara rake gurusa rudo. Nokudaro, Pauro akapa zano vaKorose kuti vave netsitsi kufanana naKristu: “Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; . . . muchikanganwirana . . . pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.” Ipapo akawedzera, kuti: “Norugare rwaKristu ngaruteme zvirevo mumwoyo yenyu.” Zvirokwazvo nemudzimu uyu wekukanganwira, tinogona kuchengeta chinzwano neutsvene zveungano.—VaKorose 3:12-15.
Utsvene Hwedu Hunooneka muNharaunda Yedu Here?
16. Nei kunamata kwedu kutsvene kuchifanira kuva kunamata kunofadza?
16 Zvakadini nevavakidzani vedu? Vanotirangarira sei? Tinoratidzira mufaro wezvokwadi here, kana kuti tinoiita kuti iratidzike semutoro? Kana tiri vatsvene kunyange seizvo Jehovha ari mutsvene, ipapo kunofanira kuva kuri pachena mukutaura kwedu nemumufambire wedu. Kunofanira kuva pachena kuti kunamata kwedu kutsvene kunamata kunofadza. Nei kwakadaro? Nemhaka yekuti Jehovha Mwari wedu ndiMwari anofara, uyo anoda kuti vanamati vake vafare. Nokudaro, wezvemapisarema aigona kuti pamusoro pevanhu vaJehovha munguva dzakare: “Vanomufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.” Tinoratidzira mufarwa iwowo here? Vana vedu vanoratidzirawo kugutsikana kuva pakati pevanhu vaJehovha paHoro yoUmambo uye pamagungano here?—Pisarema 89:15, 16; 144:15b.
17. Chii chatinogona kuita nenzira inoshanda kuti tiratidze utsvene hwakadzikama?
17 Tinogona kuratidzawo utsvene hwedu hwakadzikama kupfurikidza nemudzimu wedu webatira pamwe nemutsa weushamwari. Pane dzimwe nguva kuri madikanwa kuti vavakidzani vaungane, zvichida kuti vachenese nharaunda kana kuti, semune dzimwe nyika, vabetsere kunatsa migwagwa nemigwagwa mikuru. Muna ikoku, utsvene hwedu hunogona kuva pachena munzira yatinotarisira nayo mapindu edu, zvivanze, kana kuti zvimwe zvinhu. Kana tikarega marara ari pese pese kana kuti kuva neruvanze rwusina kutsvinda kana kuti rwusina kutsvairwa, zvichida kunyange rwune motokari dzekare dzakafa kuti vose vaone, tinogona here kuti tiri kuremekedza vavakidzani vedu?—Zvakazarurwa 11:18.
Utsvene Kubasa uye Kuchikoro
18. (a) Ndeupi uri mumiriro wezvinhu wakaipa wevaKristu nhasi? (b) Tinogona sei kuva vakasiyana nenyika?
18 Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muguta raisava dzvene reKorinte, kuti: “Ndakakunyorerai nenwadi yangu, kuti murege kufambidzana nemhombwe; handiti nemhombwe dzose dzenyika ino, kana vane ruchiva, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro maifanira kubva panyika.” (1 VaKorinte 5:9, 10) Iwoyu mumiriro wezvinhu wakaipa wevaKristu, avo vanofanira kuvhengana zuva nezuva nevanhu vane unzenza kana kuti vasina basa nezvakarurama kana kuti zvisina kururama. Iwoyu muedzo mukuru wekuperera, zvikurukuru mutsika umo kunetsa mune zvevatano, ushati, uye kusatendeseka zvinokurudzirwa kana kuti kufuratirwa. Mumamiriro aya ezvinhu hatigoni kukwanisa kuderedza mipimo yedu kuitira kuti iratidzike se“yakanaka” kune avo vakatipota. Panzvimbo pezvo, mufambiro wedu wechiKristu wemutsa asi wakasiyana unofanira kutiita kuti tive vakasiyana kuvanhu vanocherekedza, kuna avo vanoziva chinodikanwa chavo chemudzimu uye avo vari kutsvaka chimwe chinhu chiri nani.—Mateo 5:3; 1 Petro 3:16, 17.
19. (a) Imi vana mune miedzoi kuchikoro? (b) Chii icho vabereki vanogona kuita kuti vatsigire vana vavo nemufambiro wavo mutsvene?
19 Nenzira yakafanana, kune miedzo mizhinji inotarisana nevana vedu kuchikoro. Imi vabereki munoshanyira chikoro chinopinda mwana wenyu here? Munoziva rudzi rwemamiriro ezvinhu rwakatekeshera ikoko here? Mune ukama nevadzidzisi here? Nei mibvunzo iyi ichikosha? Nemhaka yokuti munharaunda zhinji dzemaguta enyika, zvikoro zvazova masango emasimba masimba, mirimo, uye vatano. Vana venyu vanogona sei kuchengeta kuperera kwavo nemufambiro wavo uri mutsvene kana vasingawani tsigiro yakazara yetsitsi yevabereki vavo? Pauro akapa zano vabereki zvakarurama, kuti: “Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Imwe nzira yokunetsa nayo vana ndeyekukundikana kunzwisisa zvinetso zvavo zvezuva nezuva nemiedzo. Kugadzirira miedzo iri kuchikoro kunovambira mumhoteredzo yemudzimu yemusha wechiKristu.—Dheuteronomio 6:6-9; Zvirevo 22:6.
20. Nei utsvene huchikosha nokuda kwedu tose?
20 Mukupedzisa, nei utsvene huchikosha nokuda kwedu tose? Nemhaka yekuti hunobatira sedziviriro pakuvhozhokera kwenyika yaSatani nekufunga. Chikomborero zvino uye chichava mune ramangwana. Hunobetsera kutivimbisa upenyu huchava upenyu chaihwoihwo munyika itsva yekururama. Hunotibetsera kuva vaKristu vakadzikama, vanosvikika, vanokurukura—kwete vanyanyisi vasingaregi. Mukupfupikisa, hunotiita vakafanana naKristu.—1 Timotio 6:19.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro peukama hwekungwarira navakwanyina vasingatendi, ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1990, “Usaregeredza Mukwanyina Wako!” mapeji 20-2 uye November 1, 1988, mapeji 24-5, ndima 20-2.
Unoyeuka Here?
◻ Nei Petro akaona kudikanwa kwekupa zano vaKristu pamusoro peutsvene?
◻ Nei kusiri nyore kurarama upenyu hutsvene?
◻ Chii icho tose zvedu tinogona kuita kuti tinatse utsvene mumhuri?
◻ Kuti ungano irambe iri tsvene, mufambiroi usati uri mutsvene watinofanira kudzivisa?
◻ Tinogona sei kuramba tiri vatsvene kubasa uye kuchikoro?
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
SeZvapupu zvaJehovha, tinofanira kufara mukubatira Mwari uye mune mimwe mibato