Zvirevo
2 Munhu akanaka anoita zvinhu zvinoita kuti afarirwe naJehovha,
Asi munhu anoronga mazano akaipa haafarirwi naye.+
4 Mudzimai anoita zvakanaka ikorona kumurume wake,+
Asi mudzimai anoita zvinonyadzisa akaita sechirwere chinoodza mapfupa emurume wake.+
5 Pfungwa dzevakarurama dzinofunga zvakarurama,
Asi kutungamirira kwevakaipa ndekweunyengeri.
6 Mashoko evakaipa akafanana nemunhu anohwandira achida kuuraya,*+
Asi muromo wevakarurama unovaponesa.+
8 Munhu anorumbidzwa nekuda kwekungwara kwemuromo wake,+
Asi ane mwoyo usina kururama achabatwa zvisina ruremekedzo.+
11 Munhu anorima munda wake achagutswa nezvekudya,+
Asi uya anodzingirirana nezvinhu zvisina basa haana pfungwa.*
12 Munhu akaipa anochiva zvavhimwa nevamwe vanhu vakaipa,
Asi midzi yevakarurama inobereka michero.
14 Munhu anogutswa nezvibereko zvakanaka zvinobva pakutaura kwake,*+
Uye basa remaoko ake richamupa mubayiro.
16 Benzi rinoratidza kugumbuka kwaro pakarepo,*+
Asi munhu akangwara haana basa nazvo kana akadenhwa.
17 Munhu anopa uchapupu hwakatendeka anotaura chokwadi,*
Asi chapupu chenhema chinotaura zvekunyengera.
19 Muromo unotaura chokwadi ucharamba uripo nekusingaperi,+
Asi rurimi runoreva nhema ruchangovapo kwekanguva.+
20 Unyengeri huri mumwoyo mevaya vanoronga kuita zvakaipa,
26 Munhu akarurama anotsvaga mafuro ake,
Asi nzira yevakaipa inoita kuti varasike.