Ganhuro 43
Guta Rinon’animira
Chiono 16—Zvakazarurwa 21:9–22:5
Musoro: Rondedzero yeJerusarema Idzva
Nguva yezadziko: Pashure pedambudziko guru nokuiswa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani
1, 2. (a) Ko ngirozi inoendesa kupi Johane kundoona Jerusarema Idzva, uye musianoi watinoona pano? (b) Neiko iwowu uri mugumo wakaisvonaka waZvakazarurwa?
NGIROZI yakanga yaendesa Johane murenje kundomuratidza Bhabhironi Guru. Zvino imwe yeboka rimwe chetero rengirozi inotungamirira Johane kugomo refu. Haiwa musiano wakadini waanoona! Herino guta risina kusachena, utere sehure reBhabhironi, asi Jerusarema—rakaisvonaka, romudzimu, dzvene—uye iro riri kuburuka richibva kudenga iko kumene.—Zvakazarurwa 17:1, 5.
2 Kunyange Jerusarema rapasi harina kutongova nembiri yakadai seiyi. Johane anotiudza, kuti: “Zvino imwe yengirozi nomwe dzakanga dzine ndiro nomwe dzakanga dzizere namadambudziko manomwe okupedzisira yakasvika, uye iyo yakataura neni, ndokuti: ‘Uya pano, ini ndichakuratidza mwenga, mudzimai weGwayana.’ Ipapo yakandiendesa musimba romudzimu kugomo guru uye refu, uye iyo yakandiratidza guta dzvene reJerusarema richiburuka kudenga richibva kuna Mwari uye rine mbiri yaMwari.” (Zvakazarurwa 21:9-11a) Ari panzvimbo yakanaka yegomo irero rine shongwe, Johane anonzvera guta rakatsvinda mumativi aro ose akaisvonaka. Vanhu vokutenda vave vari mukariro yokudisa yokuuya kwaro chifo chokuwira kwavanhu muchivi norufu. Pakupedzisira rava pano! (VaRoma 8:19; 1 VaKorinte 15:22, 23; VaHebheru 11:39, 40) Iro iguta rakaisvonaka romudzimu, rinoumbwa navachengeti veperero vakavimbika vane 144 000, rinon’animira muutsvene hwaro uye richiratidzira mbiri imene yaJehovha. Heuno mugumo wakaisvonaka waZvakazarurwa!
3. Ko Johane anorondedzera sei rutsvindo rweJerusarema Idzva?
3 Jerusarama Idzva rinopedza mate mukanwa nokutsvinda kwaro: “Kupenya kwaro kwakanga kwakaita seibwe rinokosha kwazvo, seibwe rejaspisi rinopenya zvinoonekera sekristaro. Iro rakanga rine rusvingo rukuru rurefu uye rakanga rina masuo ane gumi namaviri, uye ngirozi dzine gumi nembiri pamasuo, uye mazita ayo ari aavo vendudzi gumi nembiri dzavanakomana vaIsraeri akanga akanyorwa. Kumabvazuva kwaiva namasuo matatu, uye kuchamhembe masuo matatu, uye kumaodzanyemba masuo matatu, uye kumavirazuva masuo matatu. Rusvingo rweguta rwakangawo runa mabwe enheyo ane gumi namaviri, uye pamusoro pawo mazita ane gumi namaviri avaapostora vane gumi navaviri veGwayana.” (Zvakazarurwa 21:11b-14) Haiwa kwakakodzera sei kuti kuororwa uko Johane anonyora ndokwerujeko runopenya! Richipenya somwenga mutsva, Jerusarema Idzva rinoita mukwanyina akakodzera waKristu. Iro rinopenya zvamazvirokwazvo, sezviri zvakakodzera nokuda kwechisiko cha“Baba vezviedza zvokudenga.”—Jakobho 1:17.
4. Chii chinoratidzira kuti Jerusarema Idzva harizati riri rudzi rwokunyama rwaIsraeri?
4 Pamasuo aro 12, pakanyorwa mazita endudzi 12 dzaIsraeri. Naizvozvo, iri guta rokufananidzira rinoumbwa navane 144 000 avo vakaiswa chisimbiso “vachibva mundudzi iri yose yavanakomana vaIsraeri.” (Zvakazarurwa 7:4-8) Mutsinhirano naikoku, mabwe enheyo pamusoro pawo ane mazita avaapostora 12 veGwayana. Hungu, Jerusarema Idzva harizati riri rudzi rwokunyama rwaIsraeri rwakavakirwa pavanakomana 12 vaJakobho. Iro ndiIsraeri womudzimu, akavakirwa pa“vaapostora navaporofita.”—VaEfeso 2:20.
5. Chii chinoratidzirwa no“rusvingo rukuru norurefu” rweJerusarema Idzva uye neidi rokuti ngirozi dzinoiswa pasuo rimwe nerimwe?
5 Guta rokufananidzira rine rusvingo ruhombe. Munguva dzekare, masvingo eguta aivakwa nokuda kwechengeteko kudzivisa vavengi. “Rusvingo rukuru uye rurefu” rweJerusarema Idzva runoratidzira kuti iro rakakotsekana mumudzimu. Hapana muvengi wokururama, hapana munhu asina kuchena kana kuti asina kutendeseka, achazombokwanisa kupindamo. (Zvakazarurwa 21:27) Asi nokuda kwaavo vanobvumidzwa kupinda, kupinda iri guta rakatsvinda kwakafanana nokupinda muParadhiso. (Zvakazarurwa 2:7) Pashure pokutandwa kwaAdhama, makerubhi akamiswa pamberi peParadhiso yapakuvamba kudzivisa vanhu vasina kuchena. (Genesi 3:24) Nomutoo wakafanana, ngirozi dzakamiswa parupindo rumwe norumwe rweJerusarema guta dzvene kusimbisira chengeteko yomudzimu yegutaro. Zvamazvirokwazvo, mumazuva ose okupedzisira, ngirozi dzave dzichidzivirira ungano yamaKristu akazodzwa, iyo inova Jerusarema Idzva, pashatiso yechiBhabhironi.—Mateo 13:41.
Kuyera Guta
6. (a) Ko Johane anorondedzera sei kuyerwa kweguta, uye kuyera ikoku kunoratidzirei? (b) Chii chingatsanangura kuti kuyerwa kwakashandiswa kwakanga “kuchiwirirana nokuyera kwomunhu, panguva imwe cheteyo kwengirozi”? (Ona mashoko omunyasi.)
6 Johane anopfuurira nenhau yake, achiti: “Zvino iyo yakanga ichitaura neni yakanga yakabata rutsanga rwendarama sechiyero, kuti igoyera guta namasuo aro norusvingo rwaro. Uye guta rina mativi mana akaenzana, uye urefu hwaro hwakanga hwakakura soupamhi hwaro. Ipapo iyo yakayera guta norutsanga, mastadhia ane zviuru zvine gumi nezviviri; urefu hwaro noupamhi noukwiriri zvakaenzana. Uyewo, iyo yakayera rusvingo rwaro, makubiti ane zana namakumi mana namana, mukuwirirana nechiyero chomunhu, panguva imwe cheteyo chengirozi.” (Zvakazarurwa 21:15-17) Apo nzvimbo tsvene yetembere yakayerwa, ikoku kwakasimbisira zadziko yamadonzo aJehovha pamusoro paiyoyi. (Zvakazarurwa 11:1) Zvino, kuyera kwengirozi Jerusarema Idzva kunoratidzira kuti madonzo aJehovha haachinjiki sei pamusoro peiri guta rine mbiri.a
7. Chii chiri chakatanhamara pamusoro pemiyero yeguta?
7 Haiwa iguta rakatanhamara sei iri! Chinhu chamativi matanhatu akaenzana chakakwana mastadhia ane 12 000 (anenge makiromita 2 220) muurefu hwegango, rakapoteredzwa norusvingo runa makubiti 144, kana mamita 64, muukwiriri. Hakuna guta chairoiro ringambogona kuva nemiyero yakadaro. Ringafukidza nharaunda yakakura nakane 14 Israeri yazvino uno, uye ringava neshongwe yakakwirira makiromita 560 inopinda muchadenga chokunze! Zvakazarurwa zvakapiwa muzviratidzo. Naizvozvo, ko iyi miyero inotizivisei pamusoro peJerusarema Idzva rokudenga?
8. Chii chinoratidzirwa ne (a) masvingo ane ukwiriri hwamakubiti 144? (b) urefu hwegango ramasitadhia 12 000 hweguta? (c) kuva chinhu chamativi matanhatu akaenzana chakakwana muchimiro kweguta?
8 Masvingo ane ukwiriri hwamakubiti 144 anotiyeuchidza kuti gutaro rinoumbwa navanakomana vakagamuchirwa vomudzimu vane 144 000 vaMwari. Nhamba 12 inowanikwa muno humwe hukuru hweguta—mastadhia 12 000 muurefu, muupamhi, nomuukwiriri—inoshandiswa nomutoo wokufananidzira mukuronga kwesangano muuporofita hweBhaibheri. Nokuda kwechikonzero ichocho, Jerusarema Idzva igadziriro yakarongedzerwa nomutoo wakakwirira wesangano nokuda kwokuita donzo risingagumi raMwari. Jerusarema Idzva, pamwe chete naMambo Jesu Kristu, isangano roUmambo hwaJehovha. Ipapo pane chimiro cheguta: chinhu chamativi matanhatu akaenzana chakakwana. Mutembere yaSoromoni, Nzvimbo Tsvene Tsvene, ine chimiro chokufananidzira chokuvapo kwaJehovha, yakanga iri kubhiti rakakwana. (1 Madzimambo 6:19, 20) Haiwa kwakadzora sei, ipapoka, kuti Jerusarema Idzva, raivhenekerwa nembiri yaJehovha iye amene, rinoonwa sekubhiti rakakwana, romwero mukuru! Miyero yaro yose yakaenzana nomutoo wakakwana. Iro iguta risina kusaenzana kana perevedzo.—Zvakazarurwa 21:22.
Zvivakiso Zvinokosha
9. Ko Johane anorondedzera sei zvivakiso zveguta?
9 Johane anopfuurira nerondedzero yake, achiti: “Zvino chivako chorusvingo chakanga chiri jaspisi, uye guta rakanga riri ndarama yakaisvonaka segirazi rinoonekera. Nheyo dzeguta dzakanga dzakashongedzwa rudzi rwuri rwose rweibwe rinokosha: nheyo yokutanga yakanga iri jaspisi, yechipiri safiri, yechitatu karsidhoni, yechina smaragdhino, yechishanu sardhoniksi, yechitanhatu sardhio, yechinomwe krisoriti, yechisere bheriri, yechipfumbamwe topasi, yegumi krisoprasi, yegumi neimwe hiakinti, yegumi nembiri ametesti. Uyewo, mazuva ane gumi namaviri aiva maparera ane gumi namaviri; rimwe nerimwe ramasuo rakanga rakaitwa neparera rimwe, uye mugwagwa weguta wakanga uri ndarama yakaisvonaka segirazi rinoonekera.”—Zvakazarurwa 21:18-21.
10. Chii chinoratidzirwa neidi rokuti guta rakavakwa nejaspisi, ndarama, no“rudzi rwuri rwose rweibwe rinokosha”?
10 Chivako cheguta chinon’animira zvamazvirokwazvo. Panzvimbo pezvivakiso zvokunyama, zvapasi zvakafanana nomunyakwe kana ibwe, tinorava nezvejaspisi, ndarama yakanatswa, uye “rudzi rwuri rwose rweibwe rinokosha.” Haiwa izvozvi zvinomutoo wakakodzera zvinoratidzira sei zvivakiso zvokudenga! Hapana chimwe chinhu chingagona kuva chakaisvonaka zvikuru kupfuura izvi. Areka yekare yesungano yakanga yakadzurudzutwa nendarama yakanatswa, uye muBhaibheri ichi chinhu chinowanzomirira zvinhu zviri zvakanaka nezvinokosha. (Eksodho 25:11; Zvirevo 25:11; Isaya 60:6, 17) Asi Jerusarema Idzva rose, uye kunyange mugwagwa waro, zvakavakwa ne“ndarama yakanatswa yakaita segirazi rinoonekera,” kuratidzira rutsvindo noukoshi chaihwoihwo hunokangaidza mufungo.
11. Chii chinosimbisira kuti avo vanoumba Jerusarema Idzva vachapenya nokuisvonaka kukurusa kworucheno rwomudzimu?
11 Hakuna munyungudutsi wohunhu angagona kubudisa ndarama yorucheno rwakadaro. Jehovha ndiye Munatsi Mukurusa. Iye anogara so“munatsi nomuchenuri wesirvheri,” uye iye anonatsa munhu, mitezo yakatendeka yaIsraeri womudzimu “sendarama uye sesirvheri,” achibvisa pairi matsvina ose. Vanhu vamwe navamwe bedzi vakanatswa chaizvozvo navakachenurwa pakupedzisira vachaumba Jerusarema Idzva, uye neiyi nzira Jehovha anovaka guta nezvivakiso zvipenyu zviri zvinopenya nokuisvonaka kukurusa kworucheno rwomudzimu.—Maraki 3:3, 4.
12. Chii chinoratidzirwa neidi rokuti (a) nheyo dzeguta dzakashongedzwa mabwe anokosha 12? (b) masuo eguta maparera?
12 Kunyange nheyo dzeguta dzakaisvonaka, zvadzakashongedzwa namabwe 12 anokosha. Ikoku kunoyeuchidza muprista wekare mukuru wechiJudha, uyo pamazuva ezvinoitika aipfeka efodhi yakarukirwa mabwe anokosha akasiyana 12 akati fananei naawo anorondedzerwa pano. (Eksodho 28:15-21) Zvamazvirokwazvo ikoku hakuzati kuri wiriranowo zvayo! Panzvimbo pakwo, kunosimbisa basa romuprista weJerusarema Idzva iro Jesu, Muprista Mukuru zvikuru, ari “mwenje” waro. (Zvakazarurwa 20:6; 21:23; VaHebheru 8:1) Zvakare, betsero dzoushumiri hwaJesu dzomuprista mukuru dzinoendeswa kuvanhu kupfurikidza neJerusarema Idzva. (Zvakazarurwa 22:1, 2) Masuo eguta 12, rimwe nerimwe richiva parera rorutsvindo rukuru, rinoyeuchidza muenzanisiro waJesu uya wakafananidzira Umambo neparera roukoshi hukuru. Vose vanopinda napamasuo iwawo vachava vakaratidzira kuonga kwechokwadi nokuda kwemipimo yomudzimu.—Mateo 13:45, 46; enzanisa naJobho 28:12, 17, 18.
Guta Rechiedza
13. Ko Johane anotevera kutaurei pamusoro peJerusarema Idzva, uye neiko guta risati richida tembere ipi neipi chaiyoiyo?
13 Munguva yaSoromoni, chinhu chakachachamara muJerusarema chakanga chiri tembere yakavakirwa panzvimbo yakakwirira zvikurusa yeguta paGomo reMoria nechokuchamhembe. Asika zvakadiniko neJerusarema Idzva? Johane anoti: “Uye ini handina kuona tembere mariri, nokuti Jehovha Mwari Wamasimba ose itembere yaro, uyewo Gwayana. Uye guta harishaiwi zuva kana kuti mwedzi zvokuvhenekera pariri, nokuti mbiri yaMwari yairivhenekera, uye mwenje waro wakanga uri Gwayana.” (Zvakazarurwa 21:22, 23) Chokwadi, hapana dikanwo yokuvaka tembere chaiyoyo muno. Tembere yekare yechiJudha yaingova muenzanisiro bedzi, uye chaiyoiyo yomuenzanisiro iwowo, tembere huru yomudzimu, yave iripo kubvira apo Jehovha akazodza Jesu soMuprista Mukuru muna 29 C.E. (Mateo 3:16, 17; VaHebheru 9:11, 12, 23, 24) Tembere inofananidzirawo boka rouprista rinopira zvibairo kuna Jehovha nokuda kwavanhu. Asi vose avo vari rutivi rweJerusarema Idzva vaprista. (Zvakazarurwa 20:6) Uye chibairo chikuru, upenyu hwakakwana hwohunhu hwaJesu, chakapiwa nokuda kwechigarire. (VaHebheru 9:27, 28) Zvakare, Jehovha iye amene anosvikika kumunhu ari wose anogara muguta irero.
14. (a) Neiko Jerusarema Idzva risati richida zuva nomwedzi kuvhenekera pariri? (b) Ko uporofita hwaIsaya hwakadeya kuzivisei pamusoro pesangano rapose pose raJehovha, uye Jerusarema Idzva rinobatanidzwa sei muna ikoku?
14 Apo mbiri yaJehovha yakapfuura napana Mosesi paGomo reSinai, yakaparira chiso chaMosesi kupenya zvakajeka zvikuru zvokuti iye aitofanira kuchifukidza pavaIsraeri biyake. (Eksodho 34:4, 7, 29, 30, 33) Unogona here kufungidzira, ipapoka, rujeko rweguta rinovhenekerwa kwechigarire nembiri yaJehovha? Guta rakadaro haringavi nenguva yousiku. Haringavi nedikano yezuva chairoiro kana kuti mwedzi. Ringave richivhenekera chiedza nokusingagumi. (Enzanisa na1 Timotio 6:16.) Jerusarema Idzva rinochenurwa murudzi irworwo rworupenyo runon’animira. Zvamazvirokwazvo, uyu mwenga neChikomba chawo Mambo vanova dzimbahwe resangano rapose pose raJehovha—“mukadzi” wake, “Jerusarema riri kumusoro”—iro Isaya akaporofita pamusoro paro, kuti: “Zuva harichazobvumikisazve kuva chiedza chako pamasikati, uye mwedzi iwo umene hauchazokupizve chiedza nokuda kworujeko. Ipapo Jehovha anofanira kuva kwauri chiedza chisingaperi kusvikira kunguva isingazivikanwi uye Mwari wako rutsvindo rwako. Zuva rako harichazovirizve, uyewo mwedzi wako hauzoiti mafo; nokuti Jehovha iye amene uchava chiedza chisingagumi nokuda kwako kusvikira kunguva isingazivikanwi, uye mazuva okuchema kwako achave apera.”—Isaya 60:1, 19, 20; VaGaratia 4:26.
Chiedza Chamarudzi
15. Mashokoi aZvakazarurwa pamusoro peJerusarema Idzva akafanana nouporofita hwaIsaya?
15 Uhu uporofita humwe chetehwo hwakadeyawo kutaurwa: “Zvamazvirokwazvo marudzi achaenda kuchiedza chako uye madzimambo kurujeko rwokupenya kwako.” (Isaya 60:3) Zvakazarurwa zvinoratidzira kuti aya mashoko aizobatanidza Jerusarema Idzva: “Uye marudzi achafamba kupfurikidza nechiedza charo, uye madzimambo apasi achapinza mbiri yawo mariri. Uye masuo aro haazati achizotongozarirwa masikati, nokuti usiku hahuzovimo. Zvino ivo vachapinza mbiri norukudzo zvamarudzi mariri.”—Zvakazarurwa 21:24-26.
16. Ndivanaani “marudzi” ayo achafamba kupfurikidza nechiedza cheJerusarema Idzva?
16 Ndivanaani aya “marudzi” anofamba kupfurikidza nechiedza cheJerusarema Idzva? Ivo vanhu, vaichimbova rutivi rwamarudzi enyika ino yakaipa, avo vanodavidza kuchiedza chinovhenekerwa kupfurikidza neiri guta rine mbiri rokudenga. Rakatanhamara pakati pawo ndiro boka guru, iro rakatobuda mu“marudzi ose nendudzi namadzinza nendimi” uye iro rinonamata Mwari masikati nousiku pamwe chete neboka raJohane. (Zvakazarurwa 7:9, 15) Pashure pokunge Jerusarema Idzva raburukira pasi richibva kudenga uye Jesu ashandisa zvikiinuriso zvorufu neHadhesi kumutsa vakafa, ivo vachakumbanirwa namamwe mamiriyoni, pakuvamba-vamba anobva “mumarudzi,” anosvika pakuda Jehovha noMwanakomana wake, Murume akaita seGwayana weJerusarema Idzva.—Zvakazarurwa 1:18.
17. Ndivanaani “madzimambo apasi” avo “vanovigira mbiri” yawo muJerusarema Idzva?
17 Ko zvino, ndivanaani vari “madzimambo apasi” awo “anovigira mbiri yawo mariri”? Iwo haazati ari madzimambo chaiwoiwo apasi seboka, nokuti iwo anowira muruparadziko mukurwisana noumambo hwaMwari paArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:17, 18) Ko madzimambo angava vamwe vakakwirira zvikuru vamarudzi vanova rutivi rweboka guru here, kana kuti madzimambo anomutswa anozviisa pasi pomuUmambo hwaMwari munyika itsva? (Mateo 12:42) Nyangwe, nokuti nokuda kworutivi rukurusa, mbiri yamadzimambo akadaro yakanga iri yenyika uye yakanguve yadzima. “Madzimambo apasi,” ipapoka, awo anovigira mbiri yawo muJerusarema Idzva anofanira kuva144 000, awo ano“dzikinurwa . . . mundudzi iri yose nendimi nedzinza norudzi” kubata ushe samadzimambo pamwe chete neGwayana, Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 22:5) Iwo anovigira mbiri yawo yokupiwa naMwari muguta kuwedzera kurupenyo rwaro.
18. (a) Ndivanaani vachasiiwa kunze kweJerusarema Idzva? (b) Ndivanaani bedzi vachabvumirwa kupinda muguta?
18 Johane anopfuurira, kuti: “Asi chinhu chipi nechipi chisati chiri chitsvene uye munhu upi noupi anopfuurira pachinhu chinonyangadza nenhema haangapindi mariri; avo bedzi vakanyorwa mumupumburu wamanyoro woupenyu weGwayana vachapinda.” (Zvakazarurwa 21:27) Hapana chinhu chakashatswa netsika yezvinhu yaSatani chinogona kuva rutivi rweJerusarema Idzva. Kunyange zvazvo masuo aro akazarurwa kwechigarire, hapana munhu “anopfuurira pachinhu chinonyangadza nenhema” achabvumirwa kupinda. Muguta irero hamuzati muchizova navatsauki pakutenda kana kuti mitezo ipi neipi yeBhabhironi Guru. Uye kana vapi navapi vakaedza havo kushatsa guta kupfurikidza nokushatsa mitezo yaro yomunguva yemberi ichingunoveri pasi pano, nhamburiko dzavo dzinoparadzanywa. (Mateo 13:41-43) Bedzi “avo vakanyorwa mumupumburu wamanyoro woupenyu weGwayana,” vane 144 000 pakupedzisira vachapinda muJerusarema Idzva.b—Zvakazarurwa 13:8; Dhanieri 12:3.
Rwizi Rwemvura Youpenyu
19. (a) Ko Johane anorondedzera sei Jerusarema Idzva rinoyeredzera zvikomborero kuvanhu? (b) Ko “rwizi rwemvura youpenyu” runoyerera rini, uye tinoziva sei?
19 Jerusarema Idzva rinon’animira richiyereredzera zvikomborero kuvanhu pasi pano. Izvi ndizvo izvo Johane anotevera kuziva: “Zvino iyo yakandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, inoyerera ichibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwayana ichidzika napakati pomugwagwa waro.” (Zvakazarurwa 22:1, 2a) Ko urwu “rwizi” runoyerera rini? Sezvarunoyerera “ruchibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwayana,” kwaigona bedzi kuva pashure pokunge zuva raShe ravamba muna 1914. Iyeyo yakanga iri nguva yechinoitika chakaziviswa nokuridzwa kwehwamanda yechinomwe nechiziviso chakaisvonaka, chinoti: “Zvino rwasvika ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu nesimba raKristu wake.” (Zvakazarurwa 11:15, 12:10) Munguva yomugumo, mudzimu nomwenga vave vachikoka vaya vakakodzera kuti vauye vatore mvura youpenyu pachena. Mvura yomurwizi urwu icharamba ichiwanika kune vakadaro kusvikira kumugumo wegadziriro ino yezvinhu uye, pashure pacho, munyika itsva, apo Jerusarema Idzva ‘rinoburukira pasi richibva kudenga kuna Mwari.’—Zvakazarurwa 21:2.
20. Chii chinoratidzira kuti mwero wemvura youpenyu unotowanikwa?
20 Ino haizati iri nguva yokutanga iyo mvura inopa upenyu yakagoverwa kuvanhu. Paaiveri pasi pano, Jesu akataura nezvemvura inopa upenyu husingaperi. (Johane 4:10-14; 7:37, 38) Kupfuurirazve, Johane wodokunzwa kokero yorudo inoti: “Mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi unonzwa ngaati: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi unonzwa nyota ngaauye; munhu upi noupi anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.” (Zvakazarurwa 22:17) Iyi kokero iri kuziviswa kunyange zvino, kuratidzira kuti mwero wakati wemvura youpenyu unotowanikwa. Asi munyika itsva, mvura idzodzo dzichayerera dzichibva pachigaro choumambo chaMwari uye kupfurikidza neJerusarema Idzva sorwizi chairwoirwo.
21. Chii chinomirirwa no“rwizi rwemvura youpenyu” uye chiono chaEzekieri chourwu rwizi chinotibetsera sei kuziva?
21 Chii chiri urwu “rwizi rwemvura youpenyu”? Mvura chaiyoiyo chinhu chinokosha nokuda kwoupenyu. Kana pasina zvokudya munhu anogona kurarama kwechiverengero chakati kuti chamavhiki, asi kana pasina mvura iye achafa murinenge vhiki rimwe. Mvura chinhu chinochenura uye chinokosha nokuda kwoutano. Nokudaro, mvura youpenyu inofanira kumirira chimwe chinhu chinodikanwa nokuda kwoupenyu noutano hwavanhu. Muporofita Ezekieri akapiwa chiono chourwu “rwizi rwemvura youpenyu,” uye muchiono chake, rwizi rwakayerera ruchibva mutembere uye ruchidzika muGungwa Rakafa. Ipapo, chishamiso chezvishamiso! Nyanza iyeyo isino upenyu, yakashatswa nezvinhu yakashandurwa kuva mvura izerwe nehove! (Ezekieri 47:1-12) Hungu, rwiyo rwechiono runodzorera kuupenyu chimwe chinhu icho chakanga chakafa kare, kusimbisa kuti rwizi rwemvura youpenyu runofananidzira gadziriro yaMwari kupfurikidza naJesu Kristu nokuda kwokudzorera upenyu hwakakwana hwohunhu kudzinza rohunhu ra“kafa.” Urwu rwizi runo“onekera sekristaro,” kuratidzira rucheno negadziriro dzaMwari. Haruna kufanana ne“mvura” dzakashatiswa neropa, dzinouraya dzechiKristudhomu.—Zvakazarurwa 8:10, 11.
22. (a) Ko rwizi runonyuka papi, uye neiko ikoku kwakakodzera? (b) Chii chinobatanidzwa mumvura dzoupenyu, uye urwu rwizi rwokufananidzira rwunobatanidzei?
22 Rwizi rwacho runonyuka pa“chigaro choumambo chaMwari necheGwayana.” Ikoku kwakakodzera, sezvo hwaro hwegadziriro dzinopa upenyu dzaJehovha huri chibairo chorudzikinuro, uye ichochi chakagoverwa nokuti Jehovha aka“da nyika zvikuru zvokuti iye akapa Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwe oga bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Mvura youpenyu inobatanidzawo Shoko raMwari, iro rinotaurwa nezvaro semvura muBhaibheri. (VaEfeso 5:26) Zvisinei, rwizi rwemvura youpenyu runobatanidza isati ichingova bedzi zvokwadi asiwo imwe gadziriro iri yose yaJehovha, yakavakirwa pachibairo chaJesu, nokuda kwokudzikinura vanhu vanoteerera pachivi norufu ndokuvapa upenyu husingaperi.—Johane 1:29; 1 Johane 2:1, 2.
23. (a) Neiko kwakakodzera kuti rwizi rwemvura youpenyu ruyerere napakati pomugwagwa weJerusarema Idzva? (b) Chipikirwai choumwari kuna Abrahama chichazadzika apo mvura youpenyu inoyerera nomutoo wokufashamira?
23 Mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru, betsero dzorudzikinuro dzinoshandiswa zvizere kupfurikidza nouprista hwaJesu navaprista vaduku vake vane 144 000. Nomutoo wakakodzera, ipapoka, rwizi rwemvura youpenyu runoyerera napakati pomugwagwa weJerusarema Idzva. Irori rinoumbwa naIsraeri womudzimu, uyo pamwe chete naJesu vanoumba mbeu yechokwadi yaAbrahama. (VaGaratia 3:16, 29) Naizvozvo, apo mvura youpenyu inoyerera muuwandu napakati pomugwagwa weguta rokufananidzira, “marudzi ose apasi” achava nebanza rizere rokuzvikomborera iwo amene kupfurikidza nembeu yaAbrahama. Chipikirwa chaJehovha kuna Abrahama chichazadzika zvizere.—Genesi 22:17, 18.
Miti Youpenyu
24. Ko Johane zvino anoonei kunhivi dzose dziri mbiri dzorwizi rwemvura, uye inofananidzirei?
24 Muchiono chaEzekieri, rwizi rwakatova runofashamira, uye muporofita akaona marudzi ose emiti inobereka michero ichikura kumativi ose ari maviri arwo. (Ezekieri 47:12) Asika Johane anoonei? Ichi: “Uye mhiri kuno kworwizi nemhiri uko kworwizi kwakanga kune miti youpenyu inobereka zvibereko zvine gumi nezviviri zvomuchero, inobereka zvibereko zvayo mwedzi mumwe nomumwe. Uye mashizha emiti aiva okurapwa kwamarudzi.” (Zvakazarurwa 22:2b) Iyi “miti youpenyu” inofanirawo kufananidzira rutivi rwegadziriro yaJehovha nokuda kwokupa upenyu husingagumi kuvanhu vanoteerera.
25. Ko Jehovha anoita gadziriroi yakakura nokuda kwavanhu vanodavidza muParadhiso yemburumbwa yose?
25 Haiwa igadziriro yakakura zvakadini Jehovha anoita nokuda kwavanhu vanoteerera! Havazati vangangonwa bedzi mvura idzodzo dzinozorodza asi ivo vangatanha pamiti iyoyo mhatsa inopfuurira yemichero inotsigira. Oo, kudai bedzi vabereki vedu vapakuvamba vakanga vagutsikana negadziriro imwe cheteyo ino“dikanwa” muParadhiso yeEdheni! (Genesi 2:9) Asika zvino Paradhiso yemburumbwa yose yava pano, uye Jehovha anotoita gadziriro kupfurikidza namashizha emiti iyeyo yokufananidzira nokuda “kwokuporeswa kwamarudzi.”c Kupfuura zvikuru mushonga upi noupi, mbanda kana kuti mumwe mutoo, inogoverwa nhasi, shandiswo inonyaradza yamashizha iwawo okufananidzira ichasimudzira vanhu vanodavira kukukwana kwomudzimu nokwomuviri.
26. Ko miti youpenyu ingabatanidzei, uye nei?
26 Miti iyoyo, inosanodiridzwa norwizi, ingabatanidza mitezo ine 144 000 yomudzimai weGwayana. Ichiri pasi pano iyo inonwawo gadziriro yaMwari youpenyu kupfurikidza naJesu Kristu. Zvinofadza kuti hama dzaKristu idzi dzakaberekwa nomudzimu dzinonzi nenzira youporofita “miti mikuru yokururama.” (Isaya 61:1-3; Zvakazarurwa 21:6) Iyo yakatobereka zvibereko zvakawanda zvomudzimu zverumbidzo yaJehovha. (Mateo 21:43) Uye mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru, iyo ichava norutivi rwokugovera gadziriro dzechibairo idzo dzichabatira “kuporeswa kwamarudzi” kubva muchivi norufu.—Enzanisa na1 Johane 1:7.
Hapachinazve Usiku
27. Ko Johane anodudza zvimwei zvikomborero nokuda kwaavo vanoropafadzwa kupinda muJerusarema Idzva, uye neiko kuchitaurwa kuti “hamuzati muchizovazve nechituko chipi nechipi”?
27 Kupinda muJerusarema Idzva—zvechokwadi, hakungagoni kuva neimwezve ropafadzo inoshamisa kupfuureyi! Chimbofunga hako—avo vaichimbova vanhu vakaderera, vasina kukwana vachatevera Jesu mudenga kundova rutivi rwegadziriro yakadaro ine mbiri! (Johane 14:2) Johane anopa mufungo wakati wezvikomborero zvichafarikanywa naivava, achiti: “Uye hakunazve chituko chipi nechipi. Asi chigaro choumambo chaMwari necheGwayana zvichava maguta, uye varanda vake vachamuitira basa dzvene; uye ivo vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo.” (Zvakazarurwa 22:3, 4) Apo huprista hwechiIsraeri hwakava hwakashata, vakatambura chituko chaJehovha. (Maraki 2:2) “Imba” isingateereri yeJerusarema yakanzi yakasiiwa naJesu. (Mateo 23:37-39) Asi muJerusarema Idzva, “hamuzati muchizovazve nechituko chipi nechipi.” (Enzanisa naZekaria 14:11.) Vagari varo vose vakaedzwa mumwoto wemiedzo pasi pano, uye vawana rukundo, ivo vachave va‘pfeka kusaora nokusafa.’ Muchinoitika chavo, Jehovha anoziva, sokuziva kwaaita Jesu, kuti ivo havazati vachizotongotsauka. (1 VaKorinte 15:53, 57) Kupfuurirazve, “chigaro choumambo chaMwari necheGwayana” chichavapo, chichiita kuti nzvimbo yeguta ikotsekane nokuda kwokusingagumi kwose.
28. Neiko mitezo yomuJerusarema Idzva ine zita raMwari pahuma dzayo, uye ikariroi inofadza iri mberi kwayo?
28 SaJohane iye amene, mitezo yose yomunguva yemberi yeguta irero rokudenga “varanda” vaMwari. Savakadaro, ivo vane zita raMwari rakanyorwa nomutoo wakatanhamara pahuma dzavo, kumuzivisa soMwene wavo. (Zvakazarurwa 1:1; 3:12) Ivo vachairangarira kuva ropafadzo inoisvokosha yokumuitira basa dzvene sorutivi rweJerusarema Idzva. Apo Jesu akanga ari pasi pano, iye akaita chipikirwa chinofadza kuvabati ushe vakadaro vanokarirwa, achiti: “Vanofara ndivo vakachena mumwoyo, nokuti ivo vachaona Mwari.” (Mateo 5:8) Haiwa vachava vanofara sei varanda ivava kuona chaizvoizvo ndokunamata Jehovha iye amene!
29. Neiko Johane achitaura nezveJerusarema Idzva rokudenga kuti “usiku hauchazovipozve”?
29 Johane anopfuurira, kuti: “Uyewo, usiku hauchazovipozve, uye havashayi chiedza chomwenje uyewo havana chiedza chezuva, nokuti Jehovha Mwari achavhenekera pavari.” (Zvakazarurwa 22:5a) Jerusarema rakare, serimwe guta ripi neripi pasi pano, raitsamira pazuva nokuda kwechiedza masikati uye pachiedza chomwedzi nechiedza chomwenje pausiku. Asi muJerusarema Idzva rokudenga, kuvhenekera kwakadaro kuchava kusiri madikanwa. Gutaro richavhenekerwa naJehovha iye amene. “Usiku” hungashandiswawo mupfungwa yokufananidzira, huchinongedzera kungwavaira kana kuti paradzano naJehovha. (Mika 3:6; Johane 9:4; VaRoma 13:11, 12) Hamungatongogoni kuva norudzi irworwo rwousiku mukuvapo kune mbiri, kunopenya kwaMwari wamasimba ose.
30. Ko Johane anogumisa sei chiono chakaisvonaka, uye Zvakazarurwa zvinotisimbisira nezvechii?
30 Johane anopfiga ichi chiono chakaisvonaka kupfurikidza nokutaura nezvavaranda vaMwari, achiti: “Uye ivo vachabata ushe samadzimambo nokusingaperi-peri.” (Zvakazarurwa 22:5b) Chokwadi, pakupera kwamakore ane chiuru, betsero dzechibairo dzichave dzashandiswa zvizere, uye Jesu achapa dzinza rohunhu rakakwaniswa kuna Baba vake. (1 VaKorinte 15:25-28) Icho Jehovha anorangarira nokuda kwaJesu navane 144 000 pashure paikoku, hatizivi. Asi Zvakazarurwa zvinotisimbisira kuti basa dzvene ravo rakaropafadzwa kuna Jehovha richapfuurira mukusingagumi mose.
Mugumo Unofadza waZvakazarurwa
31. (a) Mugumoi unoratidzirwa nechiono cheJerusarema Idzva? (b) Ko Jerusarema Idzva rinoitei nokuda kwavamwe vakatendeka vavanhu?
31 Zadziko yeichi chiono cheJerusarema Idzva, mwenga weGwayana, mugumo unofadza uyo Zvakazarurwa zvinonongedzera kwauri, uye zvinodaro nomutoo wakakodzera. Ose amaKristu biyake omuzana rokutanga aJohane ayo bhuku rake rakatanga kutaurwa kwaari aikarira kupinda muguta irero savabati ushe vasingafi vomudzimu pamwe chete naJesu Kristu. Vakasarira vamaKristu akazodzwa vachiri vapenyu nhasi vane tariro imwe cheteyo. Nokudaro Zvakazarurwa zvinopfuurira mberi kumugumo wazvo wakaisvonaka, sezvo mwenga wakakwana unobatanidzwa pamwe chete neGwayana. Tevere, kupfurikidza neJerusarema Idzva, betsero dzechibairo chorudzikinuro chaJesu dzichashandisirwa kuvanhu, kuti pakupedzisira vakatendeka vose vapinde muupenyu husingaperi. Neiyi nzira, mwenga, Jerusarema Idzva, somukwanyina akavimbika kuna Mambo ari Chikomba chake, achagoverana mukuvaka nokuda kwokusingagumi pasi idzva rakarurama—kwose kumbiri yaChangamire wedu Ishe Jehovha.—Mateo 20:28; Johane 10:10, 16; VaRoma 16:27.
32, 33. Chii chatadzidza muna Zvakazarurwa, uye chii chinofanira kuva davidzo yedu yomwoyo wose?
32 Haiwa tinonzwa mufaro wakadini, ipapoka, sezvatinosvika kumugumo wokurangarira kwedu bhuku raZvakazarurwa! Tawana nhamburiko dzokupedzisira dzaSatani nembeu yake dzichikangaidzwa chose uye marutongeso akarurama aJehovha achiitwa zvizere. Bhabhironi Guru rinofanira kubva mukuvapo nokusingaperi, richiteverwa namamwe mativi ose asina tariro enyika yaSatani. Satani iye amene namadhemoni ake vachakandirwa mugomba rakadzika-dzika uye gare gare ndokuparadzwa. Jerusarema Idzva richabata ushe pamwe chete naKristu riri kumatenga apo rumuko norutongeso zvinotanga, uye vanhu vakakwaniswa pakupedzisira vachasvika pakufarikanya upenyu husingaperi muParadhiso yapasi. Haiwa Zvakazarurwa zvinoratidzira sei nomutoo wakajeka zvinhu izvozvi zvose! Haiwa zvinosimbaradza sei kutsunga kwedu kwoku‘zivisa aya mashoko akanaka asingaperi samatama anofadza kurudzi rwuri rwose nendudzi nendimi nedzinza’ pasi pano nhasi! (Zvakazarurwa 14:6, 7) Ko iwe uri kuzvishandisa umene zvizere mune iri basa guru here?
33 Sezvo mwoyo yedu yakazara zvikuru kudai nokuonga, ngatipei ngwariro mashoko okupedzisira aZvakazarurwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Idi rokuti chiyero chakashandiswa chakanga chiri “mukuwirirana nechiyero chomunhu, panguva imwe cheteyo chengirozi” kungava nechokuita neidi rokuti guta rinoumbwa navane 144 000, avo pakuvamba-vamba vaiva vohunhu asi vanova zvisikwa zvomudzimu pakati pengirozi.
b Ona kuti “mupumburu wamanyoro woupenyu weGwayana” unongova bedzi namazita avane 144 000 vaIsraeri womudzimu. Nokudaro unosiyana no“mupumburu wamanyoro woupenyu” uya unobatanidza avo vanowana upenyu pasi pano.—Zvakazarurwa 20:12.
c Cherekedza kuti shoko rokuti “marudzi” rinowanzoreva nezvaavo vasati vari vaIsraeri vomudzimu. (Zvakazarurwa 7:9; 15:4; 20:3; 21:24, 26) Kushandiswa kweshokoro pano hakuzati kuchikarakadza kuti vanhu vachapfuurira kuva vanorongwa mumapoka akaparadzana amarudzi mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru.