Isaya
61 Mweya waChangamire Ishe Jehovha uri pandiri,+
Nekuti Jehovha akandizodza kuti ndizivise vanyoro mashoko akanaka.+
Akandituma kuti ndisunge maronda evakaora mwoyo,
Kuti ndizivise nezvekusunungurwa kune vaya vakatapwa
Uye nezvekusvinudzwa kwemaziso kuvasungwa,+
2 Kuti ndizivise nezvegore rekufarirwa naJehovha*
Nezuva rekutsiva kwaMwari wedu,+
Kuti ndinyaradze vese vanochema,+
3 Kuti ndibatsire vaya vanochema Ziyoni,
Kuti ndivape chishongo chemusoro panzvimbo pemadota,
Mafuta ekupembera nemufaro panzvimbo pekuchema,
Nguo yekurumbidza panzvimbo pekunetseka mumwoyo.
4 Vachavakazve matongo ekare;
Vachamisa nzvimbo dzekare dzaiva matongo,+
Uye vachaita kuti maguta akaparadzwa avepozve,+
Idzo nzvimbo dzaiva matongo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
5 “Vanhu vamusingazivi vachamira vofudza zvipfuwo zvenyu,
Uye vekune imwe nyika+ vachava varimi venyu nevashandi venyu vemuminda yemizambiringa.+
7 Panzvimbo penyadzi muchava nemigove miviri,
Uye panzvimbo pekunyadziswa vachapembera nemufaro pamusoro pemugove wavo.
Chokwadi vachava nemigove miviri munyika yavo.+
Vachapembera nemufaro nekusingaperi.+
Ndichavapa mubayiro wavo nekutendeka,
Uye ndichaita navo sungano inogara nekusingaperi.+
10 Ndichava nemufaro mukuru muna Jehovha.