Ganhuro 10
Kukura Muzivo Yakarurama Yezvokwadi
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA hazvina kuedza kutanga dzidziso itsva, nzira itsva yokunamata nayo, rudzidziso rutsva. Panzvimbo pezvo, nhau yazvo yomuzuva razvino uno inoratidzira nhamburiko yokungwarira yokudzidzisa zvinowanwa muBhaibheri, Shoko rakafuridzirwa raMwari. Zvinonongedzera kwariri sehwaro hwezvitendero zvazvo zvose nemararamire azvo. Panzvimbo pokutanga zvitendero zvinoratidzira miitiro yemadiro yenyika yazvino uno, zvakatsvaka kusanowirirana zvikuru nguva dzose nedzidziso dzeBhaibheri nemiitiro zvechiKristu chomuzana rokutanga ramakore.
Mukuvamba kwama1870, Charles Taze Russell navasonganiri vake vakavamba fundo yakakomba yeBhaibheri. Kwakava pachena kwavari kuti chiKristudhomu chakanga chatsaukira kure nedzidziso nemiitiro zvechiKristu chapakuvamba. Hama Russell havana kutaura kuti ndevokutanga kunzwisisa ikoku, uye ivo vakabvuma nenzira yokusununguka kuonga kwavo vamwe nokuda kworubatsiro rwavakapa mukati mamakore avo apakuvamba efundo yaMagwaro. Ivo vakataura nokuonga basa rakanaka iro masangano akasiyana-siyana muReformation akanga aita vachikarira kuita kuti chiedza chezvokwadi chipenye zvakajeka zvikuru. Ivo vakadudza nezita varume vakura vakadai saJonas Wendell, George Stetson, George Storrs, uye Nelson Barbour, avo vakabetsera somunhu oga kukunzwisisa kwavo Shoko raMwari munzira dzakasiyana-siyana.a
Ivo vakataurawo, kuti: “dzidziso dzakasiyana-siyana dzatinodavira uye idzo dzinoratidzika kuva itsva kwazvo nedzakanaka nedzakasiyana dzaidavirwa muchimiro chakati kare kare: somuenzaniso—Sarudzo, Nyasha Huru, Dzorero, Ruramiso, Tsveneso, Rumbidzo, Rumuko.” Kwakanga kwakadaro kazhinji kazhinji, zvisinei, kuti boka rimwe rorudzidziso rakasiyana kupfurikidza nenzwisiso yakajeka zvikuru yezvokwadi imwe yeBhaibheri; rimwe boka, kupfurikidza nezvokwadi yakasiyana. Imwe fambiro mberi yawo yaidziviswa kazhinji kazhinji nemhaka yokuti akanga akabatanidzwa nedzidziso nezvitendero izvo zvaiumba zvitendero zvakanga zvatekeshera muBhabhironi neEgipita zvakare kana kuti zvakanga zvatorwa kuvazivi vechiGiriki.
Asi iboka ripi, rine betsero yomudzimu waMwari, raizobatazve zvishoma nezvishoma “muenzaniso [wose] wamashoko akanaka” ayo akanga ave achikosheswa navaKristu vomuzana rokutanga ramakore? (2 Tim. 1:13, NW) Kuti nzira yavo yakanga “yakafanana nechiedza chakajeka chinojeka zvikuru kutozosvikira ava masikati makuru” kwaizobvumikisa kuva kwechokwadi nokuda kwavanaani? (Zvir. 4:18, NW) Ndivanaani vaizoita chaizvoizvo basa iro Jesu akarayira apo akati: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi”? Ndivanaani vaisazoita vadzidzi bedzi asiwo ku‘vadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose’ izvo Jesu akanga arayira? (Mabasa 1:8, NW; Mat. 28:19, 20) Zvirokwazvo, nguva yakanga yava pedyo here apo Ishe aizoita musiyano wakajeka pakati pavaKristu vechokwadi vaye avo akafananidza negorosi nevokuedzesera avo akanongedzera kwavari samashawi (chaizvoizvo, mashawi orudzi rwakafanana zvikuru kwazvo negorosi kutozosvikira akura)?b (Mat. 13:24-30, 36-43) Ndivanaani vaizobvumikisa kuva “muranda akatendeka uye akachenjera” uyo Tenzi, Jesu Kristu, pakuvapo kwake musimba roUmambo, aizoronzesa kwaari rimwe basa pamusoro pebasa rakafanotaurwa nokuda kwemhedziso yetsika ino yezvinhu?—Mat. 24:3, 45-47, NW.
Kuita Kuti Chiedza Chipenye
Jesu akarayiridza vadzidzi vake kugoverana navamwe chiedza chezvokwadi yaMwari icho ivo vakanga vagamuchira kwaari. “Imi muri chiedza chenyika,” iye akadaro. “Chiedza chenyu ngachipenye pamberi pavanhu.” (Mat. 5:14-16, NW; Mabasa 13:47) Charles Taze Russell navasonganiri vake vakaziva kuti vakanga vane musengwa wokuita kudaro.
Vaidavira kuti vakanga vane mhinduro dzose, chiedza chakazara chezvokwadi here? Kumubvunzo iwoyo Hama Russell vakapindura zvakananga, kuti: “Zvirokwazvo kwete; uyewo hatisati tichizova nadzo kutozosvikira pa‘masikati makuru.’” (Zvir. 4:18, KJ) Kazhinji kazhinji vainongedzera kuzvitendero zvavo zvapaMagwaro se“zvokwadi yazvino”—kwete nepfungwa ipi neipi yokuti zvokwadi imene inochinja asi panzvimbo pezvo nomufungo wokuti kuinzwisisa kwavo kwakanga kuchifambira mberi.
Ava vadzidzi vapachokwadi veBhaibheri havana kunzvenga pfungwa yokuti kune chinhu chakadai sezvokwadi munhau dzorudzidziso. Vaiziva Jehovha sa“Mwari wazvokwadi” neBhaibheri seShoko rake rezvokwadi. (Pis. 31:5; Josh. 21:45; Joh. 17:17) Vaiziva kuti kwakanga kuchine zvakawanda zvavakanga vasingazivi, asi havana kurega kutaura nokupwiswa zvavakanga vadzidza muBhaibheri. Uye apo dzidziso dzorudzidziso dzemagamuchidzanwa nemiitiro zvaipokanidza zvavaiwana kuva zvakataurwa nenzira yakajeka muShoko raMwari rakafuridzirwa, ipapoka, mukutevedzera Jesu Kristu, vakaratidzira unhema, kunyange zvazvo ikoku kwakaunza kunyombwa noruvengo pavari zvakabva kuvafundisi.—Mat. 15:3-9.
Kuti asvike nokudyisa vamwe mumudzimu, C. T. Russell akavamba kubudiswa, muna July 1879, kwemagazini inonzi Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence.
Bhaibheri—Zvirokwazvo iShoko raMwari
Chivimbo chaCharles Taze Russell muBhaibheri chakanga chisati chiri bedzi nhau yokugamuchira murangariro wemagamuchidzanwa uyo wakanga wakakurumbira panguva yacho. Mukupesana, kwakanga kwakakurumbira pakati pavakawanda panguva iyoyo kwakanga kuri kutsoropodzwa kweBhaibheri. Avo vaikutsigira vaidenha kuvimbika kwechinyorwa cheBhaibheri.
Sepwere, Russell akanga akumbanira Chechi yeCongregational uye akanga achishingaira mubasa rayo, asi kusava nomufungo kwedzidziso dzemagamuchidzanwa kwakatungamirira kukuva kwake anopanikira. Iye akawana kuti zvaakanga adzidziswa zvaisagona kudzivirirwa muBhaibheri nenzira inogutsa. Naizvozvo iye akarasa dzidziso dzechitendero chechechi uye, pamwe chete nadzo, Bhaibheri. Tevere, iye akanzvera marudzidziso makuru okuMabvazuva, asi iwowo akabvumikisa kuva asingagutsi. Ipapo akavamba kushamiswa kana zvichida Bhaibheri rakanga riri kukwenengerwa nezvitendero zvechiKristudhomu. Akurudzirwa nezvaakanzwa mamwe manheru pamumwe musangano weAdventist, iye akavamba fundo ine nhevedzano yaMagwaro. Raakaona richipetenuka pamberi pake zvamazvirokwazvo rakanga riri Shoko rakafuridzirwa raMwari.
Iye akasvika pakuororwa zvikuru netsinhirano yeBhaibheri nairo rimene uye nounhu hwoUyo anoziviswa soMunyori waro woUmwari. Kuti abetsere vamwe kubetserwa naikoku, iye gare gare akanyora bhuku rinonzi Divine Plan of the Ages, iro akabudisa muna 1886. Mariri iye akabatanidza kurukurirano huru pamusoro pe“Bhaibheri Sechizaruro Choumwari Rinorangarirwa Nebetsero Yomufungo.” Pakupera kweganhuro iyoyo, iye akataura nenzira yakajeka, kuti: “Kudzama nesimba nouchenjeri nokukura kwechipupuriro cheBhaibheri zvinotipwisa kuti kwete munhu, asi Mwari Wamasimba Ose, ndiye munyori werongedzero dzaro nezvakazarurwa.”
Chivimbo muBhaibheri rose seShoko raMwari chinopfuurira kuva chinokosha chezvitendero zveZvapupu zvomuzuva razvino uno zvaJehovha. Munyika yose, zvine yamuro dzefundo idzo dzinozvigonesa kunzvera somunhu oga ufakazi hwokufuridzirwa kwaro. Mativi eiyi nhau anokurukurwa kazhinji kazhinji mumagazini azvo. Muna 1969 zvakabudisa bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? (muchiNgezi). Makore ane makumi maviri gare gare bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? rakava nomurangariro mutsva panhau youchokwadi hweBhaibheri, rakakwevera ngwariro kuufakazi hwakawedzerwa, uye rakasvika pamhedziso imwe cheteyo, yokuti: Bhaibheri, zvirokwazvo, iShoko rakafuridzirwa raMwari. Rimwe ramabhuku azvo, rakadhindwa pakutanga muna 1963 ndokuwiriraniswa nomusi muna 1990, rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera.” Humwe udzame hunowanwa muenisaikoropedhiya yazvo yeBhaibheri, Insight on the Scriptures, yakabudiswa muna 1988.
Kubva mufundo yazvo yomunhu oga neyeungano yamashoko akadaro, zvinopwiswa kuti kunyange zvazvo vanhu 40 munhambo inopfuura mazana amakore 16 vakashandiswa kunyora zviri mumabhuku 66 eBhaibheri, Mwari amene akatungamirira nenzira yokushingaira kunyora kwacho kupfurikidza nomudzimu wake. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Tim. 3:16; 2 Pet. 1:20, 21) Uku kupwiswa chinhu chine simba muupenyu hweZvapupu zvaJehovha. Richitsinhira pana ikoku, rimwe pepanhau reBritain rakati: “Seri kwechinhu chiri chose icho Chapupu chinoita kune chikonzero chapaMagwaro. Zvirokwazvo, dzidziso imwe huru yazvo kubvumwa kweBhaibheri . . . serechokwadi.”
Kusvika Pakuziva Mwari Wechokwadi
Sezvo Hama Russell navasonganiri vavo vakafunda Magwaro, hakuna kuvatorera nguva refu kuona kuti Mwari anoratidzirwa muBhaibheri haasati ari mwari wechiKristudhomu. Iyoyi yakanga iri nhau inokosha nemhaka yokuti, sokutaura kwakaita Jesu Kristu, kariro dzavanhu dzoupenyu husingagumi dzinotsamira pakuziva kwavo Mwari bedzi wechokwadi nouyo akatuma, Mumiriri wake Mukuru woruponeso. (Johane 17:3; VaH. 2:10) C. T. Russell neboka raigoverana naye mufundo yeBhaibheri vakanzwisisa kuti ruramisiro yaMwari yakadzikama zvakakwana nouchenjeri hwoumwari, rudo, uye simba, uye kuti mavara iwaya anoratidzirwa mune ose amabasa ake. Pahwaro hwezivo iyo vakanga vanayo panguva iyoyo yechinangwa chaMwari, vakagadzirira kurukurirano yechikonzero nei uipi huchibvumidzwa ndokubatanidza iyoyi mune chimwe chezvinyorwa zvavo zvapakuvamba zvikurusa nechakaparadzirwa zvakafara zvikurusa, bhuku rine mapeji 162 rinonzi Food for Thinking Christians, rakagoverwa pakutanga sechinyorwa chaicho cheZion’s Watch Tower muna September 1881.
Fundo yavo yeShoko raMwari yakavabetsera kuziva kuti Musiki ane zita rake amene uye kuti anokuita kuti kubvirire vanhu kumuziva nokufarikanya ukama hwapedyo naye. (1 Mak. 28:9; Isa. 55:6; Jak. 4:8) Nharireyomurindi yechiNgezi yaOctober-November 1881 yakaonesa, kuti: “JEHOVHA ndiro zita rinoshandiswa kune asati ari mumwe kunze kwoMusikavanhu—Baba vedu, uye iye uyo Jesu akadana kuti Baba naMwari.”—Pis. 83:18; Joh. 20:17.
Gore rakatevera racho, mumhinduro kumubvunzo wokuti, “Munotaura kuti Bhaibheri harisati richidzidzisa kuti kune vanhu vatatu muna Mwari mumwe here?” mhinduro yakapiwa, kuti: “Hungu: Mukupesana, iro rinotiudza kuti kuna Mwari mumwe naBaba vaShe wedu Jesu Kristu uyo zvinhu zvose zviripo naye (kana kuti akasika zvinhu zvose). Tinodavira ipapoka muna Mwari Mumwe naBaba, uyewo muna Ishe mumwe Jesu Kristu . . . Asi ivava vaviri uye kwete munhu mumwe. Ivo ndavamwe bedzi mupfungwa yokuva mutsinhirano. Tinodavirawo mumudzimu waMwari . . . Asi hausati uri munhu sezvakaita mudzimu wamadhemoni nomudzimu weNyika nomudzimu waAnti-Kristu.”—Zion’s Watch Tower, June 1882; Johane 17:20-22.
Kunzwisisa Zita raMwari Kunokura
Zvishoma nezvishoma Vadzidzi veBhaibheri ivavo vakava vanoziva nenzira inowedzera utanhamari uhwo Magwaro akafuridzirwa anopa kuzita rake pachake raMwari. Zita iroro rakanga rave riri rakadzikatidzwa muchiNgezi neshanduro yeBhaibheri yeRoma Katurike yeDouay neKing James yechiPurotesitendi, sezvarakaitwa gare gare neshanduro zhinjisa mumitauro yakawanda muzana ramakore rechi20. Asi mhatsa yeshanduro pamwe chete namabhuku eBhaibheri enongedzero akapupurira kuti zita rokuti Jehovha rinooneka murugwaro rwomutauro wapakuvamba kane zviuru—chaizvoizvo, kazhinji kazhinji zvikuru kwazvo kupfuura rimwe zita ripi neripi, uye kazhinji kazhinji zvikuru kupfuura hwerengedzo yakabatanidzwa yokuoneka kwamazita ekuremekedza akadai saMwari naIshe. Sa“vanhu vezita rake,” kunzwisisa kwavo vamene zita raMwari kwakakura. (Mabasa 15:24) MuNharireyomurindi yechiNgezi yaJanuary 1, 1926, vakapa yavaiziva kuva nhau iyo munhu mumwe nomumwe anofanira kunangana nayo, ndiko kuti, “Ndiani Achakudza Jehovha?”
Simbiso yavakaisa pazita raMwari yakanga isati iri nhauwo zvayo yezivo yorudzidziso. Sezvinotsanangurwa mubhuku rinonzi Prophecy (rakabudiswa muna 1929), nhau huru yakanangana nechisiko chose chakangwara inobatanidza zita neshoko zvaJehovha Mwari. Zvapupu zvaJehovha zvinosimbisa kuti Bhaibheri rinoratidza kuti munhu ari wose anofanira kuziva zita raMwari ndokuribata sechimwe chinhu chinoyera. (Mat. 6:9; Ezek. 39:7) Rinofanira kubvisirwa ruzvidzo rwose rwakatutirwa pariri, kwete bedzi naavo vave vachizvidza Jehovha pachena asiwo naavo vakamukwenengera kupfurikidza nedzidziso dzavo namabasa. (Ezek. 38:23; VaR. 2:24) Pahwaro hwaMagwaro, Zvapupu zvinoziva kuti garikano yechisiko chose navagari vemo vacho inotsamira pakutsveneswa kwezita raJehovha.
Zvinoziva kuti Jehovha asati aita chiito chokuparadza vakaipa, ibasa neropafadzo zvezvapupu zvake kuudza vamwe zvokwadi pamusoro pake. Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiita ikoko mupasi rose. Zvave zvichishingaira kwazvo mukuita mutoro iwoyo zvokuti, mumarudzi akawanda, munhu upi noupi anoshandisa norusununguko zita rokuti Jehovha anokurumidza kuzivikanwa seari mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Kufumura Utatu
Sezvapupu zvaJehovha, C. T. Russell navasonganiri vake vakanzwa mutoro mukuru wokufumura dzidziso dzaikwenengera Mwari, kuti vabetsere vadi vezvokwadi kuziva kuti idzodzi hadzina kuvakirwa paBhaibheri. Vakanga vasati vari vokutanga kuziva kuti Utatu hahusati huri hwapaMagwaro,c asi vakanzwisisa kuti kudai vaizova vabatiri vakatendeka vaMwari, vakanga vane mutoro wokuzivisa zvokwadi pamusoro pahwo. Nenzira youshingi, nokuda kwokubetserwa kwavadi vezvokwadi, vakaratidzira manyuko echihedheni eiyi dzidziso huru yechiKristudhomu.
Nharireyomurindi yechiNgezi yaJune 1882 yakati: “Vazivi vakawanda vechihedheni vachiwana kuti waizova muitiro kukumbanira marudzidziso aimuka [chimiro chokuramba kutenda chechiKristu chaitsigirwa namadzimambo eRoma muzana ramakore rechina C.E.], vakatanga kugadzira nzira iri nyore inoenda kwakuri kupfurikidza nokuedza kuwana wirirano pakati pechiKristu nechiHedheni, uye naizvozvo kubatanidza zviviri pamwe chete. Vakabudirira zvakanaka zvikuru bedzi. . . . Sezvo dzidziso yekare yakanga ine vamwari vakuru vakati, navamwari vounhu vose vari vaviri vanhurume navanhukadzi, vahedheni vari vaKristu (kana tingaumba mashoko matsva) vakazvigadzirira vamene kugadzirazve ndaza yedzidziso itsva. Panguva ino, naizvozvo, dzidziso yavaMwari vatatu yakatangwa—Mwari Baba, Mwari Mwanakomana, uye Mwari Mweya Musande.”
Vamwe vavafundisi vakaedza kupa kunaka kweBhaibheri kudzidziso yavo kupfurikidza nokunokora mashoko ndima dzakadai sa1 Johane 5:7, asi Hama Russell vakapa ufakazi hunoratidza kuti kwaisanozivikanwa nenyanzvi kuti chikamu cherugwaro irworwo chakanga chiri wedzero, wedzero yenhema yakaitwa nomumwe munyori kuti atsigire dzidziso iyo isati ichiwanwa muMagwaro. Vamwe vadziviriri voUtatu vakanongedzera kuna Johane 1:1, asi Nharireyomurindi yakanzvera rugwaro irworwo pahwaro hwezvose zviri zviviri zviri marwuri namashoko akapoteredza kuratidza kuti irworwu rwakanga rusati ruchitongotsigira kudavira muUtatu. Mutsinhirano naikoku, muchinyorwa chayo chechiNgezi chaJuly 1883, Nharireyomurindi yakati: “Fundo huru yeBhaibheri panzvimbo pefundo yamanyoro echechi ingadai yakaita kuti nhau yacho ijeke zvikuru kuna vose. Dzidziso youtatu inorwisana chose chose noRugwaro.”
Hama Russell vakafumura zvakajeka upenzi hwokutaura kudavira Bhaibheri nepo panguva imwe cheteyo vachidzidzisa dzidziso yakadai soUtatu, iyo inopokanidza izvo Bhaibheri rinotaura. Nokudaro vakanyora, kuti: “Vanozviwana vamene vari mupokanidzano huru nevhiringidziko sei avo vanotaura kuti Jesu naBaba ndiMwari mumwe! Ikoku kwaizobatanidza pfungwa yokuti Ishe wedu Jesu akanga ari munyengeri apo aiva pasi pano ndokungonyepedzera bedzi kutaura kuna Mwari mumunyengetero, apo Iye Amene akanga ari Mwari mumwe cheteyo. . . . Zvakare, Baba vanguve vari vasingafi, nokudaro vaisagona kufa. Ipapoka, Jesu aigona sei kuva akafa? Vaapostora vose zvapupu zvenhema mukuzivisa rufu rwaJesu norumuko kana Iye asina kufa. Magwaro anozivisa, zvisinei, kuti Iye akafa.”d
Nokudaro, panhambo yapakuvamba munhau yazvo yomuzuva razvino uno, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvakasimba dzidziso yechiKristudhomu yoUtatu zvichida dzidziso ine mufungo, inofadza yeBhaibheri rimene.e Basa razvakaita kubudisa zvokwadi idzodzi nokupa vanhu kwose kwose mukana wokudzinzwa rakava noukuru husina kutongosvikwa nomumwe munhu upi noupi kana kuti boka, munguva yakapfuura kana kuti nguva ino.
Ndoupi Uri Mugariro Wavakafa?
Icho nguva yemberi inacho nokuda kwavanhu vasina kugamuchira gadziriro yaMwari yoruponeso chakanga chiri cheitiro hanya huru kuna C. T. Russell kubvira panguva yaakanga ari jaya. Apo akanga angori mukomanawo zvake, iye aidavira izvo vafundisi vaitaura pamusoro pehero yomwoto; iye aifunga kuti vakanga vari kuparidza Shoko raMwari. Iye aibuda usiku kuti anyore nechoko magwaro eBhaibheri munzvimbo dziri pachena kuti varume vanoshanda vaidarika ipapo vagonyeverwa ndokuponeswa muruparadziko runotyisa rwokutambudzwa kusingagumi.
Gare gare, pashure pokunge azvionera amene izvo Bhaibheri rinodzidzisa chaizvoizvo, iye akanokorwa mashoko nomumwe wavasonganiri vake seaiti: “Kana Bhaibheri richidzidzisa kuti kutambudzwa kusingagumi ndiro jambwa ravose kunze kwavasande, kunofanira kuparidzwa—hungu, kuziviswa nenzwi guru kuti vose vanzwe vhiki nevhiki, zuva nezuva, awa neawa; kana risingadzidzisi kudaro, idi racho rinofanira kuziviswa, uye tsvina yakaipa inozvidza zita dzvene raMwari inofanira kubviswa.”
Panhambo yapakuvamba mufundo yake yeBhaibheri, C. T. Russell akaona nenzira yakajeka kuti hero haisati iri nzvimbo yokutambudzwa kwemweya pashure porufu. Iye sezvingabvira zvikurusa akabetserwa muna ikoku naGeorge Storrs, mupepeti weBible Examiner, uyo Hama Russell vakadudza nokuonga kwoushamwari mumanyoro avo uye avo pachavo vakanga vanyora zvakawanda pamusoro pezvavainzwisisa muBhaibheri pamusoro pomugariro wavakafa.
Asi zvakadiniko nomweya? Vadzidzi veBhaibheri vaitsigira chitendero chokuti iwo rutivi rwomudzimu rwomunhu here, chimwe chinhu chinopfuurira kurarama pashure porufu rwomuviri? Mukupesana, muna 1903 Nharireyomurindi yakati: “Tinofanira kusanocherekedza kuti chifundo hachisati chiri chokuti munhu ane mweya, asi kuti munhu ndiye mweya, kana kuti munhu. Ngatitorei muenzaniso muchisiko—mweya watinofema: iwo unoumbwa neoxygen nenitrogen, hapana chimwe chazvo chiri mhepo, kana kuti mweya; asi apo zviviri zvinobatana, sezvazvinoita mumwero yakafanira yamakemikoro, chinhu chinovapo ndiyo mhepo. Ndizvo zvazvakangoita nemweya. Mwari anotaura kwatiri mumurangariro iwoyu, wokuva kwedu mumwe nomumwe tiri mweya. Iye haatauri kumiviri yedu kana kuti chifemo chedu choupenyu, asi anotaura nesu savanhu vakangwara, kana kuti mweya. Mukuzivisa chirango chokuputsa mutemo wake, iye haana kutaura kumuviri waAdhama zvakananga, asi munhu, mweya, munhu akangwara, kuti: ‘Iwe!’ ‘Muzuva iro iwe unodya zvawo iwe uchafa zvirokwazvo.” ‘Mweya unotadza iwo uchafa.’—Gen. 2:17; Ezek. 18:20.” Ikoku kwakanga kuri mutsinhirano neizvo Nharireyomurindi yakanga yataura pakuvamba saApril 1881.f
Ipapoka, kudavira kusafa kwomuzvarirwo kwemweya yavanhu kwakatanga sei? Ndiani akanga ari muvambi wako? Pashure pokusanonzvera zvose zviri zviviri nhau yeBhaibheri neyorudzidziso, Hama Russell vakanyora muNharireyomurindi yechiNgezi yaApril 15, 1894, kuti: “Sezviri pachena kwakabva kwete muBhaibheri . . . Bhaibheri rinozivisa nenzira yakajeka kuti munhu anofa, kuti rufu runobvira kwaari. . . . Tichinzvera mapeji enhau, tinowana kuti, kunyange zvazvo dzidziso yokusafa kwomunhu isingadzidziswi nezvapupu zvakafuridzirwa zvaMwari, ipfundo guru rimene ramarudzidziso ose echihedheni. . . . Hakusati kuri kwechokwadi, naizvozvo, kuti Socrates naPlato vakanga vari vokutanga kudzidzisa dzidziso yacho: yakanga ine mudzidzisi wapakuvamba zvikuru kupfuura upi noupi wavo, uye uyo anotokwanisa zvikuru. . . . Chinyorwa chokutanga cheiyi dzidziso yenhema chinowanwa munhau yakaresa inozivikanwa nomunhu—Bhaibheri. Mudzidzisi wenhema akanga ari Satani.”g
Kuisa “Pombi” paHero
Mutsinhirano nechishuvo chakasimba chaHama Russell chokubvisa pazita raMwari tsvina yakaipa iyo yakabva mudzidziso yehero yomwoto yokutambudzwa kusingagumi, ivo vakanyora turakiti raisimbisa nhau inoti, “Magwaro Anodzidzisa Kuti Kutambudzwa Kusingagumi Ndiwo Mubayiro weChivi Here?” (The Old Theology, 1889) Ivo vakati mariri:
“Rondedzero yokutambudzwa kusingagumi yakanga ine mavambo echihedheni, kunyange zvazvo sezvaidavirwa navahedheni yakanga isati iri dzidziso isina ngoni yayakava pashure pacho, apo yakavamba zvishoma nezvishoma kuzvibatanidza imene nechiKristu chokuedzesera mukati mokubatana kwayo nouzivi hwechihedheni muzana ramakore rechipiri. Kwakasara kuti kuramba kutenda kukuru kuwedzere kuuzivi hwechihedheni udzame hunotyisa zvino hunodavirwa zvikuru kwazvo, kuhunyora pamadziro echechi, sezvaiitwa muEurope, kuhunyora muzvitendero zvavo nenziyo, uye kushatisa kwazvo Shoko raMwari kuti vape inoratidzika kuva tsigiro youmwari kukumhura kunozvidza Mwari. Nhendedzero yomuzuva razvino, naizvozvo, inokugamuchira senhaka, kwete inobva kunaShe, kana kuti vaapostora, kana kuti vaporofita, asi kumudzimu unobvumirana pane zvisina kufanira uyo wakarega zvokwadi nomufungo, uye wakashatisa nenzira inonyadzisa dzidziso dzechiKristu, mungwinyiro risati riri dzvene nerwisano nokuda kwesimba nepfuma nenhamba. Kutambudzwa kusingagumi sechirango nokuda kwechivi kwakanga kusingazivikanwi kumadzitateguru enguva dzakapfuura; kwakanga kusingazivikanwi kuvaporofita venguva yechiJudha; uye kwakanga kusingazivikanwi kunaShe navaapostora; asi yave iri dzidziso huru yechiKristu Chokuedzesera kubvira pakuramba kutenda kukuru—denda iro kupfurikidza naro venhendedzero, vasingazivi uye vanotenda mashura venyika vakapinzwa mukuteerera kwouranda kuudzvinyiriri. Kutambudzwa kusingagumi kwakaziviswa kuvose vaidzivisa kana kuti kuramba chiremera cheChechi yeRoma, uye kutambudza kwako muupenyu hwazvino kwakavambwa kusvikira payakanga ine simba.”
Hama Russell vaisanoziva kuti voruzhinji vavanhu vane mufungo vakanga vasingadaviri chaizvoizvo dzidziso yehero yomwoto. Asi, sokuonesa kwavakaita, muna 1896, mubhukwana rinonzi What Say the Scriptures About Hell?, “sezvo ivo vachifunga kuti Bhaibheri rinoidzidzisa, nhano iri yose yavanofambira mberi muungwaru chaihwoihwo nomutsa wouhama . . . muzvinoitika zvizhinjisa inhano yokubva paShoko raMwari, iro vanopomera nenzira yenhema nezveiyi dzidziso.”
Kuti vadzorere vanhu vanofunga vakadaro kuShoko raMwari, vakapa muiri bhukwana rugwaro ruri rwose ruri muKing James Version umo shoko rokuti hero rakanga richiwanika, naizvozvo varavi vaigona kuzvionera vamene izvo iwaya aitaura, uye ipapo vakati: “Ongai Mwari, hatiwani nzvimbo yakadaro yokutambudzwa kusingaperi seizvo zvitendero namabhuku enziyo, uye vafundisi vakawanda, vanodzidzisa nenzira yokukanganisa. Bva takawana ‘hero,’ sheori, hadhesi, uko dzinza redu rose rakashurikidzirwa nemhaka yechivi chaAdhama, uye uko vose vanodzikinurwa kupfurikidza norufu rwaShe wedu; uye ‘hero’ iyoyo iguva—mugariro worufu. Uye tinowana imwe ‘hero’ (gehenna—rufu rwechipiri—ruparadziko rwachose chose) runounzwa kungwariro yedu sechirango chokupedzisira pavose avo, pashure pokunge vadzikinurwa ndokusvitswa kuzivo yakazara yezvokwadi, uye kumano akazara okuiteerera, vachasarudzazve rufu kupfurikidza nokusarudza nzira yokushora Mwari nokururama. Uye mwoyo yedu inoti, Ameni. Nzira dzenyu ndedzechokwadi uye dzakarurama, imi Mambo wamarudzi. Ndiani asingakukudzii, Haiwa Ishe, uye kurumbidza zita renyu? Nokuti imi muri mutsvene chose chose. Uye marudzi ose achauya ndokunamata pamberi penyu, nemhaka yokuti mabasa enyu akarurama anooneka.”—Zvak. 15:3, 4.
Zvavakanga vachidzidzisa zvakanga zviri manyuko okutsamwa nokukwenudzwa kuvafundisi vechiKristudhomu. Muna 1903 ivo vakakokwa kukurukurirano yapachena. Mugariro wavakafa wakanga uri imwe yenhau munhevedzano yakatevera yekurukurirano pakati paC. T. Russell naDr. E. L. Eaton, uyo aibatira somutauriri womubatanidzwa waisava wapamutemo wavafundisi vePurotesitendi murutivi rwokumadokero rwePennsylvania.
Mukati mekurukurirano idzodzo Hama Russell vakatsigira zvakasimba murangariro wokuti “rufu rufu, uye kuti vadiwa vedu, apo vanotisiya, vafa chaizvoizvo, kuti havasi vapenyu nengirozi kana kuti namadhemoni munzvimbo yokusava netariro.” Mukutsigira ikoku, ivo vakanongedzera kumagwaro akadai saMuparidzi 9:5, 10; VaRoma 5:12; 6:23; uye Genesi 2:17. Ivo vakatiwo: “Magwaro anotsinhirana zvakazara neizvo imi neni nomumwe munhu ari wose ane pfungwa yakanaka, ane mufungo munyika achabvuma kuva unhu hune mufungo nohwakakodzera hwaMwari wedu. Chii chinoziviswa nezvaBaba vedu vokudenga? Kuti ivo vakarurama, kuti ivo vakachenjera, kuti ivo vane rudo, kuti ivo vane simba. Vanhu vose vechiKristu vachabvuma aya mavara omunhu woumwari. Kana ikoku kwakadaro, tinogona kuwana pfungwa ipi neipi here yeshoko umo tingagona kufunga nezvaMwari seakarurama bva achiranga chisikwa choruoko Rwake amene kusvikira kukusingagumi kwose, pasinei zvapo nokuti chivi chacho chakanga chiri chii? Handisati ndiri mutsigiri wechivi; handirarami muchivi ini ndimene, uye handitongoparidzi chivi. . . . Asi ndinokuudzai kuti vanhu vose ivava vari pano avo hama yedu [Dr. Eaton] inotaura kuti vari kutaura zvakashata nokumhura kwavo Mwari nezita dzvene raJesu Kristu vose vanhu vakadzidziswa iyi dzidziso yokutambudzwa kusingagumi. Uye mhondi dzose, mbavha navaiti vezvakaipa vari mumatorongo, vose vakadzidziswa iyi dzidziso. . . . Idzodzi idzidziso dzakashata; dzave dzichikuvadza nyika iyi nguva refu; hadzisati dzitongori rutivi rwedzidziso yaShe, uye hama yedu inodiwa ichine chiono chomudzimu chakadzikatidzwa.”
Kunoshumwa kuti pashure pekurukurirano yacho mumwe mufundisi uyo akanga ari muvateereri akasvika Russell ndokuti: “Ndinofara kukuona uchiisa pombi pahero ndokudzima mwoto wacho.”
Kuti vazivise zvakatopararira zvikuru zvokwadi pamusoro pomugariro wavakafa, Hama Russell vakabatira nhevedzano yakakura yekokorodzano dzezuva rimwe, kubvira muna 1905 kusvikira kuna 1907, apo vakasimbisa hurukuro yavose inoti “Kuenda Kuhero Nokudzoka! Ndivanaani Variko? Tariro Yokudzokera Kwavakawanda.” Musoro wacho wakanga uchifadza, uye wakakweva ngwariro huru. Vateereri vakazadza horo dzemagungano mumaguta ose ari maviri makuru namaduku muUnited States neCanada kuti vanzwe hurukuro yacho.
Pakati paavo vakaororwa zvikuru neizvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pomugariro wavakafa pakanga pane mudzidzi wapayunivhesiti muCincinnati, Ohio, uyo akanga achigadzirira kuva mufundisi wePresbyterian. Muna 1913 iye akagamuchira bhukwana rinonzi Where Are the Dead? richibva kuna mukoma wake, rakanyorwa naJohn Edgar, Mudzidzi weBhaibheri uyo akanga ariwo chiremba muScotland. Mudzidzi uyo akagamuchira bhukwana iroro akanga ari Frederick Franz. Pashure pokusanorirava, iye akazivisa zvakasimba, kuti: “Iyi ndiyo zvokwadi.” Asingazenguriri, iye akachinja nharidzano dzake muupenyu ndokupinda muushumiri hwenguva yakazara somuparidzi weevhangeri ari colporteur. Muna 1920 iye akava mutezo wavashandi vapadzimbahwe reWatch Tower Society. Makore akawanda gare gare iye akava mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha uye, gare gare, purezidhendi weWatch Tower Society.
Chibayiro Chorudzikinuro chaJesu Kristu
Muna 1872, pamusoro pekunzvera kwavo Magwaro, Hama Russell navasonganiri vavo vakava nomurangariro mutsva panhau yokuripira, mumurangariro worudzikinuro rwakapiwa naJesu Kristu. (Mabasa 3:21, KJ) Ivo vakafadzwa apo vakaona pana VaHebheru 2:9 kuti ‘Jesu kupfurikidza nenyasha dzaMwari akaravira rufu nokuda kwomunhu ari wose.’ Ikoko hakuna kuvatungamirira kukudavira ruponeso rwechisiko chose, nokuti vaiziva kuti Magwaro anotaurawo kuti munhu anofanira kushandisa kutenda muna Jesu Kristu kuti aponeswe. (Mabasa 4:12; 16:31) Asi ivo vakavamba kunzwisisa—kunyange zvazvo zvisiri zvose panguva imwe cheteyo—kuti mukana unoshamisa zvakadini uyo chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu chakaita kuti ubvirire rudzi rwomunhu. Chakavazarurira nzira yokuva neicho Adhama akanga arasikirwa nacho, kariro youpenyu husingagumi mukukwana kwounhu. Hama Russell vakanga vasiri vasingashingairi pamusoro penhau yacho; ivo vakanzwisisa ukoshi hukuru hworudzikinuro ndokuhutsigira nesimba, kunyange apo vasonganiri vapedyo vakabvumira kufunga kwavo kushatiswa nemirangariro youzivi.
Pakasvika pakati pema1878, Hama Russell, kwerinenge gore nehafu, vakanga vave vari mupepeti anobatsira wemagazini inonzi Herald of the Morning, iyo N. H. Barbour akanga ari mupepeti mukuru. Asi apo Barbour, muchinyorwa chaAugust 1878 chemagazini yavo, akazvidza dzidziso yapaMagwaro yorudzikinuro, Russell akapindura nokudzivirira kwakasimba zvokwadi iyoyo inokosha yeBhaibheri.
Pasi pomusoro unoti, “Yananisiro,” Barbour akanga aratidzira kuti ainzwa sei pamusoro pedzidziso yacho, achiti: “Ndinoti kumwanakomana wangu, kana kuti kumumwe wavaranda, apo James anoruma hanzvadzi yake, bata nhunzi, pinza tsono mumuviri wayo ndokuiroverera kumadziro, uye ndichakanganwira James. Ikoku kunoenzanisira dzidziso yokutsiva.” Kunyange zvazvo aitaura kuti anodavira rudzikinuro, Barbour akanongedzera kupfungwa yokuti Kristu kupfurikidza norufu rwake akaripira chirango chechivi nokuda kwavana vaAdhama se“isati iri yapaMagwaro, uye yakashata kupfungwa dzedu dzose dzeruramisiro.”h
Muchinyorwa chakatevera chimene cheHerald of the Morning (September 1878), Hama Russell vakaramba zvakasimba izvo Barbour akanga anyora. Russell akanzvera izvo Magwaro anotaura chaizvoizvo nokuwirirana kwawo no“kukwana kweruramisiro [yaMwari], uye pakupedzisira ngoni dzake huru norudo” sezvakaratidzirwa kupfurikidza negadziriro yorudzikinuro. (1 VaK. 15:3; 2 VaK. 5:18, 19; 1 Pet. 2:24; 3:18; 1 Joh. 2:2) Pakasvika chirimo chakatevera, pashure penhamburiko dzakaitwa dzaitwazve dzokubetsera Barbour kuona zvinhu nenzira yapaMagwaro, Russell akabvisa tsigiro yake paHerald; uye kuvamba nechinyorwa chaJune 1879, zita rake rakanga richisiri kuoneka somupepeti anobatsira wechinyorwa ichocho. Chimiro chake chokushinga, chokusabvumirana pane zvisina kufanira pamusoro peiyi dzidziso huru yeBhaibheri chakanga chine migumisiro inosvika kure.
Munhau yazvo yose yomuzuva razvino uno, Zvapupu zvaJehovha zvakatsigira nguva dzose dzidziso yapaMagwaro yerudzikinuro. Chinyorwa chokutanga chimene cheZion’s Watch Tower (July 1879) chakasimbisa kuti “runako kuna Mwari rwuri . . . muchibayiro chakakwana chaKristu.” Muna 1919, pakokorodzano yakatsigirwa neInternational Bible Students Association paCedar Point, Ohio, purogiramu yakadhindwa yakaratidzira zvakatanhamara mashoko okuti “Munochingamidzwa! Vadaviri Vose Muchibayiro Chikuru Chorudzikinuro.” Mukati mebutiro rapamusoro reNharireyomurindi munopfuurira kukwevera ngwariro kurudzikinuro, muchiti pamusoro pechinangwa chemagazini yacho: “Inokurudzira kutenda muna Mambo waMwari anotonga zvino, Jesu Kristu, ane ropa rakadeurwa rinozarurira rudzi rwomunhu nzira yokuwana nayo upenyu husingagumi.”
Vanofambira Mberi, Vasingasungwi Nezvitendero
Nzwisiso yakajeka yeShoko raMwari haina kuuya yose pakarepo. Muzviitiko zvakawanda Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa udzame humwe hwomutoo wezvokwadi asi vakanga vachigere kuona chiono chakakwana. Kunyange zvakadaro, ivo vakanga vachidisa kudzidza. Ivo vakanga vasingasungwi nezvitendero; vakanga vachifambira mberi. Vaigoverana zvavaidzidza. Vakanga vasingatori mbiri nokuda kwezvinhu zvavaidzidzisa; vaitsvaka ku“dzidziswa naJehovha.” (Joh. 6:45, NW) Uye vakasvika pakunzwisisa kuti Jehovha anoita kuti nzwisiso youdzame hwechinangwa chake ibvire munguva yake amene uye munzira yake amene.—Dhan. 12:9; enzanisa naJohane 16:12, 13.
Kudzidza zvinhu zvitsva kunoda kugadziridza mumurangariro. Kana zvikanganiso zvichizobvumwa uye chinjo dzinobetsera dzichiitwa, kuzvininipisa kunodikanwa. Iri vara nezvibereko zvaro zvinodiwa naJehovha, uye nzira yakadaro inofadza zvikuru kuvadi vezvokwadi. (Zef. 3:12) Asi inosekwa naavo vanodada nezvitendero izvo zvakaramba zvisina kuchinjwa kwamazana amakore akawanda, kunyange zvazvo izvozvi zvakaumbwa navanhu vasina kukwana.
Mutoo Wokudzoka kwaShe
Pakanga pari pakati pema1870 apo Hama Russell naavo vakanga vachinzvera Magwaro nenzira yokushingaira pamwe chete navo vakanzwisisa kuti apo Ishe anodzoka aizova asingaoneki namaziso avanhu.—Joh. 14:3, 19.
Hama Russell gare gare vakati: “Takanzwa tichitambudzwa zvikuru nechikanganiso chavaSecond Adventist, avo vakanga vachikarira Kristu munyama, uye vachidzidzisa kuti nyika nezvose zviri mairi kunze kwavaSecond Adventist yaizopiswa muna 1873 kana kuti 1874, vane misi yakarongwa nokuodzwa mwoyo nepfungwa dzakashata zvikurukuru pamusoro pechinangwa nomutoo wokuuya kwake zvakaunza ruzvidzo rukuru patiri uye pane vose vaishuva ndokuzivisa Umambo hwake hunouya. Iyi mirangariro isina kururama yaidavirwa zvikuru kwazvo yezvose zviri zviviri chinangwa nomutoo zvokudzoka kwaShe zvakanditungamirira kunyora bhukwana—‘The Object and Manner of Our Lord’s Return.’” Iri bhukwana rakabudiswa muna 1877. Hama Russell vakaita kuti makopi 50 000 aro adhindwe ndokuparadzirwa.
Mubhukwana iroro, ivo vakanyora, kuti: “Tinodavira magwaro kuti anodzidzisa, kuti, pakuuya Kwake uye kwenguva yakati pashure pokunge Auya, Iye acharamba asingaoneki; pashure pacho achiratidzira kana kuti achizviratidza Amene murutongeso nezvimiro zvakasiyana-siyana, zvokuti ‘ziso riri rose richaMuona.’” Mukutsigira ikoku, vakakurukura magwaro akadai saMabasa 1:11 (‘iye achauya nomutoo mumwe chetewo sezvamamuona achienda’—ndiko kuti, asingacherekedzwi nenyika) uye Johane 14:19 (“kuchine nguva duku, nyika haichazondioni”). Hama Russell vakanongedzerawo kuidi rokuti The Emphatic Diaglott, iyo yakanga yatanga kubudiswa muchimiro chakakwana muna 1864 neshanduro yechiNgezi yeshoko neshoko yakanyorwa pakati pemitsetse, yakapa ufakazi hwokuti shoko rechiGiriki rokuti pa·rou·siʹa raireva “kuvapo.” Mukunzvera kushandisa kweBhaibheri shoko iroro, Russell akatsanangura muiri bhukwana, kuti: “Shoko rechiGiriki rinowanzoshandiswa mukunongedzera kukudzoka kwechipiri—Parousia, rinoshandurwa kazhinji kazhinji kuti kuuya—rinoreva nguva dzose kuvapo kwomunhu oga, seauya, asvika uye haritongorevi kuva munzira, sezvatinoshandisa shoko rokuti kuuya.”
Pakukurukura chinangwa chokuvapo kwaKristu, Russell akajekesa kuti ichochi chakanga chisati chiri chimwe chinhu chaizoitwa munhambo duku imwe inokosha zvikuru. “Kudzoka kwechipiri, kufanana nekwokutanga,” iye akanyora kudaro, “kunofukidza nhambo yenguva, uye hakusi chiitiko chenhambo duku.” Mukati menguva iyoyo, iye akanyora kudaro, “boka duku” raizopiwa tuso yavo naShe savadyi venhaka pamwe chete muUmambo hwake; vamwe, zvichida mabhiriyoni, vaizopiwa mukana woupenyu hwakakwana papasi rakadzorerwa kurunako rweEdheni.—Ruka 12:32.
Mukati mamakore mashomanene chete, pahwaro hweimwe fundo yaMagwaro, Russell akaziva kuti Kristu aisazodzoka nenzira isingaoneki bedzi asi anorambawo asingaoneki, kunyange pakuratidzira kuvapo kwake kupfurikidza norutongeso pavakaipa.
Muna 1876, apo Russell akanga atanga kurava kopi yeHerald of the Morning, akanga adzidza kuti kwakanga kune rimwe boka iro raidavira panguva iyoyo kuti kudzoka kwaKristu kwaizova kusingaoneki uye iro raibatanidza kudzoka ikoko nezvikomborero nokuda kwemhuri dzose dzapasi. Kubva kuna VaBarbour, mupepeti wechinyorwa ichocho, Russell akasvikawo pakupesvedzerwa kuti kuvapo kusingaoneki kwaKristu kwakanga kwavamba muna 1874.i Ngwariro yakakweverwa gare gare kuna ikoku nomusoro muduku unoti “Yokuzivisa Kuvapo kwaKristu,” uyo wakaoneka pabutiro reZion’s Watch Tower.
Kuzivikanwa kwokuvapo kwaKristu sokusingaoneki kwakava hwaro hunokosha paizovakirwa nzwisiso youporofita hwakawanda hweBhaibheri. Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba ivavo vakaziva kuti kuvapo kwaShe kunofanira kuva kweitiro hanya huru kuvaKristu vose vechokwadi. (Marko 13:33-37) Vakanga vachifarira zvikuru kudzoka kwaTenzi uye vakanga vakasvinurira idi rokuti vakanga vane basa rokukuzivisa, asi vakanga vachigere kunzwisisa nenzira yakajeka udzame hwose. Bva, izvo mudzimu waMwari wakavagonesa kunzwisisa panguva yapakuvamba zvikuru zvakanga zvichishamisa zvirokwazvo. Imwe yezvokwadi idzodzi yaibatanidza musi unokosha zvikuru wakaratidzirwa nouporofita hweBhaibheri.
Mugumo Wenguva dzaVamarudzi
Nhau yokuverenga nguva kweBhaibheri yakanga yanguve iri yefariro huru kuvadzidzi veBhaibheri. Vatsinhiri vakanga vaonesa mirangariro yakasiyana-siyana pamusoro pouporofita hwaJesu pamusoro pe“nguva dzaVamarudzi” uye chinyorwa chomuporofita Dhanieri chechiroto chaNebhukadnezari pamusoro pehunde yakasungwa kwe“nguva nomwe.”—(Ruka 21:24, KJ; Dhan. 4:10-17)
Pakuvamba sa1823, John A. Brown, ane bhuku rakabudiswa muLondon, England, akaverenga “nguva nomwe” dzaDhanieri ganhuro 4 kuva makore 2 520 muurefu. Asi haana kunzwisisa nenzira yakajeka musi wakavamba nawo nhambo yenguva youporofita kana kuti payaizoguma. Zvisinei, akabatanidza idzi “nguva nomwe” neNguva dzaVamarudzi dzaRuka 21:24. Muna 1844, E. B. Elliott, mumwe mufundisi weBritain, akakwevera ngwariro kuna 1914 somusi unobvira womugumo we“nguva nomwe” dzaDhanieri, asi iye akaonesawo mumwe murangariro uyo wakanongedzera kunguva yoRupandukiro rweFrance. Robert Seeley, weLondon, muna 1849, akabata nhau yacho nomutoo wakafanana. Panenge pakasvika 1870, chinyorwa chakapepetwa naJoseph Seiss navasonganiri ndokudhindwa muPhiladelphia, Pennsylvania, chakanga chichionesa kuverenga uko kwakanongedzera kuna 1914 segore rinokosha, kunyange zvazvo kurangarira kwachaiva nako kwakanga kwakavakirwa pakuverenga nguva uko C. T. Russell akaramba gare gare.
Ipapo, muzvinyorwa zvaAugust, September, uye October 1875 zveHerald of the Morning, N. H. Barbour akabetsera kutsinhiranisa udzame hwakanga hwaoneswa navamwe. Achishandisa kuverenga nguva kwakarongwa naChristopher Bowen, mumwe mufundisi muEngland, uye kwakabudiswa naE. B. Elliott, Barbour akazivisa kutanga kweNguva dzaVamarudzi nokubviswa kwaMambo Zedhekia paumambo sezvakafanotaurwa pana Ezekieri 21:25, 26, uye akanongedzera kuna 1914 seanoratidzira mugumo weNguva dzaVamarudzi.
Pakuvamba muna 1876, C. T. Russell akagamuchira kopi yeHerald of the Morning. Akanyorera Barbour nokukurumidza ipapo ndokupedza nguva naye muPhiladelphia mukati mezhizha, vachikurukura, pakati pezvimwe zvinhu, nhambo dzenguva dzouporofita. Nokukurumidza pashure pacho, munyaya ine musoro unoti “Nguva dzaVamarudzi: Dzinoguma Rini?”, Russell akarangarirawo pamusoro penhau yacho muMagwaro ndokutaura kuti ufakazi hwairatidza kuti “nguva nomwe dzichaguma muna A.D. 1914.” Iyi nyaya yakadhindwa muchinyorwa chaOctober 1876 cheBible Examiner.j Bhuku rinonzi Three Worlds, and the Harvest of This World, rakabudiswa muna 1877 naN. H. Barbour akabatana naC. T. Russell, rakanongedzera kumhedziso imwe cheteyo. Pashure pacho, zvinyorwa zvapakuvamba zveNharireyomurindi, zvakadai seizvo zvomusi waDecember 1879 naJuly 1880, zvakanangidzira ngwariro kuna 1914 C.E. segore rinokosha zvikuru mumurangariro wouporofita hweBhaibheri. Muna 1889 ganhuro rose rechina reVhoriyamu II yeMillennial Dawn (gare gare rakadanwa kunzi Studies in the Scriptures) rakatsaurirwa kukurukurirano ye“Nguva dzaVamarudzi.” Asi chii icho mugumo weNguva dzaVamarudzi waizoreva?
Vadzidzi veBhaibheri vakanga vasina chokwadi chose chose nezvaizoitika. Vakapwiswa kuti kwaisazoguma nokupiswa kwapasi nokuparadzwa kwoupenyu hwavanhu. Panzvimbo pezvo, vaiziva kuti kwaizoratidzira nhambo inokosha pamusoro poutongi hwoumwari. Pakutanga, vaifunga kuti panosvika musi iwoyo Umambo hwaMwari hwaizova hwava noudzori hwakazara, muchisiko chose. Apo ikoko kusina kuitika, chivimbo chavo muuporofita hweBhaibheri uhwo hwairatidzira musi wacho hachina kuzungunuka. Vakagumisa kuti, panzvimbo pezvo, musi wacho wakanga wangoratidzira bedzi pokutangira pamusoro pokutonga kwoUmambo.
Nenzira yakafanana, vakatangawo kufunga kuti nhamo dzenyika yose dzaiguma nenyongano (iyo yavainzwisisa kuti yaizobatanidzwa nehondo ye“zuva iro guru raMwari Wamasimba Ose”) dzaizotangira musi iwoyo. (Zvak. 16:14) Asi ipapoka, makore gumi 1914 asati asvika, Nharireyomurindi yakakarakadza kuti nyongano yomunyika yose iyo yaizoguma nokuparadzwa kwamasangano avanhu yaizosvika pashure chaipo pomugumo weNguva dzaVamarudzi. Vaikarira gore ra1914 kuratidzira nguva yechinjo inokosha nokuda kweJerusarema, sezvo uporofita hwakanga hwataura kuti ‘Jerusarema raizotsikwa-tsikwa’ kutozosvikira Nguva dzaVamarudzi dzazadzikwa. Apo vakaona 1914 achiswedera pedyo asi vakanga vasati vafa savanhu ndoku‘torwa mumakore’ kuti vasangane naShe—mutsinhirano nekariro dzapakuvamba zvikuru—vaikarira zvapachokwadi kuti chinjo yavo ingaitika pamugumo weNguva dzaVamarudzi.—1 VaT. 4:17.
Sezvo makore akapfuura uye vakanzvera ndokunzverazve Magwaro, kutenda kwavo muuporofita kwakaramba kwakasimba, uye havana kurega kutaura zvavaikarira kuitika. Nemwero yakasiyana-siyana yebudiriro, vakaedza kudzivisa kuva vanosimbisa zvikuru udzame husingataurwi zvakananga muMagwaro.
“Wachi Ine Bhero Rinorira” Yakanyanyokurumidza Kurira Here?
Nyongano huru zvirokwazvo yakaitika panyika muna 1914 nokutanga kweHondo Yenyika I, iyo kwamakore akawanda yaingodanwa zvayo kunzi Hondo Huru, asi haina kutungamirira pakarepo kukukurirwa kwokutonga kwose kwavanhu kwaivapo. Sezvo zviitiko pamusoro pePalestine zvakatanga pashure pa1914, Vadzidzi veBhaibheri vaifunga kuti vakaona ufakazi hwechinjo dzinokosha nokuda kwaIsraeri. Asi mwedzi uye ipapo makore zvakapfuura, uye Vadzidzi veBhaibheri havana kugamuchira tuso yavo yokudenga sokukarira kwavakanga vaita. Vakaita sei kuna ikoko?
Nharireyomurindi yechiNgezi yaFebruary 1, 1916, yakakwevera ngwariro zvakananga kuna October 1, 1914, ipapo ndokuti: “Iyi ndiyo yakanga iri nhambo yokupedzisira yenguva iyo kuverenga nguva kweBhaibheri kwakaonesa kwatiri sokune chokuita nezviitiko zveChechi. Ishe akatiudza kuti taizoendeswa [kudenga] ikoko here? Aiwa. Chii icho Iye akataura? Shoko Rake nezadziko dzouporofita zvakaratidzika kuva zvairatidza nokusakanganisa kuti uyu musi wairatidzira mugumo weNguva dzaVamarudzi. Takagumisa kubva muna ikoku kuti ‘chinjo’ yeChechi yaizoitika pamusi iwoyo kana kuti usati wasvika. Asi Mwari haana kutiudza kuti kwaizova kwakadaro. Iye akatibvumidza kuita mhedziso iyoyo; uye tinodavira kuti yakabvumikisa kuva muedzo uri madikanwa pavatsvene vanodiwa vaMwari kwose kwose.” Asi izvi zviitiko zvakabvumikisa kuti tariro yavo ine mbiri yakanga yave iri isina maturo here? Aiwa. Kwakangorevawo zvako kuti hachisati chiri chinhu chiri chose chakanga chiri kuitika nokukurumidza sokukarira kwavakanga vaita.
Makore anoverengeka 1914 asati asvika, Russell akanga anyora, kuti: “Kuverengwa Kwenguva (uporofita hwenguva hwose zvahwo) sezviri pachena kwakanga kusina kunzi kupe vanhu vaMwari mashoko akarurama okuverengwa kwenguva mumazana ose amakore. Sezviri pachena kunonzi kubatire zvikuru sewachi ine bhero rinorira kuti imutse ndokusimbaradza vanhu vaShe panguva yakakodzera. . . . Asi ngatitii, somuenzaniso, October, 1914, anofanira kupfuura uye kuti hapana kuwa kwakakomba kwesimba raVamarudzi kwaizoitika. Ikoku kwaizobvumikisa kana kuti kusabvumikisa chii? Kwaisazobvumikisa rutivi rwupi norwupi rweGadziriro Youmwari Yamazera. Mutengo worudzikinuro wakapedzwa paCalvary waizova uchiri vimbiso yezadziko yokupedzisira yeGadziriro huru Youmwari yokuripirwa kwavanhu. ‘Kudanwa kudenga’ kweChechi kuti itambure noMudzikinuri uye kuti ipiwe mbiri naye semitezo yake kana kuti soMwenga wake yaizova ichiri imwe cheteyo. . . . Chinhu bedzi chaka[t]apurwa nokuverengwa kwenguva yaizova nguva yokuitwa kweidzi tariro dzine mbiri nokuda kweChechi uye nokuda kwenyika. . . . Uye kana musi iwoyo ukapfuura kwaizobvumikisawo zvako kuti kuverenga kwedu nguva, ‘wachi [yedu] ine bhero rinorira,’ yakati kurumidzei kurira. Taizokurangarira kuva ngwavaira huru here kana wachi yedu ine bhero rinorira ikati kurumidzei kutimutsa nenguva shomanene mumangwanani ezuva guru rakati rakazara nomufaro nomufarwa? Nyangwe!”
Asi “wachi [iyoyo] ine bhero rinorira” yakanga isina kunyanyokurumidza kurira. Chaizvoizvo, zvakanga zviri zvinoitika uko “wachi” yacho yakanga yavamutsira kwazviri izvo zvakanga zvisati zviri chaizvoizvo zvavakanga vakarira.
Makore akati gare gare, apo chiedza chakanga chava chakajeka zvikuru, vakabvuma, kuti: “Vakawanda vavatsvene vanodiwa vaifunga kuti basa rose rakanga raitwa. . . . Ivo vakafara nemhaka yechibvumikiso chakajeka chokuti nyika yakanga yaguma, chokuti umambo hwokudenga hwakanga hwava pedyo, uye kuti zuva rokununurwa kwavo rakaswedera pedyo. Asi vakanga vafuratira chimwe chinhuwo chinofanira kuitwa. Mashoko akanaka ayo vakanga vagamuchira anofanira kuudzwa kuvamwe; nemhaka yokuti Jesu akanga arayira, kuti: ‘Iyi evhangeri youmambo ichaparidzwa munyika yose nokuda kwouchapupu kumarudzi ose: uye ipapo mugumo uchasvika.’ (Mateo 24:14)”—Nharireyomurindi yechiNgezi, May 1, 1925.
Sezvo zviitiko zvapashure pa1914 zvakavamba kuitika uye Vadzidzi veBhaibheri vakaenzanisa izvozvi neizvo Tenzi akanga afanotaura, vakasvika zvishoma nezvishoma pakunzwisisa kuti vakanga vari kurarama mumazuva okupedzisira etsika yekare uye kuti vakanga vave vachidaro kubvira muna 1914. Vakasvikawo pakunzwisisa kuti makanga muri mugore ra1914 umo kuvapo kusingaoneki kwaKristu kwakanga kwavamba uye kuti ikoku kwakanga kuri, kwete kupfurikidza nokudzoka kwake pachake (kunyange nenzira isingaoneki) kunzvimbo yapasi, asi kupfurikidza nokunangidzira kwake ngwariro yake kupasi saMambo anotonga. Vakaona ndokugamuchira basa rinokosha iro rakanga riri ravo rokuzivisa “aya mashoko akanaka oumambo” nokuda kwouchapupu kumarudzi ose mukati menguva ino inotambudza yenhau yavanhu.—Mat. 24:3-14, NW.
Nderipi chaizvoizvo rakanga riri shoko pamusoro poUmambo iro vakanga vachifanira kuparidza? Rakanga rakasiyana neshoko revaKristu vomuzana rokutanga ramakore here?
Umambo hwaMwari, Tariro Bedzi Yorudzi Rwomunhu
Somugumisiro wefundo yokungwarira yeShoko raMwari, Vadzidzi veBhaibheri vakabatanidzwa naHama Russell vakanzwisisa kuti Umambo hwaMwari yakanga iri hurumende iyo Jehovha akanga apikira kugadza kupfurikidza noMwanakomana wake nokuda kwokukomborerwa kworudzi rwomunhu. Jesu Kristu, ari mudenga, aizova ne“boka duku” rakabatanidzwa naye savatongi vakasarudzwa naMwari vachibva pakati porudzi rwomunhu. Vakanzwisisa kuti iyi hurumende yaizomirirwa navarume vakatendeka vekare avo vaizobatira samachinda mupasi rose. Ivava vakanongedzerwa kwavari sa“vakafanirwa vakare.”—Ruka 12:32, NW; Dhan. 7:27; Zvak. 20:6; Pis. 45:16.
ChiKristudhomu chakanga changuve chadzidzisa ‘maruramiro oumwari amadzimambo,’ somutoo wokudzora nawo vanhu. Asi ava Vadzidzi veBhaibheri vakaona muMagwaro kuti nguva yemberi yehurumende dzavanhu yakanga isina kuchengetedzwa nevimbiso youmwari ipi neipi. Mutsinhirano nezvavakanga vachidzidza, Nharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 1881, yakati: “Kugadzwa kwouhwu umambo chokwadika, kuchabatanidza kukurirwa kwoumambo hwose hwapasi, sezvo hwose—kunyange hwakanakisisa hwavo—hwakavakirwa pakusaruramisira namaruramiro asina kuenzana nokudzvinyirirwa kwavakawanda nokudiwa kwavashomanene—sezvatinorava, kuti: ‘Huchaputsanya ndokuparadza umambo ihwohwu hwose uye huchagara nokusingaperi.’”—Dhan. 2:44.
Pamusoro penzira iyo umambo ihwohwo hunodzvinyirira hwaizopwanywa nayo, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vachine zvakawanda zvokudzidza. Vakanga vachigere kunzwisisa nenzira yakajeka kuti betsero dzoUmambo hwaMwari dzaizopararira sei kurudzi rwose rwomunhu. Asi vakanga vasati vari kuvhiringidza Umambo hwaMwari nokunzwa kusina kujeka mukati momwoyo womunhu kana kuti nokutonga kunoitwa nomutsara worudzidziso uyo waishandisa Hurumende yenyika sechishandiswo chawo.
Pakasvika 1914, vabatiri vakatendeka vaMwari chiKristu chisati chasvika vakanga vasati vamutswa pasi pano savamiriri vouchinda vaMambo wouMesiya, sezvakanga zvakarirwa, uyewo vakasarira ve“boka duku” vakanga vasina kukumbanira Kristu muUmambo hwokudenga mugore iroro. Kunyange zvakadaro, Nharireyomurindi yechiNgezi yaFebruary 15, 1915, yakataura nechivimbo kuti 1914 yakanga iri nguva yakafanira “yokuti Ishe wedu atore simba Rake guru ndokutonga,” nokudaro achigumisa mamireniyumu oudzori husina kudzongonyedzwa hwaVamarudzi. Muchinyorwa chayo chaJuly 1, 1920, Nharireyomurindi yechiNgezi yakasimbisazve chimiro ichocho ndokuchibatanidza namashoko akanaka ayo Jesu akanga afanotaura kuti aizoziviswa mupasi rose mugumo usati wasvika. (Mat. 24:14) Pakokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri paCedar Point, Ohio, muna 1922, iyi nzwisiso yakataurwazve muchisarudzo chavose, uye Hama Rutherford vakakurudzira vakokorodzani, kuti: “Zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.”
Zvisinei, panguva iyoyo Vadzidzi veBhaibheri vakarangarira kuti kugadzwa kwoUmambo, kugadzwa kwahwo kwakazara mudenga, kwaisazoitika kutozosvikira mitezo yokupedzisira yomwenga waKristu yapiwa mbiri. Nhambo chaiyoiyo yechinjo yakasvikwa, naizvozvo, muna 1925, apo Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 1 yakasimbisa nyaya inoti “Kuberekwa Kworudzi.” Yakapa fundo inorayiridza yaZvakazarurwa ganhuro 12. Nyaya yacho yakaonesa ufakazi hwokuti Umambo hwaMesiya hwakanga hwaberekwa—hwagadzwa—muna 1914, kuti Kristu panguva iyoyo akanga avamba kutonga ari pachigaro chake choumambo chokudenga, uye kuti pashure pacho Satani akanga akandirwa kunzvimbo yapasi achibva mudenga. Iwaya ndiwo akanga ari mashoko akanaka ayo aifanira kuziviswa, mashoko okuti Umambo hwaMwari hwakanga hwava kutoshanda. Iyi nzwisiso yakajekeswa yakanyandura sei ava vazivisi voUmambo kuti vaparidze kusvikira kumativi ari kuresa apasi!
Kupfurikidza nemitoo iri yose yakakodzera, vanhu vaJehovha vakapa uchapupu hwokuti Umambo hwaMwari bedzi hwaigona kuunza rusununguko runogarisa ndokupedza zvinetso zvakasimba zvaitambudza rudzi rwomunhu. Muna 1931 iri shoko rakasimbiswa mukuparidza kwomuredhiyo kwakaitwa naJ. F. Rutherford munhepfenyuro dzakawanda zvikurusa dzinobatanidza nyika dzakawanda dzakanga dzati dzaparidza. Mashoko iwayo akaparidzwa akabudiswawo mumitauro yakawanda mubhukwana rinonzi The Kingdom, the Hope of the World—mamiriyoni amakopi aro akaparadzirwa mukati memwedzi mishomanene. Mukuwedzera kukuparadzirwa kukuru kuvanhu, nhamburiko chaiyo yakaitwa yokugovera makopi acho kune vezvamatongerwe enyika, vanamuzvinabhizimisi vakatanhamara, uye vafundisi.
Pakati pezvimwe zvinhu, bhukwana iroro rakati: “Hurumende dziripo dzisina kururama dzenyika hadzitongogoni kupa tariro kuvanhu. Rutongeso rwaMwari kwadziri runozivisa kuti dzinofanira kuparadzwa. Tariro yenyika, naizvozvo, uye tariro bedzi, ndihwo umambo hwakarurama kana kuti hurumende yaMwari ina Kristu Jesu soMutongi wayo asingaoneki.” Umambo ihwohwo, ivo vakaziva kudaro, hwaizounza rugare nechengeteko kurudzi rwomunhu. Mukutonga kwahwo pasi raizova paradhiso chaiyoiyo, uye chirwere norufu zvaisazovakozve.—Zvak. 21:4, 5.
Mashoko akanaka oUmambo hwaMwari anopfuurira kuva anokosha kuzvitendero zveZvapupu zvaJehovha. Kubvira muchinyorwa chechiNgezi chaMarch 1, 1939, magazini yazvo huru, zvino inobudiswa mumitauro inopfuura 110, yakava nomusoro unoti Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha.
Asi kutonga kwoUmambo kusati kwachinja pasi kuva paradhiso, tsika yakaipa iripoyi yaizofanira kuparara. Ikoko kwaizoitwa sei?
Hondo Yezuva Guru raMwari Wamasimba Ose
Hondo yenyika iyo yakavamba muna 1914 yakazungunusa tsika iripo yezvinhu nenzira ine ngozi. Kwenguva yakati kwakaratidzika kuti zviitiko zvaizoitika seizvo Vadzidzi veBhaibheri vakanga vakarira.
Shure muna August 1880, Hama Russell vakanga vanyora, kuti: “Tinonzwisisa kuti mhuri yavanhu isati yadzorerwa kana kuti kunyange kuvamba kukomborerwa umambo huripo hwapasi uhwo zvino hunosunga ndokudzvinyirira rudzi rwomunhu hwose huchakurirwa uye kuti umambo hwaMwari huchadzora uye kuti chikomborero nokuripirwa zvinouya kupfurikidza noumambo hutsva.” ‘Kukurirwa [ikoko] kwoumambo’ kwaizoitika sei? Kuchitsamidzwa pamamirire ezvinhu ayo iye aigona kuona panguva iyoyo achitanga munyika, Russell aidavira kuti mukati mehondo yeArmagedhoni, Mwari aizoshandisa mapoka anorwisa orudzi rwomunhu kukurira masangano aripo. Iye akati: “Basa rokuparadza umambo hwavanhu riri kuvamba. Simba richavakurira zvino riri kushanda. Vanhu vari kutoronga mauto avo muzita ravaKomonisiti, vaSosharisiti, vaNihirisiti, uye zvichingodaro.”
Bhuku rinonzi The Day of Vengeance (gare gare rakadanwa kunzi The Battle of Armageddon), rakabudiswa muna 1897, rakawedzerazve pamusoro penzira iyo Vadzidzi veBhaibheri vainzwisisa nayo panguva iyoyo nhau yacho, achiti: “Ishe, kupfurikidza nenhungamiro yake inodzora, achatarisira zvikuru iyi hondo huru yavasingagutsikani—vavimbiki kunyika yavo, vachinji, vasosharisiti, vezvetsika, vapanduki, vasingazivi navasina tariro—ndokushandisa tariro dzavo, rutyo, ufuza noudyire, maererano nouchenjeri hwake hwoumwari, kuti aite zvinangwa zvake amene zvakaisvonaka mukukurirwa kwamasangano aripo, uye nokuda kwokugadzirirwa kwomunhu nokuda kwoUmambo hwoKururama.” Nokudaro vakanzwisisa hondo yeArmagedhoni kuva yakabatanidzwa nokupandukira kwenzanga kwamasimba masimba.
Asi Armagedhoni yakanga ichizova kurwawo zvako pakati pamapoka anorwisana orudzi rwomunhu, kupandukira kwenzanga kunoshandiswa naMwari kukurira masangano aripo here? Sezvo imwe ngwariro yakapiwa kumagwaro ane chokuita neiyi nhau, Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 15, 1925, yakakwevera ngwariro kuna Zekaria 14:1-3 ndokuti: “Kupfurikidza naikoku taizonzwisisa kuti marudzi ose apasi, munhungamiro yaSatani, aizounganidzwa kuti arwisane neboka reJerusarema, ndiko kuti, avo vanotsigira Ishe . . . Zvakazarurwa 16:14, 16.”
Gore rakatevera racho, mubhuku rinonzi Deliverance, ngwariro yakanangidzirwa pachinangwa chaichoicho cheiyi hondo, richiti: “Zvino Jehovha, maererano neShoko rake, achaita ratidzirwo yesimba rake nenzira yakajeka kwazvo uye nenzira yakananga kuti vanhu vagopwiswa nenzira yavo isati iri youmwari uye vagonzwisisa kuti Jehovha ndiMwari. Ndicho chikonzero nei Mwari akaunza mafashamo makuru, akawisa Shongwe yeBhabheri, akaparadza hondo yaSaniherebhi mambo weAsiria, uye akamedza vaEgipita; uye ndicho chikonzerowo nei zvino achaunza imwe nhamo huru panyika. Ngwavaira dzekare dzaingova zvadzo mumvuri weiyo zvino iri kuswedera pedyo. Kuunganidzwa kwacho ndekwokuenda kuzuva guru raMwari Wamasimba Ose. Iro i‘zuva guru nerinotyisa raShe’ (Joere 2:31), apo Mwari achazviitira amene zita. Muiyi rwisano huru neyokupedzisira vanhu vorudzi rwuri rwose, dzinza norurimi vachaziva kuti Jehovha ndiMwari ane simba kwazvo, akachenjera kwazvo neakarurama.” Asi vabatiri vaJehovha pasi pano vakanyeverwa, kuti: “Muiyi hondo huru hakuna muKristu acharova. Chikonzero chavasingadaro ndechokuti Jehovha akati: ‘Nokuti hondo haisati iri yenyu, asi ndeyaMwari.’” Hondo iri kukurukurwa pano chaizvoizvo yakanga isati iri iyo yakarwiwa pakati pamarudzi, kuvambira muna 1914. Yakanga ichizouya.
Kwakanga kune mimwezve mibvunzo iyo yaifanira kupedzwa pahwaro hwaMagwaro. Mumwe waiyoyi waibatanidza kuzivikanwa kweJerusarema iro raifanira kutsikwa-tsikwa pasi petsoka kutozosvikira mugumo weNguva dzaVamarudzi, sezvinotaurwa pana Ruka 21:24; uye kwakabatana naikoku kwakanga kuri kuzivikanwa kwaIsraeri anonongedzerwa kwaari muuporofita hwakawanda kwazvo hwedzorerwo.
Mwari Aizodzorera vaJudha kuPalestine Here?
Vadzidzi veBhaibheri vaisanoziva nezveuporofita hwakawanda hwedzorerwo uhwo hwakapiwa kuna Israeri wakare navaporofita vaMwari. (Jer. 30:18; 31:8-10; Amosi 9:14, 15; VaR. 11:25, 26) Kuburuka kusvikira kuna 1932, ivo vakanzwisisa ihwohwu kuva hunoshanda zvakananga kuvaJudha vokunyama. Nokudaro, vaidavira kuti Mwari aizoratidzazve Israeri nyasha, achidzorera zvishoma nezvishoma vaJudha kuPalestine, achisvinudza meso avo kuzvokwadi pamusoro paJesu soMudzikinuri naMambo wouMesiya, uye achivashandisa sechishandiso chokupa zvikomborero kumarudzi ose. Nenzwisiso iyoyi, Hama Russell vakataura kuvateereri vazhinji vechiJudha muNew York pamwe chete nomuEurope pamusoro penhau inoti “chiZioni Muuporofita,” uye Hama Rutherford, muna 1925, vakanyora bhuku rinonzi Comfort for the Jews.
Asi kwakava pachena zvishoma nezvishoma kuti zvakanga zvichiitika muPalestine pamusoro pavaJudha zvakanga zvisati zviri kuzadzikwa kwouporofita hwaJehovha hwakaisvonaka hwedzorerwo. Kuva dongo kwakasvika paJerusarema romuzana rokutanga ramakore nemhaka yokuti vaJudha vakanga varamba Mwanakomana waMwari, Mesiya, uyo akatumwa muzita raJehovha. (Dhan. 9:25-27; Mat. 23:38, 39) Kwakanga kuri kuva pachena nenzira inowedzera kuti sorudzi vakanga vasina kuchinja chimiro chavo chendangariro. Kwakanga kusina rupfidzo pamusoro pechiito chakaipa chakaitwa namadzibaba avo. Kudzoka kwavamwe kuPalestine hakuna kusundwa norudo rwupi norwupi nokuda kwaMwari kana kuti chishuvo chokuti zita rake rikudzwe kupfurikidza nokuzadzikwa kweShoko rake. Ikoku kwakatsanangurwa nenzira yakajeka muvhoriyamu yechipiri yeVindication, iyo yakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society muna 1932.k Kururama kwouyu murangariro kwakasimbiswa muna 1949, apo Hurumende yeIsrael, panguva iyoyo yakanga ichangobva kuumbwa sorudzi uye somusha wavaJudha, yakava mutezo weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, nokudaro kuchiratidza kuti chivimbo chayo chakanga chisati chiri muna Jehovha asi mumarudzi enyika ezvamatongerwe enyika.
Chakanga chave chichiitika muzadziko youporofita ihwohwo hwedzorerwo chakanongedza kune rumwe rutivi. Vabatiri vaJehovha vakavamba kuziva kuti akanga ari Israeri womudzimu, “Israeri waMwari,” anoumbwa navaKristu vakazodzwa nomudzimu, avo, mukuzadzikwa kwechinangwa chaMwari, vakanga vachifarikanya rugare naMwari kupfurikidza naJesu Kristu. (VaG. 6:16, NW) Zvino maziso avo akanga asvinudzwa kuti aone mukubata kwaMwari navaKristu vechokwadi vakadaro kuzadzikwa kwomudzimu kunoshamisa kwezvipikirwa izvozvo zvedzorerwo. Pashure penguva yakati vakasvikawo pakuziva kuti Jerusarema rakakwidzwa pamugumo weNguva dzaVamarudzi rakanga risati riri gutawo zvaro rapasi, kana kuti kunyange rudzi pasi pano vanomirirwa neguta iroro, asi, panzvimbo pezvo, “Jerusarema riri kudenga,” uko Jehovha akagadza Mwanakomana wake, Jesu Kristu, ane chiremera chokutonga muna 1914.—VaH. 12:22.
Nhau idzodzi dzajeka, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichikwanisa zviri nani kuita pasina rusaruro kuboka ripi neripi mugove wokuparidza mashoko akanaka oUmambo “mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.”—Mat. 24:14, NW.
Ndiani anofanira kurumbidzwa nokuda kwetsananguro dzose idzodzi dzeBhaibheri idzo dzakaoneka muzvinyorwa zveWatch Tower?
Mutoo Uyo Vabatiri vaJehovha Vanodzidziswa Nawo
Jesu Kristu akafanotaura kuti pashure pokudzokera kwake kudenga, iye aizotumira vadzidzi vake mudzimu mutsvene. Iwoyu waizobatira somubetseri, uchivatungamirira “muzvokwadi yose.” (Joh. 14:26; 16:7, 13) Jesu akataurawo kuti saShe kana kuti Tenzi wavaKristu vechokwadi, aizova no“muranda akatendeka uye akachenjera,” “mutariri wakatendeka,” uyo aizopa “zvokudya [zvomudzimu] panguva yakafanira” kuveimba, vashandi vari muimba yokutenda. (Mat. 24:45-47, NW; Ruka 12:42) Ndiani ari uyu muranda akatendeka uye akachenjera?
Chinyorwa chokutanga chimene cheNharireyomurindi chakanongedzera kuna Mateo 24:45-47 apo chakataura kuti vavariro yavabudisi vemagazini iyoyo yakanga iri yokusvinurira zviitiko pamusoro pokuvapo kwaKristu nokupa “zvokudya [zvomudzimu] munguva yakafanira” kuimba yokutenda. Asi mupepeti wemagazini yacho akanga asati ari kutaura iye amene kuva muranda akatendeka uye akachenjera, kana kuti “mubatiri akatendeka uye akangwara” (maererano nokushandura kweKing James Version).
Nokudaro, muchinyorwa chechiNgezi chaOctober naNovember 1881 chemagazini yacho, C. T. Russell akati: “Tinodavira kuti mutezo uri wose wouyu muviri waKristu wakabatikana mubasa rakakomborerwa, nenzira yakananga kana kuti zvimwe nenzira isina kunanga, rokupa zvokudya munguva yakafanira kuimba yokutenda. ‘Ndiani ipapoka ari mubatiri iyeyo akatendeka uye akachenjera uyo Ishe akaita mutongi paimba yake,’ kuti avape zvokudya munguva yakafanira? Harisati riri ‘boka duku’ riya ravabatiri vakazvitsaurira avo vari kuita nenzira yokutendeka mhiko dzavo dzetsauriro—muviri waKristu—uye muviri wose somunhu mumwe nomumwe uye pamwe chete, hausati uri kupa zvokudya mu[n]guva yakafanira kuimba yokutenda—boka guru ravatendi here? Akakomborerwa mubatiri iyeyo (muviri wose waKristu) uyo Ishe wake apo anouya (chiGir. elthon) achawana achiita saizvozvo. ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, iye achamuita mutongi pazvinhu zvake zvose.’”
Anopfuura makore gumi gare gare, zvisinei, mudzimai waHama Russell akataura pachena pfungwa yokuti Russell amene akanga ari mubatiri akatendeka uye akachenjera.l Murangariro waakataura pamusoro pokuzivikanwa kwo‘mubatiri akatendeka’ wakasvika pakudavirwa zvikuru naVadzidzi veBhaibheri kwamakore 30. Hama Russell havana kuramba murangariro wavo, asi ivo pachavo vakadzivisa kuita kushandiswa kwadaro kworugwaro, vachisimbisa kushora kwavo pfungwa yeboka ravafundisi rakatumwa kuti ridzidzise Shoko raMwari mukupesana nebokawo zvaro iro rakanga risina kudarozvo kutumwa. Nzwisiso yakataurwa naHama Russell muna 1881 yokuti mubatiri akatendeka uye akachenjera akanga ari chaizvoizvo mubatiri akaumbwa navazhinji, akaumbwa nemitezo yose yomuviri wakazodzwa nomudzimu waKristu pasi pano, yakasimbiswazve muNharireyomurindi yechiNgezi yaFebruary 15, 1927.—Enzanisa naIsaya 43:10.
Hama Russell vakarangarira sei basa ravo vamene? Ivo vaitaura kuti vakava nechizaruro chaicho chakabva kuna Mwari here? MuNharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 15, 1906 (peji 229), Russell akapindura nenzira yokuzvininipisa, kuti: “Aiwa, shamwari dzinodiwa, hapana chinhu chandinotaura choukuru, kana kuti chesimba rinopfuura romuzvarirwo, chiremera kana kuti simba; uyewo handishuvi kuzvikwidziridza ndimene mumurangariro wehama dzangu dzeimba yokutenda, kunze kwomupfungwa yokuti Tenzi akakukurudzira, achiti, ‘Uyo aizova mukuru pakati penyu ngaave mubatiri wenyu.’ (Mat. 20:27.) . . . Zvokwadi dzandinopa, somutauriri waMwari, hadzina kuziviswa muzviono kana kuti zviroto, kana kuti nenzwi rinonzwika raMwari, kana kuti dzose panguva imwe cheteyo, asi zvishoma nezvishoma . . . Uyewo kupetenuka kwakajeka kwezvokwadi hakusati kuri nemhaka youchenjeri hupi nohupi hwomunhu kana kuti nzwisiso huru, asi yeidi rakapfava rokuti nguva yakafanira yaMwari yasvika; uye kudai ndisina kutaura, uye kusina imwe nhume yaigona kuwanikwa, mabwe amene aizodanidzira.”
Kwakanga kuri kuna Jehovha soMusiki wavo mukuru uko varavi veNharireyomurindi vakakurudzirwa kutarira, kunyange sezvakaita zvose zveZvapupu zvaJehovha nhasi. (Isa. 30:20) Ikoku kwakasimbiswa zvakasimba muNharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 1, 1931, munyaya inoti “Vanodzidziswa naMwari,” iyo yakati: “Nharireyomurindi inobvuma zvokwadi seyaJehovha, uye kwete yechisikwa chipi nechipi. Nharireyomurindi haisati iri chishandiso chomunhu upi noupi kana kuti boka ravanhu, uyewo haibudiswi maererano nezvido zvavanhu. . . . Jehovha Mwari ndiye Mudzidzisi mukuru wavana vake. Kutaura chokwadi, kuziviswa kwezvokwadi kunobudiswa navanhu vasina kukwana, uye nokuda kweichi chikonzero idzodzi hadzina kukwana chose chose muchimiro; asi dzinobudiswa muchimiro chakadaro sechinoratidzira zvokwadi yaMwari yaanodzidzisa vana vake.”
Muzana rokutanga ramakore, apo mibvunzo pamusoro pedzidziso kana kuti muitiro yaimuka, iyoyi yainongedzerwa kumutumbi unodzora mukuru waiumbwa navarume vakuru mumudzimu. Zvisarudzo zvaiitwa pashure pokurangarira izvo Magwaro akafuridzirwa aitaura pamwe chete noufakazi hwomubato wakanga uri mutsinhirano naMagwaro iwayo uye uyo wakanga uchibudirira somugumisiro wokushanda kwomudzimu mutsvene. Zvisarudzo zvakatumirwa zvakanyorwa kuungano. (Mabasa 15:1–16:5) Muitiro mumwe chetewo unoshanda pakati peZvapupu zvaJehovha nhasi.
Murayiridzo womudzimu unogoverwa kupfurikidza nenyaya dzemagazini, mabhuku, purogiramu dzekokorodzano, uye ndaza dzehurukuro dzeungano—zvose zvinogadzirirwa munhungamiro yoMutumbi Unodzora womuranda akatendeka uye akachenjera. Zviri mukati mazvo zvinoratidzira nenzira yakajeka kuti izvo Jesu akafanotaura ndezvechokwadi nhasi—kuti iye, zvirokwazvo, ane boka romuranda akatendeka uye akachenjera iro riri kudzidzisa nenzira yokuvimbika ‘zvinhu zvose izvo iye akarayira’; kuti iri sangano “rakarinda,” rakasvinurira zviitiko mukuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri uye zvikurukuru pamusoro pokuvapo kwaKristu; kuti ari kubetsera vanhu vanotya Mwari kunzwisisa zvinobatanidzwa mu‘kuchengeta’ zvinhu zvakarayirwa naJesu uye nokudaro kuchibvumikisa kuti zvirokwazvo ivo vadzidzi vake.—Mat. 24:42; 28:20; Joh. 8:31, 32.
Nenzira inofambira mberi, mumakore apfuura, miitiro ingava nemugumisiro unokwevera ngwariro isina kufanira kuvanhu vakati pamusoro pokugadzirirwa kwezvokudya zvomudzimu yakabviswa. Kuburuka kusvikira kurufu rwaC. T. Russell, zita rake somupepeti rainyorwa muchinodokuva chinyorwa chiri chose cheNharireyomurindi. Mazita kana kuti mabhii okutanga amazita avamwe vakagovera nyaya aioneka kazhinji kazhinji pamugumo wenyaya dzavakagadzirira. Ipapo, kutanga nechinyorwa chechiNgezi chaDecember 1, 1916, panzvimbo pokuratidza zita romunhu mumwe somupepeti, Nharireyomurindi yakaronga mazita edare rinopepeta. Muchinyorwa chaOctober 15, 1931, kunyange iyi ndaza yakabviswa, uye Isaya 54:13 yakatora nzvimbo yayo. Sezvinonokorwa mashoko muAmerican Standard Version, iyo inorava, kuti: “Uye vana vako vose vachadzidziswa naJehovha; uye rugare rwavana vako ruchava rukuru.” Kubvira muna 1942 wave uri muitiro mukuru kuti mabhuku anobudiswa neWatch Tower Society haakweveri ngwariro kumunhu upi noupi somunyori.a Mukutarisira kwoMutumbi Unodzora, vaKristu vakazvitsaurira muNorth neSouth America, Europe, Africa, Asia, uye zvitsuwa zvegungwa vakava norutivi mukugadzirira mashoko akadaro nokuda kwokushandiswa neungano dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose. Asi mbiri yose inopiwa kuna Jehovha Mwari.
Chiedza Chinopenya Zvikuru
Sezvinoratidzirwa munhau yazvo yomuzuva razvino uno, chinoitika cheZvapupu zvaJehovha chave chakafanana nechiya chinorondedzerwa pana Zvirevo 4:18, kuti: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.” Kupenya kwechiedza kwave kuchifambira mberi, kungofanana nechiedza chamambakwedza chinoteverwa nokubuda kwezuva nechiedza chakazara chezuva idzva. Zvichirangarira zvinhu nechiedza chaiwanika, padzimwe nguva izvo zvakava nemifungo isina kukwana, kunyange isina kururama. Pasinei hapo nokuti zvakaedza zvakaoma sei, zvaisangogona hazvo kunzwisisa uporofita hwakati kutozosvikira ihwohwu hwavamba kuzadzikwa. Sezvo Jehovha akajekesa zvikuru Shoko rake kupfurikidza nomudzimu wake, vabatiri vake vave vachidisa nenzira yokuzvininipisa kuita gadziridzo dzinodikanwa.
Nzwisiso yakadaro inofambira mberi yakanga isina kuganhurirwa kunhambo yapakuvamba yenhau yazvo yomuzuva razvino uno. Inopfuurira kusvikira panguva ino chaiyo. Somuenzaniso, muna 1962 kwakanga kune kugadziridzwa kwenzwisiso ye“zviremera zvikuru” zvaVaRoma 13:1-7, NW.
Kwamakore akawanda Vadzidzi veBhaibheri vakanga vadzidzisa kuti “masimba makuru” (KJ) akanga ari Jehovha Mwari naJesu Kristu. Neiko? MuNharireyomurindi yechiNgezi yaJune 1 naJune 15, 1929, mhatsa yemitemo yenyika yakadudzwa, uye kwakaratidzwa kuti zvaibvumidzwa munyika imwe zvakanga zvichirambidzwa mune imwe. Ngwariro yakakweverwawo kumitemo yenyika iyo yaida kuti vanhu vaite izvo Mwari akarambidza kana kuti iyo yairambidza izvo Mwari akarayira vabatiri vake kuita. Nemhaka yechishuvo chavo chapachokwadi chokuratidza kuremekedza chiremera chikurusa chaMwari, kwakaratikidza kuVadzidzi veBhaibheri kuti “masimba makuru” anofanira kuva Jehovha Mwari naJesu Kristu. Vakanga vachiri vanoteerera mitemo yenyika, asi simbiso yakanga iri pakuteerera Mwari pakutanga. Ichocho chakanga chiri chifundo chinokosha, icho chakavasimbisa mukati mamakore enyongano yenyika iyo yakatevera. Asi havana kunzwisisa nenzira yakajeka izvo VaRoma 13:1-7 yakanga ichitaura.
Makore akati gare gare, kusanonzverwazve kworugwaro rwacho kwakaitwa, pamwe chete namashoko arwo akapoteredza nerevo yarwo vachirangarira rutivi rwasara rwose rweBhaibheri. Somugumisiro, muna 1962 kwakabvumwa kuti “zviremera zvikuru” vatongi venyika, asi nebetsero yeNew World Translation, nheyo yokuzviisa pasi kune mwero yakanzwisiswa zvakajeka.b Ikoku hakuna kurayira chinjo huru ipi neipi muchimiro chendangariro cheZvapupu zvaJehovha kuhurumende dzenyika, asi kwakaruramisa nzwisiso yazvo yechikamu chinokosha chaMagwaro. Mukudaro, makanga mune mukana wokuti Zvapupu zvisanorangarire somunhu mumwe nomumwe kana zvakanga zviri kurarama zvirokwazvo maererano nemitoro yazvo kune vose vari vaviri Mwari nezviremera zvenyika. Iyi nzwisiso yakajeka ye“zviremera zvikuru” yakabatira sedziviriro kuZvapupu zvaJehovha, zvikurukuru munyika dziya umo kuwedzera kwourudzi nokudikanwa kworusununguko rukuru zvikuru zvakaguma nokutanga kwamasimba masimba nokuumbwa kwehurumende itsva.
Gore rakatevera racho, 1963, kushandiswa kwakakudzwa kwe“Bhabhironi Guru” kwakapiwa.c (Zvak. 17:5) Kuhwirudzurwa kwenhau yenyika neyorudzidziso kwakanongedzera kumhedziso yokuti pesvedzero yeBhabhironi rakare yakanga yatekeshera kwete bedzi muchiKristudhomu asi murutivi rwuri rwose rwapasi. Bhabhironi Guru nokudaro rakaoneka kuva umambo hwose hwenyika hworudzidziso rwenhema. Kuziva ikoku kwakagonesa Zvapupu zvaJehovha kubetsera vamwe vanhu vakawanda, vanobva mumamirire ezvinhu akasiyana-siyana, kuti vadavidze kumurayiro weBhaibheri, wokuti: “Budai mariri, vanhu vangu.”—Zvak. 18:4.
Zvirokwazvo, kuitika kwezviitiko zvakafanotaurwa mubhuku rose raZvakazarurwa kwakagovera vhenekero huru yomudzimu. Muna 1917 kufundwa kwaZvakazarurwa kwakabudiswa mubhuku rinonzi The Finished Mystery. Asi “zuva raShe,” rinonongedzerwa kwariri pana Zvakazarurwa 1:10, rakanga richingovamba shure panguva iyoyo; zvakawanda zvezvakafanotaurwa zvakanga zvichigere kuitika uye hazvina kunzwisiswa nenzira yakajeka. Zvisinei, zviitiko mukati memakore akatevera zvakajekesa zvikuru revo yorutivi irworwo rweBhaibheri, uye izvi zviitiko zvakanga zvine tapuro huru pakufundwa kumene kunorayiridza kwaZvakazarurwa uko kwakabudiswa muna 1930 mumavhoriyamu maviri ane musoro unoti Light. Mukati mema1960 kumwe kuwirirana nomusi kwakaoneka mumabhuku anonzi “Babylon the Great Has Fallen!” God’s Kingdom Rules! na“Then Is Finished the Mystery of God.” Makore makumi maviri gare gare imwe fundo yakadzama yakaitwa yorutivi irworwo rweBhaibheri. Mutauro wokufananidzira waZvakazarurwa wakasanonzverwa nebetsero yokutaura kwakafanana kuri mumamwe mativi eBhaibheri. (1 VaK. 2:10-13) Zviitiko zvezana ramakore rechimakumi maviri mukuzadzikwa kwouporofita zvakahwirudzurwa. Migumisiro yacho yakabudiswa muchiNgezi muna 1988 mubhuku rinofadza rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Mukati memakore apakuvamba enhau yavo yomuzuva razvino uno, nheyo yakanga iri kuvanzarikwa. Zvokudya zvomudzimu zvinokosha zvakawanda zvakagoverwa. Mumakore achangobva kupfuura aya mhatsa huru zvikuru yamashoko efundo yeBhaibheri akagoverwa kugutsa zvinodikanwa zvavose vari vaviri vaKristu vakakura mumudzimu navadzidzi vatsva vanobva mumamirire ezvinhu akawanda. Fundo inopfuuridzirwa yaMagwaro, pamwe chete nokuzadzikwa kwouporofita hwoumwari, muzviitiko zvakawanda yakaita kuti kubvire kutaura dzidziso dzeBhaibheri nokujeka kukuru zvikuru. Nemhaka yokuti fundo yazvo yeShoko raMwari inofambira mberi, Zvapupu zvaJehovha zvine zvokudya zvomudzimu zvakawanda, kunyange seizvo Magwaro akafanotaura kuti kwaizova kwechokwadi nezvavabatiri vaMwari. (Isa. 65:13, 14) Kugadziridzwa mumurangariro hakusati kuchitongoitwa nomurangariro wokuva vanogamuchirika zvikuru kunyika kupfurikidza nokugamuchira mipimo yayo yetsika inoderera. Mukupesana, nhau yeZvapupu zvaJehovha inoratidza kuti chinjo dzinoitwa nomurangariro wokutosanonamatira zvinotova zvikuru kuBhaibheri, vachiva vakafanana zvikuru navaKristu vakatendeka vomuzana rokutanga ramakore, uye naizvozvo vachiva vanogamuchirika zvikuru kuna Mwari.
Nokudaro, chinoitika chazvo chiri mutsinhirano nomunyengetero womuapostora Pauro, uyo akanyorera vaKristu biyake, kuti: “Isu . . . hatina kurega kukunyengetererai nokukumbira kuti mugozadzwa nezivo yakarurama yokuda kwake muuchenjeri hwose nokunzwisisa kwomudzimu, kuti mufambe zvakafanira Jehovha kusvikira kumugumo wokumufadza zvizere sezvamunopfuurira kubereka chibereko mubasa riri rose rakanaka nokuwedzera muzivo yakarurama yaMwari.”—VaK. 1:9, 10, NW.
Kuwedzera ikoko kwezivo yakarurama yaMwari kwaivawo nechokuita nezita ravo—Zvapupu zvaJehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, July 15, 1906, map. 229-31.
b Ona Insight on the Scriptures, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., Vhoriyamu 2, peji 1176.
c Somuenzaniso: (1) Pakasvika zana ramakore rechi16, masangano anorwisa Utatu akanga akasimba muEurope. Somuenzaniso, Ferenc Dávid (1510-79), wokuHungary, akaziva uye akadzidzisa kuti chitendero choUtatu chakanga chisati chiri chapaMagwaro. Nemhaka yezvitendero zvake, iye akafira mutorongo. (2) Minor Reformed Church, iyo yakabudirira muPoland kweanenge makore ane zana mukati memazana ramakore rechi16 nerechi17, yakarambawo dzidziso yoUtatu, uye vatsigiri vechechi iyoyo vakaparadzira mabhuku muEurope mose, kutozosvikira vaJesuit vabudirira mukuvaita kuti vadzingwe muPoland. (3) Sir Isaac Newton (1642-1727), muEngland, akaramba dzidziso yoUtatu ndokunyora zvikonzero zvine udzame zvenhau nezvapaMagwaro zvokuita kudaro, asi iye haana kuita kuti izvozvi zvibudiswe mukati menduramo yake, sezviri pachena achitya migumisiro yacho. (4) Pakati pavamwe muAmerica, Henry Grew akafumura Utatu sohusati huri hwapaMagwaro. Muna 1824 iye akabata neiyi nhau zvakazara muAn Examination of the Divine Testimony Concerning the Character of the Son of God.
d Onawo Studies in the Scriptures, Series V, mapeji 41-82.
e Kupfurikidza nekurukurirano youfakazi hwenhau nohwapaMagwaro hune chokuita neiyi nhau hwakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society panguva dzakasiyana-siyana. Ona “The Word”—Who Is He? According to John (1962), “Zvinhu Zvisingabvirire Mwari Kureva Nhema Mazviri” (1965 muchiNgezi), Kurangarira muMagwaro (1985, muchiNgezi), uye Unofanira Kudavira Utatu Here? (1989, muchiNgezi).
f Izvo Magwaro anotaura pamusoro pomweya zvinozivikanwa nenyanzvi dzechiJudha pamwe chete neidzo dzechiKristudhomu, asi hazviwanzodzidziswi munzvimbo dzavo dzokunamata. Ona New Catholic Encyclopedia (1967), Vhoriyamu XIII, mapeji 449-50; The Eerdmans Bible Dictionary (1987), mapeji 964-5; The Interpreter’s Dictionary of the Bible, yakapepetwa naG. Buttrick (1962), Vhoriyamu 1, peji 802; Jewish Encyclopedia (1910), Vhoriyamu VI, peji 564.
g Mukurukurirano ine udzame zvikuru yenhau yacho, muna 1955, bhukwana rinonzi What Do the Scriptures Say About “Survival After Death”? rakaonesa kuti chinyorwa cheBhaibheri chinoratidza kuti Satani akakurudzira chaizvoizvo Evha kudavira kuti iye aisazofa munyama somugumisiro wokufuratira kurambidza kwaMwari kudya muchero wo“muti wezivo yechakanaka nechakashata.” (Gen. 2:16, 17, NW; 3:4) Pashure penguva yakati, ikoko sezviri pachena kwakabvumikisa kuva kwenhema, asi kwakanga kune zvimwe zviitiko izvo zvakava namavambo azvo munhema dzokutanga idzodzo. Vanhu vakagamuchira murangariro wokuti rutivi rusingaoneki rwomunhu rwakapfuurira kurarama. Pashure paMafashamo omuzuva raNoa, ikoku kwakasimbiswa kupfurikidza nemiitiro yekutenda midzimu yamadhemoni yaibva muBhabhironi.—Isaya 47:1, 12; Dheut. 18:10, 11.
h Barbour aitaura kuti anodavira murudzikinuro, kuti Kristu akatifira. Yaairamba yakanga iri pfungwa yo“kutsiva”—kuti Kristu akafa panzvimbo pedu, kuti kupfurikidza norufu rwake Kristu akaripira chirango chechivi nokuda kwavana vaAdhama.
i Ikoku kwakapesvedzerwa nechitendero chokuti mireniyumu yechinomwe yenhau yavanhu yakanga yavamba muna 1873 uye kuti nhambo yokusafarirwa kwoumwari (yourefu hwakaenzana nenhambo yakare yairangarirwa kuva yokufarirwa) pana Israeri wokunyama yaizoguma muna 1878. Kuverengwa kwenguva kwakakanganiswa nemhaka yokuvimba nokushandurwa kusina kururama kwaMabasa 13:20 muKing James Version, chitendero chokuti kwakanga kune chikanganiso chokunyora pana 1 Madzimambo 6:1, uye kukundikana kurangarira kushanda pamwe chete kweBhaibheri mumisi yokutonga kwamadzimambo aJudha neaIsraeri. Nzwisiso yakajeka zvikuru yokuverenga nguva kweBhaibheri yakabudiswa muna 1943, mubhuku rinonzi “The Truth Shall Make You Free,” uye ipapo yakanatswa gore rakatevera racho mubhuku rinonzi “The Kingdom Is at Hand,” pamwe chete nomuzvinyorwa zvapashure.
j Magazini yakabudiswa naGeorge Storrs, Brooklyn, New York.
k Muna 1978, pawakakumbirwa kutaura kuvanyori venhau pamusoro pemurangariro weZvapupu zvaJehovha pamusoro pechiZioni, Mutumbi Unodzora wakati: “Zvapupu zvaJehovha zvinopfuurira kuva nechimiro cheBhaibheri chokusatora rutivi pamusoro pamasangano ose ezvamatongerwe enyika nehurumende. Izvo zvinopwiswa kuti hakuna sangano romunhu richaita izvo umambo hwaMwari hwokudenga bedzi hunogona kuita.”
l Nenzira inosuruvarisa, yakanga iri nguva pfupi bedzi pashure paikoku apo iye akaparadzana naye nemhaka yechishuvo chake amene choutanhamari hwomunhu oga.
a Munyika umo mutemo unokurayira, zvisinei, mumiriri womunzvimbomo angadudzwa souyo ane mutoro wezvinobudiswa.
b Nharireyomurindi yechiNgezi, November 1, November 15, uye December 1, 1962.
c Nharireyomurindi yechiNgezi, November 15 naDecember 1, 1963.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 120]
C. T. Russell akabvuma norusununguko betsero yakabva kuvamwe mukati mamakore ake apakuvamba efundo yeBhaibheri
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 122]
Vakanzvera somunhu oga ufakazi hwokuti Bhaibheri iShoko raMwari zvirokwazvo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 123]
Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa kuti ruramisiro yaMwari yakadzikama zvakakwana nouchenjeri hwake, rudo, uye simba
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 127]
Russell akaona nenzira yakajeka kuti hero haisati iri nzvimbo yokutambudzwa pashure porufu
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 129]
Vanhu vazhinjisa vanofunga havana kudavira mudzidziso yehero yomwoto
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 132]
Chimiro chakasimba chaRussell pamusoro porudzikinuro chakanga chine migumisiro inosvika kure
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 134]
Vaigona kuona kuti 1914 akanga akaratidzirwa nenzira yakajeka nouporofita hweBhaibheri
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 136]
Hachisati chiri chinhu chiri chose chakaitika nokukurumidza sezvavaikarira
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 139]
Mashoko akanaka aifanira kuziviswa: Umambo hwaMwari hwava kutoshanda!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 140]
Armagedhoni yaifanira kuva kumukirawo zvako kwomunzanga here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 141]
Pakupedzisira, muna 1932, “Israeri waMwari” chaiyeiye akaziviswa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 143]
“Muranda akatendeka uye akachenjera”—munhu mumwe kana kuti boka here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 146]
Nenzira inofambira mberi, miitiro iyo ingakwevera ngwariro isina kufanira kuvanhu vakati yakabviswa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 148]
Chinjo dzinoitwa kuchirangarirwa kusanonamatira zvinotova zvikuru kuShoko raMwari
[Bhokisi riri papeji 124]
Kuzivisa Zita raMwari
◆ Kubvira muna 1931 zita rokuti Zvapupu zvaJehovha rakashandiswa kuratidzira avo vanonamata nokubatira Jehovha saMwari bedzi wechokwadi.
◆ Kubvira pana October 15, 1931, zita rake pachake raMwari, Jehovha, rakaoneka pabutiro rapamusoro rechinyorwa chimwe nechimwe chemagazini ye“Nharireyomurindi.”
◆ Panguva apo zita raMwari pachake rakanga richisiyiwa mushanduro zhinjisa dzazvino uno dzeBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvakavamba kubudisa, muna 1950, “New World Translation,” iyo yakadzorera zita raMwari kunzvimbo yaro yakarurama.
◆ Mukuwedzera kuBhaibheri rimene, mamwe mabhuku akawanda akabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society kuti anangidzire ngwariro chaiyo pazita raMwari—somuenzaniso, mabhuku anonzi “Jehovah” (1934), “Let Your Name Be Sanctified” (1961), uye “‘The Nations Shall Know That I Am Jehovah’—How?” (1971), pamwe chete nebhurocha rinonzi “Zita raMwari Richagara Nokusingaperi” (1984 muchiNgezi).
[Bhokisi riri papeji 126]
‘Tichapokanidza Kristu Amene Here?’
Pashure pokuratidzira kusava yapaMagwaro nokusava nomufungo kwedzidziso yoUtatu, C. T. Russell akaratidzira kutsamwa kwakarurama apo akabvunza, kuti: “Nokudaro tichapokanidza Vaapostora naVaporofita naJesu Amene here, uye kufuratira mufungo nokufunga kwakanaka, kuti tiomerere padzidziso yakapiwa kwatiri kubva munguva yakapfuura yerima, yokutenda mashura, neChechi yakashata yakaramba kutenda? Kwete! ‘KuMutemo nokuchipupuriro! Kana vasingatauri maererano neiri Shoko, imhaka yokuti hakune chiedza mavari.’”—“Nharireyomurindi” yechiNgezi, August 15, 1915.
[Bhokisi riri papeji 133]
Zvokwadi Inofambira Mberi
Muna 1882, C. T. Russell akanyora, kuti: “Bhaibheri ndiwo mupimo wedu bedzi, uye dzidziso dzaro chitendero chedu bedzi, uye tichiziva chiratidzo chinofambira mberi chokupetenuka kwezvokwadi dzapaMagwaro, takagadzirira uye tinoda kuwedzera kana kuti kunatsa chitendero chedu (kutenda—chitendero) sezvatinowana wedzero yechiedza kubva kuMupimo wedu.”—“Nharireyomurindi” yechiNgezi, yaApril 1882, p. 7.
[Bhokisi riri papeji 144, 145]
Zvitendero zveZvapupu zvaJehovha
◆ Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa. (2 Tim. 3:16, 17)
Zvarinazvo hazvisati zviri nhauwo zvayo kana kuti mufungo womunhu asi shoko raMwari, rakanyorwa kuti ritibetsere. (2 Pet. 1:21; VaR. 15:4; 1 VaK. 10:11)
◆ Jehovha ndiye Mwari wechokwadi bedzi. (Pis. 83:18; Dheut. 4:39)
Jehovha ndiye Musiki wezvinhu zvose, uye seakadaro, iye oga akafanirwa nokunamatwa. (Zvak. 4:11; Ruka 4:8)
Jehovha ndiChangamire Wechisiko Chose, uyo tinofanira kuteerera zvakazara. (Mabasa 4:24; Dhan. 4:17; Mabasa 5:29)
◆ Jesu Kristu ndiye Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari, uyo bedzi akasikwa zvakananga naMwari amene. (1 Joh. 4:9; VaK. 1:13-16)
Jesu akanga ari wokutanga wezvisiko zvaMwari; nokudaro, asati anambwa ndokuberekwa somunhu, Jesu akararama mudenga. (Zvak. 3:14; Joh. 8:23, 58)
Jesu anonamata Baba vake saMwari wechokwadi bedzi; Jesu haana kutongotaura kuti akaenzana naMwari. (Joh. 17:3; 20:17; 14:28)
Jesu akapa upenyu hwake hwakakwana hwomunhu sorudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu. Chibayiro chake chinoita kuti upenyu husingaperi hubvirire vose vanoshandisa zvirokwazvo kutenda machiri. (Marko 10:45; Joh. 3:16, 36)
Jesu akamutswa kubva muvakafa somunhu womudzimu asingafi. (1 Pet. 3:18; VaR. 6:9)
Jesu akadzoka (achiva akanangidzira ngwariro yake saMambo kupasi) uye zvino aripo somudzimu une mbiri. (Mat. 24:3, 23-27; Joh. 14:19)
◆ Satani “mutongi wenyika ino” asingaoneki. (Joh. 12:31, NW; 1 Joh. 5:19)
Pakuvamba iye akanga ari mwanakomana akakwana waMwari, asi akabvumira mirangariro yokuzvikoshesa kutanga mumwoyo wake, akapanga kunamata uko kwaiva kwaJehovha bedzi, uye akanyengera Adhama naEvha kuti vamuteerere panzvimbo pokuteerera Mwari. Nokudaro akazviita amene Satani, uko kunoreva “Muvengi.” (Joh. 8:44; Gen. 3:1-5; enzanisa naDheuteronomio 32:4, 5; Jakobho 1:14, 15; Ruka 4:5-7.)
Satani “ari kutsausa pasi rose rinogarwa”; iye namadhemoni ake vanoparira nhamo yakawedzerwa papasi munguva ino yomugumo. (Zvak. 12:7-9, 12, “NW”)
Panguva yakagadzwa yaMwari, Satani namadhemoni ake vachaparadzwa nokusingaperi. (Zvak. 20:10; 21:8)
◆ Umambo hwaMwari pasi paKristu huchatsiva hurumende dzose dzavanhu uye huchava hurumende imwe parudzi rwose rwomunhu. (Dhan. 7:13, 14)
Tsika yakaipa iripoyi yezvinhu ichaparadzwa chose chose. (Dhan. 2:44; Zvak. 16:14, 16; Isa. 34:2)
Umambo hwaMwari huchatonga nokururama uye huchaunza rugare chairwoirwo kuvadzorwi vahwo. (Isa. 9:6, 7; 11:1-5; 32:17; Pis. 85:10-12)
Vakaipa vachagurwa nokusingaperi, uye vanamati vaJehovha vachafarikanya chengeteko inogara. (Zvir. 2:21, 22; Pis. 37:9-11; Mat. 25:41-46; 2 VaT. 1:6-9; Mik. 4:3-5)
◆ Tiri kurarama zvino, kubvira muna 1914,d mu“nguva yomugumo” wenyika ino yakaipa. (Mat. 24:3-14; 2 Tim. 3:1-5; Dhan. 12:4, “NW”)
Mukati menhambo ino yenguva, uchapupu huri kupiwa kumarudzi ose; pashure paikoko mugumo uchasvika, kwete wenyika, asi wetsika yakaipa nowevanhu vasati vari voumwari. (Mat. 24:3, 14; 2 Pet. 3:7; Mup. 1:4)
◆ Kune nzira imwe bedzi inoenda kuupenyu; haasati ari marudzidziso ose kana kuti miitiro yorudzidziso inotenderwa naMwari. (Mat. 7:13, 14; Joh. 4:23, 24; VaEf. 4:4, 5)
Kunamata kwechokwadi kunosimbisa kwete chitarisiko chomuitiro nechokunze asi kuda Mwari kwapachokwadi, kunoratidzwa kupfurikidza nokuteerera mirayiro yake uye kupfurikidza nokuda munhu biyako. (Mat. 15:8, 9; 1 Joh. 5:3; 3:10-18; 4:21; Joh. 13:34, 35)
Vanhu vanobva mumarudzi ose, madzinza, uye mapoka emitauro vanogona kubatira Jehovha ndokuva netendero yake. (Mabasa 10:34, 35; Zvak. 7:9-17)
Munyengetero unofanira kunangidzirwa bedzi kuna Jehovha kupfurikidza naJesu; mifananidzo haifaniri kushandiswa sezvinhu zvokuzvipira kana kuti zvimwe seyamuro mukunamata. (Mat. 6:9; Joh. 14:6, 13, 14; 1 Joh. 5:21; 2 VaK. 5:7; 6:16; Isa. 42:8)
Miitiro yekushandisa midzimu inofanira kudziviswa. (VaG. 5:19-21; Dheut. 18:10-12; Zvak. 21:8)
Hapana mutsauko wavafundisi navanhuwo zvavo pakati pavaKristu vechokwadi. (Mat. 20:25-27; 23:8-12)
ChiKristu chechokwadi hachibatanidzi kuchengeta sabata revhiki nevhiki kana kuti kuwirirana nezvimwe zvinodikanwa zvoMutemo waMosesi nokuda kwokuwana ruponeso; kuita saizvozvo kwaizova kuramba Kristu, uyo akazadzika Mutemo. (VaG. 5:4; VaR. 10:4; VaK. 2:13-17)
Avo vanoshandisa kunamata kwechokwadi havapindi mukutenda kwakavhengana. (2 VaK. 6:14-17; Zvak. 18:4)
Vose avo vari vadzidzi vaJesu zvirokwazvo vanobhapatidzwa kupfurikidza nokunyudzwa kwakakwana. (Mat. 28:19, 20; Marko 1:9, 10; Mabasa 8:36-38)
Vose avo vanotevera muenzaniso waJesu ndokuteerera mirayiro yake vanopupura kuvamwe pamusoro poUmambo hwaMwari. (Ruka 4:43; 8:1; Mat. 10:7; 24:14)
◆ Rufu mugumisiro wokugara nhaka chivi kuna Adhama. (VaR. 5:12; 6:23)
Parufu, mweya umene ndiwo uyo unofa. (Ezek. 18:4)
Vakafa havana chinhu chavanoziva. (Pis. 146:4; Mup. 9:5, 10)
Hero (Sheori, Hadhesi) iguva ravose rorudzi rwomunhu. (Job. 14:13, “Dy”; Zvak. 20:13, 14, “KJ,” mumucheto)
‘Dziva romwoto’ uko vakaipa nenzira isingachinjiki vanoendeswa rinoratidzira, sokutaura kunoita Bhaibheri rimene, “rufu rwechipiri,” rufu nokusingaperi. (Zvak. 21:8)
Rumuko ndiyo tariro yavakafa uye yaavo vakarasikirwa navadiwa vavo murufu. (1 VaK. 15:20-22; Joh. 5:28, 29; enzanisa naJohane 11:25, 26, 38-44; Marko 5:35-42.)
Rufu nemhaka yechivi chaAdhama harusati ruchizovakozve. (1 VaK. 15:26; Isa. 25:8; Rev. 21:4)
◆ “Boka duku,” vane 144 000 bedzi, rinoenda kudenga. (Ruka 12:32, “NW”; Zvak. 14:1, 3)
Ivava ndivo avo vano“berekwazve” savanakomana vomudzimu vaMwari. (Joh. 3:3, “NW”; 1 Pet. 1:3, 4)
Mwari anosarudza ivava kubva mumarudzi ose nendudzi kuti vatonge samadzimambo naKristu muUmambo. (Zvak. 5:9, 10; 20:6)
◆ Vamwe avo vane tendero yaMwari vachararama nokusingaperi pasi pano. (Pis. 37:29; Mat. 5:5; 2 Pet. 3:13)
Pasi harisati richizotongoparadzwa kana kuti kusava navagari. (Pis. 104:5; Isa. 45:18)
Mutsinhirano nechinangwa chaMwari chapakuvamba, pasi rose richava paradhiso. (Gen. 1:27, 28; 2:8, 9; Ruka 23:42, 43)
Kuchava nemisha yakakodzera nezvokudya zvakawanda nokuda kwokufarikanya kwomunhu ari wose. (Isa. 65:21-23; Pis. 72:16)
Chirwere, marudzi ose ourema, uye rufu rumene zvichava zvinhu zvomunguva yakapfuura. (Zvak. 21:3, 4; Isa. 35:5, 6)
◆ Zviremera zvenyika zvinofanira kuremekedzwa zvakafanira. (VaR. 13:1-7; Tito 3:1, 2)
VaKristu vechokwadi havagoverani mukupandukira chiremera chehurumende. (Zvir. 24:21, 22; VaR. 13:1)
Vanoteerera mitemo yose iyo isati ichirwisana nomutemo waMwari, asi kuteerera Mwari kunouya pakutanga. (Mabasa 5:29)
Vanotevedzera Jesu mukuramba vari vasingatori rutivi pamusoro pezvinhu zvenyika zvematongerwe enyika. (Mat. 22:15-21; Johane 6:15)
◆ VaKristu vanofanira kuwirirana nemipimo yeBhaibheri pamusoro peropa pamwe chete netsika dzevatano. (Mabasa 15:28, 29)
Kupinza ropa mumuviri kupfurikidza nomuromo kana kuti tsinga kunopunza mutemo waMwari. (Gen. 9:3-6; Mabasa 15:19, 20)
VaKristu vanofanira kuva vakachena mutsika; ufeve, upombwe, uye ungochani hazvifaniri kuva nenzvimbo muupenyu hwavo, uyewo udhakwa kana kuti kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. (1 VaK. 6:9-11; 2 VaK. 7:1)
◆ Kutendeseka kwomunhu oga nokutendeka mukutarisira mitoro yeroorano neyemhuri zvinokosha nokuda kwavaKristu. (1 Tim. 5:8; VaK. 3:18-21; VaH. 13:4)
Kusatendeseka mukutaura kana kuti mubhizimisi, pamwe chete nokunyengera, hazviwirirani nokuva muKristu. (Zvir. 6:16-19; VaEf. 4:25; Mat. 6:5; Pis. 26:4)
◆ Kunamatwa kunogamuchirika kwaJehovha kunoda kuti timude kupfuura zvimwe zvose hazvo. (Ruka 10:27; Dheut. 5:9)
Kuita kuda kwaJehovha, nokudaro tichiunza rukudzo kuzita rake, ndicho chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwomuKristu wechokwadi. (Joh. 4:34; VaK. 3:23; 1 Pet. 2:12)
Apo vanenge vachiita zvakanaka kuvanhu vose sevavanokwanisa, vaKristu vanoziva musengwa unokosha kuvabatiri biyavo vaMwari; naizvozvo betsero yavo munguva dzechirwere nengwavaira inonangidzirwa zvikurukuru kuna ivava. (VaG. 6:10; 1 Joh. 3:16-18)
Kuda Mwari kunoda kuti vaKristu vechokwadi vasateerere bedzi murayiro wake wokuda muvakidzani wavo asiwo kuti vasade mararamire enyika outere neokudisa zvenyika. VaKristu vechokwadi havasati vari rutivi rwenyika naizvozvo vanorega kukumbanira mumibato iyo ingavazivisa sevari kugoverana mumudzimu wayo. (VaR. 13:8, 9; 1 Joh. 2:15-17; Joh. 15:19; Jak. 4:4)
[Mashoko Omuzasi]
d Nokuda kwoudzame, ona bhuku rinonzi “Let Your Kingdom Come.”
[Mufananidzo uri papeji 121]
C. T. Russell akavamba kubudisa “Zion’s Watch Tower” muna 1879, apo akanga ane makore 27 okukura
[Mifananidzo iri papeji 125]
Sir Isaac Newton naHenry Grew vaiva pakati peavo vakanga varamba pakuvamba zvikuru Utatu sohusati huri hwapaMagwaro
[Mifananidzo iri papeji 128]
Mukurukurirano yapachena, Russell akataura kuti vakafa vakafa chaizvoizvo, havasati vari vapenyu nengirozi kana kuti namadhemoni munzvimbo yokusava netariro
Carnegie Hall, Allegheny, Pennsylvania—umo kurukurirano yakaitwa
[Mufananidzo uri papeji 130]
Russell akaenda kumaguta ose ari maviri makuru namaduku kuti ataure zvokwadi pamusoro pehero
[Mufananidzo uri papeji 131]
Apo Frederick Franz, mudzidzi wapayunivhesiti, akadzidza zvokwadi pamusoro pomugariro wavakafa, akachinja chose chose nharidzano dzake muupenyu
[Mufananidzo uri papeji 135]
1914 semugumo weNguva dzaVamarudzi akaziviswa zvikuru naVadzidzi veBhaibheri, sezviri muturakiti rino reI.B.S.A. rakaparadzirwa mukati ma1914
[Mifananidzo iri papeji 137]
Muna 1931, achishandisa mubatanidzwa weredhiyo dzakawanda mukurusa wakanga wati watepfenyurwa, J. F. Rutherford akaratidza kuti Umambo hwaMwari bedzi ndihwo hunogona kuunza zo- roro risinga- peri kurudzi rwomunhu
Hurukuro inoti “Umambo, Tariro Yenyika,” yakaparidzwa nezviteshi 163 panguva imwe cheteyo uye yakadzokororwa nezvimwe zviteshi 340 gare gare
[Mifananidzo iri papeji 142]
A. H. Macmillan akatumwa nengarava kuPalestine muna 1925 nemhaka yefariro chaiyo mubasa ravaJudha pamusoro pouporofita hweBhaibheri