2 Samueri
15 Zvino pashure pezvinhu izvi Absaromu akaita kuti agadzirirwe ngoro, yaiva nemabhiza nevarume makumi mashanu vaimhanya pamberi pake.+ 2 Absaromu akafumomuka,+ akanomira parutivi penzira yaienda kugedhi.+ Zvino chero munhu upi zvake paaiva nemhosva yokuti auye nayo kuna mambo kuzoruramisirwa,+ Absaromu aibva amushevedza oti: “Unobva kuguta ripi?” iye oti: “Mushandi wenyu anobva kune rimwe remadzinza aIsraeri.” 3 Uye Absaromu aiti kwaari: “Ona, nyaya dzako dzakanaka uye dzakarurama; asi kuna mambo hakuna munhu achakuteerera.”+ 4 Absaromu aitizve: “Haiwa, kudai ndikagadzwa kuva mutongi munyika,+ kuti munhu wose anenge aine mhosva kana kuti anoda kururamisirwa auye kwandiri! Chokwadi ndichamururamisira.”+
5 Munhu wacho paaisvika pedyo kuti amukotamire, iye aitambanudza ruoko rwake omubata,+ omutsvoda. 6 Absaromu akaramba achiita chinhu chakadai kuvaIsraeri vose vaiuya kuzoruramisirwa namambo; uye Absaromu akaramba achinyengedza mwoyo yevarume vaIsraeri.+
7 Zvino kwapera makore makumi mana, Absaromu akati kuna mambo: “Ndapota, regai ndiende kuHebroni+ ndinoita mhiko yangu yandakapikira Jehovha.+ 8 Nokuti mushandi wenyu akaita mhiko yakasimba+ pandaigara kuGeshuri+ muSiriya, ndichiti, ‘Chokwadi kana Jehovha akandidzosa kuJerusarema, ndichashumirawo Jehovha.’”+ 9 Naizvozvo mambo akati kwaari: “Enda norugare.”+ Iye akabva asimuka, akaenda kuHebroni.
10 Zvino Absaromu akatuma vasori+ kumadzinza ose aIsraeri achiti: “Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, mutiwo, ‘Absaromu ava mambo+ muHebroni!’”+ 11 Zvino Absaromu akanga aenda nevarume mazana maviri vokuJerusarema, vakashevedzwa vakaenda pasina chavaifungira,+ havana kana chimwe chavaiziva. 12 Paakapawo zvibayiro, Absaromu akatumira shoko kunoshevedza Ahitoferi+ muGiro,+ gurukota raDhavhidhi,+ kubva kuguta rake reGiro.+ Kurangana+ kwacho kwakaramba kuchisimba, uye vanhu vaiva naAbsaromu vakaramba vachiwanda.+
13 Kwapera nguva yakati, nhume yakasvika kuna Dhavhidhi, ichiti: “Mwoyo+ yevarume vaIsraeri yava kutevera Absaromu.” 14 Dhavhidhi akabva ati kuvashandi vake vose vaaiva navo muJerusarema: “Simukai, ngatitizei;+ nokuti Absaromu haangatisiyi tiri vapenyu! Kurumidzai kuenda, kuti arege kukurumidza, akatibata, akatiitira zvakaipa, akaparadza guta nomuromo webakatwa!”+ 15 Vashandi vamambo vakati kuna mambo: “Vashandi venyu vari pano, kuti vaite zvose zvingasarudzwa naishe wangu mambo.”+ 16 Naizvozvo mambo akabuda, imba yake yose ichimutevera,+ mambo akasiya madzimai gumi, varongo,+ kuti vatarisire imba. 17 Mambo akaramba achibuda vanhu vose vachimutevera; vakanomira paBheti-mehaki.
18 Vashandi vake vose vaipfuura nepaaiva; nevaKereti vose nevaPereti+ vose nevaGati+ vose, varume mazana matanhatu vakanga vamutevera kubva kuGati,+ vaipfuura nepamberi pamambo. 19 Mambo akabva ati kuna Itai+ muGati: “Iwe uri kuendereiwo nesu? Dzokera+ unogara namambo; nokuti uri wokune imwe nyika uyewo wakadzingwa kunzvimbo yako. 20 Nezuro ndipo pawakauya uye nhasi ndokudzungairisa+ pamwe chete nesu, kuti uende neni kwose kwose kwandinoenda here? Dzokera hako, udzokere nehama dzako, Jehovha ngaakuitire mutsa worudo+ nokuvimbika!”+ 21 Asi Itai akapindura mambo akati: “NaJehovha mupenyu uye nashe wangu mambo mupenyu,+ mushandi wenyu achava munzvimbo iyo ishe wangu mambo angava, kunyange zvikareva rufu kana kuti zvikareva upenyu!”+ 22 Dhavhidhi akati kuna Itai:+ “Enda uyambuke.” Naizvozvo Itai muGati akayambuka pamwe chete nevarume vake vose nevana vose vaaiva navo.
23 Vanhu vose vomunyika yacho vakanga vachichema nenzwi guru,+ uye vanhu vose vakanga vachiyambuka, uye mambo akanga akamira pedyo nomupata une rukova weKidroni,+ uye vanhu vose vakanga vachiyambuka nomugwagwa usina chinhu waienda kurenje. 24 Zadhoki+ akasvikawo nevaRevhi+ vose vakanga vakatakura+ areka+ yesungano yaMwari wechokwadi; uye vakagadzika areka yaMwari wechokwadi pasi pedyo naAbhiyatari+ kusvikira vanhu vose vapedza kuyambuka vachibva muguta. 25 Asi mambo akati kuna Zadhoki: “Dzorera areka+ yaMwari wechokwadi kuguta.+ Kana ndikanzwirwa nyasha naJehovha, iye achandidzosawo uye achaita kuti ndiione nenzvimbo yayo yainogara.+ 26 Asi kana akati, ‘Handina kukufarira,’ ndiri pano, ngaandiitire zvakamunakira.”+ 27 Mambo akati kumupristi Zadhoki: “Iwe hausi muoni+ here? Dzokera kuguta norugare, pamwe chete naAhimaazi mwanakomana wako naJonatani+ mwanakomana waAbhiyatari, ivo vanakomana venyu vaviri, vamuinavo. 28 Tarira, ndichambomira pamazambuko erenje kusvikira shoko rabva kwamuri kuzondizivisa.”+ 29 Naizvozvo Zadhoki naAbhiyatari vakadzokera neareka yaMwari wechokwadi kuJerusarema, vakaramba vachigara ikoko.
30 Dhavhidhi akanga achikwira nomukwidza weMiorivhi,+ achisvimha misodzi sezvaaikwira, musoro wake wakafukidzwa;+ uye akanga achifamba asina shangu, mumwe nomumwe wevanhu vose vaaiva navo akafukidza musoro wake, vakakwira vachisvimha misodzi sezvavaikwira.+ 31 Dhavhidhi akaudzwa kuti: “Ahitoferi ndomumwe wevari kurangana+ naAbsaromu.”+ Dhavhidhi akabva ati:+ “Haiwa Jehovha,+ ndapota, itai kuti zano raAhitoferi rive upenzi!”+
32 Zvino Dhavhidhi paakasvika pamusoro pegomo apo vanhu vaiwanzokotamira Mwari, kwaiva naHushai+ muAki+ aivapo aiuya kuzosangana naye, nguo yake refu yakabvaruka uye aine guruva mumusoro make.+ 33 Zvisinei, Dhavhidhi akati kwaari: “Chokwadi kana ukayambuka neni, uchandiremedza.+ 34 Asi kana ukadzokera kuguta ukanoti kuna Absaromu, ‘Haiwa Mambo, ndiri mushandi wenyu. Ini ndaimbova mushandi wababa venyu panguva iyoyo, asi zvino ini ndava mushandi wenyu,’+ uchabva wavhiringidza+ zano raAhitoferi nokuda kwangu. 35 Vapristi, Zadhoki naAbhiyatari havasi ikoko newe here?+ Zvino uudze vapristi, Zadhoki naAbhiyatari zvinhu zvose zvaunganzwa muimba yamambo.+ 36 Tarira! Ivo vane vanakomana vavo vaviri ikoko, Ahimaazi+ waZadhoki naJonatani+ waAbhiyatari; muvashandise kunditumira zvinhu zvose zvamunganzwa.” 37 Naizvozvo Hushai, shamwari+ yaDhavhidhi, akapinda muguta. Absaromu+ akasvikawo muJerusarema.