Mapisarema
ל [Laʹmedh]
3 Nokuti munhu akaipa anozvirumbidza pamusoro pechido choudyire chomweya wake,+
Munhu anowana mubereko usina kukodzera+ anozvirumbidza;
נ [Nun]
Haaremekedzi Jehovha.+
4 Munhu akaipa haatsvaki Mwari+ nokuda kwokuzvikudza kwake;
Zvaanongofunga ndezvokuti: “Mwari haako.”+
5 Nzira dzake dzinoramba dzichibudirira nguva dzose.+
Zvamakatonga zviri kumusoro kwaasingasvikiri;+
Vose vaya vanomuvenga, anovashora.+
פ [Peʼ]
7 Muromo wake uzere nemhiko nounyengeri nokudzvinyirira.+
Zvinotambudza nezvinhu zvinokuvadza zviri pasi porurimi rwake.+
8 Anogara akavandira mumisha;
Achauraya munhu asina mhosva munzvimbo dzakavanda.+
ע [ʽAʹyin]
Maziso ake anotsvaka munhu anotambudzika.+
9 Anoramba akavandira munzvimbo yakavanda seshumba iri munzvimbo yayo yokuvanda.+
Anoramba akavandira+ kuti abate munhu anotambudzika nechisimba.
Anobata anotambudzika nechisimba paanovhara mambure ake.+
10 Anotambudzika wacho anodzvinyirirwa, anokotama,
Uye vazhinji vakasuruvara vanowira munzara dzakasimba dzomunhu akaipa.+
ק [Qohph]
13 Nei munhu akaipa asingaremekedzi Mwari?+
Iye anoti mumwoyo make: “Hamuzoiti kuti ndizvidavirire.”+
ר [Rehsh]
14 Nokuti imi makaona zvinotambudza nenhamo.
Munoramba makatarira, kuti muzviise muruoko rwenyu.+
Munhu anotambudzika,+ nherera, anozviisa kwamuri.
Imi makava mubatsiri wake.+
ש [Shin]
ת [Taw]