Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Ndichaita nokungwara nenzira isina mhosva.+
Muchauya rini kwandiri?+
Ndichafamba-famba mumba mangu nomwoyo wakarurama.+
3 Handizoisi chinhu chisingabatsiri pamberi pemaziso angu.+
Ndakavenga zvinoitwa nevaya vanotsauka;+
Hazvindinamatiri.+
5 Munhu wose anochera shamwari yake pakavanda,+
Ndinomuita kuti anyarare.+
Ani naani anozvikudza uye ane mwoyo unozvitutumadza,+
Handigoni kumushivirira.+
6 Maziso angu ari pane vakatendeka vari panyika,+
Kuti vagare neni.+
Munhu anofamba nenzira isina mhosva,+
Ndiye achandishumira.+