118 Ongai Jehovha, nokuti akanaka;+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.+
2 Zvino Israeri ngaati:
“Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.”+
3 Zvino vaya veimba yaAroni ngavati:+
“Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.”+
4 Zvino vaya vanotya Jehovha ngavati:+
“Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.”+
5 Ndakadana Jah ndichitambudzika;+
Jah akapindura, akandiisa munzvimbo yakakura.+
6 Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi.+
Munhu wepanyika angandiitei?+
7 Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pevaya vanondibatsira,+
Zvokuti ndichaona vaya vanondivenga vari pasi.+
8 Zviri nani kupotera kuna Jehovha+
Pane kuvimba nomunhu wepanyika.+
9 Zviri nani kupotera kuna Jehovha+
Pane kuvimba nevanokudzwa.+
10 Marudzi ose akandikomba.+
Ndakaramba ndichiadzivisa ndichishandisa zita raJehovha.+
11 Akandikomba, chokwadi, akaita kuti ini ndikombwe.+
Ndakaramba ndichiadzivisa ndichishandisa zita raJehovha.
12 Iwo akandikomba sezvinoita nyuchi;+
Akadzimwa somoto wemakwenzi eminzwa.+
Ndakaramba ndichiadzivisa ndichishandisa zita raJehovha.+
13 Iwe wakandisunda nesimba kuti ndiwire pasi,+
Asi Jehovha akandibatsira.+
14 Jah ndiye anondidzivirira uye ndiye simba rangu,+
Anova ruponeso rwangu.+
15 Inzwi rokushevedzera kwokufara noruponeso+
Riri mumatende+ evakarurama.+
Ruoko rworudyi rwaJehovha ruri kuratidza simba.+
16 Ruoko rworudyi rwaJehovha ruri kukwidziridzwa;+
Ruoko rworudyi rwaJehovha ruri kuratidza simba.+
17 Handizofi, asi ndicharamba ndichirarama,+
Kuti ndizivise mabasa aJah.+
18 Jah akandiruramisa zvinorwadza,+
Asi haana kundiisa kurufu.+
19 Imi ndivhurirei magedhi okururama.+
Ndichapinda nepaari; ndicharumbidza Jah.+
20 Iri ndiro gedhi raJehovha.+
Vakarurama vachapinda nepariri.+
21 Ndichakurumbidzai, nokuti makandipindura+
Uye makava ruponeso rwangu.+
22 Dombo rakarambwa nevavaki+
Razova musoro wekona.+
23 Iri rakabva kuna Jehovha;+
Rinoshamisa mumaziso edu.+
24 Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;+
Tichafara nokufarisisa mariri.+
25 Aa, zvino, Jehovha, ndapota ponesai!+
Aa, zvino, Jehovha, ndapota itai kuti zvibudirire!+
26 Ngaakomborerwe Iye anouya nomuzita raJehovha;+
Takakukomborerai tiri mumba maJehovha.+
27 Jehovha ndiye Mwari,+
Uye anotipa chiedza.+
Haiwa, imi vanhu shongedzai nematavi+ mudungwe wevanhu vanofamba pamutambo,+
Kusvikira kunyanga dzeatari.+
28 Ndimi Mwari wangu, ndichakurumbidzai;+
Mwari wangu—ndichakukudzai.+
29 Ongai Jehovha, nokuti akanaka;+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.+