Mapisarema
Kumutungamiriri wokurira kunonzwikira pasi pasi.+ Rwiyo rwaDhavhidhi.
12 Ndiponesei,+ haiwa Jehovha, nokuti hapasisina munhu akavimbika;+
Nokuti vanhu vakatendeka vanyangarika pakati pevanakomana vevanhu.
2 Vanoramba vachitaurirana nhema;+
Vanoramba vachitaura nomuromo unonyengera+ kunyange nemwoyo miviri.+
3 Jehovha achacheka miromo yose inonyengera,
Pamwe chete norurimi runotaura zvinhu zvikuru,+
4 Vaya vakati: “Tichakunda norurimi rwedu.+
Tine miromo yedu. Ndiani achava tenzi wedu?”
5 “Nokuda kwokupambwa kwevanotambudzika, nokuda kwokugomera kwevarombo,+
Ndichasimuka panguva ino,” anodaro Jehovha.+
“Ndichamuchengetedza pamunhu wose anomushora.”+