Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
13 Haiwa Jehovha, muchandikanganwa kusvikira rini?+ Nokusingaperi here?+
Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira rini?+
2 Ndicharamba ndichirwisa mumweya wangu kusvikira rini,
Ndiine shungu mumwoyo mangu masikati?
Muvengi wangu achakwidziridzwa kundipfuura kusvikira rini?+
3 Nditarirei; ndipindurei, haiwa Jehovha Mwari wangu.
Penyesai maziso angu,+ kuti ndirege kurara murufu,+
4 Kuti muvengi wangu arege kuti: “Ndamukunda!”
Kuti mhandu dzangu dzirege kufarira kuti ndadzedzereswa.+
5 Asi ini ndakavimba nomutsa wenyu worudo;+
Mwoyo wangu ngaufarire kuponesa kwenyu.+
6 Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandipa mubayiro.+